TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 7, 2025 at 07:35 PM
*TWO ENRAGED GHOSTS* ☠️🕌☠️🕌☠️🕌☠️ STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE +263785623920 All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without permission from the author... CHAPTER 10 NARRATOR "Maidei haikona kuchema , ndinonzi Mirinda , vakawanda havazvinzwisisi kuti ndinonzi Mirinda kudii chaizvo. Laison iyeyu ndatomuongorora ndikaona kuti anonyepa zvekuti. Ndoda auye ega kumba kwangu uku. Angati akupesanisa naOwen, iye obva akunyadzisa zvekare pazere vanhu kudaro here? Hohoodo , haasi kundiziva zvakanaka" vakadaro gogo Mirinda vari munzira kuenda kumba nemuzukuru wavo Maidei waingoyeredza misodzi. Vakabva vati----- "Unoda ani pakati Pavo vari vaviri , iye Laison na Owen?" "Uumm gogo mave kuda kundiomesera apa." "Kana uchida ane Mari uyu ingotairaka. Handiti ndiye akakubvisa zvekare humhandara hwako. Owen aikuda , asi uuumm izvozvo aora moyo wake." "Saka ndoitaseiko nhai gogo? Ndinogona kumuda zvangu Laison wacho , asi kana asingandide iye apana zvazvinobatsira apa. Kwave kungomudira kuti akandikanyira hupenyu hwangu kare. Asi paMoyo pangu pana Owen gogo. Ndiye mukomana wangu iyeye munhamo kana murugare ndinomuda. Mwari dai vandinzwirawo ngoni ndaigona kudzokerana naye iye anzwisisawo kuti kwaisava kuda kwangu. Kubvisa mimba iyi kwaiva kumuda gogo. Akandisiya ndinozviuraya zvangu." "Regera hako kuchema. Ndinoziva zvekuita inini. Kana wati unoda Owen azvina kuipa nokuti muzinda uyu wakaoma. Unonotambura muzukuru wangu." vaviri vakafamba dzamara vanosvika kumba. Gogo Mirinda vakasiya muzukuru wavo Mumba , Ivo vobuda kuenda kusango raiyera. Vaida kunobvunzira kuvakuru maererano nenyaya iyi. Vaida chokwadi chakajeka maererano nekubatwa kwemuzukuru wavo. Prince Laison waifanira kuuraiwa nokuda kwechitadzo chaakaita ichi. Vasati vasvika ikoko vakabva vaona Chimbetu , svikiro ramambo nenzvimbo yake. Vakarohwa nehana zvakanyanya vachibva vamira vakatarisana. "Chimbetu , asi ndatadza here?" "Kwete hamuna kutadza. Regerai zvenyu kunetseka pamusoro paMaidei." "Asi ndodiiiko? Jekesaka!" "Dzokerai zvenyu kumba mugare naye. Murangarire kuti mimba yake yakabva nekuda kwechikonzwero. Mimba yehumambo haingobvi. Endai mugare kumba kwenyu uye musanetseke zvenyu. Owen , muregere kufunga nezvake , nokuti iyewo haachadzoki kwamuri kana kumuzukuru wenyu pari zvino ane zviri kumunetsawo , asi achadzoka hake nekuti Maidei ndewake , asi pachamboita kushungurudzwa kwevapenyu nevakafa , kana zvanaka anodzoka mbichana mbichana. Chekupedzesera , muregere kuendesa Maidei kupalace muchiti mamuendesa kumurume wake. Hakuna murume waMaidei kupalace , asi Kune guva rake kana mukamuendesako. Mukanzwa anoti Maidei acharoorwa naPrince , anonyepesa , anoda nyadziso chete. Maidei akafa muchanyara uye munorwadziwa. Chero king vakauya vachida kumutora musavatendere. Vaudzei kuti endai mugadzirise nyaya dzenyu mozouya motora muzukuru wangu pano. Ndapedza nemi , mukapikisa ini muchiteerera vakafa , nemi muchafawo. Asi mukateerera imi , muchafara nokupembera kumagumo. Mufi kana akatsamwa anoedza nepose paanogona kuti aparadzewo vapenyu." "Waita hako Chimbetu." Svikiro rakadzokera zvaro. Harina kana kucheuka dzamara risisaoneki. Gogo Mirinda vakarovanisa maoko avo voti *Heyaaa , Isu vamwe tisu vekutambisirwa vazukuru vedu vanobviswa humhandara nevana vamambo vongosiiwa zvavo? Ndoda kuzviona! Raisoni , iwe Raisoni , Raisoni how many times did I call you?* vakabva vatanga kufambawo vodzokera kumba kwavo. Vakasvika Maidei ave kupedzawo kubika , vachibva vagara zvavo pasi votanga kudya vari pamwe chete------ Owen zvaakaona mwana wababa vake asarudzwa naPrince , wakanetseka zvakanyanya. Akashaya zvekuita , akashaya pekubata uye kuti abudewo pachena zvakamunetsa. Waida kubuda pachena Kuna Laika kuti ndiye akanga arara naye , kuitira kuti Prince aregedze zvaaiita Kuna Ottilia. Husiku hwezuva iri haana kana kukwanisa kudya. Wakati azoenda kunorara mugota make , wakanzwa Zizi kuchema pamusoro Pemba yaainge akarara. Chiriporipotyo ,wakanzwa Zita rake kudanwa. Akatadza kana kudavira achibva aramba akanyarara. "Owen ahunzwi kana ndichikudana here?" Akabva abuditsa musoro wake mugumbeze. Asati abatidza light , akaona maziso maviri aipenya semwenje murima imomo , hana yake ikatanga kurova zvakanyanya. Wakabva abatidza light ndokuvheneka wanei izizi rakanga rakamira papiro yake. Vainge vatarisana zvino , richibva rashama n'ai , mukanwa Maro mainhuwa kuti kuuya. Owen akabata mhino dzake adhakwa nehwema uhu. "Iwe Owen , chaunobatira mhino chiii ipapa? Ndaida kukushandisa kuti uuraye baba vako , asi ndiri kukunzwira tsitsi ,ndoda kuti usimbe chete uye uteedzere zvose zvandinoda" "Who are you nhai? What did I do?" "Owen ndoda ubude panze izvozvi ndinokuratidza kumba kwangu. Hauna chawakatadza , asi ndoda kuti ubuditse chokwadi iwewe mwana wehanzvadzi yangu" Owen achinzwa izvi akarohwa nehana , akabva atarisa kumadziro mumba make umu. Kune mufananidzo mumwe chete waivako , Tete vake vamwe chete vaakakura vasisiko kare kare. Akangonzwa kuti kwaiva natete. Hana yake yakarova zvakanyanya achibva abuda oyenda panze. Zizi Riya rakabva ranyangarika. Hana yake yairova pavakaona mukadzi wemimba yake uya akamira panze. "Owen Simba hana. Ukasasimba unofira mahara. Ndakafa rufu runorwadza , naizvozvo ndiri kurwadziwawo zvekuti ndonzwa kuda kuparadza Musha wese" "Makatadzirwa nababa vangu here? Ko , zvamunonzi wani makafa musati maroorwa. Ko , iyi mimba ndeyaaniko yamuinayo?" "Wave kuvhurika njere dzako manje. Ndoda kuti uzvitsvage kusvika wazviwana zvose izvozvo kuti mimba ndakaiwana kupi uye ndakafa sei? Kana wadaro ndichakuzorodza ndopedzerana nevanhu vangu chete. Famba nditevere. Anditi unoda kuziva kwandinogara here? Baba vako vakatadza kukuratidza kukura kwese kwawaita ikoku. Wakanyeperwaka kuti ndakauraiwa nematsotsi ndikapararisa musango? "Uuummm" akadaro Owen achinzwa hana yake kurova. Vakafamba dzamara vasvika muzibani raaiziva. Vakaenda paiva nekachuri ndokusvika achimira. Munhukadzi uya akamirawo achiyeredza misodzi yake. "Ipo pano ndipo pandinogara. Ndakangoita kuraswa muguru senyoka yarohwa isina chayatadza. Kushaya kana neakandichererawo guva. Ndakavigwa ndisina kana bhokisi. Umwe anofa chete apa vakaita zvekutamba." Owen akarohwa nehana. Ainge ave nemibvunzo yakawanda yaaizoda kubvunza Kuna baba vake. Nguva yaakada kuti abvunze chaipo pakaitwa mutumbi , mukadzi uyu akabva anyangarika. Owen akamhanya odzokera Mumba kwavo. Hwakanga hwave husiku chaihwo. Nguva yaakanga oda kusvika kumba , akabva anzwa izwi Riya roti. "Ende unomhanya wena. Ndapotsa ndatadza kukubata. Ndanga ndichida kukuudza kuti kufa kwandakazoita futi pane nyaya yainetsa. Mai vangu pavakazofa vairoya , vane mazizi avo maviri avaiva nawo. Tula ma Tateli. Tula ndiye wandiri kushanda naye uyu. Tateli amheno kwarakaenda. Pama sahwira avo ndipo pane anaro. Ndoda kuti uu---" "Nooooo , andidi huroi ndapota zvangu!" "Kekekeeeeeede , ndoda kumbokurova une misarinya nhai!" Akapihwa mambama maviri ndokuenda kumba odemba kufa sekunodzokwa------- Asi zvaimupa hushingi kwazvo. Akasvika kumba achibva arara zvake. Chifume chemangwana acho akamukira kuhuni dzake Aine demo. Ane mhene yaakanga abata yaida huni sezvo princess wakanga aramba pachena kuti haasiye akanga auya kwaari achiida huni idzi. Akamuona murume waiva nechitoro pashops aiva pedyo. "Huni dzako imarii chikomana?" "$10 pangoro imwe chete mudhara" Ooooh yakawandisa Mari iyi. Ita $7 ndokuti tipindirane" "Endai henyu munotsvaga umwe. Adzina kuzvitemba dzegaka huni idzi. Andiite $7 huni ini" "Haa iweka , vanhu votadza kuchema chemawo here?" "Imi munombodzikisa sugar here kuchitoro kwenyu? Munhu ane mabusiness semi so haafaniri kudaro? Makanuna Imi!" Akadaro onyemwerera zvake achiona Mari ichiverengwa. Wakapinda $40 yengoro 4 akamedzera mate. Vakazotaurirana akawedzerwa imwe $20 yekuti avatakurire dzose kuuya nadzo kumba kwavo. Azvina kumunetsa kusunga mombe onotakurira murume uyu huni dzake. Akazopedza zuva rakwira kwazvo. Ndipo paanodzoka kumba achitarisira kusvika achidya , asi akadzoka achiwana pasina kana munhu zvake. Akanzwa hasha zvakanyanya , asi chekuita pakanga pasina. Nguva iyoyo wakaona Phiphie achidarika. "He's dear" "Eeeeh iwe Owen undiitire mushe! Dear wako inini manje?" "Phiphie andina kuti ndinokuda ini. Ndoda kutongobvunza kuti wamboonawo here kwaenda vanhu vepano chete?" "Ndinogara pano here ini? Please haikona kundipedzerawo nguva yangu!" "Hoooo , saka unoita zino irema Kuna Ottilia pese apa nhai? Zviri kukurwadza nokuti Ottilia wakasarudzwa naprince here? Une demon risina mushonga unorapa iwewe? Get out of my sight!" "Owen nda---nda----" "Shut up. Don't talk to me. You are evil" Owen akabva atendeuka odzoka kuzopinda muimba yekubikira. Wakanga aneta , otizve nzara yaakanga onzwa yaive yakuita kuti adedere. Ndipo paakanzwa motor kutinhira ichisvika. Akaramba akagara akatarisa mapoto ainge asina kana chinhu. Akazosimuka afunga kunotenga rofu nerita zvake ozvidyira sezvo wakanga aita kamari. Ndipo paakaona motor yaidriver naMark , jinda rekumuzinda wamambo. Akaramba akatarisa akaona vabereki vake vachidzika. Baba vake vainyemwerera kwazvo , amai vake ndivo vakanga vasina kana mufaro. "And , where is my sister?" Akadaro Owen onzwa kuguta neshungu. "Kkkkk Owen ,Owen , I told you!" Vakadaro baba vake vachifamba vakabata bhodhoro rehwahwa vachinyepera kudhakwa. Owen wakaritora oribata. "Owen ndipe doro rangu iwe!" "Baba ndati Ottilia aripo?" "Iwe usandinetse. Tabva kunomusiya kumurume wake. Wati pano achadzoka here?" Wakatarisa mhamha vake akaona vachifinyama chiso chavo zvekuratidza kusafarira.. "Mom , where is my sister?" "Calm down Owen. Ottilia ayenda kupalace kungotaura chokwadi chiri paMoyo wake. Kuda kana kusada Prince Leon. Kana apedza anodzoka nokuti iye pachake haasi kuda zvese izvozvo" "Thank you so much mom. Father listen very good , bhodhoro renyu randakabata iri , ndoda kurikanda pasi negaro racho , rikasapwanyika , you are innocent pane zvese zviri kundinetsa ini nemwana wamai vangu Ottilia. Asi kana rikapwanyika chete , I swear to God , oooh natete vangu kudai vari mubani , ndichazvitsvaga zvose dzamara zvabuda pachena----" nguva yaakadaro Owen , vese Mai nababa vake vakavhunduka zvakanyanya. Kudhakwa kwese kwavainyepera ikoko kwakapera kuti hwaaaa. Vakabwaidzika vakati---- "Owen , una Tete vari mubani iwewe?" "Muchandiudza zvakanaka kana rapwanyika paivhu rakawanda kudai!" Akabva ariregedzera , vakanogara pasi nekugaro kwaro , asi rakatsemuka ipo pasina kana dombo rarigumha. Vose amai nababa vakadedera. "Ottilia haaroorwi na Leon hazviiti! Nikisi bodo pachinyanja!" Wakabva atanga hake kufamba oyenda kumashops achisiya arovesa vabereki vake nehana. Vose vakambotarisana kwechinguva ndokubva vatura befu------------ End of chapter 10 Stay tuned 💋
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 93

Comments