TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 8, 2025 at 10:31 AM
*TWO ENRAGED GHOSTS* ☠️🕌☠️🕌☠️🕌☠️ STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE +263785623920 All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without permission from the author... CHAPTER 14 OTTILIA Ndakabva ndamira pedyo naye ndakamuti ndee mumaziso ake. Ndakaona ave kuratidza kunyara zvakanyanya , ndakaramba ndakangomutarisa ndikaona misodzi yave kuyerera nematama ake. Ndakaramba ndakangomutarisa. I didn't say anything , ende njere dzangu dzakanga dzisisiri panzvimbo. Zverudo kwaari ndakanga ndisisazvinzwe kana nepadiki pose. Ndainge ndoita semusungwa chaiye. Iye aiwedzerawo kupusa. Ndakashaya kuti chiii ndichibva ndatanga kudududza. Ndisina kure kwandaenda , ndakabva ndagamwa nemuti kwave kumira ipapo. Ndakamuona ave kupukuta misodzi yake. Nguva iyoyo akabva atanga kudedera. Aiita kubvunda bvunda semunhu abatwa zvakanyanya nechando. Ndakaona ave kushanduka chiso chake mbichana mbichana ndikawedzera kutya. Nguva iyoyo akapfumba chibhakera chake ndikadederawo ndakamira ipapo ndikanzwa------- "Please forgive her. She is innocent!" Ndakacheuka cheuka ndikashaya munhukadzi aideedzera mashoko aya. Ndakaona ave kucheuka kwave kutarisa kumashure achibva ati---- "Ndaida kukuuraya , asi warwirwa!" Ndakashamisika ndikamutarisa ndikati---- "Oooh my Goodness! Impossible! Who are you? What do you want from me? Unoda kundiuraya kuti ndakakutadzirei? NaMwari wangu never ndaramba!" Andizive kana kwandakawana hushingi hwacho hwekutaura mashoko ese aya. Munhu wandaiita chinamira naye , aitadza nei kundiuraya kana ada zvake? My heart was beating so fast. Ndainge ndisisazive zvekuita ini. "Calm down Ottilia." "Please pindura zvandabvunza. Uri kuita sekuti watoziva even zvandarota kare why? Apa washanduka now why?" "Calm down Ottilia? Ndini ndatoita urote hope idzi kuti undizive zvakanaka. Ndatoona kuti ndiri kunetsa munhu asina mhosva. Ndave kuda kupedzerana nevane mhosva neni now. Asi uchandiregererawo nokuti ndoda kukushandisa sezvo wave ne information! Wanzwa here voice ratete vako rataura? Chikonzero cherufu rwangu.!!" "Saka you are ghost Tinoh?" "Yes Ottilia. Ndinogona kutongoshandura kuita mapfupa izvozvi" "Kwete , andidi zvekutyiswa" ndakadaro ndorangarira tsvodi yandakamupa. Ko , mweya wandakanzwa kunhuhwa mumotokari iya? Ropa pandakaona imomo uye raibuda mumukanwa make. Ko iwo mabhonzo andakaona kwatakanosiya motokari kuya nhai Mwari? Ndakapererwa kushaya zvekuita. Ko , mukadzi iyeye waiva ani nhai? Tete vangu? Vapi ivavo vane mimba? Hana yangu yakabva yatanga kurova zvakanyanya. Zvaireva kuti pane nyaya hombe pakati apa. Baba vangu madiro avaiita kuti ndiroorwe kupalace aive akanyanya. Ndakabva ndatanga kutova nema doubts panguva imwe chete iyoyo. "It's ok Ottilia , Nyaya hombe yandisiri kuda apa kuti uroorwe naPrince Leon. Kana uchida kuroorwa naye , ndezve nguva yandichazozorora murugare. For now ndiri kuda revenge chete chete. Ndiko kusaka ndakagara pauri kusvibisa nokuodza moyo wako. Dai ndisina kudaro , waitogona kumubvuma , asi waizongotambura zvekare nekuti kupalace ikoko ndichamira semweya wetsvina. Ndichatonga ini palace iyi kusvika vasvinura vese vakakotsira. Saka ndapota , enda udzikame , uye upe vanhu huchenjeri nemazano. Utaurire baba vako naamai vako zvawasangana nazvo ugoona reaction yavo. Ugare pasi naOwen muonesane nokuti naiyewo ane nyaya huru kwazvo. Amai vaye vawaona , ihama yako , ndivo vakurwira ivavo. Enda utaure naOwen. Ndinovimba kuti hana dzenyu mose dzasimba , muchashanda kusvika chokwadi chabuda pachena. Chandooda kukuudza chekugumisira , achiri mavambo , andisati ndatanga kubvira moto.!" Nguva iyoyo wakabva abaka kuita zimoto. Wakati mwandu , wokwidza mugomo raiva pedyo. Ndiyo nguva yandakadzoka back to my senses. Ndakaita kupatika semunhu wakanga achibva zvake kuhope. Ndakabwaidzika ndoongorora nzvimbo yandaive , ndichibva ndaiziva. Uuuummm ndaiva kure kure nekumba. Ndakabva ndatanga kufambisa , apa zuva ranyura kare kare. Rima rakanga rakwidibira nyika yose. Ndakacheuka ndikaona zimoto Riya raiti ngaaa dziiii! Ngaaaa dziii! Saka zvaireva here kuti ndiye munhu aimuka chipoko uyu? Mwari sei vakandiregedzawo ndichipinda nemwenje mudziva kudaro nhai? Kuita kuzvisikira moto muziso rangu. Ndakafamba ndichiita kunzunzutira. Amai vangu nababa vaiti ndiri kupi nhai? Pamwe shoko rakanga rasvika kare kare munzeve dzavo kuti ndakanga ndatiza kupalace. Nguva yandakazosvika pamusha pedu , ndakawana vanhu vari muimba yekubikira. Izwi rababa vangu ndaitonzwa kuzhangandira vachiratidza kufara zvakanyanya kuti ndave mukadzi waprince Leon. Ndakapinda imomo ndisina kana kugogodza. Ndainge ndakaita kubatira rokwe rangu mumaoko chaimo. Ndakabva ndati gada pabhenji pedyo nababa vangu. Amai vangu pavakangondiona chete ,vakambosiya zvavaiita vakamhanya pandaive. "Ottilia kwakanaka here?" Vakadaro amai vangu. Ndakambocheuka cheuka kutarisa kwandakanga ndabva , asi andina chandakaona. "Ottilia ndati kwakanaka here mwanangu?" "Mhamha , akuna kumira zvakanaka" "Kunogomira zvakanaka Seiko iwe watiza kupalace nehusiku hwakadai? Chiii chawadzokera pano iwe Ottilia?" "Keep quiet father, you are very useless!" "Ottilia uri kutaura neni baba vako uchidaro iwewe? Mumba mangu manje?" Ndakaramba ndakavatarisa ndisingabwairi. I sighed , nodded ndichibva ndatarisa mhamha kumeso. "Mhamha , hazvina kumira mushe" "Why? Asi chandafarira ndechekuti wadzoka mwanangu. Moyo wangu wanga usina kana mufaro kutaura kudai" ndakambofemereka ndakagara pasi. Ndaitarisa panze ndichiti zvimwe ndaigona kuona Tinoh achinditevesa , asi kana. "Pane wamunoziva here anonzi Tinoh muno muraini?" Pandakadaro vakaita kakuvhunduka vakati "Tinoh , uuumm apana kana mumwe chete. Wandaiziva ndeaigara kwaMutsinze uko mhiri uko pedyo negomo iro rakadziva kupalace" ndakabva ndagutsirira ndichirangarira surname iyi. Zvechokwadi akanga ambondiudza Tinoh , asi Ini ndakaputirwa ndikaikanganwa zvachose. "Oooh I see. Wakaenda kupi Tinoh uyu?" "Akafa kare kare , iwe wakanga usati wambozvarwa hako. Owen ndiye wandakanga ndave naye , asi wakanga achiri mwanana chaiye uyu." Hana yangu yakarova. "Zvadiiko kubvunza zvisina basa iwe Ottilia? Ndati kupalace wabvirei?" "Baba ndati nyararai. Mukaramba muchitaura zvisina basa ndichapedzesera ndakurovai. I'm telling you. Kana muchida kutaura , pindurai zvandiri kubvunza. Ko , Tete vakafa vaine mimba ndiani?" Nguva iyoyo baba vangu vakasura , Mumba mukanhuhwa kuti kuu. Makamboita runyararo vachibwaidzika vakanditarisa. Kana mhamha ndakaona reaction yavo , vairatidza kuvhunduka zvakanyanya. "Mashaya mhinduro nhai? Mese muri vaviri mapererwa kutadza kana kupindura mubvunzo wangu. Now I see , andidi kana kunzwa zvekuroorwa kupalace kubva nhasi. Munoda kundiuraisa zvakaita Tete vangu. Now teererai munzwe zvandakasangana nazvo kubva mazuva mashoma adarika-----!" Ndakarondedzera zvose kubva kusangana kwandakaita naTinoh kusvika chiitiko chekupedzesera. Ndakazopedza kutaura misodzi yati mokoto neangu matama. Ndakanga ndapererwa zvakanyanya. Ndainge ndarwadziswa zvandisingakanganwe muhupenyu hwangu hwese. Ndakamboti ziiii ndichipfikura nokuda kwekurwadziwa. Ndakazopatika Mumba monhuhwa. Poto yaiva pamoto yakanga yotsva vanhu varimo. Ndakabura ndokugadzika pasi. "Ndave kunorara , toonana mangwana. Zivai kuti ndichazvitsvaga kusvika ndazviwana." Pandakafamba kubuda , ndave pamusiwo ndakacheuka ndafunga mukoma wangu Owen. "Where is my brother?" "Uuuum wabva pano nguva dzatadzoka kupalace dziya achiti anoda kunoona king , nazvino haasati adzoka!" "Saka makagara muchiti aripi zvamusingamutsvagi?" "Chidzora hasha dzako mwanangu. Rega ndisare nditaurirane nababa vako. Enda zvako unozorora Ottilia my girl" vakadaro mhamha vangu. Ndakabva ndabuda. Chokwadi vakuru vanongoti zvavo hura mapako hunozvara mbavha nevaroi. Ko Isu vana totii kana tazvarwa nevanhu vasina moyo kudaro? Ehe hazvo zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro. Shungu dzangu dzakava dzekuvaroodza amai pakadaro. Chokwadi kugocha regai kwakanzi kunoda kwaamai , kwemwana kunodzima moto , asi zviro zviedzwa chembere yekwa Chivi yakabika mabwe ikanwa muto wani. Ndakafamba ndikanopinda munhanga mangu ndiri stressed. Kana nzara yezuva rose andina kana kuinzwa. Ndakarara husiku hwese ndikazomuka ave mangwana acho ndoenda zvangu kutsime ndiina Phiphie. "Vasikana zvakaoma zvehupenyu" ndakadaro Kuna Phiphie akaramba achifamba achiita seasina kundinzwa. "Ndati zvakaoma asikana" "Kana tasvika kutsime wodira mvura zvipfave zvisanyanye kurwadza." "Phiphie what are you saying?" "Uri kutiiko?" "Hezvooo , asi une zvauri kutofunga mupfungwa dzako nhaiwe? Ndiri kutoti tiri tese , iwe wave kupindura pfocho zvako" "Ndaitoti pamwe inyaya yeman'a Ako anombokurwadza kana atsemuka aya. Ndiko kusaka ndati udire mvura anyorove asarwadza" "Anyway zvapera. Ini andiwanzoda kutaura nemunhu ane stress dzake kare" "Heya , ko ndaiti watoroorwa kupalace ka hauchadzoke. Maqueen edu manyama heheede" "Hooo ndopane nyaya yako nhai! Chandiri kungofarira chete ndechekuti akasarudza inini pavasikana vose mudunhu redu kurova ndini ndinoita kudarika mose. Saka zvave zvako negodo rako shamwari." Ndakabva ndachinja nzira kwave kuenda Kune rimwe tsime , iye akaendawo Kune rimwe Ari ega------------ PRINCE LEON Ndakaramba ndakatarisa Ottilia achienda. Moyo wangu wakarwadza zvakanyanya. Ndakatarisa guard ainge adonhedzerwa pasi ndikaona achitambudzika zvakanyanya. Ainge amonyororwa sex machine yake. I felt his pain nekuti ndaiiziva. "Sorry" ndakadaro kwave kutanga kufamba kudzokera zvangu Mumba. Haana kundidavira nekuti aishanyarika akarara pasi. Ndakasekera mudundundu ndave kutofunga zvakawanda mupfungwa dzangu ipapo. Ndakabva ndasangana naLaison achibudawo Mumba. "Leon" "Siyana neni Laison. You are very stupid. Dai wakauraiwa nokuti hauzive zvaunoita mwana iwewe" "Kkkkk , iwe Leon dai wadzikama zvako nokuti hausati watanga" akadaro ave kufamba kuenda. Ndakaramba ndakamutarisa ndichishaya kuti aida kunyatsoedza kutiii? Ndakashaya zvekutaura ndichibva ndabwaidzika ndichitura befu. Panguva iyi ndakafamba kunopinda muroom mangu straight. Ndaisada munhu anondikanganisira mafungiro angu. Ndakanorara nemanhede musoro wave kutemba. Ottilia ndiye ainge adiwa newangu moyo. Kumushaya kana kumutorerwa neumwe munhu , ndaizoraramira pasina. Ndaidawo mufaro , asi chiratidzo Chacho chakanga chisisina kundijekera ini. Nguva iyoyo ndakanzwa knock padoor ndikavhunduka semunhu akanga asina hake kuzvitarisira. "Ndiani?" "Alice my princess" "Alice watumwei" "Your food is ready my prince" "Ok , I'm coming" Alice aiwa maid waQueen. Iyeye ndiye wandaida kuzoshandisa kufeya zvandaida kuziva kana zvandaifunga zvaitika sekudaro. Ndakazosimuka ndikabuda , asi nguva dzakanga dzaenda.. Owen akaswera mumuzinda nenzara. Haana kana kupihwa chekudya. Kunze kwakasviba arimo muimba yenhapwa iyoyo. Andina kunomuona kana kudongorera andina. Manheru patainge todya ndakaona Laika asina kana mufaro. Ndakaedza kubvunza , asi apana kana chandakanzwa achitaura chine musoro. Aingoita kudembera mumoyo semusungwa. Nguva yakauya king patable vakageza maoko. And his plate disappeared. Tose atina chatangange taona , asi ndakazongonzwa munhu oti----- "Where is my food?" Panguva yatakacheka tose takaona plate iri pamberi Pavo. "My king , what is wrong with your eyes?" "Ooooh sorry andizive kuti chii?" Vakadaro vobata fock and knife. Vakadya kamwe chete tikanzwa vodetemba kugona kubika kwevasikana papalace apa. Nguva yavakada kudya zvekare , plate disappeared ende takazoona tese kuti pakanga pasisina. "What is going on" ndakadaro "I don't understand" vakadaro king "Munhu wamavharira muno mupalace I think he is evil. Why nhai zvakadai zvakuitika?" Vakadaro queen. Ndakabva ndatura befu ndakavatarisa queen. Ndakanzwa king vakuti----- "You are right , anofanirwa kufa mangwana chaiye" vakadaro zvavo , asi plate Haina kudzoka. Yakazoita kudhonha patopera about 7 minutes tichingotongesana ipapo. Payakadonha yakanga isisina chinhu , yakabva yatongotsemuka zvayo. Ndakasimuka ndofamba kuenda Kuna Owen. Ndakasvika shasha yakagara zvayo yatsveyama kuratidza kuguta. Ndakaona mabhonzo enyama padivi pake ndikaziva zvazvaireva. Ndakashaya kana Simba ndakamutarisa kudaro---------- End of chapter 14 Stay tuned 💋
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 45

Comments