TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 10, 2025 at 07:42 AM
*2 CRYING GHOSTS AND THE BEAST* ☠️💔☠️💔☠️💔☠️💔☠️ STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE 0️⃣785623920 0️⃣786720302 All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without permission from the author... CHAPTER 12 PAMELA Chokwadi regai vakuru vakati kunaka kwechimwe , kuipa kwechimwe. Ndaiti ndaponawo kupenga kwakaita officer uyu ndikatiza. Nzvimbo yandaive andina kana kwandaiziva. Ndakatizirawo kumotokari yandakaona pedyo ndichitiwo ndinowana rubatsiro. Andina kuziva kuti ndakanga ndazvikanda mukanwa mayo Shumba. Kuzvisikira ndega moto muzoso rangu. Midzimu kuita kundifuratira chaiko. Pandakangoona Ari Lucky , ndakabva ndaziva deal raPrim nemukadzi wake Lucky rakanga rabudirira. Zvaireva ndave kuenda kunoparikwa ini. Kuenda kunotambudzwa veduweee. Ndakaenda ndichingochema chete munzira mese. Uyuwo Lucky wacho haana kana kundinzwirawo tsitsi. Aingotyaira motokari yake tichienda , achingotaura hake zvisina kana basa. Mashoko ake aiponda moyo wangu. Aindibaya panyama nhete. Aindirwadza zvakanyanya nekuti ndaisamuda Lucky. Mashoko acho aipinda neimwe nzeve , obuda neimwe yacho nekuti ndaiona seasina kana basa kwandiri. Rwendo Rwese ndainge ndazongoti ziii. Simba ndakanga ndisisina rekuchema kana kutaura. Ndainge ndongoita kugomera , ndichipfikura pfikura nekuda kwehasha. Kana misodzi yakanga isisabude. Kunze kwainge kwasviba kuti tsvaaa. Rima racho raiveko rakanga rakaoma. Ndainge ndave kungoti dai Mwari vandichengetawo kwandiri kuendeswa ikoko vandirwira sekurwira kwavakaita Daniel mugomba reshumba. Chero dai ndaisiiwa panzira husiku hwakadaro , ndakanga ndisina kana kwekuenda. Andina kwandaiziva. Nhare yangu ndakanga ndisina. Andizive kana kwayainge yasara chaiko. Ndakamedzera mate ndichidedera zvakanyanya. Nguva iyoyo ndakamunzwa ave kuti------ "Tapinda muguta bby. Welcome to Harare. Ndoda kukuraramisa a soft life wanzwa here?" Ndakangoridza tsamwa kwave kuramba ndakatarisa mberi. "Bby ndiri kutaura newe. Ndidavirewo ndirerukirwe" andina kudavira , ndakaramba ndakanyarara. Ndakambofunga kudeedzera ndochema zvakanyanya. Ndaigona kuwanawo anondibatsira sezvo takanga topesana nemotokari dzakawanda Wanda. Ndakazoti regai ndisiyane nazvo nekuti zvaigona kundipinza mumatambudziko akaomarara. Ndakanyarara dzara tasvika pandakaona motokari yazomira. Ndakatarisa ndikaona imba yaivepo itori imba svinu. Paakaridza bell ndakaona gate rave kuvhurwa. Pandakaona Monalisa ndakabva ndaziva kuti ndapinda mudanga rayo Shumba iyi. Motokari yakaiswa mukati. Ndakanzi dzika , ini ndokutanga kuyeredza misodzi. I walked out ndichidedera. Apa nzara yakanga yondiruma zvakanyanya. "Pamela nyarara usacheme. Inga andisi kukuitira hutsinye. Ndiri kutaura newe zvakanaka uye ndiri kukubatawo zvakanaka" "Ok fine , saka mangwana mondidzosera Kune murume wanguka? Kutaura kuno Ari kutambudzika" akaramba akanyarara. "Bamukuru ndiri kutaura nemi!" "Pamela haupengi iwe. Kana usingandide wotondiuraya ndirege kukuona uina Panashe wacho iyeye. Unodzokera kana uchida , but pane maconditions andichakupa ende ndoda kurara newe ipapa andisi kunyepa Pamela. Uri mukadzi wengozi iwewe ende tese tokuda unozviziva" I cried ndichifamba kupinda Mumba. Mvura yakabva yatanga kunaya saka panze paisatombogarika veduweee. Ndakatambura zvandisati ndakamboita muhupenyu hwangu. Ndakasvika ndikamira Mumba umu ndatarisana namai Monalisa. Eish ndakanyara pandakaona vachinyemwerera zvavo. Ndakaramba ndakatarisa mwana wavo mudiki ainzi Melisa uyo akavhunduka zvakanyanya akatanga kuti----- "Coffin! Rinaani?" Vanhu vese vakavhunduka. Zvakandipa kucheuka ndikatarisa Lucky aikiya door. Wakanga oisa makeys ake muhomwe akanditarisa "Melisa what did you say?" "Blood mom! Ndiri kuona ropa rakawandisa riri kuyerera nderaani?" "Kupiko Mellisa? Are you mad?" "Mucoffin mhamha. A white coffin here. Lets run , let's run mhamha. Coffin! Ndati a white coffin is here! Nderaani?" Akadaro otochema mwana. Zvakandipa shungu dzakanyanya pamwe chete nekufungisisa. Ndakayeredza misodzi ndopfikura pfikura. Ndakamedzera mate ndikapukutira madziwa. Ndini here ndaiva ndaunza ropa kumba? Ndini here ndaiva ndauya necoffin kana kuti ndini wacho ndakanga ndiri mucoffin iri? Veduweee ndakanga ndayaruka ndichiti ndaizoraramawo good life. Nerunako rwandaiva narwo pachisi changu nemuviri wangu. I didn't deserve kutambudzika zvakadaro kana kufa ndisinawo kusiya mwana panyika. Ndakanetseka zvakanyanya misodzi ikayerera kusvika pakutotesa kadress kangu. Andina kunge ndazombochinjawo veduweee. Kana pant ndakanga ndisina. Chokwadi nherera inoguta musi wafa amai vayo. Vangu amai kuzorora kwavo kwanga kwanyanya. Seiko kutadza kundionawo sezvavaiita kubva ndiri pwere kusvika ndakura kudai? Ndakabva ndadonhera pasi. Zvakanga zvasangana , nzara , kuneta nekushaya Simba mumuviri mangu. Lucky akandisimudza akandiisa pasofa. "What is wrong with my daughter?" Akadaro achigara pedyo neni. Iye wacho ainge azongoti ziiii asisataure chinhu. Ndakapihwa chikafu ndakatambira. Zvekuramba zviya unenge wakaguta. Ndakadya sendinopenga. Ndakazotozvifunga ndaguta kuti ko dai kuri kuisirwa poison imomo ndaidii ndazofa? "Maita basa taguta?" Ndakadaro ndogadzika ndiro isisina kana chinhu. "Wandishamisa kwazvo. Waiti ndasiya ndakuisira poison kumusha , asi nhasi ugere Mumba mangu , wadya chikafu changu chandabika uye uchada kurara muno. Saka hautyi kufa here?" Ndakangokwanisa kuti "I'm sorry". "Ndozvinzwisisa ende ndoziva the reason why wakazviita. Handina basa nazvo ini saka usatye hako" akadaro achibva abuda. Ndakasara ndagara naLucky. Nguva yaakandibata matama angu ndakanzwa kusvotwa. Paakandipa kiss ndakaita sendabaiwa nemunzwa dama rangu. Nguva yaakaisa ruoko rwake pamafudzi angu ndakavhunduka zvakanyanya. "Uri kuvhundukei nhai mudiwa?" "Lucky unotopenga chete. Saka uri kuti mukadzi wako Ari kutofara here ipapa?" "Kufara kana kusafara kwake I don't care. Ndakamupa kare permission yekuenda kana asingafare nazvo. Iye akati ahana dambudziko nazvo hake." "Hoooo , please allow me to sleep. Ndoda kuzorora" "Horaiti , ndicharara newe. Ndoda kukudziisa usatonhorwa. Ndoda kuku comforta uri muhapwa dzangu pedyo neni husiku hwese. Pamela wakafita kunaka. Une kamwe kathat kandooda bby. Mukadzi wengozi akanaka kudaiso eish!" ndakavhunduka zvakanyanya paakadaro. Ndakashaya zvangu zvandingaite ndokubva ndaenda kunorara. Akarara neni mujira rimwe chete imomo. Ndaitya uye ndaingovhunduka padiki padiki. Ndainzwa akati name name neni , asi haana zvake kundibata dzamara kuyedze. Asi ndainyatsonzwa ichiti gwiii gwiii ichinditunga magaro angu kuratidza kuti yakanga iine huturu chete , asi akandiregerera zvake. Ndakatenda Mwari zvakanyanya. "Kwayedza my love. Wanga uchiti ndingabva ndakubata nhasi chaiye here? No ndoda kumbokupa kanguva uchiona rudo rwangu , asi nhasi bby , uuummm nhasi ndokukwira bby nokuti ndokuda. Ndoda kudambuda pakasiirwa naPanashe ipapo ndinyatsogutsikana." Mashoko ake iwayo akandituma kuchema. "Chema zvako but ndiri kukuudza chokwadi. Apa ndoda kumbobuda mbichana ndadeedzwa kubasa kwangu. Ndiri kudzoka ende ndoda kukuwana wageza Pamela! Ndoda kusvika nekukupa zvinhu zvako" Akabva abuda oyenda. Ndakasara ndakangorara ipapo ndichifunga zvakawanda wanda. Ndaichema veduweee. Ndakada kumuka , asi ndainzwa kuti azvisi kuita. Pave paye ndakanzwa door ravhurwa. Ndakaona Mai Monalisa vachipinda natete Prim. Ndakavhunduka zvakanyanya. "Tete!" Ndakadaro ndakamutarisa Prim. Iye akabva anyemwerera akanditarisa zvake. "Kkkkk hahaada , waiti wakangwara here Pamela. Nhasi uri pano wani!" "Saka ndimi makaita zvese izvi Tete? But ndoda kukuudzai , I love Panashe! Ende mupurisa wenyu iyeye ave kupenga" "Hahahaaaa , zvino uchamuona kupi? Kupengaaa!!" "Kana Mwari vatendera tinoonana!" "Impossible! Iye Mwari akambokusiya sei uchiripiswa ngozi kkkkk? Ndakuseka zvangu ini. Wotodzikama apa wanzwa here?" Nguva iyoyo vose vakaseka vari vaviri. Pakabva paita mota yakaridza bell ku gate. Vose vakatarisana ndikanzwa Mai Mona voti. "Tete mbinga yenyu is here!" "Really?" "Yes ndanzwa bell iri. Ndiye chete , achingopinda amhusi kugara. Ndoda mutobuda ne bag renyu so ende hanzvadzi yenyu isaziva kuti ndini ndaita madhiri aya. Let's go" "Iwe imbwa iwe muka uzoona murume wandakuenda naye. Ndonodamburwa humhandara kuhoney moon vamwe muchidamburirwa mumasango heeeede. Muka apo Simba yemunhu. Unofanirwa kudai watopedza basa rese" andina kunyanya kubatikana nazvo. Ndakamuka ndikatanga kufamba kutevera ikoko. Ndakabudawo panze ndoona. Ndakambofunga kutiza Ini. Asi eish ndakaona ndichizvivesera moto muziso. Ndainanga kupi chaiko? Prim wakabuda nezi bag rake ofamba. Nguva iyoyo gate rakavhurwa. Pakabva papinda masoja aiva matatu. Maviri akanga akabata pfuti. Aiva pakati wacho ainge akashata pameso zvekuti heki. Aine chimuviri veduweee ainge akanyangara zvaindivaraidza kuramba ndakamutarisa , apa Ari Jah zvake kureba. "Muroora. Ndivo here vanhu vacho?" Akadaro Prim omira. "Fambai vatete. Fambai munoisa bag mumota panze. Ari pakati uyo ndiyo mbinga henyu. Heee, varume varefu vanonaka tete. Vane hobvu dzine tsinga dzakati tare tare ,dzakasvibira kuti tsvaaaa. Haiwaaa fambai munozvidyira namambo vatete" ndakatarisa pasi ndikasekera muhapwa. Prim wainge odududza kusada kuenda. "Nooooo , muroora wandirasa. No andichadi zvangu". "Heheeeede , ukaramba unouraiwa. Uri kuonaka kuti masoja aya? Ita zvekutamba uone!" "Bby come!" Rakadaro zirume Riya. Rakasvikombundira Prim akachema. Rakamuti mbaaa magaro rikasekerera. Rume Riya rakati masoja amunongedze pfuti kana akada kufarisa. Prim wakaenda otambura ndikanyatsoona kuti zvangu zviri nani veduweee. Ndakamunzwirawo tsitsi kunyangwe akanga Ari iye nyakundipinza mumatambudziko ese aya. Ndakaramba ndakamira ndakatarisa Mai Mona. Zvino ndakanga ndotyawo kuti pamwe ndine zvanguwo zvandairongerwa. Vakabva vanditarisa kwave kuti----- "Chinzwaka unzwe Pamela. Ini andisiiswe murume wangu nemba yangu nezvakapusa kudai. Ini ndinongomutendera kuita zvaanoda , and deal with him chinyararire" "What do you mean by that?" "You will not understand , until waona one of my plans. Chandoongoda uzive chete andisiiswe murume nezvakapusa" "Please don't kill me" "Ndokuurairei hako. You are innocent Pamela. I want to deal with my dogs!" Ndakashaya vaida kuzama kurevei chaizvo apa? Ndakangoramba ndakatarisa kwave kumedzera mate ndikatanga ku----------- End of chapter 12 *This book will be on sale starting from chapter 14. Chapter 13 will be the last free chapter. Toziva tose kuti book iri rakabva kure , nokudaro riri kuendawo kure. Asi zvakadaro ndaona kut rinorebera Kuma sub groups. Kwatichatandara nevabhadhara book redu chete kusvika next year tichingonakirwa. There is more to come* Ndiani nani macrying ghosts edu? Ko Chihera wakazoitasei? Ko Mai Mona vari kurongei? Prim anonopona here nesoja rake raayenda naro? Chii chichanyatsoitika mumhuri iyi? Gogo Mirinda na Sekuru Siripazi vachaikunda sei Hondo? Handei kusub grp. Let's all support munyori wedu mafans. Book rekupera kwegore tozosangana next year. Mutengo we book redu ndeuyu Ecocash us $2 Ecocash zig 100 Innbuck $2 0️⃣7️⃣7️⃣2️⃣5️⃣7️⃣8️⃣1️⃣1️⃣1️⃣ (TT MUTSINZE) One money us $2 One money zig 100 0️⃣7️⃣1️⃣2️⃣7️⃣8️⃣6️⃣6️⃣4️⃣7️⃣ Us air time munouya ne $2 netone kana buddie. Munouya nayo ku app number dze ecocash idzo modzi saver zvakanaka mouya. SA SIDE : Munotenga mavoucher senguva dzose. 30rand Ott voucher Blue voucher 1 for you voucher Kana kazang mouya nayo zvekare ku app number dzangu dziri pa Ecocash. *Kana wabhadhara unouya necomfirmatiom yako iri screenshot ku app. Tichashandisa boom reader / story kuverenga book. Yedza apk iyi first usati wabhadhara book.
❤️ 👍 😮 🙏 11

Comments