
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 10, 2025 at 06:21 PM
*PASSIONATE EVIL*
*Follow chanel kuti tiwane amwe machapters ekumberi*
https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K
*Follow our fb page kune mamwe mabook atakanyora*
https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL
Written by
_*Mama Jay*_
And
*Tinoh 🎓 Mutsinze*
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 2
RATIDZO
Ndakatanga kudedera zvisina mukare akamboona. Ndakataura nababa , asi vaisadaira. Ndakaedza kuvamutsa asi vakaramba. Pandakazoda kumhanya kwamaiguru Mai Melo ndipo pavakakosora moyo wangu ukagadzikana. Vakasvinura vakanditarisa ndikati
"Mamukasei baba? Munondityisa kana mukadai ndakudaidzai nguva refu musingadairi" vakati
"Ratie , iwe Ratie tora dhora rimwe chete unonditsvagirawo kookora." Ndakangoita kunzwa nekuita. Ndaida kugadza kapoto keporridge asi ndakazoti ndobika ndadzoka. Ndakaenda kumashop ndichimhanya. Andina kukanganwa kusunga dhuku rangu semwana wekwa Mwazha uyu waive mutemo. Ndakasvika ndikapinda mune imwe shop. Maive nemukomana aive akamira imomo kucounter. Chiso chake chaive chitsva kwandiri
"Mukoma manakirwa nemusikana wekwa Mwazha uyu ndati oyi change yenyu?" Akadaro mukadzi aitengesa. Mukomana uya akaramba akanditarisa. Akamedzera mate zvandakaona ndega akabva atambira Mari yake. Dai ndaisava nehurwere hwababa kumba , dai ndakamuseka chaizvo. Ini kana ndoroorwa ndaingodawo mukomana wekwa Mwazha ikoko anogara akapfekawo formal neteki mutsoka akasunga huro kuti shwee chaiko asina zvake tayi.
"Ndipeiwo kookora inotonhorera ,
Bhodhoro hombe" akaramba akanditarisa akati
"Ko , dhodhoro racho nhai Ratidzo?"
"Oooh ndakanganwa mufunge baba vangu vanorwara saka azvinawo kuuya mumusoro mangu. Ndinodzoka naro. Nhasi kana mangwana"
"Zvakanaka Ratidzo" ndakapihwa kookora yangu ndikafambisa ndave kubuda. Mukomana uya aive akamira pamusiwo akatanga kunditevera.
"Ratidzo sorry nekukunetsa. Mira andisi kuda kukupfimba saka usamhanye hako. Ndanzwa uchiti una baba vako vanorwara. Kungorwarawo here kana kuti hurwere hwakatokura?" Ndakamira ndamutarisa. Aive akatonyorovera zvake kuratidza aive munhu Ari bho. Ndakati
"Vanorwara baba vangu. Zvatova nenguva yakakura hako."
"Hooo , pane kwandinoziva kwavanogona kubatsirwa iwewe unogara kupi pamwe ndingakubatsire"
"Pano pedyo pedyo apa. Handigare kure ini pamwe 1k chete ndinenge ndatosvika kumba"
"Hooo , ini ndinogara kure hangu saka usingandizive. Asi tose tiri vekuno kuNharira. Unoona Kune chikomo icho , ndiko kwandinogara"
"Hooo uko , haa pane mufambo , asi tinombosvikako hedu kuchechi."
Takataura zvakawanda. Aive akutondinonotsa kuenda kumba hake. Pandakamubvunza nezve munhu waaida kuti andibatsire akabva ati munhu iyeye ainzi sekuru Gororo. Ndakaita kushamisika nekuti raisava Zita randatanga kunzwa musi uyu. Akazviona kuti ndaratidza kushamisika akati
"Asi vanobatsira zvavo. Ndinozvinzwisisa kuti mapostori amhuite zven'anga asi vanogona kutobatsirika ukazonditenda mangwana. Ini ndazokanganwa kukuudza Zita rangu ndinonzi Mugove" ndakamutenda nenguva yatakataura tese ndikaenda kumba. Ndakasvika baba vachiedza kumuka asi vaitadza. Ndakavabatsira ndikavagadzika zvakanaka. Ndakavadiririra kookora yavo vakatanga kunwa. Ndakaenda kunokuchidzira moto kuti ndibike porridge nekuti vairida kuseni kwega kwega. Ndapedza ndakavaigira. Ndakagara pedyo navo ndave kufunga zvaive zvataurwa naMugove. Zven'anga zvaisaita nekuti Chechi yedu yaisazvibvumira. Asiwo ndaida kuti baba varapwe vapore. Pane kutaura kwandakabva ndanzwa panze.
"Ratidzo uripo here?"
"Ndiripo ndiani?"
"Hausati wabata izwi rangu nazvino here?"
"Haaa kana baba , kungoti ndanga ndichakavhiringika njere dzangu chete. Mamukasei?" Vaive bamunini vangu munin'ina wababa vangu
"Ndamuka zvangu. Vambomukasei baba nekurwara?"
"Haaa baba vanorwara ava. Zvavo zvichabvunzwa here"
"Zvakaoma mwanangu , asi Mwari vanotiitira zvakanaka havo. Ndine imwe pfungwa." Ndakati
"Yei nhai baba?" Vakati
"Kuti tirambe takangotarisa baba vako vachirwara kudai hazviiti. Zvanga zvakadii kuti timboenda navo kana kunorapwa nen'anga kana vamwewo vanorapa nemishonga yechivanhu. Tarisa chipatara chiri kuramba kushanda kana kunamata kwacho azvisi kumbobatsira" andina kupindura ipapo ndakangotura befu ndakavatarisa. Ndakabwaira bwaira ndichishaya zvekutaura. Kuenda kun'anga nemuvhangeri zvaibuda here?"
"Iwe baba vaMelo andidi kunetsana newe. Ini andirapwi kun'anga chero zvikanzi ndave kufa regai ndifire muAfrica iyoyo Mwazha Chechi yangu. Zveavo vemishonga kwete. Andidi kuzvinzwa" vakadaro baba vari Mumba. Bamunini vakanyemwerera vakati
"Mukoma mapora imi mogona kudaidzira kudai. Munhu anorwara chaizvo haasarudzi kwekurapwa. Munongorapwa makanyarara mukoma"
"Zvandataura wazvinzwa. Kana uchida kundiendesa kun'anga ibva warega kupinda muno" bamunini vakapinda vakaona baba hapana pavaivarasa aive mukoma wavo. Vakazodzokera ndikasara ndakuita basa repamba. Ndakaita tumabasa twese ndikapedza. Ndakaisa kapoto pamoto kuti ndibike rice nekuti ndiro randainzwa kuda. Vanhu vekuchechi vaisauya nekuti vaive vakabva kumba nezuro wacho. Ndapedza kubika ndikapakura ndaida kunodyira kubedroom kwaiva nababa ndichiona kut vaidyawo here semunhu aiva ambodya hake porridge ndaisatarisira kuti vanodya zvakawanda.
"Baba ndauya nechikafu". Ndakavadaro ndichipinda mumba zvikanzi
"Ndichakaguta ini masibanda mwanangu wadii kumbovhara ndichadya hangu kana nguva dzamboti fambei kana kokora yawandipa iya ndichiri kungoidzvova". Ndikati
"Hoo regai ndivhare asi musazotadza kudya baba chikafu ichi"
"Aiwa idya hako iwe". Ndakatanga hangu kudya ndakagara pachair moyo wangu waiva wakasviba zvekuti ndakangodya zvishoma ndokubva ndatosumuka ndikati
"Ndaguta ini baba regai ndinorongedza maplates renyu ndonodzorera mupoto rice"
"Ko watodya here mwanangu zvishoma izvozvo zvawangodya"
"Ndaguta ini baba ndichadyawo kana mava kudyawo"
"Zvino iwe ndiwe unotoita ndiwedzere kurwara nekuti kana usina mufaro sezvizvi ndinonzwa nemoyo wangu uchirwadzawo. Dai mai vako vaiva vasina kukusiya uri svava varipo zvakaitawo vevamwe kana nemoyo wangu waizorora. Zvino vakakusiya uri katuku kudai mai vako ndikati handingamboroori ndichachengeta mwana wangu ndega kusvika wakura. Ndinotenda wakura kana form 6 wakanyora haungazombotadzi kuzvichengeta mwanangu". Ndikati
"Aah baba mashoko erudzii iwayo ndochengetwa nemi ini ndimi baba vangu zvekut ndakugona kuzvishandira zvabvepi".
"Kungotaurawo hangu" ndakasumuka ndikaenda kunorongedza maplates ndokudzokera kubedroom ndikati
"Baba ndakumbonodiridza kugarden pane vakati vanoda madomas kune aya akuibva ndoda kunomabvisa ndiuye nawo asati anaiwa anoroora"
"Zvakanakai mwanangu, ndandichida kuti usateedzera zvinotaura bamunini vako wanzwa zvekuti ndiendeswe kun'anga ini handidi zven'anga mwanangu. Handitodi kana nekuzvinzwa" ndikati
"Okay kuda vanga vachida kuti mungoporawo semunhu anenge achirwadziwa neurwere hwenyu"
"Bodo ini handidi izvozvo upenyu hwangu hwese handisat ndakamboenda kun'anga ndozotanga nhasi kana Mwari vakati ndichafa negumbo ndisiyei ndakadai handidi". Ndikati
"Zvakanakai baba regai ndiende". Ndakabuda nebucket rangu kwaipisa zvekuti musi uyu ndakawana rape yese yataiva takasima imwe yava kutofa
"Veduwee Mwari podzaiwo baba vangu dai izvezvi so muriwo uyu watokura uyu ini ndiri ndega handingambozvigoni ini". Ndakadaro ndichidzurira zvimasora kuti nditange kudiridza kwacho madomas mazhinji aiva atoibva asina anotanha nevanouya vachowo kuzotenga vaiva vakuita vachiita vashoma. Ndakatanga kugadzira gadzira ndokuzotanga kuita zvekudiridza zvangu ndichiimba nziyo dzedu dzekuchurch. Ndaitoimba hym yandaifarira yekuti Changamire muponisi ndiri busy nekudiridza ndopandakanzwa kugadzirisa pahuro kumukova wegarden ndakacheuka kumasure kwakuona mukomana uya wandaiva ndambowana kumashops. Ndikamira zvandaiita ndikati
"Aah ko ndiwe" ipapo aiva akamira pamukova wegarden achitosekerera akanditarisa zvikanzi
"Hesi kani musikana akanaka". Ndakadaira ndikati
"Ndiri boo hangu ko asi waratidzwa nani kugarden kwedu nhaiwe asi unombogarepiko wambenge uchiti unogara kure nekuno wani nhai ndaona wauya kuno". Akabva apinda mugarden akafamba achiuya kwandaiva zvikanzi
"Mazuvano tiri kuno uku pane zvatiri kuita"
"Hoo asi muripi" haana kutaura akabva atotora bucket rangu akatanga kuchera mvura ava kudiridza akati
"Kuno uku munoshanda zvekuti garden iyi nekukura kwayo maiirima yese here inenge munda kudai apa madomasi enyu aya igrade rakanaka zvekuti". Ndikati
"Aah pane madomasi here ipapa nhaiwe, takatongotsererwa nekurwara kwababa vangu isu, yaizara zvese iyi divi iro taizadza macabbage tichitoma hodhesa ndakatopinda chikoro ndikapedza nemari yaibva mugarden muno ini. Zvekuti dai baba vangu vasingarwari pamwe ndingadai ndatova kuuniversity so sekuronga kwavaiva vakaita asi zvakazoenda nepamwe hazvo"
"Saka vairimazve saka wakaenda kuchikoro kugumira papi" ndikati
"Form 6 ndakatobuda ndiri nani ne 9 points ndakatokanganiswa nekurwara kwababa nekut ndopavakatanga kunzwa gumbo"
"Saka munongoenda kuchipatara chete hapana kumwe kwamunoenda". Ndikati
"Ehe church yedu haibvume zvechivanhu iyo"
"But unoziva here kuti zvakaita senhukuswa zvimwe zvinenge zvisingadi chipatara" ndikati
"Zvichidei"
"Aah chivanhu chaicho nekut zvimwe chinenge chiri chiposwa" ndikati
"Handizive ini".
"Kungokuudzawo hangu semunhu wandafarira ko mai varipi"
"Vakashaika"
"Hoo saka waingochengetwa nababa"
"Ehe" ndakadaro mibvunzo yake yaiva yanyanyisa ndakapedzisira ndakumupindura ma1 words ndoona iye akatozozvionawo kut ndakubhoikana nekubvunzwa bvunzwa akachinja nyaya akutaura dzimwe. Akandibatsira kudiridza miriwo yese ndaiva ndava kutoita hangu zvekutanha madomas achidiridza tichiita nyaya akatozara 2 buckets madomasi iwayo vanhu vaimada vaiva vati vaizosvika zuva rovira. Ndakapedza ndikamanya kumba kunotora bhara ndaida kuzoisira madomasi ndakamusiya akagara hake panze akandibatsira fut kusunda bhara kusvika padhuze nepamba achibva azondipa bhara rangu ndikati
"Waita hako" ndakadaro ndava kuenda ndopandakaona kut aiva nechuma chaiva muhuro make chaibudikira handina kutaura nezve chuma chake ndikati
"Rega ndiende" akaramba akanditarisa zvikanzi
"Wava kutoenda here nhai"
"Eeh baba ndavasiya kare ndoda kuona kut vaswera sei". Ndakadaro zvikanzi
"Ndoda kuzokuonawo unooneka sei"
"Uchindionerei"
"Kungokuonawo zvangu"
"Aiwa handikwanisi hangu ndoda kutozoenda kumunamato manje manje".
"Okay" akabva atotanga kufamba achienda aiva wepiko Mugove iyeyu ndakatadza kumuziva ko chuma chaiva chei muhuro make asi anoita zvemashavi here. Ndakashaya shumo yazvo ndikasvika kumba ndakawana baba vangu vachitambudzika nekufamba mubedroom ndoona vaida kunozvibatsira ndaivawo ndakanganwa kusiya kabucket kavaizvibatsira ndikati
"Moda kuendepi baba"
"Ndanzwa nekutwereti zvino ummm ndoita sendichazviitira sure gumbo iri haridi kana kutsika". Ndakamanya ndikavapa kabucket ndikauya kunovapa kuti vaitire ndaizorasa hangu. Situation yaiva nababa yaisaita kuchipatara last time yatakapedzisira kuenda vaiti rikaramba rakadaro vaizorigura gumbo racho vosara ne1 ndiudzei kuti vanenge vachaitei. Vakapedza ndiri panze ndokuzondidana zvekuti tsvina inonhuwa ndaitozvinzwira kuma next door ini ndaiva ndatojaira kurasa ini inoitwa nababa vangu ndongo maker sure chete kuti ndasuka chibucket chikachena.
Ndakazovapa chikafu ndokuenda kuhuni ndaida kunotora Fadzai umwe musikana wepanext pedu ndakatowana aripo achitogadzirawo makavi ake.
"Vaswera sei baba nhai Rati". Ndimai vake vakadaro ndakavapindura ndokuzoenda hedu kuhuni zvikanzi naFadzi
"Nhai Rati ndiyani wawaonekwa unaye kugarden kwenyu pawauchidiridza". Ndikati
"Ndaonekwa nani"
"Miti ine meso hauzive tangozvinzwawo tikati sister vekwaMwazha vakuita zvana makumbi here". Ndikati
"Makumbi wei". Ndakadaro zvikanzi
"Hausi kuziva munhu wawanga unaye ndimakumbi here anofamba nababa vake vachirapa wani ndiye muturikiri wavo hauzive kuti makumbi zvinorevei zvamurimizve makanyora maform 6". Aaah hana yangu yakatorova ndikati
"Anga achida madomasi". Ndakahwanda nekudaro ndokubva angoti
"Heya". Ndikabva ndatochinja nyaya ndava kutaura dzimwe.
End of chapter 2
Stay tuned........
❤️
👍
🙏
😢
😮
😂
176