
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
February 13, 2025 at 07:15 PM
*PASSIONATE EVIL*
*Handei kuchanel tinonzwa nyaya*
https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K
*kune vanoda kupinda mugrp plz join link
https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897
*tine fb page zvakare follow &like*
https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL
Written by
*Mama Jay*
And
*Tinoh 🎓 Mutsinze*
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 8
RATIDZO
Ndaive nehasha zvekuti ndakatomboda kurega kumhoresa bamunini vangu. Ndaida kudarikira kuenda kuimba yataibikira , asi ndakazokurumbidza kufunga ndichibva ndamira.
"Mangwanani baba" ndakadaro ndakatarisa divi nekuti ndaisada kutarisana navo.
"Ratidzo une chokwadi here? Saka warara kupi kwauri kubva nguva dzino? Ndakutsvaga pano chero kuma 12 dzepakati pehusiku hauna kubatika nemhaka yei?"
"Kwanga kwakanaka here? Ini ndarara kwaMujamba nhasi. Ndichiita maricho angu ikoko , anditi munoziva kuti ishoroma munhu ane mari dzake ndiri kutsvaga Mari ndoda kutora baba kun'anga kwavari ikoko ndiende navo vanorapwa kana Harare chaiko nekuti zvanyanya izvi!" Ndakanyepa zvekuti kana inini ndakatoshaya kuti ndaive ndazvifunga nguvai. Kuti ndivaudze kuti ndakanorara kwaana Ponai zvaisaita. Kana vakazozvinzwawo havo ndaive ndisina basa nazvo .
"Chipatara chei ivo baba vatonaya kun'anga kwavari ikoko? Hauna kuona here kuti vave kutofara?"
"Kufarei munhu aine misodzi pamatama ake? Ko , zvekuti ini ndiroorwe nemwana wen'anga amhuna kuzvinzwa here?"
"Chakaipa chiii pakuroorwa nemwana wen'anga nhaiwe? Mwana wen'anga haisi n'anga saka roorwa baba vararame ava"
"Over my dead body. How is that possible!"
"Ratidzo vhura meso ako uone. Saka unoda kuti baba vako vafe here?"
"Please bamunini kana musina zvekutaura henyu ndisiyei ndimborara zvangu nekuti ndakatoneta izvozvi ndarara ndakasvinura ndichishanda. Ndiri kutoshingaira kuti baba ivavo vararame. Baba ndiri kunovatora ndonovarapisa ndega ndakazvarwa ndega saka ndichaita zvinhu zvangu ndega kwete zven'anga imi itai mwana wenyu aende . Zven'anga andichadi kana kuzvinzwa endesai Melo inga atokura wani. We are all your children saka iye ngaaroorwe nen'anga." ndakadaro ndichibva ndatopinda muimba yandairara ndakavhara door rangu nekutoisa key. Vakaramba vachingopopota vari panze asi handina hangu kuzviteerera zvachose. Ndakarara nemanhede ndikatanga kuyeredza misodzi. Hupenyu hwangu ndaifunga kuti hwaizovei mangwana? Dai Joshua aive auya zvake andiroora zvisati zvaenda kure. Bamunini vaive vatopandukawo zvavo vave kuteedzerawo zvaida n'anga iyi. Ndakapfikura kwenguva refu , tears were running down my cheeks ndichipukuta nekatauro. Pamwe dai amai vangu vaive vapenyu , dai zvose izvi zvisina kumbobvira zvakaitika kwandiri. Chokwadi nherera inoguta musi unofa mai vayo.
Ndakazongobatwawo nehope ndakarara kudaro. Zuva raive ratokwira zvaro. Ndakabva ndatanga kurota hope nguva iyoyo. Ndaive ndakamira nzvimbo yaita kunge Sango rainge pakati pegomo. Ndakacheuka kutarisa kumashure kwangu ndikaona materu andaisambokwanisa mudzika. Ndipo pandakanzwa izwi rakati
"Ratidzo save my life" ndakacheuka kasingaperi nekuti ndaisatoona munhu wacho aitaura mashoko aya. Ndakabva ndafamba Kuenda kumberi zvishoma.
"Save my life , where are you going with your life Ratie? Ndikafa Hauna chaunobuditsa uye vavengi vachatora advantage yekuti andisisipo. Save my life Ratidzo" ndakabva ndavaonera kure vari baba vangu. Ndakamhanya ikoko kwavaive vari ndikasvika vachiita semhunhu aive akasungwa mbira dzakondo. Pandakangovabata ndoda kuvayamura , Mugove arrived ndisina kana kumbozvitarisira. Akandibata muchiuno mangu ndichibva ndaregedza baba vandauida kusunungura. Ndakavaona vave kunyemwerera.
"Oooh really? Father why are you smiling?" Havana kutaura , he just nodded with a smile. I felt something very strange ndikanzwa bvudzi rangu kuti nyau nyau.
"Will you marry me?" Akadaro Mugove. I sighed ndapererwa kana nemashoko ekutaura.
"Mugove , I dont love you. Ndakadiwa Kare , infact I'm married already"
"Marry me , just to save your father"
"It will not work!!"
"It will work. Ratidzo ndokuda asi ndoshaya sei usingazvione. Moyo wangu wakaperera pauri iwewe wega. I can prove that my love is true because even if I lose it I still win just for having the feeling of loving you more than I will ever love myself or anyone else from my family. Give me a chance to prove that i love you so much with all my heart. From the day you walked into my life Ratidzo you are all I think about. You are the reason why I'm acting this madness on your face. You are the stars in my sky. I would not want this any other way. I want you to be the love of my life.!" Ndakamanzwa mashoko ake asi haana kuita kuti ndishandure moyo wangu kumuda. Ndakaramba ndakasimbirira pamashoko angu ekusada.
"Over my dead body!!" Pandakadaro ndakaona baba vangu vave kurutsa ropa. Nguva diki diki vaive vakutogwinha.
"Baba regai kudaro ndapota. Ndaita hangu zvamuri kuda zvacho baba kani. Baba ndati regai kufa baba" vaive vakutogwinha zvekuti vakutofa ndipo pandakabva ndati
"Yes" Mugove smiled achibva andipfekedza ring muchigunwe changu. Ndakabva ndatarisa ring iya ndikaona iri yedehwe remhuka ndichibva ndapepuka uye baba vaive vobwairabwaira.
My heart began to pump ndakaibata zvekuratidza kutya. What? Chii chakadaro nhai veduwee? Ndizvo zvandaifirawo here kuroorwa nemunhu wandaisada kuti baba varegere kufa. Ndakachema veduwee. Nguva iyoyo ndakanzwa kutaura
"Ratidzo uripo here?" Ndakapukuta misodzi yangu ndikabuda maziso akatsvuka kuti piriviri. Aive Fadzie
"Ndatobuda ndichiti pamwe munhu kwaye"
"Saka waona ndiri benzi here? Ndauya kuzonzwa zvangu baba vako vamukasei? Zvinoda here asikana vavakidzani torega kuzobvunza"
"Waita zvakanaka wauya hako. Baba havapo vari kuchipatara."
"Horaiti ndozovaona kana vadzoka" aive akufamba kuenda. Ndichibva ndati
"Fadzie mira , ndimika munonamata kumasowe , nhai ukarota wapfekedzwa ring yedehwe zvinorevei?" Akangoseka achibva atanga kuongorora muchigunwe changu akati
"Heheede , saka wakatobvisa ring yawaive nawo kuti upfekedzwe na Makumbi here?"
"I didnt say that. Ndabvunza zvehope ini"
"Zvino yakaenda kupi nhai?"
"Irimo mumba umu. Iwewe sei uchimhanyisa pfungwa dzako nguva dzose? Unenge uchingotsvaga makuhwa nxiii. Getaway mhani"
"Watotsamwa here sorry Ratidzo. Ring yedehwe inhamo isingaperi." Hana yangu ungati kurova kwayakaita ikoko. Akazodzokera kumba kwavo ndikasara ndichinetseka zvakanyanya. Ndakabva ndatora bucket rekugezera ndikaenda kunochera mvura yekugeza kuti ndinoona baba. Baba vangu vaifa ndikaita zvekutamba nekuwanza pride isina basa. Ndakadzoka ndikanogeza. Ndapedza ndakapfeka zvakanaka ndokusunga dhuku rangu ndobuda. Ndakabva ndaona Ponai achisvikawo pamba pedu.
"Ponai wauya ndave kutoda kubuda. Sorry andina kunge ndakuudza paphone"
"Its ok Ratidzo. Ndati ndizonzwa kuti warara zvakanaka here mumba medu uye wafamba bho here pakudzokawo kumba? Bamunini Havana kukukanganisa here?"
"Haa ndakanaka Ponai handina kana dambudziko hako. Wakaita basa zvakanyanya Mwari akuitire zvakanaka"
"Saka unoda kuenda kupi?" Ndakatura befu ndikati
"Ndodiiko Ponai baba vangu ndovada hako"
"Saka unoda kunovaona? Uri kuenda nani ende kana Makumbi akatanga nyaya yake iya uchadiiii?"
"Ndiri kupererwa hako andisi kuziva kuti ndodii? Ndokuudza ndadzoka"
"Ratidzo" akandidana ndikacheuka nekuti ndaiva ndava kutofamba
"Hee watii Ponai"
"Usazoite decision inokurwadza". Ndikati
"Haa kana handimbodaro"
"Wambotaura nemukomana wako here nhasi". Ndaiva ndisina kubatidza data kubva zuro ndaifunga sekuti Aitoona situation yangu ari kwaari ikoko ndakabva ndati
"Ndichataura naye ndava kufamba nhasi ndoenda zvangu netsoka handina yekut ndirambe ndichihire mota"
"Rega ndimbokupusha pusha kusvika pamberi apo"
"Okay" aitodawo zvekuita nyaya neni asi ini ndaisada ini ndaida kuva pangu ndega. Ndoona akazviona akabva azongooneka ava kuenda achindisiya ndichifamba ndega ndati fambei ndopakaringer phone yangu aiva Joy hanzvadzi ya Joshy hana yakatomborova ndokuzodaira hangu
"Hello tete Joy" ndakadaro kukanzi
"Hesi muroora wangu boo here kuti zii"
"Hapana hangu life ndoinodaro"
"Iih musadaro ndatumwa nahubby wako hanzi ndifone hausi kana kudaira wakapedzisira kuonekwa online kuma 3pm chaiko"
"Haa ndichabatidza hangu data pane zvandaiita nezuro saka ndaiva ndaneta"
"Unokuvadza mukoma vangu neBP usadaro varisei baba vachiri kuhospital here"
"Aiwa vakadzoka" ndaisada kuramba ndichiti vari kuchipatara nekuti vaigona kuzot vanoda kuuya zvikanzi
"Okay next weekend iyo ndichakuudza ndimbouye ndikuone makoti ndichiona baba handiti makoti wangu"
"Okay tete" vakabva vacutter vaiva muhombe kwandiri ne2 years asi vaiva vasat varoorwa vachiri kuuniversity. Ndakafamba paiva nekamufambo foni ndakabva ndadzima kutaura naJoshy mukomana wangu aizoona kuti ndaisafara plus ndai hider something. Ndakanosvika kumba kwen'nga kuya ndikanzi ndisiye butsu semazuva ese ndokupinda this time n'anga iya handina kuiona ndaingonzwa voice chete hameno kwayaitaura iri mumba maingova nababa naMugove chete ndiye aiturikira baba vaiva vakangorara vakati tasa vakatarisa mudenga ndikati
"Vapenyu here baba vangu" yakataura n'anga iya zvikanzi naMugove
"Hanzi upenyu hwavo huri mumaoko ako iwe kana waramba zviri kudiwa nevadzimu upenyu hwababa ava hopera motora henyu mutumbi wenyu moenda nawo" ndikati
"Baba" ndakasumuka ndichienda pavaiva ndikati
"Baba please moda ndidiiko". Vakaramba vakangonyarara vakangotsinzinya maziso avo muromo wakavharwa. Ndakateerera hana yavo yainzwikwira kure kure. Ndakatura mafemo ndikati
"Baba ndichaita ndi save upenyu hwenyu ndazvipira hangu ndoda kuti murarame ndimi mega mubereki ega wandinaye mai handina imi mukandisiyawo ndingararama sei musipo. Ndiyani angazondipa rudo serwenyu ndakuitira hangu imi kuti murarame ndokudai baba vangu". Ndakadaro ndikati
"Ndodii kuti vararame" yakataura n'anga iya iri kwayaiva hameno kupi tainzwa voice zvikanzi naMugove
"Hanzi wakaudzwa kare zvekuita zvava kwauri kufuga kana kuwarira baba vako ndivava varere panhowo votandadza ukavasiya vakadai hariviri tinenge takutotumira nhume kuti muuye mutore mutumbi wenyu". Ndakatura mafemo ndikati
"Bva ndada hangu". Pandakadaro ndakaona vachi movisa chigumwe ndikati
"Baba ndaita izvi nekuda kwenyu upenyu hwenyu baba ndohwandoda ndada hangu baba kuti murarame". Vakamovisa futi chigumwe ndokubva tanzwa kuombera kwen'anga iya zvikanzi
"Hanzi gara zvakanaka kwauri ikoko kana wazvipira". Ndakagara ndikatsikitsira ndokubva Mugove auya akagara pedo neni, makapinda kamwana kakomana so kaiva kasina hembe kumusoro kakabata dende ndokubva kasvika kakapfugama patiri ndokutanga katenderedza dende riya kakamwisa mugove ndokumwisa iniwo. Yainhuwa zvekuti mvura iyoyo kapedza kakanomwisa baba vachibva vatanga kukosora kosora yaiva yasara yacho tikadirwa ini naMugove dhuku rangu rakatosviba nekut takadirwa musoro. Vapedza kudira zvikanzi ini ndisumuke ndiende zvaiva zvatopera baba vaizopora ndakanzi ndisacheuke. Ndakabuda mumba maziso akazara misodzi ndikanonga butsu kutopfeka kwakandiremera ndikatanga kufamba time yacho phone yangu yakatanga kufonwa futi kutarisa kudai vaiva mai vaJoshy.
End of chapter 8
Stay tuned.....
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
159