MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
February 5, 2025 at 02:06 PM
https://chat.whatsapp.com/JuTpK2ay2SF1ecVeV7wSu0 *A LOVE MISUNDERSTOOD 🍂🍂🍂🍂🍂* *Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🪀🪀🪀🪀0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣3️⃣1️⃣5️⃣6️⃣9️⃣5️⃣* *Free book* *ROMANTIC AND SENSITIVE STORY* *Final chapter* *Nakai* "Ava vanhu ava vandiwana ndkura zvisingambobvire nhasi ndingadai ndavakwadabura musha wose ndasiya ndavamwaya weti yangu kumeso ikoko vanombondiziva zvakanaka here vanhu ivava ava ini" nditete vangu vaidaro tichibuda gate kuti tiyende hedu. "Haiwa tete chivasiyai vakadaro handei kwadoka uku handeyi mozovadzokera mangwana kwakachena ngaichisiya matambo Dube yangu handei baba" ndimainn munikina wamama vaideketera vachiitira tete asi ipapo ivo tete vacho vakabva vatomira ndokubva vakanda kabag kavo pasi tikaona nedhuku rabviswa mumusoro "My child can't suffer in my eyes never. Rubben today you are going to pay i terri you . Come ini ndombonzi aniko ini. Zvangu zvandaiita kunasoja zvauya ndibatei ndouraya munhu chete ini!!!" Ndivo tete vanga vakadaro uku vachikwinya nekazambiya kavanga vakasunga kusara kava kamwishu. Vakakwinya kwinya nguvo dzose ndiye teremu vodzokera kumba uku vakaguma speed. Ndakanga ndisiri mumood yekuseka zvangu asi action yatete panguva iyi yakandisetsa chaiko mazvinzwa. Mainn ndovakasara vakunditi "Takanga tambozvireva kuti ngavasare ava mari yavo vanozongopiwa patodzoka manje chionai zvotoitirwa navo vakumhanyisana nevanhu mudzimba dzavo aa veduwe zvatava kupinda basa risina mari chokwadi" vaidaro vachidzikisa zvibheke zvavo votevera kwakanga kwainda tete ikoko. Ini handina kwandakadzokera ndakangosara zvangu ndakamira nevamwe vaviri vanga vasaro mainn nemumwe mukoma wamama ndovakadzokera mukati vava kunorwisana navatete avo vakanga vakuita vanhu vekuposhera nezvikuni zvine moto vachitandanisa. Hameno vakazovagona kuvabata sei ndakazoona vakuuyiwa navo vakabatirwamwa "Iye ndiye achapabva pamba ipapa chete handimusiye uyu ndoda kumurova ndigomuuraya using my bare hands. Haana kuita traning seni uyu ndomukuvadza akanozvidyisa nengwena uyu" vaipenga vachiuyiwa navo tete vangu. Vachisvika vakanonga chibag chavo ndokusenga mumusoro ndokubata Manatsa ruoko ndokutanga kufamba tichiyenda uku vachingozuzuzma zvavo. Kwaivawo nekamufambo kuyendako kumba kwana mama zvazosangana nekufamba natete vaisafambisa takatotora 2 good hrs tichingova munzira tikazonosvika kumba kumapast 2 am and tqkangosvikira mukuvata kumba kwamainn. Makuseni kuchiyedza tete vakamuka vachitoyeneka ini ndikanzi handei haungasare pano vanouya vakakunetsa vanhu vaye saka takazosimuka kwamainn tava kuyenda kwana tete kuyewo. Tichisvika kuye ini chandakatanga kuita kugara pasi ndokutora foni yangu ndwkunyatsoitarisa ndichiona vainditzvaka kuti vaidei. Makanga musina zvakanyanya kukosha hamo vaingonditsvaka vaiva vanhu vari general and vazhinji nekuziva kwavaiita kuti ndairoorwa musi uwoyo vaingotobvunza kuti rafamba sei zuva. Nekuda kwemoyo wanga uchakaremerwa pane vese vaibvunza zvekufamba kwezuva rangu handina wandakakwanisa kutaura naye ndakangosiyana nazvo hangu ndokubva ndambotovata pamhasa panze ipapo . Ndakatozomutsiwa nefoni yangu yakaringer dzichingiva number dzega pandakadavira ndopandakanzwa kuti akanga ari mapurisa aiita mainvestigations kumba kwana bamnn Joab saka ini kundifonera kwaiva kuti ndiuye semunhu akanzi ndiye aivapo nyaya dzose dzichiitika. Zvadaro ndakaudzawo tete maringe nezvandanga ndaudziwa pafoni vakati zvakanga zvisina kuipa vaindiperekedza saka takatozogadzirirazve topinda munzira asi this time Manatsa takamusiya nevamwe vazukuru vatete vaivapo taonawo kuti angakuvara nekufamba mwana wacho. Munzira mese ivo tete vaindisimbisa nyaya yekuti ndinomira nestatement 1 ndisazowanikwa ndichiti pano dzambe pano dzambe nekuti hanzi ukawanza nyambo nyaya inogona kutozosara yava yako zvikakushatira saka iniwo ndichisvika ikoko ndichibvunziwa nemapurisa ndakangovaudzawo zvekuti mai vakazvikuvadza vega zvandanga ndakanzwa zvichitaurwa asi ndadaro iwo mapurisa sevanhu vanenge vari pabasa pavo havapererwi nexvekubvunza vakatomboda kundipinza busy chaizvo vakugwinyirra kuti iwe pawakaona vanhu vachinetsana wakadii kudanidzira help ndopakazopindira tete vangu vakundibatsirawo kudavira imwe mibvunzo and nekuzodawo kwekuti ivo tete vakamboitawo zvebasa rine chekuita nenyika zvakazokasira kunzwisisikwa asi ini mapurisa akanditi havasati vapedza neni hanzi se witness uchafamba kusvika nyaya dzacho dzapera kutaurwa pawanikwa chokwadi ndikabvumirana navo izvozvo. Ini natete hatina hedu kuzokasira kudzokera takatozoswera tiripo nevamwewo tichingomira mira tichibatsirana nevamwe kusvikawo kwava kuita manheru toyeneka kuti tichidzokera hedu. Tava kutobuda gate ndopandakasangana nabamnn vachiti vari kubva kuchipatara kuna Joana vakandiudza zvekuti akanga amuka hake asi amuka kudaro vakati akanga ava mumaoko emapurisa sezvo nyaya isati yapera kuongororwa plus mama vainzi vanoda kuitwa postmortem. Hatina hedu zvatakataura navo zvinoyenda kure semunhu aiva mudambudziko ndakati ndaizodzoka ndojoiner vamwe kana tete vachinge vavigwa tichiparadzana navo ini natete takatozochinja root tava kuyenda kwana tete vangu vachiti hande unoona vachivigwa havangachengetewe usipo iwe waiva uchiwirirana navo. Takayenda tikawana kuchinzi body yavo yakanga yatova munzira kuuya saka takazongobatana nevamwe vaiimba nekuitawo zvakasiyana siyana. Moyo wangu waiva neshungu dzakanyanyisa zvekuti ndaida kuitirawo tete vangu something asi maringe nekuti vandaifanirwe kunge ndichironga navo ndohama dzanga dzanditi ndavaurayisa handina wandaikwanisa kutaura naye ndaingova ndiina tete vangu ndichitokavhirazve kukugape rekutya kurohwa zvangu nemazibenzi anozviti hama dzangu iwaya. Kuchitanga kuvira body yakasvika vanhu tikachema zvedu asi kunyangwe taichema misodzi inenge yetopa hazvaivadzosa tete vangu vakanga vatoyenda kusina mupenyu achagona kutaura navo. Mangwana zvese zvakamuka zvichiitwa kusanganisira nekucherwa kweguva kusvika zvichipera hurongwa huchiitwa tichizosvika munguva yekuyenekana navo tete kekupedzisira(body viewing). Ndakayendawo ndikanoparadzana natete vangu ndikavavimbisa kuramba ndichivarangarira nekusingaperi. Tete vakaradzikwa havo vanhu vakadya chikafu vakapararira ini ipapo ndakanzi natete hatisi kuyenda hanzi ndoda kutaura nehama dzako tiwane kufamba tinonzwa chokwadi kana ukasabatwa vagokuripa kukurova nekukushungurudza kwavakaita. Manheru ndopakagarwa dare renyaya yangu tete vakati tofanirwa kufamba naye tinonzwa chokwadi vanhu vakabvumirana zvikanzi tomuka tichifamba asi mangwana makuseni kuchiyedza baba vangu nehanzvadzi yavo vakamuka vasipo vakatotiza zvinova izvo zvakazokonesa kufamba kwacho and hatinawo kutozokasira kudzokera takatozogara nevamwe vaiva panhamo ipapo iniwo ndikakwanisa kunitora chimwe chikafu kushop kwangu kuti vanhu vabatsirike panhamo ipapo. Pandakayenda kushop ndakatonotorawo nedzimwe hembe dzangu tete ndakatongovanongera madress 2 kumashops ikoko ndokuvapawo kuti vawane chekuchinja nekuti manheru emusi iwoyo ini navo nemunwewo mukadzi wemwana watete vangu vandaigara navo kumashops vekushaya ava takasimuka tava kuyenda kunhamo kwaana Joana kunorindira mai vake ini semuroora ndichimira mira nevamwe. Vasikana kana munhu akararama akashata chero ukafa vanhu havazvikoshese chokwadi. Ndakadzimbikana moyo wangu ndikaita munamato wemumoyo ndanzwa vamwe vakadzi vehanzvadzi dzamai vaJoana vachiti "Minister of kutonga kwese havachipo vafa. Regai vafe mai ava havana kana benefit yavaiva nayo panyika kana 1 zvachose chavo vaitova demon raishsndiswa nedzinza nekuti kana vaisashandiswa hakuna munhu kadzi anotonga vanhu vese kusvika pakadaro nhema. Kuita mambo kwese kwawakaroorwa nekwawakabva ndiudzeiwo. Vafa havo nenzira inorwadza asi seni handina kana pain yandinonzwa tete mai Joana ngavafambe zvavo vanotsva kudenga ikoko kana shungu navo" vaidavirirana vakadzi ivavo vachitaura nyaya dzavo zvavo and vasina kana wavaitaridza kuti vangamutya kunyangwe avabvunza nezvazvo. Vakadzi vakataura ivavo zvekuti ndakapera simba kuti hwaa. Ini ndaizongoita mind your business hangu ndozvinyararira. Takaita 3 days tichingovako ini semunhu akanga achinzi akawithesser njodzi iyi padiki padiki ndaitorwa nemapurisa achiyenda neni ndichinodavirira kusvika day rakazonzi mama vakanga vaoera kuongororwa zveshuwawo hanzi vakanga vasina kubaiwa naJoana vakanga vakangozvibaya vega saka kuzosara kuuya kuvigwa murume wangu akanga abudisiwa ava kumba though aisaita zvakanyatsonaka hake asi kungomuona kwaindikombirera zvekuti ndaitadza kana kugadzikana. Joana kana ndiri paari ndainzwa ndakafukidzirwa chaiko zvekusava kana nechandoshuva. Panhamo ipapo yakatomboita noise nehama dzekwamai Joana dzichida kunetsana naye Joana hanzi ndiye honzeri asi ndotenda madzitezvara angu nedzimwe hama dzavo vakava vanhu vakarwira wangu murume kubva pakutanga kusvika pekupedzisira. Ndaiva nemarwadzo hangu asi ndaisarega kuisa ziso pamurume wangu ndaimutarisa ndichimuitira zvese kusvika kuvigwa kwavamwene nekuzombosara hama dzakaungana nekuzopararira kwadzo ndofunga vanhu vakatozonyatsopera kupararira patova ne2 weeks chaidzo iniwo ipapo tete vana mama vakanga vadzokera kumba mwana auyiswa kumba kwavo. "Saka nhai mai Manatsa muchadii business renyu nekuti shaa ini ndikayera ndabva pano apa i dont think ndichazofa ndadzokazve pano hama yangu ndibaba vangu avo vandichange ndichishanyira kubasa kwavo kwavanenge vari kana ndavasuwa or ivo kuuya vachindionawo kwandiri kwacho" akadaro Joana manheru takatovata zved ndikamuti "Ko kungosiya pane vashandi tozodzoka tichicollector mari nekuwedzera order kwanga kwakadii baba Manatsa" zvikanzi "Maybe unenge uchidzoka hako kuzoita madhiri ese iwayo wega inini kunoku ndomagood bye days angu iwaya kudzoswa nerufu or something important not kungouya njee" ndikamuti "Asi kunenge kusiri kungokonewawo here nhau baba Manatsa ikoko. Imi hamifanirwe kuramwa kusvika pakadaroka mofanirwa kudzoka muchiona vamwe vamakakura navo" zvikanzi "Shaa nowadays handidi hangu kutaura zvakawanda or kupikisana nevanhu sitiereki. Iwewe unongoita maths dzako ini ndichiitawo dzangu chandiri kungitokuudzira zvinhu zvakaita seizvi ndechekuti usazozvinetsa nekuzonditi handei kushop or kuno kumba. Business rako if uchingoda kuti rirambe richimhanya hazvina kana basa ita hako" Ipapo handina zvandakazombodavira hangu ndakamusiya akadaro ndokuvata hedu kusvika mangwana and takazoita dzimwe 4 days tichingova pamba asi ndine mumwe musi wandakabata foni yake Joana ndichida kungoona hangu ndokuvhura kuaap kwake ndokubva ndangonanga pachart ratete Jane apo pandakanosangana nemakunun'unu maodza moyo chaiwo. Regai Joana akanga achiti ndikayera ndayenda handichadzoke chokwadi akanga anzwa mashoko aya. Zvimwe zvavanga vataura ivo tete Jane zvakanga zvisingaite chaiko imagine kuudziwa kuti iwe mwana akarambiwa nehama dzamai vako mai vangu vakatambura newe nhasi ndovawava kuurayisa iwe. Ipapo ndakatangawo kuona kuti zvakanga zviri zvinhu zvakanaka kuita zvinhu tichiwirirana nemurume wangu saka manheru iwayo takatozoronga zvekuti shop itengeswe hayo kana ikatengwa totsvaka imba mutown toisa muzita memwana isu totanga kuronga life yedu. Mumazuva iwayo tese naJoana takamboyenda kuhama dzekumusha kwamai vanvu kunovaona hedu pamwe nekuzoudza mainn kuti vazouya kusengawo rimwe grocery musi wandinenge ndava kunopedzerana nevasikana vekushop. Joana this time akavimbiswa natete musoja vaye kuti kungoita any slight mistake unondiona ndamharako ndakapfeka uniform ndikakukava kava chaiko iye akavimbisawo kunondibata zvakanaka kana tazova kumberi. Macement mamwe ndakatora ndikavakirisa makuva ramama nerehanzvadzi yangh. Ratete ndakangopa mwana wavo zvekuzovakisa ndikati kana mazotaurirana movakisawo guva ratete vangu and ndakamuudza kuti kana zvava kuitwa vasandisiyawo. Yes ndaisazokwanisa kuvapo hangu kunguva dzose dzichaitwa mafamily meetings nekuti hama dzangu dzanga dzandipandukira. Mwedzi uchipera ini nemurune wangu nemwana wedu takatorana ndokuyenda Harare kwatanga tava kugara iye achiyenda kubasa ini ndichisara hangu pamba. Shop takanga takaitsvakira vanotenga and takanga tisati tavawana hedu. Ko ndaimboziva kuti ini nemurume wangu tichazogara happly kudai . Zvinhu zvandaizama kumanikidza kuti ini naJoana tigarisane asi ndichizvida kudaro nekumboona hunhu hwake hwaaindiitira tisati tagara tese ndaingoti zvimwe ndouchavq muraramiro wedu iwoyo wekugara tichimanyisana asi ndakanofara veduwe murume wangu achindibata zvakanaka achindiisa pachinzvimbo chamambokadzi chaicho. Mari yake haana kana cent raaibata aiti akatambira mari yese naslips acho zvauuya kwandiri ini saamai ndini ndaizotora kana 50 us ndomupa ndoti ipocket money yenyu asi ndamupa kudaro yaigonq kungopera munhu achinditengera magifts zvake. Kubasa akanga akaita lucky aiinda nemota yemumwe mukomana waaishanda naye ipapo asi isuwo sevanhu vakanga vachiwana mari yakati wandei ini naye takaronga kuti tichingoyendawo kunoyenda vamwe kunoita rent to buy mota and chinhu chakandinakidza patakaita mota yedu everyday ndini ndaiperekedza murume wangu kubasa kuyenda nekumomutora ikoko kubasa. Shop payakazotengwa takangotenga imba yemwana wedu ndokuisa muzita rake. Bamnn Joab natete Joy ndovatenda chaiko nekuti havana kana musi wavakasarudza Joana zvakanga zvaitwa natete Jane vaisazorora kundishanyira kubva zvandanga ndava kugara kuHarare ikoko aiuya chaiko vaisarega zvavo. Joana akazotaurawo neni zvekuti kana ndakasunungukirwa nazvo anonditsvakira zvekutengesa ndotengesa tobatsirana kuraiser mari aida kuti tete Joy vatange kuita course and aizviitira kuti ivo vadzokedzane pfungwa dzavo vatotanga kuita rebuilt life yavo semunhu akambosangana nemaups and down vakanga vakatorasa tariro zvachose saka ipapo akati akadzokera kuchikoro akanoonawo vanwe vezera rake vachiita achanoita copy agotanga zvitsva saka ndakatozohodherwa zvinhu zvandaingotengesera pamba ipapo nehuku dzandaichengeta zvangu. Mwana wechi 2 ndakanga ndakapiwazve mukomqna uyo akapiwa zita rekuti Makomborero nababa vacho. Mukufamba kwemazuva tete Joy vakazouya ndokutanga kuyenda kuchikoro vaiita hotel and catering zvavo muHarare imomo. Rimwe day ichitova weekend ini natete Joy tapinda mutown nemota takafarisa ndokubva ndatora vamwe vakadzi 3 vatakagadzika kuseat rekumashure since kwakanga kusina munhu asi takati tava kunopinda mutown ndakashamisika ndichisangana nababa vangu vachibva mutown netsoka uku vakabata kaplastic keblack hameno kaiva nechii mukati. Handina hangu wandakamboratidza kuti ndavaona asi ndakazoshamisika vakadzi vaiva kumashure mumwe akuti "Ava baba ava dzangova nharo dzega asi zvemishonga zvavaramba ava movaona here mai Love baba vaya vatakatiza kwagaigara uko totadza kuvata pamba avo vakabata kaplastic avo honai kana iyo mhazha yava kungotaura kuti ndava wenhamo chaiye kuuraya ndofunga kwakaramba vakushaya kuti vodii" zvikanzi naivo mai Love vacho "Hoo mobvira chemhazha iya ko ndanga ndamboona kuti ndicho here. Maihwe haa shuwa yarova ini ndanga ndatovakanganwa chaiko ini" vakanzi nevanga vataura vaye "Hanzi chaida ku sacrificer mwana wacho chikakonewa wani saka ndopakapingana mhiko ikozvino changova chimupurwa apa hanzi nekutaura choga ndozvachava kuita zvacho ndoona sekuti kana kupenga kwadongorerawo apo" vakasekedzana vakadzi vaye vachitaura baba vangu kusvika tanovadxikisa ini natete Joy tava kuita zvatanga tafambira hedu. Mumazuva andanga ndambosangana nababa vangy moyo wakatomborwadza kuda kunovaona asi ndega ndakazonyatsofunga ndikaona kuti ndikada kuzviswededza mudhuze navo unogona kuzvicherera gomba zvako saka ndakazongovasiya vakadaro ndokutanga kurarama zvangu. "Daddy foni iri kuringer iyi" ndimanatsa aidaro achitambidza baba vake foni yaaiva nayo achitamba magames hake. Vakaitambira ndokutarisa aifona wacho zvikanzi "Nditete mai nyararai tinzwe nhasi ndaita zvekufonerwa kwakanaka here" vakadaro vachibvirira ini natete Joy kuti tinyarare tichibva tanyarara ivo ndokudavira vakaisa paloud zvavo "Mama makadii" vakadaro zvetsika chaizvo "Soja haringafare pasina kutsva muromo mwanangu. Handina kuitira training kuzorovana nemukwasha kana atadza kuuyisa sugar kwamai vake ita plan shamwari handichina chekubata ini o am dhayin'i ndine mwana wakadzidza ari kuchirumbi ikoko . Dont preyi me i am a trained soja unoona yabvunda ichisvika ipapo rori yemasoja ukakuvara magaro ayo fanami ayika" tese semhuri takatadza kuzvidzora ndokuumburuka nekuseka zvedu. Ivo vachinzwa taseka vakabva vati "Ndainzwa shiri yangu kuseka kwewakaguta kuratidza kuchengeteka chaiko. Dont warri bhoyi shuga iri tii ndanga ndichida kungonzwa mwana wangu kuti ari sei ndatomunzwa uyo ndafara zvangu soja rinosvika kure chiramba kusakara chiri kutochemerwq nevakuru vemauto kuti dzoka kubasa asi chozoramba hacho chichiti ndine mwana dhokota hazvichagone" kana zvekudavira iye mukwasha wqcho akazvishaya akangopererq mukuseka hake ndokubva vazocutter call yavo . Ipapo ndakava nekudziirwa kwakanyanya. Ndaiti zvandarasikirwa natete vanhu handichawane anomira neni asi here i am nasoja wangu uyo aindigfonera nguva nenguva achida kunzwa kuti ini nevana takasimba here. Ini sugar nemafuta ndaisamboshotesa kwaari ndaitoyendesa chaiko ndiye akanga atova munhu wangu. *The end* *Lets meet mubook redu rinotevera REDEMPTION'S PATH* *MAMA NATIE WILL BE ALWAYS BE FOR YOU TEAM 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 176

Comments