MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                February 10, 2025 at 09:35 AM
                               
                            
                        
                            https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y
*Follow our group for comments*
https://chat.whatsapp.com/JuTpK2ay2SF1ecVeV7wSu0
*Chapter 01 and 02*
https://chat.whatsapp.com/F0KWT92xD1j4pjJQf26Qis
MY PARENTS FORCED ME TO MARRY HIM BECAUSE OF POVERTY💔💔💔💔💔💔💔💔💔💘💘💘💘💘💘💘💘
A short story by Mama Natie🍒🍒🍒🍒🍒🍒
Chapter 01
Melissa
All the time ndikayenda kuchikoro ndinonosekwa nevana vevamwe vakabudirira ko vangu vabereki vakaitwawo sei nhai mwari vasina kana nechavanacho. Handina musi wandakawana mufaro kubva zvandatanga rugwaro rwangu rweform 1kungosekwa chete.  Kuprimary zvaiva nane chose hapana akambondiseka masekerwe andikuitwa kusecondary kuda inyaya yekuti kuprimary tinenge tichiri vana . Ndaishumba hangu chero kuchirega chikoro chacho ini nekuti zvanga zvandiomera nekusekwa  nevamwe vana vezera rangu.
Ini zita ndinoitwa Melissa Nkomo musikana ane makore 16 ekuberekwa. Mumba medu takaberekwa tiri vatatu ini ndirini dangwe. Vadiki vainditevera vaiitwa Mercy naMike. Veduweka nhamo yataitamba yakanga isingakirukurike manzwa. Pamba taigara namai baba vangu vaishanda kupurazi remumwe murungu  mutema uko kwavaitambiriswa mari isingatombokwane kana kutibhadharira fees tese tiri vatatu kuzoti chikafu handichataure hangu. 
Kuchikoro ndaingoinda zvekushinga asi ndakanga ndakusvika pakuneta nenyaya yekusekwa iyi. Uniform ndaingoyenda nemarengenya bhutsu dzangu aiva masandaki chaiwo ndiyo yaiva yekufara nekusuwa. 
Mumwe musi yakanga ichitova weekend zvayo ndakatogara kuseri kwemba ndichizama kufunga kuti ko kana ndikasiya chikoro ndikatsvaka basa handingabudirire here ndikabatsirana nababa vangu pane zvaishota pamba pamwe nekubhadharira vadiki vangu chikoro. Ndaiva mudziva rendangariro zvangu pandakanzwa kutinhira kwemota ichisvika payard pedu. Ndakatoshaya kuti ko akanga auya ndiyani nekuti pamba pedu paisambosvika mota kana bhasikoro zvaro vanhu vaitivengera nhamo yedu iyeyi plus makamboona here kuti mukatambura pamba penyu chero huroi munotopumhihwa ndizvo zvaivapo pamba pedu tainzi tinoyoroya
Ndakasimuka ndokuyenda kwaiva namama ndokubva ndanosanganidzana nadaddy vachiburuka mumota pamwe nemurungu wavo wavaishandira ndaimuziva hangu nekuti takamboyenda imwe holiday kupurazi kwake. Ndakakwazisana nadaddy vangu ndokubva ndakwazisa murungu wavo ndokubva vapiwa pekugara havo ndokugara pasi. Ini ndakabva ndasimuka kuyenda hangu nekuti tsika dzekwedu hatibvumidziwe kugara pavakuru kana vachiita nyaya saka ndakasimuka ndokuyenda kogara mukitchen hangu. Ndakagara kwechinguva ndokubva ndazonzwa ndakudeedzewa nadaddy panze ndokuyendapo ndokubva vanditi gara pasi tine mashoko. Ndakagara pasi ndokuteerera zvavaida kutaura zvacho ndokubva mama vanditi
Mellie mwanangu daddy vako vane mashoko  avanawo kwauri 
Me:'daddy mati ndadiiko  hangu 
Daddy: Melissa mwanangu ndaita baba benzi asi handina zvandingaita nekuti ndaitirawo future yako. Ava handi unovaziva kuti ndivo vandinoshandira ava. Mukutaurawo ndichidemba nhamo dzangu vakati vanokwanisa kundibatsira nekutora iwe wonodzidza kuchikoro kwavanoda ivo asi vati kana wazodzidza wapedza vanozoda kuti uroorwe nemwana wavo mumwe handimuzive hangu nekuti vana vavo varikuSouth kwavanoita zvidzidzo zvavo saka handizive unozviona sei
Me: aaah daddy manga maita chido chose asi zvingazoita here kuti ndinogarisana nemumhu wandisingazive kana kamwe anonditarisa sei nhaimi.
Daddy: mwanangu hazvina kana basa achakujaira mukufamba kwenguva umu plus izvezvi kana wanga watobvuma tanga tatovimbiswa kuvhurirwa chitoro toitawo business hazvikufadzewo kuona ini baba vako ndakazororawo mwanangu tarisa kwandakabva ndichingoshanda pasina kana chikubuda 
Me: baba zvingatova nani ndiyende koita house girl hangu than kunozvikanda kwakadaro hazviite dadyy manga maita basa chose asi zvakona handide 
Baba vangu vakaramba vachidemba veduwe pamwe namai vangu kuti ndibvume. Ndakatarisa vabereki vangu ndikanzwa tsitsi chaidzo nekuti hapana chinhu chandaida semubereki wangu and ndaivarespecta zvakanyanya nomatter what. 
Misodzi yakanga yatojenga mumaziso ndokubva ndati kuna daddy
Daddy kana zvirizvo zvinokuitai kuti mufare chiregai ndinoyenda hangu nekuti chandinoda kufara kwenyu asi kana kukasanondifadza ndinodzoka zvangu 
Vabereki vangu vakaita kufara chaiko zvekuti bhee. Ini hangu ndakangotenda zvepamusoro but deep muheart mangu ndaiita kunzwa kutsva chaiko  kurwadxiwa zvakanyanyisa ndiko kwandakanga ndava nako regai vakuru vakati nhamo urimbo inonamira vakanga vazviona chokwadi
MY 
Vakazotaurirana havo nababa vaye and vakabva vati vachazouya vachinditora kuinda kuchikoro kuHarare kana zvikoro zvavharwa ndozotangira paterm yaitevera. Vakayeneka baba vaye ndokuyenda havo ndokusara tava tega vepamba. Mama vakatanga kundiraira zvekuti ndinoita hunhu pamba pevanhu asi zvaingopinda zvichibuda hazvo ko zvaigara pai iyo hana yanga yatoremerwa kare. 
Zvikoro zvichingovharwa baba vaye vakauya kuzonditora and vakabva vatouyawo nemari vakazopa vana daddy kuti vachivhura shop yavo. Ini ndakangorongedza twangu tumadhende ndokubva ndanoisa kashangani bag kangu mumota ndokuyenekana vevanikina vangu pamwe nevabereki ndokutoyenda kogara kumota baba vacho vazouya ndokuyenda zvedu.. KuHarare kwacho kwaitovawo kamufambo chaiko ndakasvika magaro akutorwadxa nekugara ini. Tichisvika ndakatofunga sekuti ndichapiwa welcome yakanakisa sezvo ndakanga ndanzi ndichazoita muroora wepo asi iii ndaizvinyepera chaiko.  Mai vacho vakangoti vachindiona ndichibuda mumota zvikanzi 
Baba Trevor daidzai Obert  anomutaridza room yake kucottage uko kwete kuno.kumain house bodo ndinganyarirepi.nhaimi pakuya vayenzi chero vana vangu vakauya kuholiday vangatoshaya mufaro nekugara nemunhu akaita soo. 
Baba vaye havana chavakataura vakangodaidza Obert wacho ndokubva auya akanditora kuyenda neni kucottage kwacho ndokubva anditaridxa room yangu iye ndokutobuda hake akangonditi kana uine chaunoda ndri muroom iri panext iyo
Ndakasara ndokutanga kugaya manje kuti saka zvandatanga kubatwa nekuseri  kweruoko nemusi  wekutanga ndichaita  sei. Hopewo hameno  dzakabata  nguvai ndakatozkngoyerekana ndakukutsiwa  nemumwe musikana angangoita mazera amwe  neni achindipa chikafu. Ndakamuka ndokutambira chikafu chiye ndokubva ndatanga kudya hangu iye akagara akamirira maplates.  Ndichipedza ndakamupa plate yake ndokubva abuda hake  kuyenda. Nguva dzakanga dzayenda and I guess yatanga tatodya  ndiyo yaiva supper. Ndakabhoikana nekugara ndega  ndokubva  ndambobuda hangu kuyenda  kuroom yaObert kumbonotandara. Obert wacho aiva munhu kwaye zvisingamboite hake. Takaudzana about ourselves ndokubva tazoparadzana ini  ndakuyenda korara hangu 
End of 1
Rakamira sei
https://chat.whatsapp.com/F0KWT92xD1j4pjJQf26Qis
MY PARENTS FORCED ME TO MARRY HIM BECAUSE OF POVERTY 💔💔💔💔💔💔💘💘💘💘💘💘
A short story by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒
Chapter 2
Mellissa 
Ndakanorara hangu dzehumambo sezvo ndakarara pamutefe tefe wemubhedha ko kwedu taimbouwanepi hedu taibaiwa nekuumburuka pasi pandove futi. Makuseni  kuchiyedza ndakashaya kuti ndomuka ndichiita nezvei ini nekuti pamba pacho ndakanga ndisina kupajaira apa ini kuti ndimuke ndingogara ndaisatozvigona ndakanga ndakajaira kwedu kumusha ndaimuka ndichiita basa. Ndakamuka ndokubva ndangowaridza pabed pangu ndokubva ndangonopiwawo  broom naObert ndokutanga kutsvaira muroom mangu. 
Pandakapedza ndakabva ndagara manje. Baba vaye vakazouya kuroom kwangu ndanguva ndatofizuka kare nekungora ndisingaite basa Vakasvika vakanditi 
Morning Mellissa 
Me: mamukasei 
Him: ndauya kuzokuudza kuti kana kwayedza kudai unomuka wouya kumain house iko kuzoita basa namaid usangogara handiti 
Me: ehoi 
Vakabva vati chihandei ndokutaridza kwaari mumwe mubatsirane basa. I follow him ndakanyarara hangu ndokunopinda mukitchen maiva namaid wacho ndokubva vati 
Here is she ask her chii chinoda kuitwa mabatsirane handiti 
Me: ehoi 
Vakabuda havo ndokusara tava vaviri nemusikana uye takuita basa ndaingoitawo zvaanenge andiudza iye. Mai vaye vakazouya vakawana ndri mukitchen ndokubva ndaona vatosunga chiso Chavo ndikaziva zvatoshata. Vakabva vaita kukwamatata chaiko vachitaura namaid wavo uye kuti
Who brought this thing in my house Linda huuuh. You idiot haven't I told you not to step your foot inside my house 
Linda: sir ndivo vamuuyisa ma'am vati andibatsire basa 
Her: Linda I told you how I feel if I look at a village girl please please i beg you to tell her to get out.  
Linda: ok ma'am 
Mai vaye vakabva vafamba kuuya pandaiva ndokubva vaita kuvhura gwati rembama vachindipa kumeso vachibva vati 
I told you don't get inside this house so wazouya kuitei muno.  Iwewe handina help yako yandinoda pano.  Zvako nababa Devine zvekuuyiswa uchinzi ukuuya kumurume dei uri mumwe watokasira zvako kubva pano udzokere kumba kwenyu nekuti chero mwana wangu anga aribofu I wasn't going to allow her marrying a thing like you 
Mai vaye vakabva vafamba ndokuyenda zvavo ini ndokusara ndakubuda kudzokera kwandanga ndabva.  Ndichisvika ikoko I locked myself inside ndokutanga kuchema.  Shuwa baba vangu vachinditi ndiuye vaiziva kuti zvichatora mufaro wangu here kudai. Masikati ese ndakaswera ndakazvivharira zvangu handina wandakambotendera kutaura neni kana kamwe. Manheru Obert ndiye wandakatozovhurira door nekuti anga anguva anetseka saka ndakapedzisira ndamuvhurira zvangu kuti apinde. Akapinda  hake ndokubva agara ndokubva anditi 
Mellissa shuwa ungaswera wakazvivharira nekuda kwekuti watukwa shuwa. Zvimwe zvinhu ingoziva zvawakavinga chete zvezvakawanda siya zvakadaro. Vanonetsa Mai ava kana nesu tanzwa nawo mambama asi kutongoshinga wena 
Me: Obert ini chinondirwadza I nyaya yekuti ndakaita zvekutengeswa kuvanhu vakaoma moyo kudai ivava saka ndopagara sei pamba pacho manje.
Obert: wakatengeswa how Mellissa 
Me: Obert kana ndikakuudza chikwadi changu chisazova chituko hako. Ndakamurondedzera zvakaitika kusvika ndizova pamba apa ndokubva ataridza kupererwa chaiko. Akazongoti 
Iiii shuwa wakakandiwa Mellisa nehutsinye hune vana vamai avaka yaa shuwa wotoshinga hako. Vana vane moyo mikukutu ivavo izvezvi zvavauya kudai totoziva kuti takupinda busy tozorora vasipo 
Me: vanombova vangani vana vavo vacho nhai Obert 
Him: vakomana i3 vese varikuzvikoro musikana i1 akatoroorwa hake 
Me: hoo saka vauya vese here 
Him: ehe vauya vese you will see them hako uchazvionera zvavari kana kwayedza 
Me: uuum hoo 
Takazogara tichiita nyaya zvedu ndopandakazonzwa Obert achidaniwa  kunze nevoice raiva newone kwandiri rechirume. Obert akabuda achimhanya kuyenda padoor pake paiva nemunhu uye ndokubva asvika ndikanzwa akuti 
Am here sir 
Voice: ko kuroom iyo ukubva koita nezvei iwe room yako iri iyi 
Him: tanga takatandara hedu naMellissa muroom make
Voice: Who is Mellissa panapa 
Obert: a new maid akasvika nezuro 
Voice: saka manga makutozivana zvekuvharirana mumba imomo 
Obert: kwete zvekudaro tanga tchingovaraidza nguva zvedu 
Voice: ndauya kuti undiperekedzewo kwandri kuda kumboyenda hangu tozodzoka tese pane madhiri andinoda kumbofaisa saka ndoitira mudhara kuti vasazondinetsa ndongoti ndanga ndinewe 
Hjm; OK regai ndiudze Mellisa angazoshaya kuti ndafamba sei since ndangomuti ndikudzoka 
Ndakanzwa mafoot steps kuuya ndokubva Obert andiyeneka hake ndokubva vayenda. Vakamboita kanguva vasina kudzoka  ndokuzodzoka pava paye ndakavanzwa vachitaura vachiuya kuroom kwangu.  Ndakanyepedzera kurara zvangu ndikanzwa door ravhurwa pasina kana knock. Ndakaona muchipinda a very handsome guy akabata mumwe musikana ruoko then Obert kumashure. Pavakapinda Obert akabva ati Mellissa this is Dean and his girlfriend  varikuda kushandisa room ino so if you Don mind toyenda tese kuroom kwangu wozodzoka kana vabuda hako 
Hezvo nhai jesoo ko yava ipizve ndakangomuka pabed ndokubva ndayenda kuroom kwaObert uko kwandakagozorara kusvika kwayedza. Ndakatoita zvekumutsiwa namaid aiva auya kuroom kwaObert apa iye Obert anga atomuka kudhara zvake. Maid uye paakandiona akabva anditi 
Mellisa ne2 days idzedzi wakutoita zvevanhurume  here. Ukutsvakei muroom maObert hee. Manje Obert is my man ndati ndikuudxe kana ukasasiya kahunhu kako aka tomakana kusvika kare 
Me: am sorry Linda handidanane naObert asi ndakabviswa muroom mangu nemumwe mukomana achiishandisa nemusikana wake soo Obert akazongonditi ndiuye kuno but handidanane naye hangu sorry Linda 
Her: if you say soo. But kave kekutanga nekuguma hako zvisapamhika.
Me: ok 
Achibuda Linda uye ndakabva ndatosara ndichibudawo ndakuyenda kuroom kwangu. Ndakasvika muchine mukomana uye and akanga akavata zvake. Ndakangoita zvivindi ndokupinda ini aaah maida ndidii. Ndakatanga kuona macondom akanga akashandiswa apa akanga akaita kungozadziwa imba yese.  Ndichiri mukutarisa kudaro mukomana uye akabva amuka zvake apa paakandiona akabva ambonditarisa kwechinguva hameno aionei ndokubva azonditi
What are you doing iwe muno 
Me: ndanga ndauya ndichiti mayenda sorry henyu 
Him: wanga wauya uchiti ndayenda zvikazodii manje. Chotonhonga maprotector ese aya akazara pasi kana wapedza wonotora mvura panze nebucket iro kasira tione. 
Ndakamanhongeswa maused aye ndokubva ndanonga bucket kumhanya kotora mvura iye ndokuuya nayo ndokubva ndanomugadzikira ndikanzwa munhu akuti 
Can you help me by cleaning my dick 
Apa aitotaura achitobudisa nhengo yake nhaimi.  Ndakamutarisa ndikanzwa kusvotwa kusingaite ndichibva ndamuti 
Am sorry I can't 
Him: kkkkk don't be fun girl you can't for what huuh. Is it new kwauri or ? Kķkkk anyway handikumanikidze hangu zvausingazive sorry but next time I will teach you hanti
 
Moziva manakiro anga akaita mwana uyu haasi ekuti angaita zvakadaro shuwa. Ndakasara ndakuita order mumba mangu hangu kusvika ndapedxa.  Breakfast ndaisapiwa zvangu ndaizongodya palunch.  Pandakanga ndakatogara zvangu ndipo pakauya baba nekukomana uye wamakuseni muroom mangu ndokubva baba vanditi 
Mellisa handi nyaya yawakauyira kuno unoiziva hako. Saka nokudaro uyu ndiye mwana wangu wandakatarisira kuti uchazoroorwa naye. His name is Dean. Dean I kow unogona kupererwa why I choosed a wife for you but ndizvo zvandakatoita mwanangu and ngazvichitozadzisika. Iwe  Dean wotopawo Mellisa respect yake semukadzi wako zvimwewo newe Mellissa Dean ndiye achava murume wako so respect him zvandazviitira Dean uchazviziva pamberi apo
Ndakatarisa Dean uye ndikaona achiita kusunga chiso kutaridza kusawirirana nezvaitaurwa nababa vacho akabva ati 
Daddy mukadzi haatsvakirwe munhu kana ndakuda mukadzi ndoona plan inga ndinaye wani musikana wangu wamoziva so mazvinetserei
Daddy; zera rako rese rapera kuroora iwe kana zvako  saka ndingatadza kukutsvakira mukadzi. Zvako zviye zvekuti unonogara kuSouth nevana iwe wakapedza chikoro zvavharana mangwana ndichakuyendesa kuimba yangu imwe iye ndiko kwauchatanga kunogara  nemukadzi wako. Obert ndozviona mowirirana chose ndichakupa woyenda naye saka mangwana be prepared zvako. Haundirambire and  haupikise zvandataura ndizvozvo.
Neiwayo mashoko vakabva vatobuda zvavo kuyenda ini ndokusara neuya mukomana takangotuzura.
He looked at me neziso rinotaura chairo ini ndokubva ndatarisa pasi. Akasimuka ndokubva anditi
SShuwa nekukura kwako uku wobvuma kubva kumba kwenyu uchiuyiswa kumunhu waisingazive haunyare here.manje uchaona moto kusvika wayenda wega 
End of 02
Love you team
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                    
                                        84