MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
February 11, 2025 at 06:39 AM
https://chat.whatsapp.com/JuTpK2ay2SF1ecVeV7wSu0 *Pinda muchannel medu usarasikirwa nemachapters ebook redu iri* *REDEMPTION'S PATH 💚💚💚💚💚* *Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🪀🪀🪀🪀0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣3️⃣1️⃣5️⃣6️⃣9️⃣5️⃣* **ROMANTIC AND SENSITIVE STORY* *Chapter 05* *Kudzi* Ndakageza ndikapedza ndokuzoyenda kwakanga kuina mama ndokusvika ndichigara ndakangonyarara hangu ndichishaya kuti ndingatii and ivo vakaramba vachiita zvavaiita sekuti vakanga vasingandione. Pain yekuti munhu anokuona okuignore yakangooma hama dzangu especially uchitoziva kuti akakutsamwira ane zvaanoda kubudisa ka unoita kunzwa kumwe kuremerwa kwakanyanyisa. Ndakanga ndongotonongora zvigumwe zvangu ndakagara pabench ivo mama vari pakapasa vachidya havo tea nechingwa. Vakamwa kusvika vapedza votaridza kuti vaguta manje ndopavakazonditanga "Makondomu awanga uchinhuwa wamawana kupi Kudzai" vakandibvunza vakanditarisa chaiko "Mama ka" ndakangodaro ndichishaya kuti ndovatii. Yes i was supposed to say something but ndaitii pakadaro. Ipapo ivo mama vakasimuka ndokufamba vachiita sevanoda kubuda panze asi ndakazoona kuti vainovhara door mushure mekunge door ranzi vaaa kuvharwa ndokubva raiswa chihuri nemukati ndokubva vamira kudoor ikoko zvikanzi "Kudzai wava kuda kuita mombe yemashanga handiti" vakadaro vari kudoor kwavo ndikavati "Mama ndiri kutsvaka fees yangu ini inga wani ndogara ndichitaura" zvikanzi "Kutsvaka fees yako kuita sei kwacho kwaunondiudza iwewe benzi iwe. Fees yacho inotsvakwa nekuvhurira varume vakuru makumbo wakainzwa nani yemutovo iwoyo ndiudze kuti akakuudza kuti ukashaya fees inda ufambe uchivhura makumbo pese pese ndiyani" Vakadaro vachindivinga mama ndikavati "Saka mama maida ndisiire chikoro panzira here nekuda kwekushaya mari. Handina akandombondiudza izvozvo mama asi ndega ndakangoona kuti hazviiye ndisiire chikoro panzira ndikaona sezvakanaka izvozvo" ipapo vakanga vatosvika pandiri ndokubva vandibata katop kandanga ndakapfeka vakaita kakukakweva kakandidzvinya soo zvikanzi "Kusanditeerera kwako kwese uchindiona sebenzi nhasi ndoda kukurova Kudzai. Wakanditarisa unondiita benzi asi nhasi ndoda kukurova kuti uone kuti handisi benzi ndinotofungawo sewe. Ndayenda newe kutown zvakanaka naka wakutosvika kundiita benzi wonditoza wotoyenda kuchihure kwako uchisiya zvinhu. Ndikakurova uchaziva chakanaka nechakashata. Ichocho chikoro kana pasina mari uchachirega kwete zvauri kuda kundidzidzirira kuita mwana mudiki akaita sewe iwe " vakadaro vachitanga kundibhukuta nemambama akabatana nezvibhakera. Ndakarohwa vachitaura zvakawanda wanda zvine chekuita nekurega chikoro kwangu kana ndichishaya mari. Handina kuzombovadavidza chandanga ndava kuita kungozvivhikira musoro wangu kuti usakuvadziwa kusvika munguva yavakangondisiya vega vakunovhura door zvikanzi "Kubva nhasi ukaita zvauri kuda kutotanga izvi ndokukuvadza Kudzi ndotokuudza chokwadi. Zvingava nani ndipinde pese ipapo ndichikutsvakira mari yacho kana zvaramba kana chikoro chacho ungaziva waziva wachisiira munzira zvako hakuna akambonzi akasadzidza anofa. Shungu unadzo chose asi kana zvisipo hazvipo mwanangu haungamanikidzire nekutengesa muviri wako. Mwari vakakusika wakadaro havasi benzi mwanangu hazvina zvavzokubvisa zvauri kutoita izvezvi ndokukanganisa kuhombe nekuti ukahura kutanga izvezvi kusvika pauchanobata iyo form 6 unenge wadii. Uchibva form 6 uchada kuita course saka iwe ndiudze mwanangu kuti unenge wadii" vakadaro vakanditarisa ndikavati "Mama ndoda kudzidza ini" ndakadaro ndava kupukuta misodzi yangu yaidzika nematama zvikanzi naivo mama "Kudzidza unoda mwanangu and chero neni mai vako ndotovawo neshungu idzodzo asi nzira yacho yawasarudza kuzvidzidzisa nayo ndoyakaoma. Ungahura hako kwemakore ese aunenge uchiyenda kuchikoro asi nerimwe divi uchazosvika oalida kuroorwa mwanangu unomuwanepi murume anoda mukadzi ane history yechihure. Hakuna mwanangu saka dxikama" "Kuroorwa handina basa nako mama chandinoda kudzidza ndigozokwanisa kukuchengetai imi mai vangu. Makatambura neni saka ndofanirwa kuchinjawo hupenyu hwedu mama. Kusvika rinhi tichingova marombe. Ndotorwadziwa nenzira yandakasarudza kutsvakisa mari nayo asi handina option mama . Kunogara mudzimba dzevanhu vanongononditsvinyira and vakaziva background yangu vanonditorera advantage mama kana pane vanhurume vagondibata for nothing. Zviri nane ndiite zvandoziva kuti zvine benefit than kunozvikanda mama i can't " ipapo ndakanga ndochema chaiko asi ipapo ivo mama vakauya vakugara paside neni ndokibva vandibata mapendekete angu zvikanzi "Kudzi mwanangu ndiri mai vako kutaura kudai taona zvakawanda kudei wanditeerera mwanangu" ndikavati " ndozvinzwa mama and nekundida kwenyu ikoko i cant promise you nhema. Handigone kukufadzai nenhema because mataura neni mama. Kutsvaka mari handife ndakarega mari ndichaitsvaka ndichiyenda kuchikoro kusvika ndadzidza kusvika pandoda. Chandongokuvimbisai mama kusaiti ra hufende hwangu mudhuze muno zvekuti zvichakushayisai chimiro and chero ndikaita mama ndovimbisa kuti hamuna musi wamuchafa makazviziva kuti ndaitira muno." Ipapo mama vakangonditarisa zvekuererwa zviye. Vakambtora nguva vakangonyarara vari paside pangu kusvika munguvva yavakazonditi "Saka unosununguka kundiudza chokwadi here Kudzai mwanangu" ndikavati "Maringe nechii mama" zvikanzi "Ungandiudzawo here kuti saka izvezvi wati wavata nevanhu vangani mwanangu" vakabvunza vachiratidza kushushikana kumeso kwavo ndikavati "Mama handisati ndambovata nevanhu vakawanda ini. Ivo vaye baba vamaona kutown ndovega mama handizive hangu nekuzofamba kwenguva asi so far ndovega vandati ndasangana navo " ndakadaro ndichitorevesawo zvikanzi naivvo mama "Saka hanzii" ndikavati "Pachii mama" zvikanzi "Mukadzi wavo aripi plus vatii pamaparadzana pacho" ipapo ndakashandisa mukana iwoyo kuudza amai vangu nyaya yese sezvairi. Zvekunditengera nefoni kwavanga vaita ndakavaudza mama vangu kusvika mukundiudziwa kuti ndaita zvevanhu vakawanda wanda kwandanga ndaudziwa nemusoja uye ndakavaudza zvese ndichipedza vakangonditi "Ndiwe unoziva zviri pamoyo wako mwanangu asi chero zvakadaro ndiri kurwadziwa chaiko. Handingati kutambura newe uchikura ndozoti kutamburazve newe at this age mwanangu. Kuita hako kwemusoro wako asi ini mai vako handizvide zvachose. Ndotozvishuvira zvakanaka pauri asi mauyiro azvo haandisunungure moyo wangu zvachose mwanangu"vakadaro vachitosimuka kuyenda mama ini ndokusara ndakagara ndega mukitchen imomo ndichizama kufunga way foward. Zvekusiyana nechihure ndaizvifunga chose asi manje kana ndazochisiya chikoro chacho ndsizopinzwiwa nani. Kusiyira chikoro panzir was a big no handimbode kunyepa. Ndakazosimuka hangu pandanga ndakagara ndava kutora zvinhu zvandanga ndsuya ndikangoturira mukitchen zviye ndokunozviisa mubedeoom medu mataimgoisa chikafu chedu. Munguva iyoyo mmama handina kuvaona payard hameno vakanga vabuda vakayendepi havo vakatozodzoka ava manheru kuchitanga kusviba ipapo ini ndakanga ndichibika hangu sadza nekausavi kandanga ndatengerwa namusoja muspar. Vakasvia vakagara pabench mama zvikanzi "Ndanga nndabuda ndamboyenda kwana mbuya Mhazi uko ndichiti ndinotsvaka basa ndakambonzwa kuchinzi vaida munhu webasa saka ndanga ndati ndiyende ndinonzwa kana vachiri kumuda ndikati ndshande hangu ndichiwana mari yekukuyendesa kuchikoro "ndikavati "Saka mmanobudirira here mama" ndakadaro ndichivhara poto yangu yandaibika "Haiwa vanhu vemuno vanoshaina hauvazive here mwanangu ndanzi kana muchirida basa 15 dhorazi pamwedzi saka ndangosiya ndavati ndodzoka ndokuudzai mangwana ndichiti ndizotanga ndakuudzawo iwe uye ndichinzwa kuti zvingazoda ndishande mwedzi mingani kuti ndibatanidze mari yako yefees" ipapo ndakangovati "Siyanai nako mama hakuna mari zvechikoro ndatokuudzai kuti ndozvionesera" shuwa vanhu vakanga vasina moyo zvavo. Kuona mai vangu kupusa vava kutovait benzi zvavo kuvashandisira mahara. Ndakazobika ndikapedza tava kuita hedu nyaya tichiwirirana asi tichangopedza kudya foni yangu yakabva yarira vari mufoja vaifona asi number yavo pakuisevha vabga vangoiti "Wellaz" . Ndakaitora ndokudavira hangu bdokubva vambotanga nekundibbvunza kuti ndakanga ndasara zvakadii ndikangovaudza kutu ndiri bho asi vachipedza kuvunza izvozvo vakazonditi "Ndouya kuzokutora neFriday " ndikavati "Kuyendepi neni"zvikanzi "Ko unobvunza zvekuti kuyendepi neni handi ndasiya imwe mari yangu yakabatira ikoko kutoinda kopedzisa mari yangu" ndikavati "Mototanga mandinzwa kana ndiri free ndokuudzai" zvikanzi navo "Asi unenge uchibuda buda here pakati pese apa" ndikati "Kubuda kuita sei" zvikanzi "Kuinda ka kumadhiri ako kwayo" ndichibva ndavati "Handisati hangu ndambobuda but ndikawana mari ndobuda" ndakataurira mukutorevesa chaiko ini hangu ndikawana mari ndaitobuda kuyenda handsimborega nekuti mari iyeyi ndoyakandipinzisa mumabasa ese aya saka kuti ndawana anoti ndinayo ndorega zvakanga zvisingabude zvachose ndaitoinda asi ipapo ndavadaro vakabva vacutter foni yavo vasina zvavataura and ini vachicutter handina kutomboda kuzvinetsa nekufunga kuti vacutter nekuda kwei ndakangotiwo hameno zvavacuttira havo . Kwatova kunmapast 9 tava kutovata namama ndakazokatyamara vachindifonera vachiti ndiri pagate penyu buda uuye pano . Ipappo ndakkavarambira hangu handide kureva nhema. Even mai vangu vakanga vasiri munhu ari bho bho kuva disrespecter kusvika pathat extent was a big noo. Ipapo ndaramba vakatanga kutondipopotera hanzi une kwawayenda nhaimi baba ava vakaga vasiri serious nekuronga kwavo chokwadi. Vakapopota zvekuti ndakapedzisira mama vanditi buda uyende asi vangoona kuti uripo udzoke usabuda navo mwanangu and ndozvandakatozoita ndakangobuda ndokuyenda kwavaiva ndikasvika ndichimira kunze kwemota ndikavaswedza vakadavira havo ndikavaudza kuti ndava kudzokera asi ipapo vakabuda mumota mavo ndokuuya pandanga ndiri zvikanzi "Kana uchida mari ndakakuudza kuti unondiudza wouya wotora than kuda kuita madhiiri akadhakwa ekubuds buda ndakakuudza wani kuti siyana nezvimwe zvese izvo ukati ndosiya saka zvekuzonzwa kuti waita zvevarume nekuda mari zvipere hako. Even ndikava ndisipo kana mari yashota unofona ndofana kukupa tongozoita madhiri acho ndadzoka handi wandinzwa'" vakadaro vakandibata ruoko rwangu ndichibva ndabvuma kutaridza kuzvinzwa asi ndabvuma kudaro havana kundisiya vakaramba vachingotaura zvakawanda wanda kusvika munguva yakazoringer foni yavo and zvaiva pachena kuti musikana wavo aifona nekuti faiva voice rechikadzi raimubvunza kuti ko sei usina kuzosvika iwe wandivimbisa kuti uri kuuya achibva anzi "Ndazoinda somewhere maybe ndotouya mangwana kana ndikasabatwa nebasa" zvikanzi nemusikana wacho "Somewhere kungakosha kudarika maplans edu kuri kupi Welli " zvikanzi naiye "Ndakuudzza kuti ndouya mangwana shaa izvozvo zvekundipa pressure manje hazvibude ndatokuudza kuti ndouya wani" ichibva yatocutwa kudzoserwa muhomwe foni . Vakatozondiperekedza kumba vakanondisiya muyard chaimo vachibva vadzokera havo vakangosiya vandivimbisa kuzonditora Friday ndikavati hoo ndokuparadzana hedu ndonopinda mumba umo mandakawana mama vava mumachira ndokungozvibairirawo ndokutovata. *End of 05* *Stay turned
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 230

Comments