MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
February 12, 2025 at 07:15 AM
https://chat.whatsapp.com/JuTpK2ay2SF1ecVeV7wSu0 *REDEMPTION'S PATH 💚💚💚💚💚💚💚* *Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🪀🪀🪀0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣3️⃣1️⃣5️⃣6️⃣9️⃣5️⃣* *ROMANTIC AND SENSITIVE STORY 🔞🔞🔞🔞* *Chapter 06* *Kudzai* Takavata hedu kusvika kwayedza and mama makuseni havana zvavakamuka vachitaura neni vakangomuka as usual ndokutotanga kuita zvataiita mazuva ese. Maduties edu ese takaita tichingoita nyaya dziri general kusvika tichipedza hedu. Kubva day iroro Wellaz akanga ava kufona and kufona kwake aingoti padiki padiki afona achindibvunza kuti uripi ndichimuudza kuti ndiri kumba achingonditi usabuda buda kuyenda kunze and ndozvandaingoita izvozvo. Friday yakasvika sekundivimbisa kwake kuti ari kuuya kunditora akauya akanditora tikayenda kumba kwake ikoko kwaailodger ndokunovata neni asi this day haana kundiita maitiro ake aye ekuti anondivatirira husiku hwese takangovata ka2 chete ndokuzondisiya tichibva tazvivatira asi takazoto tatovata ava mahusiku ane nguva yaakamuka achibuda maybe aiyenda kutoilet here asi akazodzoka ndokumbogara pachair yaiva mumba imomo achisvuta fodya yake paakapedza ndikaona akukwesha mazino ake ndokuzodzoka mumagumbezi ndokusvika achindizungunusa zvekundimutsa zviye. Ndakamuka hangu zvikanzi naiye "Ndakumutsira kuti ndikuudze kuti nhasi handinawo mari shaa pamadhiri ataita aya" aitaura kudaro akaita kakundidongorera zvekuda kuona face yangu sezvo ndanga ndakavata ndakafuratira ndikamuti "Mogoti hamuna mari imi murimi mandidaidza here?" Zvikanzi naye '"Saka iwewe handina kusiya change yangu kwauri here that day handi ndakangoita ka1 ndikasiya change yangu here zvotoreva kuti ndangosarwa nebalance shoma shoma kwauri iwewe" ndikamuti "Ini handina nguva yekutambisa handitombokuudzei nhema. Ka1 kega kanobhadharwa 25 us saka imimi motofanirwa kundipa imwe 25 us" ndaitaura ndiri serious zvikanzi naiye "Nhasi handinawo mari shaa ndataura wani ndozokupa" aitaura achidzika kuisa musoro wake papillow ndikamuti "Mari yangu ndoyandinoda zvamuri kutaura izvo hazviite ndiyende kuschool or kuwana chekupfeka. Its not like ndichipinda mukuita zvinhu zvakadai ndakaita nekunakirwaka" ndakadaro ndava kutonzwa shungu. Handizvo zvandanga ndakapindira mukuita chihure kuti munhu andivate agondiudza kuti mari yangu haana ini. "Asi ndaramba kubhadhara ndinayo here nhaiwe Kudzai iwewe. Ndiri kutaura wani zvinonzwisisika kana ndaiwana ndouyisa handisati ndatambira ini" ipapo handina zvandakamudavira asi shungu dzakangondiputira ndokutotanga kuyeredza misodzi yangu. Iye paakaona ndava kuchema akandimutsa ndokundigadzika pabed iye ndokugara kumashure kwangu akandizemberesa pachifuva chake uku akaisa maoko ake kumberi kwangu zvikanzi "Kudzai" ndikati "Mhaa" zvikanzi "Iwewe imbonyatsondiudza kuti ndatadza chii apa zvawava kuchema" ndikamuti "Hamungati mandivata moti hamuna mari yangu saka chero mama ndosvika ndichivataridza chii kana ndayenda kumba nekuti ndasiya ndatovayeneka ndichiti ndava kuyenda kubasa kwangu saka izvezvi ndosvika ndoti mari yacho iripi" haana kundipindura zvandanga ndabvunza akanditi "Ko baba vako varipi" ndikamuti "Handina need yekukuudzai nezvelife yangu imi neni ngatingosanganai pamadhiri iwaya tichibhadharana zvichitopera zvakadaro zvekuda kuzozivq zvakawanda zvangu izvo ndezvimwewo" zvikanzi naye "Kudzi unombonyatsoziva kuti pauri iwewe utori munhunasingabatsirike here iwewe" ndikavati "Hazvina basa izvozvo and handitode zvekubatsirwa kwacho izvozvo kutozvitsbakira mari nenzira yangu kureva kusada kubatsirwa nemunhu handidi chemahara ini" zvikanzi "Iii kutaura unokugona chose. Ndichamuka ndichikupa mari yako vata hako" akadaro achindidzosera pamachira pandanga ndabva ndokubva ndavata hangu asi iye haana kuvata akamuka akanotora doro rake kufridge akauya achitanga kumwa nekuputa fodya mumba imomo. Pazvese zvaaiita ndaingoramba ndakazvinyararira asi deep down ndainzwa senge ndamutadzira kunzwa kutoda kukumbira sorry chaiko asi pride yainditadzisa zvekuzongosvika pakuzvisiya. Moziva kana iwe wakavata mumba mukaita someone akasvinura iwewe hautombovatewo ndozvandanga ndaita ipapo. Ndaingoita sendakavata but ndakanga ndisina kana kutonbovata ndakanga ndakangisvinura achiita zvinhu zvake kusvika munguva yaakafonerwa nemusikana wake vachitaura nyaya dzakadzika dzika kusvika pakuudzana zvemumabhurugwa nekuudzana zemo hanzi patosangana totoita kufara zvekutosiya tagadzira mwana wedu. Zvinhu zvaingotaurwa ndichinzwawo hangu and sezvo ini ndakanga ndichingova munhu ari pakutsvaka mari handina kutomboita basa nazvo. Akazouya tava kuvata hedu asi makuseni seni akandimutsa kuma4 chaiko hanzi ndigadzirire ndoda kuyenda kubasa and ndofunga nenyaya yandanga ndambovaudza madeko kuti handingoite zvinhu zvangu for free ipapo ndisati ndatomnotanga kuva gadziridza vakatondiudza kuti vaizowedzera mari pae yavanga vakansishanda madeko yacho. Ndakamuka ndokuinda kukitchen kwacho uko kwandakanotangana nekubika sadza ravanga vandiudza nemuriwo wavanga vakangoboilisa chandakazongoita kuwugadzira kuti useveseke. Ndichipedza zvese ndakanzi tsvaka hembe dzekuti ndipfeke nhasi handisi kuyenda neuniform kubasa ndichibva ndadzitsvaka kwacho ndakangotorawo dzandaiona sedzinoita ndokuvaisira vachiedza kugeza ndokupfeka ndichibva ndazonovaisira chikafu vakadya vachipedza vakanditi "Ndava kumhanya kubasa ndodzoka manje manje ndozonokusiya kumba kwenyu saka wosara panapa chanetsa unondifonera" ndikangovati ok vachibva vayenda havo ini ndokusara ndava kuita basa rese remumba. Maiva netsvina zvamo mumba macho zvekuti ndakatombopinda busy chaiko kukokonorana namo micheka yemasoffa ndikatora ndikawacha nemasheets aiva pabed nemaoilow case acho ndakatongozviwachawo . Zvekuwacha nekugadzira mumba handina hangu kuzozviitira kuti ndipiwe mari asi kutongoshaya zvekuita kwakandituma kubata bata imba yese kusvika ndagutsikana kuti yakange yachena ndokuzobika tea nechingwa chaivamo ndokudya hangu ndokuyenda kovata. Iye akatozodzoka kumapast 3 chaiko apa akadzoka akadhakwa aine mumwe musikana waanga ainaye and kuita kwazvo zvakangondiratidza zvega kuti akanga ariye musikana wake nekuti pavakapinda mumba akandiona ndirimo akatobvunza iye Wellaz kuti ndiri ani zvikanzi naiye Wellaz wacho "Munhu anondibatsira basa babe" zvikanzi nemusikana uye "Zvawaimboti haude zvemamaids wani Welli" zvikanzi "Haatosi maid anogara pano uyu ndongomutsvaka zvema2 mins achidzokera hake" akadaro achigara pasoffa zvikanzi nemusikana wacho "Saka zvaanenge apedza basa rese achiri kuita nezvei saka" zvikanzi "Anga akatomirira kuti ndizomupa mari yake handina kusiya mari yake saka haana maindiro aanga achaita ndisina kumupa mari yacho" ipapo mukadzi uye akangonditarisa ndokutura mafemo achifamba kutevera kogara panga pagara munhu wake zvikanzi "Lets hope hausi watanga madhiri ako akadhakwa Wellaz" zvikanzi naiye "Madhiri akadhakwa ndeechii iwayo" aidaro achiita kakuvatirira pasoffa zvikanzi nemusikana uye "Kubata vana vadiki uchivata navo nechihure chakadhakwa ndozvandiri kureva" zvikanzi naye "Shaa iwewe nepfungwa dzakadhakwa hamusiyane zvachose . Zvinhu zvekuudzirq munhu here izvozvo" zvikanzi nemusikana uye "This time kungozviita ndosiyana newe handimbikuudze nhema. Handina kwandingayenda nemunhu anoita hunhu hwakaora ihwohwo" zvikanzi naiye "Apa uri kutaura zvekuchinjanisa vakadzi kwangu kana dai ndqivachinjanisa matauriro auri kuita iwayo ndingadai ndisina kutizirwa kahobho here iwewe iwe" zvikanzi nemusikana uye "Saka ukuita hasha pachii manje" Ini ipapo ndakaona kuti kuramba ndakamira ndakateerera vanhu vachinjina mashoko hazvina kunaka saka ipapo ndakafamba ndokubuda panze ndava kunogara hangu and ndakatora nguva yangu yakareba ndichingovapo zvekutoita sendichakwanisa hour. Pandakazoonawo kwava kuramba kuchidoka pasina akanga azombobuda mumba ndakadzokera ndichida kunoudza iye Wellaz kuti achindipa mari yangu ndiyende asi ndichingopinda padoor ndakanzwa mavoices aibva nekubedroom achitaurira pamusoro zvekutaridza kuti vanhu vakanga vachiri kungonetsana . Ndakanogara mudinning hangu vachinetsana kusvika pakazouha iye Wellaz achinja akangosvika achinditi "Ngatibaye ndinokusiya kumba kwenyu" ndakangosimuka ndokutanga kufamba tichibuda panze asi tafamba tichibuda kudaro takasvika ndokupinda mumota ndokubva atomutsa toyenda kumba kwedu. Munzira hatina aitaura nemumwe yaingova zii zii kusvika patakanosvika kwaBhuka kumashops ndokumbokona ipapo ava kutonowedxera kumwa doro ini andisiya ndakagara mumota make. Pabhawa pavaimwira paiva bevanhukadzi vanga vakawanda chaiko and zvinhu zvakangonditaridza zvega kuti iye Wellaz uyu mumadhurezi akanga asingabvire nekuti vese vandaiona vachimukwazisa nekumirizika naye vaingova vanhukadzi chete chete. Kwatosviba ndopaakazouya pamota ava kupinda ndokuimutsa toyenda but this time hatina kure kwatakafamba tikayenda akabva aimisa mota yake zvikanzi "Ndine hope plus kudhakwa ini handingamborambe ndichidriver Kudzi ndokuurayisa shaa ndikapinda zvangu busy wadii wangoti tivate pano apa ndozongomuka ndichinokusiya kudheni kwenyu " ndikamuti "Ndogona kungopedzisa netsoka nekuti hakuchasi kure plus izvezvi ndikadzokera kumashops uko handitomboshaye vakomana vanoyenda kwedu ndikabatana navo" zvikanzi naye "Uchifambirei mahusiku handei ndokutsvakira pekuvata unoyenda mangwana" ndikavati "Monditsvakira pekuvata pakaita sei pamonditsvakira imimi" zvikanzi "Ndotoziva pakawanda shaa ndokuwanira pekuvata wovata ndozokutora mangwana toyenda kumba" ipapo hameno kuti nditi ishanje here kana kutoregeredzewa kwemuromo wangu ndakangoyerekana ndavati "Rabata ka dhimoni rechihure kana kuyenda kunondisiya kumba mava kutoona sekuti madyirwa nguva yekuti mufadzane nevanhu venyu manje" zvikanzi "Kundichengera here uku saka chihande tonovata tose Horaiti ndatozviona kuti mukadzi wangu haade neni" vaitomutsa mota todzokera pamashops paye ndokusvika vondiyendesa kunovata kwacho asi ndakatoyendeswa kune vamwe mai vaakanondisiira akati tarisai munhu wangu ndomutora mangwana iye ndokuyenda hake ndokusara ndava kuvata hangu kusvika mangwana iye akazouya kuma8 apa atogeza achinja hembe hameno akanga adziwana kupi. Paakauya kunditora tichingopinda mumota chinhu chaakatanga kunditambidza zvimapiritsi zvaanga anazvo zvikanzi imwa kuitira nhumbu handina kukupa patakasangana ndokungotora ndomwa hangu ndokubva andipa mari yangu 30 us akatongondipa akandiudza kuti yakashota hanzi handina mari handisati ndatambira kana zvaita ndokuwedzera. Akazondiperekedza akanondisiya kudhuze nekumba kwedu asi musi uyu haana kunosvika kugate zvaakaita manheru aye akandisiya nechekure hake ndokubva adzokera ini ndokusara ndichifamba ndichiyenda kumba kwedu asi ndakati ndichangoparadzana naye ndokubva ndasangana nevamwe vasikana vainzi vana Monica naDoris vakanga vachitova vanhu vakuru kwandiri vaitova maform 3 chaiwo. "Ndovauri kuhura navo here avo nhai Kudzai mwana wamai Kudzi ko takanzwaka kuti iwewe wakasarudza kutengesa muviri kuti uwane mari yekuyenda mberi nechikoro saka ndovauri kuhura navo vacho here vari kuuya vachikutora nekukudzosa nemota" vakandibvunza vachida kutoseka zvavo asi ini ipapo nekuziva kuti vaida kundidenha ndakangoramba ndakanyarara uku ndichifamba zvikanzi nemumwe wacho "Chero mukanyarara henyu vasikana asi tangoti tikuyembirei kuti muchenjere kusatozochipedza chikoro chacho mai vava kukupura madhoti morwara. Nezera rako iri chihure hachide wena zvimwe zvongodawo lufunga wega. Iwewe uri underage asi wakutomhanya nemabove age wakakwana here iwewe" Ndakangoramba ndichifamba ndichiyenda hangu ndisingavadavire kusvika munguva yavakazongondisiyawo ndava kuyenda kumba kwedu . Ndichisvika kumba sezvo mama vakanga vakuziva kuti ndinobjda ndichinoita nezvei ndakatosvika ndichitora mari ndichivapa vachibva vasungirira vakanyarara havo. Kubva day iroro handina kuzomboyenda kutown ndakanga ndava kungoswera pamba. Wellaz kufona aisarega hake aifona ndichitaura naye and iyewo nekuda kwezvikoro zvakanga zvava kuda kuvhurwa akati anoda kumbomira kundipa pressure ndimbotanga ndaita zvechikoro asi akandiudza kuti chero asina zvaari kuwana paari hanzi usatya kutaura zviri kushota ndikamuvimbisa kuti ndinotaura. Mazuva akafamba zvikoro zvikavhurwa and ndakatotanga kuyenda kuchikoro sevamwewo vana asi kuti kuchikoro kwacho hamenowo akanga akasarudza kundirerusa zvekusvika pakadaro vanhu vazhinji pachikoro vaitondidana vachiti kahure kechidiki. Handina marambiro andaizviita and chero vanhu vakandidana vachidaro zvaisandidxikisira pachikoro pangu ndaitodzidza chaiko neshungu dzangu dzese ndichiziva zvandinoda kuzoita mune ramangwana rangu. "Kudzi uri kudiwa nemaclients ako ekumabharaki akakumirira kuchibhorani uko" akadaro mumwe mwana wechikoro aitobva kuchibhorani komwa mvura kuchibhorani zvikanzi nemumwe wacho "Mabharaki ndivanani ivavo nhaiwe" zvikanzj "Masojaka amuvinga iyeyu andomacustomer ake aanotengesera mucheroka maybe haana kusiya abalancisa saka ateverwa nekuno kuchikoro" vaigaurirana havo vana vechikoro vachitaura zvavanoda kwandiri asi handina kudavira ndakangofamba ndoyenda kuchibhorani kuye and zveshuwa ndakatowana mota yaWellaz yakamira kuchibhorani iye arimo nemumwe wake vakatovhura madoors ese vachiridza music havo uku vakapfeka mauniforms ekubasa kwavo. *End of 06* *Stay turned*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 206

Comments