MAMA NATIE ZIM๐ฟ๐ผ๐ฟ๐ผ๐ฟ๐ผ๐ฟ๐ผ๐ฟ๐ผ๐ฟ๐ผ SHONA NOVELS
February 12, 2025 at 05:35 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y
*Chapter 12 to 14*
MY PARENTS FORCED ME TO MARRY HIM BECAUSE OF POVERTY ๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
Story by Mama Natie ๐๐๐๐๐๐
Chapter 12
Dean.
Ndakanosiya friend yaZanele kuroad ndokubva ndadzoka kumba uko kwandakatosvika Zanele achitoona TV hake. Ndakasvika ndokubva ndagara pqside naye ndokubva ndamuti
Chitaura nyaya yako yawanga uchitaura manje ndadzoka
Her: hezvo Dean unoda nditaure kuti chii ndakuudza wani kuti pano handichabve ndakutogara pano chimwe chawava kuda nditaure chii
Me: Zanele haungoiti zvaunodaka pano pamba pangu
Her: kkkkkk Dean soo calm my love ndatova wako ini chero ukapopota zvinengei handina kwandichayenda
Me: asi vabereki vako havana kukuregestira kunyora kanhi
Her: vakaregester havo but zvatokona tarisiro handi dzese dzinobudirira
Me: but dei wachingoyenda wanonyora ndozokutora in a good way thn zvawaita aizvi even maparents ako anozondiona sei oandichanoroora zvakutoita sekuti ndakangova muhupenyu hwako kukukanganisa chikoro usadaro shaa
Her: am sorry Dean but kuyenda handichayendi hanguzve ndatova wepano full time
Ndakazama kutaura naZanele in a good way asi hazvina kushanda akarambira kure chaiko zvekuyenda kumba kwavo. Ndakangopedzisira ndikasiyana naye ini ko ndaidii hangu. Manheru akanga akutomirizika mirizika wena achiita basa pamwe nekubika. Madays qkaganga kufamba and ndakanga ndatova used mazviri zvaZanele handizive musi waizouya Tecla kuti zvaizoyenda nepapi. Mumwe musi manheru daddy called me vachiti Dillan my little brother akapedza chikoro so arikuda kuuya ikoko kuzombofurwa hake nemhepo achiona how to work mabasa akaita sekurima saka vakati vaizouya naye makuseni aitevera. Zanele akaita kufara chaiko hanzi atleast ndakutozonana nadaddy vako.
Makuseni daddy vakauya naDillan ndokubva ndavagamuchira bag remupfanha wangu ravaiva naro ndokuriisa mumba ndokubva tagara hedu pamasofa tichikwazisana. Tiri pakati pelutaura nyaya ndipo pakabuda Zaneke apa anga atora Zambia raTecla asunga hake uyu mwana aiva nemiyedzo chaiyo uyu ini hembe idzi ndakamuti asabata ndedzamama asi iye akutoita sekuti anopenga hake. Handina zvandaikwanisa kumuita nekuti daddy vaivamo soo ndakatozvidzikamisa ndokubva auya akapfugama achikwazisa daddy nabamnn.
Ndakanga ndakungotura mafemo manje ndakushaya kuti ndotii kusvika daddy vazoti
And who is this woman Dean
Me: is Zanele
Daddy: your house helper or something else
Me: my girlfriend
Daddy: kkkk Dean be serious mwanangu
Me: am serious daddy
Daddy: unoda kuita barika here or unoda kuita sei
Me: ndichaona mamisiro andichazviita daddy uyu akangouyawo but akanga asimo Mullan mangu ini
Daddy: young lady are you pregnant for this man
Zanele: yes
Daddy: it's ok. Dean kana mwana wevanhu atova nenhumbu hajuchina plan yauchaita hako wqkutogara nevakadzi vako vese . Wanga wakaudziwa here kuti ndine mukadzi nemunhu wako uyu or
Zanele: handina kuudziwa ini
Daddy: ok your man is married to another woman akatoyenda kopona kutaura kuno saka ziva pano wagarira barika hako
Daddy vakataura mashoko aya vachitaridza kuti vava nehasha dzakanyanya chaiko. Zanele akabva asimuka ndokutanga kuita basa asi akanga akutaridza kubatikanawo chaizvo. Ini ndakazosimuka ndakunotaridza Dillan room yake pamwe nekuisa bag rake. Dillan akabva atosara zvake muye achigadzirisa room yake ini ndokubuda kudzokera kwaiva nadaddy. Daddy vangu nsakawana vachichema ndokubva ndangogara ndakanharara because chakanga chakuvachemedza ndakachishaya kuti chii ini. Vakazonditi timbobuda timbofamba tichiona kumadepartments kwakasiyana siyana kuona kuti vashandi varikushanda zvakadii. Takabuda nadaddy ndokuyenda hedu ndokutabga kufamba. Daddy vakanga vakabereka maoko avo ndokubva vati
Dean mwanangu zvawaita izvi hazvina kana kundifadza zvachose mwanangu ruziso runoparira urwu pauri ipapa watozvitangira dzimwe nyaya dzakakurisa nekuda kwekuchiva. Dean mwanangu uchiona ndichikuudza kudai ndakasangana nazvo. Hongu ndakakuudza hangu kuti Mai vako vakashaya but handina kukuudza zvakaitika chaizvo. Dean amai vako ndini ndakakonzeresa kufa kwavo nekuda kweruchiva rwandakaita. Ndakachiva mumwe mukadzi sezvawangoita izvi zvikasvika pakusiya Mai vako rava rinda. Dei wanga uri mumwe wanditeerera hako nekuti shuwa uchazopepuka bako mvura yanaya
Me: baba shuwa handizive kuti ndoita sei ini pamusoro penyaya iyi. Regai ndimboona ndichakuudzai kana ndagadzirisa daddy.
Havana kuramba vachitaura zvavo zvakawanda vakabva vatonyarara ndokubva tatanga kufamba tichiona hedu vashandi vaiva pamabasa avo. Takatenderera ndokuzopedzisira nekuzvirimwa iko ndiko kwaishanda ana Mellisa ikoko. Takawna zvokwadi kuchifiwa maforomani ari pabasa rawo vanosakura vachisakura vamwe vachidiridxa dzimwe ndima. Mellisa paakaona daddy akauya akavamhoresa zvake apa achiita kusekerera . Vakakwazisana nadaddy ndokumbotaura zvabo zvinyaya ndokubva vazoparadzana akuyensa kubasa kwake.
Takadzokera kumba nadaddy ndokubva tawana breakfast yapera kubikwa ndokupiwa ndokudya hedu daddy vachibva vazoyeneka. Takasara tava 2 naDillan manje achindiudza nyaya since patakaparadxana hatina kuzomboonana face to face zvaingiva zvepafoni saka musi uyu taitodzipisa chaiko. Akazokumbira kumbondeya achionawo basa ramukoma vake ndokubva taita sekudaro. Nguva dzakanga dzatofamba zvadzo so vanhu vakanga vakuchaisa. Takandeya nepurazi tichiona zvedu ndokubva tazodzokera kumba. On our way back takasanganidzana naMellisa achitobva kubasa akasungira kajuzi kake muwaist zvake. Ini ndakanga ndisina nyaya naye hangu asi ndakaona munikina wangu achiuta kakumira meaning akanva achida kutaura naye. Handina kumumisa hangu zvaaida kuita ndakangomusiya since vakanga vasingazivane naMellisa wacho ndakangoti ndichazomuudza kuti ndiye mukadzi wandakanga ndarongerwa nababa vako.
Vapfana vangu havana kumboonana naMellisa nekuti zvese zvakangoitika fast plus imwe inyaya yekuti Mellisa aigara kucottage saka vasina kumbosangana zviso.
Paakaoedza akabva amhanya kuuya kwandaiva ndokubva asvika achinditi
Inga mupurazi menyu makasenga simbi mukoma uuum kamwana kasimbi aka heey
Me: yaa zvivanhu zvinenge zvaneta nekuhura zvouya zvotsvaka kwekuvanda
Him: uuum bro that girl seems to be honest even face yake inomupupurira kuti hana chipomerwa.
Me: kkkkk dei waitomboziva kuti akazvisenga munhu iyeye ndipo pawasazombodaro zvako
Him: uuuum pamwe akangomitiswa akasiiwawo mukoma inga wani mvana munhuwo ini uye mwana haana hangu kundirovesa hana asi ndingatoziva ndadzidzira kumuda ini because akadzikama
Me: mukadzi wemadhara uyu Dillan
Him: hooo saka regai ndimbotanga ndamudzidza first plus kuva honest kwake ndichakuona as days go
Uyu mufana aitopenga hake uyu kkkkk aaah. Takayenda zvedu kumba ndokusvika kwakutopera kubikwa naZanele apa chiona dressing yacho yakarohwa aaah vakadzi venyu ava regai zvangu ndinyarare mungazoti Dean anotaurisa. Takadya ndokumboona bhora naDillan ndokuzoparadxana takuyenda korara. Ndichangorara ndakabva ndafonerwa naTecla achit akanga abatsirwa mwana mukomana uuum I was happy than ever guys kutanga nekupiwa mwana mukomana here. Ndakamukorokotedza mukadzi wangu and promised her kuyyako mangwana makuseni.
Kuchiyedza ndakayenekana naZanele ndakuyenda kwaTecla zveshuwa ndakawana abatsirwa mwana mukomana and ndakabva ndamupa zita rangu zvangu. Akazondiudza kuti musi waanobudiswa ndaifanirwa kuuya kumutora akanga asisayende kumba kwakanga kusina aizomubatsira basa since mama vake vanga vakunzi havanzwe mushe. Handina hangu kuitisana nharo naye ndakabvumirana naye . Ndakazobvapo pachipatara ndokumbopinda mutown ndikamutsvakira chikafu chekuti adye hake. Ndakazobvako late ndakuyenda kupurazi zvangu ndokuwana Dillan asipo hameno kwaanga ayenda pamba paingova naZanele chete. Dillan akatozodzoka ava manheru nguva yekuchaisa kwevanhu hanzi ndanga ndri kumundq aoa kutouya akazara madhaka nhaimi hanzi ndanga ndayenda kana Mellisa komubatsira hangu. Uyu akanga akutopengeswa naMellisa wake uyu .
Madays aifamba and Dillan akanga achiyenda zvake kunaMellisa wake handina kana kuita hanya nazvo zvekuti ndiye mukadzi wekutsvakirwa dakanga ndisati ndamuudza hangu ndochazomuudza pamberi apo
Mazuva akafamba kusvika day randainotora Tecla. Ndakanomutora ndokubva ndazama kjti ndimuyendese kwana mama but akarambisisa zvake akati handi unongoziva Mai vako vanondivenga so zvjngazoita ndiyendeko here . Hey nyaya dzacho akanga ava ma1 manje ndichadii ini. Zvisinei ndakadriver ndakanga kupurazi ndokusvika ndichimusa mota ndichibva ndatanga kutakura bag kunoisa mumba ndikawana Zanele ari paTv ndokubva ndamuti
MY wife is here Zaneke so behave
Zanele; you relk me about your wife who is not your wife
Handina kuda kuramba ndichinetsana naye ndakanisiya bag mumba ndokuzodzokera kumota kotora mwana ndokubva ndazoyenda ndichiteverwa naTecla. Takapinds mumba ndokubva agara hake pasofa ndokubva atarisa Zanele ndokubva ati
Asi wakazotsvaka maid here honey
Me: yea kwete chimbosiya nyaya iyoyo handi
Tecla: so ndiyani akapfeka mapfekero aya pamba pane munhurume nhai hee ndiyani wako Dean mumhu uyu
Zanele: am sorry Mrs am Dean's wife am pregnant for him so we are now sharing our man
Tecla Dean is this true or I am dreaming
Me: am sorry Tecla I will explain later
Tecla: no Dean I don't need any explanation noo.
Tecla akabva asimuka ndokuuya oandaiva nehasha dzake dzese achibva atanga kundirova apa ndakanga ndakabata mwana nhaimi. Akarova hake ndisina kana chandakamuita because ndaityira mwana. Panguva yandakangoti regai ndiise mwana pasofa ndivhikire kuti ndizive kuti chii chakaitika ndingatonyepa but the only thing chandakaona ndiTecla awira pamusoro pemwana nhaimi and anotaridza kuti akawira mwana nepasingaite because pandqkazomubvisa mwana akanga akutoratidza kuti hapasisina chakamunakira akanga aita seadzipiwa
End of 12
Love you team makakosha ndokudai mese
MY PARENTS FORCED ME TO MARRY HIM BECAUSE OF POVERTY ๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
Story by Mama Natie ๐๐๐๐๐๐
Chapter 13
Mellisa
Hupenyu hwagara haunake nguva dzese ndozvazviri. Pabasa ndakanga ndatojaira zvangu and ndaishanda nemazvo dambudziki raozongovapo sometimes nhumbuwo unombonzwa kuti dei ndiine akandipa ndichimboyema asi unozongozviti kana asipo haapo. Madays akatanga kufamba ndikatombofarawo zuva rimwe randakashamyirwa naIylet my school friend. Iylet aiva nerudo rusingaite hake I can tell you. Paakatoiya pacho akandisiira mari 40 us zvikanzi pamwe unogona kusvika pakuzopona ndisina kukuona utengere mwana wedu zvihembe. Ndakafara veduwe and musi uyu ndakaita kunzwa kurerukirwa chaiko. Iylet akamboda kundibvunza kuti nhumbu ndeyani asi ndakamunyepera ini zvaizoita here kurudunura chokwadi chinonyadzisa kudaro.
Manheru akazondiyeneka ndokubva ndangoti rega ndikuoerekedze kunokusiya kumain house kwacho ndokuyenda naye hangu uko kwandakazosvika ndakunotukwa naDean kkkkk baba vanopenga zvavo ava.
Mukufamba kwemazuva baba Dean vakambouya tikakwazisana zvedu vachibva vazodarika I gues vakanga vauya kuzoona muroora wavo mutsva ko handi mwana akanga aroora Zanele here. Manheru emusi iwoyo ndichibva kubasa ndakasangana naDean nemumwe mukomana and mukomana iyeye paakangondiona akabva amhanya kuuya kwandaiva. Ndakamboda kumuignore sendisina kumuona zvangu ndokubva atoita zvekundibata ruoko. Pandakacheuka kudai ndakasanganidzana neuno mukomana munaku zvake akanga achiita kunhuhwirira soo zvekuti perfume yake yakakwezva moyo wangu ndofunga nenhumbu yangu zvakapondirana because pandakangoinzwa soo ndakanyatsonzwa kuda kutova muside make ndichinyatsoinzwa zvakanaka. Iye ndoona akazviona kuti munhu andifarira uyu nekuti akabva andiswededxawo paari ndokunditi
By the way am Dillan and you ?
Me: Mellissa Gumbo
Hum: ooh what a sweet name so where are you coming from? what are you doing here
?
Me: coming from the field I work here
Him: uuuum why at your age you were supposed to be in school Mellisa
Me: I dropped school before I finish because of some reasons
Him : hey its fine so unogara kudzimba idzo dziri iko
Me: yes ndiko kwandogara
Him: ok fine will see you tomorrow rega ndobata mukoma vangu ndasvika nhasi so handisati ndakujyatsiziva zvemuno ndokuona mangwana kuma8 handie
Me: yea ok kana ukauya kumunda unondiona because handidzoke dzoke kubreak ndongodya ka1 makuseni ndichibuda ndozozviona manheru
Him: will visit you there ok
Me: thanks
Him: bye see you
Mukomana uye akabva atomhanya kuyenda zvake apa achiita kusmiller. Maoko angu akanga asara achinhuhwira perfume yake soo uuum ndakaita kufamba ndakamaisa pamhino dzangu kusvika ndisvike kumba. Oandakasvika kumba ndakasiya kana kubika chaiko ndichityira maoko angu kuti angazopera perfume yakanga yanyevenutsa moyo wangu kudaro. Ndakangosvika ndichivata ndisina kana kugeza zvangu.Dillan aiuya zvake almost evryday I remember this day raakauya kumunda tikaswera tiri kumunda tichiita nyaya zvedu tichiseka apa akanga abvisa shirt yake andipa nekuti ndakanga ndamuudza chokwadi kuti perfume yako ndaida ini. Chero kushandika kwacho kwakazombonyanya kushandiwa here kwakanga kuchingova kupota tichimhanyisana mumunda imomo takanga takutoita sevanhu vava nenguva vachizivana. Manheru takachaisa ndokubva ati ndotanga ndainda nekumba kwako wonobika since ndaswera ndichiita maricho kwauri.
Ndakangoseka zvangu ndokubva ndamuti hande hako. Takayenda kumba ndokubva tasvika ndokubva ati handide kugara panze ndoda kugara mumba ndokuoinda hedu. Iye akati haagezi anonogeza kumberi ini ndini ndakageza kuitira kubika ndokuuya ndotanga kubatidza moto ndokuisa mvura yesadza muriwo taiseva nemukaka since waivapo ko handi taipiwa share here
Pandakapedza kuisa poto pamoto ndakadzokera mumba ndikawana shasha yakatorara zvayo pakapasa pangu yaisa gumbezi ndokubva anditi chimbouya pano I have something to ask you Mellisa
Ndakayenda ndokunogara paside naye parupasa ndokubva anditi
Mellisa pane zvandoda kukubvunza but usanditsamwira hako kana chiri chokwadi just tell me kana dziri nhema wondiudza
Me: ask am listening
Dillan: are you pregnant Mellisa
Hezvo paakabvunza mubvunzo uyu hana yangu yakarova chaiko zvekuti ndakatomboita time ndisina kudavira apa iye anga asina kunditarisa hake akanga akavhara kumeso kwake necap yaaiva akaisako. Pakaona ndaita time ndakanyarara akabva andit
Asi zboda nguva here Mellisa or ukutofunva kuda kundinyepera hako
Me: aaah no hazvide kufunga hazvo
Dillan: so why taking so long usina kudavira
Me: yes am pregnant
Dillan: are you interested in sharing WHT happen until you get pregnant
Me: Not yet but I will tell you as time goes
Dillan: tell me Mellisa what happened and whre is the father of that pregnant
Me: I think ndikakuudza chikwadi you will never hate me or kjndiseka Dean but the truth is. I was raped nevarume 2 mumwe wacho akanga ari wechidiki semi soo 1 wacho akanga ari mudhara akatoti kure
Dillan: unovaziva here vanhu vacho
Me: uuum kwete handivazive zvakangoitika musango ndatobuda kotsvaka huni handitombobazive vanhu vacho
Dillan: but why my brother seems to know who is the owner of the pregnant and he tells me more about you qava netime yakakura sei uchishanda pano.
Me: few months I think 5 months
Dillan: ok that all what I want to hear from you and let's hope hauna kundinyepera hako
Me: noo I haven't
Ndakasimuka ndakupedzisa kubika sezvo mvura yakanga yavira pamoto. Ndakabika tikadya sadza redu but ini ndqkanga ndakutonzwa kakufizuka I think nyaya yanga yatairwa naDillan ndiyo yandipa kudaro and pfungwa dzakanga dzakuoishana kuti ko kana akaudziwa chokwadi naDean nhai mwari ndizonyarira papi.
Ndakasimuka ndokurongedza maplates ndokubva anditi chindiperekedza hako kumba ndichinokupa perfume yaunofarira iye ugare nayo
Handjna hangu kuramba ndakangosimuka ndokubva tatanga kufamba tichiita nyaya asi ini ndakanga ndava low zvokuti. Takati takunosvika kumba takanzwa mavoice evanhu vaitaridza kuti vainetsana mumba. Dillan akazvinzwawo ndokubva awedzera speed ndokunosvika tikawana haikona mumba makanga musina chakanaka Dean achiita kurova Tecla zvakaipisisa. Dillan akabata mukoma vake ndokibva avati
What's wrong with you broe chii chanetsa
Him: Can you imagine Tecla kuuraya mwana shuwa
Dillan: kuuraya mwana how come
Him: amugarira acbibva atoshaya amudzipa
Hezvo nhaimi zvaakanga atori mashura chaiwo Tecla wacho akanga achiita kuchemawo zvinonzwisa tsitsi veduwe Zanele akanga akagara pasofa zvake asina kana action. Dean akazorondedzera nyaya kuna Dillan sematangiro ago kusvika pakuzofa kwemwana. Dean aiita kukonewa nekuchema ini ndakanga ndakatongomira pedyo nemukova zvangu ndakataimira kuzotiza kana zvaioa ko Dean aimboda kundiona here kumeso kwangu. Dillan ndjye akatozofonerq baba vake achivaudza zvakanga zvaitika. Dillan akafamba ndokibva ayenda kotora perfume ndokuuya ndokundipa achibva anditi chiyenda handichakubudise ndokuona mangwana ndichasvika kubasa kwako.
Handina hangu kuramba ndiripo ndakabva ndatotanga kufamba kuyenda . Ndisati ndayenda kure ndakanzwa kusheedzewa pandakacheuka ndokuona ari Dean ndokubva mdamura ndoziva kwqiva kuuya kutozotukwa asi nenyaya yekuti ndiboss I have to wait. Akasvika pandaiva achibva amira akanditarisa kumeso chaiko ndokubva ati
Uri sei
Me: ndri bho
Him: sei basa
Me: riri bho
Him: uuum naDillan mowirirana handi
Me: ehe
Him: but kwete kuzodanana nemwana wababa vangu
Me: handidanane naye ini
Him: usamuudza nezvangu hako because ungafira mahara
Me:hoo
Him: and wakamuudza here muridzi wenhunbu because I see he is falling for you
Me: Dean handizive iwe une problem yei pazviri ini if uine zvimwe zvaunoda kumuudza iwe you can tell him kwete kundipinza court aah
Dean: ok ndichamuudza muridzi wenhumbu kuti ndiyani tione kuti angaswera achiteverera munhubanokwizirwa nemadhara here
Me: kana wamuudza izvozvo newe wabuda pachena kundiraper kwako. I will tell your father zvawakandiita
Him: kana waguta zvepano unotaura zvakanaka wanzwa mangwana ndoda kukudzinga pano pabasa uri benzi remunhu hauchengeteke nhai
Me: zvese bho Dean kusvika rinhi uchindityisidzira aah ndopedzisira ndanetawo nazvo ini kana wafunga kundidzinga basa kana shungu nazvo kwekuyenda hakupere
Him: kana wazonopona ukaona mwana ari wangu udzoke naye hako handina mwana anogara netsvina yakaita sewe ini
Me: sorry Dean pamashoko ako iwe chero ndanga ndri muksdzi wako wezuva nezuva mumba handina musi wandaimboita mwana newe nekuti you are very weak pabonde zvinotonyadzisa zvekuti haukwanise kuitisa munhu mwana iwe. Zvana Tecla vakangokupawo nuumbu vaona kuti wakadzungaira zvokuti and kusakuudza chokwadi vanokutya plus vane zvavanonyengerera pauri ini ndazosvika pastage yekusakutya manje munhu wepi anofara nekuona misodzi yevamwe vanhu
Dean: so you are trying to tell me handiite vana ini Mellisa how dare you talking to me like that hee.
Me: chokwadi chorwadza asi wachinzwa
Ndakaona kuti kumwe kuda kuitwa very nice hakushande veduwe kubva riini achingondiita muranda wake ini. Mashoko aya ndakamataura nekuti ndakaziva kuti ndiwo anokwanisa kumurwadza sekundirwadzisawo kwaaiita. Zveshuwa rume rakataridza kuvira nehasha zvekuti rakanga ratofunga kundirova chaiko. Akati achisimudza ruoko kuda kundiriva ndokubva abatwa it was Dillan akanga amutevera. Akamubata ndokubva amuti
Mukoma what's your problem imi. Mumba umo makamirira imi but imi muri busy kubetsana nothing innocent girl mozviitirei asi shuwa mukutadza kuchema mwana wenyu muchiswera muchiita zvisina kana nebasa rese izvi . Izvezvi daddy vabvira kare kufona vachuda kutaura nemi chinguva tati muri panze shuwa. Fungai semunhu mukuru mukoma handei mukati umo munoona kunyaradzana nemumwe wenyu hongu zvaitika musina fungiro asi ndozvatoitika handei tione. Iwe Mellisa enda kumba unozorora wabva kubasa wakaneta
Vakatorana namukoma vake ndokuyenda ini ndokusara ndakufambawo kuyenda kumba kwangu zvangu
End of 13
Love you team
MY PARENTS FORCED ME TO MARRY HIM BECAUSE OF POVERTY ๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
Story by Mama Natie ๐๐๐๐๐๐
Chapter 14
Dean
Yaa shuwa Tecla akandiitira zvandisingaf3 ndakangamwa shuwa. Ndakarwadziwa handikuudzei nhema and chero iyewo akanga akungogara ari low zvokuti. Mellisa naDillan hushamwari hwavo hwaisimba everyday zvekutoita sevakazivana kudhara zvavo. Ndaimbozama kuvakanganisa asi ndaikonewa. Daddy oavakaona zvekupiswa kwemwana wangu vakabva vambodzokera kutown sezvo vaiva nezvavaimhanyidzana nazvo maringe naDivah akanga ari kuchikoro. Mellisa handina kumudzinga basa ndakazongosiyana nazvo nekuti bdakaona kuti akanga angwara and kana ndsimudzinga basa ndaigona kutinyura ndirini.
2 months later
Dumbu raMellisa rakanga rakurawo Dillan akanga akutopota achinorarako kumba kwake. Mumwe musi ndakamutaimira zvangu achitobvako ndokubva ndamumisa panze pandaiva ndamuti
Dean wambonyanyonakidziwa nei pamusikana uye nhai
Him: broe I think am inlove naye ini ndikatova kure naye handinzwe mushe hameno chii apa iye wacho akatondishawo anoshungurudzika zvokuti
Me: but you have to stay away from that girl shaa hazvimake sense izvo saka iwe unoti kana vana mama namudhara vakazvinzwa kuti ukunhanyidzana nemunhu anotova nenhumbu yemadhara unoti vangakuona semwana kwaye here
Dillan: ko ivo vanenge vakukwana papi pamukadzi wangu
Me: vabereki unongivaziva kuti vanongoita zvisinganzwisisike samama anenge atori ma1 chaiwo
Dillan: manje ini handiite zvavanoda kutaura kuno ndatofonera daddy ndabga ndichitoda kuvaudza vakati vagara vari munzira kuuya kuno so vati ndozotaura nyaya yangu manheru vasvika
Me: uuum Dillan kungokuonesawo hangu semupfanha wangu
Dillan: thanks bro but let me give it a try
Dillan akabva atofamba achipinda mumba zvake hey aoa ndakaita kunzwa kagodo chaiko kachinditi mbii. Ndakasara ndakamira panze paye ndokubva ndazopinda mumba late ndokuwana adzimai vachibika havo Zanele. These days nyaya dzangu dzaiva shoma nevanhu soo ndakangomudarika ndokunogara pasofa ndichiona movie raiwon3kwa naDillan. Tiri pakati pekuona movie ndipo pakasvika daddy. Ndakakwazisana navo ndokubva vazoti
Ko manga muchitiiko nhai boss Dillan zvamati mozotaura kana ndasvika
Dillan: kkkk daddy ndine musikana wqndanga ndichida kuti muone pamwe nekundiudza kuti anoita here but zvese zvandinoda kukuudzai ndinoda kuzvitaura arimo hangu so regai ndimufonere auye kuno.
Dillan akabudisa foni yake ndokubva afonera munhu wake and in no time akanga asvika Mellisa katumbu kakatungamira kumberi. Akasvika achibva anogara paside paDillan ndokubva anyatsomugarisa zvakanaka hanzi
You must make your self comfortable kuitira mwana haade kumanikidziwa pakamanikana
Uuum yaa mufanha wangu anga apinda nenzara chaiko . Ndaitarisa chiso chadaddy ndichiona kuti vatononokerwa nekuinzwa nyaya yacho kusvika pakazonzi naDillan
Daddy handi momuziva here musikana uyu handina need yekukuudzai zita rake asi chandinoda kukuudzai daddy ini hangu mwana uyu ndamuda nemoyo wangu wese zvisinei nezvaari ndatongomuda akaremara kudaro
Daddy: kkkkk Dillan mwanangu rudo harurambidziwe munhu kana uriwe wamuda zvakanaka zvokuti chandinongoda ndechekuti ubude pachena nekuti mwana uyu akaita nhumbu nemunhu mukurusa saka anga akakuudza here nekuti mangwana zvizondinetsa izvi kana asina kutaura chokwadi and chero akakuudza unktofanirwa kuyenda naye kumunhu wacho onotaura kuti ndava kuroorwa nekuti zviripo zvekuti anozouya munhu akukuti wakatora mukadzi wangu.
Me: nxaa chero nemi daddy kumwe kutonga kwenyu ndekwenhema why can't you just tell him kuti hazviite zvaanoda kuita izvozvo. Angaswera achiteverana nekamunhu kanzwa nekuchinjanisa varume aka aoa izvezvi pamwe atova nechirwere zvake nxaa shit mhani.
Dillan: muooma why always muchivenga Mellisa kudaro asi maimuda akakurambai here nekuti maitiro enyu aya iii zvakaoma
Daddy:hoo zviya Dillan hauna kunboonana naMellisa . Musikqnq uyu ndiye wandanga ndakamutsvakira kuti aroore asi zvakazokona amitiswa ari kuchikoro I gues ndipo pakabva daka racho
Me: uuum daddy ndisiyei ini musaramba muchitaura zita rangu pamunhu anosemesa uyu kuda kundipa munyama nejambwa zvangu
Dillan : uuum saka hazviite zvandanga ndafunga kana ari wamanga makatsvakira mukoma pamwe rough yavari kutoita kumuda ikoku kovapa shanje dxakadaro
Me: handinei naye ini webhakosi uyu nxaa
Mellisa: Dean usandijairira kusvika pakadaro wazvinzwa iwe. Kunyarara kwangu hakusi kupusa wazvinzwa why usingagutsikane nekundishungurudza muhupenyu hwangu. You are the one who raped me naVaGumbo vako kusvika ndaita nhumbu asi nanhasi haugutsikane wakaita sei ndakakutadxirei zvawandivenga ukadaro saka mwana akabuda ari wako uchaita sei
Dadsy: Mellissa unoreva kuti Dean ndiye akakuraper here or handisi kukunzwisisa ini
Mellisa: ndinoti sorry baba kunyepa kwese jwandaiita kuye it was because of Dean aindithreatena achiti anondiuraya kana ndikatira chokwadi but chiregai nditaure agondiuraya hake nekuti haanete kundishingurudza. Daddy Dean ndiye akandikwevera pedyo madays andakakuya kuholiday aye Izvo iye akanga ane dzake mumusoro. Ndaingiti kundifarura izvo ndairedzewa kuzosvika musi waakandikumbira kuti ndimuperekedze kumunda kwake manheru ndikubva ndayenda and mukadzi wacho aitozvizivawo nekuti akatonditi endai naye . Takasvika kumunda kuye achibva andibudisira banga akati kana ukangochema chete wafa ndokubva andibata chibharo. Iye achipedza pakaszosvika vaGumbo and zvotaridza kuti vabga vatowirirana VaGumbo vaye vachibva vandiraper futi iye akaokera. Pandakazodzokera kuchikoro ndipo pandakazoona kuti ndava nemhumbu ndokudzosewa kwandakaitwa.
Daddy: Dean is this true hee
Me: Daddy she is lying
Daddy; no Dean she can't no my son this is true
Me: am sorry daddy for that
Daddy: newewo muroora wakabva wajoiner kuita hutsinye kudaro. Shuwa mandipedza vanangu handina kumboziva kuti ndozvamuri newe Dean ndiwe wandairumbidza izvo uri Satan paamire hake. Tecla you have to pack your things and leave panapa iwe Dean kana uchida mukadzi wako moona kwekuyenda not pano
Veduwe ndakanga ndakungotsukuta maoko nenyadzi apa iye Mellisa akapedza kutaura akutochema ndokubva aiswa pamakumbo naDillan achibva atanga kumunyaradxa hake. Daddy vangu vakanga vaita kutsamwa chaiko Tecla akarongedzeswa ndikanzi ndinokusiya kuroad kana achida kudzoka achadzoka nehama dzake agotaura zvaakaita ega. Ndakasimuka ndokutira macar keys ndokubva ndankmusiya kuroad akambozama.kuda kutaura neni muroad asi akaona kuti pfungwa dzangu dzaiva kure chaiko kusvika ndangonomusiya paroad ndichibva ndadzoka kumba apa kwanga kwakutosviba zvako
Ndakawana daddy vari mumba Dillan achitobudisa Mellisa kuyenda kumba kwake. Ndakangosvika ndokugara ndakanyarara pamasofa paiva nadaddy kusvika time yakadzoka Dillan achibva ati
So.mukoma mava ready kuyenda kujeri here nenyaya yenyu because makakanganisa future yemwana uyu
Handina kumudaira ndakangotura mafemo
nndokuramba ndakangostika zvangu. Sadza rakapakurwa ndokubva tadya hedu patanga takuda kuyenda korara ndakanzi nadaddy
Dean kana usingade kusungiswa wotoina hako kuti wadii nemunhu wako wqwakaraper by tomorrow unenge wadecider womuka uchindiudza zviripo
Handina kudavira ndakabva ndatoyenda korara zvangu. Zanele akazouya zvake ndokusvika achipinda mumagumbeze ndokuvata. Mahusiku ndakapepuka ndichinzwawo kuda madam ndokuti regai ndipedze stress pandakanoti ndidai ndakanzwa munhu akundiudza zvekuti ndir kuperiod . Ndakaita kuvira nehasha how can she say that iye achiti ane nhumbu. Ndakamuka ndokubva ndagara ndikamuti
Ko mumhu ane nhumbu anoyenda kuperiod here nhai Zaneke inga wani unoti une nhumbu saka chii chikuitika
Her: aaah sorry Dean nhumbu yacho ndoona sekuti kutobva kwayo ini
Me: nhumbu ichibva ugotaura wakamutsa kudaro no any pain woti maybe kubva Zanele handisi mwana mudiki wazvinzwa here kasira kundiudza chokwadi hako ndisina kana kunetsana newe
Her: sorry Dean ndakangorega kudzokera hangu kumba but ndakanga ndisna kana nhumbu ini am sorry for that ndiregererewo ndakazviita because ndaikuda hako
Me: manje kundida kwako kuri papi kana uchigona kundinyepera hee . Zanele marriage is not about kunyeperana wazvinzwa ikozvino udzidze kutaura chokwadi wazvinzwa
Zanele: ehe
Ndakabva ndstosiyana naye ndokuvata hangu ndokumuka makuseni ndichibva ndambobuda ndaida kuyenda kumba kwaMellisa ndakanga ndiine zvimwe zvandaida kunotaura naye pedu tega . Ndakasvika ndokubva ndangovhura door ndisina kunoka hameno hake kana achivata asina kusimira ndaizongonobata kumeso ndapinda ini. Pandakanoti mumba ndakasanganidza naMellisa achitopuruzirwa dumbu naDillan hey ko mufana uyu ndiko kwaakavata kuno. Ndakangogadzirisa pahuro ndokubva ndati
Morning guys
Dillan: mukoma your time was over hamusisina kodzero yekungouya muchiita kubheura door as if mukupinda munamaiguruka. Ava ndimainn saka varemekedzei nekuti kana vakakutarisai vanokuonai sababa kureva vatezvara
Me: ok may I talk to her
Dillan: kkkkk ini ndochengera mukoma taurai nyaya yenyu aripano kana mukangoyenda kuseri ndenge ndakutotya kuti ndogona kutorerwa
Me: Mellisa ndanga ndauya nekuti daddy vakati ndione zvekuita newe so ndanga ndauya ndichida kukuudza kuti manheru you are moving kuuya kumain house
Her: handiuye ini am fine here ndicgquya ndozotaura navo daddy kunoku kwakatonaka zvako zvezvimwe zvese hazbina basa zvekuti wakandiraper ko kana nhumbu iri yaVaGumbo wofira izvozvo here. Every person made mistakes and achida kuregererwa ini ndatokuregerera hameno iwe asi ini handichina kukutsamwira zvangu zvakatopfuura zuro
Me: but ndikuita zvandanzi ndiite nadaddy mellisa
Dillan; ndichataura navo daddy wangu mukadzi haagare padhuze newe unomushungurudza shaar kunoku bho manje ndenge ndichiuya ndichimurinda
Uuum vaviri ava vakanga vatonzwanana chaiko zvekuti ndakaina pasina chekuramba ndakamirira ndokudzokera hangu asi ndakanga ndativa kuvaitira godo ini hameno kakabvepi kagodo ikako asi ndaitonzwa kachiita kundimara chaiko
End of 14
Love you team
โค๏ธ
๐
๐
๐
๐ข
๐ฎ
36