MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
January 17, 2025 at 06:24 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g Kana uchida kubva paone pindai kuchannel handidi vanhu kuinbox NAMATAI STORY BY MHAMHA ADEL READ AND SHARE FREE BOOK CHAPTER 11 NAMATAI Ndakamuka the following day ndikanochera mvura kwakubva ndageza sezvo mwana wangu aive akarara. Ndakapfeka dress rangu randaive ndakatengerwa namai sabhuku raive rakanaka racho. Pasina nguva chiremba vakapinda vachibva vanditarisa pamwe nekutarisa mwana vachibva vaona zvose zvakanaka. Ndakanzwa vakunditi, "Nguva inosvika hama dzako munozouya kuoffice kwangu ndokunyorera birth record remwana. Munenge mava free zvenyu kuyenda kumba nekuti hapana kana dambudziko pamuri nemwana." Ndakafara hangu kuti ndaive ndakuzoenda kumba nemwana wangu. Ndakatombo batirwa nehope ndakatozomutswa nagogo vainge vauya. Ndakakwazisana navo ndichibva ndatova siya nemwana kwakuyenda kuoffice kwadoctor ndichibva ndanonyorerwa birth record remwana. Ndakadzoka kwaive nagogo ndichibva ndatakura mwana ivo kwakutakura zvinhu tichibva tabuda. Takati tichisvika panze mufaro wangu wakawedzera kuchitevera smile yasvika kugotsi pandakaona mai sabhuku vakamira panze. Ndakatarisa gogo ndikaona vachismiler asi vaive vasina kumbondiudza kuti vaive vauya namai sabhuku. Ndakasvika pavaive vachibva vatora mwana kwakubata ivo. Takatozo kwazisana mwana atova mumaoko avo. Pakatorwa mwana namai sabhuku ndakabva ndada kubatsira gogo kutakura zvinhu zvikanzi namai sabhuku, "Siya gogo vatakure mwanangu izvezvi musana wako hausati wasimba hausati wakubvumidzwa kuita mabasa anorema" "Muudzei mai sabhuku ndomuziva kuti muzukuru wangu is very stubborn, ndoziva kuti kumba ikoko tichagara tichinetsana nekuti anenge achida kushanda iye asati asimba" "Uuuum gogo ndasimba ini hapana kana parikundirwadza ndigazo tadza sei kuita basa" "Mamunzwaka atotanga nharo isu tiri kubva kumuudza asi haatereri" Takabva taseka tese pamwe chete. Takutosvika kumba takaona mai Mercy munzira asi havana havo chavakataura ndofunga vakatya kuudzwa mashoko namai sabhuku. Vaingo minyura iyo miromo mihombe vachienda, ndakangosekera mumoyo zvangu ndikati hanya nani. Nenguva pfupi taive tatosvika zvedu pamba, ndakaenda kuroom kwagogo ndiko kwandakano gara zvangu nemwana ikoko. Kaive katorara zvako ndakabva ndatokaradzika. Mai sabhuku vakabva vasimuka zvavo sezvo vaive vakuda kuyenda kumba kwavo, vakatofamba kusvika kumukova ndipo pavakamira kwakunditarisa zvikanzi, "Mai Wayne mwanangu mwana uyu mude semadiro aunozviita, chero zvinhu zvikakuomera kusvika pakadii usafe wakapindwa nepfungwa yekutsvaga umwe murume kuti akuroore ahokubatsira kuchengeta mwana nekuti varume vashoma vanoda kuchengeta mwana asiri wake. Shandira mwana wako nekuti ndiye hama yako yepedyo. Mangwana ndiye anofuma okuchengeta" "Maita basa mhamha mashoko enyu ndamabata uye ndamaisa pakati kati pemoyo wangu. Ndichazama kuita zvamataura chero ndichiziva hangu kuti haisi nyore, zvimwe dai ndakapedzawo chikoro ndaiti ndichatsvagawo basa ndochengeta mwana wangu" Ndakaona hangu gogo vangu vatarisa kuside ndikaziva ndaive ndataura mashoko aive avarwadza, zvinhu zvaigara zvichivarwadza zvekusapedza chikoro kwangu nekuti ndaigona zvaitemurwa nematicha ose. Asi ivo semunhu aisaenda kubasa mari yekuti ndienderere mberi vakaishaya. Mai vangu vaimbo tumira vaive vakati furatira kare kare. Hapana ayiziva kuti vaice vachiri vapenyu here kana kuti vaive vakafa zvavo kare kare nekuti vaive vasisafoni chero kunzwawo munhu anotaura kuti akambocaonawo zvake. Gogo vakazobuda zvavo namai sabhuku vakuca perekedza inini ndichibva ndasara ndakarara zvangu. Pakapera chinguva gogo vasati vadzoka, vakatozouya zvavo papera chinguva vaive vakatakura paper bag rairatidza kuti rine zvinhu zvakati wandei. Ndakaona vakuburitsa two kg yerice yesugar two litres yemafuta pamwe neloaf reaching wa. Ndega ndakatongo ziva kuti vaive vapihwa zvinhu izvi namai sabhuku. Ndakazoona vakuburitsa chilight vachibva vanditambidza, "Ichi chilight chako chandapihwa namai sabhuku, hanzi muzukuru wangu haafaniri kurara murima. Hanzi rinoita husiku hwese rakabaka uye unofanira kuyenda naro kumba kwavo every day makuseni vokuchajisira wozono tora kumazuva rodoka." "Inga vaita havo basa, ndivo vakutoita juti rakatadzwa nevamwe mai muhupenyu hwangu" "Zvakaoma muzukuru unofanira kutenda mwari nekuda kwekuuyisa vanhu vakadai muhupenyu hwako muzukuru" Gogo vakazobuda muroom mandaiva vachibva vaenda kukitchen. Nenguva diki vaive vatodzoka nepoto yaiva netea. Takanwa hedu tea nechingwa tichitaura zvedu nyaya. Patakapedza vakabva vabuda zvavo vakumboenda kumaricho kwavo. Mazuva akafamba ndabva kuzvara kamwana kangu apa kaikura zvisingaiti ndaive ndakutokapa porridge remunyikwa nekuti kairatidza kuti kaisaguta mukaka. Mazuva ose aya ndaizama kuda kuongorora kuti mwana wangu akafanana nani asi ndaitadza kuona. Ndofunga inyaya yekusagona kuongorora hako. Rimwe zuva mai sabhuku vakadarika nekumba vachida kuona mwana. Vakamutora zvavo vakatanga kutamba naye ndichiwacha zvangu. Pandakapedza ndakanogara zvangu pedyo navo tichitaura zvedu nyaya. Ndakazonzwa vakuti, "Vanhu vanonzi varume havapindi denga chokwadi" "Kkkk why madero nhai mhamha" "Mwana uyu akafanana nababa vake zvekuti hapatombodi Tinashe Mugabe apa, tarisa nzeve dzakatiza musoro kunge mabhara idzi nemhuno dzinenge dzakarohwa nefoshoro idzi." Nguva iyoyo ndakatarisa zvairehwa namai sabhuku ndikaona vaitaura chokwadi, mwana wangu aive akafanana nababa vake zvechokwadi. "Atleast pamwe vanhu now makundi beliver pandaitaura zvekuti mwana ndewa Henry, I know vazvinji munogona maifunga kuti ndainyepa asi kana mwana akafanana nababa vake zvinenge zvava pachena" "Yaaaar taura hako, chinonyanyondi nakulidza hangu panyaya yako ndechekuti iye Henry ane mwana musikana iwe wazvara mukomana. Ndino ziva hangu kuti nerimwe zuva achakutsvaga asi inenge yava too late" Takataura hedu dzimwe nyaya kusvika vazoenda kumba kwavo mai sabhuku. Mazuva acho aimhanya zvekuti mwana wangu aive atova nemwedzi misere asi vaimuona vaifunga kuti aive atova negore nemwedzi inoraudzira chaiko. Ndaive ndakukwanisa kuyenda kubasa kwamai sabhuku ndichiti mari yandinenge ndawana ndaibatsira gogo kutenga chikafu imwe ndichitengerawo mwana wangu hembe. Wyne paakangosvika gore akabva atanga kuramba mukaka aive akuda kudya sadza neporidge. Ndaisaziva kuti kurumura mwana kunoto rwadza kudero kufanana nekuzvara chaiko. Mazamhu angu akatombo zvimba kuita matende chaiko. Akazotanga kudzikira mushure mevhiki rese. Wayne aive akuswera zvake nagogo vake. Rimwe zuva ndjchibva zvangu kwamai sabhuku ndakasangana nemuroora vevamwe mai vaigara kudhuze nekwamai sabhuku. Semunhu ayindiziva vakamisa mota yavo vachibva vadzika, "Heci kani Namatai, ko zvawatokura nhai iwe" "Mbichana makasimba here?" "Ndirinani hangu, ndine shamwari yangu inogara kudhorobha arikuda musikana webasa anosara achitamba nemwana uye kuita zvimabasa zvepamba. Anogara iye nemurume wake asi vose vanoenda kubasa. Mari ayitaurawo irinani yekuti unokwanisa kubatsirika" "Ok ndichambotanfa ndanoudza gogo ndonzwa kuti vanoti kudii nenyaya iyi, vakandibvumidza ndouya kumba kwenyu ndichikuudzai" "Ok Namatai no problem" Vakabva vapinda mumota mavo kwakubva vaenda, ndakasara ndakutemeseka zvangu musoro ndakushaya kuti ndodii. Ndaiziva kuti ndaisakwanisa kuyenda nekuti hapana munhu anomboda musikana webasa anemwana wake. Nenguva pfupi ndaive ndasvika zvangu kumba, Wyne achindiona akatanga kumhanya achidonha osimuka achindimhanyira. Ndakasimudza mwana wangu kwakuenda naye paive pakagara gogo. Ndakasvika tikakwazisana zvakanaka ndichibva ndafunga kuvaudza nyaya yangu, "Gogo ndafunga kunotsvaga basa kudhorobha ini, iri randiri kuita kuno harinyatso bhadhari zvekuti ndozokwanisa kuriritira mwana wangu" "Ibasa rei rawafunga kutsvaga nhai muzukuru wangu" "Remumba gogo ndingatsvage rimwe ripi randinogona" "Zvino unoritsvaga kupi iwe usina kana munhu waunoziva arikudhorobha nhai muzukuru?" "Ndasangana nemuroora wekwaGudo pandanga ndichibva kwamai sabhuku vakandiudza kuti vane shamwari yavo irikutsvaga musikana webasa anosara achitamba nemwana ivo vaenda kubasa" "Ok muzukuru wangu hapana chakambo shata, so anokubvumidza here kuti Uta utakure mwana wako" "Ndandisina kumbovaudza zvangu nyaya yemwana iyi, ndichanovaudza mangwana ndinzwe kuti vanobvuma here, kana vakaramba ndinenge ndakuto musiira imimi" Pandakataura zvekusiira gogo mwana ndakaona vanditarisa neziso raitaura vachibva vanditi..... END OF CHAPTER 11 NAMATAI IFREE BOOK TARIRO NDIYE AKUTENGESWA UKATENGA TICHANGE TICHIKUPAI 4 CHAPTERS PAZUVA TARIRO AVAKUTENGESWA NGATISANGANEI KUSWERA MANGWANA KUSUB GROUP TO BE ON SALE FROM CHAPTER 21 KUNE VARIKUDA KUYENDERERA MBERI NEBOOK REDU TARIRO KUTANGA SUNDAY RERAKUITA $ 1.50 ECOCASH $1US 0784181505 T .KAPITO ECOCASH ZIG 55 0784181505 T.KAPITO INBUCKS $1US 0784181505 T.KAPITO *VARIKU SA MUNOTENGA MAVOUCHER AYA E20R OTT VOUCHER KAZANG VOUCHER 1 VOUCHER BLUE VOUHER PAYMENT PROOF YAKO PA NUMBER IDZI, TEXT OR APP 0784181505 KANA USINA MARI YE BOOK MUSATUKA
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 561

Comments