MHAMA ADEL STORIES🇿🇼 WhatsApp Channel

MHAMA ADEL STORIES🇿🇼

14.3K subscribers

About MHAMA ADEL STORIES🇿🇼

Welcome to mhamha Adel stories Advertising $4 $2day,$10 5days App number 0784181505 1.LIFE IS A BURDEN 2.ONLY LOVE CAN HURT 3.CHENAI 4.TWISTED LOVE 5.TARIRO 6.THE PAIN INSIDE 7.CHIONISO 8.BROKEN PROMISE 9.CHENGETO 10.NAMATAI 11 .THE COLOUR OF ACCEPTANCE 12.VIMBISO 13.MAZVITA

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/9/2025, 6:02:44 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VbAqF0ZCRs1sjmuBYM2S CHENAI💦☔☔☔ STORY BY MAMA ADEL NEW BOOK CHAPTER 1 Dzaiva dzato kuma nine dzehusiku ndakamirira kuuya kwe murume wangu wandaigara naye tanga tisina hedu mwedzi yakawanda tatanga kugara tese. akatobva kundiroora mwedzi yapfuura iyi. zvino apa Ndaiva ndakushaya kuti ayenda kupi, kwanosvika nguva dzino asati auya. ndakambozama kumufonera asi foni yake yaitoti not reachable zvekutoratidza kuti yaiva yakadzimwa or anga ari kunhu kusina network zvekuti ndakatotadza kudya sadza randaive ndazvibikira ne moyo wese, ndichingofunga kuti innocent aiva ayenda kupi....... Ndakambogara musitting room ndichizama kumumirira innocent zvino ndakatozowona kuti kwaitove kuteya nzou neriva ndakatozosvika pakuenda ku bedroom ndokusvika ndichigara pamubhedha ndakatanga kuzama kufona foni yake ndokunzwa ichitorambisisa , zvinova zvakazoita kuti ndisimuke ndichibva ndaenda kunogeza ndokudzoka ndichipinda mumagumbezi asi hope dzacho dzakatoramba kubata zvekuti Kunze ndakazoshamisika ndichiwona kunze kwayedza, ndokunzwa foni yangu ichi ringer kwakubva ndamhanya kuyidaira asi number dzacho handina kudziziva,, ndakatorohwa nehana ndozvibvunza kuti aiva ani ayindifonera nguva dzino ,zvekuti pandikazonzwa munhu uya Akataura zva innocent kuti akaita accident nezuro achibva kumafaro ne girl friend yake,ndakabva ndanzwa kupererwa chaiko.. kana simba rekufonera mai vake ndakarishaiwa ,zvaiva zvakangooma hazvo kugara nemunhu waunoda asi iye asingakude ndaitopika jeri rangu ndega mu marriage iyi uko amai vangu vakatombonditaurira ndisati ndaroorwa naye vakati Chenai munhu wako uyu haite, ndakatoita nharo ndichivati, ndiye wandada, zvino apa ndaiva ndakuchishaya kuti ndovaudza sei kuti handina kugara mushe, kutaura sure Innocent Ayitondishungurudza apa ayiti akawona vabereki vake ayitanga kuvhara- vhara achiita semunhu anondida nekuda kwekuti aisada kuti vabereki vake vazvizive kuti anondibata rough ayitotya kutorerwa ma bussiness ake ese akapihwa pakandiroora uye Kuroorana kwataive takaita hatina kumbobvira takanyatsodanana akangondiiroora achimhanyira kupihwa property nevabereki vake sezvo aiva akanzi anofana kuroora munhu ane hunhu akangowona zvakakodzera kutora ini ndava ndaiva munhu ane hunhu... Ndaitofunga kuti zvaiva andiroora ayizonyatsondipa rudo rwandainyatsogutsikana narwo buti munhu wacho ayingoita kakundisema aisambondipa rudo, ndaitoita rwukuwonera muma movie nevamwewo vandaiwona vachifamba vachidanana mumaroad ini ndaingova mukadzi wedisplay kuna innocent ndaisamboziva chinhu chinonzi murume bt murume ndinaye mumba ,worse nekuzofonerwa kwandaiva ndaitwa ndichinzwa kunzi ayita accident ayine munhu wake, apa ini ndaitozamq kuda kuita mukadzi akanaka kunaye, ndichiti panobuda ndaito make sure kuti abuda ne hembe dzakachena kana kuri kuwacha zvako nekutsvaira mumba ndaisazesa . Ndakazonhonga foni yangu yandaive ndadonhedza pasi ,ndakutofunga kuti ndaikusvika nguvai kuchipatara kwacho kwaiva ainzi adimitwa kuborrodale kuMarondera apai ini ndaigara kuharare ,ndakatogadzirira fast ndichibva ndaenda kumakombi pana Forth ndokusvika ndichipinda mu bus richibva ratosimuka takuenda marondera asi mu road mese ndaingosvima musodzi. Vanhu vaitova mu marriage ndivo kwaitokwqnisa kuzwisisa situation yangu kuti kuchhitwa nemurume wako chinhu chaitorwadzwa kunyangwe hazvo akasanga ne Dambudziko hapana pandaizoreregedza kumubetsera , ndichisvika kuma Marondera ndakanoburukira pa rank ,ndokutanga kutsvaga mataxe anoenda kuborrodale Hospital ndikaiwana ndokuenda ikoko Zvekuti ndichisvika pachipatara pacho ndakanobvunza kty aive pa bed number chii ndokudzea ndichibva ndaendako asi Semunhu ndaiva munyowani kusvika munzvimbo iyi ndakamborasika ndakatanga kufamba ndichibvunza mukati imomo kusvika pandikazosvika mu room maive akaiswa lnno wacho kana kumbonyara hake achindiwona akabva andiiti " wavingei kuno ?"akadaro achitotarisa ma freinds ake aiva mu room umu ndakawona akundisekq ,iye achibva atowedzera konditsvinyira ayisatomboita Semunhu aiva ayita accident .Akatonditi mbuya dzokerai kwamabva ini handifambe nevanhu vanoita sevasina kukwana ,chandakongo kwanisa kubvunza kuty hauna kukuwara hre apa ndaitya hangu kudirwa rough ndikazonyara fty .Mhinduro yandakapihwa ipapo yakandiomesa mate mukanwa ,kunzi ukaziva ukuda kuzoitacy nhaiwe chidhoma chekwachivi ,ndakatozowona ndega kty apa handisikudiwa kwakubva ndatora kabag kangu ndananga kwandabva ,ndisati ndambosvika padoor ndokanzwa akty iwe urimukadzi wababa vangu kwete wangu coz ndovakandimanikidza kukuroora vachiti unehunhu asi hauna hunhu wakapusa fokofu chibuda muno ,dakusvika kumba ikoko kwabikwa chikafu chandofarira hamheno uchazvifambisa sei.Ndafamba chichema road yese nhai mwari wanguwo munyama here wekusadiwa kuita ropa rembwa hre zvekty pese paya svika inoitwa zvekutandaniswa Ndakanogara zvangu parank yemaMarondera ndakamirira bus raienda Harare kty risvike ,Ndakasvika pakurara bus racho risaty rauya ,Ndirikuhope ndopandakanzwa Harare Harare $2 apa ndoyandaitove nayo chete kuty indisvitse kunaforth ndozofamba hangu netsoka kusvika kumba ndakatenda musiki . Ndakapinda mubus muya ndikapihwa receipt yangu ndikanogara paseat rekumashure ndichifunga nhamo dzangu dzose,Ndakanyatsotanga kuchigaya manje kty Inno ati panodzoka kumba anoda kuuya achidya apa handitozive chikafu chanofarira Bus rakazosvika kuma around past 4 dzezuvarodoka ,Ndakaculculater time dzangu ndikaona zvisingaiti kty ndifambe netsoka bt paive pasina option kunze kwekufamba netsoka.Ndakaburuka bus ndokuchitanga kufamba netsoka ndakanga kumba kwangu ,Apa murume wangu aive munhu anezvinhu zvake kusangasira mota nedzima bt asatomboda kundiona ndakabata chero makey zvawo emota ,Hanzi wakabva nemota kumba kwenyu hre .Kwaiva kwatosviba but ndakavavarira kufamba kusvika ndasvika kumba ,Ndavapedyo nekusvika kumba ndakawona mota yaInnocent yakaparker pagate hana yangu ndopayakatanga kuchirova zvese nekunzwa muviri wangu kubvunda .Ndakasvika ndikaona iye Asimo mumota make ndokubva ndapfurira mberi nekuenda mumba .Ndakavhura door munoziva ndakapererwa ndichiona munhu achitodyisana hake chikafu nemusikana asiri uya wakaita naye accident, because aitonzi akatokuvarawo kupfura Innocent. Ndaka vhunduka negwati randakapiwa ndakatomboona nyeredzi panguva iyoyo, wanga uchirikupi nhaiwe mwana wembwa hee tell me ukubva kupii ,Handina kutombopihwa nguva yetsanangura nemàgwati nemabhutsu andaipihwa . Wavakuda kutozvita baba pamba pano kutouya hako nguva dzaunoda ,wanga wakatovharirwa nemaborangoma ako ekumbare ,Ndozvinoita vanhu vakura vachitambura munongoda kuramba muri venhamo chete kusvika mafa .Ndakanga ndava kungoburitsa misodzi yangu ndakamira padoor handinda kutombopihwa wekuti ndigare pasi .Ndazoziva kuty musikana wake ainzi Linda mushure mekumushedza achida kty amuigire belt rake ndakarohwa nehana ndikati ,Nhasi pangu pandiperera.Linda wacho ndiye atozondinzwira tsitsi,Babe chingomusiya kani aende anotibikira supper ,Ndopandakaponerawo ipapo ndapfurira pakitchen ndokubva ati gogo dzokai pano mavakuenda kupi isu tinenzara ddy Inno vakuda kunwa mapiritsi avo vadya saka chitotangai kubika ,Musikana wake atovewo rough hake .Paive pasina zvekuita kunze kwekuteerera zvaiataura because ndaizogona kurohwa hangu .Ndakapinda mukitchen ndokutora Chicken ndokubatidza stove ndokuiisa ,Ndakanzwa kunokwa kwedoor rekudining ...... END OF CHAPTER 1

❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 96
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/9/2025, 6:02:04 PM

Nhasi book hakuna hamhusi kugona kucommenter book

❤️ 😮 🙏 👍 😂 10
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/10/2025, 4:58:02 PM

More likes pliz

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 21
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/9/2025, 6:04:36 PM

Kune vasina kuverenga Chenai pindai muchannel iyi munoriwana kusvika pachapter 6 ndomarichange richikandwa everyday kana usati waverenga usasarire book iri huchi

❤️ 🙏 👍 16
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/8/2025, 4:17:19 AM

Mrng guys nhasi pindaiwo mu1k veduwe

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 36
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/10/2025, 3:43:00 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g VIMBISO STORY BY MHAMHA ADEL READ AND SHARE CHAPTER 10 VIMBISO Promotion yakapihwa murume wangu kubasa kwavo ndaifunga kuti yaizopedza matambudziko ataisangana nawo mumarriage medu. Zvekuti dai ndakaziva kuti yaipedza mamwe ichiunza mamwe ndaikumbira hangu arambe achishanda hake ari general hand. Nguva yatakasvika pamba tichibva kuscan foni yaTavonga yakatanga kuringer apa yaive pacharger akabva anditi ndidaire ndiise paloud. Ndakangobaya button rekudaira ndichibva ndaisa paloud sekutaura kwaaive ayita. Munhu aifona wacho akabva atanga nekuti, "Bby kwakanaka here kuswera wakandimisa muswere wese wezuva uchiti uchauya kumba kuzondiona" Mashoko aya ndaisama tarisira pafoni yemurume wangu iye wacho akabva asimuka achiuya pandaive ndakamira apa ndaive ndoshaya kuti ndoitasei. Chinhu chega chandaive ndoita panguva iyi kufemera padenga chete. Akasvika akatora foni yake achibva acutter. Ndakaramba ndakamutarisa hangu ndisina chandai taura asi misodzi ndiyo yaive yobuda. Akabva andibata pamatama zvikanzi, "Baby zvawanzwa handizvo munhu afona uyu inenge wrong number chere nekuti handimuzivi" "Uuuum handina hangu kuenda kuchikoro asi dai yanga iri wrong number sekutaura kwenyu handifungi kuti mungadai mamhanyira kucutter sezvamaita mungadai mataura naye tonzwa kuti iwrong number here?" "Saka zvoreva kuti haundi trust handiti?" "Haisiriyo nyaya yacho ddy kana iri wrong number sekutaura kwenyu ingomufonerai tinzwe kuti anotii?" Munhu akabva atora foni yake kwakutanga kufona, ichingodairwa chete akabva atanga kupopota zvekuti munhu waaitaura naye haana kumbopihwa mukana wekupindura. Ndega ndakatongoona kuti ndaive ndavharwa asi chekuita ndaive ndisina. Mazuva akafamba havo zvinhu paive pasina chachinja, ndaigodiwa semadirwo andaiitwa mazuva ose. Mazuva angu ekuenda kulabour akazosvika ndikato perekedzwa naTavonga, ndakangonoswerako nekuti takaenda makuseni ndichibatsirwa mwana wangu musikana. Akabva apihwa zita nababa vake rekuti Tiara. Pahama dzaTavonga hapana kana umwe akauya kuzondiona kuchipatara, mwana ndakadzidziswa kumubata nemanurse muchipatara. Zuva randaka buritswa ndaive ndisati ndanyatso simba asi wekuyemera paive pasina ndaifanira kutongo shanda. Ndakaita lucky kuti pamba pataigara paiva nevamwe mai vechikuru ndivo vakandidzidzisa kugezesa mwana zvekuti week rakasvika pakupera ndakugona zvese. Tavonga ayiti paanenge aripo aindibatsira basa. After two weeks ndabva kuchipatara ndipo pakauya amai nehanzvadzi yaTavonga kuzoona mwana. Pandakaona tete ndakafara kuti vaive vandirangarirawo asi kuna amwene hana yangu yairova nekuti ndaivatya. Ndakavavhurira mukova vakapinda zvavo mumba. Amwene vangu vachingopinda chete vakabva vatoti, "Mukati mwana wangu achirinewo chisvinu chaari kufunga kuita here kana kuti akutongo funga zvekuchengeta this village girl. Izvezvi vamwe vezera rake vatova nedzimba pamwe nemota dzavo asi haana chaainacho. Ndosaka paya ndaigara ndichitaura kuti aroore munhu anobvawo kurich family" "Mhamha mhamha hanziiko, ndizvo zvatauyira pano here izvozvo kana kuti tauya kuzoona muzukuru wedu. Dai zvamuri kutaura zvirizvo zviri mudzimba umu tingadai tisina kuroorwazve?" "Inyaya yekuti hauzvinzwisise chete, Tavonga akapedza mari yakawandisa achitengera broiler rake iri zvinonaka kuti rikwanise kubatira mimba" Nguva yose iyi ndaive ndakanyarara hangu ndakaterera mashoko ayirutswa navamwene vangu. Ndakatoona kuti ndikaramba ndakava nyararira zvaito ramba zvichienderera mberi ndaifanira kuvamisa zuva iri. Handizivi kuti zvivindi ndakazviwana kupi ndakaerekana ndavati, "Mhamha haisi mhosva yangu kuzvarwa kumba kune vanhu vasina mari, chaitovawo chishuviro changu asi mwari ndivo vanoita kuda kwavo" "Zvivindi zvekundi pindura urikuzviwanepi, ndakagara ndazviona ini kuti Tavonga akaroora joki vanhu vakanditi ndovenga muroora. Izvezvi azvara mwana wechikomba atova kuzviona kunge ane zera neni" "Mhamha why is it pose munotaura kuti mwana uyu haasi muzukuru wenyu, asi mwana wenyu haazvarisi ingomwa here?" Ndakaona tete vabata muromo nemashoko andakataura, vamwene vangu vakabva vasimuka kwakundirova mbama padama. Ndakanzwa hasha dzangu dzese dzichindi wandira zvekuti dai ndisina kushandisa pfungwa panguva iyi ndaivadzosera chete. Ndakaramba ndakamira ndakavatarisa apa ndichiita kubvunda nehasha. Ndakaona vasimudza ruoko rwavo vachida kundirova zvekare. Ndakagamha ruoko rwavo ndichibva ndavati, "Muri amwene vangu asi apa maguta kunyarwa manje, dzidzai kurespector vana kuti tigogona kukupaiwo respect. Now get out of my house. Handidi kukuonai futi pano kana musina nyaya" Vakada kumboramba vakamira ndichibva ndatanga kuita vekupudha kusvika vava panze. Ndakavhara door rangu ndikavasiyapo, ndakadzoka ndikagara pasi ndikatanga kuchema. Ndainyatso shaya chandaive ndakatadzira amwene vangu kuti vandivenge zvakadero. Ndakasimuka pandaive ndakagara ndichibva ndanotora mwana wangu aive akarara kubedroom ndichibva ndauya naye ndichibva ndamupa tete vake. Vakaita nguva vakamubata ndofunga vaida kufananidza, papera chinguva ndipo pavakazoti, "Sorry muroora I know zvaitwa naamai vangu zviri wrong but unofanira kungoziva kuti ndimai vemurume wako. Chauno fanira kuita kutsvaga nzira yekuti vakufarire kunyangwe uchiziva hako kuti vakakumaka. Haufaniri kudzorerana navo mashoko asi zvininipise. Hauzivi mangwana zvinomuka zvakachinja vakukufarira." "Ok tete zvamataura ndazvinzwa, inyaya yekuti ndango tadza kuzvidzora chete asi ndichavakumbira ruregerero nekuda kwezvandaita" "Yaaar ndokuti muroora akabva kuvanhu, I know mhamha pavachaona mwana uyu vachanyara nemashoko avo avano gara vachitaura kuti mwana haasi wedu. Hazvidi maDNA izvi mwana ndewa Tavonga uyu" Ndakazotanga hangu kubika kuti tete vadye, takaswera takatandara zvedu vakazoenda kumba kwavo kumazuva rodoka. Pavakazoenda ndaive ndakunzwa zvirinani, ndaive ndakanganwa kuti ndaive ndambonetsana naamwene vangu. Pakaenda tete ndakasara ndichigadzira best meal yaidiwa nemurume wangu. Ndakabika sadza rangu nerosted fish netumavegie twacho paside. Ndakaona nguva dzake dzekudzoka kubasa dzakwana kare asi asati adzoka. Ndakazama kufona number dzake asi dzaingo ringer dzisina anodaira. Ndakapedzisira ndasiyana nazvo ndichibva ndangozviudza kuti ndaifanira kumurira munhu wangu kusvika auya zvimwe aive awandirwa nebasa. Nguva dzakafamba kusvika kumaten munhu asati auya, hana yangu yaive yakurova kuti mwana wevaridzi aivepi. Zuva iri kana hope hadzina kuuya, dzakazoti dzava kuma past eleven ndipo pandakanzwa knock padoor. Ndakadongorera nepawindow ndikaona ariye zvake apa aisambogona kana kumira chaiko. Ndakamuvhurira achibva apinda hake. Ndakanyatsoona hangu kuti munhu aive asina kunyanya kudhakwa asi inenge yaiva strategy chete. Dai ndakaziva kuti yaiva strategy dai ndakasiyana naye. Ndakamuti, "Nhai ddy ndiyo nguva yekudzoka pamba here iyi apa makadhakwa futi" "Unondiudzira nguva yekuuya kumba umbori aniko iwewe?" "Handisi kukuudzirai nguva yekuuya kumba asi kuti mangwana muri kuyenda kubasa moenda sei nekudhakwa ikoko. Plus zvekuuya kumba nguva ino zvakatanga rinhi?" "Nxaa ndezvako izvo, pano pamba pangu ndouya nguva yandinoda uye ndini ndosarudza kuti ndoda kuuya ndakadhakwa here kana kuti ndiri sober. Kana uchiona usiri kupindirana nezvandinoda mukova ndiwoyu wobuda woyenda" "Uuuum handina chandino kwanisa kutaura nemi makadhakwa kudai, kana muine nyaya yenyu madii kuitaura musina kudhakwa pane kuti mononwa kuti mugogona kutaura nyaya yenyu" "Ndiri kutokuona hangu kuti urikuda kunditonga pano manje kana iri mishonga yekumusha kwenyu pandiri haishandi, ungadzinge amai vangu pamba pemwana wavo une chokwadi iwewe?" Ndakatoona kuti munhu anenyaya yake, chinhu chaive chakakosha panguva iyi kunyarara nekuti nyaya yacho yaigona kusazopera munezvakanaka. Ndakabva ndatopera kana simba rekuti ndimupe chikafu chandaive ndabika nemoyo wese kuti azodya. Ndakabuda mudinning mataive ndichibva ndayenda kubedroom kunorara. Ndakamunzwa hangu akugudubudza mandiro ndikaziva kuti akutsvaga chikafu. Ndakabva ndarara zvangu nguva iyoyo, ndakamunzwa paskauya kuzorara handina kutaura naye. Zuva rakatevera ndakamuka ndichimu gadzirira semazuva ese kuti ayende kubasa asi pandakamu mutsa kuti anogeza akabva atanga.... END OF CHAPTER 10

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 329
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/10/2025, 6:02:38 PM

Ngatipindei guys munobatsira vanhu ende mishonga yake inoshanda

👍 ❤️ 🙏 😢 9
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/10/2025, 5:22:34 PM

For only ladies chete mhanyai munobatsira ingopinda mugroup iri muwane kubatsirwa iwe ndiwe unoziva problem yauinayo mhanyi book redu vimbiso ndikasika kukupai chapter 11

❤️ 🙏 👍 😂 😮 17
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/8/2025, 9:23:30 AM

More likes plz

❤️ 👍 😢 😂 😮 24
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
6/6/2025, 4:21:52 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g VIMBISO STORY BY MHAMHA ADEL READ AND SHARE CHAPTER 9 VIMBISO Nguva yakafona murume wangu achitaura naamai vake ndaive ndakavhura nzeve kunge dzstsuro ndichida kuterera zvaitaurwa. Madairiro akaita amwene vangu akandipa mumwe muono kuti hapana pavaimbofa vakandi farira havo. Pavakanzi nemwana wavo, "Mhamha mukadzi wangu ane pamuviri" ndakanzwa vakurova chikwee chaicho kunge vaudzwa zvimwe zvinhu zvinosekesa. Ndakanzwa vakuti, "Saka hausi kutonyara kundifonera uchindiudza nyaya dzakadero here?" "Ndogonyarei nhai mhamha ini ndichikuudzai nyaya inofadza kudai. Ndimi maigara muchitsvinyira mukadzi wangu muchiti broiler rinongodya chikafu mahara risinga zvari" "Saka urikuti mwana wacho arimudumbu ndewako here?" "Ehe ndewangu muri kufunga kuti ndewani?" "Chete haisi mhosva yako asi kuti kupusa ndiko kunoku tuma kuita zvauri kuita izvi. Unofunga kuti chaitadzisa mukadzi wako kuita mwana nguva yese chii ozobata pamuviri nhasi?" "Mhamha ingo taurai nyaya yenyu kwete kuti pamunhondo pamusasa zvamuri kuita izvi" "Mukadzi wako anenge hure hure uyo handifungi kuti nhumbu iyoyo ndeyako ini" "Mhamha handizivi hangu chamuno nyanyira kuvengera mukadzi wangu chii chaizvo, zvekuti hure zvamuri kutaura muri kuzviwanepi. Dai maiziva kuti Vimbiso ndakamuwana ari mhandara mungadai musiri kutaura mashoko amuri kutaura aya" Tavonga achipedza kutaura akabva akata foni asi ndakaona kuti maziso ake anga ajenga misodzi kuratidza kuti aida kuchema. Kunyangwe ndairwadziwa hangu nemashoko akataurwa naamwene vangu asi ndaive ndakuto nzwira murume wangu tsitsi. Nguva iyi ajabva abuda mumba asina kana shoko raakataura kwandiri. Ndakatoshaya kuti arikuendepi. Ndakadongorera nepawindow ndikamuona achibuda gedhi asi airatidza kuti pfungwa dzake dzaive kure chaiko. Ndakambo funga kuda kumutevera asi ndakaona zvakanaka kumbo musiya akadero nekuti munhu anenge achimboda space ariega. Ndakasara ndakagara zvangu kana simba rekusimuka kuti ndibike chairo ndakarishaya. Kunze kwakasvika pakusviba ndakango gara panzvimbo imwe chete ndisuna kana kumbosimuka hangu. Pandakazoona kuti kunze kwaive kwanyanya kusviba Tavonga asati adzoka ndakabva ndatanga kumufonera asi foni yake yaingorira isina ayidaira. Ndaive ndisisina kugadzikana muhana mangu nekuti aive asati ambozviita zvekusvika nguva iyi asati adzoka kumba. Ndakabika hangu chikafu chemanheru asi handina kudya nekuti ndaive ndisina appetite yacho. Nguva dzakafamba kusvika panaeleven Tavonga asati auya. Nguva idzi hana yangu yaive yakurova kuti aiva aendepi. Dzakazoti dzava kuma past twelve ndaive ndakuda kubatirwa nehope ndipo pandakanzwa knock padoor. Ndakadongorera nepawindow ndikaona ari Tavonga asiri kana kugona kumira. Ndakamuvhurira mukova asi ndakatambirwa nemweya wedoro rainhuhwa paari. Akangopinda nekuzvidonhedzera pamubhedha kwakutotanga kuridza ngonono. Ndakapinda busy yekumubvisa shangu uye kumuradzika zvakanaka. Hana yangu yaive yadzikama kuti aive adzokawo kumba ari mupenyu ndaizo mubvunza hangu kana kwayedza akunzwa zvakanaka kuti aive akatanga rinhi zvekunwa doro izvi. Handizivi kuti ndakazo batirwa nehope nguvai, ndakatozoita zvekupepuka ndanzwa munhu achigomera. Ndakamuka ndikaona shasha iri busy kurutsa. Munhu ayiita kunge acharutsa chihururu chaiko. Handizivi kuti ndizvo zvinoitawo varume venyu here kana vanwa doro. Ndakamunzwira tsitsi asi chekuita ndaive ndisina. Paakapedza ndakafunga kuti mumwe wangu anenge akunzwa nzara ndichibva ndadziisa chikafu kuti adye. Chikafu chacho hachina kumbodyiwa munhu akango tsunya tsunya achibva atosiya hanzi ndirikuita kunge ndine maronda mumukanwa. Ndakatarisa nguva ndikaona dzava past four, kubva nguva iyi hope hadzina kuzondibata zvekare. Kuchiyedza ndakamukira kuita washen ndichipedza kwakuisira murume wangu mvura yekugeza. Paakapedza kugeza aive akunzwa zvirinani ndichibva ndamuti, "Nhai ddy izvezvi makunzwa sei" "Uuuum bby ndakunzwa zvinenge zviri nani now, ndakauya pano nguvai nezuro uye ndakauya nani?" "Mauya kuma past twelve asi manga muri mega manga musinga mbogoni kana kumira chaiko" "Uuum inga zvakaoma" "Ko imi makatanga rinhi kunwa doro racho?" "Bby doro handitoridi but ndakatoona sechinhu chaigona kubvisa stress yandaive nayo bby, hw come my mother vanondiudza kuti mukadzi wangu akandihurira" akapedza kutaura akuto chema "Ddy manje imimi mukanwa doro muchida kubvisa stress yemashoko anotaurwa namhamha ko ini wacho ndinenge ndichitaurirwa mashoko aya ndozoitawo sei?" "Bby haungambo zvinzwisise, but dai waikwanisa kupinda mumoyo mangu ukaona Ronda ririmo ririku konzereswa naamai vangu waigona kundinzwirawo tsitsi" "Don't worry ddy nerimwe zuva zvichaita, chinongodiwa kunamata kumusiki chete" Takazotaura hedu dzimwe nyaya nemurume wangu asi chinhu chaindi shungurudza ndechekuti ndaizodiwa here nehama dzemurume wangu. Ndaive ndoshuvira kudiwa nedzimwe hadzo asi amai vake ndanga ndisisina moyo nawo. Mazuva akafamba nemurume wangu zvinhu zvaiendeka, mari yataichengeta yaive yati wandei. Takazoona kuti midziyo yedu yaive yati wandei room yedu yanga isisakwani tichibva tatsvaga two rooms. Takabva tatenga masofa pamwe neTV. Ndaive ndane chinoswera chichindi varaidza murume wangu arikubasa. Rimwe zuva ndakaona murume wangu abva kubasa achiratidza kuti ane mufaro wakanyanyisa chaiko. Ndakaona kuti kumirira kuudzwa ndinenge ndichito tambisa nguva ndichibva ndamuti, "Nhasi kwakanaka here kwamuri kuratidza mufaro wakawedzerwa kudai?" "Bby mufaro wandiinawo wakawandisa, gore rino rinenge gore rangu chete. Pakutanga wakabata pamuviri ndakavarairwa now ndapromotwa kubasa kubca kugeneral hand kuenda kunoshanda muoffice" Mashoko akataurwa nemurume wangu ndaive ndisina kumatarisira zvekuti ndakashaya kuti ndofara here kana kuti ndoita sei. Iye wacho aisagona kana kudii zvako nemufaro, "Bby pamari yauinayo wotombo ndikweretesawo two hundred us kuti ndimbo pinda mitown ndimbotsvaga he.be dzinoita kupfeka muoffice ndozo dzosera kana ndatambira" "Ddy munga kumbire mari yamunoshanda here kana kuti mongondiudza ini ndokupai, apa chero dai manga musina kukumbira ndaikupai ndega nekuti muoffice modawo munhu arikuonekera kwete akapfeka bottom" Takabva tatanga kuseka nemurume wangu. Ndaive ndakutoona kuti promotion iyi yaive yakuto wedzera mufaro mumba mangu. Mazuva akafamba ikava mwedzi Tavonga aive akushanda saHR officer kubasa kwavo apa mari aive awedzerwa anga akutambirawo inenge iri nani. Takazoenda kuscan tichida kunoona kuti mwana aiva mwanai tichibca taona ari musikana. Kuside kwangu ndakafara handidi kunyepa asi ndakaona kuti murume wangu haana kunyatso fara asi haana kuzviratidza. Tichibuda muchipatara takapinda nemutown ndichibva ndapihwa mari ndikanzi nditenge zvinhu zvemwana. Takatenderera tichitenga hedu zvinhu zvakanaka zvekuti takazoenda kumba kumazuva rodoka chaiko. Takati tichisvika kumba takaona panze paine mota yaivepo Honda fit, asi maitiro akaita Tavonga akaratidza kuti anoiziva nekuti akabva atoenda payaive yakamira. Paakasvika ndakaona pachibuda munhu wechikadzi achibva ambundirana naTavonga. Panguva iyi ndakanzwa kuzarirwa chaiko nekuti ndaisaziva chaitora nzvimbo. Pavakazo regedzana pandakatarisa mukadzi uya ndakaona kufanana pachiso ndichibva ndangoziva kuti yaiva hanzvadzi yacho. Yakaramba kupinda mugedhi takakwazisirana panze ichiti yaive yanonoka yaifunga kuti inowana tiripo yaizo dzoka rimwe zuva. Handina hangu kunyanya kubatikana asi kuti ndakato fara nekuti tete vacho vairatidza kuti munhu ari free hake uye anogara achifara. Pakaenda tete takazoenda mumba medu tikatanga hedu kubika tichibatsirana nemurume wangu. Tichipedza kubika takatanga hedu kudya ndiyo nguva yakaringer foni yemurume wangu. Akaidaira achibva ayi isa paloud. Munhu ayitaura kune rimwe runhare akangotanga nekuti.... END OF CHAPTER 9

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 513
Link copied to clipboard!