MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
January 20, 2025 at 04:51 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g Kana uchida kubva paone pindai kuchannel handidi vanhu kuinbox NAMATAI STORY BY MHAMHA ADEL READ AND SHARE FREE BOOK CHAPTER 12 NAMATAI Pandakataurira gogo zvekuvasiira mwana ndakaona vakangondi tarisa asi havana zvavakataura. Vakabva vatosimuka pavaive vakagara kwakutanga kufamba vachinopinda muroom mavo mavairara. Ndakangosara ndakagara kuri kupererwa chaiko. Ndakazosimuka papera chinguva kwakutanga kugadzirira zvekubika chikafu chemanheru sezvo nguva dzaive dzafamba. Ndakabika gogo vakangogara kuroom kwavo, ndakazono vadaidza vakauya tikadya zvedu. Nguva yatakapedza kudya vakabva vabuda kuyenda kunorara, ndainyatsoona kuti gogo varikurwadziwa nenyaya yangu. Ndakazoteverawo ndikasvika gogo vatokotsira, handina kuda kuvamutsa ndakararawo paside pavo. Kunze kuchiyedza ndakamuka ndikaita basa rangu rese, gogo vakazomuka ndatopedza ndakavakwazisa vakadaira havo asi vairatidza kuti havana mufaro. Vakabuda vakaenda kumaricho kwavo ini ndichibva ndaendawo kwavaGudo ndaida kunoona muroora wavo. Ndakasvika varipo zvavo ndichibva ndavakwazisa. Pandakapedza kukwazisa vanhu vose vaivepo muroora wavo akanditora akaenda neni pedu tega achibva anditi, "Heci Namatai, wakazotaura nagogo here nekuda kwenyaya yebasa" "Ndakataura navo hangu uye basa ndorida asi dambudziko riripo nderekuti mwana wangu achiri mudiki kuti ndimusiye zvinonetsa" "Ko wakaita mwana rinhi nhai Namatai" "Ava negore nemwedzi mitanhatu" "Ok no problem rega ndimufonere munhu wacho ndinzwe kuti anobvuma here kuti uyende ikoko nemwana" Vakabva vanotora foni yavo nenguva pfupi vaive vava parunhare. Zvavaitaura ndaisazvinzwa hangu ndaingoona vachitaura chete. Nenguva pfupi vaive vapedza vachibva vauya pandaive ndiri zvikanzi,. "Namatai ndataura nemunhu wacho asi arikuti haukwanisi kutsvaga munhu anosara nemwana wako here nekuti wake wakewo mwana mudiki zvekuti vakaita vaviri vanogona kuzokushungurudza". "Ok maita basa regai ndimbono tanga ndataura nagogo ndinzwe kuti vanokwanisa here kusara nemwana wangu" "Ok no problem enda unotaura navo kana vabvuma unouya uchindiudza nekuti ndiri kusvika weekend ndiri kuno" Ndakaoneka muroora wekwa Gudo ndakudzokera zvangu kumba. Munzira ndaingofamba asi simba ndainzwa kupera kwaro. Ndakasvika ndikamborara zvangu. Ndakamuka kumazuva rodoka chaiko. Ndakatoita zvekumutswa nagogo vaive vadzoka kumaricho avo naWayne. Ndakamuka ndichibva ndagara zvangu gogo vachibva vauya kuzogarawo pedyo neni zvikanzi, "Wazoenda kunobvunza here nyaya yemwana nhai muzukuru" "Ndaenda gogo asi ndanzi kuti ndiuye nemwana hazviiti nekuti mwana wavo achiri mudiki saka vakaita vaviri vanogona kundinetsa. Ndakautofunga kusiyana nazvo zvangu zvekuyenda kubasa" "Unoenda muzukuru mwana ndinosara naye asi chandinotya chinhu chimwe chete mukango nakirwa nedhorobha munobva matokanganwa kuti makasiya vana kuno sezvakaitwa naamai vako hamheno kuti munenge muchifunga kuti mari yekuchengeta mwana ndoiwanepiko?" "Kwete gogo, Wyne ndiye zvese zvangu uye ndiye wandiri kuraramira. Dai asipo chero kubasa kwacho ndaisaenda nekuti handidi kukusiyai muri mega pano gogo" "Kana uchiziva zvauri kufambira handikurambidzi kuyenda muzukuru wangu chandisingadi kuti utore hunhu hwaamai vako nekuti mwana wako haafaniri kurarama hupenyu sehwawaka rarama handitika" Ndakasimuka pandaive ndakagara ndikambundira gogo vangu nemufaro. Kunyangwe zvaive zvakaoma hazvo kuti ndisiye mwana wangu nezera raaive zvairwadza asi hapana chandaikwanisa kuita ndizvo zvaitovepo kana ndaida kuti mwana wangu azorarame hupenyu hunenge hurinani kudarika hwandakararama. Ndakaenda ndikano gezesa mwana wangu aive akazara madhaka aaive abva nawo kwaaive ayenda nambuya vacho pamwe nekuisira mbuya vacho mvura yekugeza. Pavakapedza kugeza ndaive ndakutopedzawo kubika ndichibva ndavapakurira chikafu tichibva tadya zvedu. Zuva rakatevera ndakanoudza muroora wekwa Gudo kuti gogo vangu vaive vabvuma kusara nemwana wangu. Vakabva vatofonera sahwira wavo vachimuudza kuti achirega kutsvaga umwe musikana vaizoenda neni paweekend pavaidzokerawo kubasa kwavo. Ndakafara pavakauya vachindiudza kuti shamwari yavo yaive yati haichatotsvagi umwe musikana. Muroora wekwaGudo akandiudza kuti ayizouya kunoona gogo vangu kumazuva rodoka kana vadzoka kubva kumaricho kwavo. Ndakadzokera zvangu kumba ndikatoswera zvangu ndakarara. Mazuvano kwamai sabhuku kwaive kusina basa sezvo vaisaveko vaive vakaenda kumba kwemwana wavo kuHarare. Kumazuva rodoka gogo vakazouya ndikavaudza kuti ndaive ndataura nemuroora wekwaGudo akafonera sahwira wake ndikanzi basa ndariwana. Gogo vakafara vachibva vanditi, "Muzukuru wangu nzvimbo yavawa kuyenda kwauri inyowani nekuti iwewe hausati wambosvikako, iwewe iva munhu anoterera uye asingapinduri varidzi vemba. Kana wasvikako iva driver webhazi webhazi anoziva chaafambira. Usatsvage nyaya dzevanhu dzisinei newe iwewe ita zvebasa rako nekuchengeta mwana. Ndinoziva hangu zvinhu zvinowanzoitika kuvasikana vebasa, munowanzo nyengedzwa nevarume varidzi vemba vachirara nemi vachikupai mari asi ini ndinoti kwauri muzukuru gutsikana nemari yamunenge makataurirana nevaridzi vebasa. Unonyengedzwa wopihwa mwana munhu anongo dzokera kumukadzi wake iwe wosiiwa nedumbu rako. Chekupedzisira ndinoti mabvi ako aya ngaashandiswe munhu achinamata wazvinzwaka" "Ndazvinzwa gogo, mashoko enyu ndichamaisa pakati kati pemoyo wangu uye ndichamashandisa kwandichaenda. Ndinoku promisai zvinhu zvakanaka chete kana ndichinge ndayenda uye handizofi ndakakukanganwai" Ndichipedza kutaura takanzwa nock pamusiwo. Ndakasimuka ndikabuda panze ndikaona ari muroora wekwa Gudo. Ndakamuti apinde achibva amhoresana nagogo munezvakanaka. Wayne akabva ayenda pavaiva achibva avamhoresa kwakuuya kuzogara zvake pamakumbo pangu. Ndakaona vaburitsa yogurt mukabhegi kavo vachibva vamupa. Ko ayiizivirepi zvake mwana wangu akaidya yese kusvika pakukokota nezvigunwe. Vakazotanga zvavo kutaura dzimwe nyaya vachibva vazopinza yangu mudariro. Ndakanzwa gogo vangu vakuti, "Waita basa mwanangu watsvagirawo muzukuru wangu uyu basa" "Muchitendei gogo, Namatai ndomuona semwana kwandiri. Munhu arikuda musikana webasa ndisahwira wangu chaiye saka kana paine chinenge chanetsa ndinokuudzai. Mubva matondipa number dzenyu inini ndokupai dzangu kuitira tipote tichitaura" Ndakavasiya vachitaura havo nyaya ini ndichibva ndabuda ndakunochinja mwana hembe dzaive dzazara mayorgurt. Ndakadzoka muroora wamai Gudo akuoneka avekudzokera kumba kwavo. Akabva anditi, "Namatai mangwana wotoswera uchirongedza nekuti musiwe Saturday tirikuda kukurumidza kubuda kuitira tisvikewo nguva dziri nani" "Zvakanakai ndichitawo sekudaro" Vakabva vaenda zvavo tikasara zvedu nagogo tichitaura zvedu nyaya. Takabika chikafu chedu yikadya tikanorara. Zuva rakatevera ndakawacha hembe dzese dzemwana wangu kwakuwacha nedzangu dzaionekera dzacho. Ndakatora bhegi randaive ndakapihwa namai sabhuku kwakurongedza tuhembe twangu, ndakarongedza tushoma twaionekera twacho. Gogo pavadzoka ndaive ndatorongedza tunhu twangu twese. Zuva iri husiku hwakandiitira hurefu zvekuti ndaingo pepuka pepuka ndichida kuona kuti kunze kwayedza here. Pane pandakapepuka ndikaina gogo vakamuka. Vakabva vatanga zvavo kuseka zvikanzi, "Kwanonoka kuyedza muzukuru wangu, dai uriumwe watonyatso rara zvako nekuti nguva dzichiri kumapast eleven. Munoziva ndakapera simba nekuti nekupepuka kwandaive ndaita ndaitofunga kuti kwaive kwakutoyedza. Kubva ipapo ndakabva ndarara handina kuzombo pepuka futi kusvika kwayedza. Ndakamuka ndikaita basa rese kwakuisa mvura yekugeza kwakunyatso geza zvekupedza tsvina yese. Ndakapfekawo dress rangu raionekerawo netumapush. Zuva iri gogo havana kuyenda kumaricho kwavo vaive varipo. Nenguva pfupi muroora wamai Gudo akasvika nemota yake akamhoresa gogo ndikamu mhoresawo. Ndakanzi ndirongedze zvinhu zvangu kubhuti ndichibva ndanorongedza sezvo vaive vasiya varivhura. Ndakambundirana nagogo vangu tichibva tatanga kuchema takadero. Takazosiyana papera chinguva ndichibva ndasimudza mwana wangu. Paakazonzi nagogo achiuya achibva atanga kuramba. Muroora wamai Gudo akatozoenda kumota akauya neyorgurt ndipo paakazobvuma kudzika achibva ayenda kunagogo vake. Gogo vakabva vanopinda mumba naye inini ndichibva ndanopindawo mumotokari ichibva yasimudzwa tavakuyenda kuguta guru reHarare.... END OF CHAPTER 12 TARIRO AVAKUTENGESWA TARIRO HELLO GUYS HUYAI NEMA $1 USD ECOCASH ENYU NEMA55 OR VANE 50 ZIG KUSVIKA MANGWANA NA2 NDENGE NDISINGATAMBIRE SAKA MHANYAI MHANYAI BOOK NDATOPA VESE VAKATENGA NDATOVAPA RESE VATOOEDZA KUVERENGA UNOISA MARI YAKO PA0784181505 T.KAPITO SO MHANYAI MUSUPPORTE MUNYORI WENYU PLIZ NGATISANGANEI KUSWERA MANGWANA KUSUB GROUP TO BE ON SALE FROM CHAPTER 21 KUNE VARIKUDA KUYENDERERA MBERI NEBOOK REDU TARIRO KUTANGA SUNDAY RERAKUITA $ 1.50 ECOCASH $1US 0784181505 T .KAPITO ECOCASH ZIG 55 0784181505 T.KAPITO INBUCKS $1US 0784181505 T.KAPITO *VARIKU SA MUNOTENGA MAVOUCHER AYA E20R OTT VOUCHER KAZANG VOUCHER 1 VOUCHER BLUE VOUHER PAYMENT PROOF YAKO PA NUMBER IDZI, TEXT OR APP 0785058329 KANA USINA MARI YE BOOK MUSATUKA
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 635

Comments