
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
January 21, 2025 at 08:11 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Vad5RiiDJ6Gy5GuEEx3y
[14/01, 08:36] Mama Ree: https://chat.whatsapp.com/DIatqG8elrv0fzJA5Ewbsc
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree: Book 4*
It's a free book read, comment and share our channel link below 👇
https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t
Facebook page 👇🏿👇
https://www.facebook.com/share/p/J1NEtDZEuBJDTHrH/?mibextid=oFDknk
*(Short novels) Book title 👇*
*MADHUMBE RONIKA*
*CHAPTER 1*
*RONIKA*
🗣️Iwe Ronika tora huni idzo kwete kuita zvekutamba ipapo ahusi kuona kuti kwakuda kunaya hre🗣️
Vaive mai vangu vaidaidzira havo tichitsvaka huni 🤦♀️ndaitodya zvangu mabhubhunu
Mama... Unongofunga kudya chete uchadya nezvinourayisa..
Me...ndikuita wani mama svinga rangu rakwana iri
Mama.. Rako nderipi ukati ahushure hre iwe kasvinga kadiki ikaka une husimbe chaiwo iwe.. Ukati une chaunogona hre kuitawo
Me... Zviripo wani kuchikoro
Mama... Im not talking nezvekuchikoro ndoreva basa remaoko nekuoma kwaita nyika uku chikoro hachitembewe vanhu kumabasa vakupinda nekuda kwekuzikanwa.. Ndakutokutaudza kaa wabva wamira sabhiridha apererwa ne cement aripakati pekuvaka kaa
Ruva... Mama munomuziva mwana wenyu once matanga nyaya anotomisa nzeve setsuro akuterera
Me... Eeeh eeeh ana Rubheni barwe mapirwa nyaya iyi nani yati yasvika kunemi nguvai
Ruva... Waurikuti Rubheni barwe ndiani ndokurova izvozvi soo
Mama.. Hey hey Ruva ita semunhu mukuru iwe siya kunetsana nemwana uko
Ruva... Ndozvakaita vana hre izvozvi mama.. Akutoita problem muchingomuti mwana achiti jairira nawo muromo wake wakatesvera sekanyamukoho
Me.. Haa zvemuyedzo inouya yakasunama iri mucup se tea handide hangu coz ndoinwa
Mama... Ndakuzokurovai manje makundijairira ndati handide vanhu vanogara vachitukana.. Takurai masvinga enyu tiende uko
Takabva tasimudzana nemasvinga edu.. Ini hangu kuenda kuhuni yaingove nyaya yekuti ndatumwa semwana but ndaisada zvachose infect zvebasa zvaisava mandiri tisu vanhu vaye vairehwa kunzi nyope asi wanditi pachikafu ndaidya zvekutodaro.. Ndatove ndiri grade 5 ndaive ne9 yrs ndakajambiswa grade 3 nenyaya yekugonesa kuchikoro zvangu .. Zita rangu ndinonzi Ronika mumba medu tiripo 3gals chete wekutanga anonzi Ratidzo wechitwo Ruva then ndini ndaive gotwe wacho....baba vangu vaivepo asi zvaive zvakafanana nekuti vaive vasipo 🙄vaive baba vezita vakange vaenda zvavo nenyika vakasiya amai vangu nekuti vaive vazvara vana vasikana chete chete.. Saka kwavakaenda vakasvika kunoita mukomana nemusikana so vari happy ikoko.. Kuti tidye mai vangu vaimira mira taigara hedu kumusha kwaMurehwa kamusami.. Ndichiudziwa namai vangu vanoti panhumbu yangu havana kuenda kuscan vakaenda kune vamwe madzibaba akasvikovati mwana wenyu mukomana vakafara zvisingaite namudhara anga achiripo.. Hanzi tikatenga preparation yechikomana nekutokupa zita rekuti Kelvin Junior zita ramudhara kkkk..
Hanzi namama musi wavakarwadziwa nemimba kumba kwakasara kuchitwa mabiko mudhara akaura mombe.. Mama vachipona nurse ndokuti makorokoto emwana musikana....vanoti ndakafunga kuti majokes but vakazoona kuti shuwa ndiri musikana.. Hanzi mudhara paakazviziva akatanga kuchinja hunhu hwake ndave ne3 months ndopaakatora nhumbi dzake ndokurova pasi nanhasi ariko kunew family tinongonzwa nehama dzamudhara nekuona vana vacho pavanouya ku holiday coz mai vangu na mudhara ndeve musame area.. Vakaita rooranai vematongo yakarehwa makare kare yaive yakanaka asi yakaipa futi coz mukarambana kaa kwekufambira unokushaya hazvizode kuita ex apa ari muvakidzani wako nekuti akaita chakanaka unogona kurwadziwa especially kana wakaita zvekurambwa...
So zvakaitika from there mama vakatanga kutichengeta hedu tichingonzi pamba pe gals.. Tose taigona kuchikoro asi kunyanya ini ndaive pamberi.. Sis Ruva aive akanyanya kuwandira kune zvinoda simba rakawanda kotiwo Sis Ratidzo vaive vakawandira kune zvekubika bika nemumba saka taitozivana hedu.. Hondo yavo neni yaive yepabasa especially sis Ruva iih vaitoita tsomu tsomu neni chaiyo.. *back to my story* Tadzoka hedu kuhuni kuye ndikasviko tura svinga rangu ndichinzwa huro kudairira
Me... Yohwe zvangu ini mamoyo special.. (ndakadaro ndichiswatanudza mutsipa wangu)
Sis Rati... Iwe une drama chairo shuwa kasvinga katoko toko kakadai ndiko kowogomera senge uri mulabour ward kudaro
Sis Ruva... Vhunzai wo henyu akoma chii chakadaro chinenge ngozi ichochi
Me... Eeh eeeh ndisiyei zvangu vanhu tinosikwa zvakasiyana umwe neumwe ane kwaakawandira..ini ndakawandira mupfungwa ndosaka ndakapihwa chiso chakanaka.. Check vanhu vose vakanaka vanogona vane brain... Koti sis Rati makawandira kuzasi ndosaka muchigona mabasa emumba ndimi mawife material... Koitawo imi ana sis Ruva makawandira kumusoro senge maIndia ndosaka mune simba😂
Sis Ruva... Saka apa ukuzama kutii.. Ichiri nyaya yehusimbe hwako or wakutondituka
Ndakaona kuti vatsamwa.. Ivo vaitangirei musindo wacho so ndakabva ndatoteyera kurova speed coz pa fight ndaive ndisingagone simba rangu raive rakawandira kumuromo sepinjisi kkk
Sis Ruva.. Nhasi ndoda kukurova chaiko wakajaidzwa
Pandakanzwa izvozvo ndakabva ndati chitsoka ndibereke ndakarova muramba mhuri ndakananga nekudanga remombe ndokupoya pabhambundi wire yamai Sirivhia vepanext pedu.. Ndichisvika ikoko ndakacheuka kuti ndione if she is still coming.. Kuti cheu kudai ndakanzwa zimhere
Sis Ruva... Maihwe ndachekwa iiih magadziko angu kani 😭
Ndakaona kuti pavakada kupoya pa wire vakahakiwa kune vanoziva wire dziya dzemusha dzinenge dzine zvipfundo zvipfundo zvinobaya dzingori nhatu... Ndozvapaive pakaita saka havana kunyatsokotama vakabva vabatwa.. Dai vakadamburwa skirt chete zvaive nani manje vakarohwa ne underwear yacho zvese ne ganda racho chida raive dema dema 😛...
Me... Tionei sis hamuna kukuvara hre... Hezvo ko makuvara gadziko rimwe chete wani pamachema ndanzwa muchiti maviri kaa ndikatovhunduka
Sis Ruva... Hooo farisa uchidaro uchiri kutaurisa futi
Me...sorry sis kungovhunzawo
Vakabva vanonga danda kuda kundirova naro saka handina kuona kuti kumashure kwangu kwaive nehuku yaiuya netuvana twayo twayainge ichangobva kutsotsonya.. Ndakazonzwa kuti pwaaaaaa kutarisai kudai wanikwe ndatswanya kamwe kanhiyo... Apa huku yaive ne5 chete vana kureva kwasara 4...maihwe zvangu na mbuya Sirivhia
Sis Ruva... Unonyanya dzungu hona zvawaita manje wakaita seiko iwe unongogara uchipara mhosva
Gogo Sirivhia.. Maihweee kani huku dzangu dzafa
Hezvo asi gogo ava soo kaa iko kakwiyana kamwechete ikaka ndokavave kuzendemurira zimhere kudaro
Me... Sorry gogo ndatsika ne mistake
Gogo Sirivhia... Nhema dzako iwe watsika uchida haikona kunditaurira zvemanga manga.. Unomboziva kt imarii ipapa yawaita ndishaye everytime unoita kutsika kwako pano panoitika minyama last time tumwe tuhukwana twangu tuviri twakatorwa nemakondo
Aikaka ko iyi ndeipi manje yakutaurwa nambuya moziva in life soo unenge uchitombozama kuita munhu kwaye asi vamwe vanhu vakuru vanongokutokonya vapedza vozoti hee mwana uyu ahana hunhu..
Sis Ruva... Zveshuwa gogo muregerereiwo atsika asingaone
Gogo Sirivhia... Asingaone kudii kwacho kuti ibofu hre ndoziva munenge matumwa manje sorry yenyu haidzose huku yangu mototenga henyu
Me... Yrah now mazotaura manje kuti mukuda mari kwete kutenderera kwamanga muchiita paye saka apa tikubhadhara huku yekuti hatizive kana yaizotokurawo since dzose dzamunoita dzichifa
Gogo Sirivhia... Uyuwo anoti kutsvuka kunenge mayekera netsoko ndokubinha nemudonzvo wangu uyu
Vakabva vaupotsera ndokubva ndanzvenga hangu.. Chembere yaituka hayo iyoyi.. Ndakabva ndaunhonga kuti ndiva svitse mutsvimbo wavo
Me... Nhai gogo zvinomukaita hasha dzinenge dzegurwe rinodambura makumbo munozofamba nei muchiziva kt iyoyi tsvimbo igumbo renyu rechitatu kkkk
Havana kutauta vakadhonza tsvimbo yavo kwakutanga kufamba vakananga kugedhi ndakatoziva kt vakuenda kumba kwedu kunoreva kkkkk..
Sis Ruva.. Better vaenda kunokurevera kuna mama umborohwa mbichana
Me... Vagona wena coz shoko raMwari rinoti rovedzera mwana munzira yakanaka yaanozokura nayo
Sis Ruva.. Haa iwe une one yakadambuka chete or brain dzako dzoita dzichibatana.. Manje nhasi namama kaa
Vakabva vatanga kufamba havo vachienda vakabata nguwo yavo yaive yaita seyarazaro kkkk.. Ini ndakatanga kutevera bit by bit hangu.. Nekutya kusvika kumba coz kune nyaya ndakabva nda corner pamuti wemuhute soo kwakukwira kuti ndidye ndirimo ndakanzwa munhu pasi apa kaive kakomana kandaitamba nako ini ndaitamba neboys chete kainzi Tobias.. Aka tainzwanana manje pakutora zvinhu zvevanhu tisina kupihwa kkkk.. Shuwa nehuku dzataidya idzodzo ndaishaya kuti sei kaitadza kukora nhaimi kaive kakatsonga..
Tobias....asi wambozviwetera hre nhai iwe
Me... Aaah nei wadaro
Tobias... Ndaona kadzoto kenduwe yawakapfeka kusviba pakati or ahuna kuchinja wane mazuva nako
Me... Watanga kuda kukonana neni iko kwanga kwavira zvakanaka.. Better nderangu rakasviba ko iwe unopfeka rasekuru vako hanzvadzi yamai wakasunga negavi
Tobias... Hooo hooo sorry ngaipere.. But shar ndakakuudza kuti zvemumuti zvoda vanhurume or wopfeka short hako
Me... Haa hakuna zvakadaro ini ndosvika ikoko kunonzi kunoyera chero ukaona ahutore
Ndakadaro ndichienda kubazi repadenga denga racho handina kuziva kuti pane mago ndakangonzwa tsiii
Me... Maihwe ndarumwa
Ndakadaro ndichiregedza davi randaive ndakabata ndokubva ndati pasi puuu imiwoye ndakatomboona baba Abraham chete coz paive nemurume ane hupepe hwendebvu chena akanditarisa..imwe inenge yaive ngirozi Maikoro yehondo chete coz yakabva yati uyu ngaadzokere kwaabva ndopandakapepuka wanikwe ndiri panana moms
Stay tuned for chapter 2🔥🔥🔥
[14/01, 16:52] Mama Ree: https://chat.whatsapp.com/DIatqG8elrv0fzJA5Ewbsc
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree: Book 4*
It's a free book read, comment and share our channel link below 👇
https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t
Facebook page 👇🏿👇
https://www.facebook.com/share/p/J1NEtDZEuBJDTHrH/?mibextid=oFDknk
*(Short novels) Book title 👇*
*MADHUMBE RONICA*
*CHAPTER 2*
*RONICA*
Pandakapepuka ndakoana ana momz, ma sisters angu na gogo Sirivhiya ndakabva ndatoona kuti pakuda plan b panapa coz ndagara ndoda kurohwa saka eish...but guys baba Abrahama vandakaona vakanaka havo zvimwe ndezvimwe kkkkk
Me...no no mbuya amagumbo ndisiyei kani guys musanditore ndoda kumboona mai vangu nehama dzangu..😭
Ndakatanga kunyepera kudhomoka hangu paye ndichida kumbovhundutsa vanhu kkkkk
Mama... Hey hey Ronika ndini mama vako iwe handina ahuna kwaunoenda usatye uripano neni
Me... Ooh thank God lm alive 🫂
Ndakabva ndambundira mai vangu paye but pakuda kusimuka ndopandakanzwa pain yemashuwa muhudyu chaimo ndika screamer
Me... Maihwe ndavhunika mama😭
Gogo Sirivhiya... Nemudenga denga mawanga uri ndazviziva ahungatadze kuminyuka chete ito mubatai timuswatanudze asati awedzera kukuvara
Sis Rati... Yeah roda kutwasanudziwa coz rikazozvimba anotozonoiswa plaster
Gogo Sirivhiya.. Or ndoenda naye kumba kwangu ndombomukwiza mushonga askna batiranai naye tiende
Semunhu aisada kutasanudziwa ndakabva ndada idea yekunoiswa mushonga hangu... Takaenda hedu paye ndakaberekwa namonya for hire sis Ruva.. Sezvo gogo Sirivhiya vaive n'anga takasviko pinda muchimba chavo chebasa makazara mishonga shonga.. Vakabva vatora razor ndokutanga kundicheka cheka nadzo kumusana
Me.... Nhai gogo ndakuvara gumbo kaa ini ko kumusana kunei?
Gogo Sirivhiya... Ahungambozvinzwisise siya ndiite basa rangu iwe chako kupora
Mama... Iwe imbodzidza kuvhara muromo kwete kungotaura taura
Handina kuda kuenda mberi ndakabva ndanyarara shuwa kushanda zvakashanda ndakanzwa pain yanyararawo but sezvo ndaive ndambonakirwa nebhiza utare rekumba kwedu...
Mama... Saka toenda hedu kaa hanti wati wavekunzwa zvakanaka
Me... Ehe ndave nani kurwadza ririkurwadza haro
Mama... Ruva bereka mwana
Yess zvandaida chaizvo nhaka gore rino anochiona hake kkkk
Sis Ruva.. Umm mama ahasi kunyepa hre uyu. apora uyu
Me... Its fine kana musiri kuda henyu sisi ndokwanisa kushingirira kufamba handiti nhamo yeumwe ahirambirwe sadza hre.. Gogo Sirivhiya ndokumbirawo mutsvimbo wenyu kaa ndodzoka nawo ndapora ndoda kuwana kusvika kumba chete
Gogo Sirivhiya...aah unopenga iwe ini ndosara ndichifambisa chii
Mama... Ruva mhani bereka mwana uko wakaita sei ko iwe unoda kuita nharo pese pese..
Sis Rati...huya hako ndikubereke mwana wamai vangu
Me... Aaah thank you but no thanks sis moda kundiwedzera marwadzo neiwo mabhonzo enyu iwayo
Sis Ruva... Mukumunzwa kaa uyo mwana wenyu akuda kundishandisa
Mama... Iwe unoterera ani ukutoramba kutumwa neni kaa apa ungatevedzera uyu akazvarwa achibuda nemakumbo hre
Munhuwese akabva aseka ndokubva ndatowedzera hangu tusugar zvitapire
Me... Ndosaka makumbo acho asina simba shuwa... Ndiwo akatanga kubuda nhai 🤔kudonha nekutovhunika..
Sis Ruva... Nyarara uko ndikubereke
Ndakabva ndaberekwa hangu kusvika kumba ndaive ndanyepedzera kurara apa raive duty rangu rekusuka handina kuzosuka sis Rati vakasuka... Pandakasiiwa pasi dzakazodzamara dzandibata hope dzemashuwa manje.. Ndokurara but pane munhu aingovhura vhura door achipinda mumba handina kuziva ndiani ndaingozvinzwira kuhope.. Ndakabva ndati regai ndipinde mu kitchen mune vamwe
Sis Ruva... Ukangonzwa munhuwi wechikafu unobva wabudikira kaa
Me.. Kana kumbozvinzwa ndanga ndichingonzwa hangu hwema hwe ma coffin
Mama... Ma coffin unorevei manje
Vakavhunza vachiita kakuvhundukira..
Me... Ndoreva erufu chairwo dai pasina mbuya vandidzosa dai ndatoenda kwamupfiga nembwe
Ndaitotaura ndichinotora plate yangu paive pabikwa sadza ne muboora my favourite
Sis Ruva... Uchanyepawo iwe ne marariro awanga uchiita gumbo racho raukuti rikurwadza wanga uchirifambisa fambisa apo
Me... Hoo nhai ndiwe wanga uchipinda pinda mumba ndakunzwa uchindi disturber .
Sis Ruva... Wakunyara kaa ndakubata
Mama... Ibvapo moita kunge musingawirirane imi muchinzwanana watadza kana kugadzikana uchiti regai ndotarisa mupfanha wangu pamwe azvimba or akurwadziwa asi kungomuona makumarana kkkk
Sis Ruva... Problem ahana respect chete ndozvatinokonana.... Idya zvakanaka kani kwete kuita kunge urikuwacha hovhorosi
Me... Daka neni ndereiko mairosi iwe... Une pamuromo mairosi iwe.. Mairosi ooh mairosi eeh (ndaitoimba hangu)
Sis Ruva... Kkkkkkk kachembere kemunhu unoizivirepi song iyoyo apa ukundiimba futi
Me...hezvo pane pandaisa zita rako hre ini ndisiye ranyumwei bhuru serinokamiwa
Mama... Imi noise mhani mirai ndinzwe kuti chii chikuchema panze kuita kunge shiri
Me... Miridzo iyo mama
Mama... Miridzo ndivanani husiku huno vakudei
Me.. Vanoziva wavarikuda kkkk vakuda
Sis Rati... Iwe imbodya wakanyarara kwete kutaura iwe
Me... Regai ndinotarisa mama ndouya ndichikuudzai kuti ndiani
Ndaiziva hangu kuti ndiani asi ndaida kuti sis Rati vavhunduke kkk..
Sis Rati...aah panze pane rima apo nematyiro aunoita hande tose
Takabuda tose hedu tavepanze manje
Sis Rati...ende ahuite wena wakuda kufumura dhiri redu ukukanganwa kuti ndakakubhadhara hre
Me... Makandipa mari rinhi iyeye
Sis Rati... Last week paye
Me... Aah nhai sis mukutaura zvemuradza wave munya uya handiti apa zvikuitika now mondipa yaizvozvi mari yacho ndobva ndadzokera hangu
Sis Rati... Madiro ako marii aya uri mwana mudiki kaa ahasi bhoo
Me... Better kaa ini ndopihwa vhara muromo ko imi mopihwa vhara beans
Sis Rati... Watii iwe
Ndakabva ndatiza hangu coz ndaive ndavhura hombe chaiyo.. Ndakanzwa nezve beans izvi musi wandakabata sis Rati nemuface wavo kuseri kwemakuva ndaingonzwa mavoices ndaive ndichida kutoita number 2 chaiyo ndaive ndawanza mazhanje echirungu ndokunzwa
Timmy... Mira kani hapana anotiona ndoda kungobata chete
Sis Rati.. Kubatei ndozvawakaita last time futi aah
Timmy... Dzikama kani unoziva hre kuti once taita tofanogara tichiita tikasadaro zvinozooneka..
Sis Rati.. Ndorwadziwa ini
Timmy... Ukunzwa ndichikubata kudai kuti beans ikudairira kaa
Sis Rati... Ehe
Timmy... So usatye hapana chinoitika kutofara kwaiirikuita ooh marii iyi wozotenga something
Ndakabva ndakosora vakomana imi pakarohwa kwarakwashu
Me... Yeeh ndakubatai
Murume akabva atiza ndokumira nechekure but voice ndainzwa kuti pane kwandakamborinzwira.. Ndokusara na sisi vakandipa mari
So kubva ipapo cord yavo ndaiinzwa chaindinetsa ndechekuti mama vaisambozvifungira or vaive vasingazvione hre kuti sis Rati vakurumidza kukura.. Ndakapihwa mari yangu ndokudzokera mumba
Mama... Ko Rati adii
Me.. Arikuwaridza mumba nekugadzirisa hembe dzatayananura masikati pawaya
Mama... Ok chiitai munorara imi mangwana kuchikoro..
Takanorara hedu but ndakangopepuja ndichinzwa kuda kunwa mvura so mama vaisarara muroom medu vaive neyavo.. Ndichibuda ndakanzwa mavoices aitaurira pasi pasi
Mama... Ko why nhasi wauya ndakati mangwana wani vana vangu vachapedzisira vakuona
The man... Ko zvine basa rei handiti ndave baba vavo
Mama... Aah iwe handisati ndavaudza ini imbomira
The man... Ok saka wakazotii nekundi
Ndakabva ndagumburwa nekachi half kechidhinha kwakudonha.. instead yekuti ndiende kunonwa mvura ndakadzokera kunorara but ndaive nemivhunzo hobho hobho hangu.. Makore ahatane kufamba apa pakazozarurwa hombe kumba kwedu yakave batai wabata varume hatina zera navo ndakange ndave ne15yrs will explain in detail
..........................................
*TAYLOR*
📞Hello lm coming now vasvika vose vakakwana hre?
Dennis... Yes vapindira boss
Me... Okay lm coming now
Dennis... Shoo boss
Ndaive ndakatomira hangu pa balcony ndichinwa ka Heineken ndichitofara coz ndaita mari package yangu yaive yauya was so happy... Pandakanzwa kuti yasvika ndakabva ndatotora ma keys emota kwakubuda kuti ndiendeko... By the way ini ndinonzi Taylor Smith baba vangu mu coloured mai ndoveku zimbambwe ndakakura navo but later came to USA kuna baba vangu nema relatives angu... I got two big brothers tingoripo 3boys musikana akaitwa namai vangu akashayika its a long story... One day will tell you how she died but wat l want you to know the Smith family is a gangster family..
Pandakatobva zim ndakabviswa coz mudhara vanga vaparamura hombe vadenhanha rimwe mafia soo ndokubva rapfuura young sister yangu vachibva kuchikoro ini ndakakurumidza kuiswa mune imwe mota ndokutiziwa neni.. Thought l was being kidnapped izvo vanhu vanoziva daddy vangu vainge vanzwa kt sister yangu yashudhiwa from there ndopandakaita relocate to USA hangu... My mom and daddy vapenyu vose its like petro and matches havanzwanane zvekutodaro but tatojaira ndozviri love relationship yavo very toxic kkkkk vanotombonongedzerana pfuti or kubatirana mapanga 🙌.. Nekugara kwandakazoita kunze also nekuurayiwa kwehanzvadzi yangu ndaive very full of bitterness and revenge chinonzi love chaicho hakuna kunze uko ndozvandoziva... Im light and very handsome nema falls eblack vasikana vaindirwidzana but ini l just wanted them for sex chete ndikaona wopinda nemoyo ndaikuramba coz ndaitya once ndakuisa padhuze neni unenge uri target.. Vanhu vakawanda vanenge vachida kukuuraya kuti vandirwadzise so ndaito avoider izvozvo...
Family yatairwisana nayo yainzi yekwa Heart ndomashevedzero aiita mudhara wangu asingade kuti moyo kkkk... For now ndikugara muSA ndakahwanda hangu ndichiita ma deals angu.. Back to my story
Ndakabva ndasvika hangu pa ware house kuti ndione madzinhi angu aive asvika new stock... Ndaive ndaimporter 20 girls from zim... So dzikasvika taiita dzeku grouper kuti grade A.. Koti B... koti C.. Kozoita last ndoyaive D... Saka taizotengesa nema grades iwaya voenda kwavanenge vachinoshandiswa zvakasiyana siyana isu hatinei nazvo chatoda mari... Taishandisa nzira dzakawanda wanda kubata vasikana ava some of the ways muchadzinzwa henyu
Me... Haaa well done good job this time huchii baba
Dennis... Yeah l made sure boss coz l need upgrade pamota yangu
Me... Hahaha you and cars..
Dennis... Ini l upgrade mota ko imi kkkk lol
Me... Enough l know you want to start your preachings to me about how l change women like lm changing diapers 😂
Dennis... Ok🤐l zip my mouth.. So ndobvisa vangani venyu boss before ndavaisa kuma rooms kwavo
Me... Ndipe 2 vari front avo kuside rekuleft
Na Dennis tane nguva tichishanda tose he has become my best friend.. Vamwe vashandi varipo asi varipasi pake.. One thing l loved about him is he doesn't joke with his work.. Panobva mari yake anoita srs napo ahatambe pabasa..
Dennis... Imi muri 2 follow me now the rest pindai munogezerwa umo mugeze munyatsopfeka zvakanaka.. Ukagona kupfeka unoendawo kwakanaka asi mukatadza muchange muchienda kunorariswa nembwa hameno zvenyu the choice is yours 🥴
Me... Saka tobatana later panguva yema sales rega ndimbononzwa fresh from zim.. (ndakabva ndati paaa gadziko reumwe musikana pane vandaive ndasarudza)
Ndakabva ndaenda navo kune imwe imba yandairara navo ikoko ndaisada zvekuendesa vanhu kumba kwangu kwandinogara... Later kuma 9 ndakazoenda ku warehouse ndakatoona mota dzatozara vanhu vamirira show ndaishanda nevarungu nema coloureds mbinga chaidzo......vandaive ndabva navo vakatotorwa kuti vanopfeka vauye pabasa ravo chairo kwete ravaive vachiita seumwe wacho ndakatoona kuti ibasa chairo aingozvongonyoka segonye raiswa mudota ririkupisa 😴...
Anyways back to making money 💃🏾bell rakabva raita kuitira kuti munhu wese aite pay attention..
Me.... Wlcm everybody we are here today on a special occasion fresh ladies new package stock whilst it lasts.... We have the first grade lets make round of applause whilst they are coming
👏👏👏Maoko akaomberwa vana vachifamba.. Haa first grade yakabvutiranwa nehigh price ndakangoti 10thousand take it or leave it
Stay tuned for chapter 3...🔥
👍
😢
❤️
😂
😮
🙏
31