MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
January 21, 2025 at 05:50 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g Kana uchida kubva paone pindai kuchannel handidi vanhu kuinbox NAMATAI STORY BY MHAMHA ADEL READ AND SHARE FREE BOOK CHAPTER 13 MAI RUTENDO AKA PAMELA Zita rangu rekuberekwa ndinonzi Marry Maisiri ndiri mukadzi asingashoreki zvekuti ndikapesana nemunhu rume anoto cheuka chete. Takazvarwa tiri vatatu mumba medu ini ndini ndaiva first born kuchitevera hanzvadzi dzangu dziviri. Ndakakura ndichitritwa saprincess sezvo ndaive ndega musikana. Hapana chandaka kura ndichishaiwa ndakakura ndichiwana chose chandoda zvekuti ndingangoti I was a spoiled brat. Kunyangwe ndaive hangu spoiled brat chinhu chaive chisiri mandiri kuita zvevakomana. Izvozvo kwandiri kwaiva ku no goal area chaiko. Kubva ndiri kuprimary ndaidzidza kubording kusvika kusecondary kwacho. Chandinongoda kutendawo mwari nacho ndaive ndakapihwa njere dzakapinza zvekuti ndaigona chikoro zvaidadisa chaiko. Ndakapesa O level yangu netwelve maA ndikaenda A level ndikanoita five subjects ndikabuda netwenty five points. Semunhu aive akapasa zvinodadisa ndakabva ndatsvagirwa nzvimbo yekuti ndiende kuUniversity kunze kwenyika asi ndakaramba ndichida kudzidza muno muZimbabwe. Ndakazotsvagirwa nzvimbo paUZ nekuda kwekupasa kwandaive ndakaita haina kumbonetsa kuwana zvayo. Sekuziva kwenyu chikoro chekuUniversity chasiyana neche kuHigh school. Zvinhu zvaive zvatosiyana nekuti kuuniversity unenge wane freedom yakawandisa kudarika yekuHigh school. Nekuda kwekuona life style yairaramiwa nevamwe ndipo pandakatanga kuchinja hunhu hwangu ipapo. Ndakatanga kunyengerwa neshamwari kuita zvevakomana uye nemasugar Dad. Mazuva ekutanga ndaitya kuita sezvinhu zvandaive ndisina kujaira uye mari ndaipihwa yakawanda kumba. Vazhinji vainyanya kuita zvemadhara cacho vaisanyanya kupihwa mari yakawanda kumba saka vaitozopihwa nemadhara avo. Ndakati ndava musimester yangu yechitwo Dad vangu vakatanga kurwara vachibva vasiya basa nekuti zvanga zvaserious. Vakabva vaenda kunogara kumusha, havana kuzomborarama kwenguva refu mwari vakabva vaita kuda kwavo vachibva vatisiya. Kufa kwakaita baba vangu kwakanyanya kundirwadza nekuti ndivo vaive bread winner mhamha vaiva house wife. Dad vangu vakachemwa kwete zvekunyepa. Munongozivawo kuti kana mumhuri mukashaika munhu anenge ariye ane mari kudarika vamwe panoita mitauro isinga peri vanhu vachida hupfumi hwemufi. Ndizvo zvakaitika pakafa baba vangu. Hama dzababa vangu dzakatorawo zvadzakatora tikasiirwa imba yaive kuHarare nemota mbiri chete. Pakapera zvese zvekugoverwa kwezvinhu zvababa vangu ndakadzokera kuchikoro asi ndaive ndisisina confidence nehupenyu hwangu nekuti munhu ayindi yemedza aive asisipo. Dai vasiri amai vangu vakamira neni vachindisimbisa zvimwe ndingadai ndisina kumbodzokera kuchikoro. Ndakapedza semester rangu rechitwo ndichibva ndaenda kuattachment. Ndakawana attachment paUngi Mine asi handina kuiwana nenzira kwayo. Ndofunga mose munongo zivawo kuti munyika yedu mazuvano kana uchida basa kana attachment unotofanira kushandisa zvauinazvo kuti uwane zvauri kuda. Ndakatanga kudanana namanager wepacompany apa aive nemukadzi nemhuri. Ipapo ndipo pandakatanga kuziva kuti chihure nemasugar Dad chobhadhara nekuti ndipo pandakatanga kuenda kuDubai ipapo ndaendeswa kuHoliday. Kubasa kwacho ndaienda pandinodira nekuti nguva zhinji ndaipihwa mazuva ekuzorora zvangu kumba. Mazuva andaive ndakupedza attachment ndakabva ndatengerwa karunix kangu kekufambisa. Ndakazodzokera hangu kuchikoro ndakuyenda kufinal year yangu. Semunhu aive akunakirwa nemari yechihure ndaive ndisisaendi kumalessons ndainoswera nasugar Dad vangu. Ndainakirwa nemafaro ndichikanganwa kuti chikoro chinoda kuitwa. Pakazosvika nguva yemazama ndaive ndisina kana assignment imwe chete zvayo yandakaendesa. Ndakatoona zvakanaka kudanana nemalectures angu sezvo vose vaive vakabvira kare vachindinetsa asi ndichivaramba. Ndakamatenderedza ose kusvika zvangu zvaita. Handizivi kuti ndakavararairwa sei kusvika ndabata pamuviri pandaisaziva kuti paiva pani pavanhu vandaidanana navo. Zuva regraduation parakasvika ndakaona chikomba changu chekuUngi chauya apa chaive chisina kubvira chandifonera kuti chiri kuuya. Hana yangu yakarova ndichichiona asi chekuita paive pasina. Ndakanomu mhoresa ndakarohwa nehana kunzwa achiti, "Arisei mwana wangu" "Mwana wenyu upi wacho" "Kkkk asi unopenga here Pamela hausi kutoziva kuti unepamuviri pangu here?" Munoziva ndichinzwa mashoko aya hana yangu yakarova sezvo ndaive ndisina kutarisira kubatira pamuviri pedhara rakadero. Munhu aiva zera nababa vangu ndaizoenda naye here kunaamai vangu ndichinovaratidza kuti ndiye mukwasha kana kuti baba vemwana wangu. Handina kuda kumuratidza hangu kuti ndaive ndatsamwa ndakango nyepedzerawo kuseka ndichibva ndamuti, "Kkkk ndapenga ndadii nhai Ddy ndandichida kuona kuti munoitansei, mwana wenyu arihealth and strong" ndakatotaura ndichibata dumbu rangu apa ndainzwa pain yakakurisa ndakatarisa dhara iri. Ndakazobva paaiva ndichienda kwaive nevamwe. Program yakaitwa ikapera, mhamha ndakavaudza kuti ndaizoenda kumusha ndonovaona kana ndambogadzirisa zvinhu zvangu. Havana havo kuita nharo. Semunhu aive namari ndakaenda kuneimwe private ndichibva ndaitwa preg test ndikaonekwa nhumbu yangu yanga yane mwedzi mitatu ndichibva ndavaudza kuti yaida kubviswa. Vakamboda kuramba asi ndakaburitsa mari. Havana kuzombo taura futi, ndakano baiwa jekiseni rekubvisa nhumbu. Dai ndakaziva ndisina kumbozvizama hangu nekuti ndakarwara kunge ndichafa. Ndakaonda kunge tsanga iri mumvura chaiyo. Ndaive ndakuswera ndakazvivharira mumba ndisingabudi nekuda kwekuonda kwandaive ndaita. Mazuva akafamba ndikatanga kurecover zvinenge zvirinani. Rimwe zuva ndakafonerwa nedhara rangu richindiudza kuti zuva raitevera raiuya kuzondiona uye raida kusimbisa mwana waro. Ndakariudza kuti ndaive ndisiri muHarare ndaive ndakabuda. Achingokata chete ndakabva ndamublocker ndaisada zvekutaura naye zvekare. Mazuva akafamba ndiriko kuHarare ndipo pandakafonerwa namhamha vachindiudza kuti vaive vakuda kuti ndiroorwe nemwana wefriend yavo ayigara kumusha. Ndakamboramba nekuti ndaisava ready kuroorwa nemunhu anobva kumusha kwandobva. Rimwe zuva ndakafonerwa neland ndikadaira, ndakarohwa nehana ndichinzwa riri izwi redhara riya richiti, "Urikufunga kuti wakangwara handitika Pamela zvekuti unotiza nemwana wangu" "Nxaa undikwanire mudhara iwewe unofunga kuti ndingatakure mwana wemunhu akutoda kuzvifira kuti ndopenga here?" "Wstch your tongue young lady nekuti ndinouya kuzokutsvaga muHarare imomo ugoona zvandokuita ndikakubata wanzwaka." "Nxaaaa" ndakabva ndakata foni yangu asi marovero akatanga kuita hana yangu akandityisa zvekuti panguva iyi chinhu chakauya mupfungwa dzangu panguva iyi kurongedza hembe dzangu dzese. Ndakasiya chero mukova ndisina kukiya chero mota yaaive akanditengera ndakasiya, foni yangu chaiyo zvese neline ndakasiya mumba imomo. Chandakakwanisa kuita kunyora katsamba kuti endesai zvinhu izvi pamwe nemota yangu kuorpanage zvinobatsirawo ikoko. Ndakapinda mumushika shika ndichibva ndanosiiwa kuMbare. Ndakadzika ndikatenga imwe foni nyowani neline renetone chairo ndichibva ndatokwira bhazi rinoenda kumusha kwedu. Amai vangu vakashamisika ndakuva fonera kuti huyai munditambire ndasvika kumusha. Amai vangu pavakandiona vakafara zvisingaiti, ndakabva ndatovaudza kuti ndaive ndakuda kuroorwa nemukomana wavaitaura. Kana ivo vakatoshamisika asi havana kuda kundibvunza havo kuti chii chaiva chachinja sezvo ndaive ndambozviramba zvekuroorwa zvacho. Havana kunonoka vakabva vatofonera sahwira wavo kuti ndaive ndauya uye ndanga ndiri ready kuroorwa nemwana wavo. Zuva rakazosara rowira shamwari yaamai vangu yaive yatouya ndakutoudzwa kuti vaida kuti ndiite muroora wavo. Ndakavaudzawo kuti ndizvo zvandaida chaizvo. Hapana kumboita mazuva shamwari yamhamha yakazouya nemwana wacho ndikatoona zvangu kuti zvaariye driver akanditakura pandakabva kuHarare. Takataurirarana tichibva tatopinda murudo naHenry. Kudanana kwandakaita naHenry haisi nyaya yekuti ndaimuda asi ndaida kuwana pekutizira nyaya dzangu. Nekufamba kwenguva ndakazotanga kumudawo ndikabata pamuviri tikabatsirwa nemwana wedu musikana. Ndakazorwadziwa pakauya kamusikana kainzi Namatai kachiti kaive nenhumbu yaHenry, ndakakatarisa zvakaive ndikanzwa kurwadziwa zvikuru. Kunyangwe zvazvo Henry akaramba nhumbu yacho asi ndega ndakatozviona kuti nhumbu yaive yake ndichibva nda... END OF CHAPTER 13
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 549

Comments