
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
January 22, 2025 at 06:39 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g
Kana uchida kubva paone pindai kuchannel handidi vanhu kuinbox
NAMATAI
STORY BY MHAMHA ADEL
READ AND SHARE
FREE BOOK
CHAPTER 14
NAMATAI
Kukurira kumusha chinhu chakashata zvikuru, ndaive ndakapedzisira kuenda kudhorobha ndichiri mwana mudiki ndisati ndakuziva kana chinhu. Kumusha ndaive ndajaira kuona dzimba dzehuswa netumba tumabedroom tudiki tunenge turi tumatwo rooms chete. Zvino pataiva tiri munzira kuyenda kuHarare ndaiona mabuildings mahombe aive akaturikidzana zvekuti ndaive ndangoshama muromo ndichiona. Ndakatozoita zvekuvhunduka pakanzi namai Mufaro muroora wamai Gudo,
"Zvaunenge uchapindwa nenhunzi mumukanwa nhai Namatai, kwakanaka here?."
"Kwakanaka hako mai Mufaro inyaya yekuti ndiri kushamisika nekuda kwemidhuri yandirikuona yakareba kudai, haizodonhi ikatsimbirira vanhu here?"
"Kana Namatai, mabuildings awa akavakwa zvine hunyanzvi haadonhi zvavo. Takasvika paJoina City vachibva vamisa mota tichibva tadzika. Takakwira upstairs ndichiona zvamuri. Nguva yatakazodzika ndaiva ndangova nemufaro chete zvekuti ndofunga vanhu vaindiona vaingoti ndopenga chete nekuti ndainyatsotarisisa kunaka kwaive kwakaita nzvimbo uye ndichingo nyemwerera chete. Ndaisato ziva kuti muno munyika medu motorine nzvimbo dzakanaka kudai. Ndaifunga kuti dzingori kunze kwenyika chete. Takazobvako tikaenda kumarket Square kunoshanda amai vandaifanira kuzoshandira. Takasvika tikavaona vairatidza zvavo kuti munhu arifriendly. Takamhoresana vakaratidza kufara nekundiona. Amai Mufaro vakazooneka ndikasara naamai vaya vachibva vatondiudza kuti vainzi Amai Lyn Chifamba. Takaswera zvedu tichiita nyaya navo vaive neshop yavo inotengesa mafoni mhando nemhando. Vaiva zvavo mukadzi wechidiki mwana wavo waitova naye ipapo waiti aiva nethree years.
Ndakatozoswera ndakutowirirana naLyn wacho ayiratidza zvake kuti haarambi vanhu. Mai vacho vakazobuda vakanotenga chikafu, takaigirwa mabox maviri echicken inn pamwe nemaminute maid. Kutaura chokwadi ndakazvidyira zvangu ko ndaizvizivirepi. Shop yakazovharwa zvayo kumazuva rodoka tichibva taenda kumba kwavo kwavaigara. Vaigara zvavo Kuwadzana pastand pavo. Vaive vachiri kuvaka main house ivo vaigara mufive roomed cottage yavo. Ndakasvika ndikapihwavo room yangu yandaizorara naLyn. Ndakatoshamisika muroom macho maitova newardrobe. Ndakarongedzawo madhende angu sezvo ndaisambova nehembe dzakanaka. Sezvo ndaisava nefoni ndakakumbira yamadam boss kuti ndifonere gogo vangu ndichivaudza kuti ndasvika,
"Hallo gogo"
"Aaah aaah ndiwe muzukuru wangu here?"
"Ndini gogo ndati ndikuudzei kuti ndasvika ndatova pamba pandichange ndichishanda"
"Zvakanaka muzukuru, usazondi nyadzise iooko chinhu chaunofanira kuziva kushanda nesimba ugokwanisa kuchengeta mwana wako"
"Ndazvinzwa gogo, arisei mujaya wangu"
"Mujaya arara zvake, vanenge vaneta vaswera vachitamba zvavo"
Ndakadimbura runhare ndikadzosera varidzi nhare yavo, Lynn neni tanga tatova bhurugwa nebhandi, ndakazviudza nechemumoyo kuti ndaifanira kumuchengeta kunge wangu nekuti ndaiziva ndiye aive akatakura basa rangu mumaoko ake. Akasangondi farira chete ndaisapagara pabasa pacho. Zuva iri ndakanzi ndizorore madam ndivo vakabika chikafu, murume wavo akazosvika kumanheru achibvawo kubasa. Ndakamukwazisa achibva azoudzwa kuti ndini ndaive ndamusikana webasa munyowani. Chikafu chakazopakurwa chikaiswa patable kuti vanhu vadye. Inini semunhu munyowani ndakada kutora chikafu kuti ndinodyira hangu kukitchen, ko unokanganisa vanhu kunyatsodya madyiro avo avajaira. Nguva iyoyo ndakabva ndanzi namadam boss,
"Namatai urikuendepi"
"Ndiri kunogara hangu kukitchen ndodyira ikoko"
"No kana tiripo tese chikafu chinodyirwa pamwe chete ndiyo inonzi family asi kana muri vaviri henyu naLyn ndopamunodyira henyu kukitchen kana muchida"
Ndakadzoka ndikagara hangu ndikatanga kudya ndakagara navo, vaitaura nyaya vachitotaurawo neni. Ndakaona kuti vanhu vaisada kuti ndifeleer out of place. Patakapedza kudya ndakabatsirana namadam kubvisa maplates patable. Takanobatsirana kusuka pamwe nekurongedza mandiro acho. Takarongedza mukasara muchionekera zvamo tichibva tazoenda hedu kunorara. Ndakanorara zvangu naLyn. Lyn aive akangwarisa zvekuti ayibvunza zvakawanda ndichipindura kusvika azorara zvake. Chinhu chaive chondinetsa inyaya yekuti ndaive ndisina kuudzwa kuti ndichange ndichishanda sei uye ndichange ndichitambira marii. Ndakazongo batirwa nehope ndiri mukati mepfungwa dzangu dzaindi shungurudza kudero.
The following day ndakamuka ndikabuda panze ndikawanawo paine mutsvairo wandakangowanawo ndichibva ndatanga kutsvaira yard. Pandakapedza madam boss vaive vatomukawo. Ndakavakwazisa vakadaira zvavo vachibva vazonditi,
"Namatai usanyanye hako kukurumidza kumuka unomukawo nguva dziri nani nekuti tinorara taita mamwe mabasa. Unogona kuzosara woita hako basa rako kana taenda zvedu kubasa. Anyway nhasi towers tose ndichikudzidzisa maitiro auchange uchiita basa rako. Asi usati watanga basa uchimuka unofanira kutanga wageza. Vakabva vaenda neni paiva negyser vachibva vandiratidza mashandisirwo aro kuitira kuti ndisazo netseke pakugeza"
"Ok maam"
"Kkkk Namatai ini handidi zvekunzi ma'am its better unditi mai Lyn kana kutonditi hako sisi zvitori nani"
"Ok ndokutii hangu sisi".
Takabva tatanga hedu kuseka, vakazoenda zvavo kwakunogadzirira murume wavo break fast kuti ayende kubasa. Lyn akamuka akauya kwandiri ndikamuisira mvura yekugeza kumeso achibva anodya break fast nababa vake. Pakabuda baba vacho vakuenda kubasa ndakabva ndadaidzwa namadam boss, takatanga hedu kutaura nyaya vachindibvunza nezve life history yangu. Ndakavaudza zvose handina chandakava vanzira zvangu. Nguva yandaitaura nyaya yangu ndakaona vakubuda misodzi vakanditarisa. Pandakapedza kutaura vakauya vakandimbundira tikaita nguva tichichema takadero vakazonditi,
"Mai Wayne life history yako yandirwadza, I know handina hangu mari asi handidi kuti uite mwana wako sezvawakaitwa nevabereki vako. Isa zvese kunamwari I know mwari havadhakwi. Ndichazama kukubatsirawo nepandinokwanisa. Mari ndanga ndatenderana nemurume wangu kuti tikupe two hundred asi ndakuiwedzera kuti isvike pathree hundred. Chakangodiwa chete kuti ushande nesimba"
"Sisi ndinongoti mwari vawedzere pamuri kuda kutapudza uye zvakanaka zvamandiitira musaitira inini ndega asi nevamwe vakaita seni"
Takazopinda zvedu mumba ndikatanga kudzidziswa kushandisa stove uye kudzidziswa kubika. Ndakaudzwa kuti murume wavo kana aripo ndivo vanobika uye pahembe ndowacha dzavo nedze mwana dzemurume wavo vanowacha vega. Zuva rakazosvika pakunyura ndaive ndakuziva zvese zvaida kuswera zvichiitwa pamba. Takazobuda tose kumazuva rodoka tikapinda mutown. Ndakashamisika vachinditorera foni yaiita hundred and something kwakundipa kuti ndishandise. Vakanonditengera line rekushandisa. Takapinda muneimwe shop vachibva vatenga madress akati wandei emafive dollars aive akanaka vachibva vandipa. Takazodzokera kumba ungori mufaro badzi. Tichisvika kumba ndakadziswa hangu kuishandisa zvekuti takazoenda kunorara ndakutogona kuishandisa. Ndakabva ndatokonector pawifi sezvo yaivepo pamba.
Zuva rakatevera madam vakamukira kubasa ndikasara zvangu naLyn pamba. Ndakamuka ndikatanga ndatsvaira yard pandakapedza ndakabva ndageza. Ndichipedza ndqkabva ndaita basa rangu rese pamwe nekubika chikafu changu nechemwana. Takadya zvedu tichibva tagara zvedu muroom medu. Ndakaona kuti Lyn aifarira kuita zvekunyora asi aive asati akugona. Ndakatanga kumudzidzisa hangu zvishoma nezvishoma zvekuti pakazopera week aive akugona kunyora zita rake. Rimwe zuva takatogara zvedu tichiona TV akanotora book rake raainyorera kwakuuya naro zvikanzi,
"Mhamha Dad moziva here kuti ndakugona kunyora zita rangu"
Ndakaona vose vachiseka vakamutarisa zviya zvekuti usanyepa iwewe, ini ndaive ndakamutarisa iye akanditarisawo. Ndakamutswinyira zita zviya zvekuti nyora vaazvione kuti unogona. Akabva apfugama kwakuisa book rake patable kwakutanga kunyora, mawords ndiwo aaive asati akunyatsogona kushaper asi zuva akazama achibva anyatsonyora zita rake nesurname yake. Ndakaona vabereki vake vangotarisana, Dad vacho ndivo vakazomuti
"Wakadzidziswa nani nhai mwanangu"
"Ndakadzidziswa nasisi kunyora, izvezvi ndakudzidziswa kuverenga kubva paone kusvika paten"
"Saka wakugona here?"
"Handisati ini asi mangwana ndinenge ndakugona"
"Ndikadzoka kubva kubasa mangwana wakugona ndinoenda nemi mose nasisi vako out"
"Yeeer sisi mangwana tirikuyenda out yeeer"
"Hanzi kana wakugona kuverenga ndipo patinoenda out"
Akabva atondibata ruoko zvikanzi tiende kuroom kwedu. Takazorara ave kugona kuverenga kubva paone kusvika paten. Mazuva akafamba basa rangu ndichiita nemazvo apa ndaive ndakuyendawo kuchurch kwavaipinda. Ndaive ndakuto tsvindawo kuonekera chaiko zvaive zvatosiyana nepandaive kumusha. Mwedzi wakazopera zvavo ndichibva ndapihwa mari yangu. Munoziva ndakabuda misodzi mari yaive yakawanda kudarika zvandaitarisira chaiko. Sezvo madam vaiziva kuti ndaive nemucheche vakabva vandipa off yemazuva matatu. Zuva rekuyenda rakasvika, ndakachengeta one fifty ndikatakura yaive yasara yacho. Ndakapfekawo hembe dzinoonekera apa ini wacho dhorobha racho rainyatsondibvuma chaiko. Ndakabuda namadam boss vachienda kubasa tichisvika pambare vakabva vapinda muneimwe shop kwakubuda nekabhag kaive kakazara hembe dzemwana pamwe nedzagogo. Munoziva rudo rwuna madam boss vangu handigoni kurutsanangura. Ndakatengerwa chikafu chekuyenda nacho futi. Hondo yakazotanga ndakuda kukwira bhazi Lyn ahotanga kuchema achida kuyendawo. Akatozotengerwa ice cream kuti anyararare naamai vake. Ndakati ndichinopinda mubhazi dhumha dhumha maziso na.....
END OF CHAPTER 14
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
779