
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
January 23, 2025 at 05:33 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g
Kana uchida kubva paone pindai kuchannel handidi vanhu kuinbox
NAMATAI
STORY BY MHAMHA ADEL
READ AND SHARE
FREE BOOK
CHAPTER 15
NAMATAI
Sezvo madam boss vaive vanonoka kubasa kwavo vakango svika vachindisiya pamabhazi zvinhu zvangu zvakurongedzwa kubhuti vachibva vatoenda zvavo. Ndakamira zvangu panze ndichiona zvinhu zvangu zvichirongedzwa mubhuti nekuti ukakurumidza kupinda dzimwe nguva zvinhu zvako zvinosiiwa panze. Pakapedza kuiswa zvinhu zvangu ndakabva ndafamba hangu ndakunopinda mubhazi. Ndakati ndichingonoisa musoro pamukova webhazi ndiye dhuma dhuma naHenry. Ndakaona munhu achiita kumedzerera mate akanditarisa ziso richiita kunge richadonha. Ndakango finyamisa kumeso zviya zvekuratidza kusvotwa naye ndichibva ndaramba ndichifamba zvangu kuyenda kunogara kumashure. Sezvo bhazi raive rakuzara harina kuzotora nguva kuti risimuke. Ndakatora zvangu maear phones angu ndikaisa munzeve ndichibva ndatanga kunzwa zvangu music.
Pari panyaya hadzo dzekugona kudriver Henry aiva shasha hake, nenguva diki taive tatosvika kumusha apa ndaive ndisina kumboudza gogo kuti ndiri kuuya. Nguva yandaive ndakudzika mubhazi ndakaona Henry achiramba achinditarisa, ndakango seka zvangu neche mumoyo ndikati this time uchangonditarisa ugorwadziwa nekuti mudzimu haupi kaviri. Ndakaita lucky kuti ndichisvika pamashops ndakabva ndaona mukomana aishanda kwamai sabhuku achitobva pachigayo nengoro. Ndiye akanditakurira zvinhu zvangu zvose akanondisiya kumba. Ndakasvika pamba pasina munhu madoors akakiiwa zvavo, ndakabva ndatanga ndafonera gogo ndichida kunzwa kuti varipi. Foni yacho haina kunonoka kudairwa zvayo ndofunga yaive yakato batwa mumaoko chaimo,
"hello gogo"
"Heci muzukuru wangu urisei hako"
"Ndiri nani ini gogo, muripaiko panenge pane noise apo"
"Noise uri kuinzwa kupi nhai muzukuru, nditori pamba zvangu pangaita noise yei hapo"
"Uuuum gogo matanga kundinyepera manje, inga pamba pacho hamupo wani"
"Kkkk wandisekesa muzukuru wangu, asi wawa muporifita here muzukuru, nekuti handisi kumba zvechikwadi ndativa munzira kubva kumaricho kwangu"
"Kkkk handisi muporifita inini gogo asi kuti ndauya nditori pamba izvezvi"
"Kkkk usandisekese muzukuru wauya nguvai"
"Muchandiona zvenyu kana masvika gogo"
Ndakabva ndadimbura runhare ndichibva ndafonera madam boss ndichivaudza kuti ndaive ndasvika uye ndaive ndafamba zvakanaka. Vakafara kuti ndaive ndafamba hangu zvakanaka. Ndakati ndichipedza kutaura navo ndakangonzwa kavoice kaisanyatso buda zvakanaka kachidaidzira kuti,
"Mhaaamha mhaamha"
Pandakacheuka ndakaona kari kanwana kangu kaizama kumhanya kachiuya kwandaive asi kaimhanyira panzvimbo one. Ndakaisa foni yangu muhomwe ndikatanga kumhanyawo ndichinosangana nako ndichibva ndakatakura. Gogo vakasvikawo yichibva tambundirana zvedu. Takazobatsirana kupinza zvinhu mumba nagogo apa kamwana kangu kaive kakuita kunge kachikwekwe kanamira pandiri. Patakapedza kupinza zvinhu zvose zvandaiva ndauya nazvo takakwazisana nemufaro nagogo vangu. Ndakanzwa vakunditi,
"Muzukuru wangu ndaisaziva kuti nhamo yakashata zvakadai, now ndakunyatso zviona pauri"
"Kkkk muri kurevei nhai gogo?"
"Kkkk tarisa kutsvinda kwawaita muzukuru wangu, izvezvi Henry akakuona anoto medzera mate chete. Izvezvi wanyatso buda structure yako chaiyo zvaiva zvakaita amai vako vachiri musikana"
"Uuuum gogo ndoziva hangu kuti ndiaamai vangu asi musandi fananidze navo ndapota hangu"
"Kkk usandisekese muzukuru, kungofananidza body kwete hunhu ini"
"Ndozviziva hangu gogo asi kuti ndikangonzwa nezvavo ndinonzwa kurwadziwa"
"Ok muzukuru ndanzwisisa, tazodzoka towanza nyaya ndisati ndatenga. Maita basa chimhandara changu, tombodyawo chirungu pano chatainzwira kumanext door"
Takabva tatanga zvedu kuseka tichitaura hedu nyaya. Wayne aive busy kudya yogurt yake yandaive ndamuigira. Aiva aramba kudyiswa ayiita yekunwa apa aive azvizadza muviri wese. Waiti ukada kumubata ayiridza mhere. Akangoti achipedza kudya achibva achemera mvura. Paakapedza kunwa mvura akabva atokotsira hake. Ndakaburitsira gogo hembe dzavaive vatengerwa namadam boss vakatedza dzikanyatso vakwana zvekuti vakabva vatonditi ndifonere madam boss vavatende vega. Ndakaita sekudero vakatanga zvavo kutaura. Vaitoita zvavo kunge vanhu vakazivana kubva kare chaiko izvo zvaingova zvekutaura paphoni chete vakasangana paroad vaigona kuto pfuudzana zvavo.
Ndakazotanga kubika hangu chikafu chemanheru, mwana wangu akatomuka takutodya ndichibva ndamupakurira achibva atanga kudyawo. Takaenda zvedu kunorara patakapedza kudya, zuva rakatevera gogo vakada kumukira kumaricho kwavo ndichibva ndavati,
"Gogo zvekuyenda kumaricho zvakuchi fanira kupera nekuti inini muzukuru wenyu ndini ndakuchi fanira kukuchengetai semachengetero amakandiita"
"Zvino ukati ndiregedze kuyenda kumaricho muzukuru ndoswera ndichiitei pano pamba."
"Gogo izvezvi mvura yava pedyo kuti inaye, munoswera muchigadzira minda yenyu kuitira mvura painozonaya zvinhu zvose zvinenge zviri mugwara rakanaka."
"Ok muzukuru ndazvinzwa zvawataura"
Vakabva vafinera munhu wawaishandira vachimuudza kuti vaisakwanisa kuuya kubasa zuva iri. Habana kuda kumuudzira pafoni kuti vaive vakuregedza basa asi vaida kuzono taura navo face to face. Ndakaita zvangu basa rangu rese ndikapedza. Ndakabika break fast tikadya zvedu semhuri. Patakapedza kudya ndakafunga kumbono ona zvangu mai sabhuku nekuti ndaive ndava suva. Ndakaberekana nemwana wangu apa aive akachena ndaive ndamupfekedza hembe dzaaive akatengerwa namadam boss pamwe netubhutsu twacho. Ndakati ndichangobva pamba handina kumbo famba distance yakakura ndakabva ndasangana namai Mercy vakatakura svinga rehuni. Pavakandiona ndakaona vachinyatso tarisisa kunge munhu arikuita zvekufananidzira. Pandakazo svika pedyo navo vakabva vatura huni dzavo kwakudzi zendamisa pane umwe muti vachibva vatanga kuombera maoko. Ndakaramba ndakavatarisa zvangu ndisina chandaka taura nekuti ndaivaziva hangu kuti ndeve kutaura kwavaisina kuswera. Tisati tambo mhoresana ndakanzwa vakunditi,
"Heeee inga watotsvukirira nhai iwe Namatai, inga chihure chinobhadhara kana ukachiitira kubhawa"
"Yaar chobhadhara zvechokwadi ukachiitira kudhorobha sekutaura kwenyu, manje chenyu chekuitira kuno kumusha muchango ramba makasauka kudero apa muchiperezeka muviri kunge munhu akambomira kunwa mapiritsi eAids"
Ndakaona munhu anditarisa neziso raiita kunge richadonga asina kana chaakapindura, ndakavatsaukira sezvo vaive vakamira kumberi kwangu ndichibva ndatanga kuzvidhonza hangu ndakuenda kwandaienda. Vakasara vakamira vakandi tarisa ndichienda kusvika vasisandioni. Ndava ndega ndakangoti hamheno zvavo nemashoko andataura nekuti vanga vajaira kungondi rwadzisa nemashoko avo ndisinga vadairi. Ndakasvika pamba pamai sabhuku vakagara zvavo pamumvuri vachinwa zvavo tea. Pandakasvika vaive vatondishaya luti ndini ani. Ndakazoti ndava pedyo ndipo pavakandiziva vachibva vatanga kunyemwerera zvavo,
"Nhai mwanangu, asi kudhorobha kwauri kugara asi ndiwe utori madam boss here?"
"Kkkk ndingaote madam boss inini here mhamha, nditoriwo zvangu mushandi ini"
"Uuuum haiwa dhorobha yakubvuma mwanangu, ukaona munhu achichinja nemwedzi umwe chete ko kuzoti ukaita gore rese totoku kanganwazve"
Takatanga zvedu kutaura zvedu dzimwe nyaya kamwana kangu kaida zvekudya akomana kaive kakutonwawo tea nevamwe kunge kasina kubvira kadya. Ndakaoneka hangu ndakudzokera kumba sezvo ndaida kunoswera nagogo vangu sezvo ndaidzokera kudhorobha zuva raitevera. Ndakasvika hangu kumba ndikagara nagogo vaive vakagara zvavo pamumvuri sezvo kunze kwacho kwaipisa,
"Saka nhai muzukuru, ndakanzwa uchiti uri kutambira mari inenge iri nani. Saka urikufungei nazvo nekuti ndiwo mukana wekuti uzviendese kuchikoro iwoyu ugotsvaga rimwe basa rinenge riri nani"
"Uuuum gogo mukana wekuyenda kuchikoro ndouwanepi ini ndinenge ndiri pabasa"
"Muzukuru izvezvi mwana waunosara naye achiri mudiki unganidza mari, paanokurawo akuyenda kuchikoro iwe woshandisa mukana iwoyo wotaura namadam boss vako voita zvemalesson wonyora O level yako."
"Ok gogo ndichaita sekudero, ndichazama kuchengeta mari yacho"
Ndakaburitsa hundred dollars pamari yandaive ndauya nayo ndichibva ndapa gogo kuti vabatsirike pamusha uye kuti vazoishandisa kana ivo kana mwana akarwara. Nguva hadzitani kufamba nenguva pfupi kunze kwaive kwatosviba, ndichibva ndarongedza kabag kangu. Ndakazobika chikafu chemanheru tikadya zvedu. Ndakarara ndasuka mandiro sezvo zuva raitevera ndaingoda kumuka nekungogeza chete ndobva ndatoenda kubhazi.
Zuva rakatevera ndakazoperekedzwa nagogo nemwana wangu kubhazi. Ndakasvika bhazi risati rauya. ParakZouya mwana wangu aive akuda kuyenda neni. Ndakatozo mupa mari ndikamuti chienda unotengerwa yogurt nagogo ndipo paakazobvuma....
END OF CHAPTER 15
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
917