MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
January 24, 2025 at 05:55 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g Kana uchida kubva paone pindai kuchannel handidi vanhu kuinbox NAMATAI STORY BY MHAMHA ADEL READ AND FREE BOOK NAMATAI CHAPTER 16 Ndakakwira zvangu mubhazi, ndichingopinda ziso raHenry raiva rakaita kutarisa kumukova ndofunga aive andiona ndiripasi. Ndakatarisa zvangu kuside ndichibva ndatsvaga pekugara. Vanhu pavakapedza kudzika bhazi rakasimuka zvaro rinanga Harare. Ndakafonera madam boss ndichivaudza kuti ndaive ndamunzira kudzoka. Vakandiudza kuti ndisvikire kubasa kwavo tozoenda tose kumba kumanheru. Bhazi rakanonoka kusvika nekuti raifamba munzira richimira richitakura vanhu nekuti raive risina kuzara. Rakatozo zarisa zvekuti vamwe vakatozo svika kuHarare vakamira. Bhazi rakazosvika paMbare atova masikati chaiwo. Sezvo bhazi raive rakazara ndakaita nguva ndisati ndaburuka ndichida kuti vanhu vaive vakamira vatange vadzika. Nguva yandakazo dzika ndakaona paseat padriver pasisina munhu. Handina hangu kuita basa nazvo, ndakadzika zvangu ndichibva ndafunga zvangu kufamba hangu netsoka kuyenda kubasa kwamadam boss ndichimboona nzvimbo. Ndakati ndichangobuda murank ndakanzwa zita rangu richidaidzwa. Ndakatoshaya kuti ndiani arikudaidza zita rangu asi handina kuda kucheuka kuti ndione kuti ndiani nekuti ndakangozviti pamwe pane munhu arikudaidzawo umwewo Namatai. Ndakanzwa munhu ayidaidza wacho achiratidza kuti arikuswedera pedyo neni ndipo pandakazo cheuka ndichida kuona kuti ndiani. Pandaka cheuka takabva tasanga nidzana maziso naHenry. Apa ayive achiyerera ziya kuratidza kuti aive abva kure achimhanya. Ndakabva ndatarisa kumberi ndichibva ndatanga kufambisa. Ndakatanga kunzwa mutsindo pedyo neni kuratidza kuti munhu aive akutosvika pandaive uye aimhanya. Akasvika pandaive kwakubva ada kutanga kutaura neni. Handina kuda kumudaira ndakaramba ndichifambisa chete. Iye akatozviona kuti ndaisambofa ndakamu pindura ndipo paakabva andibata ruoko zvine hasha mukati. Ndofunga mongozviziva zvakangwarira maZimbabweans vakangoona panenge paita kakusawirirana pakati pevanhu vaviri vanobva vatotanga kuungana vachida kutora mapictures. Vanenge vakutoda kuwana zvekutaura pasocial media. Pandakaona vanhu vakuda kutanga kuungana ndakabva ndamira zvangu. Iye ndofunga akazvionawo kuti ndaisada zvedrama achibva andisiya, takatanga hedu kufamba zvishoma nezvishoma. Ndipo paakabva anditi, "Namatai ndoziva I'm the last person waunsingadi kuona right now asi ndokumbirawo time yako timbotaura" "Henry handina imwe time inodarika iyoyi yandakupa, dai uri umwe watotaura zvauri kuda kutaura izvezvi nekuti ndakutoda kusvika pandakamirirwa nemurume wangu" Pandakataura mashoko aya ndakaona munhu achiratidza kupererwa chaiko, ndakaona achitarisa kuside zviya zvekuda kudzosera misodzi kuti isabude. Manje misodzi ine manyemwe pausingadi kuti ibude ipapo inoto donha chete. Ndakazvi taurira ndichida kuti adzokere nekuti ndaisatoda zvekutaura naye. Ndaiti ndikafunga madzingiro andakaitwa kumba kwavo ndaibva ndanzwa kurwadziwa. "It's ok kana wakamirirwa zvako nemurume wako ndokumbirawo tingotsvaga pekumira kana kugara tingotaure ndobva ndaenda hangu" "Unokwanisa kutaura takamira pano nekuti murume wangu akasvika ndakagara newe anozo fungei" "Namatai I know kuti pazvinhu zvese ndakakutadzira kusvika pekupedzisira, asi imbo pafungawo kuti dai uriwewo inini waiita sei wapinda musituation yakaita seyandaiva ndiri?" "Kkkk Henry usandisekese, chekutanga Henry unehutsinye ndokunamatira kuti uyitirwewo hutsinye sehwahwa kandiitira. Uchitanga kundipfimba ndisati ndakubvuma ndakakubvunza kangani kuti hauna mukadzi here?" "Wakabvunza hako kakawanda asi kuti ndikuudze chokwadi zvaisaita nekuti ndaitya kuti waigona kuzondiramba" "Chawaitya kurambwa chete asi zvekuti waizo kanganisa hupenyu hwangu waive usina basa nazvo handiti" "Ipapo ndiregererewo Namatai ndoziva ndaka kanganisa asi dai wandipawo mumwe mukana ndagadzirisa mamustakes angu takwanisa kuchengeta mwana wedu tiri pamwe chete" "Mwana wedu nani, handina mwana newe chero mukadzi wako naamai vako vanozvuziva izvozvo. Dai uri umwe watomboita zvemhuri yako nekuti inini handina chandino kwanisa kukubatsira nacho. Mwana wauri kuti ndewako for our own information haasi wako ana baba vake" Ndichipedza kutaura nhare yangu yakabva yarira, ndakatarisa ndikaona vari madam boss vaifona, ndakadaira vachibva vatonditi. "Uchiri kure here kusvika ndiri kuda kumbo mhanya kumba pane zvandiri kuda kunotora" "Ndipei five minutes ndinenge ndatosvika ipapo tobva tangoenda tose" "Ok tamba fast" Ndichikata foni yangu ndakabva ndatoudza Henry kuti ndaive ndakuyenda nekuti ndaive ndamirirwa. Akabva andikumbira number dzangu, ndakamboda kumunyima asi ndakazongo mupa ndichibva ndaenda zvangu. Ndakasvika ndatomirirwa namadam boss. Lyn achingo ndiona chete akabva andimhanyira zvikanzi, "Sisi magona madzoka mhamha vaindirova ava" Takabva tatanga kuseka naaamai vacho, ndakabva ndazomuti, "Mwana akanaka haaiti misikanzwa handitika. Ukasaita misikanzwa mhamha havambokurovi handitika." Takapinda hedu mumota takuto taura zvedu nyaya namadam boss tichienda kumba, patakasvika havana kumbogara vakasvika nekungo tora zvinhu zvavo zvavaiva vafambira vachibva vatodzokera zvavo. Ndakasara naLyn tiri vaviri zvedu ndichiudzwa zvose zvakasara zvichiitika pandaive ndisipo. Ndaimuudzawo nyaya dzekumusha. Kwakazoti kwava kumanheru ndakafonera gogo ndichivaudza kuti ndaive ndasvika. Ndakataurawo nekamwana kangu ndichibva ndazo dimbura zvangu runhare. Ndichingodimbura yakabva yatanga kurira nenumber dzandaive ndisina kusaver. Ndakadaira ndikanzwa ari Henry. Ndaingo mupindura maone word asi paakazotanga kundiudza zvekuti aive achiri kundida ndakasvotwa ndichibva ndatomu blocker nguva iyoyo. Mazuva akafamba ukava mwedzi. Mwedzi uyu handina kuyenda hangu kumusha ndakango tumira mari yechikafu chete. Madam boss vakatombonditi ndiende ndinoona mwana asi ndakavati ndaizoenda mwedzi waitevera. Sezvo zvikoro zvaive zvavharwa hanzvadzi yababa Lyn yaive form three yakauyawo kuholiday kuHarare. Musikana uyu ainzi Praise aive akanyararisa zvaito bhohwa chaiko. Mazuva ekutanga ndaitombo funga kuti anodada asi nekufamba kwenguva takange tajairana. Nguva yake zhinji aiipedzera pamabook. Ndakazotanga kuverengawo zvangu naye pandaisanzwisisa achinditsanangurira. Semunhu aisava dofo hazvina kunditorera nguva kuti nditange kunzwisisa hangu. Rimwe zuva madam vakakurumidza kubva kubasa kwavo vakasvika vakawana tiri muroom medu tese tiri busy. Lyn aiva busy kunyora nyora work yake yataive tamupa isu tiri busy kuverenga zvedu. Hapana zvakataura zvavo vakatisiya takadero. Pakazouya murume wavo kubva kubasa takadaidzwa kudinning tose naPraise. Ndakatoshaya kuti kwaive kwaitikei. Takasvika madam boss pamwe nemurume wavo vakagara vachitoona zvavo TV. Takasvika tikagara hedu takamirira kunzwa zvataive tadaidzirwa. Ndakazonzwa baba Lyn vakuti, "Praise ndirikuda kuti udzidze kuno handizivi kuti unoda here kana kuti urikuda kudzokera kumusha kunana mhamha" "Haaa ndoziva hangu ndakambo ramba kudzidza kuno ndichida kudzidza kumusha but not anymore, now ndakuda kudzidza kuno" "Ok pakanaka ndichanokutsvagira nzvimbo, ndichafonera anamhamha ndichivaudza izvozvo" "Mai Wyne kubva zvamatanga kugara pano I was observing you hangu. Ndakaona kuti muri munhu ari intelligent asi kungoti makashairwa mari yechikoro chete handiti" "Hongu" "Asi mukawana mumwe mukana wekudzidza zvekare munoda here?" "Hongu ndinouda" "Ndakataura namai Lyn tanga tiri kufunga kuti panovhurwa zvikoro tokutsvagirai kwekuti muyende kumaExtra lessons moita serious kuti mupase mugotsvaga basa rinenge ririnani rekuti munokwanisa kuzo chengeta Wayne zvakanaka. Tichakubatsirai kukubhadharirai masubjects matatu mamwe munobhadhara mega. Lyn takaona kuti anodawo zvechikoro saka achange akuyendawo kuchikoro muchizono mutora kumazuva rodoka. I know muri vaviri muchange muchibatsirana kuverenga uye kubatsirana panenge pasina kunzwisisa umwe ndizvoka" "Hongu" takadairirana nguva imwe chete naPraise. Ndizvo zvandakudaidzirai hangu dzokerai henyu munoita zvamanga muchiita. Mai Wayne kana mafunga masubjects amuri kuda kuita mozouya motiudza kuitira tione kukutsvagirai mateacher acho" Takadzokera kuroom kwedu mufaro uchiita kufashukira. Tichipinda muroom medu Praise akabva anditi, "Saka mai Wayne murikuda kuita masubjects mangani" "Sezvo ndanzi ndobhadharirwa matatu ndogona kuzvibhadharira mashanu ndoita 8" "Yaaar ariright inini ndiwo andiri kudawo kuita" "Regai ndimbonyora list rangu pasi kuitira ndigono udza madam andiri kuda kuita." Ndakanyora list rangu raive neEnglish, Maths, Science, Geography, Accounts, History, Commerce neBiology. Pandakapedza kunyora list rangu ndakabva ndanzi naPraise, "Mai Wayne madii mabvisa Shona maisa Physics list redu robva ranyatso fanana manje" Handina kuita nharo ndakabva ndasimuka ndakudzokera kwaiva namadam boss nemurume wavo. Pandakasvika ndichivaratidza bepa randaive ndanyora musubjects angu vakabva va.... END OF CHAPTER 16
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 864

Comments