
MASIZIVA FOR THE WORLD... NOVELS
February 8, 2025 at 03:22 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLrFuODjiOcOqcLcR1L
📱📱0786559002
NDAITI NDAMUGONA
CHAPTER 23
Chipo
Laika
Ndakafara kuti at least vabereki vangu vagamuchira Mari yangu ndakatenda mwari naizvozvo asi mamwe ma privacy aiitwa na mhamha na Lorraine ndaisamanzwisisa ini asi ndakangoti maybe wane hurongwa hwawo wandisingatenderwi kupinda.
Ndakashaya kuziva kuti chii chiri kuitika nekuti Miracle anga anditi ndizoite sendinodanana nasadombo anga auya kuzondibvisira anyway hazvina hazvo kumbonetsa nekuti ndakati ndichisvika pamota zvakabva zvangozviita zvega sezvo sadombo wacho akabva angovhara ega maoko ake kuti timbundirane asi kutaura Chokwadi hazvina kundiitira zvakanaka nekuti zvaiita sekuti miracle akunditengesa kune umwe murume asi ndakati zvirinane kuti ndimbodzikama ndichiona kuti rwendo rwacho rwuri kufamba sei saka ndakadzikamira zvangu.
Panguva yekudya ndakangoona Lorraine achingoswebera pedyo nasadombo Vaya Saka ndakangofunga kuti vakazivana zvavo kare sezvo vanga vakungotaura vese sevanhu vajairana.
Sezvo taida kumukira mangwana Acho kudzoka Harare ndakabva ndatotanga kugadzirira zvinhu zvangu ndanga ndatosuwa munhu wangu veduwee ndenguva duku iyoyo wako ndewako veduwee.
Kunze kwakayedza ndikamukira kuti ndigeze geze nekupfekawo zvakanaka naka sezvo ndaida kuenda Kuna Dad zvee ndakashamisika pandakamuka nekuti Lorraine akabva atomukawo akatanga kugeza gezawo ndakamboda kubvunza kuti ko indawa kumuka too early kudai asi ndakangoti regai ndinyarare.
Kubva Patanga Tanga kufambisa hurongwa hwangu hwemaroro Lorraine akabva angoita kamwe kamood kaisanzwisisika Soo ndakashaya kuziva kuti atsamwei kana kuti anyararei nekuti akangotanga nekuita zvinhu zviri weird.
Ndakamutsa mhamha nadad kuti ndivaveneke "Mhamha nadad Isu takuenda musare zvakanaka pano tinenge tichitaura pafoni musare nerugare,I said dad vakabva vangodaira nemufaro asi mhamha vakabva vatovhura door ndokubuda panze vakabva vandidhonzera pachikona wakati"Eeh Chipo sorry nekukujumha asi handina zvekuita uyu munin'ina wako uyu ane basa raawana kuHarare uko Saka tatoti sezvo iwe uchigara kuHarare hazvinetsi panyaya ye accomodation sezvo iwe uchigara kuHarare Saka Ari kusvikira kumba kwako uyu ndiko kwaachanogara,Mom said ndikashamisiks kuti how come uye basa racho razowanikwa nekuti ini ndaroorwa here.
Mumusoro mangu makatanga kuuya mimwe mubvunzo asi wekubvunza panga pasina Saka ndakabva ndafunga fast ndikati "Zvinoita here mhamha kuti kutobvisirwa nekutotora munhu hamusi kuona here kuti ndinenge ndatonga Musha wemunhu apa zvanga zviri nane kuti nditange ndataura nemurume wangu ndozokuudzai maresults pafoni nekuti zvinogona kuzonetsa mangwana izvi ko baba wari kuzviziva here kuti ndizvo zvamaronga.
"Iwewe Chipo kubva kudhara uri munhu anoda kuita zvinhu zvekushamisira zvega zvega ,baba vako unoda kuvaudza panyaya dzei hee,Dai ndaida kuti wanzwe nyaya iyi handiti ndinodai ndataura ndiri mubedroom here usada kuvhaira nezvisina basa wanzwa kaa wagara haudi hama dzako iwewe unokoshesa murume wako kupfuura hama dzako manje murume wako ndakatotaura Nate nezuro paakasara mukitchen umu Saka hapana chekuda kumbonzwa apa nekuti zvese ndskatopedza namukwasha wangu asi Unofunga kuti wakangwara kupfuura ini manje Lorraine Ari kutofara kumba kwako ikoko kusvika Jeso auya.
"Ndakanzwa kubatikana nehunhu hwamhamha asi pakazondinetsa ndipo paakati murume wangu akataura naye nezuro mukitchen ndipo pandakabva ndaona kuti vari kufunga kuti sadombo ndiye murume wangu kubva heya ngavagare vachiziva izvozvo.
Mai vangu vane hutsinye husingaite ini kare ndaisazviona nekuti ndanga ndiinewo kahutsinye but ini ndakagsdzirisa hunhu hwangu zvino kana vachifunga kuti munyai ndiye murume wangu wachakaura obvious wanga watoronga nemwana wawo kuti sezvo ndisina makumbo mwana vavo achinditorera murume manje mwari havadhakwe.
Ndakangodaira mhamha kuti zvindibve asi ndanga ndatoona zvangu nekuziva kuti her Idea was good but pavanga vakadzvanya panga pasiripo manje ngavarambe vakadzvanya ipapo .
Vakwasha vakaoneka zvakanaka apa musikana anga akaita kurova kashort baba tichisvika pamota mwanasikana akangonanga pa mother's seat asi akabva andigarisa ini ndichibva ndatarisa zvangu kuside.
Aizama by all means kuti arambe Ari kutaura nemunyai apa aiita kakuyemerera kani apa vaitanga vatova murume vose nemunyai wacho ndakangosiyana nazvo ko zvanga zviri zvangu here.
Tichisvika muMbare murume wangu akabva atouya pamota asi iye ndakaona achidzika mumota chena Range Rover ndikashaya kuziva kuti ndeyani"Aaah murisei kani kurisei kwaMurehwa uko ndimi makabata basa kani"Anodaro miracle akabva atsonyana nemunyai hameno kuti vaimbozama kudii.
"Xaa batsira madam yangu kudzika uyende nayo pasaloon iya yakachipa ini ndimbotenderera zvangu namainini ava ndichauya kumba zvangu manje manje Rega ndimboratidza mainini town kaa, anodaro sadombo achibva atsonya futi miracle kana neni chigame chacho ndakabva ndachibata.
Miracle akauya akanditakura kunondipuza mumota chena iya ndakabva ndanzwa Lorraine achitova chikwee achibva ati "zvamakaroira hure kani bamukuru nhai munosiya mukadzi wenyu achibata neumwe murume haa makapata bambo, anodaro Lorraine achitaura munyai nechemumoyo ndakangoti sorry yaaa yaaa yaaa sorry waruza iwe.
"Baby I Know zvirikuitika hausi kuzvinzwisisa but nekufamba kwenguva uchazvinzwisisa zvavo ndingangoti muchidimbu pane vangu vari kuda kudya zvevapfupi vachitemba nekureba, Miracle said ndakangodairawo kuti zvindibve.
"Yaa maimwana hande ku scan xaa tione kuti mwana mwanai kuitira pakutenga hembe dzake apa unaziva kuti anytime unozvara iqe Saka hatide kutenfa zvinhu zvisingaite kaa,he said ndikabva ndangoti "xaa ngatisaende ku scan ndodawoka kuti iite surprise.
Haana zvake kuzombopikisa akabva angotira direction yekumba"xaa mota iyo ndeyako asi uchatanga waenda kudriving school kana wapasa ndochikutoresa license then wozotors mota yako handiti kaa,he said.
Haa ini chekutaura ndanga ndisisina zvangu nekuti zvimwe zvinhu zvaiitwa naMiracle Soo kaa ndaishaya kuziva kuti why mwari wakanonoka kundipa murume ane rudo zvakadai.
"Sisi Chipo wanga wadzva mudodo patakabva kumba ndakatogara zvangu pa mother's seat ndichida kunzwa kuti vanoti chii manje ndakabva ndashamisiks munhu wacho paakatorambs akanyarara Saka ndakabva ndangosiyana hangu nazvo haa ane midzimu yakasimba nekuti bhomba rake ndanga ndamugadzirira zvangu Dai akada kuita zvedzungu dzungu zvino akatonyumwa zvake .
Apa ndainyatsa kuzembera zvangu murume wake mumota imomo haa ndaida kuzonomuwachisira kumberi zvake ndakatoronga tsoro yangu namhamha haa yaitonyatsa kubuda bhoo Chipo ndiye munhu aizodzoka kumusha ini ndichisara pamba pake pacho apa osvika kumusha oshunguridzwa namhomz zvakaita nehurema hwake ihwohwo haa ini murume ndatora uye iam not regretting any more apa murume wacho Ari kutiratidza kundidawo I think mushonga wemupfuhwira wakanyatsa kushanda nekuti ndakaisa wakawanda zvee ini takazotobuda kuHarare ndakuita kupuruzirwa zvidya kani Chipo anga atsikitsira pafoni kunge iri kunakidza maningi iko kuri kurwadziwa.
Ndakazofara pakatorwa Chipo nekamudhara Soo asi kairatidza zvako kuti Kane bag nekuti skin yake kwanga kuri kuseri chaiko,Ndaida ko uwaraidza hubby kuti akanganwe kk uzotora Chipo kusaloon ndaida arareko ini ndanga ndatofunga kuti tiende kunovata kulodge kuti kuda kuwachisa zvangu Chipo chete .
"Dad hande kaa timbonozorora kulodge iri pedyo tochimbodzidzana zvedu ,I said nekuti ndanga ndaona munhu wacho akangonyarara,apa akabva aratidza kufara zvisingaite.
Ndakatoona kuti apa panotoda kuti ndi ngwarire nekuti ndaizozviruza,for sure takananga kulodge mufesi ndakamudhakwisa nerudo akabva akanganwa nezva Chipo hameno kuti iye Chipo wacho akazoita sei paakaona vanhu vasina kudzoka gegegee ndezvake izvo ndakutonamatira kuti mimba ikurumidze kubata fast fast Ndoda kumukaurisa kani Chipo this time ndiye ane duty rekugara kumusha ndoda kuona kuti anozvigona sei nekushaya makumbo kwake Koo manje namhomz zvekuti haana makumbo zvinenge zviri zvake nekuti Munda unenge uri kuda kutorimwa.
End of chapter 23
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
1.5K