MASIZIVA FOR THE WORLD... NOVELS
February 9, 2025 at 09:35 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLrFuODjiOcOqcLcR1L
Link re channel☝️☝️☝️
📱📱0786559002
https://chat.whatsapp.com/FJitbbPDzia78OK5HrDykt
Link regrp☝️
NDAITI NDAMUGONA
CHAPTER 24
CHENAI
Laika
Kutaura Chokwadi I forced my self kudzinga peter ndaisada asi ndanga ndisina zvekuita nekuti Dai ndisina kumudzinga vamwe Vashandi vaizondinetsa mangwana nekuti vanenge vachiti Petr hamuna kumudzinga basa Why.
Ndapedza kudzinga peter basa ndakadriver mota yangu asi ndangoti fambe fambe ndakabva ndapaka mota yangu paside ndikatanga kuchema,Hongu zvandanga ndaita ndaiti ndamugona asi moyo wangu wairambirana nazvo Veduwee I love that bastard handizive kuti why ndakaperera pana Peter zvakadaro pamunhu asina kana chinhu.
Ndaizviziva zvangu kuti peter anga asina kuenda kumafaro asina anga anyengedzwa na Prim asi handina kuda kuzviratidza zvangu kuti ndiri kuziva Chokwadi nekuti pacompany ipapo pane ma cameras kubva kubuilding kusvika kugate zvekuti zvese zvakataurika kusvika peter abvume kubuda naPrim ndakazvinzwa nekuzviona zvese asi evidence iyi ndaida kuishandisira prim rimwe gore nekuti arikuda kuzviita munhu akangwara 5000 yangu yaakaba achairipa zvake.
Anyway ndakarova mota kuenda Harare asi ndichisvika handina chandakakwanisa kuita kunze kwekupinda muroom mangu ndokuvhara door ndokutanga kuchema,Zvinhu zvandanga ndaita pana peter kwaitova kuzvimanikidza asi moyo wangu waisada.
Pfungwa dzangu dzakatanga kunetseka kuti Saka zvandamusiya kunzvimbo yaasingazive Saka achararama sei apa maonero angu anga akatobirwa foni,Ndakazvipa mhosva hombe chaiyo nekuti ini wacho nenguva pfupi ndanga ndatoona.
Kana iye Peter wacho akana kuzombonditsvagawo ndaiti ndikatarisa Tapiwa Soo ndainzwa misodzi yangu kuwanda mumaziso asi ndakazongonamata Kuna mwari kuti vandichengetere Peter.
Mazuva akafamba pfungwa dzangu dzanga dzakuita dzichiita nane kufunga kwanga kwava kushoma,rimwe zuva ndakangoona mufoni mangu mapinda Mari $70 ndikashaya kuziva kuti yabvepi nekuti handina munhu wandaiita Naye madhiri e Ecco ini.
Zuva iri ndakaswerera ndakangoringa foni ndichifunga kuti munhu wemari achafona achiti ndidzokere Mari Mari asi kana.Mazuva akafamba peter kana kumbonditsvaga ndanga ndakunetseka kuti Saka kwaMutare kwacho kwaakasara akazoita sei,Dai ndanga ndiine number dzekumusha kwavo ndaigona ndichinzwa kuti akasvika here kana kuti Dai ndanga ndiine number dzaMoiler ndaifona ndichinzwa kuti Ariko here zvino ndanga ndisina nepekutangira.
Mwedzi yakapindana Mari ichingopinda mufoni mangu kugumisira ndatojaira kuti pane munhu anondisendera Mari asi dzimwe pfungwa dzaizondiudza kuti anenge baba 4 aitumira Mari asi chskandinersa ndechekuti why asingambondifonere.
Mazuva akafamba ndakangoringa nzira ndichifunga kuti ndichaona munhu asvika asi kana ndaitozvinyepera zvangu.Umwe musi ndakaona ndanzi hie pa Whatsapp pangu nenumber dzake iye Peter dzekare ndakabva ndaenda ku profile pick ndikashamisika pandakaona ndiri paprofile pake ndakanetseka kuti maphots angu akamawana kupi.
Sezvo ndanga ndichakasaver number dzake ndakabva ndaona mastatus ake abuda kufoni kwangu apa ndini ndainge ndakazvara pastatus pake ndakabva ndanetseka kuti peter amborine pfungwa dzipi neni.
Ndakabva ndamupindura paap asi andina kuda kumboita zvedzungu dzungu zvekumubvunza kuti hee nguva yese iyi wanga uri kupi chii chii ndakangosiyana nazvo sezvo ndanga ndanakirwa zvangu nemaphotos angu aanga achiita kumwaya zvake.
Apa Peter anga achinja veduwee pane point yandakamuudza akabva atobuda online ndakashaya kuziva kuti ndi Peter chaiye here kana kuti pane munhu Ari kuda kundiramba yakapenga Saka I decide to call him ndikanzwa Ari iye zvechokwadi haa ndakafara kani voice rake rakaita ndimerere Mufunge zvenyu.
Ndipo paakazondiudza kuti ndiye aitumira Mari always pakandibata ndipo pavakataura nyaya yekuti anga achiita basa rehu garden boy,But shungu dzake ndakadzifarira zvangu,Ndakazomubvubza kuti urikupi asi mhinduro dzacho ndidzo dzaifizura "Kwandiri hakuna basa for now ko vana vangu varisei,he said haa peter imwe type Soo but I tried to control my self ndaidawo kuzama kuzvibata asi zvaitonetsa nekuti kubva kare peter ndaingomunzwira.
Zvekuti Dai Akataura kwaanga Ari ndaitopinda mafuta kuenda ikoko nekuti munhu iyeye akandipa vana vatatu Saka akandikoshera zvisingaite although ndiri ini zvangu ndakabata basa, gegegee.
Mazuva akafamba ndichitaura zvangu na Peter asi kunzvimbo kwaaiva airamba kundiudza hameno kuti why.Asi chikuru kutaura tese chandiri kungoziva ndechekuti nerimwe ramazuva tichasanganiswa zvedu.
*PETER*
Mazuva akafamba ndichingoshanda zvangu haa basa rangubraisamborwadza iri kwaingova zvangu kudya ndakagara kani,Mai 4 ndaingotaura navo asi ndaisada kuti vazive kuti ndiripi.Kubva zvandanga ndapinda pabasa ipapo handina kumbobvira ndaita kana musikana mumwe zvake, Vasikana vepo ndivo vaiita kuzvivisira pandiri asi ini ndaizvidzora nekuti kwandakabva nemadress aya ndini ndinokuziva, Hupenyu hwangu hwakasvika pakushaya direction because of them Saka zva ikozvino ndiri boe ndakadaro Mari yangu yakakwira kuenda pa $300 Saka Chenai ndaimutumira $200 pamukuru iniwo ndosara ne$100 vana vangu vanga vakandikoshera kudarika zvimwe zvose.
Rimwe zuva madam boss wakatanga kutaura neni pama Audios"Haa peter basa rauri kubata iguru kungopinda kwako pabasa wakaita sewauya nemablessings mumabusiness angu haa ramba wakadaro Shamwari,she said ndikabva ndangopindurawo zvaienderana nezvavanga vataura asi vakaramba vachienderera mberi vachiti"Ndakabvunza vasikana vari ikoko nezvako vakanditi kubva uchipinda basa havasati vambokuona uine musikana uye hausati wamboenda kumba kwako Saka mubvunzo wangu ndewekuti "Uri pamwe here nemhuri yako nekuti ratova gore kaa iri tichishandirana asi hausati wambokumbira leave Saka uri kumbozviona sei,she said ndikanetseka kuti vari kumbozama kudii chaizvo Saka ndakabva ndati "Handisi kunzwisisa I mhamha muri kumboti chiiko,I said vakati:
"Ndati uri kurarama nei usandiudze kaa kuti uri kuita masterbation mukore uno,Ndakaona kuti Mai ava Havana kunyatsa kukwana Saka ndakabva ndangoseka seka ndichizama kutiza nyaya yavo asi Mai vacho vanga vasingapererwe veduwee.
"Haa iwe uri kundihwandisira zvako asi Chokwadi chiripo ndechekuti iwe Wakaseparater nemhuri yako chete asi hausikuda kubuda pachena ndoda zvangu kuti uite mukwasha wangu Peter mwana wangu akadzidza as iam speaking now she is an accountant asi ndoda kuti aroorwe newe zvirinane kuti aroorwe nemunhu wandinoziva hunhu hwake than umwe munhu,she said.
Ndikabva ndapererwa haa Mai vanga vaine drama ava Saka ndakabva ndavati "Mhamha ini nemukadzi wangu tiri pamwe uye tinotowirirana asi kungoti chete anga ambori kunze kwenyika Saka akadzoka zvake tiri pamwe don't worry musandityire zvenyu, i Said.
"Peter I want you to marry my daughter hazvina basa unogona zvako kungomuita mukadzi wepiri chandiri kuda ndoda kungoti iwe uite mukwasha wangu chete uakangobvuma shop iyo inenge yatova yako uye ndinokupa nemota neimba yakawakwa kudhara,she said ndikabva ndatoona kuti apa handipabude.
Mwana wacho ndakamuona hangu aiwa isimbi yepa German asi ummm ini madress aya akandikanganisira hupenyu hwangu ndakazvitaura kare izvi.Ndakaona kuti zvirinane ndiudze Chenai nyaya iripo zvichakanaka nekuti anozofunga kuti ndinongounza matambudziko muhupenyu hwake Saka ndakabva ndamufonera ndichimuudza kuti pa weekend ndiri kuuya kumba akagara zvisingaite.
Ndanga ndafunga kuti ndinomuudza nyaya iyi kubva pataka Tanga kushandirana kusvika pazvava, Weekend takasvika ndikakumbira kuenda kuweekend asi ndakabva ndanzi"Ndiri kuzviziva kuti muri kungoda kunzi mune mhuri chete asi kutaura Chokwadi mhuri hamuna why mazoenda kuweekend nekuti ndakataura nyaya yangu.
Ndakatoona kuti Mai ivavo vanoda zvepamuromo Saka ndakabva ndangonyarara zvangu.Weekend yakasvika ndikaenda kumba kunoona mhuri yangu Tapiwa akandimhanyira haa ndakaona kuti mwana wangu anga andisuwa veduwee apa vana 3 vaikura zvekudaro apa vanga vachinyatsa kudanana neni uyuwo Chenai ndiye akangoti kungondiona kudayi ndokubva amhanya kunondimbundira nekuchema nekuchema haa kune vanhu vane drama kana mazogara.
Ndakabva ndaparura nyaya yangu from day one kusvika pazvanga zvava"Haa Mai ivavo vanojairirw ufunge hako Saka iwe wanga wafunga kuita sei nekuti apa hazviite kuti ungoramba basa nekuti vanogons kunyepera kuti wakaba Mari yangu ukabva wsungwa nekuti Mai vacho vanenge vari dangerous zvaungatoita iwe chibva pano uchienda kubasa zuva Rega Rega,she said ndikatoona kuti auya nepoint.
Weekend yakapera zvayo ndisina madam muimba yomukati haa vanga vaine shungu neni zvechokwadi,Day resunday kuseni takanzwa maid achiti "Mai 4 pane munhu Ari kukudai mudining umo.
Tese takatonetseka kuti munhu wacho ndiani Saka ini ndakabva ndasara zvangu ndiri muma blankets ndokubva ndati Chenai aende sezvo anga Ari iye muridzi wemuyenzi asi ndakasara ndakateerera sezvo ndaifunga kuti maybe ndicho chikomba chakasara chichidya madam yangu.
"Makadiiko mhamha ndauyawo kuzomumbira ruregerero nezvandakaita ndokumbirawo zvangu kuti mundidzosere pabasa please please zvirinane musandihorese zvenyu asi ndichishanda ndichigara pano chandiri kungoda kudya chikafu chakanaka nekuvatawo pakanaka zvimwe zvese hazvina basa,Ndakanzwa inzwi remunhu uyu kuita sera Moiler.
Chenai akabva ati "pese apa waigara kupi uye uchiita nezvei"kunditiza kwakaita baba Tapiwa ndakambosara ndega pamba ipapo asi chikafu chakasvika munopera ndikazotangs kugara ne landlord wepo tichidanana asi Ndakazotanga kuita zvimapundu zvisinganzwisisike kuzasi uku asi pandakazoudza murume iyeye nezvemapundu aya akabva andidzinga pamba pake ndikashaya kwekugara kugumisira ndaendawo kumba neumwe Mai vandanga ndaonanawo mumusika manheru asi handina kuziva kuti basa rake nderekuoinda mubhawa Saka ndakabva ndatanga kupinda mubhawa Naye asi iye ndiye aipihwa Mari yacho ini ndichingorarwa chete asi pane murume wandakatanga kuita Naye zvakadaro Mari ichioihwa mother waya Saka murume uyu akabva atangawo kuita zvimapundu ndikabva ndarohwa zvakaipa nekubva ndadzingwa namai Vanya pamba Saka ndauyawo kuti mundibatsirewo nepekugara kutaura kunoku kuzasi kwangu uku kwawora,she said.
Saka ndiko kuti Moiler aisotoita madhiri nemudhara wepaden zvee nekuti vanhu havangotangi kaa nekuti ndabva pamba ipapo ndiko kuti kare kese aka waingoita kaa haa ndanga ndakaroora bhishu kani Saka ndakabva ndapfeka zvakanaka ndokubva ndapinda zvangu mudining muya paakandiona akaratidza kuvhunduka akabva ada kutiza ndokubva ndamuti usatize zvako baa.
"Gadzirira tiyende kuchipatara asi kana wapora ndiri kukupa Mari yebus uyende kumusha kwenyu nekuti kuti ugare pano hazvichaite.
End of chapter 24
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
1.9K