MASIZIVA FOR THE WORLD... NOVELS
MASIZIVA FOR THE WORLD... NOVELS
February 9, 2025 at 05:24 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLrFuODjiOcOqcLcR1L Link re channel☝️☝️ NDAITI NDAMUGONA CHAPTER 25 CHIPO *Laika* Kutaura Chokwadi ndoda kuti mwari pavanorangarira vatsvene vavo vazorangarirawo murume wangu nekumupa makore akawanda ekurarama nekuti moyo wake wakanaka kwazvo.Ndakafara zvisingaite sezvo pfuma yanga yakuwanda pamusha Ndinongoramba ndichienda mwari pane zvavanondiitira nekuti ndakambochema kwenguva yakareba ndichiti nhai mwari ko punishment yacho haiperi here asi yakazokwanawo nguva yangu. "Babe for now hausi safe baa Saka ndoda kuti ugare uri safe nekuti kazhinji kacho vavengi vedu vatori vanhu vemumba vanhu vehukama Saka ndoda kuti iwe imbomira kufonera hama dzako kana munin'ina wako chaiye nekuti apa ndiri kuzama kuchengetedza hupenyu hwako zvese ne marriage yedu Saka for now ngatimbochinjane Maline kana ndikaona mhepo yacho yasuduruka ndichakudzorera line rako, Miracle said ndikashaya kuziva kuti chii chiri kumboitika nekuti zvinhu zvacho ndanga ndisichambozvinzwisise asi nekudawo kunzi ndiri mukadzi anoteerera ndakabva ndangomisa line rangu iyewo akatora rangu. Ndakatanga kuendeswa ku driving school hazvina hazvo kumbonyanya kundinetsa sezvo ndaigara ndichiona zvaiita habby sezvo ndaiziva kuti ndichaenda kudriving school ndanga ndakuongorora zvakawanda pakudriver kwake. Zvinhu zvakafamba mushe ndikabva ndapihwa license yangu,Rimwe zuva ndakamukirawo kuita tuma basa teandaikwanisa pamba murume wangu anga akazondibvumidza kuita zvandinokwanisawo zvimwe zvandaisagona ndaimumirira ozoita adzoka kubva kubasa sezvo anga akazovhura feeling station yake mutown Saka pamba ndaiswera ndega nekuti ndanga ndakaramba maid ko panga pamborine basa raids maid here kuri kuita zvangu nekutorerwa murume ini ndakamuona zvangu nenzira inorwadza. Ndaishaya kuziva kuti chii chirikuitika muhupenyu hwangu nekuti ndairota mahope asinganzwisisike dzimwe nguva ndairota Mai vangu vachideedzera Zita rangu wakabata bute mumaoko dzimwe nguva ndorota Lorraine akanditarisa neziso reruvengo chairo Saka zvaizondiremera kuti ndiudze murume zvinhu zvakadaro. Chandaingokwanisa mungopfugama pasi ndichinamata"Umwe musi ndakamuka ndichinzwa kurwadziwa mudumbu zvimwe zvaisanzwisisika ndikabva ndafonera miracle haana kumbononoka zvake kuuya akabva andimhanyisa kuchipatara ndikasvika ndichizvara mwana wangu musikana ndakashamisika kuti why ndisina kumborwadziwa kwenguva yakareba. Ko handiti ini ndaisorwadziwa kwenguva yakareba kana 2 days chaidzo zvino ipapo handina kumborwadziwa zvekuti ndakaita zvekupihwa mwana chaizvo.Ndakafara veduwee chinhu chakanyanya kundifadza ndechekuti murume wangu akaratidza kufara zvakanyanya kuita sekuti mwana wacho ndewake. Ndakabva ndafunga kufonera baba vangu na amai kuti ndabatsirwa nemwana musikana asi murume wangu akabva andirambidza"Mai princess for now imbomirai kufona fona ndichazokuudza kuti zvaita nekuti izvezvi hazvisati zvakuita kuti utaure nevanhu vekumba,Unoda kuti nditaure sei kani kuti hazviite unoda nditaure nechirungu here nhai iwe ndoda munhu anonzwisisa mhani iwe. Ndakatoshamisika kuona baba princess vakatsamwa kudaro kubva ndochitanga kugara Naye ndanga ndisati ndambomaona akatsamwa kudaro Saka ndakabva ndatopeta zvangu muswe ko ndanga ndichida kubhabhaukei zvangu. Mazuva akafamba baba princess vanga vambomira kuenda kubasa kwavo vachimbondibatsira pamwana asi zvakawanda ndaiita ndega.Rukuvhu rwe mwana wangu rwakasvika pakudonha ndikabva ndachitanga kumubereka kumumusana asi chakandishamisa pamwana wangu mwedzi miviri yakasvika pakukwana guvhu rake risati raoma ranga rakutoita chironda chakakura zvakandinetsa kuti why guvhu remwana rakutanga kuita zvakadaro. Zvakandiremera ndega nekuti ini pandakazvara Tapiwa pakangodonha chikuvhu chake guvhu racho rakabva ratoomawo Saka ndakanetseka kuti chii chiri kumboitika pamwana uyu ndakanetseka kusvika ndaudza baba princess akati"Ndiko kusaka ndakati imbomira kufonera hama dzako nekuti pane chikatanga chiri kuitwa pamwana uyu kuti iwewe uyende kumusha nemwana uyu asi kana iwe waenda kumusha ndaona mwana uyu asina kurarama iwewe wacho bvawatadza kuzodzoka kuno nekuda kwemhiko dzakasungwa nevavengi Saka imbomira kufonera Ani zvake nekuti tiri panguva yekuyedzwa Saka ngatigarei tichinamata naJesu zvinoita chete. Asi kungoti munhu Ari kuita izvi munhu anoremekedzwa asi Dai zvisirizvo haa ndinodai ndakavatambisa nhova kare kare asi vakaramba vachiita zvavarikuita uchaona zvako zvandichavaita nekuti vari kufunga kuti wakangwara maningi, miracle said ndikanetseka kuti chii chiri kumboitika nekuti mataurire ake ndanga ndatomabata zvangu asi handina kuzobvunza zvangu. Mwana wangu akatanga kungogara achichema nguva dzose zvekuti ndanga ndapusa kuti ndoita sei kuyamwa chaiko anga akutonetsa,Umwe musi baba vacho vakabva vauya nemafuta ehwai wakamazora paguvhu pemwana wakatanga kunamata zvine Simba zvekuti kana ini ndakatogumisirawo ndakunamata. Pasina mazuva guvhu remwana wangu ranga ratooma uye anga akutoyamwa zvakanaka.Mazuva akafamba mwana wangu achikura zvake munyasha ndakachitanga kufamba kuenda Kuma church ndichibatsira vanotambura nezvirema. Ndakazogumisira ndakunyatsa kutonamata zvekuimba chaizvo ndaitozvida zvisingaite ndaiti ndikaimba ndiri kumashure Shure chaiko vanhu vaifundikira Soo ndichipusha wheel chair yangu kuti ndiende kumberi. Ndakatanga kushandira mwari zvemachokwadi kugumisira ndakutotanga kutaura nendimi,Handina kumira kushandira mwari ndakatozo upgrader ndikatanga kupofita. *Lorraine* Chipo aifunga kuti akangwara maningi this time hushe ndehwangu ini anga akajaira maningi,Paakaroorwa naPeter ndakafunga kuti pamwe wachagara kumusha zvino iiih vanhu vakabva vatotanga kurarama life yekutown kushaya kana zuva rimwe zvaro raakandideedza kumba kwake kuHarare manje this time ndini ndine chimuti. Takaenda kulodge zvedu haa ndakafara veduwee phone yairinger ndofunga Chipo ndiye aifona asi chibaba chaibva chakata foni number dzacho dzainge dzakasevhiwa kuti mukadzi wangu haa akanzwa bhata Chipo anenge akatovata musaloon musi iwoyo. Makuseni seni sezvo ndanga ndakuziva pass word yake ndakamukira kutora phone yake ndikazama kuenda Kuma photos asi zvakaramba panga Paine imwe pass word ndakabva ndaguma ndakaenda kuwhatsaap ndichida kuona kuti naChipo vanombotaura nyaya dzerudo here. Panumber dzanga dzakanzi mukadzi wangu ndakabva ndaona mamessages avaitaura vese asi dzimwe nguva vaitukana,Asi ndichibatsa data pakabva papinda message yekuti morning dad mwana wako Ari kunetsa Shamwari chiuya ko hamusati mapedza zve function zvacho here. Hoo nhai Saka Chipo anga akanyeperwa kunzi ndabata ku function nhai haa akanyanya kupusa maningi ndakazotoseka zvangu pakataurwa zvekuti mwana Ari kunetsa gegegee kuda kuvhaira nekamimba Ako mwana Ari mudumbu anonetsa payi akaona wekuitira kani inga ini mimba ndakaisenga wani uye handina kumbonetswa ini Saka yake yazoshamisirei mimba iyoyo manje achamuchengeta ega mwana iyeye. Ndakazobhaizawo nekuti handina kuzotora mushonga wemupfuhwira uye asi haa wandakamupa wacho wanga uchiri kushanda Saka boe tozotangira ipapo kana was expire chandiri kuda kutora murume wachipo chete why angorine luck rekugara kutown. Ndakabva ndafukura hubby musoro ndokubva ndanyatsa kuzvitora selfie Naye ndakamukisa padama apa ndanga ndakanyatsa kubuditsa chest yese panze kuitira kuti anyatse kuona kuti Tanga titori mublankets,Mazamu anga anga akatobuda panze ndaida zvangu kumufizura Chipo. Pasina time anga atouya online paakavhura photo iroro akabva atanga kusenda ma messages achipopota achiti hure rako iroro richazviona hee hausati wangochinja nanhasi hee mahure iwawo anokupei what what. Mukadzi iyeye aipopota asi zvairatidza kuti munhu uya anga ajaira zvekuhurihwa nemurume uye aitozviziva kuti murume wake ihure handina kumbopindura nekuti zvangu zvandanga ndichida zvanga zvaita ndaitoziva kuti Chipo achakwira b.p chete kamwana kanga Kari mudumbu ikako Kotsva ne b.p kofa Yaa mahwani ake anenge atanga manje Chipo. Takaita 2 days tiri pahotel ipapo Saka day retatu murume akabva ati"xaa ndakuda kutsvaga imba yekuti ugare iwe ini ndinenge ndichiiuya kwauri asi wombomira zvekufona fona, he said ndikabva ndapfawa zvangu ko zvinomboda kutanga nedzungu here Saka kutaura kuti mukadzi wake haana kuzombobvira ataura Naye baa haasi kuzviziva kuti ndakaita drama zvangu nekuti ndakabva ndadeleter zvese zvandanga ndaita. Imba yakatsvagwa zvechokwadi tikapinda ndakangotengerwa zvinhu zve$50 nekuti anga achiti Mari haasisina ndakangotenga tuma poto tunikomwa muMbare tuya twema $5 ndokubva ndatenga tuma comforter two negas tank nemaplates ndikabva ndatotanga kugara zvangu ndaiziva kuti zvichaburana ikoko. Ndakabva ndafonera mhamha ndikavaudza zvanga zvavapo"hapana chakashata mwanangu zvako zvatoita iwe asi usamumhanyire mberi asi Mira zvako uone kamimba kachipo ndoda kukabvisa Ako asi manje Ari kuzvara netx week Saka Mira ndiuraye kamwana kacho ndoda kuita mashura chaivo.she said ndikabva ndafara mhamha vangu vaindipa veduwee Yaa mwana iyeye akafa zvinodhakwa obvious ndini ndinenge ndakutogara kumba kwachipo kwacho sezvo iye achibva adzingwa. Mazuva akafamba mhamha vakazofona vakati"Pane zvambkitwa nambuya haa manje manje tinotambira bad news Saka iwe gara uchiitawo kasmart kuti murume aperere pauri,Kubata hedu mushonga kubata hedu mwanangu asi zviri pachena kuti murume ndewako ,iwe unotsarudza Ani pakakiswa chirema apo nechisiri chirema zviri pachena mwanangu usazvidye moyo. "Pane mushonga wandapihwa nambuya hanzi ndinomufonera ndakaisa mushonga pasi perurimi akangonzwa inzwi rangu chete anobva atonzwa kuda kuuya kumusha Saka ndipo pandinomubatira ipapo Harare ikoko haazombokudzoke ndiwe unenge watotora chimuti iwe. End of chapter 25
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 1.5K

Comments