
MASIZIVA FOR THE WORLD... NOVELS
February 11, 2025 at 11:24 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLrFuODjiOcOqcLcR1L
Link re channel☝️☝️☝️
📱📱0786559002
NDAITI NDAMUGONA
CHAPTER 27
CHENAI
Ndaimboti Peter handichamuda asi ndakatozviona kuti ndiri kuzvinyepera hameno zvandinongonzw kan ndiri pedyo naye Soo kutaura Chokwadi pamberi pamwari peter ndiyo soulmate yangu yandakapirwa namwari veduwee hongu zvingaona zvichirwadza asi ndiye wangu iyeye ndinonzwa kuva protected kana ndiri pedyo naye Mufunge zvenyu ndezvemoyo veduwee munhu akandizvarisa vana 3 mods kuti ndiende kupi ndichimusiya kana ndimiwo.
Kumusiya kwandakaita kwaMutare ndaingoda kumbokuratidza kuti ndinotsamwa asi mumoyo mangu ndiye Ari pakati chaipo, Nyaya dzekubasa kwake dzanga dzakunditemess musoro kutaura Chokwadi apa kuti ndimudzorere pabasa moyo wangu wanga uchiramba zvirinane ashandire some one pane kuti ndihorese murume wangu haa hazviite kani zvinoita here kuplanner pay yandahoresa munhu nhai veduwee zvirinane ashandire umwe munhu zvake.
Kuparadzana kamdakaita naPeter kwenguva yakareba zvakaita kuti pandakamuona ndiwedzere kumuda nekuti pane zvinhu zvakawanda zvanga zvachinja paari.
Nyaya dzekubasa kwake dzanga dzakunditemesa musoro kutaura Chokwadi ndi boss hwai wakadaro nhai imi kubvira kuda kutsvagira murume wangu mukadzi ndiripo nhai.
Ndakanyatsa ku order kaCamer kangu online from Zambia kakauya zvako saka ndaishaya kuziva kuti ndomuisa sei nekuti ndaida kumuisa paasingasvikire Saka umwe musi ndakabva ndangokapinza nepanzeve apa akarara.
Sekanhu kadiki kupinda kwacho unonzwa sewabaiwa nekamunzwa but hazvirwadze hazvo zvinongovhundutsa chete Saka pandakamuisa akabva ati "Maihwe ndarumwa nditarisewo panzeve apa uone kuti panei,ini sezvo ndanga ndiri kuziva nyaya yangu ndakangobva ndavhara vhara nyaya yacho.
Sezvo ndanga ndakaseta camera iyoyo kuti mamovements ose apeter abuse pama laptops angu handina kumbonetswa, Kunyangwe paakandiudza kuti arambidzwa kuuya kuweekend ndakangorwadziwa zvangu zvishoma asi ndaiziva kuti hapana chaanoita chandisingaoni.
Ndakanzwa kufara uye kunzwa kudada nemurume wangu veduwee he was a changed person handina kumbobvira ndamuona aine musikana nyangwe kutaura nyaya dzerudo.
Pamazuv ivavo ndanga ndisisina chandanga ndichiita pamba uye vana ndanga ndisingatombode kuti vauye pedyo neni nekuti vaizondikanganisa Saka ndikataura na Aunt wacho.
Nguva zhinji maziso angu anga akungogara Ari pa laptop ndiri mubedroom mangu ndichida kuona everything ndainyatsa kuziva kuti Madam boss wake vane zvavari kumurongera chete ska ndaida kugara ndaziva maplans avo ose.
Chandakafarira ndechekuti Madam boss vavo ishamwari yamai vangu kubvira kudhara nekudhara Saka ndoda kumushocka zvangu rimwe zuva even botique raakapihwa namhamha riri ku UK ndiri kuzvivharisa nemota yaakapihwa namhamha ndiri kuzvitora zvese vanhu vepi vasinganyare.
Building yacho yawari kuvhaira nayo ndini ndakaitengesera Mr Muradzikwa asi ndakavati kana vasichaide vanonditengesera back asi ndakazoshamisika kunzwa kuti Mai vanozviti Mai Norah ndivo vakazotengeserwa.
Handina zvangu kubatikana sezvo ndaiti ishamwari yamai vangu asi ivo Havasi kutoziva kuti ndeyangu building iyoyo manje ndoda kuvagadzirira size yavo handisi kuda kuvamhanyira zvangu ndoda kufamba navo mbijana mbijana Havasi kuziva munhu wavari kudealer Naye.
Ndakabva ndatoudza mhamha kuti building yandakatengesera Mr Muradzikwa ndakufunga kuitenga back vakati hazvina kuipa ita zvawada nepfuma yako Saka ndakabva ndatofonera Mr Muradzikwa "Hallo sir how are you"Aah hesi kani mwana wemurungu,he said apa ndanga ndisitori mumood yeizvozvo,Kungoti kubva kudhara ndizvo zvavaingondiita.
"Sir takawirirana wani paya kuti kana musisade building iya munonditengesera back saka makazodiizve ndakanzwa kuti kwaane vanhu vatsva,I said."Aah ndakatokanganwa ufunge zvako sorry but kana uchida imwe building pane iri kutengeswa nabhururu wangu haa yakachipa "10 k chete wotenga iyoyo nekuti iya pane mhomz yandakatengesera Shamwari kutokanganwa ufunge,he said ndikabva ndamuti ini ndiri kuda building iyoyo handizive kuti muchaita zvekudii nekuti takasainirana pasi makanganwa here kuti you forced me kuti ndikutengeserei building iyoyo nhasi moti makatengesera umwe munhu ndiri kukupai one week kuti munge magadzirisa zvinhu zvenyu handina kuda kuzomitirw answer yavo ndakabva ndatokata foni yangu.
Hapana kupera mazuva according to my cameras ndakabva ndaona Peter nevamwe Vashandi vepo vaimhanya mhanya kugadzirira gadzirirai separikuds kusvika mavisiters kana kuti sevaids kuenda somewhere ini camera yanga iri pana peter yaireporter nzvimbo yose yaanenge Ari zvekuti zvimwe zvese zviri 30 mitres apart from him ndaizviona kana vari vanhu ndaivaona.
Saka ndakatoziva kuti pane function iripo chete pasina time peter anga atova mumota asi wachisvika kuhotel kwavakaenda camera yakabva yatondiratidza hotel yacho yose ndikanetseka kuti Vashandi vepi vanoenda kuhotel murungu wacho anenge aine Mari yakaita sei Saka ndakabva ndatuma 2 of my C.I.D from my company.
Vakaenda vakandipa update yose wakandiudza zvese zvanga zvichiitika even pakamanikidzwa peter kunwa doro vakandiudza though ndanga ndichizviona zvangu zvese zvakaitika muroom yavakapinda yacho ndakazviona nekuti peter akangosvika nekurara asi ainge akarara nemusana iri hure rinonzi Norah rikabva rabvisa hembe ndokuenda pamusoro papeter ,She tried kuda kuita sex naPeter asi zvakaramba nekuti peter anga akadhakwa nhengo yake yakamboda kumira asi zvakashaya basa,zvese ndaizviona hangu ndakanzwa mazihasha asingaite.
"Norah paakaona kuti zvaramba akabva afona hameno kuti aifonera Ani asi apedza call akabva avata asina kupfeka hameno kuti akanga audzwa kunzi chii pasina time ndakaona vakanda porn racho pafoni pangu using peter's phone hameno kuti vaifunga kuti ndinofenda nezvinhu zvakapusa kudaro here zvaitongovapachena nekuti peter airatidza kuti anga akatovata uyu achiita zvaanga achiita asi kungoti Dai ndanga ndisina kuisa camera pana peter zvaizonetsa manje kuti ndinzwisise.
Day iri ndikati ndakavata kunyepa nekuti ndaida kuona zvese zvanga zvichiitika zvekuma 5 am peter akabva amuka akabva aratidza kushamisika kuona musikana iyeye asi vakabva vatanga kukandidzana mashoko kungoti zvimwe zvacho ndanga ndisiri kunyatsa kuzvinzwa ndakazongonzwa Norah paakascreamer achideedza mhai wacho pasina time Mai vacho akabva apinda.
Akatanga kupopota popota vakatanga kumanikidzwa peter kuti roora Norah nekuti warara Naye asi peter akaramba wakabva wadeedza police vachiti peter araper Norah police yakapinda peter akazama kutsanangura side rake asi hazvina kushanda worse pakazobuditswa video peter akabva atopinda chando chaicho chaakangokwanisa kuchema "blaz hapana chekumbochema apa muri mhombwe bambo Dai matobvuma kuroora simbi iyi tinodai takusiyai zvino muri kuita semakadyiswa manje muchanoraramira nzvimbo inorwadza muchaudemba mukana uyu kuroora munhu kunorwadza here nhai.
Mapurisa aya aitoratidza kuti akatengwa namai ava zvino size yavo ndanga ndiinayo,Ndakarwadziwa kuona Peter achipinzwa mumota yemapurisa kana misodzi yangu yakabuda nekuti Dai anga Ari umwe munhu aitobvuma kuroora Norah wacho asi zvairatidza kuti anga achinja peter.
Mapurisa Acho ose ndaimaziva Saka ndakabva ndangotora maphotos avo pa Facebook ndikabva ndangopa ma C.I.D angu basa ndaida vatsvage mapurisa ivavo nekukurumidza vanhu vemutemo Chokwadi kubvuma chioko muhomwe panyaya yakakura kudai peter ofira kujeri because of money,mapurisa ivavo ndaimada Ari mapenyu damnit.
Peter akasvika akarohwa kumapurisa ndichiona zvangu apa aingomamikidzwa kunzi bvuma mhosva yako,Ndakabva ndafonera Dad ndichivaudza nyaya yanga iripo asi ndakangovaudza kuti munhu wacho mushandi wangu but he is innocent that's why I need your help plus taishandirana zvakanaka.
Ndakabva ndangovaudza nyaya yacho yese kuti Ari kumanikidzwa kuroora mwana waMadam boss wake asi Havana kumbobvira Vadanana ,dad vakabva vandibvunza kuti why uri kubva wabatikana zvekuda kutsvaga lawyer rekuno ku U.K asi ndakangovaudza kuti ma lawyers ekuno anonetsa nekuti anotengwa nekamari kasina basa munhu wangu onyudzwa.
Saka takawirirana nadad vakabva vandipa lawyer ravo reikoko aitovavo murungu sezvo anga achiri makuseni ndakamuti akwire ndenge yaisimuka ikoko na 10 am ichisvika kuno Kuma 2 pm hazvina kumbonetsa lawyer rangu rakasvika ndikaenda kunoritambira ku airport.
Masikati akazosvika tatombonyora mapoints tese asi haa munhu anga akanyanya zvake iyeye vari kuzochema misodzi vana Mai Norah.
Ndakazotsvagira lawyer rangu room kulodge sezvo zvisingaite kuti rigare pamba even ukatsvaga doctor kunze kwenyika hazvitoite kuti asvikire pamba Pako zvirinane kuti abvire somewhere achiuya kuzorapa murwere Saka ndakangotsvagawo lodge yanga irinane isinganyadzisewo semunhu anga abva U.K Saka taizosangana ku court mangwana Acho sezvo peter anga atonzi ku court mangwana apa anga achiti "ndokumbirawo foni yangu ndifonere mukadzi wangu ndimuudze kuti ndizvo zviripo asi Mai Norah wakapindura kuti "une foni here iwe imbwa iwe une zera ne iphone here hee duzvi foni iyoyo hauchaione ndoda kuti unombodya madhodho kujeri ndiko kuti musoro wako ufunge zvakanaka.
Pasina time foni yangu yakaringet"madam boss mapurisa aya tamabata ose Saka todii nawo, aidaro ma C.I.D angu ndakanzwa kufara Saka ndakabva ndavati vaende navo kuimba yangu new one yandanga ndakatenga yaisambozivikanwa naani zvake imba iyoyo yanga itori out of Harare yanga itori ku Marondera Saka ndakabva ndati vaende navo ikoko adress zve ndakavapa Saka ndakabva ndatuma lodger rangu nemakeys eikoko me remote yepagate.
Ndaida kuti vaite make sure kuti vanhu ivavo vavasiya mumarooms emukati chaiwo wochitanga kukiya kubva kumarooms ivavo kubuda kugate apa imba yangu yanga iriyo yega pa area yacho iyoyo yaitova iyo yega sezvo kwanga kuri Kuma new stands ndaida kuzovabata hangu ndapedza nyaya dzapeter ndaida andiudze kuti vakapihwa Mario kuti vaite zvinonyadzisa kudaro ndaida kuti vamboita 4 days vasina chavadya ndozovaona day rechi 5.
Kuseni takamukira kugadzirira apa nyaya dzanga dzakutotenderera muma radio nemuma t.v "pane mapurisa maviri akashaikwa nezuro asi kuti kunzi akapinzwa mumota yeblack yanga isina number plate ichienda direction yekwaMutare nyika yashata ngwarirai asi munhu Ari kutamba nehurumende iyeye akabatwa tinomunzwira hurombo, gegegee ndakatoseka zvangu ava vanhu vaisaziva munhu vavari kudealer Naye kani.
End of chapter 27
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
1.2K