MASIZIVA FOR THE WORLD... NOVELS
MASIZIVA FOR THE WORLD... NOVELS
February 11, 2025 at 08:23 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLrFuODjiOcOqcLcR1L Link re channel☝️☝️☝️ 📱📱0786559002 https://chat.whatsapp.com/FJitbbPDzia78OK5HrDykt Link regrp☝️ NDAITI NDAMUGONA *SEMI FINAL* CHAPTER 30 *CHENAI* Laika Haa nyaya yanga yatofa yakadaro iyi ko Mai Norah waiiwana kupi Mari yanga ichidiwa ipapo haa kana akaiwana ndiko kuti mwana wa President asi chese changa chiri mumaoko mangu kana chakabva mumaoko amai wangu ndiri kuchida back .Kana iri mbinga yemashuwa ngaatange zvake patsva. Mucourt ndaivamo zvese zvakaitika kana kuti zvakataurika ndaizvinzwa zvese asi hapana munhu akambondiziva zvake ndainge ndakatogara pedyo namai Norah asi Havana kundiziva sezvo Tanga takaparadzana kare plus zvandanga ndkapfeka zvairasisa. Ndanga ndisina zvangu fear nekuti vanhu vandanga ndatsvaga ndaivaramba uye ndiri basa ravo chairo,Ndakazoda kuseka pakasimuka lawyer rangu reaction yakarohwa namai Norah gegegee size yake ndanga ndiinayo zvangu. Ndakanzwa zvangu tsitsi pakapihwa Norah mutongo wake manje kana anga akafurirwa namai vake hameno zvake,Ko anga ashaya murume here kumhiri kwemakungwa kwaanga ari. Ndichibuda mu Court ndakabva ndatonanga ku office kwa Mr Muradzikwa ndaida kumupa Mari yandakamutengesera nayo building then iye obudisa munhu wake imomo."Hallo sir it's me,I said ndichipinda mu office make apa aitoratidza zvake kuti Ari busy. "Kwakanaka here kwatatsikwa nemwana wemurungu uyu,he Said ndikangosekerera zvangu asi ndaitonzwa kusvotwa navo chaiko ndakabva ndati "Ndokumbirawo mudeedze washandi wenyu tibatsiranw kuverenga Mari iyi,I said ndichitobuditsa from my suitcase. "Ko imari yei yakawanda kudai,he said ndikati for now ngatimboverenge Mari zvimwe zvese mumashure.Haana kuita nharo akangodeedza secretary wake ndokubva tatanga zvedu kuverenga hatina kumbotaura nguva sezvo aiva ma $100 oga oga. "It's 30 k ko wazoti ndeyeyi zviya he asked ndikati"Ndaona kuti ndikaita zvekuverengera hazvihude time iri kupera ndauya nemari iyi kuti mundidzorere building yangu back handiti takaitaura nyaya iyi tikaipedza paya, i said. "Haa Shamwari wandijumha zvino ndanga ndakatotengesera umwe mukadzi Shamwari kuti ndimubvuse pasina notice hazviite izvi zvinozobuds here manje haa usadaro iwe,he said ndikati zvandataura ndizvozvo imi mangwana chaiye munonomuoa Mari yake Oita plan dzake nekuti musi wa2 I want my building back pasina nhoorondo ndimi makakanganisa zvinhu nekuti takasowirirana kudhara hameno kuti makazonyengedzwa nei. Ndakabva ndatobuda ndakasiya murume mukuru Ari kukwenya zimhanza rake raipenya seruware.Ndichisvika kumba Peter akabva asvikawo."Mai 4 ndiri kufara ufunge ko ndaimboziva here kuti kune ma lawyers emahara ufunge haa ini ndawanirwa nyasha ufunge zvako tenda mwari nekuti ndadzoka ndiri mutano,he said achiita kunyemwerera zvino ndanga ndisiri kutomboda zvemafunnies Naye. Munhu wepi asinganzwe ndakasomuti asiye basa iroro kare kare asi haanzwe Mari yandakabuditsa kaa nekuda kwemunhu asinganzwe kaa,Dai ndanga ndisina vana Naye ndaimusiya Ariko kujeri ikoko asi ndaiti ndikatarisa vana vangu ndonzwa Simba Soo. Peter handina kuda kumbomusekerera kana time yekutomutsanangurira kuti ndini ndamubiditsa ndanga ndisina ndaitonzwa zvangu kubhoekana kana ndikafunga Mari yangu. Iyewo ndakangoudza maid kuti apihwe room yake yekuwata, Peter ndanga ndamusuwa asi ndaisada kuzviratidza uye ndanga ndichidawo kuti amboone kuti akanditadzira kwazvo plus ndaida kuzoshandisa room imwe nayo kana ndapedza nyaya dzangu. Iye aivata make ini mangu haana kuda kumbonetsa nekuti aitoona kuti chiso chacho hachisuri kujairika.Musi was 9 ndakafonera Sir ndichivabvunza kuti how far "Ndavapa Mari yavakatenga nayo building zvinhu zvavo vakutobvisa asi Havana kumboratidza kubatikana zvanga zvichiita sekuti vanga vachitoda Mari zvisingaite nekuti vatoratidza kufara kwazvo,he said. Dzangu pfungwa dzakatondiudza kuti vakutofunga kuenda nemari iyoyo ku court sezvo kwanga kuchidiwa 35 k ivo vanga vapihwa 30 Saka 5 yanga isingambovanetse Saka ndakafunga fast nekuti zvinhu zvinopedza nguva kuramba tichingotenderera muma courts ndanga ndisichade Saka ndakabva ndafunga fast ndokubva ndafonera Shamwari yangu yandakambodzidza nayo ku America. Ndakabva ndamufonera ndichida kuti andipewo account yekushandisa luck racho akabva atoti ane line raasiri kushandisa Saka ndakabva ndatoti andipe number dzeline iroro ndokubva ndadzi connecter pa Whatsapp dzikaita Saka ndakamufonera kuti andipe code yanga yasvika ikoko akabva andipa ndikaziva kuti done. Musi wa9 iwowo ndakabva ndasendera Mai Norah message pa Whatsapp apa profile pic rangu ndanga ndakaisa murungu apa account iri yeku America. Akandibvunza kuti "who are you and how can I help you"Ndikabva ndamuti iam Advocate Ishmael from America. Akambotora time asina kupindura akabva azoti Okay fine where did you get my number ndikabva ndangoti it's a long story by but I will make it short. Ndakatanga kutaura Naye Mai Norah achifunga kuti ndiri advocate Ishmael zvechokwadi akasvika pakundiudza nyaya yake ndikabva ndamupa advise yekuti if musina kugutsikana nematongerwe akaitwa nyaya yenyu endai kucourt kuitira kuti nyaya yenyu iitwe appeal then mochinditumira Mari yendege 2 k then ndinozoda paper ramuchapihwa ku court ikoko me court date. Ndakamudaro zvangu akabva aratidza kufara ndaitoziva kuti musi was 10 arikudzoka ku court kungoti nyaya yake itangidzwe sezvo ndanga ndamufurira zvangu for sure musi wa10 akaenda ku court ini ndaivako zvangu akaudza judge kuti handina kugutsikana nematongerwe akaitwa nyaya yemwana wangu Saka ndiri kuda appeal . Hazvina kunetsa hazvo akabva atonzi auye ku court na Peter musi wa15 akabva atopihwa summon rekuti rinopihwa peter ini ndaisekera zvangu mugotsi. Ndakaenda Mumba ndichibva ndagara zvangu ndiri online pasina time ndakaona paup pangu papinda document pandakavhura kudai ndakaona atumira paper rairatidza kuti rabva ku court Saka ndakabva ndamuudza kuti ndinofanirwa kubva ku America kuno musi wa14 nendege kuitira kuti zuva recourt risvike ndava panzvimbo. Akabva atondikumbira account yekuisa Mari ndikabva ndamupa ma details eshamwari yangu yeku U.K kuti aise pamukuru pasina time akabva atondiudza kuti amari yendege atumira.Ndakafonera Shamwari yangu akati Mari yasvika Saka ndakabva ndamuti atore $500 then imwe yacho odzorera pamukuru . Hazvina kutora nguva Mari yakadzokeswa ndakaramba ndichitaura Naye pafoni paya then musi was 13 ndakabva ndamuti kuti ndiuye ikoko ndiri kuda 25 k garai mandibhadhara Mari yangu haana kunetsa sezvo anga akuvimba neni akatumira 25 k iya akabva andiudza nehotel yekusvikira. Musi iwoyo ndakabva ndafonera mu C.I.D wangu wekukidnapper mapurisa uye ndikabva ndamuti atore mapurisa ivavo awaendese ku Mozambique hazvina kumunetsa sezvo mapurisa ivavo anga aziya nenzara Saka akabva angovakuturira musango reboarder remozambique ndokudzoka zvake kana vaizodyiwa nemakava kana kuita sei Hameno ndiko kuti kana wakazorarama wasazoda futi chinonzi chioko muhomwe. Musi wa14 ndanga ndakutorota zvangu ndiri ku U.K"Peter hande kaa kumusha kwenyu nhasi chaiye ndinoda kuzivavo vabereki vako nekuti ivo vazivevo vana vangu, I said."Kwakanaka here Chenai nhasi kutaura neni iwe wanga usiri kumbotaura neni pese apa,he said ndikati pane zvanga zvichiitika. Haana kuramba zvake takaenda kumusha tese nevana vangu namaid Mai vake vakaratidza kundifarirs zvavo"Yowee peter uyu murungu kaa uyu ummmm haa apa handina zvangu chekutaura apa warema mwanangu ko izvo zvivana kufanana newe apa vana ava vatokura kaa ava havasatotsvitsa gore here ava Saka nguva yese iyi manga muri kupi, she said ndikangoseka seka zvangu. Musi wa14 wakasvika tiri kumusha zvedu Saka ndakabva ndavaudza kuti tiri kuenda ku U.K asi tichadzoka zvedu Saka Mari iyi sarai muchibatsirika zvenyu ndakavapa 1k wakaramba wakasticka I think kwanga kuri kushamisika kana peter akatoratidzawo kushamisika nekuti ndanga ndisina kumbomuudza kuti ndoda kuenda Naye ku U.K. Takasimuka kumusha kwavo musi wa14 manheru namai Norah taingotaura ndikatomunyepera kuti ndava mundege sezvo court yanga iri musi wa15. Musi was 15 iwoyo ndakabva ndamublocker Mai Norah ndikatanga kufambira mapapers edu tose tiri 6 hazvina kunetsa nekuti Mari yanga iripo musi wa15 manheru Acho takabva tatoenda ku America. Ndakazofonera ma C.I.D angu kuti atore building iyoyo pabasa ravanga vaita nekuti ranga riri dangerous Dai vakabatwa vainyura paku kidnapper Police. Maid ndakamuti store mhuri yake agare nayo pamba pangu kuitira kuti pachengeteke nekuti ndanga ndisiri kuziva kuti ndodzoka riini. Ndichisvika kubU.K ndakaenda nemhuri yangu ku lodge ndaida kuti ndimbotange ndataura nababa vangu kuitira kuti vagamuchire peter semukwasha vavo. End of chapter 30
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 1.5K

Comments