MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
February 6, 2025 at 06:00 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Vasina kuwana book from chapter 1 pindai mulink yedu iyi.Ndogona kujambira machapters nemistake kumagroups munhu wese follow. https://chat.whatsapp.com/BTKVWVYaeDhDn09z3i2g2l Our main group link iyi pindai rinouya nenguva book imomu zvakare DEEPEST CUT By Mai Maka aka Masimboti 0786923205(calls and sms'only) Chapter 9 Rita Ndakasvika pasofa paye ndichibva ndapetura kasheet kaaingee akafuga kaye ndichikakanda uko.Ndakamuzungunutsa ndichipupira nehasha ini ,saka aive asina mari here akange atoipedza kumahure kwakeka . Ndakamuvhuruza kusvika amuka .Ndakamutema nemacondom ake kumeso mamwe achibva abuditsa hurume huya huchibva hwayerera neface yake . Guys ndakati ndadenha mangwiro.Ndakasimukirwa ipapo hameno ndoyamunoti flying kick here .Ndakabanhwa pachirebvu apa ndikati at least huro yangu yapona. Ndikatswatira maziso kasingaverengeki . Akauya pandaive achibva atanga kundizvuva kupinda mubedroom.Ndakaipamhwa bhutsu ndichibva ndanowira pashoe rack yebhutsu .Ndakasvikogarira gogo yaivepo ndikanzwa kt pano garo rangu raparara. Ndakada kusimuka akabva andipa double clap ndikanzwa nzeve dzangu dzese dzichirira kt hwiiiiiiii . Ipapo pese aindirova akanyarara handiti.Paakazondipa fight yepamhuno ropa rakabva ratanga kuyerera achibva atanga kupopota achiti "Ndokuremadza hure iwe unodisa mari .Mari ndinayo asi iwewe handichatokupi wandijairira sterek.Ungandi challenger mumba mangu iwewe . Ndoda kukugadzirira size 32 Varume ndakabikwa kusvika ndisisacheme kani.Akapopota achindiudza kt aizonotora passport yangu kuchikoro oipisa cz aiti ndiyo iri kukuvhairisa .Apa ndakatya ndikabva ndatopfugama kukumbira sorry apa ndini ndatadzirwa .Rwendo naRichard ndaizorwukunda here . Zuva rakange ratobuda saka chekumirira pakange pasisinaba .Ndakabuda panze ndikabatanidza huni mukitchen yaivepo.Ndainzwa musoro wangu uchirema uyu saka ndaikuchidza ndakaita zvekutonona pasi pamoto .Ndakaisa mvura mutin ndichida kuzvitova hangu nyama dzangu ndainzwa dzichirwadza idzi. Iye akabva abuda panze kwave kutora mvura iya achinogeza .Kana kusiya aisa imwe haana .Ndakaramba ndakamira pamoto ipapo misodzi yangu ikayerera yoga . Ndiye here munhu akange ave sweet 2weeks ago uyu . Ndakazomuona ave kutobuda mumba akapfeka school uniform yake .Vamwe kutoenda kuchikoro uku ini ndagarisika nemimba .Ndakapinda mumba ndikatanga kuchema ndakatsikitsira pasofa ndakapfugama . Mimba yakange yandiparira iyi . Ndakanzwa mudumbu kurira meaning nzara yakange yonzwika kuseni ikoko .Ndakatora munya wangu mupoto ndikadziisa ndichibva ndadya .Ndaidyira dumbu rangu kwete kunakirwa . Chero simba rekutsvaira mumba chero kusuka ndakarishaiwa ini .Ndakabva ndapinda mumba kwave kuzvambarara nedumbu pamubhedha ndichichema dzimara hope dzandibata . Ndakazopepuka kuma3 masikati and l knew kt vana vechikoro vakange voda kubuda .Hana yakarova ndichifunga kt ndainge ndazorarisa ko kuri kusvikirwa naRichard ndakarara ndaizodii. Ndakamuka ipapo faster faster ndikatora chemba yeweti yakange ichimo mumba ndichiti ndinorase ndichingobuda pa door ndiye dhumha dhumha na Bamkuru Raymond, Richard's twin brother.Vainge vakabereka satchel nekasaga bag mumaoko kairatidxa kuti kaive nemango mukati.Ndakanzwa mate ose achiuya mukanwa mangu ndikamhanya kunobheura chemba mutoilet bvandawanhanyira ndichinovapa hug . Ndakademba chandakazviitira cz Havana kana kundi huger back . Instead vakandimwaya nemubvunzo vachiti "Pano pari kumbotsvairwawo yard here nhywe Rita .Mumba matsvairwa here umu .Ko maplates haana kusukwa wani .Ungasiye poto ipapa here ungadyire mupoto wosiya iri ipapa ko watadza nei kuirongedza" Ndakange ndadyaka munya uye ndakadyira mupoto ndichikokota soup and ndakabva ndangosiya iripo paye pandakarara .Ndakazenge ndavateverazve mumba varamba kana nekutambirwa kwose . Ndakapererwa kuti ndivo vaye vaimbove sweet here madays aye kubhora inga vanhu vanoshanduka sure . Vakapinza bag mubedroom vakabva vadaidzira nenzwi riri pamusoro rakandivhundutsa vachiti "Iwe Rita ukati uri munhu here kasika kuuya ubvise macondom aya amarara muchishandisa une hutsvina diiika manje pano panokupisa haupagare ndokuudza .Or uchatama nemurume wako nxiiiii" Chero kuda ku explainer zvaibuda here guys .Ziso raRay raive rakabuda kudarika raRichard kutotya kurohwa zvangu . "Ohh God what have l put myself into " I talked to myself. Ndakatevera mubedroom muye hana iri mumaoko ndichibva ndatora paper ndichibvisa macondom aye ndichinoisa kutoilet .Ndakadzoka ave kutowaridza pamubhedha ndikabvandapusa .Ndakapinda mukitchen ndichida kutora maplates ndikawana musisina . Ndakabuda panze ndikaona iyazve atovhurirwa kunyikirwa kt apfave zviya .Ndakatora sipo nechisukiso kt ndinosuke ndichibva ndadaidzirwa nepawindow zvekuti chero manext door akatozvinzwa . "Siya ndisuke muroora munyowani ungasvike na3pm wakarara unoda kuitirwa naani basa .Imimba here inokudaro iyo isati yakumbooneka iyoyo.Rega ndiite zvese " Yaa ndakazvuva makumbo ndichidzoka kumba asi manext door akange otomhanyisa riri fresh guhwa apa . Ndakagara paveranda hanti mumba maicleaniwa here .Ndakazonzwa ave kutaura pa phone and am sure aitaura naMama vake . Ray :Hello mama , Richard akakuudzai here kuti akamitisazve umwe musikana ........Ehe aripo pano zvino ndasvika asati atsvaira mumba kana kusuka ........It's better movadzinga pano nemunhu wake....... Okay mama bye ." Vakatanga kuimba nemuridzo uku vachicleaner zvavo . The devil himself akabva a lander from school akasvikirana nemutwin achisuka ndiro .Akange atouyawo zvake aine dzakewo . Richard:Iwe Rita wakadii kundiudza kt passport wakanotora .Wakasara uchiita chikumbohware pano uchienda kuchikoro uko .Manje hapana kwaunoenda nayo passport iyoyo ndoida mumaoko mangu tisati tarara nhas. Ndiudzeiwo kt passport yachona yakasainirwa naani .Pfungwa dzangu dzakamanyira sir Tembo kuti vaida kundikaurisa chete .Ndaida kuvaendera kuchikoro ikoko coz handina chandichanyengerera ini kwavari .Ndaida kunovabvondora zvekundinyenga kwavo ikoko . Me : Richie handina kumbotora passport ini l think yakatorwa naSir Tembo coz vaindinyenga vachiti vaisazobuditsa deal rekuti ndine mimba . Guys Ray akabva afamba akasvika nekundipa mucheka wakabuditsa mututu ipapo ipapo. "Unondiudza zvekunamana naTembo kwako here ini.Unoda kufira mumaoko mangu handitika come closer mpfanha " akadaro . Ipapa ndaizvuviwa ndakabatwa waist band yeskirt yekuchikoro yandaive ndakapfeka soo.Mabhatani akabva adambuka ese skirt yakashwinywa zvekuti ndakanzwa kt pano dumbu harichade ndikati "ndokumbirawo ruregerero hun " akabva awedzera kushatisa face achiti "Inga unondisaiza ungakumbire ruregerero rwekuita bonde nemumwe murume here .Inga unondiona semwana mudiki ." Raymond akabva apinda nemaplates ake achiwedzera kukwamatatawo achiti "Shaaa ndasvika hure rako risati rasuka kana kutsvaira mumba ribvunze kt raswera richiitei "Vakomanaka ndosaka bamnini Cono vakange vandipa warning dii .Ndakazvindwa ndikatanga ndichishiwira kusada kunzwika nevekumaraini asi zvakazondikunda ndikaikwetsura mhere yekuti vamwe mother vaigara panext pavo vakauya vachimanya kunonunudza . "Nhymi ana two munodarireiko mumwe .Imi mainini pano muri kutsvagei munofa navo ava .Mumwe akabva pano mimba yabva .Kana uri mumwe rongedza bag rako uende kumba .Imi vakomana musiye tsika yenyu yekutora vana vevaridzi muchitambisa kudai ." Akakanda bhande pasi Richard asi butter nesugar ndanga ndainzwa .Mother vaye vakabuda vakadzokera kumba kwavo ndikavati "Maita basa mama" Vakacheuka kunditarisa vachibva vati "Kana uchiziva zvakakunakiraka enda kumba kwenyu pano haparoorwi munhu vana ava vane mashavi chaiwo .Munun'ina wavo chaiye anooneswa nhamo pano kwave kuti iwe hako usina ropa navo " vakafamba vachienda ini ndikabva ndatanga kuyeredza misodzi ndakagara panze ipapo . Nhymi kumba ndainoenda kupi kunoti mainini ndauya nemimba .Ivo maiguru havo vainditambira back here nhymi .Ummm vainge vanditsvata vana ava sure .Ndakademba advice yaKisha apa dai takaudza vanhu vakuru pachine nguva . Ndakazonzwa nehwema kuti vaitosvuta madrugs varimo mumba mavo . Vakabuda panze nechi changani bag changu vachibva vakiya madoor avo Richard akati "Ndanzwa uchipihwa advice namai Matema and it's for the best,enda kumba kwenyu handigari nehure rinonyepa .Door ndakiya coz munhu anonyepa anoba ". Ndakada kubvunza kt ko bamnini Cono vaizodii asi ndakatyira kure zvangu .Maida ndisiye ndapihwa mabhutsu here . Vakabuda vakomana nekwaiendwa handina kuziva .Asi ndakatorerukirwa kt vaenda .Hanti yaive Friday saka ndakazoziva kt bamnini Cono vakange vaenda ku weekend kuna mama wavo.Ndosaka Bamkuru Raymond vakange vauya . Ndakafunga kuenda kwandaigara kuphase 2.Kunze kwakange kwasviba saka ndaifambisa ndichitya kuzobira pabridge ndega . Apa nzara zvayakange yoita mudumbu umu zvakange zvakatooma chaiko . Ndichisvika pamba ndakaona kamoto mukitchen ndikati thank God chaiuya chaizoona inini .Ndaisada zvekuenda pagogo Kadzima coz ndainyara yambiro dzavaindipa dzacho nenyaya dzevakomna idzodzi. Ndakaona mukitchen muchitobaka moto asi maisave nemunhu yaingove poto yesadza yaikwata and paside paive nekapan l think muriwo wakange waibva .Ndakazeza kushevedzera kt gogoi Saka ndakagara pasi ndichimirira muridzi wepoto .Ndkaazonzwa hehe hehe hehe kutaura kwevanhu vaiuya ndikaziva kt uyu ndiye muridzi wepoto. Asi second voice manje rakandirovesa nehana ndikabva ndatiza kunohwanda kuseri kwemba kwaive kustand yekuseri iine makwati . Voice :Ndamuona ini munhu gogo aita sekuti apota kuseri asi akabata something mumaoko .Haaa nhasi ndipeiwo musikana one wekurara naye gogo baba Taa havasi kuuya ndinobiwa pano .Yedu yekuda kuroja kwakachipa iyoyi . Gogo Kadzima :Ipfungwa dzako muroora hapana munhu apa .Unototya handiti pano ndakakuudza wani kt paigara mwanasikana Ari one achitovata ega hapana chakambomuwana wani . Voice :Akazodii hanti makati akange ave kucampesa vakomana here . Gogo :Ipapa hanzvadzi yake yakauya ufunge ndisati ndakupinzai pano .Aive nelucky mwana iyeye aimhanya kuchikoro uko manje akange awanirwa gap rekunomhanyira kunze kwenyika .Ndakaiona ini passport yake nemaziso angu .Yakapihwa iyo hanzvadzi yake .Yakasvimha misodzi pano ichitotya kudzoka kumba Kuna baba vemwana iyeye .Hanzi vakange vaita zvekumuramwirwa pavakamutora .Saka handina kuzovabvunza kt baba vemwana vakati kudii handina airtime zvangu haaaa gogo Kadzima dzaivhurika guys .Ndakaramba ndiri pagwati vachivheneka vheneka nematorch avo .Paizobudika here guys panhu apa .Ndakabva ndatoti ndaizogona kurara mukitchen yepanze asi nzara manje hayas Ndakabva ndatoita zvekurara pasi kutsamhira bag rangu .Ndakazooneswa moto nemosquito yaivepo eish ndakapinda ma one kani .Mai Taa vaye vakazopedxa kubika apa kamunhuwi kesadza ndiko kakandibuditsa musango muye .Ndakasvika vakutopakura ndikati "Gogogoi " vakadavira vachibva vabuda panze tichibva tamhoresana .Ndakavaudza nyaya yangu yese handina kana chandakasiya vakanzwa tsitsi dzisingaite .Vakada kumboshevedza gogo Kadzima asi ndakavaudza kt ndaisave ready kuvaona .Ndaingoda pekuvata nechekudya chete . Vakandipinza mumba ndikapihwa sadza rangu ndikaritinha .Taa wacho handina kumuona ini chero kubvunzawo handina .Baba Taa handiti hanzi vaisavepoka ndaivhunzirei .Chimwe chinhu chakandifadza chaive chekuti passport yangu yaive nabhudhi.Yaive muma safe hands chaiwo and l know kt vaisazomboipa marujata wadad ba . Ndakazovata hope dzemabikwa ekurohwazve and Richard haana kumbonditsvagawo l think akange ototiwo zvamubva zvemukadzi nemimba .Ndakabva ndatotiwo ini zvandibvawo zve abusive marriage,though ndairwadziwa nemari yaakange ati anayo yaakabva nayo kwaChiyadzwa .Ndaida kutenga preparation yemwana veduweee. Stay tuned Mukundinetesa pakusalaika ndonyorawo idiki chapter 😭😭😭😭😭
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 675

Comments