MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋 WhatsApp Channel

MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋

13.3K subscribers

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
3/1/2025, 7:36:49 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 🌼🌼🌹🌹🌼🌼🌹🌹🌼🌼 HELLO GUYS LET'S FOLLO MAI ISHE NOVEL💖 VANE NEW BOOK RIRIKO RINONZI *INCIDENT OF LOVE* RINONAKIDZAI HANDEI TINOTANDARA TIRIKO UYE KUNE MAMWE MABOOK AKAPERA KARE MA FREE BOOK ANOSANGANISIRA. *ROMEO* *VAMWENE* *IT INXEPLICABLE* *SISTER* NEMAMWE AKANGOWANDA WANDA CHAKO BAYA FOLLOW CHETE *LETS FOLLOW CHANNEL KWAMAI ISHE KUNE MABOOK ANE ROMENTIC YEMHANDO YEPAMUSORO IKOKO UNOPEDZA NYOTA NEKUWANA ZIVO, VANODA ZVIDZIDZO ZVAKASIYANA SIYANA JUST FOLLOW MY SISTER VANOGONA* ⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️⤴️ https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 INCIDENT OF LOVE Ngatipindei muchannel nokuti ndoo muchasvikirira book redu uye kune mamwe mabook akapera kare ariko STORY BY MAI ISHE 🚦0783873⁷¹5 🚦0716964³⁴5 🚦0719420¹⁵9 All rights reserved. Parental guidance is advised Group link👇👇 https://chat.whatsapp.com/JDJQXHXVBBq9HYYtHUh2At CHAPTER 1️⃣ *ALONE* "" Asi nhai Andy ukaramba uchindi spoiler kudaira,ndichazokwanisa here kugara kure newe"" "" Ndoo zvaita kuti ubve watadza kusimudza musoro wako kunditarisa here mudiwa, inga zvandinongokupa mazuva ose ndizvozvo wani, hamuna chinoshamisira tungori tuma chololate netuma mints chete nothing serious"" ndakangonzwa kamwe kakunyaririra soo apa chocolate yacho ndaitoida zvekudaro, ndakabva ndavhura kaplastic kwcho, ndokutora kaone bar ndokuisa mukanwa,apa Andy ndoo type iya isina kana nyadzi inobva yakutarisa zvokuti kana kutsenga chaiko unobva watokundikana nekunyara "" wabva watonyara kutsenga, it okey chindidyisawo"" ndakanzwa kunyara kwakapetwa Andy adaro,ndakashaiwa zvokuita apa kudedera maoko kwandakange ndave kuita"" Alone Alone babe,kusvika rinhi uchindinyara kudaro inga patove netime tadanana wani uchandijaira rinhi,""Andy akataura kudaro achindibata bendekete ndakakaita kamwe kakumerera soo kaye kekutya nokuvhunduka nguva iyoyo ndakabva ndatanga kukakama"" aaah aa Andy"" ndisati ndatopedza akabva anditi""sorry Alone"" pakadaro pakabva papfuura vamwe vakadzi two "" mmmmh ingadai vakachiroorana zvavo nokuti kazhinji ukaona zvodai kushura kusagara vese vana ava vadanana mufunge "" zvose taizvinzwa ipapo Andy akabva anditarisa ndokuseka hake"" aaaah chinyarara kudaro zvee, zvino mai Give vanozvibvima here izvi,asi unenge waona, iwe uchakaro taura chokwadi iwe"" vakadaro vakadzi vaye vachitopfuura ndaive ndakagara bucket tiri pachibhoranai checancel Musakubva, asi ndanzwa izvozvo ndakabva ndatosimuka ndokutanga kugoja mvura yangu"" watotsamwira vakadzi vemakuhwa ava "" paakadaro Andy handina kudavira ndakaramba ndogoja mvura yangu iye ndokundibatsira, mugomo wave kuzara ndakabvisa pawaive ndakuda kusimudza akabva abata bucket "" nhai Alone inga tambonge tichiwirirana wani,unga tevedzera mashoko evanhu here"" pakadaro Andy ndakatarisa kuside achibva afamba kuuya kwandaive ndatarisa"" chimbonditarisa kana ndichitaura newe, uye undipe nguva"" ""Nhai Andy, vakadzi ava ndoo vekutanga kutaura izvi here,ko sei zvichiti pose patinofamba tese kana kumira tese vanhu vanotaura zvakawanda pamusoro pangu newe m,neniwo ndine zvizhinji zvandinonzwa zvinopinda munzeve dzangu mai vako vanoti wakadzidza iweee havafi vakatendera kuti uroore musikana asina chaanoziva seni""pandakadaro Andy akabva andibata ndokundimbundira,ndakatanga kutya nokuti chandaiziva pataive paive panzvimbo inosvika vanhu chero nguva nokuti ndoo painwa munhu wese mvura sezvo takange tisati tane mvura yakachena kunwa, kusara kwana Andy ndoo vaive nezvakavakwanira kumba kwavo,zvadaro ndakaita kuti pasave nemumwe munhu zvee angasvika panzimbo apa akaona takamira tese, sezvataive takaita""Andy shaaa chirega ndiende kumba hazvizode hunhu hwandaita uyu pamba pane vanhu""pandakadaro akabata bucket rangu ini ndokufamba ndichimutevera ""nhai Alone saka vave sei tete vako ""pakadaro Andy ndakaseka ndokumutarisa""ndange ndichida kukuudza nyaya iyi nguva dzatasangana asi iwee unozowanza kuve sweet kwandiri zvokuti kana ndinewe kudai handina kana chimwe chinhu chandinofunga"" ""Ndikasapa iwee rudo mumwe wandingapa ndiani,ndinokuda Alone'"mashoko ake akasvika achigara pakati pemoyo wangu zvokuti ndakabva ndakanganwa nenyaya yandaida kumuudza yacho"'usati wakanganwa ibva wataura nyaya yacho,""ndisati ndataura ndakatanga ndaseka""unoziva guhwa haridi pamunhu akanyarara, Shallom she is so quiet,zvokuti ukamunzwa ataura hamheno kuti unenge wamuitei, but nhasi ayita shura kumba uku,nhasi ndini ndanga ndine duty rekutsvaira mumba iye achigadzirira vana soo ndangoona munhu amira kumashure kwangu mu passage,apa ini ndiri ku moopa ndatomupa way kuti apinde but ndanzwa ave kunditi , iwee Alone tete kuchiri kurwara here kana kuti vave kutonakirwa nekugara pano,zvavanodai imba yacho isati yapera ko'asati apedza nyaya yake ndaona tete voti tsveya tsveya nemudonzvo wavo ndokupinda mutoilet ndanzwa kunyara Andy, nokuti tete varatidza kuti nyaya dzese vadzinzwa""ndichipedza kudaro Andy akaseka ""Iwee ndiShallom adaro here yoo anototaura kudaro"" ""Shaaa even mhamha was surprised pandavaudza pavafona ndoo chinhu chandatanga kuvaudza,but iye ahasisiri comfortable,nokuti tete vave kumuitira mamoods but anga achitaura chokwadi hake,yes shaa I know kuti kumba ndoo kunosvikira munhu wese apinda mutown,but zvimwe zvacho zvinonyanya ufunge hako,ini ndave munhu akura ini 22 shaa ndakazvichengetedza wani, inga vezera rangu vakaroorwa kare ""pandakadaro Andy akagadzika bucket pasi ndokunditarisa '"you are right Alone, kumba kwenyu zvinonyanya yes muri vana asi munodawo space asi kumba kwenyu hazviko every week munogara mune vayenzi kwete ve two days asi vemwedzi wese even vabereki venyu vasipo"" ""Image shaa ingadai mhamha varipo better,anyway ndakanzwa uchiti wave kuda kudzokera saka kuno kwaMurare unodzoka rinhi""pandakadaro Andy akasimuka ndokumira akandibata muchiuno ""moyo wangu uri kutorwadza kukuudza kuti ndodzokera mangwana, but this time ndoda ku manager zvinhu zvangu ndinofanirwa kudzoka kuno ndichikuona every weekend nokuti ndinogona kunoshandira kuKaranda in two months time""pakadaro Andy moyo wangu wakarwadza kuita sekunge akange atoenda kure neni nechekare,ndakamutarisa mumaziso misodzi ndokuyangarara apa ini ndaisada kuti azvione kuti ndoo zviri kuitika kwandiri,nguva yandakatarisa pasi musodzi wakabva wanowira pamusoro pegumbo rake apa ayive akapfeka mapush akabva anditarisa"" Apa uri kuchemei apa babe,inga ndiri kuti evry weekend tinenge tiri tese wani""yes akange adaro hake asi ini mumoyo mangu ndaiona mashoko evangu vose ava achizadzisika zvishoma nezvishoma""noo handisi ku""pandakadaro akabva asimudza face yangu ndokupukuta misodzi yese achibva andikisa pa forehead "" i will always be on your side, right here""akabva abata pachest changu ndokupihwa hug,but still pain haina kubuda mandiri akabvisa t-shirts yaive akapfeka ndokupeta achibva agadzika mumusoro mangu ndokusimudza bucket achiisa padenga, handina kutozomira ndakabva ndafamba asi pandakacheuka anga akamira akanditarisa,pandakapinda mu gedhi ndoo paakamhanya ndokuenda kumba kwavo,pamba paive nerunyarara I checked marooms ose ndokuona musina vanhu even muroom mairara tete,ndakatoshaya kuti vanhu varikupi,pandakatenderera kuseri kwaive nezumbu rehuku ndoo pandakaona tete naShollom vachibatsirana kuundura huku,pamba pedu taiita zvekuchengeta huku ma boiler's soo pandakaona vachiundura huku ndakatofunga kuti mybe yakange yarwara"" asi dzatanga futi kufa kani"" pandakadaro tete vakaseka uyu zinyerere akabva asimuka nedish raive neminhenga ndokunorasa "" hezvo Alone kureva kuti huku yarwara ndoo inofanirwa kufa here,mhamha vako nadaddy vafona anzi vachangosimuka kuKatiyo izvozvi, ndatoti nekunetsa kwamai vako kuye pork havangadyi"" pakadaro tete hana yangu yakarova apa mai vangu vaive vakazvitakura,ndakatovhunduka chaiko kushaya kuti chiii,ndokutomhanya kutoilet kunochaya zvandakatoshaya kuti chiii uku hana ichirova zvakanyanya"" zvokuti pandakadzoka paive natete moyo wangu hauna kuve nemufaro ndakatarisa paive nezuva pacho ndokubaya foni yatete ndokuona dzave kuma four, ndakaita kakuvhunduka soo "" aaah Shallom ko dzatove 20 past four mwana asina kunotorwa madam vacho nezuro vakapopota tiri kunonoka kunotora mwana"" pandakadaro, ko Shallom ayisada zvee nemuromo wake, nguva iyoyo akabva azvitarisa ndokunditarisa,ko ini ndaive ndakajaira munhu wangu kaa, ipo akange atopedza neni, handina kutaura ndakangopinda mumba handizive kuti chii chakaitawo nditore hembe yaAndy ndipfeke hamheno, ndakangotora pasofa payaive ndokupfeka ndichibva ndaenda kuchikoro kwaSusan,ndakatopinda ndokutora mwana ndokubuda zvakanaka ndave kufamba kuenda kumba ndoo dhuma dhuma namai vaAndy ndakaita kudedera nokuti ndaivatya chaiko"" maswera sei"" ndakadaro ndichitofamba kuenda semunhu wandaiziva asingandide hake, vakadairira pasi asi tichangopesana ndakanzwa "" mirapo iweee , hambe ndeye mwana wangu kaiyi,yaanga akapfeka hezvo manga muri mese zvenyu"" munoziva ndaive nemwana asi ndakanyara kana madairiro chaiwo ndakamashaya ndokungozvitarisa apa ndaive ndakabata bag remwana mumaoko"" kanganiko ndichikuudza kuti uri kutambisa nguva Alone, wanyorera rungani nhai mwanangu uri kumbodeiko pamwana wangu chawavavarira kudaro,ndingaudza vanhu here kuti ndine muroora dofo sewe, Givemore ndi lawyer mwanangu,uye mukadzi wake ndidoctor,Andy ndi Doctor ko iwe uri chiiii,muchengeti wehuku,heeee hure reraini rino"" handina kuvadaira ndakatarisa pasi ndokunzwa hasha misodzi yangu ndokuyerera"" sisi handei kumba"" kakadaro kamuni'nina kangu kakandibata ruoko nguva iyiyo ndakaita zvekudhonzwa hembe iyoyo ndokuzunzwa zunzwa ichibviswa zvokuti pandaive pacho pakatozara vanhu munongoziva kahunhu kemu location soo hamheno zvazvaive, handina kuda kuita nharo nehembe iyoyo ndakaibvisa zviye zvekuti vanhu vasaramba vachizara apa mungoziva zvinoita vanhu tuma video twakabva twatanga kutotorwa ipapo, ndakangoti kubvisa hembe iyoyo ndichivatambidza ndakabva ndatofamba kuenda kumba, ivo vakasara ndokubvarura bvarura hembe iyiyo, handina kana kutozocheuka nekunyara misodzi yongo yerera kusvika ndasvika kumba ndakarwadziwa zvakanyanya, ndakamboda kusendera Andy message asi hasha chaidzo dzakandikurira ndokuzvivharira door,ndakaita nguva ndirimo ndichichema hapana kana akazviona ndakatozobuda imomo ndichienda kunogeza ndave kudzoka kunogeza ndoo pandakaona message from Andy✉️""am trying to call you but phone yako haisi kuita am truly sorry nezvaitwa namhamha ndaona vedio rako pafacebook izvozvi"" ndichiona message yake ndakangorwadziwa soo and zvose zvaigara zvichitaurwa nevanhu musi uyu ndakaona chiri chokwadi pana Andy ndaitambisa nguva yangu handina chandaifira,"" nguva iyoyo ndakabva ndadzima foni yangu nokuti ndaitoziva kuti ayisapedza kunguva asina kufona, musi uyu hamheno zvazvaingove soo ndakawacha uniform yemwana but zvakaita sekunge ndawacha maziwasheni chaiwo apa chainakidza yakange isina kunyatsochena, handina kuzvitarisa ini asi ndakayanika yakadaro ave manheru sadza rakabikwa hapana akadya, munhu wese akangotsunya ndokutosiya rakadaro nehuku iyoyo"" nhai tete mazombonzwa here kuti vana mhamha vave kupi"" ."" Haa foni dzavo vese dziri kuramba sezvo kune makomo pamwe dzichaita,""takasvika pakunorara vasina kumbofona pasina ayiziva kuti vave kupi, apa ini foni yangu yakadzima,handina kurara musi uyu zviye zvekungoshaya hope uchishaya kuti chiii, zvekuti nguva yandakabatwa nehope ndakaita hope dziya dzemadzikirira dzekupepuka zuva razara mumba apa munhu wese akarara, handina wandakamutsa asi kuti ndakamuka ndokugadzirira mwana ndichibva ndatobuda naye kumuperekedza, vanhu vainditarisa zvakanyanya muroad, ndokumiswa nevamwe mai ndokunditi"" usazvidya moyo Alone uku kutori kupenga kwamwi Give uku, kupenga chaiko,hazvikutadzise kudanana naAndy chakakosha kudiwa kudanana.kwenyu ivo vakadzidza here"" handina kutodaira ndakangoseka ndichienda kwandaienda, ndave kusvika pagedhi rechikoro ndakanzwa mhere kugotsi kwangu, hana yangu yakatsemura ndokucheuka kutarisa kumashure ndinzwe pabuda mhere paive nechee..... . Stay tuned *Endai kuchannel kwavo nokuti muno handichaise zvee book iri* Mhamha vaIshe 💖

👍 🙏 😂 ❤️ 😢 😮 12
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
3/1/2025, 5:28:49 AM

*Vanhu vasiri kulaika chapter 7 iyo by Ginde .Hatisi kumira 400 vanhu versus 300 varamba kulaika 🤷‍♀️*

❤️ 👍 🙏 😢 😮 😂 34
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
3/1/2025, 5:28:04 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Pindai muchannel guys , ndogona kujambira machapters nemistake kumagroups please https://chat.whatsapp.com/FgrkiGxuoG27N5gFwRkjSn Our main group link iyi pindai rinouya nenguva book imomu Book #15 MAI ROSSAH By Mai Maka aka Masimboti 0786923205(calls and sms' only) Mai Rossah Chapter 7 "Mari munayo here mama ?" Akadaro Rossah ndave kuda kugeza .Takange tisina kugeza kubva kuseni.Mai Shantie vakange vasina kumboendawo kumba .Ndakapinda mataigezera ndikateverwa naRossah achindibvunza mari ndikati "Ndadzosera Mai Shantie 10 yavo iye yavakatipa yekutenga kweshe " "Dai tisina kumbovaka musasa dai mhino dzakafembera, lzvezvitave kuita makuloss asina nebasa rese" "Taigara pai mwanangu,chero Dady vako vaichemerwa pai .At least Mai Shanti ndivo vakaita Mwari wedu ndivo vakatibatsira paye ." Akaramba akanyarara ndikabvisa chishort chiye akati "Ndipei ndibate " Yaive funje yemari ndikabva ndaona achiiverenga akati "Pari kushota $20 mama " "Ehezve ndapa Mai Shasha " "Munoreva here kuti pa2 hours dzandaenda kuAmavheni idzi mabva mafunga kutoparadza 20us pa2 hours idzodzi " "Handina kumbofunga kuti zvichanetsa sorry Rossah " "Ahhh moita ini sorry here .Zvinzwrirei tsitsi imimi . Handina kuti paradzanai nasahwira wenyu mukuru kwete ,asi ndiri kuti inini musavhurike ma vulve nepasipo mama .Mukada kutekenyedzwa nemari hazvibudi . Ingadai mapihwa change kana kuti mavaudza kuti Rossah wacho haapo ," "Rossah mind you takabatwa tose navo Mai Shantie nemwana wavo pamutaka wachoka saka tofanira kutovapawo something as a token of appreciation " Akaseka achidzokorora kuverenga mari iya achibva aita kugara pasi akati . "Mutaka uchiriko kunaMandebvu and hakuna Munhu anorambidzwa kuenda kuAmavheni kupolice kunopihwawo .Ini towards rufu rwa dad vangu ndiri kutoda andipe Mari Mandebvu anaro gold redu rakawandisa .Muchawaona vachitenga mota dzavo isu tingori pamusasa pano tichiita mahumbwe tisina kana kukwanisa kutama ." "Hatiregi kutama Rossah " "Tinotama sei Imi Muri kuti pa2 hours matodya 20 " "Rossah ndaidya heremari?" "Yashotaka mama iyi ndikoka kudya kwacho .Tarisai kwatakabva. Ivo vana Mai Shanti vachonvaingovepo tichidya nhoko dzezvironda wani " "Usataure uchidaro Rossah.She is my best friend anondibatsira .Dai asiriye tisiri pano nhasi .Nhau iyi unoziva kuti yakakura ?" "Mama ini handina kuti ipfupi kana kuti yakareba kwete .Ndinoona sekuti tikabuditsa ma20 per 2 hours hazviite .Ndinobva ndaweka kuti nhamo dzadad dzikatora two weeks kuti vavigwe tinenge tisisina kana cent mapabata here mama .Handisi kuti musarambe nemabhururu enyuka ini " "Ewo Rossah " "Asi Skala iye yamakapihwa mukaidzoseswa nadady and ndakafarawo sei .Vaida kukupai mafuta ekuzora paye iye Rueben airwara maronda tichishayiwa chekunomurapisa paye,Paidiwa detol inoita Dola paye ..Handina kuti vaifanira kutichengeta nekuti Dady vangu chaivo vakatadza kutondichengetawo so there is no way munyapena aizondichengeta .Asizve ini ndiri kuti Mari iriko kucamp munhu wese ngaaende kuna Mandebvu,ndiye ndiye ane saga remavhu redu .Ukabhobhawo munhu unobvunzwa naani " "Mai Rossah haupedzi here nhai iwe ?" Vakashevedzera Mai Shanti vachiuya kuchinjausi changu "Ndapedza Mai Shantie ndave kubuda " Ndakabatikana nezvakange zvataurwa naRossah.Mai Shanti vainoipihwa naani mari kucamp .Chero zvandiri pano kudai ndainoipihwa naani zvangu Mari iyoyo.Kungotanga here nekuenda ndoti "Amandebvu mari iya mazodii " Ini zvaindiremera , maybe kwaive kutya vanhurume zvavo .Ndakamirira Mai Shanti uyu Rossah akagezawo takangomira .Akatora mari akabva aiisawo pakati pake pemakumbo Mai Shanti vakati "Usakare mari zvakadai Rossah .Ini ndoti dai wandipa heyo mari ndinoichengete kumba kwangu .Icharasika mari iyoyo tikanetsana.Ndipe ndinoise pakabata mari yacho ." Hana yangu yakarova kutya kuti Mai Shanti aizopindurwa pfocho naRossah ndikabva ndati "Haaa mumba Mai Shanti inonetsa mari .Ikozvino regai iti pane munhu ndipo pairi .Kumba kwako hakuna munhu uko so ndiri kuti inini vanhu vanogona kutopaza door .Pano pacho pachawandiwa futi saka mari ngaichengetedzwe zvakanyanya ." "Ahhh hoooo ndanga ndisina kana kuzvifunga hangu .It's okay mataura zvandanzwa ipapo .Asi vana Rossah nemovement yavo iyi haizodonhi here mari nekuti for now vachange vachiita ma up and down ka ." "Haaaa regai igare ipapo " I said ndichizvidzora hangu kutotya kuti Rossah aigona kuexploder ipapo ipapo zvikashaya basa . Vakabika vana Shantie naRossah Imi woye takaridhinda chaizvo.Takange tatengerwa netumatemba naRossa so raidyikawo zvaro. Takapedza kudya tikagara panxe mumba maipisa .Chedu kwaive kumirira mashoko kubva kupolice chete .Takazoona kumanheru vauya mapurisa vakati "Vehukama huyai padhuze tione " Vanhu vaingouyaka vachibata maoko vachienda kudzimba kwavo.Ipapa vanhu vaida kunzwa ma update asiri awo Chokwadi manje Tom wacho aiziva basa rake.Vakasvika vakati "Zviri pano zviri tricky vanhuweee .Handei kupolice uko Kune nyaya ." "Hanzii body takupihwa here ?" "Body yave kubuditswa ,post mortem iri kuti baba Rossah vakashandisirwa demo kana kuti "bhemba kana badza .So we are doing further investigations on that one " Ndakatura femo ndikati "okay officer hapana chakashata " "Masiya Fortunate here amupurisa" Rossah said mupurisa uye akaseka zvake akati "Hatina umboo Rossah so Hatina conclusion ipapo .Tichakuudzai kuti zvamira sei .Aendeswa kuharare ku CID headquarters,anga achingotaura achiti iye akaona Rossah naShanti vaine bhara akazoonazve Imi vanamai muine bhara Saka statement yake haisi kuita meet up nekuti paye maitambura nesaga regold " "And hatina kuziva kuti iye aifambira munhu ave kutoora mufunge " Rossah said vakabva vati "Haa kuDhikaz achauya zvake adzikama .Kana ave kuenda kucourt tokuudzai kuti zvakamira sei .Asi parizvino mutumbi uri kubuda mangwanamopihwa then morara muchiita maprogram enyu burial yoitwa kuswera mangwana " "Pakanaka officer maita basa " I said vachibva vaenda zvavo .Rossah akabva atoti mangwana aimukira kupolice odarika nekuconvent kuma sister kuye ozonanga kuchikoro kunopemha .Akamukira naShanti achibva aenda kuchikoro.Vakadzoka nevana vechikoro vakatakura macabbage mafuta nerice ndikati "Wanoti chii kuchikoro ikoko Rossah .Hatidi zvinhu zvekuzonyara Isusu mangwana " "Mhamha handiti ndi Dady vaShantie here vafa .Ndavaudza mateacher kuti Dady vaShanti vashaika " "Rossah ndibaba vake here Shanti vafa ava ?" "Saka munoti tiite Mai Shantie kuti mama pakudii ,ndimai vangu here .Same applies to Shanti .Anongokushevedxai kuti mama wani apa " Akadaro achimunira 20 kgs dzerice muchi baby blanket chaReuben achiseka zvake akazoti "Rice haridyiwe panhamo .Hakuna chirungu chakadaro .Kushaisha kugarika chaiko .lpapa ngaribire kwaana Shanti mama .Handisi kuenda neko .Toda kuenda kuporisi tozonanga kumasister kuitira kuti vaudze vanhu wavo vesangano kuti kunhamo kwanzi body mangwana mama " "Ehwo Rossah " Ndairichengeta Mumba imomo asi Shantie akabva ati "Rossah hatiendei naro tega .Unoti vana mama vanosimuka here Ipapa .Towana rave mubhodha nemamai aya emumakorokoza unovadii ?" "Vanorinika haaaaaa handidi drama .Handei zvedu naro zvinganetse hazvo .Ana mama havangambosimuki wataura chokwadi ipapo handei ." Vakadzvara rice ravo ndiye tande vakaenda .Rossah rinenge raive demon rekunyima cheta .Akadzoka katora 4 litres dzemafuta pane anga abva kuchikoro kwaana Shanti achibva amhanya kutevera Shantie wake .Takasara takati tuzu ndikati Kuna Mai Shanti "Mai Shantie saka todii gumbezi hapana gumbezi." "Ehe rodiwa gumbezi haritadzi chokwadi. " "Saka todii ,totenga here manje "l said vakati "Taifanira kutotenga .Ndisu tinonyara shamwari ." "Ehe pave nevanhu vechurch apa hapachadi kuita zvinonyadzisa Mai Shantie .Rega vadzoke ava ndipihwe mari naRosaah akadzoka wonotenga nefuko racho ." "Unobva watenga nekadish kekugezera mufi kacho kaya" "Pakanaka hapo dear " ROSSAH Takasvika kumba kwana Shanti ndikati "Imbobika chero cup imwechete zvayo yerice .Ndine nzara shaaa " Takabika rice redu maive nemachunks tikadya .Takapedza tikabva tatanga kuita mamovements edu.Takasvika kupolice first.Vaifanira kutotipawo chikafu nekuti rwaive rufu rwenyika urwu .Munhu akafira nhamo iyeye . Takasvika pacharge office Mandebvu aivepo akati "Vana mama vasarepi Rossah uri pano " "Vasara kumba avo .Ndaona kuti hazviite kuti nhamo iitwe ndisina kukuonai .Hazvina kumira mushe officer .Tauyawo .Kumba hakuna chinhu. Ndanga ndichiti sezvo rwaita rufu rwenyika kudai .Hamukwanisiwo here kuti mutiitiroo plan chero hupfu nemacabbage nekuti kumba kwacho makakuona Imi " Akandizvuvira kuoffice kwake naShantie akanditi "Mari yose yauinayo wadii watenga zvenhamo dzadad vako " "Handina mari ini ndakatengesa ne50 sinhi riya " "50 chii usandipengere.Wakatwngesera kupi iwewe ?" "Pavakomana vemedu ivava " "Vana Charles here ?" "Ivavo ndivavo .Vaitoti heeee mukuda kuramwa kutengesa tofonera Mandebvu " "Manje wakadii kuti vandifonere .Ipapa havachabvumi kuwedzera mari .Do you know kuti waifanira kupihwa 1000 us pazvinhu izvozvo " Hooo saka vakomana vaye vakandisketter 200 us hantika .Ndaida kuvagadzirira size yavo ndikabva ndati "Okay maita basa Officer Saka todii nenhamo yenyika " "Akuudza kuti ndeye nyika ndiani ?he said that achibva aseka zvake akati "Uri comedian hantika ?" Ndakaramba ndikati "Aiwa haaa kana kungoda kuziva nekuti munhu akaita zvekuurayiwa apa hatina chinhu . Asi hurumemnde haikwanisi kupindirawo ipapo " "Handina kudaro Rossah asi unouya kuzodemander here ?" "Sorry ipapo kana ndakanganisa asi unozoona kuti pamwe pachona vanhu vanobva vanyepa kuti ndaendesa zvinhu kunhamo yakadai asi zvoendeswa kumarizevha kune vabereki . Grocery rinenge richifanira kusaver vanhu panhamo .Isu kwedu makakuonaka ?" "Ehe hazvo Rossah asi maimborarama sei nevana nevabereki venyu anonzi aishusha zviri kuzivikanwa nekomboni yose .Pose pandiri mazuva ano nyaya dzacho dziri kungondida ndongonzwa vanhu vachiti Joshua Jiri ngaazorore kuitira kuti Mai Rossah vazororewo .Tell me more about your fanther" Ndakatura mafemo vaida kundinonotsa baba ava ko ndaida kudambura kuenda kuConvent kunovaudza vazive. zvaisaita kuita nhamo yekuvhundutsirwa.Ndakabva ndatanga ndavati "Pane chinobuda here Officer nekuti kuswera ndichitaura nyaya dza dad vangu pano dzinoda muswere ." Vakabva vatora bepa vakati "Zita rababa vako " "Joshua Jiri " "Iwe hauna kumboti wakavauraya here baba vako that day. " "Ani " "Iwewe ndiri kutoonaka iro bepa iri kuti pakanzi Joshua Jiri" Ndakaseka zvangu ndikati "Ndichivauraya ndichivagonq here kwaive kungotaurawo ndisingazive kuti vakafa ." "Okay next of kin toisa ani ndiani anokwanisa kuvabuditsa mumourtuary .Ndoratinoti burial order iri .Wakangwarira iwewe . Hazviite kuti ana mama vaswere vachifamba handitika .Unongoenda mandinenge ndakuudza chete wanzwaka " "Okay ndinoenda ko pane chinobuda here apa panhau yefood " Vakasiya kunyora vakaseka vakati "Rossah l wish l had a daughter like you " "Asi mune boys rega rega " "Hazviite ndikuudze hangu zvisina basa newe Rossah uchiri mwana " "Ini kuita mwana here vaMandebvu .?" "Ngatisiyanei nazvo mwanangu iwewe saina apa " "Shantie saina " "Mwana wavo here Shantie wacho ?" "Ini handigoni kunyora ini " "Ahhh ko nei munhu akangwarira kudai .kupedza mari yamai Rossah uchiita zvekunotamba kuchikoro zvako .Usadaro Rossah handitika " "Handina kumboenda ini .Ndakapedzisira kuenda kwataidya porridge kuye " "Kwaive kuchikoro here yaive feeding program chete iye Rossah taura chokwadi " "Ndaiiwanepi mari yechikoro.Joshua aisaita izvozvo .V Chaaiziva ndechekuti Mai vangu vanorohwa nekuvadyisa kanhengo kavo katema tema " "Wakakaona here iwewe Rossah " "Ehe ndaisarara ini ndichitya kuti Mai vangu vanorohwa here kama kuti kudyiswa nhengo .Imi mukadzi wenyu munomudyisa here " " Zvabvepi Rossah izvozvo " "Kungodawo kuziva zvangu ini ndatokwana kumasister ndokwandave kunopikira izvi zvevanhurume ndazvitadza kuswera ndichichemedzwa nevanhu bodo " Vakadzungudza musoro wavo vachibva vati "Ehe munhu anodya kana muchinge mawirirana Rossah asi uri mwana mudiki hatitaure nyaya dzakadai newe it's abuse " "Ko ini ndaizviona daily zvine basa rei Izvozvo " "Rossah huya ndikubatise pen apa ." Ndakaenda vakabva vaisa cross zvikanzi ndiyo yaunosaina chero paunonuditsa baba kumourtary ndizvo zvauchaita. Ndanzwa kuti mabvakure havana hama muno " "Ehe haaa ndoita zvakapusa izvi ndoita " Vakanyora zvinhu hobho ndichiverengerwa ndichisainiswa ndikazovati "Saka dhiri redu richabva rapera rakadaro here? " "Rossah ndokusunga wanzwaka .Ndiri muCID ini ndine zvizhinji zvandatoona Ipapa " Vaida kundikwatisa ndikaenda panzeve pavo ndikati "As long as my mother is happy ndoenda kwose kwamada vaMandebvu " Vakabva varamba vakanditarisa vakati "Am sorry Rossah nelife yawakararama yave kukuita nhinhi .Saka mota yekutakura body munayo here ?" "Ko nei muchibvunzawo mibvunzo nhando .Toshandosaka yenyu iyo Mahindra " "Ndeyebasa iyo inotosainirwa Rossah " "Tengaika mota nemasinhi aya asi mundisotewo chimwe chikamu ndoda kutsvaga pekuti tigare nemhuri " "Uri musikana here ?" "Hahaaha mave kupenga moda ndibvise pant kuone here ?_ Ndaisave nemazamu saka ndaida vaoneka nharo dzachona haaa vaipenga. Ndakabva ndatanga kucomplainer time yekumhanya kuConvent . Vakabva vati rega ndifone murege kuramba muchimhanya mhanya .Vakafona vakataura zvaivepo and Father akabva vakabva vati vaiuya kupolice vakapovider mota yavo kutakura body ndikapemberawo sei . Isu takazoenda naMandebvu kumba tichiendesa zvinhu ndikati Shanti asare achisketter zvimwe nekuti taisada kuita nhamo yegrocery .Ini ndakadzoka nana mama kunotora Dady .Kana azogara ngoma yeRoma bodo .Ndakazozvuviwa namai Shanti mudariro pachipatara paye vakati . "Kwana wanzwaka kutamba hwai .Uri kudiwa uko usaine baba vako vabude apa uri kupfichuka uchitsvagwa uko since .Wafirwa here iwewe here "Mai Shanti vaiwedzera kundimara hantika . Ndakabva ndatanga kupukuta dikita raiyerera neface yose ndakaita kutota ummmm . End of chapter

❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 418
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
3/1/2025, 3:55:27 AM

*Mrng guys muriko here uko .Comment Section haina kurara veduwee chii chakadaro ..Ma likes ave papi ndisati* *ndanyura muwashen*

❤️ 👍 😂 😮 🙏 42
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
2/28/2025, 7:21:30 PM

Hamen yakasangana nehareruya yemahara pa700 ipapo takaenda takaenda

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 50
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
2/27/2025, 3:30:44 AM

*Ma likes akamira toverenga sei chapter 3* 🤷‍♀️ *mamuka sei zvenyu* *or ndoita zve one chapter per day*

😢 ❤️ 👍 😮 😂 🙏 57
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
2/27/2025, 5:28:47 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Pindai muchannel medu muwane book from chapter 1 please https://chat.whatsapp.com/FgrkiGxuoG27N5gFwRkjSn Our group link iyi pindai rinouya nenguva book zvakare BOOK # 15 MAI ROSSAH By Mai Maka aka Masimboti 0786923205 (calls and sms'only) Chapter 3 Mai Rossah (Firidha ) Ndakasvika ndikagara padombo Mai Shanti vakati "Unogarirei ipapo .Mapoto haasati atsva aya" Aiziva here kuti ndaingove ne Aluminium yoga yoga .Akange atonyunguduka kudhara ,ndakamuti "Shaa mapoto atonyunguduka ayo " "Ndopandoti unononoka kufunga zvako Firidha ." Akamhanya kuda kubuditsa zvimwe zvinhu ndikaona azorora zvake akauya padhuze neni akati "Iwe Jiri aive murudzii ,l mean anobva kupi tribe yake ?" "Unozviziva wani kuti handizvizive and handitozive zvachose " "Zvave zveku rafurana here Mai Rossah ini kungoda kuziva zvangu .Ndatoshamisika kutiwo munhu anopfuka ne one day ? Zviriko here nhai Mai Roo " "Veduweee kupfuka kwekudii .Ihure rake rapisa iri. Imbori marii per night zvekuti asvika pakupisa imba yangu ?" "Ma 10 ukawana munhu anobhadha asi vana Fortunate manje vanoti dhurei hanzi vanorova chikapa mupengo kutsvitsa munhu mumarata emba achikacha " "Kukacha kudii ,uri kureva goi koi?" "Ehezve iwe ukamuona achizvifambira unomuona sei ?" "Handizvitarisi ini zvemahure ndozvidii ?" "Ane kadeya mumakumbo hanzika ndiwo avanoti masexy legs varume ava.Hanzi hakadi kuzoti tasvu kuvhurika kadeya kacho .Ipapa kake ukakaona unobva watongoona kuti akakavhura mbichana zvaendwa ,murume anoita go mad. Anonyura kupinda wose nemaporo " "Nhai imi mai musinguru ,makazvizivirepi zvose zvamave kutaura izvi ndiudzeiwo hamusirimi munoti here hamuchina hwira kwira nevarume.Wakamuonepi murume anopinda nemaporo mukati " "Ko ndati ndinayo here .Apa kungozama kukuonesa kuti nei Fortue apisa imba .Anoziva kuti anokosha uye anorira paAmavheni pano " "Zvichibatsirei zvekuririra kukwirwa nenyika yose nhai imi ?" "Wakasara Firidha hauna chaunoziva .Varume vanongoda tunhu twekuti unotopererwa .Imagine kuti deya rataikura tichingoseka kuti mateya mateya izvezvi ave kutotrender ,asina deya irombe .Unogona kunzwa kuti kwave nemapiritsi ekuvhura vanhu deyaka " Ndakaseka ndikati "Kwana iwe saka wati todii nemusikana wedeya wachona apa ?" "Wanga uchifungei naye iwewe .Plus taziva kuti ndiye here nhai iwe Mai Rossah .Imbobvunzaka Roseline tinzwe " Ndakamudana mwana akangobata chi 5ltrs chaive nemvura akabva ati "Mama ,uya musikana akauya akarohwa nadad usiku hwese vachishandisa chinhu chavo ndiye auya pano achivatsvaga dad .Ndamuudza kt dad havapo akabva ati unovaudza kana vadzoka kuti Fortunate auya akatora mari yake " "Saka ndiko kutora mari yacho here kwaaita apa, Kune vanhu vane moyo yakaipa chokwadi " Vakadaro Mai Shanti ndikatiwo "Saka haana kukurovai here ?" "Haana uyu angoti unoudza Dady vako kuti mari ndatora akabva adira zvinenge parrafin patende pedu achibva akwena matches akasiya pave kubvira " Moziva ndaitika avarova kana kutuka ndipo pandaiona mukana wekunomhanyara kupolice .Apa ndaimhan'ara sei kuti ndapisirwa chitangwena changu izvo zvaisabvumirwa .Uyu aingoda kugadziriswa size kwete mbichanaba . Mai Shanti vakatura femo vakati "Shaaa ini takaita pungwe uko tichitamba zvigure ,tiri kupedza nguva apa .Handei tinorare kumba mangwana toona kuti tadii nekugadzira tende yenyu hantika ." "Okay asi kutoisa ava mubhara kani " "Ko nei ?bereka Reuben ini ndobereka uyu Reliance ava vahombe vanofamba vega ndizvoka " "Okay thanks wangu " "Hapan zvekuita shaaa kubatsirana plus kuti tiende nebhara kuAmavheni nhasi mangwana tidzoka naro zvakare hazviite .Mangwana Shanti anotorovha zvake kuitira kuti Isusu tiite zvekutsvaga Joshua uyu " "Okay Mai Shanti handei " Takabereka vana tikabva tapinda nenhimbu yemuma E takanganga kumaD .Yaityisa road yacho nepakange pave netime asi taifanira kutoenda chete .Takafanba zvakanaka tikasvika vasikana vari busy kutotanba karadio kamai Shanti zvavo ndikabva ndaona kuti hapana nechaifungwaba apa .Kwaitove kupedza nguva chaiko kuvatsamwira vana ava . Mai Shanti vakabva vatoti "Isirai vana chikafu Rossah vasati varara " Waizoziva here kuti ndiko kumaD kwataigara kuye kwakange kwave kuita sekumwe kunhu kwandiri .Vana vangu vaivhunduka magetsi ndikabva ndaona shena yacho yawaive nayo ndikati "Rossah iwe chisana kuisa mvura vana vageze ava .Hona shena yavainayo " "Mama veduwee .Shena yavanongosiirara nayo mazuva ose here iyi .Ini ndakaneta pfudzi rangu riri kurwadza " "Waitwa sei pfudzi " "Takazosvika sinhi riya rave pamashoulders nekuti taisada kuita noise nebhara " Mai Shanti vakandipa ziso raiti Hazviko kuti mwana anodzvara chitunha pashoulder vachibva vati "Sinhi rachona makarikanda side ripi Rossah ?" "Ikoka kwakatorerwa mai Paurosi kuye .Takati vakasire asi mvura inenge yakavadzikisa zasi chaiko nekuti kwakaita murove day racho zvekuti hakuna chakasara mudam iroro ." "Isirai mama rimwe sadza vasikana ." Moziva kaive kekutanga kunakirwa nechikafu pa12 years dzandaive ndagara nababa Rossah ? Sadza harinaki iri chero rikaita taste inengei chero rikaita nyama uchiziva kuti anytime uri kurohwa . Ndakaridhedhedza ini sadza raive nematemba .Takapedza tikanorara nevana vose kubedroom.kwamai Shanti .Ava vasikana vakuru vakarara mudining . Akamuka Shanti atori mugear rekuenda asi Mai vake vakabva vamuudza kuti pane kwataida kuenda .Hatina kumbovaudza kuti kumba kwakapiswa . Takabuda pamba kuma6 namai Shantie vangu .Bhara takasiya day iri tikabva taudzana kuti kuri kunzi tavaona taizovaviga mumasango tozodzoka kuvatora later manheru .Takapinda mumaSebakwe and moziva kuti masikati aisatove neproblem.nekuti maiwandiwa murwizi macho .Takafamba namai Shanti kusvika makumbo ave kudavira aya kuti pano taibva nekufamba .Takabva tambozorora tichiitira kuti tiwane simba .Mai Shanti vakabva vatoti "Mai Rossah Joshua hatichamuoni uri kuona guwe rakakukurura zvinhu kudai .Maybe atove kunyanza chaiko uyu ," "Ummm Saka wati todii manje " "Kutogara ,kutevedzera zvevasikana .Hameno kana achizobuda yave ngozi inozobuda zvayo " "Asi inoita ngozi here ngatimbotaitei seisiri yedu " "Ehe ngozi ingozi Mai Rossah chero Ari mwana wako chero mubereki ingozi .No ways " "Pakaipa mwana wangu haaponi this time" "Siira Mwari .Plus umboitewo zvekuenda kuchurch Mai Rossah " "Izvezvi ndicharambidzwa naani kuenda kuchurch kwacho ndoenda shamwari .Kungoti handina kana hembe yekupfeka .Ose marengenya . Baba Rossah vaisada kana kukuona wakapfeka hembe inoonekeraka ." "Ko paye pandakakupa iye Skala isingawirirane neni paye,Wakafamba nehusiku 12midnight kudzosa ukati baba Rossah vati mafuta anozorwa nemahure handiadi pamba pangu " "Zvanga zvakaoma shaaa ndihwo hupenyu .Ivo vana Rossah vanozotaura kuti mai vedu vakazodai vakazoti " Akaseka akati "Ndosaka Rossah wacho akagara apedza bhora .Akange azviona mwana kuti pano pakaoma mai vanosvika mukufa vachingotindingurwa sengoma.yezioni " "Usataure uchidaro Mai Shanti miti nemashizha zvine nzeve izvi " "Heya saka wati zvinzwii manje apa Mai Rossah." "Handina chekufunga .Ndave kutoda kuti tinovake musasa tirege kuramba takaungana kwako tichikupa mutoro .Usatambe nekufeeder vana 6 panguva imwechete .Woti imwezve meal zvakangodaro .Handioni zvichiita ini .Handei tinovake " "Mapango hatina asi dai tatotsvaga masengere apa " Paive padzotswa remasengere tikabva tapindapo .Taive nekwadzo tikatanga kutema tema ndikanzwa heyyy mudumbu mandisunga ndiripo .Ndakabva ndatoti Kuna Mai Shanti "Shaaa mudumbu mangu muri kurwadza ndoda kuita tsvina " "Mai Rossah munhu wemukadzi haasi wekusiya tsvina pose pose unogadzirwa nayo kana kuti inotorwa yotengeserwa Ivo vanorombera kubata goridhe ivava wotanga kuitisa vanhu mari kabisira iwe uchitambura kudai " "Saka uri kuyedza kuti here nhamo yandiinayo ndeyemadhoti atakakura tichingosendeka pose pose aye " "Handina kudaro .Iwe nhamo yako aive Joshua Jiri. uchaona kuti zvinhu zvako zvichatanga kutobalancer low low .Kungoti wadzoswa Shure nembwa iyi yapisa imba .Apa aitira maune ,anoziva kuti nyaya yacho hakuna kwainoenda ,uyu anozongoda kuitirwa plan rimwe gore chete " Ndakanzwa zvandikurira ini ndikapota seri kwemaswngere kuye ndikabva ndafugura hembe kuda kutonona .Ndakanzwa kutonhorwa kumagadziko kwangu ndikacheuka kudai kwave kuona maihweeee heanoyi mashura akagochwa. .Raive saga rababa Rossah vanhuweee .Tsvina yandainzwa nanhasi handizivi kuti yakabva yaendepi .Ndakada kuridza mhere asi yakaramba kubuda .Ndakabva ndanoshevedza Mai Shanti vakauya vachipopota kuti taifanira kuzodotsera tiri kumusika . Takadungamidzana kuenda paye ndikabva ndanongedzera ndikati "Vari umo honbarume Mai Shantie" "Honbarume vapi iwe unongotyawo .Wamamira pai apa tifukidze unongosiyaka zvakadaro hautye " "Iwe usataurise Mai Shanti ,ndati hona baba Rossah vari musaga iro " Akajamba Mai Shanti akada kuridza mhere ndikamubata muromo iwoyo aaah Aida kuridza mhere yei ipapo .Handiti takange taronga kuti munhu tiende naye kumba here .Taizooenda kumapurisa tave kuita start afresh.Akabva aofugama.pasi chaipo akabva atanga kuyeredza musodzi aripo ndikamuti "Hauna kushinga Mai Shanti ,ko vana vakauya kuno vega . ?" "Firidha Usade kundibata kumeso iwewe .Ndiani akaisa baba Rossah musaga kumunira kudai " "Ndivo vasikana Mai Shanti ." Akayeredza musodzi akabva ati "Joshua ndine hurombo nezvakazoitwa nemwana .Kwaisave kuda kwake asi you pushed her akakutema Ukafa .Tave kukumbirawo kuti tikutore udzoke kumba unochengetwe pakanaka .Mwana akatadza tiri kutoshayiwawo zvekuita isu zvaunotiona tichipipitika nerwizi kudai . Fortunate apisa imba uko .Vana Havana pekugara .Kana uchigona muka unomurwisa nesimba rako rose ,Usamukire mwana wako Rosaah " Mai Shanti was a drama queen.Angataure dzaana Fortue dzainzwika naani nhai veduwee .Ini ndaive ndakangomira zvangu achipedza akabva ati "Mai Rossah apa hapasi safe pamasengere panouya munhu wese kuzotema apa ngatibvise saga redu titsvage imwe poshto tovatora manheru anhasi .Hona apa mvura yachona iri kutoda kunaya unoziva " "Ehe iri kutinhira shaaa ." Takabva tatamga kuitisana nharo ini ndichiti tisiye ipapo iye achiti tichinje .Kuchinja manje kwaisaita nekuti rwizi rwaive rwakati maku nevanhu saka taivaisepi . Takazovhuna mashizha tikasiya tati "Touya tichikutora baba Rossah ikezvino hakufambiki ." Takabudapo tiri speed masengere tichiita ekuzvuva .Zvaisazoitaka kusvika tisina chinhu kubva kurwizi daily so takasvika pamba kwave kuona paina Roseline akati vana Rossah waive vaenda kumusika .Imi woyeee Rossah naShantie zvaida kusvikepi .Takapererwa moziva .Takazotanga kucherera mumwe musasa namai Shanti tikazosara kudokerwa mbariro tasungira .Ko plastic yaida kubva pai. Handiti chitunha chaida kuuya chichipinda mumba here .Takabva tatotanga kupusa Mai Shanti vakati "Kune 10 ye fees yaShanti kumba .Taisana kutenga plastic ugadzire muhombe musasa apa patachera panokwana apa re10 rinoita .Akabva atonhanya kumusika Akadzoka naro plastic akati "Ndaitwei nevana vako " "Zvanzi chii " "Vari kupopoteraka imba yakapiswa hanzi tauya kuzotsvaga Fortue .Infact vatombodzika kubase kwaana Fortue kwacho vakashayiwa vanhu .Ivo nhasi vaendaka ku Globe and Phonix uko " "Hanzi kune pay kani ?" "Ehe hanzi iriko nhasi manje vanorarakoka you know basa ravo " "Ko vakusiyanisa here Gaika neku Phonix uko " "Ehe wave kusiyanisa hanzika pano pave kufambidzana neiyi inonzi chii ?" "Chaka here ?" "Eheee iyoyo ndiyo iri kubatana nepedu pano .iyi Globe and Phonix yave kuzvimiririra hanzi inyaya yekuti vashandi vakawanda lu Phonix so wave kuiswa iri hakazvimirira yoga ." "Hooo saka vana vako wavaudza here kuti vasatambure kutsvaga munhu ari kubasa kwake " "Vana handivaudzi zvakadaro .Vanoswera vatevera .Ikozvino maoko aRosaah achiri kuswinyiwa neropa Saka anoda kuchengetedza anogona kudeura rimwe tikasamupa control nekumuudza zvakashatira murder ." "Ndiri kupanzwa Mai Shantie so apa wanga wati tidii manje " "Kuvaudza nyaya yababa wavo " "Wanga uchida kuvaudza kuti chii .Vanonodzika naSebakwe kusvika kumasanga vakanomuisa ikoko ,Itosiya tinomutore tozovaudza tatobva kupolice kuti baba vari pano " Takavhunduka tanzwa vachiseka Rossah naShanti vakati "Manonyurura mhondi Kuna Sebakwe .Handina kukuudza here Shantie kuti pane zviri kuita vasikana ava behind our backs .Mazvidirei zvekutsvagana naJoshua .Munoziva kuti panosungwa munhu here pano " Ndakagadzirisa huro ndikati "Rossah mhosva hairove mwanangu tangoti vapihwe a proper burial ndiko kuti vazive kuti wakavatema.nemistake " She smiled achiratidza hasha nekurwadziwa zvose akati "Ndiani akavatema nemistake mama " "Iweka Rossah handiti wakavatema nemistake here " "Ndakavatema ndichida mama ndaida muzorore .Ndaivashayira mukana .Ndakamboda kuvatengera mushonga wemakonzo chaiwo mama .Dady vaikurovai daily kukubuditsai mututu vachikuitai zvisina basa muchichema .Isu pano hatiendi kuchikoro asi vana Shanti vasina baba vachienda .Ini zvangu ndakaona zvakakodzera kusaita baba kwacho nekuti asina baba ari kutorarama life iri nane kudarika isu tichiti vabereki vose varipo " "Rossah ka Usaite seune mudzimu wazvinzwaka iwewe " Mai Shanti vakamugamha achitoda kurudunuka mwana wangu akabva aseka akati "Mai Shanti do you know kuti Mai vangu vaidyiswa nhengo yadady yesikarudzi ini ndakatarisa ,do you know kt mai vangu vaitorerwa Mari yavanenge vashanda kumusika daily.Chikafu chinodyiwa pano ndivava mama baba varipo vachitenderedzana naana Fortue .Ipapa apisa imba makarara musina kutiidzawo .Ini ndotoda revenge chete .Yangu haiperi yakadaro handidi kunyepa." "Unozviziva here kuti ukaramba uchidenhana nevanhu zvinoyendwa izvi ukauraya futi mumwe " "Hazvina basa mama Mai Shantie ,chandiri kuona apa mhechekuti uyu anoda kujairira vanhu haangabhadhari chikwereti nekupisa pakagadzirwa namai vangu. for now ndichamboda kuita focus nemufaro wamai vangu " "Hatisi kuramba Rossah asi zvekuti vanhu vafe hazviite ,hatichadi rimwe drama isu reguva ." "Iri radad ranga rabhobha ndimi matoita zvekundiitira mafunnies zvenyu kunonyurura mhondi iyi " "Hatina kunyurura Rossah .Tavaona vari panze pemvura kumasengere ." Shanti akabva ati . "Madii kusiya mavapitipidza mumvura " "Aaaah Shantel " "Ehe mama.monotiratidza tivaise mumvura kepiri ukaona vabuda this time vochipihwa a proper burial ,vanenge vaine nharo mbishi" Kwakadoka tikabva tangotenga chingwa chemadola for 2 chiye .Takabva tapa vana mafreezits .Kuchidoka takasiya taisa Roseline nevana Mumba .Waive safe nekuti Fortunate aisavepo .Takahuzvaira tiri 4 bhara tikaenda naro .Takasvikapo tikabva tasimudza saga riye apa rakange rawedzera kuremawo sei .Tichiriti godi mubhara takabva tanzwa inzwi rakati "Hands up .Muri kuda kunoiswa chii mumvura " Veduwee isu taida kuenda navo kumba asi Rossah ndiye akange anzwika achiti munhu mumvura evidence iparare . Ndakahuta ndichiona porisi ndikaziva ne uniform yaive yakaiswa A pahomwe ndikaziva kuti aive wekuAmavheni police station .Ko vakange vapinda nanguvai murwizi kudai .Taiziva vachipindaka Wednesday neFriday murwizi manje Monday ummm paive pakaoma waive vakawanda Imi vakabuda tikabva taiswa cheni tose tiri 4 tikanzi "Fambai muende kunotaura nyaya yenyu mberi ." Vakabva vatoti "Thanks guys munhu aitoiswa mumvura uyu kechitwo and gaisazomboziva aripi .At least tabata vanhu vacho faster faster .Ndakanzwa kupera simba ndichiona kuti iri raive Jeri ratakange tave kutoenda tose tiri 4.Ko kana Fortue akange achadzoka akapisira vana vangu Mumba achifunga kuti hamuna vanhu nekuti takange tasiya tavaudza vasadavire vanhu vainoka . Hameno Mwari .Takaiswa mumota yemapurisa tikananga Amavheni Police ,zvinhu zvacho zvaive vakaoma and hazvo ummm . Stay tuned Ma.likes ndinomada ndapota zvangu

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 562
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
2/26/2025, 4:34:08 PM

*By 7 tinenge tasvika panoda munyori wedu .Ini ndanakwa zvangu ini kutanga nekuvhurira haiwa Masimboti muri munhu* *mukuru handidi kunyepa* * *Admin Chikos* 💃💃💃💃💃

❤️ 😢 👍 🙏 14
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
2/27/2025, 11:42:00 AM
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 41
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
2/26/2025, 4:49:55 PM

https://chat.whatsapp.com/DOjZ0fnLwIZEnW5gBsTQOJ *Pindai mucomment section umu tinobakise Mai Rossah guys .Kwave kutobvira izvezvi musafire mukati ,pfungwa dzenyu todzidawo ikoko* .

❤️ 🙏 👍 😂 😢 33
Link copied to clipboard!