MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
MAI MAKAH AKA MASIMBOTI NOVELS🦋
February 8, 2025 at 04:58 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Vasina kuwana book from chapter 1 pindai muchannel umu.Ndogona kujambira book nemistake kumagroups pindai umu ririko . https://chat.whatsapp.com/BTKVWVYaeDhDn09z3i2g2l Our main group link iyi pindai rinouya nenguva book imomu zvakare DEEPEST CUT BY Mai Maka aka Masimboti 0786923205(calls and sms'only) Chapter 13 Rita Ndakasiiwa pamba pagogo Ruchera naMai Taa .Paisave nebasa svinu raiitwapo .Aingove mahouse chores chete chete.Paindibhohwa kuswera pamba ipapo coz pakange pasina umwe mwana mudiki aigarapo. Ndini ndakange ndatoo mwana . Sekuru vaiswera kutown kwaMutare vaiuya manheru chaiwo kuma6.Waive nemota yavo saka kufamba kwavo kwaive flexible. Paivewo nemukomana wavo mudiki aive form 6 paprivate school muWatsomba imomo . Ndiko kuti ndaiswera nagogo chete . Magetsi aivepo asi TV yagara inonetesa kuonaka . Ndakazofunga kuti ndimbo approache gogo kana zvaiita kuti ndinoswere ndichitengesa zvangu chero mafreezits kana maice Lolo kurank. Kugara chaiko kwakange kwondinetsa ini . Ndakakumbira gogo zvakanaka rimwe day tochitodya zvedu breakfast ndichizvininipisa ndichiti "Gogo ndokumbirawo kt munditsvagire mafreezits ekunotengesa zvangu mugrowth point umu .Zvekuswera ndiri pano ndiri kunzwa kt nyama dzangu dziri kubva dzaita kuibva chaiko .Ka garden kenyu two minutes ndinenge ndatopedza kudirira" ndakadaro ndichipedzisira nekusimbisa yegarden coz pa week randakange ndagara pamba apaka ndakange ndonzwa kt nyama dzangu dziri kuputunuka .Dumbu rakange rotanga kuonekerawo .Vose zvavo vaindida handidi kunyepa,mukomana wekuchikoro aitondiona semwana wa amai wake .Saka ndainzwa zvangu zvichiita kuendeka chaiko. Vakamboda kutsenga tsenga ndichibva ndanyengerera kusvika zvaita.Ndakazo promiswa kuti mangwana acho taizopinda kumashops kunotenga mafreezits achona.Ndakazoswera ndakuimbirira tuma lyrics tusina ma words nenhau ye excitement.Gogo vakazoudzawo sekuru manheru avo vakabva vatotsigira kuti it's good for her health kuti aswerewo achiita something.Munhu ane mimba anofanira kuita ma exercises kuitira kt nyama dzigare dzakashinga idzi .Ndakawedzera mufaro ndichinzwa izvi. Mangwana acho kuseni ndakamukira kuma 4am kuita basa rose vanhu vachiri vakarara. Ndakazosekwa naSekuru pawakamuka vachiti "Kumukira sa mai wekumusika here uku , Keep the spirit uno archiver something mulife ukashanda nesimba kwete kufunga zvevarume handitika " Ndakasekerera ndichibva ndati "thank you sekuru" Ndakazovaisira mvura yavo mujug remagetsi ndichibheura cz vakange vasina geyser pamba pacho .Gogo vakazomukawo kuma 5chaiko vachibva vajoiner sekuru kundiseka vachindiwanzira . I wonder kt at their ages vaimborwawo here vanhu ava .Ndorangarira rimwe day pandakarohwa naRichard achibva anditi "Kukurova kukuda ndinenge ndichida kukudzora " Ipapo muromo unenge waminyuka nezvibhakera I think this couple was different,vaidanana shaaaame dispite kt vakange vakura . Ndakaramba ndakavatarisa zvangu gogo vachigadzirisa collar rasekuru . Vachipedza vakabva vakatora laptop bag rasekuru vachibva vabuda navo panze .Ndakatura mafemo pfungwa dzangu dzichibva dzadzoka back kunaRichard So that was the end of us here ,just like that .Ko ane mashuwa here Richard anogona akatoroora umwe mukadzi futi. Gogo vakadzoka vachibva panze Vachisvika ndakangomira pasame position. "Chii Rita,are you okay?" I tried kusavatarisa mumaziso but ivo vacho vakabva vatoturner musoro wangu vachibva vadxokorora kundibvunza chaive chanetsa . Ndakada kushama muromo ndichibva ndatadza kuzvidzora misodzi ndiyo yakave mhinduro yacho. "Kana usisade zvekutengesa don't worry l will not force you ,zvagara ndaisada kt unoswere mumusika umo.Plus vanhu vanozoti chi vachikuona urimo ." Ndakaona kt musoro wenyaya wakange watochinja chaiko Saka ndakakasika kupindura ipapo though voice raishaker . Ndakavatsanangurira zvainetsa moyo wangu Ivo vakabva vauya vachindipa hug vachindipuruzira musana wangu. I felt better after talking to gogo Ruchera vachindiudza kt kana ari wangu aizongodzoka kwandiri chete . Ndakazobva mumaoko mavo ndakumhanyira kugeza kt tipinde kumashops. Handina kutora time ndirimo mubathroom muya. Ndakakama bvudzi rangu raive ratokuririrawo .Ndaida kuzogerwa kana ndichinge ndatengesa zvangu mafreezits angu .Ko kuramba ndichinetsa gogo kt ndiitirei zvakati zvaizobudawo here . Vakazobudawo vachena mubedroom mavo tichibva tatoenda kumashops .Ndakanohodherwa mafreezits aye two packets .Dzaiita for a start handina kupopera .Vakazondibvunza kana ndaida Chimwe chinhu ndikadaira kt ndaida ma popcorn ekuputitsa aye ndaidazve nenzungu ndaizozvisanganisa kt zvitengwe neku appertiser macustomers angu . Ndakazoendeswa ku Chesa Nyama kwaibikwa machips and chicken. Takapindamo tichibva ta order food yedu.Takadya kani ndikaterezera nejuice rakange ratengwa nagogo. Ndakanzwa parere moyo ndichibva ndadzvova hangu .Gogo vakaseka vakati "Kamunhu kari mudumbu mako kanokara aka ummm" Vaindidaro zvavo asi Ivo vaisada kushaya nyama wani .Apa every meal vaitomaker sure kt pane kanyama paside . Vakazotengazve nyama yepork yakagochwa vachiti vaida kunochengeterawo sekuru.I smiled ndichibva ndati "munodanana gogo nasekuru" She smiled back vachibva vati "Thanks " Ndakamukira the following day racho kuenda kubasa .Ndakazeza kupinda mukati maive nevamwe saka ndakabva ndatomira zvangu pasi pemuti necooler box rangu nedish range riine ma popcorn. Ndakange ndapihwa stool yekugarira and ndikazoguma ndaita zvekugara pasi ini ndaneta .Ndaive neka archer kandaive nako soo.Ikako ndiko kandaipangurira mafreezits angu .Paiti pakasvika mota speed yaibura vanhu kuenda kunomirizika mumawindow haaa waipa kutenda kani . Ndakabva ndatora mukana iwoyo kuratidzira talent yangu yekumhanya yandakange ndakasiira paroad . Haaaa ndakaswera cooler box ratodzika chaiko ndichimhanyira makombi Nzungu nemapop corn ndakaona zvisina kunyanya kufamba .I discovered kt vanhu vaida mvura and hapana munhu aimboita zvekutengesa mvura.Maybe vanhu vaingo assumer kt yaive nzvimbo inotonhora soo paisave nemunhu aimboita zvemvuraba . Pane imwe wish yakasvika ndichibva ndangonetera kumhanya kuendako .Vakamhanya vanhu vachiendako ndichitarisa zvangu ndichiteerera skiri rebasa lunguage chaiyo yaishandiswa ipapo. Ndakazoona kamunhu kakawaver ruoko asi kt ndizive kt ndiani akange andizivawo kunzvimbo inyowani kudai zvakandinetsa ndikazongoenderera mberi nebasa rangu handina kuwaver back . Ndakazoti dzave kuma half 3 business remafreezits rinenge raita kakuderera kunenge kwave kutonhoraka ,Ndakazonotenga saga rangu pamisika yaivepo re 50cents .Ndakange ndafunga business remvura . Ndakasiya ndachengetesa cooler box yangu pandakange ndatenga saga paye. Ndakazotanga kutenderera zvangu nemisika iyoyo ndichinhonga zvimagubhu zvima 500mls . Hapana pandakasiya kumabhawa kwese uko ndaiunjirira kose kanonzi ka 500mls . Ndakazoti ndakupedza ndakasangana naBaba waive ne bhibhi reairtime vachibva vati "Unonzi mai ani nhywe .Kana iye akakuzadza Mwari ave naye .Ipapa unopera kutifungudzisa Juliana nematakurire awaita saga rako" Ndaimbozvida zvekungofananidzwa especially nemunhu wausingaziveba. Ndakava ignore ndikaramba ndichitenderera .Handina kuda kuzonyanya kubva padhuze nemusika cz time dzakange dzafamba apa zvinhu zvichiri zvakarongedzwa Ndakazotora cooler yangu ndikaisa dish rezvinhu zvangu ndikabata saga mumaoko ndokunanga kumba . Ndakasvika kuma 6cz ndakange ndakatakura zvinhu zvakawanda ,zvaisarema hazvo asi munongozivawo zvinoita zvinhu zvinenge zvakawanda soo. Ndakasvika gogo Ruchera vakamira padoor .Vachindiona vakamhanya vachinditambira zvimwe zvinhu vachinoisa mumba.Vakabva vatoti vachataura nemunhu weshop kuti ndizosiye zvinhu ikoko . "Ndanga ndatove worried zve ini kuti uyu munhu achiripi ?Unoda kundidonhedza nebp here" Ndakazovaudza nyaya yekumbonhonga magubhu and vakabva vanzwisisa zvavo . Sekuru vakasvikiranawo neprogram yekuda kutengesa mvura .Vakabva vatondipa mushonga weku steriliser zvigubhu zviya .Day iri ndakanonoka kurara ndakaisa mvura yangu muzvigubhu ndisingazadzi ndichibva ndaisa zvigubhu zvangu 50mufridge zvimwe ndaizoisazve magwana achona . Ndakazopedza basa rangu ndaneta zvekwa amai netai zviya .Ndainzwa kt musana wangu uri kurwadza nekuswera ndakamira and ndaisazomboudza gogo cz ndaibva ndarambidzwa kunotsvaga mari .Ndaida kuvarerutsirawo Ndakazogara pabed pangu ndichibva ndatora mari yangu .Ndakaiverenga ikakwana 25dolas haaaa ndakajamba Jamba ne excitement kt zvangu zvaringana kani. Ndakazotora kanote book kandakange ndatenga kumashops ndichibva ndanyora mashandire andakange ndaita day iri . Hope hadzina kunonoka kubata nemaneto and ndakarara kuita flat chaiyo kunzwa kt pano handidi kumuka .Ndakazomutswa nasekuru akauya achitoita zvekunoka achitoda kubvunza if I was okay.Ndakadavira ndichibva ndatomuka ipapo ipapo ndakazviudza kt hope hadzina ndima .For sure wo ndaida kusvikepi ndakavata ini ndiri kuda mari. Ndakazobuda panze ndikapererwa ndichiona weather zvayakange yakaita .Ndosaka ndaida kuita zvangu serious nechikoro coz ndaiziva kt mabasa anoshanda neweather anonetsa .Ipapa handiti ndakatoita stress chaiyo ndichitya kt nhasi business raizofamba here nechando ichochoNdakazombo delayer ne two hours chaidzo kunge kwave kutoita zvekupfunha pfunha . Kwakaita mhute ikachena kukanaya kuchitonhora sei .Ndakagara mumba gogo vakazondijoiner kunwa tea vachibva vatoona kt uyu munhu atsamwira weather uyu .Vakandipa mashoko enyaradzo ndikaona kt ndakange ndotonetsa munhu .Ndakaputunuka ndikabva ndatotanga kusekedzana nagogo kuti vasatambure . Kunze kuya kwakazoita shura kukachena wani .Ndakapembera semwana ari kutanga ECD A . Ndakachinja coz ndange ndatogeza kare .Ndakazoenda kumusika kwachona ndave kuita zvekumhanya chaiko . Ndichisvika kunze kwakange kwatonyatsa kuti hweee kuchena.Zuva rakange rotooneka kt raida kuzopisa zvisingaite. Ndakatsvaira pandaida kushandira ndikazotanga kumhanyidzana nevamwe pama wish paye .12 dzakachaya ichingove bararawamhanya nemvura nemafreezits .Day iri raive shura chairo cz mapopocorn ese akapera kt tsvai. Ndakazosara nemvura nemafreezits kusvika kuma 2 .Ndipo pakazosvika kombi yaive yakazara soo. Ndakati herino shura taneta netumawish tunouya nevanhu vashoma utwo . Ndakamhanya ndikaita the first one kusvika pakombi ndichibva ndasimudza acher yangu ndichiti "Mvura yenyu iripo vabereki dola for two . Mafreezits enyu aripo zvakare musafe nenyota "ndakazoita sendichazviitira weti ndanzwa voice rakati "Inga zvichirimo muropa zvekumhanya ,The world is too small hanti " Ndakanzwa weti ichiuya ma cousins . Narration Raymond zvaakasvika kumba naCono akabva atotanga nekuwacha mauniforms ayo akange aine mazitsvina .Kunze kwakange kwotosviba . Akazovhundunyura parcel yakange yabva Kuna Mai vake and akafara achiona kt maive nemastondido .Sausage yaidiwa naRita yaivemo and akabva atomufunga achibva ati kuna Conrad "Are you sure kuti waona Rita ?" "Ehe ndamuona mukoma handinyepi " Akabva ati "Rita aiida soseji iyi dai aripo " Cono haana kudavira kutotya kupfogorerwa zvake . Akataura achitocheka cheka tuma piece twekuisa mupan yakange yotovhaira nemafuta . Cono haana kudaira coz akatya . Masikati paye paakanga atsunywa akafunga kt ari kutsunyirwa kutaura kt akange aona Rita pastation. Akabika vakazodya zvakanaka vachibva vanovata . Mangwana acho Richard akamuka kugadzirira mwana wechikoro and akakasika kusvika pachikoro. Vanhu vachisvika akabva atumirwa nhume yekuti aidiwa kuoffice kwahead .Akaenda achizvibosser zvake akasvika nekugara pachair yaivemo asati ataura kana kumhoresa vanhu . Head vakagadzirisa pahuro vachibva vati "Eeeh mujaya pano tina mukoma na baba waRita vati vauya ivo kuzobvunza nekunzwisisa kt zviri kufamba sei huye kt mwana wavo aripi .Handizivi kuti ungatitsanangurirawo zvakaitika here ." vakadaro head vaine chiso chinotyisa chaizvo . Richard akabva asimudza musoro wake akaita seachabuda hana muhembe paakaona drama queen varimo , Hayas Mai Desmond vaidei pachikoro .Akabva atoziva kt ma one akange atotanga apa. Fear yekuona Mai Desmond yakaita kuti akasike kurondedzera zvakange zvaitika pakati pake naRita. Head vakamubvunza paakapedza kutaura kuti "Saka uri kutouya zvako kuchikoro usiri kuziva kt mwana wevanhu ari kupi here ?." Akatsenga tsenga ipapo and akazenge oramba musoro wakatarisa pasi cz Mai Des vaingoti vakawana mukana womuchonya neziso ,saka akange otya imwe mhosva futi . Vanhu vakapererwa vaive muoffice umu .Kana pekutangira kt vamutsvage vakapashaya .Imwe pfungwa yaivati Richard ari kunyepa Rita hapana kwaaizomboenda asina kutaura. Saka vakabva vatopihwa mvumo na head yekuenda naRichard kumba kwavo.Vakasvika kuma2 asi Cono akange atobva kuchikoro.lye Richard aizeza kutaura kuti Cono akange ati akaona Rita paWatsomba . Akapinza vaenzi mumba Richard, Cono aivemo achidya zvake munya wake wakange wasara .Ku xul kwavo kwaive meeting saka vakakasika kubuditswa day iri . Akazobikira vanhu vachironga zvekunoreporter nyaya kupolice yekushaikwa kwaRita .Mai Desmond vakabva vatevera kukitchen vakasvika nekutora mapoto kubika ndivo .Apa vaifara sei mumoyo kt pamba wave kupaziva .Zvekuti Rita ari kushayikwa kwavari yaive history chaiyo .Vakatouya zvenharo bhudhie waRita ndivo vakange vaita kuti vaende kunonzwa mukomana waRita kuti mwana wavo aivepi. Havana kunge vaziva kuti Richard akange atobvako kumba kwavo . Vakapedza vakapakura vachingotaura nyaya one .Vaipopotera iye Rita coz Richard haana kutaura kt airova Rita Akange azvi justifier side rake .So munhu wese was bitter nehunhu hwaRita . "Pamwe izvezvi ari kutochinjanisa varume mumabhawa imomo isu tichiswera kunetseka " Akadaro Mai Desmond achinyepfura sausage mukanwa .Akashaya akamudavira akasvenga .Iye aisave nebasa nazvo saka akabva anyarara . Set up yaivemo mumba umu akaona atove iye ari kuisa cobra nekukorobha mumba umu zvikafamba zvakanaka.Saka maziso ake aisazorora. Cono akarwadziwa nekutukirwa Rita wake kt aive mubhawa Akabva abuda musaga mwana achiti , "Haaiti zvemubhawa Maiguru Rita she is a nyce person . Izvezvi ndakamuona achitengesa mafreezits paWatsomba apo asimba and akange akachena zvisingaite" Yooh vakabva vapedzerwa zvose nezvekuchena . Richard shanje dzakasvika kunomusimudza nyon'o yemudumbu akabva atanga kudedera nehasha.Dad vaRita vakazviona vakabva vati "Musasatye mukwasha munhu tave kuziva paari tinonomutora ikoko benzi remunhu risingafungi .Pano anoshayeyi .Ndoda kunomuona muWatsomba imomo mangwana" Akafara Richard kt akange abhobha apa asi bhudhi waRita akabva atoona type yemunhu waRichard . Stay tuned Support your author with only a $1 hanti. Imwe version iyi tenga uzvinzwire hantika
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 368

Comments