
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
February 9, 2025 at 02:19 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAkulRKbYMVngP8t51U
GARA WABAYA FOLLOW BEFORE YOU READ USAZORASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS ETHIS BOOK
*SOPHIA*
WRITTEN BY
LILIOSA CHIWARA AKA
Lillies of the valley 💐*
*CHAPTER 1*
*SOPHIA*
"Ndafunga kuti umbodzokera kuchikoro Sophie mwanangu 3 subjects dzaunadzo hadzina kumboshata idzi ukanyorera maths neEnglish unopasa"
NdiMama vaindidaro taiva takatogara hedu mudining tichiona Tv ini ndikati
"Zvekunyorera handichada ini Mama ndatombofunga kuita course zvangu "
" course rudzii yaunoda kuita kuHarare Poly havade vanhu vasina kudzidza wanzwa here, ndakakuti huya ndikudzidzise kusona ukaramba ndatoshaya kuti unoda kuita sei neupenyu hwako ini"
Mama vangu paitova nebasa chairo vaitoti kana zvavo zvatanga zvekukutsiura waiita kunge wauraya munhu chaiye uri pamba pavo.
"zvekusona haisi calling yangu ini Mama ndasiyana naPrivy kaa wamakadzidzisa kusona akatogona "
Privilege aiva munin'ina wangu ainditevera iyeye akangoti achipedza form 4 kwabva atodzidziswa kusona naMama akagona ipapa aiva akatowana basa mutown umo .
Taiva vana 3 nekakomana kekupedzisira kaiva form 1 .
Mama vakanditi
" Saka hazvitokunyadzise here kuona munin'ina achienda kubasa iwe wakati gon'on'o kugara pano "
Yaiva yatozosvika kuma pena nyaya yacho ndakatenda Mwari ndidzo nguva dzakasvikawo Dad vachibva kubasa ikabva yaperawo nyaya yacho .
"Maswera sei Dad "
"Mamoyo waswera sei mwanangu ndakuvigira howa uhu hwandatenga ndibikire zvako ndiwe unotohugona kukunda Mai vako ava"
Vakadaro Dad zvakanzi naMama
"haiwa chamunomukuza kuti anogona kubika howa ndiko kuenda kubasa here ndimi muchatadzisa mwana kuroorwa muchida kubikirwa pano "
"Siyai mwana wangu Mai Sophia kana akasaenda kubasa kwacho anofa here ini Baba vake ndiripo ndiri mupenyu regai ndimushandire"
"Zvino zvomongokosora wani nekuswera kuma Industry muchifema dusty ko mukafa munoti anosara achichengetwa nani "
Nyaya yacho yakazopera pakasvika vamwe mother vaiva vauya kutora dress ravo ravaiva vasonesa Kuna Mama , ini ndaiva busy kutogadzira howa mukitchen hwaiva hwauya naDad .
Ndatova pakati pekubika Privy akabva asvikawo achitobva kubasa , taiwirirana zvekuti nemunin'ina wangu hapana kana chataivanzirana seipapa akatonanga kukitchen akabata ka5 litres keIce cream ndikati
" asi matambira kani Muna January muno makutotenga maIce cream "
"Kwaaniko ndasangana naNelson mutown akanditi handei ndinokutengerai Mainini munopa sis venyu "
Ndakaseka zvangu Nelson aipenga chete munhu aingopedzawo hake nguva yake achizvinyepera kuti anodanana neni ini ndaisatombomuda kana ka1 , ndakangoti Privy aise ice cream mufridge ndikapedzisa kubika hangu .
Oddy kahanzvadzi kedu akazodzoka kubva kuchikoro tava kutodya Mama vakatanga kumutsiura nenyaya yekunonoka kubva kuchikoro .
Takapedza kudya kwabva tabatsirana kusuka naPrivy tichirova nyaya zvedu achindiudza dzemukomana wake aitomupa pressure yekuti ava kuda kuroora iye Privy wacho achitoti haasati ava kuda zvemarriage achiri mudiki .
"Roorwa shaa pamwe unotondivhurirawo nzira ndikawana mukomana musvinu"
"Ko bamukuru vangu Nelson munovasvorereiko nhaimi sis inga wani atori munhu musvinu wani , nhasi anga akatochena chena"
"Nelson anondibhowa ini , anongonyepera kuita serious neni zvenhema hapana chimwe chinhu chaanotaura chine musoro kusara kwekungonditi huya kumba kwangu hee huya timborara tese ndozvandisingade izvozvo "
Nguva iyoyo ndipo pakabva paringer fon yangu , ndika answer uyu Privy achisara achipedzisa kucleaner mukitchen.
"Hello "
" uri sei babe"
Aiva Nelson hake aifona ini ndaitonzwa kusvotwa naye ndakangoti
" ndiri bhoo "
" ko Ice cream yasvika here sweet wangu "
" ehe yasvika thanks"
" iri bhoo mangwana uri kuitei hako "?
Aiva atotanga zvimubvunzo zvake zvisina kana nebasa ndakabva ndamuti
" ndinenge ndiripo pamba wanga uchidei "
" handisi kuenda kubasa kaa mangwana huya kumba"
"Handina Mari yetransport "
Ndakamudaro iye akati
" chingoti hausi kuda haa bhoo futi kana usiri kuda kuuya regedza ndakazviona zvangu kuti haundide ndini ndiri kutokumanikidza "
Ndakaramba ndakanyarara zvangu iye akati
" hautimboisewo effort murelationship yedu ipapa ndikasakutanga haunditange zvakasiyanei kuti ndiri kudanana ndega"
Ndakamukatira fon ndikaidzima zvangu kwabva ndatoenda kubedroom kwangu kunorara ndaisada zvekunetsana naye .
Mangwana Acho ndakamukira kuita mabasa angu epamba vanoenda kumabasa nevekuzvikoro vakabuda vakaenda ndikasara naMama vaiva vari busy havo muroom yavo yekusonera vakazondideedza vachida kuchekerwa micheka yavo ndikaenda vakatanga nyaya dzavo .
"Akakuudza here munin'ina wako kuti ava kutoda kuroorwa hanzi mukomana wake akatounganidza 8 thousand yekuuya nayo kuzoroora "
" ehe akandiudza "
Ndakapindura ndiri low low Mama vakati
" ko hausi kufara wani hausi wava kutobatwa negodo here "
" ndinganzwire godo munin'ina wangu kuti zvaita sei ndiri kutofara ini"
Ndakapindura zvangu but deep down ndainzwa kushushikana , musi wacho ndakaswera ndakadzima fon yangu ndisingade kufonerwa naNelson aitondisvota hake.
Pakadzoka Privy kubasa akasvika akati
"Mama mwana wenyu ane shavi ipapa akaramba Nelson uya mukomana wake anomanager mashop epadhuze nepabasa pedu chimbotauraiwo naye haana kana relationship inoita 3 months "
Ndakaziva kuti Nelson aiva anoudza Privy kuti ndakamudzimira fon manje Privy wacho dzungu akanosvika achiudza hake Mama zvese .
Mama vakati vapopota
" ehe utori naro shavi ndichatotaura naBaba vako musi wavanenge vari off timbofamba newe kumaporofota kana kuenda newe kumusha umbonibikirwa doro naGogo vako vanoita zvemudzimu "
Ndakaramba ndakanyarara zvangu otherwise dai ndakada kupindura yaitozoramba ichitaurwa nyaya yacho .
Vakamboinyarara asi pakadzoka Dad vakaisimudzira Dad vakati
" haana mudzimu waanawo mwana wangu kungoti vamwe zverudo hamuzvinzwisise siyai mwana wangu ko kana Nelson wacho anga asiri Soulmate yake "
Dad ndaivadira kuti vaimira neni zviome zviite sei vaisandisiya ndichitukwa varipo .
Musi wacho vanhu vakazosiyana nenyaya iyoyo vava kutaura naJamal naPrivy vaida kuronga zvemarooro avo .
Paweekend Jamal akauya kumba kuDinner achiitawo catch up nema Inlaws ake semunhu aiva akuda kutora tsvarakadenga yavo kugara nayo .
Aiva akaita lucky munin'ina wangu aiva akazviwanira mukomana wake anobva kuRich Family ane Mari yake anozvishandira and aidiwa zvataiona tega kuti vana vakanyura murudo ava .
And vanhu vekumba kwana Jamal vacho vaisagona naye mwana waMai vangu vaimuda vaiita kunonokerwa nekuti Muroora auye kumba .
Mazuva haana kumira kufamba mapreparations emarooro taiva tatopedza date raiva ravapo vanhu vakakokwa , hama dzakauya neuwandu hwadzo vanhu havade kunzwaka kwanzi kwaita Mari .
Gogo vakauya Mai vaBaba vangu ini vaindibhowera kuti vaibeliever mune zvechivanhu , vaiva vakabata nhekwe yavo vachisvuta Bute uku pasofa vaisagara vaifamba nedehwe mubag mavo ravaiwaridza vachigarira .
Vakatanga nekuti
"Unganai unganai tipire kuvadzimu tichikumbira kuti mutambo wemarooro ufambe zvakanaka"
Dad vangu vakati
" hatina kumbopira kumasvikiro enyu kuti mwana uyu aroorwe Mhai pano pamusha tinoita zvekunamata "
"Kana musingandide pazvinhu zvenyu maregereiko kurega kundidaidza ndinogona kutofonera Japhet auye kunditora ndidzokere kumba kwangu paMurehwa pedo zvekuti ndinorara ndasvika "
Vaiva vatotanga Gogo vangu , zvaiti Ivo nevamwe vana vavo vese vaiita zvemudzimu kozotiwo Dad vangu vaiva varoora Mukadzi anoenda kuZaoga ndokuzosiya zvemasvikiro vava kutevera Mama kuChurch Saka kuzvima function zvaiitwa kumusha zvekubika doro vamwe vachipira vadzimu Dad vangu vaisaenda .
Mukoma waDad aivapo akati
" ngatimbomirai kuti ini ndine chitendero changu tiite zvinodiwa naMai ndiye munhu mukuru "
Vana vaGogo vangu vaiva 4 vasikana 2 nevakomana 2 vana Tete vacho vese hapana aiva kumurume vaigara kwaMurehwa ikoko naMai vavo , ava Bamukuru ndivo vaiva nedzimba muHarare asi vaigarawo kwaMurehwa vaiva nemaShops paCenter paye.
Ini ndakasimuka ndikabuda panze ndikasiya vachiita zvemudzimu wavo iwoyo hamenoo zvaitaurwa Ivo Gogo vakapfugama.
Ndakazodzoka mumba vapedza nonsense dzavo Tete mai Melo vakati neni .
" ko iwe ucharoorwawo riini munin'ina zvaatokutangira "
Dad vangu vakabva vapindura vakati
" Siyanai nemwana wangu ndinokumbirawo muite zvamafambira pano "
Tete vakati
" haundirambidze kaa kutaura naye ndiri Tete vake handiti kana Paine zviri kunetsa anofanirwa kuudza inini ndichimubatsira "
" Ungazogona kubatsira
Sophia iwe wakatadza kumisa yako imba wega siya mwana wangu "
Dad vangu mhinduro vaiva nadzo zvavo ndizvo zvandaivadira yakabva yanyararwa nyaya yacho.
Mangwana Acho ndipo paiva neFunction Saka vanhu vakakasira kurara kuitira kuti vagokasika kumuka tichigadzirira vaenzi .
Isu sevasikana takanzi tirare nana Tete tichiraiwa asi hapana zvisvinu zvavaitaura kusara kwedzidziso dzisina nezano .
" murume akada kujujairira muteme nepoto , isu ana Chihera hatina mutemo wekutongwa nevarume plus munhu ndewekuto pfuhwira, ukataura naGogo vako vanokupa mushonga wacho wekuti udiwe nemurume iyeye asaone vamwe vakadzi "
Ndakapotsa ndaseka zvangu dai vaizvigona zvese izvozvo ko sei Ivo vaiva vasiri kuvarume vavo .
Kuchiyedza takanutswa neteam regirls reRoora squad raiva ramukira kuuya tikatanga kugeza musikana achipfeka dress rake nekuitwa makeup , iniwo nevamwe tikapfeka madress ema rooro squad paiva pakachenewa zvapo .
Mama vangu naSisi vavo vaiva vakazvisonera maDress akafanana , then ana Tete vaiva vakasonerwawo avo kozoti Gogo vaiva vakatengerwa Suit naDad asi kusatenda hanzi navo
" mandisarudza pane vamwe makaregerei kuti ndipfekewo dress rakasonwa "
" Suit ndiyo inokufitai mava munhu mukuru Amai "
Ndizvo zvavakapindurwa naMama vakapusa.
Pasina nguva vakwasha vakasvika nedzimotokari dzavo Mari ikabviswa ine mumvuri vanhu vakafara zvekufara zviye kana chiri chikafu takaita chekutarisa kudai .
Zvese zvaiva zvakarongeka kani Bamunini vangu Jamal vainzwa kufara vari paside nepaside nemwana waMai vangu vachitorwa maphoto.
Hama dzedu handina kuona mufaro wadzo vanenge vaifunga kuti ndezvepasi pemuti vachiona ah maBenz Ari kupinda pagedhe .
Marooro akapera vakwasha vakaoneka Musikana akasiiwa aizotorwa nemuchato kaa Saka paida 1 full month yekugadzirira zvemuchato .
Gogo vakandideedza paside day remarooro iroro vakati
" ndaona hauna kufara nezvaitirwa munin'ina wako nekuti iwe watokura uri pamba asi zviri zvekuroorwa pauri zvinogona kunetsa ndakarota zvichinzi ndiwe uchaita svikiro remusha ".....
*Ngatiisei macomments ndiwo anopa munyori Simba*
Stay tuned
*In God Hatiperi*
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
161