Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                February 10, 2025 at 07:39 AM
                               
                            
                        
                            https://whatsapp.com/channel/0029VaELGiW6WaKohS4xJ43E
*Vauya ne free book mama Jordan haikona kusara pakadai ingoita chimbi chimbi sebveni kutsetsera risati rapazha  wobaya follow wogarira mu channel kuti usasarire pa book iri ndimo marotanga kupinda imomo*
https://chat.whatsapp.com/GRBx44hN2ngBjPllwBFHMi *Pinda mugrp zvakare*
*Follow my Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=100082000996383&mibextid=ZbWKwL
ENDURANCE 
🥀🥀🥀🥀🥀
📚BOOK 24 
WRITTEN BY MAMA JORDAN 
  + 263775937245
CHAPTER 1📗📕📙📘
"Congratulations ma'am , it's a girl!" ,the gynae said enthusiastically but unfortunately ndaisakwanisa kufarawo naye.
Instead yekufara ,ndakanzwa moyo wangu uchisungikana nemarwadzo ndakatarisa mwana wangu aibuda pascreen ndichiitwa scan . Misodzi yakayerera nekutoziva what her fate would be once murume wangu Pardon angoziva gender yake .
Semunhu anofembera ,Pardon wacho akabva apinda smiling akabata maflowers semuitiro wake pese pandinouya kuscan . Akatanga kuuya nekundikisa pamhanza ndokuzotendeukira kuna doctor.
"Musikana sir ."Doctor vacho vakadaro vasati vatombobvunziwa .
Hana yangu yakati bamu kurova nekutya runyararo rwakatevera .Ndakatarisa Pardon , ndikawona face ichishanduka munguva diki diki .
"Get rid of it!"he thundered angrily ,maziso atotsvuka nehasha idzodzo .
Ndakatsinzina maziso ,misodzi ikawungana imomo ichibva yaita kubudira wara chairo.
"But sir..."Doctor vakayedza kuramba asi ini ndaiziva munhu wangu handina kuda kupikisa .Ndanga ndatozvijaira .Yanga yatove mimba yechi3 kunzi ibvisiwe nekuti mwana musikana.
"Dr Manyoni varipi? You're new right?"Pardon asked,doctor ndokugutsurira musaro wavo i think navowo vanga vatove ne fear.
"Vanoziva zvavanosita ,call him vakuwudze kuti unodii unenge wakangopusawo hazvidi munhu wemurume mhani kuita kunge wakadyiswa."
Doctor vacho vaiwudzwa vakabuda kunoita call yacho vakadzoka face yakauna una zvekutoshushikana nezvacho zvavanga vaudzwa .Vakangonanga pazvinhu zvavo kwave kutora injection randanga ndave kutoziva .
Muviri wangu wakamerera zvekuteta ndisati ndatomboribaiwa.Vasati vandibaya vakanditarisa pitfully but havana zvavakataura nekuti murume wangu anga achirimo akaita kumirira kuwona ndichibaiwa .Zvezuva iri andina kana kunyanyonzwa kurwadza kwaro nekuti marwadzo aive mumoyo airwadza kupfuura epanyama . Kureva kuti ini handichabatiwo mwana zvee mumaoko angu aya.
Chokwadi kusvika rinhi ndichitambudzwa na Pardon veduwee?ko seiko Mwari ainyarara panguva dzakadai. Inga ndaingonamatawo wani zuva nezuva nyangwe kudzidzisa vamwe shoko ra Mwari ndaiita wani, yangu imhosva rudzii yandakutoona gehena racho ndiri pano pasi nhai.
"Iwe muka apo!wave kutoda kuzorora uri ipapo here?" Pardon akadaro rudely achindidhonza zvekuti ndakapotsa ndatodonha pakasingle bed kacho .
Doctor vanga vave kutorongedza zvinhu zvavo ndikaziva vanga vapedza .Ndakakurura gown randanga ndambopfekedzwa kwave kutopfeka hembe dzangu .Iye akangonhonga handbag rangu raive pasi kwakudungamidzana na Pardon  iye mberi ini shure kunge  vanhu vaisazivana. Ndiye akatanga kusvika pamota kwave kupinda nekutoimutsa munhu ndokurova pasi achindisiya ndakangoti tumbi.
Kupererwa chaiko ndiko kwandakaita .Ndakatombomira kwezvima minutes ndichishaya kana pekutangira .Handbag yaive nefon zvese nemari ,zvaive mumota yanga yayenda saka panga pasina kana option kunze kwekutofamba netsoka so ndizvo zvandakazoita .Road yese ndaingoyeredza misodzi ndisina kana basa nevaindiwona nekuti ini ndini ndega ndaiziva kuremerwa kwandanga ndakaitwa mumoyo mangu marwadzo enyama ari nani unonwa mapiritsi ukapora asi marwadzo e moyo haana mapiritsi aya. Injection randanga ndabaiwa raitoshanda ndisina pandinenge ndichinzwa ndaizorwadziwa zvakanyanya pa day 3 mwana obva abuda akafa nekutoita kanenge kakuora so. Pardon ndiye aibva atora chinhu chacho achinorasa.
Kushaya wekuturira mutoro wangu ndiko kwaiyita ndinyanyorwadziwa .Dai Mai nababa vaiveko ndaiti zvimwe ,zvino vanga vatorwa ne denga ndiri kasvava chaiko .Kuti ndinoti kuna vatete nyakurera ndatambudzika ,kunenge kutori kudenha mago chaiko .Saka kwaingove kufira mumoyo chete .
"Kwakanaka here nhayi munin'ina zvawachema kudaro?",vamwe mai vechikuru vandaipesana navo vakabvunza ndikangogumira mukugutsurira musoro nekushaya zvekutotaura .
Papi pacho pavaizondibatsira ,hama dzangu chaidzo dzichiramba. Ndakabata dumbu rangu ndave kutorwadzirwa mwana wangu aivemo ,akanga asiri kuzouya pano panyika .Ndakaita sendicharidza mhere but ndakazvidzora nekuruma muromo wepasi .
nekuchema kwandaita ,.
Chainyanya kundirwadza ndechekuti kune vamwe vanhu vaitochemera vana asi wangu murume wandakanga ndasarudza kuti ndiye achazova baba vevana vangu aiita vekuuraya vana vacho.Dzimwe nguva mutoro wacho unorema.
Handina kumbotarisa kuti kunze kwanga kwave kutodoka.Ndakatozovhunduka ndasvika pagate rekumba kwangu ,ndave kutowona kuti time dzanga dzayenda .
Ndakavhura gedhi zvekushinga kwave kupinda .Vana vangu handina kuvawona ,ndikatoziva vanga vakarara .Ndakangonanga kubedroom kwangu ndikawana Shumba, yakagara pamubhedha smoking .Room yese yakaita kuti dhuma nemweya wembanje .
"Ukubvepi"akabvunza achisimuka ndikatoziva zvanga zvatoipa.
Ehe hazvo anga andisiya ndiye ,asi mhosva yanga yave kutobva pakuti ndazononokerei kusvika kumba ipapo .
Akatanga kufamba zvishoma nezvishoma ,fodya isina kubviswa pamuromo ,kusvika asvika kudoor kwandanga ndakamira .
Handina kumboedza kutiza nekutoziva futi mhosva yacho yaizowedzera .Akanyatsovhara door kwave kumira akanditarisa achikweva fodya yake kwave kundifuridzira chiutsi kumeso ndikakachidzwa .
"Rumbi ,ndati urikubvepi ?"Akabvunza ndikatadza kupindura nekuda kwemakosorero acho andaiyita .
Pardon akaridza tsamwa ,ndikanzwa dama rangu kupisa .Zvaisada kuudzirwa kuti ndanga ndapiswa nefodya .Handina kuchema ,ndanga ndatozvijaira asi hazvirevi marwadzo ndaisamanzwa.Kana kukosora kwese kwakabva kwapera ndave kuterera dama raisosona nemarwadzo ekutsva .
"Ndakubvunza kekupedzisira ukubvepi",ndakabvunziwa fodya yakaiswa pane rimwe dama ,ndikanzwa nyama dzese kudavirira kutsva .
"KuHospital kwamandisiya",ndakapindura ndichita kushinyira nemarwadzo.
"Kubva paya",he said that akaunyanisa chiso chake apa maziso anga atotsvuka kare.
"Ehe", i said that ndichigutsurira zvakare ne musoro wangu ndainzwa kutetera nyama dzangu. Nekuti kana Pardon orova airova zvechokwadi zvekuti unopedza week yose uchinzwa marwadzo.
"Unofunga ndiri chituta chaunohurira zvakapusa kudaro handiti",Pardon roared voice rakwidzwa zvekuti ndakatyira vana vangu kuti vangamunzwa   .
Ndakadhonzewa nevhudzi kusvika kudressing table munhu achingopopota chete .Ndichiwudzwa chihure chandaisaziva asi handina kupikisa .Kumuregedza achibuditsa hasha dzake kwaitove nani pane kuda kupikisa .
Akatora chigero chaivepo patable ndikawetsa ziso ndakuvhunduka kuti zvimwe aida kundibaya nacho.
Ndakarohwa nehana kuti akanga ava kuda kuitasei nechigero chaive atora.Zvimwe zvatinombopindana nazvo sevanhu kadzi zvakaoma ,l was only tolerating this because i wanted this marriage to work. Kuramba ndichigara na Pardon with all the abuse kwaisava kupusa ,asi ndaiti semunhu kadzi haukurumidzi wasiya imba yako nekuda kweproblem yaunenge wasangana nayo. I loved Pardon with all my heart chero aive asina kumbondipfimba iye ega ndakaita wekusarudzirwa ndaive ndazodzidzira kumuda but the problem started when l kept failing to give him an heir.
"Irori vhudzi ndiro ka rakakunakisa ririkuonekwa nevarume muroad",he said apa ari busy cutting my hair .My heart broke ndichiwona bvudzi rangu richidonha because pandiri hapana chinhu chandaida sevhudzi rangu rakanga rave ne 10 years ndichingorichengeta ndisina kurigera vazhinji vairichiva ndaisamboda kurukwa ndaingori maintainer chete rakadaro. Apa raive rakandifita.
"But why Pardon ,what have l done to you,Is my love for you not enough".
"Give me a son" ,he said apa achipedzisa kukweva fodya yake ,vhudzi rangu amwararidza pasi.
I started to cry .Misodzi ndiko kwanga kwava kudya kwangu day in and day out.But why God? Ingondipaiwo mwana mukomana wacho ndigare zvakanaka mumba mangu.Ndaidembera mumoyo zvisina anonzwa.Ndikabva pano where will l go handina vabereki kana chikoro chacho . Ko ini ndikabva pano ivava vana vake Pardon vandiri kuchengeta vanozosara nani chaizvo. Pasina umwe munhu ane rudo navo kunze kwangu. 
"Wanyarara kaa uri kufungei iwewe Rumbi hee ,izvozvo zvemunhu anondinyararira ndichitaura naye handizvidi. Hausi chimumu ka iwewe".
Ndakaramba ndakanyarara achingorutsa kutaura hake mwana wavamwene vangu.
"It's better to find another woman .Handiti iwewe watadza here to fullfil your duties as a wife , it's clear kuti you need someone to help you 6 years ndichigara newe hapana kana mwana mukomana wauri kuda kundipa apa vasikana chete ini ndizere ne mamwe mahure muno mumba zvakare" .
Mashoko ake akapinda mumoyo mangu sepfumo rinopisa ko ndiko kwazvaive zvatosvika here pakuti atsvake  umwe mukadzi,but chekuita ndaive ndisina.
Akabuda mubedroom ndokusiya angorovera door ,akadzoka akabata black label ndokugara zvake achinwa  mwana wemunhu.Ini ndaive ndangogara pabed ndichichema ndipo pandaka simuka .l wanted to go kubathroom ndinopedza shungu dzangu.
"Ndiani akuti usimuke? am still talking to you".
"Ndoda kuenda kubathroom".
"Help yourself here ."akataura asina kana shungu".
Ndakabva ndangodzokera kunogara pasi .He then came to me achibva andikava mudumbu ndakayuwira nemarwadzo.He was angry aita kunge Shumba akaunyanisa kumeso kwake. Ndakadedera ndakutyira hupenyu hwangu.
He started kundidira doro mumusoro apa achindirova.Aona kuti apedza apa inini muviri wese wakanga wakurwadza akabva atora ma car keys ake akaenda.
Ndakasimuka ndokuenda kubathroom zvekuvavarira chaiko ,ndichidhanaira sekacheche.Dress rangu raive raitwa kubvarururwa ,bvarurwa.Ndakabvisa hembe dzangu dzose ndokuvhurira mvura mushower ,ndakatanga kuchema ndirimo .Nhamo yangu yaizoperawo rini. Zvichibvawo natete vanga vandiroodza kwaari nekukara mari kwavo. Inini ndakakura ndichigara na tete vangu hanzvadzi yababa. Vabereki vangu ndanga ndisingavazivi kana chiso chavo vakafa ini ndiri mudiki. Hama yandaiziva ndivava tete ne vamwe bamunini vangu vaigara ku kadoma. Asi ava ndaisataura navo zvakanyanya nekuti vaisawirirana na tete. Saka ndakangokura ndisinawo connection navo. Ini chikoro ndaive ndakagumira grade 7 chaiyo. Tete vachibva vati havachina mari yekuti ndiende mberi. Chero ndakugona kuverenge ne kunyora ndizvo zvakakosha. Handina kuita nharo ndakagara pamba ndichiita basa rose ivo vana vavo tete vaitoenda kuchikoro. One day ndatove ne 20 years ndipo pakauya tete ne umwe murume wechikuru vachiti ndakutoroorwa. Hapana kana hama yamai vangu yakadanwa tete vakangopihwa mari ne murume iyeye ndichibva ndaenda naye. Ndiko kwakave kuroorwa kwangu baba ava vaive baba va Pardon vachibva vatonondisiya kumba kwake. Ndiko kwakave kutanga kwangu kugara naye aive akamboroora mukadzi wacho kwakumutiza achibva aenda Botswana ndokumusiya ne va 3 vasikana vose. Avo vandakatora sevana vangu ndaivada ne moyo wese Pardon ndi Pastor ndiko kumuziva kwandakaita ari zvokuti inini ndakanga ndatove mai mufundisi. He was a respected person in his community. Hatina kunge takambodanana hedu asi takadzidzira kudanana. 
Back then na Pardon taidanana, every weekend aienda neni out .Ainditengera magifts ,tichienda kumaholidays kunzvimbo dzakanaka. Hapana  resort yandaive ndisingazivi muZimbabwe .Pardon aive murume ane rudo vanhu vazhinji vaichiva rudo rwedu but that love yakashanduka ikaita ruvengo. Kana kuchata taive takatoendawo ku court tikanochatira ikoko aindida chaizvo mazuva ekutanga ndichiuya pamba pake.
Hapana chandaishaya mumba mangu . Ndaisadya chinovava my kids vaienda kuzvikoro zvinodhura .l was also driving mota inodhura but my heart was not at peace.All that luxury meant nothing ,nemusafiro wandaita .Sometimes ndaitochiva life yema beggars andaiwona mumastreets.They were poor but they had peace and freedom. Zvakazongoshanduka after 2 years yekugara naye pandakaita nhumbu yemwana musikana ndipo pandakaziva hunhu hwake hwese. Yakabviswa nhumbu iya munhu achiti anoda mwana mukomana  vasikana  anavo kukanganwa kuti ini wacho ndaive ndisina mwana. Aive Pastor zvake asi ainwa doro ne kuputa manje pamba chaipo paitotengeswa mbanje dzacho nyika yakaoma shuwa vanhu venyu Mwari kungoti Mwari, Mwari ne muromo chete chokwadi.
Ndakapedza kugeza ndichingochema  ndakanomira pa mirror ndakazvitarisa .Ndaitoedzawo kuwona ndepapi paive pakashoreka pandiri. Inga ndini mukadzi waive angoroora kubva pakutanga wani.I was still the same beautiful Rumbidzo with flawless skin and curves to die for zvaakarumbidza wani zuva randasiiwa na baba vake kumba kwake.I dropped a few tears ndakazviyeva face yanga yave netumaronda twekupiswa nefodya  ndichibva ndakasira kubvapo pamirror pacho .
 Ndakabuda ndichibva ndanopfeka ,ndokuenda mumba mevana vangu ndikawana vachakarara zvavo.Ndakavasiya vakadaro ndichibva ndanotanga kubika supper ndichiverenga book raive rakanzi Shungu rakanyorwa na mama Jordan  .Apa moyo wakanga wakurwadza kuti Pardon aive aripai achiitei nani.
I tried to call him but he didn't pick up my calls ,so ndakazongosiyana nazvo.Supper yakangodyiwa nevana chete ini andina kana kuibata .
Ndakanovatisa vana vangu kwave kuchizoendawo kwangu kuroom. l prayed , ndokupinda mumablankets kuti ndirare.Hope dzacho dzakatozobata ndatambura.
Ndakazomutswa ne noise ye door richivhurwa . To my surprise Pardon akabva apinda neumwe musikana aitotaridza kuti ihure remubhawa chairo . Mvura yokutambudzika yakabuda mumaziso angu.
"Iwe hure wabikei,this is my girl anonzi Tracy ,Tracy meet the mother of my 3 daughters Rumbi".
"Why Pardon kusandipawo respect kudaro ungabva waunza hure rako in our matrimonial home and if the kids see  you nemunhu wako asina kana kupfeka iyeyu,unoti vanofungeyi chii chaunoda kudzidzisa vana".
"Hazvinei newe Rumbi izvozvo .This is my house ndini ndakaitenga nemari yangu,and don't call my girl a bitch. Vana vacho vaunongoti pwana this pwana that ndevako here".
"Atori hure kana ukaona munhu anobvuma kuuya mumba mune mumwe mukadzi,"ndakataura neshungu chaidzo aive anyanya kuenderera semupendero wehembe urikudambuka.
Handina kuona kuti akasvika nguvai pandaive ndiri achibva andirova mbama padama .Ndichiri kukwenya dama raiita kupisa ndakabva ndanzwa imwe mbama zvakare .Apa ndairohwa pamaronda andainge ndambopiswa zuro wacho.
"Next time uzive kuti handidi munhu anotaura ini ndichitaura ndini baba vemba ino".
Akabva afamba achienda memusikana uya .Ndaiti zvimwe achaendawo naye kuguest room ,but haana kudaro akatopinda naye muma gumbeze medu , pamubhedha wangu. Ndakabva ndateerawo kana aitondiuraya aiuraya zvake.
*Malikes enyu ne ma comments ndizvo zvinondipa simba rekuenda mberi*
End of chapter 1
Stay tuned
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                    
                                        214