VOA Shona

VOA Shona

93.7K subscribers

Verified Channel
VOA Shona
VOA Shona
February 6, 2025 at 11:12 AM
Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vatumira mashoko kuvatori venhau nhasi vachishora zvikuru nhengo yebato ravo reCentral Committee uye murwi wehondo yerusungunuko VaBlessed Geza vachiti vakazvidza bato nekutaura kuti mutungamiri wenyika nebato VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kusiya basa nekuti vakundikana. VaMutsvangwa vari mashoko aVaGeza akafanana nekuda kupandukira hurumende. Vati vacharangwa uye vakati bato rakabatana mukutsigira VaMnangagwa. Mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti Zanu-PF harisi bato rinoita wada watonga muzinda wenyuchi.
😂 🚮 👍 😢 😮 🙏 ❤️ 👎 💩 154

Comments