VOA Shona WhatsApp Channel

VOA Shona

93.7K subscribers

Verified Channel

About VOA Shona

Studio7 inhepfenyuro yevanhu inotema isina kwayakarerekera

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

VOA Shona
VOA Shona
2/27/2025, 10:34:26 PM
Post image
๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ’ฉ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿ˜ฎ 23
Image
VOA Shona
VOA Shona
2/27/2025, 10:34:25 PM
Post image
๐Ÿ˜ข โค๏ธ ๐Ÿ’” ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ™ ๐Ÿšฎ 26
Image
VOA Shona
VOA Shona
2/28/2025, 6:31:43 PM

Nhau dzedu dzanhasi, Chishanu Kukadzi 28, 2025.

๐Ÿ‘ โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‘Ž ๐Ÿšฎ ๐Ÿ›œ ๐Ÿคฒ 32
Video
VOA Shona
VOA Shona
2/27/2025, 10:45:36 PM

https://www.voashona.com/a/7990629.html

๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ’ฉ ๐Ÿ™ ๐Ÿšฎ 41
VOA Shona
VOA Shona
2/27/2025, 9:11:42 PM

https://www.voashona.com/a/7990704.html Govanai Ona Mafungiro Print Washington, D.C. โ€” Kusungwa kwemutori wenhau weAlpha Media Holdings, Blessed Mhlanga, uyo ari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu 136 chemutemo we Criminal Law (Codification and Reform), kwasimudza mutauro munyika pamusoro pekusununguka kwevatori venhau mukuita basa ravo. Mhlanga akasungwa mushuee mekunge aita hurukuro nemurwi wehondo yerusununguko vari nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaBlessed Geza, avo vari kukurudzira kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasiye basa vachiti vakundikana kugadzirisa matambudziko ari munyika. Asi mashoko aVaGeza aya, anonzi anokonzera kusagadzikana munyika, izvo zvakaitawo kuti ivo VaGeza vatsvagwe nemapurisa. Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira uye vakambovewo kanzura wegta reMasvingo, VaGodfrey Kurauone, vari kushoropodza zvakasimba kusungwa kwemutori wenhau uku vachiti inzira yehurumende yeZanu PF yekuda kutyisidzira vatori venhau kuti vasaburitsa kunetsana kunonzi kuri muZanu PF kwasimudzwa nenyaya yaVaGeza iyi. VaKurauone vanoti zvinoshamisa kuti mapurisa ari kusunga munhu akaburitsa mashoko vachisiya munhu akataura mashoko aya, vachiti zvakadai zvakamboitika munguva yaVaRobert Mugabe zvekuti vakarwa hondo vakati vachisiya chigaro asi vatori venhau vakaburitsa mashoko aya havana kusungwa, kwakangosungwa vakarwa hondo chete. Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari gweta uye vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza vanopokana naVaKurauone vachiti hurumende kana bato ravo reZanu PF harineyi nekusungwa kwaMhlanga nemapurisa sezvo iye akapara mhosva yakamusungisa iyi achiziva kuti ari kupara mhosva. Doctor Mavaza vanoti zvasarira kumatare kuti asunungure Mhalnga kana akawanikwa asina mhosva yaakapara, kana kuti opiwa murango wake unokodzerana nemhosva yaanenge abatwa nayo. Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kupomerwa mhosva yekumbunyikidza vatori venhau kubva zvayapinda pachigaro muna 2018, izvo zvinonzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika zviri kupa nyika chimiro chakaipa. https://whatsapp.com/channel/0029VaDYjU589infeR8WL90b

๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿšฎ ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ ๐Ÿณ๏ธโ€๐ŸŒˆ ๐Ÿคบ 76
VOA Shona
VOA Shona
2/28/2025, 11:08:35 AM

Mutori wenhau Blessed Mhlanga anyinwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. Ari kupomerwa mhosva yekupezvedzera mhirizhonga nekupa mukana murwi wehondo yerusungunuko VaBlessed Geza kutaura kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakundikana nekudaro ngavasiye basa. (Mufananidzo Zimbabwe Lawyers for Human Rights)

Post image
๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ™†โ€โ™‚๏ธ โค๏ธ ๐Ÿšฎ ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ 264
Image
VOA Shona
VOA Shona
2/28/2025, 8:18:15 PM

Mutori wenhau anoshandira kambani yeAlpha Media Holdings, Blessed Mhlanga, nhasi arambirwa nedare ramejasitiriti chikumbiro chake chekuti abvise mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba pamhosva yaari kupomerwa yekupesvedzera mhirizhonga. Tobias Mudzingwa anotipa nyaya iyi.

๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ โค๏ธ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿšฎ โŽ ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ ๐Ÿ’ฉ ๐Ÿ˜ก ๐Ÿ˜ญ 31
Video
VOA Shona
VOA Shona
2/28/2025, 7:10:01 PM

https://www.voashona.com/a/7992580.html Washington, D.C. โ€” America yatemera zvirango vanhu vaviri pamwe nemakambani maviri vane chekuita nemhirizhonga nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kumabvazuva kweDemocratic Republic of Congo, kana kuti DRC. Pakati pevakatemerwa zvirango nehofisi iri pasi pebazi rezvemari yeOffice of Foreign Assets Control, kana kuti OFAC, ndiJames Kabarebe, gurukota rinoona nekuzvekudyidzana nedzimwe nyika muRwanda. Kabarebe ndiye mbambo yekutsigira kweRwanda March 23 Movement, kana kuti M23, iyo yakatarwa neAmerica neUnited Nations sechikwata chevapanduki chatora nzvimbo dzakawanda kumabvazuva kweDRC uye chine chekuita nekutyorwa kwekodzero dzevanhu. OFAC yakatemerawo zvirango kuna Lawrence Kanyuka Kingston, nhengo yeM23 neCongo River Alliance ane chigaro chikuru ari mutauriri, pamwechete nemakambani maviri aKanyuka anoti Kingston Fresh neKingston Holding. Kubva pakati paZvita, chikwata chiri kutsigirwa neRwanda ichi chavedzera kukura kwenzvimbo dziri pasi pacho mudunhu reDRC, chichitora Goma, guta guru redunhu reNorth Kivu musi wa Ndira 27 neguta guru redunhu reSouth Kivu reBukavu musi waKukadzi 16. Kurwisa pasina kudenhwa uku kwakanganisa kugadzikana kwedunhu reDRC iri. Nerutsigiro rweRwanda, kwakanganisawo, kukuvadza, kuuraya, nekutamisa zviuru zvevanhuwo zvavo vasina mhaka kubva mumisaha yavo, kuurayisa mauto matatu eUnited Nationa anochengetedza runyararo nekukuvadzisa vamwe vane chitsama. OFAC yakayambira kuti mhirizhonga iyi inogona kuwedzera ichikura kuve mhirizhonga yedunhu rose. Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemari vachiona nezvekudzivirirwa kwehugandanda nekufambiswa kwemari zviri kunze kwemutemo VaBradley Smith vakati America inoda โ€œkuranga vakuru vakuru nevatungamiri vakaita saKabarebe naKanyuka, avo vari kubatsira kuti mauto eRwanda neM23 vaite mabasa anokonzera kusagadzikana kumabvazuva kweDRC.โ€ Zvirango izvi zvinotsinhira kurudziro yekuti Rwanda idzokere kunhaurirano dzinotungamirirwa neAngola dzeLuanda Process kuitira kuti pawanikwe nzira dzinopedza kusawirirana kuri kumabvazuva kweDRC. America inokurudzira vatungamiri veRwanda kuti vamire kutsigira kwavo M23 nekuburitsa mauto eRwanda ose kubva mudunhu reDRC. Mugwaro ravakaburitsa, mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaTammy Bruce vakati, โ€œTinokurudzira Rwanda kuti iremekedze kuzvitonga kweDRC nenharaunda dzayo.โ€ Vakawedzera vachiti, โ€œTinokurudzirawo hurumende dzeRwanda neDRC kuti dzitorere matanho avo vane chekuita nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.โ€ Vakati, โ€œKuenderera mberi kwemhirizhonga kunodzorera shure budiriro mune zvehupfumi nekutadzisa mabhizimusi emuAmerica kudyara mari muRwanda neDRC โ€“ zvinozokonzera kurasikirwa kwedunhu pamwechete nezvizvarwa zveAmerica.โ€ Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica.

๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ”ฅ ๐Ÿคฃ โ˜ โคโ€๐Ÿ”ฅ 56
VOA Shona
VOA Shona
2/27/2025, 10:34:25 PM

Namibia iri kubatana kuchema mutungamiri wenyika wayo wekutanga payakawana kuzvitonga kuzere VaSam Nujoma. VaNujoma vacharadzikwa nemusi weMugovera.

Post image
๐Ÿ˜ข โค๏ธ ๐Ÿ’” ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿ˜ฎ โ˜ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ’ฉ ๐Ÿ”“ ๐Ÿ˜‚ 31
Image
VOA Shona
VOA Shona
2/27/2025, 8:34:18 PM

https://www.voashona.com/a/7990591.html

๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜‚ โค๏ธ ๐Ÿ’ฉ ๐Ÿ‘ ๐Ÿšฎ ๐ŸŽ‰ ๐Ÿ‘น ๐Ÿ’€ 38
Link copied to clipboard!