Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
January 30, 2025 at 03:49 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
MY CHOICE ☂ ☂ ☂ ☂ ☂
STORY BY LORRAINE
READ AND SHARE
CHAPTER 10.
Michael.
"Diana chimbomira kundi blamer pazvinhu zvese, pataiva ku America handiwe here wakandimanikidza kuti nditsvage munhu anotiitira mwana?"
"Izvozvo handina kuzviramba Mike, asi nyaya iripo ndeyekuti Leah wako hatozvare,munofana kumudzinga motsvaga mumwe anotiitira mwana, everyday unenge uchingondiudza nhorondo I'm fade up with your shit !" ?
Ndini ndaitonetsa na Diana mukadzi wangu nenhau yekuti aiva akuda mwana nekukasika kuti tidzokere kwataigara zvino Leah wacho wataida kuti atiitire mwana anenge ayisatozvaita ndaiva ndakutonzi na Diana wacho ndirikudanana na Leah wacho pakuti ayida kuti ndimuyendese kumba kwavo asi ini ndairamba nekuda kwe mari yangu yandakapa mai vake
Yaindirwadza zvisingaite.
I'm Michael Howells age 33,ndinogara na mai vangu nababa, nema sisters angu three ,asi baba vangu pfungwa dzavo hadzinyatsoite mushe vatori munhu anopenga zvekutu vanogara vakavharirwa ku cottage kwavanoita zvekupihwa chikafu nepa door na mom vangu,asi chakaita kuti vapenge chaizikanwa neni na mom vangu, This story is for another day.....
Ma years ese aya ndaigara ku America na Diana anova mukadzi wandikaroora. takangosangana ku America ikoko ndichibva ndatomuchiva kwakutomukanda shoko rerudo,achibva andibvuma.takatotanga kudanana zve 2 years ndokuchizofunga kuroorana. Mai vake vaiva munhu mutema.
baba vake ndivo vaiva murungu saka iye Diana wacho aitova mukaradhi.uye ayibva ku family inemari.vanga vaine ma company avo ayita zve mining, isuwo taiva ne company yedu yaita zvekugadzirwa original jewellery saka ndakatowona kuti ndaitoita ma benefits hobho especially panya dze gold raigadziriswa jewellery yedu plus chabdaingoda pana baba vake vaive vasiri munhu akaomera,paitaitoda kuita muchato wedu ikoko ku America.
vakatotumira mom vangu mari dzekugadzirisa ma visa avo
akatoita ndokubva vatumirwa mari dzekuti vakwire ndege vachibva vatouya,zvekuti pakaitwa white wedding yedu munhu wese aivapo.
mudhara vangu vakatofara kuti ndaroora mukadzi anosimudzira family yedu.three years dzakakwana ndichinyatsogara mushe na Diana asi nhau yakazotanga pakunetsa kuti Diana ayisaita mwana,, zvaive zvakugara zvichimushungurudza mumoyo make akungogara akasuwa-suwa, ini hangu pakusave nemwana ndanga ndisina problem nazvo.ndaitogara ndakamusimbisa kuti kana nguva yakwana mwari vachatipa mwana wedu,manji iye zvaitomunonokera ndopakatanga kutaura na mom vangu achivati vatsvage munhu wekumusha wandinokwanisa kuitisa mwana,tobva tamupa mari,achingobara chete anobva adzokera kumba kwavo hafane kuzodzoka achiti arikuda mwana wake, ipapo ndakatogara naye pasi ndalatanga kumuwonesa ndichimuti kuti titsvage munhu anotiitira mwana hazvibude isu takaroorana zvitorinani titsvage ku orphanage yekuyenda kuno adopter mwana ,asi iye akabva azviramba akati arikuda mwana anoti wangu,ende iye ayisada kuti ndite mwana ne munhu anogara mu town ayitoitira kuti vasikana vemuno mu town vanogona kuzodzoka vachiti vakuda kutora mwana ndosaka ayida munhu wekumusha asina chanoziva plus idea iyi yakabva kuna mom vangu ndivo vakabva vatsvaga munhu wacho vakatomupa mari yandikavatumira,so isusu takamboti garei zvishoma ku America kwakuchizoyenda ku zimbabwe na Diana ndikamuti
Agare kwaiva ne imba yandikatenga coz ndakatowona kuti akagara na mom vangu vaigona kuzokonana panhau dzebasa nepakubika coz Diana wacho aiva munhu akakura achiitirwa zvese. ayisagona kutsvaira mumba, ayiti akatora hembe mu wardrope ayingosiya makqbvanyanguka. Even kudzosera chinhu pachiwana anga asina mutemo iwowo,ende pese paibika mumba maitoita mess chaiwo,ndosaka ndakatowona kuti better agare kwake ega.avawo mom vangu ndakatovanyepera kuti hazvite kuti Diana auye agare pano, ipo paine munhu arikuda kutiitira mwana
zvirinani azouya pane mwana vakazvinzwisisa vachibva vayenda kunomuwona Diana ku waterfalls ndiko kwaigara ega plus ayigona kutaura shona sezvo ayidzidziswa na mom vake vachiitira kuti paizouya kuno ku zim ayizonetseka nekutaura nema relatives ake.musi wandikazowonana na Leah, ndakawona kunaka kwake she asi hunhu hwake handina kuhwufarira pamwe inyaya yekuti hwaiva hudiki hameno kuti chii chainyatsoitika paari, Semusi wandikazorara naye kumba kwa ngrandpa vangu.zano iroro ndakatoripihwa na mom vangu vatowona kuti munhu wacho haimbobvuma kurara neni pasina kana kutyikidzirwa,asi ndakamuwana ari virgin ndini ndakatomubvisa humhandara hwake, asi Diana wangu uyu ndakamuwona asiri virgin ndakatotora zvakasiwa nevamwe ndichiti chikuru ndechekuti chinhu chacho chiripo.Mazuva akafamba
uyu Diana ndaimuwona zuva ramwari rega-rega ndichitobva ku basa ndotombogara ndobikirwa mambodza kana zvinhu zvine salt yakawanda, pakazotanga kuyenda leah kuchikoro handina kupafarira ipapo ndaiva ndakutyira kuti anogona kumutiswa kuchikoro kwacho otadza kuziva muridzi we nhumbu coz munhu wacho aiva nedzungu apa utarise munhu wacho-munhu akatosvika-svika ane structure yakanaka uye chiso chake aiva tsvarakadenga asi kupenga kwaita ndokwaimushatisa.Ndaiva ndakuto developer ma feelings paari asi ndakazofunga kuti ndine mukadzi uye mom vangu vakatondiyambira zva leah vakati ndisatombomude zvangu,apa ndaiti ndikayenda kunowona diana ayindituka zvimwe zvekuti ndaikanda mapfumo pasi ende anga ari speeless ayitaura zvanoda ne nhau yekuti ayibva kumba kune background irinani ndopandikawona kuti marriage inotemesa musoro,ndosaka ndakambosvika kumba ndichinwa doro kutombo escaper reality,ndanga ndine stress, ndopakazouya leah mu room mangu akadhakwa ndokubva ndarara naye,l enjoyed myself paari zvandisati ndamboita pana diana.Musi wakazobuda Leah,akadzoka manheru ndakabhoikana,apa ndaitorwisa kuti andiitirewo mwana?"iye oyita hake zvekupinda-pinda zvakandindinzwisa hasha zvekuti ndakanyatsomurova kusvika pandikawona kuti zvakwana ndichibva ndamuti abude mu roon mangu Iniwo ndopandikayebda panze kumbonodzikamisa pfungwa dzangu ndokunzwa foni yai ringer iri muchiruva ine same ring tone yandikanzwa ndiri mu room ma leah,mwana uyu aiva akutondipinzisa busy.ndakabva ndayenda kunoyitsvaga foni yacho muchiruva.ndokuyiwana, kwakutarisa munhu wacho ayifona ndopandikawona number dzemunhu wacho dzaka sevhwa kunzi sweetheart,dats time ndakashatirwa chaiko.ndokutora number dzacho ndokufonera munhu wacho ne foni yangu ndikamuudza kuti asiyane na leah ndakatomuroora, akabva ati okay, hameno kuti ndokaiva ka sir kacho here kanga kabva kunowonekwa,ndakabva ndabvisa foni iya line.ndokuyenda kunoyipa mai vanoshanda pagedhi ."ndikavaudza kuti vasamboite mistake yekuvhurira leah gedhi coz akangobuda chete ivo ndovandinopinzisa busy,vakabva vazvinzwisisa.Mukufamba kwakaita mazuva ndaiva ndakunyatsowona kuti pana leah ndakatambisa mari yangu kunopa mai vake,coz vamwe vanototi ne months chaiyo anenge atobata pamuviri,asi iye hapana-hapana,aiva akutondinzwisa hasha !"ndosaka ndaiva ndakugara ndichimurova akangonditaurira zvisina basa chete,nmom vangu vaiva vakumuitawo rough coz vakambozama kuda kumuitira zvakanaka asi iye leah wacho ayitovawona se mwana we grade one,saka vanga vakumuitira hutsinye vachimupa mazi basa kuti zviyenderane nemari mari yedu,ini ndaitomukwira pandangonzwira kuti ndirikuda mukadzi.ndaisave nebasa kuti arikuzogara sei....
Back to my story
Ndakamboyedza kutaura na Diana ndichimuwonesa kuti ndakaramba ndina Leah ayigona kuzotiitira mwana zvino munhu wacho wandaitaura naye ayitoramba kunzwisisa plus ini zvekuti ndirambe ndichichinjanisa vasikana ndaive ndisisade ndaitopedzisira ndabata chirwere ,akabva anditi....
"Now ndazokubata Michael kuti urikudanana na Leah,nei usirikuda kuti ayende kumba kwavo?" Ndikamuti..
"Mari yangu ndiyo irikundirwadza beb."
Akabva aseka zvekundidvotesa akati...
"Ine basarei mari iyoyo, chakosha chii kuti titsvage munhu anotiitira mwana pane kuswero kutedzana na Leah wako asingazvare, wat dar fuck ?"
"Ini handina mumwe munhu wandichatsvaga anotiitira mwana kunze kwa Leah ,kana zvakunetsa enda unohura uyite mwana wacho fuck off !"
Ndakabva ndatoyenda kunogeza shower, ndichitofunga kuti ndinosvikepi ndichingonyaudzwa ne nhau ye mwana.
Yanga yakutoita kunge mhosva yangu." kana mwana wacho ayisandidawo ndaita zvekuzviuraya here kuti auye. ndichipedza kugeza,ndakadzokera mu room maiva na Diana.ndikawona shasha yakakwindimara asi handina kumboita hanya naye,ndakatotanga kuzora mafuta ndichitofunga kuyenda ku basa coz ndaiva nema customer ayitoda kutenga diamond ring fo their wedding, dzaito coster about two million dziri two,ndirimukozora mafuta angu kudaro ndakawona Diana uya kudhuze kwangu ndokunditi...
"Michael mangwana ndirikuyenda kunotenga ticket rangu rekudzokera ku America coz handichatokwanise kugara newe,Kubva patikauya kuno wakabva wachinja maitiro ako, apa baba vangu ndirikuti ndikavaudza zvekuti handichade marriage nenhau yekuti une munhu waurikudanana naye havasikuda kundinzwisisa varikutondiita piece of shit!"
"Problem ndiwe usingazvare,saka kana wafunga kurova pasi no problem haumbondiwone ndichikutevera ."
Ndakadaro ndichitopfeka hembe dzangu akati. ..
"Wakandi destroyer hupenyu hwangu Mike ndaitofana ndakaroorwa nemurungu asi ndiwe wakandinyengedza nezvisina basa."
"Enda unotsvaga murungu wacho akuroore,unoti kutsvuka ndokunaka here, dai ndakaziva ndisina kumbotambisa mari yangu kuroora hure rakaita sewe, utori useless ,unoti ndingati ndine mukadzi here , munhu anozvi poster pa Instagram asina kupfeka kurikuda kuwana ma likes akawanda, chirungu chenyu ichi chamoda kuita chinotosemesa chaiko unofunga dai ndakaroora muzimba ayimboswera kuzvifumura nyama dzake pavanhu."
"Zvaunoita Michael hazvina kunaka."
"Apa ukati urichapa ,kutozvigeza kunokunetsa,vamwe vakadzi vanoziva kuti varara nevamurume vavo vanoti makuseni anofuma achiyenda kunogeza kuzasi kana kutogeza muviri wese zvino iwe hauite izvozvo chako kungomuka nekuyenda kunogara pazuva ende kukadoka unogona kusatogeza kwacho,Wozotanga kutaura kuti Michael unondisema haudi kundikwira,unoti ndingade kukwira munhu ane tsvina zvekuti ukandivhurira makumbo ndinogona kutotadza kufema nekunhuwirwa.',"
Ndakamudaro ndichitozvi sprayer perfume akanditi
"Ndeyako here perfume iyoyo yauriku sprayer?"ndikamuti
"i Mari yangu yakatenga perfume iyi."
"Urikutoda kunonyenga vasikana vako ne perfume yangu."
"Ko chii chingandimise,
Handikwanise kurara ne chapa ."
"Nhasi ndirikuuya kumba ikoko kuzopedzerana na Leah wako."
Akadaro achitoyenda kunogara pamubhedha ndikamuti...
"Unouya."akati..
"Chimbondivhairira hako, Soon baba vangu varikundiisira mari mu account mangu."
"So."
Ndakadaro ndichitora foni yangu pa dressing table ndichibva ndatora wallet yangu yandikabuditsa 300 us ndokuyikandira Diana pamakumbo pake ende anga asingandiwone kuno kumba zvekumhanya ndaitoda kumbomusiya ega akabva anditi..
"Urikudzoka here Michael kuno?"
"Handisikudzoka."
"I love you Michael,ndaneta ne life yekugara pano pamba ndirindega ndakutoita kunge ndisina murume."
"Saka chinochemedza ipapa chii?"
"Urikundishungurudza Michael."
"Hanty ndakauya kuno kwacho unenge Uchindituka kunge mwana wako."
"sorry ."
Akadaro achiburuka pamubhedha ndokuuya kunotanga kuchema akandimbundira ndichibva ndamubata musana wake ndichimuti...
"Eyy stop crying,ndichadzoka kuno kwacho apa ndirikuyenda ku basa."
Akabva asimudza musoro wake akati...
"Urikudzoka nguvai ndizowane nguva yekubika."
"Maybe kuma around 8."
"Okay hun ,l love you."
"I love you too."
Ndakabva ndamukissa zvekunyepera apa chikafu chacho chainzi ndirikuda kubika chikaibva musi iwowo raitova luck chairo akabva anditi..
"Asi Michael, Leah unofana kumuyendesa kumba kwavo,kana zvichitobvira ndokudzosera mari yako yaukapa mai vake."
Ipapo ndakabva ndamuti andisiye ndichibva ndatobuda mumba macho, hameno why ndaiti ndikanzwa kuti Leah ngayende kumba kwavo zvaibva zvandigumbutsa.Ndakatosvika kwaiva nemota yangu ndokubva ndambotanga kuzvitarisa pa view mirror yemota, ndaiva ndakatopfeka tracksuit yangu ye *adidas* iri ye black,ndakabva ndazopinda mumota,nekutonanga kubasa.ndakabva ndaisa music asi ndichinzwa ndakadzikisa volume ndaitofarira music dzekunze,dzemuno muzimbabwe ndaingoita zvekunhonga ma one one.After few minutes ndopandikasvika ku basa..
Ndichibva ndatoburuka mumota apa kunze kwacho kwaiva kwakutoda kunaya ndichibva nda locker mota yangu.kwakufamba kuyenda mukati..
*Leah* .
Leah !" Leah !" Leah !"
Ndakatovhunduka ndichinzwa mai Munya vachindidedza vakamira kumashure kwangu ndichibva ndasimuka ndichitopukuta musodzi yangu vakanditi.....
"Ko zvaurikuita kunge urikuchema wani?"
"Kuchema?"
Ndakadaro ndichitopukuta maziso angu vakati..
"Ndatokuwona ndakamira ku door uku uchichema ."
"Ndasuwa gogo vangu mai Munya, plus ndinosvikepi ndichirarama life inorwadza kudai."
Ipapo misodzi yangu yakabva yati mokoto kubuda vakanditi
"Zvino ukachema kudaro unopedzisira wakutemwa nemusoro zvimwe zvacho hazvidi kufunga....."
"Dai ndaiziva number dza baba vangu ndaivafonera vouya havo kunonditora, chimbofungai kuti pano ndirikushandiswa ndichirwara mhosva yangu ndeyei?"
"Mai vako ndowonzero,kusada kupfuurwa nemari,apa havambouye kuzoku checker kuti urisei,vana mai vakadai vanoda kurambwa kana ukazove ne hupenyu hwakanaka."
"Handidi kuvawona zvachose coz ndivo vakakonzeresa kuti life yangu ive hard,handichina mufaro pano pasi...."
"Usafunge zvakawanda Leah,handei unodya ndapedza kubika chikafu chemasikati."
"Ndirikumboda kudya kwacho here?"
"Ukasadya manji unowonda mwanangu."
"Ndagara ndatowonda ini ."
"Hauna kumbowonda asi ukasatodya ndopauchawonda."
Vakabva vandibata ruoko rwangu ndokuyenda neni ku kitchen vakasvika vachindipakurira ma spaghetti aiva nema boiled egg ne soup, ndokundipa kuti ndidye,asi smell yaibuda mumazai ndakatotadza kuwirirana ndikavati....
"Oyi plate iyi mubvise mazai handisikumada."
"Nekuda kwei?"
"Haasikundiitira mweya wacho."
"Leah hauna nhumbu iwe?"
"Handina mai Munya."
Ndakadaro ndichitofinyama kumeso kwangu vakati....
"Kusarura kwakurikuita chikafu unofana une nhumbu chete ,ko wakapedzisira kutevera rinhi?"
Ndakamboramba ndiri zii ndichitofunga kuti ndakapedzisira kuyenda kuma periods rinhiko,ndichibva ndavati..
"Nhasi date ndiyani?"
"30 January?"
"Asi mwedzi uno ndinofana ndakayenda,kungoti handichaziva date racho coz ini ndinongyenda pese pese kumwedzi."
"Ayiwa hazvinetse mangwana ndichayenda ku market, pakasara ka change ndichibva ndakutengera chi pregnant test,umbowona kuti uchiri wega or matova neka baby mudumbu umo."
"asi kana ndinayo ndoibvisa nhumbu yacho zvinobatsirei kuzvarira vanhu vanondiitira hutsinye."
"Ukatove ne nhumbu unenge wakubatwa zvakanaka ."
"Kana vakandibata zvakanaka sei asi ndirikuda kuyenda kumba kwedu."
"Leah unozondipedza zvako."
Vakazobvisa mazai acho vachibva vandidzosera plate yangu,ndokutanga kudya ne folk.But ndaingonamata kuti chi pregnant test chacho chingotaura kuti handina nhumbu ndava Zvekuzvara ndaizvitya,ndakangoti idyei ma spaghetti acho zvishoma ndichibva ndatomasiya ndichitoti ndaguta."
ndanga ndakutoda kusimuka plate mai munya vanga vandi promiser kundiruka carrot idhafu nema braids avo akasara pavakarukwa.Vakanditi ndigare ndimbozorodza musana wangu wadai kundinetsa zuva nezuva.
ndakatobva nda relaxer hangu, ndokutanga kutaura navo nyaya vachiita basa ravo.Kusvika pavakapedza,ndokubva vayenda ku room kwavo kunotora ma braids,ndokudzoka nayo vachibvavanondirukira panze,apa vaita kubatisa zvekuti ndaingoshingirira vachinditswinya tubvudzi twacho asi ndairukwa zvinhu zvakanaka hangu,ndakatoita ka nguva ndichirukwa ndakazvitarisa pa mirror ndopandaitowona kuti ndakatonaka zvekutodaro Ndosaka sir vangu vaindida manji zvakabva zvavhariswa nezvi wizard rinozviti Michael asi ndaiti ndakavawona tinoto continuer patikasira.ndakatorukwa kusvika pakupera musoro wese.
Ndokubva ndatenda mai munya ndichibva ndayenda kunogeza kwakutopinda mumagumbezi sezvo ndaiziva kuti mangwana ndinomukira ku cleaner dzimba dzese handina room yandinosiya.Tomorrow morning,l woke up early in the morning ndichitonzwa kupindwa nechando musoro wangu uchiita kurwadza,ndakabva ndapfeka chi track suit changu chinodziya kwakupfeka ma socks,nema morning shoe angu,ndakatoyenda kunoita basa zvekutowona kuti hapana mumwe munhu anombokwanisa kundiitira, ndakatotanga kutsvaira mu dining ndokuyenda mu kitchen after mu kitchen ndokuyenda ku lounge after mu lounge ndokuyenda ku study room yana natasha kwakutanga kugadzirisa ma books avo Avaingozanganisa nemamwe books asiri ekuverenga, ndaiva ndakutonzwa kuneta ndakati ndichipedza nezvemo kwakuyenda kuno cleaner ku room kwa Michael,uko ndaipedza hour rese ndichi cleaner room yacho ndichingoudzwa kunzi ko apa hauna cleaner wapasirei,hee mu wardrope murikuda kugadziriswa hembe dzangu dzirikuda kurongedzwa zvakanaka uku basa rekuudzirwa raindibhowa.ndakatosvika achiri akarara ndokutanga kugadzirisa mu room macho ndichirongedza zvinhu pazvaigara,ndichibva ndambotanga nekuyenda kuno cleaner mu bathroom make,kwakumushainisa mukatanga kupenya,ndokudzokera kunopedzisa mu room make ndipo pandikawona Michael uya amuka, apa ndaiti ndikamuti baa chiso chake ndainzwa kusvotwa naye ,ndaitoti akabata chinhu kuti ndichibate chaitondisemesa worse cup yandaitoziva kuti ndiyo yanoshandisa pakunwa mvura ndanga ndisingabate, tanga takavengana chaiko...akabva anditi..
"First wapinda mu room mangu,hauna ku knocker,apa wondikwindimarira face yako own my room, asi unemuyedzo neni?"
"Ndikakumutsa hauzvide saka urikuda ndiite zvipi zvacho."
"Hautsamwe mu room mangu, Chakutadzisa kundimhoresa pawona ndamuka chii?"
Ndakabva ndaramba ndiri zii akati..
"Ndipo paunowona kuti hauna kukwana ungatadze ku greeter muridzi we room yawapinda."
Handina kumbomudaira ndakaramba ndichitsvaira mu room make achibva andisimukira pamubhedha ndokusvika achindibata rough achinditi...
"Asi ndirikutaura ndega here?"ndikamuti..
"Irikutaura neni asi zvekukupindura zvacho ndozvandisina."
"Saka urikuda kunditonga panapa here?".
"Ndakutonga papi nhaiwe?"
"Chii chirikukutadzisa kundipindura zvinhu zvandabvunza."
"Handina zvekupindura zvacho."..
"Mari yezvinhu zvaukarukwa musoro wakayiwana kupi hee."
"Mai munya ndovakandiruka zvinhu izvi."
"Hooo saka murikuita basa rekufurirana kuita chihure chenyu pano pamba, Ndichivawona hangu mai Munya."
"Chihure chipi chataita isu tichiswere pano pamba "
"Usandikwidzire voice rako,hanty unoziva hunhu hwangu,izvezvi uchipedza uyende kunowacha bhutsu dzangu dzese nonsense!"
"Koiwe kuwacha wega kunei?"
"Handiwache iwe uripo ."
"Manji handisikuda kudziwacha kana uchirova kana kuuraya zvinenge zvirikwauri,hokoyo tone nditsvaire aoa ndakatozvinetera hangu woda kuramba uchinditutsira mamwe mabasa asi unoti handisi munhuwo wenyama?"
"Ibva wasiya kutsvaira kwacho mu room mangu "..
Akadaro achitondibvutira mutsvairo wacho ndikatofara,ndichibva ndabuda mu room make kwakubva ndayenda kunorara ku room kwangu zvenguva refu,ndokutozoitwa zvekumutswa na na mai Munya vachiti vauya nechi pregnant test chacho,asi ndakatonzwa hana yangu kurova vakanditi nditsvage chigaba chekuitira weti ndobva ndauya nayo ndichivapa,apa weti yacho ndaitoyinzwirwa kure, dakatoyenda kunoitira weti yacho mu bucket Ndokuuya ndichivapa,hameno zvavakabva vatanga kuita ini ndakangotarisa vachibva vazobuditsa kanhu kacho ndokunditi...
"Hehehede you're pregnant Leah
Ndakabvira kare kuzviwona ini kuti mudumbu umu makaita ka baby."
Ipapo ndakangoramba ndaka sticker vachibva vanditi..
"Ko hausikufara kuti soon unenge wane mwana." Ndikavati..
"Mwana wekuzvarira vamwe vanhu manji.
"
Ndakawona mai Munya vauya kunogara pa side pemubhedha wangu vachibva vachinditi....
"Mwana wako haufane kumupa mumwe munhu . zvaunoita iwewe chingonyarara chete, usangwadze vanhu ava musi waunonzi wayenda ku labour ndoita plan yekuti ndikutizise ne mwana wako."
"Ndomupei mwana wacho , handina ku basa kwandinoyenda."
"Ndokutsvagira zvekuita,Asi unofana kuyenda kunoudza Michael izvezvi kuti wane nhumbu asarambe achikushandisa ma basa akaoma."
"Handina nguva yekutoyenda kunomuudza izvozvo."
"Leah !pamwe pacho hapadi nharo coz nhumbu iyoyo ikazowonekwa yakura iwe usina kumuudza panoita nyaya."
"Mai munya Michael anotondibhowa kuwona chaiko,akatondibata so ndinonzwa kusvotwa kwakanyanya."
"Chingoyenda unomuudza Leah."
"Ndomuti chii?"
"Unoyenda nechi pregnant test ichi?"..
"Okay asi Michael anondibhowa..."
"Zvino nhumbu yacho yakamaka baba zvinobuda here?"
Ndakatotambira chinhu chacho, ndokuyenda ku room kwa Michael, ndikasvika ndichi knocker pa door pake achibva avhura door nekutomutambidza chi pregnant test chiya ndokuramba akachitarisa akanditi...
"Ndechani chinhu ichi?"ndikamuti..
"Ndechangu."
Ndakamudaira ndakafizuka akati..
"Taura sure Leah?"
"Ndechangu Michael."
"So you're pregnant?"
Ndakabva ndagutsurira musoro wangu..
Achibva angokanda chinhu chiya nekutondisimudza akatanga kutenderera neni akanditakura,achibva azondiburutsa achinditi..
"Handichada kukuwona uchishanda kusvika wane mwana ndizvo here?"
Ndakangoramba ndakanyarara, achibva andibata ruoko rwangu ndokuyenda neni mu room make akasvika achigarisa n pamubhedha achibva ati akuyenda kunoudza mom vake.
Ndichiwona abuda chete,ndakabva ndadzokera ku room kwangu ndokusvika ndichizvivharira imomo nekutotanga kuchema ndaisatoida nhumbu yacho sezvo ndaiziva kuti ndakangomuita mwana wacho ndogona kungomutorerwa...
End of this chapter 10
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
3.1K