Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼 WhatsApp Channel

Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼

63.3K subscribers

About Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼

BOOST 12 US APP ADMIN👇🏼 https://wa.me/message/ASD2VMF3QUZKJ1

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/18/2025, 7:08:15 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19 💮SHINGIRAI 💮 STORY BY LORRAINE READ AND SHARE CHAPTER 4.. SHINGI . Ndakatora ka nguva ndichichema,,mai vangu na baba havana kumbobvira vakandirova murovero uyu ndikati handisi kuzotaura naye jay kusvika andikumbira sorry.ndakabva ndatosimuka ndagokugadzirisa pamubhedha ndichibva ndarara.ndipo pandakanzwa Jay uya abata handle yedoor achibva anditi..... "Shingi vhura door iri ,,handisikuda zvekunetsana newe futi ,uri munhu rudzii asingatsurike, chii chawapisa mu kitchen?" Handina kumbodaira ndakatowedzera kupfinyira gumbezi rangu ndichibva ndatorara ndichiterera noise yaitoita pa door pacho.ndaisamborivhura door racho kusvika andikumbira sorry. Zuva rakatevera racho ndakafuma ndirikuma periods apa ndaive ndisina kumbotenga ma pads ndakatomuka ndokuyenda kunobvarura chihembe changu ndokupfeka ichocho asi handaiwona chaishanda nemubudiro wandainzwa uchiita ropa racho. Mumba maiva makutonhuwa fish ndikapedzisira ndavhura door muchibva matanga kupinda fresh air.ukuwo mudumbu mangu maiva makurira nzara muchiita kuti guuuuu !" Apa ndaisada kuvhura door until Jay andikumbira sorry. Ndakabva ndatodzokera kunopinda mumachira ,kunze kwacho kwaitova nekachando kune makore ........ Ndichingoti ndibatwe ne hope ndokuuya kwakaita Jay pa door akasvika achiti... "Zvaurikuita Shingi handisi kuzvifarira hangu,, vhura door iri unomboziva kuti ndirikuda kuyenda kubasa?" Ndakatomuka ipapo ndichibva ndamuti.. "Kana usina kundikumbira sorry ,,door iroro handisikuzorivhura zvekudaro , haunyare zimurume rikuru rine 35 years kuda kushungurudza mwana mudiki,, unofunga dai usina kundiroora ndaishaya we zera rangu anondirooora ?" "Shingi usanditume kukuitirai hutsinye wanzwa ." "Ita hutsinye hwacho handimbokutye,, mazuva andaidanana newe ndaikuwona semunhu kwaye ,asi iyezvino ndakutowona kuti uri benzi sex chaiwo hausikuda kuita neni.Asi wakaremara mubhurugwa mako?" "Shingi vhura door iro urikutondinonotsa kubasa ." "Usanditi pwingi-pwingi pa door ipapo zvandataura hauna kuzvinzwa here,, plus Hama dzako udziudze dzisauye pano coz mumwe ndichazopedzisira ndamuudza mashoko asingaite ." "Kana iri imba yako,, uchavawona vasingauye pano plus unofana kutonga kumba kwenyu kwete pamba pangu." "Manji door iroro handisizokurivhura nhasi hakuyende kubasa." "Urikumboziva pane time ?" "Usandinyaudze uko !" Nxaa ." Ndakabva ndatorara zvangu,, akatanga kurirova-rova door ini ndiri zii zvangu. Akazopedzisira apabva pa door pacho. Ndakatorara kusvika kuma ten,, Ndokuchizomuka mushure mekunge ndakunzwa kuti chijira chandaiva ndakapfeka chaiva chatota kwakuchibva ndachibvisa ne bhurugwa racho ndokuzvitsvagira plastic randikazozviputiridza imomo, ndokuzviisa pasi pemubhedha ndaizozviwacha mumwe musi.ndakabva ndayenda kunogeza mu bath nemvura yakapisa zvenguva refu ndokuzopedza kwakuchibva ndayenda kunochinja. Musoro wangu waiva wakutoda kurukwa zvimwe.handaifana kugara nezvinhu zvakasakara ini ndakaroorwa ne murume ane mari ndaitofana kuratikidzira hu rich wemurume wangu.ndakatobuda mu bedroom ndokuyenda ku dining ndichino checker kuti Sekuru ve pano vaiva vadii nekuyenda kubasa.ndakatosvika vakagara pasofa varikwindi handina kumbotaura naye,ndakatomupfurira kuyenda ku kitchen ndakanotanga ku prepare breakfast yangu.handina kumbofungidzira kuti Sekuru ava vainditevera ndakazongonzwa zimbama kumusana kwangu asi handina kuchema. Akabva andidhonza zve rough mu kitchen muya ndokuyenda neni mu dining akasvika achinditi.. "Wanga uchirambirei kuvhura door, ezvino watondirovhesa kubasa rangu ,,manji ndirikuda kunyatsokurova zvandakakuita nezuro zvaiva zvishoma." "Rova zvaunoda asi handiregedze kutaura ,," Akabva andizora zimbama !" Rekuti ndakanyatsonzwa kurwadziwa asi handina kuchema hangu,ndakatoramba ndakamira achibva atanga kundirova mambama kumeso kwangu ayita kurira ne imba yese ndakamboda kuzvishingisa asi ndakapedzisira ndakuchema ndaiva ndakutoda kumudzorera asi ndakangobatwa zvehasha akatanga kundirova mumba imomo achiita kundikanda zvibhakera ndakapedzisira ndakuridza mhere ndichiti vanhu vauye vandibatsire ndaiva ndakufa nekurohwa... Akazondisiya papaye aneta nekundirova akanditi.... "Uchapinda hako munzira yakanaka, handisi shamwari yako yaunoda kutamba nayo, izvezvi simuka ipapo utange kugadzira mumba.nhasi ndiri pano. Ukasangotsvaira zvakanaka ndirikuku dambura futi." Kutaura kwese kwaita ndaitopfikura musodzo,achibva anditi... "Zvandataura wazvinzwa here ?". Ndakabva ndabvumira nemusoro akati..... "Asi hauchina muromo ?" .. "Ndinawo .". "Saka urikudairirei nemusoro ? "Hapana." "Chisimuka ipapo utange kuita zvandataura,ndirikuda kuwona muno mumba makachena, zvako zvekuita junk handisikuda kuzviwona." Akabva atoyenda ku bedroom ndakasara ndakagara ndichitochema ndakazosimuka papaye ndokutanga kuita basa ndichinyatso cleaner zvinhu zvese ndakatopedza basa rangu kuma 1. Ndichibva ndayenda kunogadzira mu bedroom ndokunzwa Jay akunditi.... "Chiiko chirikunhuwa muno kunge fish , asi nezuro wakabika fish ?" Ipapo ndakamudaira ndakatsamwa ndichimuti ..... "Handina kumbobika Fish." akati .. "Saka chii chirikunhuwa muno, asi wayenda kumwedzi ?" "Eh ." "Saka ndiwe urikunhuwa kudaro, asi chii newe chinokupa kuita hutsvina. Vamwe vakadzi hautombozive kuti arikumwedzi anenge achiita zvinhu zvake zviri smart.izvezvi ita unogeza urikundinhuwidza munomu." "Handina ma pads." "Saka ?" "Ndozvimwe zvirikuita kuti ndinhuwe ." "Ibva,, hutsvina ndiwo uri pauri ,, Chasara kukudzosera kumba kwenyu handigare nekamunhu kasina kukwana . Apa unenge uchichemerera kuti ndirare newe iwe uchiita hutsvina hwakadaro. Handidi zvekunhuwirwa ,ndicharara newe wakuziva kuita smart ezvino chimbogara wakadaro." "Saka wakandirorei kana usingade kurara neni?" "Ndakurorera kungokuwona face yako, plus kana munhu asingade kuita sex newe hazvimanikidzwe, asi une waukamborara naye kani,, coz kamudiro kacho kaunoita sex ndeke munhu akatomboyiravira." Handina kumbomudaira ndakato continuer neku cleaner mu room macho achibva anditi..... "Ndakuto suffocater nekunhuwa kwako enda unogeza,, wandiuraya ne fish yako ." "Ndipe mari ndinotenga ma pads acho ndozouya ndichigeza.".. "Pauri ndakatambisa mari yangu kuroora kanhu kasina basa ,,kasinganzwe dhemeti!" Akadaro achitoburuka pamubhedha , achibva ayenda kunonditorera mari yacho mu wardrope make ndokuuya achindipa mari yacho ndichibva ndatobuda kuyenda kuma shops kwandikasvika ndichitenga ma pads acho nekutopinda munzira kudzokera kumba ndokusvika ndichipfurira kuyenda kunogeza... Mazuva akafamba ndichigara na Jay asi kuwirirana kwedu kwaiva apo ne apo. Haana kumbobvira akada kurara neni. Zvaiva zvakundibhowa kuti aiva murume akadii asinganzwe kuda kuita bonde. Ini ndisati ndamborara nemurume asi ndaitonzwa kuzasi kwangu kuchito reporter kuti kurikuda something iyewo hameno kuti ayisamazwa here ma feelings. Apa mwana Taku aiva achingori ku hospital achirwara serious.uku kumba kwavaigara vakadzingwa na landlord wavo vachibva vatakura zvinhu zvazvo ndokuuya kuzogara nesu ndakanyatsosvotwa ,,mukadzi wa Taku aiva ne nhamo yaindisemesa apa koti kuonda.kaitopfeka zvihembe zvakabuda mu staira.handina kumbobvira ndakada kuwirirana nako,, ndakatokaudza ma rules emumba mangu kuti anofana kubika Chikafu zvine budget, uye kamwana kake kadiki ngasatambire kumudziyo yangu. Kaitondibhowa chaiko.kaive kasina hembe katozoita kutengerwa na sekuru ve pano . Mazuva ndaive ndakazorora pa basa. Mukadzi wa Taku ndiye wandaiva ndakuita house maid wangu Ayitoziva kuti anomuka makuseni o Cleaner mumba ondibikira breakfast yangu. Musi uyu ndakapatika husiku, ndokutanga kuzvibvunza mumoyo mangu kuti ndosvika kupi ndichingoita life yekurara na Jay pamubhedha pasina zvatinoita. Ndakabva ndamumutsa nguva iyoyo achibva amuka achinditi.... "Urikundimutsirei ?" "Asi mubhurugwa mako hamuna chinhu ?" "Saka unoti ndinoita nei weti ?" "Kana unacho,, chii chinokutadzisa kungobvisa hembe dzako wouya pamusoro pangu wototanga kuita basa rako, ezvino dzatova three weeks usingarare neni ,asi wakandirorera zvimwe zvinhu ." "Saka ndizvo zvawandimutsira here ?" "Nhasi chimbondiitirawo plan, kana usingade ndichaziva zvekuita ." "Handina plan yandinoita husiku huno rara uko." "Hope dzangu dzichatobata waita sex neni, chitobvisa hembe dzako tirare tese." "Kwana wazvinzwa ?" "Chinhu chinoita kuti imba imire i sex ,zvino kana iwe usingade kurara neni urikuzama kudii ?" "Get away mhani , usandibvunze zvisina basa ." Akadaro achitopfinyirira gumbezi racho ndikamuti..... "Une dora mubhurugwa mako ndosaka usingade kurara neni.dai wanga une big Dick hawaimbomirira tumutemo tweku church kwenyu nonsense !" Ndakabva ndadzokera mukurara ..... Asi mupfungwa mangu ndaitoshaya kuti chikonzero chei chaita kuti Jay asade kuvata neni.ndakazorara hangu... Following day ndakanzwa knock pa door ndichibva ndayenda kunovhura door ndokuwona ari mukadzi wa Taku achibva anditi..... "Maiguru ndichambobuda kuyenda ku hospital kunowona mwana ndichadzoka masikati, ndokumbirawo mundisarire ne mwana wangu." "Pamairarana nemurume wenyu ndaivapo here ini , takuranai ne mwana wenyu muyende .Handidi zvekupihwa basa ndakuzoswera ndatsurana ne mwana weny." "Kuchipatara kwandirikuyenda hakudiwe vana." "Munochinjana nemurume wenyu kusara nemwana wachom plus imi makajaira stereki.toti kukuchengetaibpano moda kusarirwa ne mwana futi, apa ka mwana kenyu kanoita matuzvi mubhurugwa. " "Kana zvisingaite hazvo kuti musare naye regai ndiyende naye." "Maita basa here ?" "Eh ndatsvaira ." "Zvehutsvina hatizvidi pano, toda smart,, " "Ndatsvaira hangu ,ndakumbirawo mapushi, zvibhutsu zvangu izvi hazvichaite." "Kutanga rinhi tichipfekedzana ?" "Ndezvanhasi chete." "Handidi ne zvinhu zvangu ." "Horyt maiguru." Vakabva vatoyenda ndakasara ndichivhara door ndokudzokera kunopinda muma gumbezi ndokunzwa Jay akunditi.... "Moyo wako ndewe munhu anoroya ,,ungarsmbe kusara ne mwana wemumwe wako arikurwarirwa,, Shingi unekahutsinye kaunako." "Sekuru musade kundipa kutaura, kana ndisingade kusara naye handidi ." Kana une tsitsi wadii wamuka watii unosara naye?" "Hanty Ndirikuda kuyenda kubasa." "Ini ndirikuda kutovudawo kuyenda mu town ,handikwanise kufamba ne mwana asiri wangu." "Soon urikuyenda kumba kwenyu, ndirikuda kutora mukadzi akarongeka kwete muroyi anenge iwe. chakangozara mupfungwa mako i sex chete.Manji handisi kuzorara newe zvekumhanya uchagara nekanhu kako bhurugwa pasina anokarara.... Kana ini ndatofunga sex ndinoyenda kunorara ne girlfriend yangu. Akanaka ari class ano dresser zvakanaka rega ndikuratidze pic rake... Iwe manji manji urikurova pasi .. Handigare nekamukadzi kanonetsa koti huroyi ,chasara kundiurayira imba yangu nemota chaidzo...moyo wako wakaoma kunge dombo chairo .wakavenga hama dzangu.. End of this chapter 4

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 1.6k
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/18/2025, 5:52:46 PM

Ma likes enyu ndiwo anounza ma book. Hapana kana chinonetsa ku liker...

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 120
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/19/2025, 6:08:25 AM

Kana muchida next chapter mosvika 2k.. Ndakumboenda offline

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 357
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/19/2025, 6:03:43 AM

2k dzedu takutosvika

❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 34
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/18/2025, 8:59:48 AM

This is our girl mufaro ....Mwana akakurira mufamily inotamburwa ..Akasangana nemukomana anonzi Alex aibva kurich family ..Vakatanga kudanana asi family yemukomana yaitsvinya vachiti havadyidzane nevarombo kusvika baba vaAlex vatsvaga umwe musikana wekupa Alex n he also tried to kill Mufaro .....Mufaro aive mwana anogona chaizvo akaenda akatorwa natete vake kuUK akabuda muzimbabwe Alex akasara akaroora Silvia musikana waanga atsvagirwa nababa vake ...Unfortunately Mufaro came back after 3 years aane mwana ....Come n read with us it's a free book ssn 1 and 2 zita raro ndi *forever yours* Mwana akadzoka namufaro aive akaita Alex pachake🤣🤣🤣🤣🤣🤣 can you imagine rice family paichaona mwana wamufaro apa vaiti hatidyidzane nevarombo

Post image
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 128
Image
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/19/2025, 6:08:03 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19 💮SHINGIRAI 💮 STORY BY LORRAINE READ AND SHARE CHAPTER 5 SHINGI. Zvaitaura Jay kuti ane girlfriend ndaitowona ari manyepo ekuda kundirwadzisa. zvino ini handairwadziwa ne zvinhu zvandisina kuona ndakabva ndamuti....... "Tione girlfriend yako pamwe tinogona kuzosangana muma road umu takatadza kuzivana."Akati..... "Uri muroyi handimbofa ndakakuratidza mukusikana wangu,, rega ndiite ndinogeza ndiyende kubasa ." Akadaro achitobuda mumachira ndikamuti... "Ndiuyewo tigeze tese here?." "Ndogeza newe pakutii ?" "Aaa hanty uri murume wangu here jay, mazwano urikundibata rough inga wani paya taiwirirana tichiswera tese kubasa kwako." "Paye ndaiva ndisati ndakuziva ma true colours ako, unoti hutsvina ,hutsinye ,woti kunyima,kutaurisa,, unoti ndeupi murume angade kugara ne munhu akadaro ." "Ndanyima chiii." "Wakumbirwa bhutsu nemukadzi wa Taku ukamuitasei ?" "Avo ngavadzidze kupota vachitenga zvinhu zvavo,, sanike iwe hako Jay unovajaidza vanhu ava ,ipapa havachambofunge kuzvishandira vakutoziva kuti takugara ne bank accounted ,chavangoda chese kuita vachange vachikukumbira mari ." "Mari yacho ndeyako here yandinenge ndichivapa." "Ndeyemurume wangu saka ndinotofana kutongawo ipapo ,,ezvino ndirikuda kuvapa mutemo wekuti kana vachida chinhu vanotanga kukuudza inini then ndozokuudza." "Taku i brother yangu kana angoda chinhu anouya kwandiri ndomupa." "Panozopera mwedzi vanenge vapinda muchuni neni." "Hauna nguva uri pano urikuyenda kumba kwenyu." "Pano ndichabva nda guva." Akabva andiridzira tsamwa achibva ayenda mu bathroom kunogeza ndokusarawo ndichitoburuka pamubhedha ndakatanga kuwaridza mubhedha uya ndaitoda kuti Jay achibuda ndobva ndabudawo.ndaitoda kuyenda kunorukwa mu town nekuiswa mamwe ma nails nekuitawo shopping ye hembe. Muno mu town maichenwa .ndaitoshaya kuti mukadzi wa Taku ayisanyara here ne dressing yake yaipfeka zvakangopera muto. Nhamo yavo ndakatoyishaira mupanda wayo.ndirimukuwaridza kudaro, ndakabva ndanzwa tuma drops twemvura kudonha- donha mu bathroom ndikabva ndaziva kuti Jay aiva akugeza ndichibva ndafunga kuyenda kunomudongorera ndichitoda kuwona kuti aiva ne sinhi here or haana ndava kusada kurara neni kwake ndaisakunzwisisa.Ndakabva ndanyahwaira kuyenda kunomira pa door re bathroom ndokuita kakurivhura mbichana.. Ndakatanga kumudongorera achitogeza, murume wangu aiva ne six pack akati aiva handsome.ndakatoona kuti aiva ne sinhi but ndiye hake ayisangoda kuvata neni. Kutogeza kwaita ikoko kwaiva kwakutoita kuti ndinzwe kubatwa nema feelings. Ndakatoita kanguva ndakamira ndichiwona kugeza kwayita,nguva yandikawona akuzomonera drying towel kuzasi kwake ndipo pandikabva ndabva pa door paya nekukasika ndokutanga kunyepedzera kuwaridza.ndokunzwa akunditi..... "Shingi mafuta angu ekuzora arikupi ?"ndikamuti "Wakambondiwona ndichizora mafuta ako here ,,zvaurikundibvunza kudaro? Ndakamudaro ndichitogadzirisa pamubhedha akati.... "Anotsvaira muno ndiyani ?" "Ndini Sekuru ,,asi mafuta enyu handina kumbomawona." "Sekuru ndiyani." "Bvuma kukura Jay,, unoti 35 years ndedzekutamba nadzo here , zera rako hatichatokuverenge kuvakomana takutokuisa kumadhara, apa utori ne like rekuwana mukadzi anenge ini tsvarakadenga, girlfriend yako inga kunakirana neni , ini kungobuda gedhi ndinenge ndichingoridzirwa muridzo." "Vanhu ivavo vanokuridzira muridzo vanenge vasingatozive kuti urichapa ,, Muviri wako chaiwo unokunetsa kuzvishambidza ,,ndipo powoti Jay rara neni ,, inini manji kurara mutsvina puu !" Kana wakugona smart ndopauchawona ndichirara newe." "Musana yakafa iyo ana Jay, ndosaka makungoda kunyepera kuti hutsvina hwangu...Regedza futi kurara neni unoti ndinofa here..Bastart ." "Ndosiya ndakudzikamisa makuseni ano , handisi shamwari ka ini ." Pandikangonzwa zvekurohwa ndakabva ndati zii, Jay ayirova hake. Akazotsvaga mafuta ake , ndokumawona ari pasi pamubhedha.apa ndopaiva nechitsapo changu chiya che pant rangu nemachira andakashandisa kuyenda mwedzi ndakabva ndanzwa Jay oti.. "Nhai Shingi chiiko chirimupepa umo pasi pamubhedha?" "Chipi Sekuru." Ndakadaro ndichinyepedzera kusaziva akati.. "Huya upfugame panapa uchiwone." "Pasi pakutonhora apa ,siya hako ndozochibvisa ungatononoke hako kubasa." "Nditorere mop iyo ndoda kuwona kuti chii?" "Jay uchanonoka kubasa." "Company ndeyangu, kana ndakanonoka hazvina kana basa ." "Kuroorwa nemasekuru i problem chaiwo." Ndakadaro ndichinotora mop yacho ndokuuya ndichimupa, achibva atanga kuzvuva chipepa chiya nepranga kusvika pachikazosvika kwaari , achibva asimuka akanditi..... "Chii ichi ?" Akadaro akandipa ziso rekutoda kundirova chaiko ndikamuti.... "i pants rangu iri nemachira andakashandisa kuyenda kumwedzi ." "Arikutsvagei pasi pamubhedha?" "Ndakangomaisa ipapo ndichiti ndichamawadza ndichibva ndazvikanganwa ." Ndakangonzwa ndatsemurwa mbama kumeso ndichibva ndangobata dama rangu akati.... "Ungachengete zvinhu zvakadai muno mumba matinorara , Shingi ka ndirikukuverengera hako chasara kukudzosera kumba kwenyu. Chakutadzisa kuwacha zvinhu izvi chii , hapana sipo here panapa ?" "Iripo ?" "Saka zvinhu izvi waizvichengeta muno kuti zviitasei ?" Ndakaramba ndiri ziii akati..... "Kurumbidza kuwacha zvinhu zvako handidi kuzviwona futi nonsense !!!" Ndakatokotama ndokunhonga chi paper chacho, apa chaita kubuda mweya waikachidza ndakanyatsoti handingambowashe maropa agarisa kudai.Ndakabva ndabuda nazvo mu bedroom.Ndichibva ndanotora gwenya ku kitchen kwakubva ndayenda kunopisa chipepa chiya panze kusvika pachikatsva chese kwakuchibva ndazoyenda kunogeza maoko angu.nguva yakazobuda Jay haana kumbondiwoneka aiva akatsamwa ndakatoti better zviyende,varume ava ndakawona sekuti vanoshungurudza sa Jay ayigara achindizora magwati.... Ndakazogeza hangu ndokupfeka ka dress kangu kaitedza muviri wangu kachinyatsobuditsa tuma hips kwakuchibva ndapfeka ma heels angu nekukutobuda kuyenda ku town.idziwo imbwa dze pano dzaitondimirira kunze kwe gedhi kusvika ndadzoka sezvo ma keys paingova ne angu ne a Jay.ndakatokwira kamota kakanondisiya mu town,kwakubva ndayenda ku saloon kwa hairdresser wangu.akatotanga nekundiisa mamwe ma nails achibva azopedzisira nekundiruka box braid.mukadzi uyu aiva nechipo chekuruka .Vakadzi vazhinji vaizara mu saloon mavo.Achitopedza kundiruka ndakatomupa mari yake.ndichibva ndayenda ma edgars ndimo mandakanotenga ma dress angu akanaka .Nekamari kangu kandikabva nako kumusha .kwakuchibva ndazoyenda kunowona Fungai .ndakatomusvikira asina ma client .ndokutanga kutaura nyaya achinditi.... "Saka kubva paya Jay hasati arara newe ?" "Maimwana kana ndichitaura kudai ndinoita sekunge ndirikunyepa ,; paurikundiwona kudai handizive kiss ya Jay mazwano ,kana sex yacho haasikuda kuita neni." "Kuona kwangu Jay anenge ane mushonga ,," "Mushonga haana, but ndirikuona sekuti chinhu chake chinogona chakaita mayas." "Kuti haichamire ." "Zvogona kudaro ." "Asi kana zvirizvo anofana kungokuudza woziva." "Kutanga nhasi zvichiyenda mberi handichambomukumbire sex ndakungomusiya akadaro." "Kana uchida unokupedza nyota unondiudza ndokutsvagira." "Ane mari here munhu wacho ." "Eh anayo ." "Unomupa number dzangu ndozotaura naye." "Jay chakungoda kuhurirwa ." "Ndirikuda kumugadzirisa, akazondibata nechikomba ndomuudza kuti waida ndidii iwe waindinyima bonde." "Hambokubate trust me." "Horyt ndirikuda munhu one wandingo spender naye one night achandipa mazirudo. ndichagara ndatenga hembe dzangu dziri sexy ." "Mazwano uriku glower Shingi , apa unochena." "Ini hembe ndinotenga ." "Ndirikuzviwona ." Takataura nyaya dzese kusvika pakupera. Ndakazoyenda kumba kuma six . Ndokusvika Taku nemukadzi wake vakamira pa gedhi vachitobvunda ne chando.handina kumbovasweresa sezvo ndaiva muridzi we pamba ,, ndaitomirira kumhoreswa naivo,,, mukadzi wacho ndiye akabva anditi.... "Maswerasei maiguru ." ndikamuti "Ndasweera ." Ndakadaro ndichitosvotwa navo vakati... "Zvinhu hazvina kumira mushe kune mwana wangu , takangomusiya akarara haasi kana kumuka ." "Hooo ." Ndakadaro ndichitovhura gedhi ,kwakubva tapinda tese mukati vakati..... "Ndatopererwa ini , hameno kuti mangwana tinomuwana ari mupenyu here ?" "Kana akafa mungadii, chinhu chichatoti stresser inyaya yekutenga coffin." Ndakatozvitaurira dara-dara zvikanzi nemurume wacho....... "Maiguru mamwe mashoko enyu haite, mungatataure zvekutenga coffin kumwana mupenyu musazodaro kana mazogara." "Zivai kuti muri pamba pangu , nditori ne right yekutaura zvandinoda, kana muchisvotwa neni,, ibvai panapa hamumbondiwone ndichikutsvagai , hamuna kana chamunondibatsira nacho mutori ne nhamo zvenyu, dai pasina Jay akakubatsirai ,mungadai muchitenderera muma street " "Kufamba kwenguva tichabva pano." Aiva mukadzi wacho akadaro ndikati.. "Haiwawo munobva muchiyenda kupi ne nhamo yenyu iyi, kutouya pano hanty kutotadzirira kubhadhara rent nxaa !" Itai muyende kunobika uko ." Ndakabva ndafamba kuyenda ku room kwangu ndokusvika ndichiisa ma shopping bag angu pamubhedha ndakatanga kuburitsa hembe dzangu.ndaiva ndazvitengera ma dress akanaka.Rimwe ndakabva ndaripfeka ndaitoda kumbochenera Jay ambowonawo kuti akaroorawo baby risvinhu.semunhu aiva ne munhu anobika ndakabva ndagara pamubhedha kwakuchibva ndafonera mai vangu kumusha ,,ndakatanga kutaura navo kusvika pakazopera ka airtime kacho.Ndichibva ndayenda ku dining kwandikawona kamwana ka Taku kachitambira pa tv, handina kumboda kudedza mai vacho, ndakanokaridza mambama kumusana ndichikati... "Urikuitei chii ipapa, urikuda kundiurayira mudziyo yangu here ?" Nguva yandaitaura nako, kaita kuridza mhere, kaiva kamusikana asi kaisanzwa . Mai vacho vakabva vauya vasvika vachiti kune mwana wavo... "Urikuchemei Ayisha ?" Akabva andinongedzera ndikati kuna mai vacho... "Ndini ndamurova anga achitambira pa Tv yangu, ko dai yanga ya donha ayitenga here ?" "Mwana uyu haana chanoziva maiguru." "Potai muchimudzidzisa mwana wenyu asatambire pa zvinhu zvangu coz ini ndinorova handichajaidze " Ndakadaro ndichitogara pasofa ndokuwona mai vacho vachiratidza kupwrerwa chaiko ndokuvati... "Mamirei ipapo endai munobika uko , murikuda kuti tizodya nguvai ?" "Sadza ririkukwata ." "Ngarikwate muriko ikoko ku kitchen plus muno mu dining handidi vanhu, munogarwa neni nemurume wangu ." Tinenge tichimboda time yekutaura tiri two se vanhu tinenge taswera tisina kuwonana." "Maiguru hupenyu hausi hwekushanirana, mangwana ndimiwo muchada rubatsiro rwedu." "Mune mari here imi yandingati mungazondibatsire nayo ?" "Handina hangu mari, asi nhamo yandinayo hairambe iripandiri." "Ndibvirei uko,, ndosaka muchipfeka hembe dzakapera muto." Vakangonditarisa vachibva vasimudza mwana wavo ndokufamba kuyenda ku kitchen.iniwo ndaiva ndakushaya kuti ndoitei Tv yacho yaitondibhowa kuwona. Nguva yakazouya Jay ndakatosimuka ndichinomutambira plastic bag raiva akabata randikawona rine ma fruits nema yoghurt ndikamuti.... "Waitabasa Jay , mabanana nema apples ndomafarira zvisingaite." akati. "Hazvisi zvinhu zvako izvi,, ndatengera mwana wa Taku ." ndikamuti "Ungatengere mwana wa Taku uchatadza kutengera inini mukadzi wako ukati haushure iwe ." "Kushura chii ?" "Zvinhu zviri imomo ndezvangu , hapana ari kuzozvidya ." "Hunza kuno plastic iroro ." "Handisikuda naro ,,." "Iwe hauna kumbosiyana nemuroyi une hutsinye ." "Eh nditori nawo hutsinye , ungakoshese kutengera mwana wa Taku ma fruits uchitadza kutengera ini mukadzi wako . Jay zvimwe fungawo usabvume kuitiswa ne hama dzako,, chavanongoda pauri i marii yako, iwe havatombokude." "Usade kundipesanisa ne hama dzangu." Akabva atofamba kuyenda ku bedroom ndokusara ndichitogarira ma apples aye ndokutanga kumadya kwakuchizopedzisira nekunwa yoghurt.zvangu zvaiva zvatoita. Ndakatozosimuka ndichiyenda kunopakurira Jay sadza rake randikamuisira mazinyama hobho ndokusiya mupoto mune nyama one yandaitozoda kuti Taku nemukadzi wake vaizongogurirana . ndichisvika pa door ne sadza racho uyu Jay akabva ati haasikurida ndikati handimboriyendese ku kitchen kunodyiwa nembwa idzi,, ndakatorivhara ndokuriisa pakanaka.kwakuchibva ndayenda kunochinja ndichipfeka night dress rangu re pink ne bhoneti ndokupinda mumachira .Asi Handina kumborara zve 2 minutes ndakanzwa Jay ondizungusa ndikamuti... "Murikudei sekuru ?" Ndakadaro ndichitorara ndakamutarisa akati..... "Enda unogeza nhasi dakumbokuratidza kuti ndirimurume handisi wezita." "Urikuda kundiratidza how?" Ndakadaro ndichitomuka kugara akati.... "Kubva tiroorane hatisati taita sex tese, ndoyatirikuda kuita nhasi. I hope uri virgin." "Jay taura chokwadi kuti nhasi urikuda kurara neni?" "Nditori pachokwadii enda unogeza ." "Okay rega ndiyende kunogeza kwacho." Ndakabva ndatobuda mumachira ndichiita kufara.ndakanogeza fast mu bathroom. Ndokuzvipukuta-pukuta.Ndichidzokera mu bedroom muya ndakawona Jay ayisa jira redu pamubhedha rakatondityisa ndikamuti... "Nderei jira iri ?" Akati.... "Ndirikuita chi vanhu chekumusha kwedu kana ndichitanga kurara nemusikana ndinofana kuisa jira irori pamubhedha Ndiro richandiudza kuti uri virgin here ?" "Ndiri virgin hangu ,rega ndimbozora mafuta." "Usazore hako mafuta coz uchazodzokera kunogeza futi ." "Kugeza futi ?" "Eh tichanogeza futi, ne hutsvina hwako unotofana kuti ugeze." "Horyt ." Ndakatotanga kunzwa kunyarira ndisati ndabvisa katauro kangu zvekuti ndakazoita kekubvisira muma gumbezi ndokusara ndiri naked. End of chapter 5.....

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 1.8k
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/19/2025, 12:36:53 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaELGiW6WaKohS4xJ43E RAUYA BOOK REMUBATANIDZWA USASARE APA INHAPI TAPI CHAIWO LORRAINE NA MAMA JORDAN VAKUBIKIRAI MUTAKUNANZVA UYU MUDYA NDAKASUNGWA ITA FOLLOW UGARIRE KU CHANNEL USAJAMBWE https://chat.whatsapp.com/DwWNq6vHHA6DdkNvSUujvI VANODA COMMENT GROUP JOIN LINK IRO👆👆👆👆👆 INTRICATE 💝💝💝💝 STORY BY MHAMA JORDAN +263775937245 COLLABORATION WITH LORRAINE 0776797355 CHAPTER 17📘📗📕📙 MAI EMILY Kudanana kwangu kwandaiita ne murume we shamwari yangu baba Omega handina kumboziva kuti kuchatoita serious ini ndaingoti ndezvekutamba. Unenge uchida kumbowana anokwenyawo ne kutonhodzawo zvagara haibikirwe sadza zvachose. Murume wangu akanga atove ne makore akati kuti afa akasiya Emily ari ku primary ikozvino akanga ave ku secondary hake. Ndichingorera mwana wangu zvakanaka ndiri ndega tairaramiswa ne kurima fodya ikoku nekuitawo maricho muvanhu. Kushanda ndaishanda zvangu ndaive ndisingazezi zvachose. Munin'ina wa baba Emily aive amboda kundigara nhaka ndikamisa musoro se mhakure hangu ndichibva ndarambira mudenga chaimo. Kuti ini zvebarika handidi ndichawana murume wangu ndega ndaiti zvandaive ndichiri mwana mudiki murume ndinomuwana chete ko ndaizivei kuti kunze hakuna zviriko uku. Uye kuve single mother kwakaoma vanhu mu community chaimo vanenge vachingokutyira vachiti zvimwe unovatorera varume vavo. Single mother hapana anombomupa respect zvachose ndairwadziwa ne kurarama kwandaiita. Dzimwe nguva ndaizoona musodzi wakudonha wega ndadzamisa ndangariro zvakanyanya. Mumba munongodawo baba chero vakanonoka kuuya kumba asi unenge uchiti unaye murume wako. Chero mukanetsana zviri health izvozvo. Ndaive ndakumbofunga kuti dai ndakabvuma kuita mukadzi wa bamunini we chi 2 hangu at least vaizopota vachiuyawo kumba kwangu but it was too late. Rimwe zuva ndaitoenda kugarden makuseni kwakusangana ne umwe murume we munharaunda medu imomo. Kwakumhoresana paya semunhu waunenge uchiziva patsika dzedu chaidzo hazviite kungodarika musina kumhoresana. Ndakatosekerera hangu but i didn't mean anything kwaingovawo kufara. Hapana pandaizoti kwindi munhu ataura neni handina kuziva kuti mukadzi wacho aive kumashure. "Makusekerera varume vedu kaa kuda kumutora hapana chimwe zvagara mahure munonetsa",ndiwo mashoko akataura mukadzi wacho kwakuridza tsamwa. Ndiri munhu wenyama ndine ropa handisi Juru ndakabatikana ne mashoko iwayo zvekuti pandakasvika ku garden ndakambogara pasi kwakuchema kuti nhamo yangu ndeyeyi mumaziso evanhu ndakuonekwa kunge hure asi handina kana munhu mumwe chete wandati ndambosangana naye kubva zvafa murume wangu. Kudzikama kwese kwandakaita kureva kuti vanhu vemudunhu muno havasi kukuona here. "Ko magara ipapo kwakanaka here nhai Mai Emily",ndi Mai Omega vakadaro vachiuya pandaive ndakagara. Garden randaive raive remushandira pamwe chete so tairima takawanda imomo. Ini semunhu aive achichema ndakakwiridzira madzihwa kwakupukuta misodzi ndichibva ndasimuka. "Kuda kumbozorora hangu vasikana ndisati ndatanga basa", ndakadaro ndichitopukuta skirt yangu mavhu. "Iko kumuka kwacho tinozokunyanya wena kungoti miviri yajaira ko mukange munhu anga achichema chii chanetsa nhai". Munoziva kana une shungu pamoyo ukavhunzwa zviri kukunetsa zvinobva zvawadzera hameno kuti chii ndakabva ndatanga kuchema futi. Vakandisiya kusvika ndapedza shungu dzangu. "Kufirwa imhosva here vasikana vanhu vakundiona kunge hure inini ndikafunga ndaitombovewo ne murume wangu zvose zvichiendeka asi rufu rwakaoma rwakandibvutira wangu wepamoyo", ndakadaro ndakabata chipfuva changu ndakatarisa mai Omega ndichibva ndaona vaita kupusa zviya zvekusiririswa. "Musachema wena vanhu hamufi makavagona mafungiro avanoita unoshaya kuti ndidzo pfungwa dzavanoshandisa mazuva ose here idzi veduwee. Chero ukaita chakanaka vanongoshora chero chakaipa vanongoshora chete saka zviraramirei life yenyu". " Zvakaoma unoita sekuti wakaita hu single nekuda chokwadi the way yatino judger nayo vamwe so yakaoma", ndakadaro kwakubva ndatura mafemo. Takazorega kutaura pakasvika murume wavo ,ndakavayeva vachibatsirana kutimba muriwo pamwe chete nekudiridza vose. Ndikademba wangu murume ipapo, vanhu maitiro avanoita ndivo vanokuchinja moyo wako waunenge unayo. Ndakachinja ndikatanga kudanana navo varume vevanhu. Apa ndaive ndakuwirirana na mai Omega zvekudaro tsika ndi tsikewo chaiyo kuita wemukombe ne chirongo. Zvekuti ndaive ndisina murume Havana kuita basa nazvo handiti vamwe vakadzi vane varume havadi kutamba ne munhu asina murume. But Mai Omega was so different vaingonditi ndichamuwana wangu murume ndakabva nako uku. Pavainditi ndakabva nako uku ndaitadza kunzwisisa hangu kuti vari kurevei chaizvo asi handina kuita basa nazvo. Mukutamba mose umu munotaura zvakawanda wanda ndipo paizotaurawo mai Omega kubatwa kwavanoitwa ne murume wavo zvakanaka. Ini ndaibva ndanzwa godo kusvika pakudanana ne murume wavo. Mimba ndakatoita zvemaune chaizvo mazuva andaishanda kibhahwa baba Omega vaiuya ikoko, ndaive ndakuda kugara na baba Omega. So kufa kwakaita mai Omega ndakanzwa kufara ini kuti murume aive akusara ari wangu. Omega achisungwa ini ndini ndakasara ndave in charge wezvose hangu. Ndakatora mwana wake wandaive ndapihwa kwakuenda naye kumba. "Maona sei mutongo wa Omega nhai dady". "Agonekwa life in jail anotofiramo uyu munhu wekupi ane hutsinye kudaro",pandakanzwa vachidaro moyo wangu wakafara chaizvo. Ndakanga ndave ne musha wangu ne murume ne mhuri zvinhu zvandaishuvira kuva nazvo kubva zvakafa murume wangu. "Vana ikozvino unotoshaya kuti mweya rudzii chaizvo uri kuvapinda". "Ndizvo zvinoratidza kuti harisi ropa rangu iri Omega andikandisa mapfumo pasi anenge aida kutoromba ne ropa ramai vake. Ko kusatya kutora chuma muchiuno chavo anenge ndicho chaakavauraira chete,ko iwe mwana wake wawauya naye pano unomudii". " Ndinotoda kumuka ndichienda naye kumba kwavo kungoti apa ndaneta chete,ko mukurevei kana muchiti harisi ropa renyu". " Zvimwe zvizhinji chisiyana nazvo chakakosha ndechekuti mhondi yave mujeri", vakadaro asi ini ndakasara ndine question mark hangu kuti vaizama kurevei chaizvo. Manheru handina kurara zvakanaka ne mwana wa Omega achingochema chete ,ainetsawo. Kuseni ndakafumo bata jongwe muromo kwakuenda nana Emily pavaienda kuchikoro. " Kendrick nhasi hausi kuenda kuchikoro pamba hazviite kusara pasina munhu ini ndiri kuenda kwa Nyamhunga dady vari kuda kubuda ". Ndakadaro ndaona atopfeka uniform ndiye aive asara akundisvota uyu ndaiona kuti kuenda kuchikoro kwake kwaizotiburitsa mu budget chaimo. "Mama ini ndichiri kurwadziwa Omega kureva kuti hatichamuoni futi",ndi Emily akadaro tiri munzira. "Omega imhondi Emily aive shamwari yako but ndoda kuti ugamuchire kuti munhu akaipa usiyane naye wokanganwa ne zvake". "Mama ini moyo wangu uri kundirambira akaiwana kupi nduru ye garwe. Omega ndinoziva kuti aida mai vake zvokuti hapana kana paimbovauraya pane zvakaitika chete kana kuti machine yakatadza kuona I know omega very well she is not capable to do that never." "Emily mwanangu nyika yatiri kurarama iri kuitika zvinoera ne zvinoshamisa everyday. Unogona kufunga kuti umwe munhu unomuziva asi usingamuzive zvachose. Zvinofunga munhu hauzvizivi pamwe aida kuromba namai vake sezvo aitambura. Handiti zvinonzi ukaenda uchida kunoromba zvinonzi uraya munhu ari pamoyo pako zvakanyanya." " Still Omega ndomurambira chokwadi chichabuda pachena zvacho rimwe gore. Omega akaramba kubvisa nhumbu chaiyo kozoti kuuraya munhu umm i doubt",akadaro Emily kwakubva atura nafemo. " Hooo ko iyo nhumbu yakanobva ave kujeri akaiwana kupi". " Handiti Authority aimumanikidza paive kumba kwacho kureva kuti yaive nhumbu yake". " Hoo hameno kana pane zvakaitika zvichabuda pachena iwe uri kudzivirira kana ukaita musikanzwa wako handiti handidi kuchengeta gora ini risina baba". " Yes mama am preventing mimba handiite zvangu". "Good mwanangu usangorarwa mahara upihwe mari uchitenga zvaunoda mazuvano you have to enjoy uchiri musikana kudai kana wapinda mumba hapachina kufara dzimba dzakaoma", ndakadaro achibva aseka. Ini ndaive ndisiri mai vaya vakaoma kumwana. Emily aitokwanisa kundiudza nyaya dzevakomana vake taiita kunge sisi ne munin'ina. Ndakazosvika iye kwakuenda kuchikoro ini ndichibva ndapfuurira kuenda kumba kwana Authority. Luck enough ndakasvika mai vacho varipo vachitodya porridge. "Muriseyi henyu ndauya kuzosiya mwana wa Authority uyu pano muchengete. Mai vake vakasungwa uye vakapihwa life in jail", handina kuda kumbotenderera ndakangonanga straight paive ne nyaya yangu. "Ko hamugari pasi tikataura here zvino mukandisiira mwana mudiki akadai ndinomuitasei ini". "Moona yekutamba anoda kuchengeta mwana weumwe munhu ndiani manje mbuya vemwana uyu mai vamai vake vakafa. Chengetai imi ndiko kuti mugotsiura vana venyu vasanyoresa pen dzavo pose pose ngavavhare mazip emabhurugwa avo. Mototenda henyu kuti imwe mimba yakazobva ave kujeri handiti aive atopamha mwana wenyu",pandakadaro vakabva vashamisika. Handina kuda kuzomirira mhinduro yavo ndakabva ndato turner kwakudzokera kumba. Ndakasvika ndikawana Kendrick kakagara kachidziya mushana zvake kunge dzvinyu. "Mumba hamuna kutsvairwa kana kusukwa ndiro iwe wakagara ipapo uri baba ve musha here iwewe", ndakadaro ne inzwi raive pamusoro. "Handigoni kuita izvozvo ini changu kufudza mombe kana dzoro riri kwedu". "Manje neni uchagona zvose izvozvi buritsa ndiro u cleaner mu kitchen imomo kusvika machena wosuka ndiro dzose idzo ndoda kuona dzakachena. Mapoto ngavaime zvekuti ndinozviona kumeso kwangu paari kunge ndiri pa mirror", pandakadaro ndakaona kakasimuka kapusa kumeso kwakuenda kunoita zvandaive ndataura. Aive akajaidzwa chaiko mwana uyu grade 3 anoti haagoni kuita basa. Ini ndakabva ndapinda mu bedroom kwakurara hangu hope chaidzo. Pandakamuka ndakaenda kunogeza kwakupfeka dress ramai va Omega handiti hembe dzavo dzaive dzisina kugovewa kwaive kwanzi kuri kudiwa mombe. Ugoona vaive ne hembe dzakanaka dzakawanda kutodarika ini kungoti mukadzi wacho aishanda achizvigezera ne kuchena hake. Sandi kufitwa kwandaive ndakaitwa ne dress iroro afa anaka hapana kana chinotyisa. "Kendrick bhodho iri harina kuchena". "Ndaneta ini uye ihombe ko mapfekerei hembe ya mama", paakadaro ndakanzwa hasha ndichibva ndamudira mbama padama yaive strong chaiyo. " Nyarara uko ita zvandataura uri kunzwa here iwe mwana we hure". " Ko muri kundirovereiko ndizvo zvamakavinga pano here mune hutsinye apa",ndakabva ndakatora kwakuisa musoro wake pakati pemakumbo angu ndokutanga kumurova akadaro aitoda kundipindura. " Next time pandinotaura unonyarara wanzwa",ndakamusiya akusuka ndokutanga kubika. " Dady maswerasei henyu", ndakadaro zvine hunhu wo pasvika baba Omega. " Dress rawakapfeka rakakufita ko harisi ramai Omega here iri". " Ndiro ndangoti ndipfeke hangu nekuti dzakangogara hembe dzacho". " Horaiti hembe haina basa iyi ndini ndakaitenga futi musi we birthday rake imari yangu. Iyo hanzvadzi yacho inoti ndinofanirwa kubvisa mombe mbiri kuti vagove hembe dze hama yake kundipengera chaiko ", ndakanzwa kufara kuti baba Omega vaive vati ndipfeke hembe dzemukadzi wavo. Dzangu ndaitozosiyana nadzo ini chandaida vainditeerera zvose zvandaitaura. " Horaiti dady hembe hadzina basa idzi". "Ko Emily haasati adzoka kuma 8 kuno". "Nyamhunga munongoziva kuti kure hapasi pano dady". "Ehe hazvo asi mwana wemusikana anofanirwa kudai ave mumba ndipo pakuzopedzisira aita zvakaita Omega". "Emily haadaro akadzikama zvokuti uyu muchaona achipasa chikoro agoita doctor chaiye,ko news madziona here omega akatiza kujeri ari kutsvakwa. "Anobatwa zvake kusina kwaaenda ini pano handidi kana kuona gumbo rake", vakadaro ndichibva ndasekerera aiti anotiza akasvika kupi Omega anobatwa chete. Emily akazouya kwakudya hedu aiwa taifara semhuri. Kungoti nguva inofamba haimire zvayo yakafamba kusvika makore matatu akwana. Kendrick chikoro aive akamira uyu Emily akanyora form 4 yake achibva afoira. Aive akushanda hake mubhawa ku zvipani, achindipawo mari. Ndaive ndazozvara mwana akafa ne nhumbu yandaive nayo. One day takamuka ndokuona kuti Kendrick aive atiza asipo pamba zvakatinetsa kuti aive kupi chaizvo. Takambomutsvaka kupedzisira tanzwa kuti kune kumba kwaive akuita zvekufudza mombe tichibva tasiyana nazvo. Ko baba vacho vaive vakungoteerera zvose zvandaitaura. "Hona wardrobe yakazara mujuru iyi",ndi baba Omega vakadaro kwakukwakuka pa bed ne zvandaive ndaonawo. Chokwadi wardrobe yaigara hembe dzedu ,yaive yakuita churu chaicho ndakatarisa rimwe side rataive takasiya hembe dzamai Omega kwakuona futi kuti paive pakaita churu ipapo. Midziyo yose ndaive ndisina kuchinja kana ndiro ndaishandisa dzamai Omega ini kugara kwese kwandakaita pamba pavo. " Hembe dzemunhu akafa dzawaipfeka hona zvaitika",ndakabuda panze hana ichirova kwakuenda mu kitchen maiita kuvaima chaiko ndiro dzose dzakasukwa. Ndakamira pamusiwo ndakabata muchiuno ndipo pandakaona kuti ne ruvanze rwaive rwakatsvairwa apa ma drum akazara ne mvura. Ndiri pakati pekufunga pakabva pasvika mota paruvanze ye black yaive yakanaka zvokuti. Pandakaona vanhu vaiburuka imomo hapana kana umwe chete wandakaziva hameno pamwe vaive varasika havo. *Siya like kana wanakirwa* End of chapter 17 Stay stuned

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 1.9k
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/19/2025, 7:55:03 AM

Ngatipushe ma likes book riuye next chapter

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 296
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/18/2025, 12:11:58 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaELGiW6WaKohS4xJ43E RAUYA BOOK REMUBATANIDZWA USASARE APA INHAPI TAPI CHAIWO LORRAINE NA MAMA JORDAN VAKUBIKIRAI MUTAKUNANZVA UYU MUDYA NDAKASUNGWA ITA FOLLOW UGARIRE KU CHANNEL USAJAMBWE https://chat.whatsapp.com/DwWNq6vHHA6DdkNvSUujvI VANODA COMMENT GROUP JOIN LINK IRO👆👆👆👆👆 INTRICATE 💝💝💝💝 STORY BY MHAMA JORDAN +263775937245 COLLABORATION WITH LORRAINE 0776797355 CHAPTER 16📘📗📕📙 OMEGA "Ndichiti ndigare pasi paiva nevamwe nditange kudya ndakabva ndanzi na mai bhanda,"Ko iwe wavingei kuno usina kupedzisa ndima yako"Vakanzi nemurume uya mu Gaurd jeri"Inga vamwe vangouya wani vasina kupedza ndima dzavo,, musiye adye sadza rake vozoenda kunoshanda ka 1"Asi mai Bhanda havana kuda kuzviterera,, plus paiva nenyaya yavo ndaitopaziva zvino ini wacho ndaitotya kutiza jeri uye munhu wacho ayinzi arikuuya kuzonditora ndaisamboziva kuti vaiva munhu akaitasei?"Ndakamboda kuramba ndakagara ndikapedzisira ndasimuka kudzokera kunoshanda nekuda kwekuti mai bhanda vacho vakange vakutondiita benzi pa vanhu kana chikafu chacho vakabva varamba kuti ndidye. Ndichingoti shandei ndakawona mota ye black yabudikira mu road, ndikabva ndaziva kuti ndiyo mota ya Prosecutor yacho yaitotaurwa. Nguva iyoyo hana yangu yakatanga kurova ndakufunga kuti todii,, vanhu vaiva vachiri vakagara kumusasa vachitodya masadza avo ndikati zano nderepi. Ndakabva ndabvisa chijusi changu chemu line ye red ne white ndokuchikanda pasi ndichisarwa ndakapfeka dress ndini uyo kucheuka ndokuwona vari busy kudya ndichibva ndakotamisa musana wangu ndakatanga kufambisa zviye zvekuti handina kumbobvira ndakada kucheuka kumashure kwangu kuti kurikuuya ani ndakaramba ndaka focuser nekwandaitoenda ndichimhanya nemufodya kusvika pandakazosvika kumota kwacho. Prosecutor vaye vachibva vavhura door rekumashure ndini uyo kupinda mukati. Mota yakamutswa ipapo -ipapo ichiita kumhanya zvekumbumura dust chairo. Asi ndaiziva kuti ndakatadza kuyambuka apa ndakabatwa ndaigona kuurayiwa kana kuendeswa kujeri repasi kubindura. Mota ichiti fambei Prosecutor vaya vakabva vanditi.... "Wandiziva here ?"vakadaro vachito smiler varikumberi ndikati... "Hongu ndakuzivai asi i reason yei yamaitira kuti ndibude mujeri. handizobatwe here ?" "Dont worry hapana kubatwa kwauchaitwa,, pandiri ndipo pauchange uri,, hauna mhosva yaunganzi ungagarire mujeri problem ndosaka wakaona kuti musiuya ndakakuti nyarara ndaiziva kuti ndichakuitira way yekuti ubude. Mu court hamudiwe kungotaura-taura unopedzisira wapihwa makore akawanda." "Manji zvakabva zvangofanana ndakapihwa life yese in jail apa handina munhu wandakauraya." "Ndosaka ndauya kuzokubatsira ." "Asi ndirikutya nekutiza kwandaita uku ndichararama hupenyu hwekungotiza." Ndakadaro ndichitopukuta dikita raiva kumeso kwangu vakati... "Zvinotyisa hazvo asi watoyambuka so,, chinhu chakudiwa kuti tifaitire kuti tisungise munhu akaurayisa mai vako." "Chokwadi chacho chinobuda sei ?" "Tichatsvaga nzira yekuti chibude ,,for now uchatombogara wakawanda kwemakore akawanda then wozobudikira." "Zvino mwana wangu achadii ,,ipapa handisikuziva kuti akayendeswa kupi ?" "Zvemwana imbomira kufunga nezvavo chakosha ndechekuti wabuda mujeri. uchazomuona mwana wako nekufamba kwenguva." "Okay ." "Ndoitwa Jack ,,, handidi kukunzwa uchindidedza kuti Prosecutor." "Ok but ndoda kuziva kuti Chuma chenyu makachiona kupi because musi wandakuonai ku court ndichingotarisa chuma chenyu pane zvandakanzwa." "Ndichazokudza history life rimwe zuva,, " "Horyt" handina kuzombotaura navo . mota yakafamba takazosvika kumba kwavo tichibva taburuka mumota asi nguva iyi ndakatomboita chadzimiranezvandaiwona pamba apa paiva nezimba rihombe raiva rakavakwa kuenda mudenga rine window ema glass ma hombe,,poti zi swimming pool raiva rakakura rakazara nemvura.Pamba pacho hapainzwisisika kuti pai.ende pairatidza kuti panogara security yakasimba coz paiva nevarume two vaiva vakamira kugedhi poti three mamonya aiva mumba vakagara mudining vachiona bhora. ndakatovamhoresa ndichibva ndaenda kunogara pasofa ndakangoti zii,, ndakanzwa Jack akudeedza vamwe mai vakabva vauya ndokusvika vachimhoresa vakanzi vaende kunondibikira tea.Vachibva vanoita sekudaro ndaitonzwa nzara. Zvekuti pakazouya chikafu ndakadya kunge munhu anopenga handina kumboda kunyara vanhu vaiva mumba umu ndakatonwa ma cup two e tea ndokudya half loaf yese yechingwa chine mazai. Kumusha hataiziva kudya chikafu ichi, chiri se chingwa taidya apo ne apo kana pa christmas. Ndichipedza kudya mai vaya vakabva vauya kuzotora ma plate avakaendesa ku kitchen ,,vachibva vadzoka, vakanzi vandiperekedze kunondiratidza room yandaizopota ndichirara. Ndichibva ndaenda navo , ndakatoshamisika ndichipinzwa mu room maiva makanaka mune zimubhedha raiva rakawaridzwa zvakanka.Jack aiva nemari zvinhu ndaiona mumba mangu zvinhu zvairatidza kuti zvakatengwa nemari refu. Ndakazoenda kunodzidziswa mashandisiro emu bathroom ndikanzwisisa.Asi pfungwa dzaiva kune mwana wangu ndaingoisa munamato wekuti kana akaendeswa kumba kwana Authority vangopindwa nemweya wekumubata zvakanaka. Mazuva akafamba ndichagara mumba ma jack ayindibata zvakanaka akatotuma mai Mudyiwa mu town vakanonditengera hembe ne bhutsu nezvipfeko zvemukati. Ini handaibvumidzwa kufamba ndaiswera mumba ndichiona tv. Chiri sechikafu ndaidya pandadira ganda rangu raiva ratochinja kutotsvukirawo. Hana muviri wangu waive wakuchidzokedzana asi chinhu chaindi stresser ndechekuti ndainzi ndirikutsvagwa ne police ma pictures angu akatozadzwa kwese kunzi ndakangowonekwa chete ndichifamba vanhu vofonera police asi Jack ayiti hakuna kwazvinosvika vachasvika pakuramwa kukutsvaga. Mai vandaiswera navo vaiva boe munhu plus vanga vari vechikuru ndaitovaudza ma problems angu vakati. Ndinamate ivo hameno ku church kwavaienda vakatondidzidzisa kuziva kupfugama.m Musi uyu yaiva weekend kwakamuka kune good weather. Ndakatobatsira mhama kuita basa, tichibva tabika breakfast yedu ndokudya. Ndaitofunga kuti Jack aenda ku basa asi ndakazoona achiuya mu dining achinditi.. "Morning Omega," akadaro ne happy face ndikamuti.. "Ndamuka hangu hauna kuenda ku basa asi ?" "Ndichazoenda kuma time time ." ndauya kuzobvunza kuti unoda kudzidziswa here?" "Ummm kudzidziswa chii ?" "Ndine friend ano teacher so ndanga ndafunga kuti apote auye achikudzidzisa ." "Zvinoita asi kuzonyora form 4 handifunge kuti zvinoita." "Hapana chinoramba Omega ndine link kwakawanda ." "Horyt anouya achindidzidzisa coz chishuviro changu chandanacho ndechekuti ndirikuda kuita Detective shuvira yangu kuda kusunga ini pachangu munhu akauraya Mai vangu" "Basa riya unorigona nekunyarara kwawakaita." "Ndichatoita kuti ndiri gone chinhu chose unotodzidzira munhu ." "Ukangoshinga nema book unotoita basa iroro ndichati mukomana wacho anodzidzisa awuye masikati ano. Asi uchenjere mukomana iyeye haadi kusekererwa,akangowona vasikana hanzwe haana yake ichiita munhu. Saka akauya ndichagara ndamuudza kuti atambire kure newe coz akatoona munhu akanaka hagarisike." "Ane makore mangani ?" "Ummmm maybe kuma 30 ,,35 ikoko.." "Horyt ." "Ndakutoyenda kunomufonera awuye ." vakadaro achitosimuka achibva ayenda ndokusara ndichitaudzwa na Mai mudyiwa vachinditi... "Omega wakawanirwa nyasha kutowana munhu anoda kukudzidzisa mukore uno?" "Handizive kuti ndomutenda nei Jack." "Ndovarume not vamwe avo vanongopengereka kudai wakaroorwa nemunhu akadai hawaimbofa wakatambura. Iyezvino Omega watochinja kutobuda runako rwese,, paye paukabva kujeri zvanga zvisina kumira mushe. Now magaro akutobuda ndofunga vanhu vanokuziva kubva kare vakakuona havakuzivi", vakadaro vachitoseka ndikasekawo ndichiavati.. "Ndega ndirikuzvinzwa kuti ndachiinja." "Kana murume wawaiti akakutsvinyira akakuona anogona kukushaya,." "Uyo handichatode nezvake akanditambisira nguva chinhu chandofunga mwana wangu not imbwa iyo ndinoyishuvira kuti iyite munyama usingapere akandirwadziswa asi ezvino nda healer,," "Varume vanorwadza sechironda chemumhino but ezvino kana wakuroorwa ziva munhu wekusarudza ." "Marriage handichade hangu." "Unoda kuchembera usina ku roorwa,." "Zvirinani panekuti unopinda muzvinhu zvinokutambudza ,," "Ukawana munhu anenge Jack munhu boe ." "Varume vakaita sa Jack havawanikwe ," "Mogona kungodanana makafitana ." "Jack itori brother yangu kana ndichimuona ." "Hoo,, rega ndinobika chikafu chemasikati." "Mirai tinobatsirana kubika ."Ndakadaro ndichitosimuka tichibva taenda ku kitchen takanotanga kubatsirana kubika. Mai mudyiwa vaiva ne recipe book ravo ndiro ratakashandisa kubika rice ne chicken nekugadzira salad yema fruits. Asi ini handaizvidya ndanga ndisina kuzvijaira.Taatoita hour tichibika. ndokupedza ,,mhama vachibva vangopakurira varume vaishanda ipapo vaigara ku Cottage vese asi vaizopota vachiuya mu dining kuzoona tv. Tichitovapa chikafu chavo takabva tadyawo chimwe ndokuenda kunopa Jack aingove munhu asinga seki seki kana kujairika aive asingajairike. Kuma four four ndipo pakazouya mukomana uya ayinzi achange achindi teacher. Takazomhoresana naye paya asi ziso raindipa handina kurinzwisisa akazoti anonzi Richard akanzi na mhama.. "Uno teacher ma subject api ndine mwana wangu arikunyora form 6. "Ndino teacher rese rinonzi subject handina mwana wandino teacher akatadza kupasa izvo ndinopika namai vangu vahera." "Hoo saka motondisiira number dzenyu tozotaura ." "Horyt garai matora ." "Zvino phone yangu iriku bedroom ." "Endai munotora moms ." "Horyt" vakabva vasimuka vachibva vaenda kunotora phone yacho mukomana uya ndokusara achinditi.. "Makaroorwa here ?"ndikamuti.. "Handina kuroorwa asi ndine mwana." "Zera rako iroro watone mwana ." "Ehe." "Munenge muchimhanyirepiko hamuzive kuti kunze uku munenge makatomirirwa nemaface ma svinhu sesu takadzidza. Mukomana asina dedgree unomudii ?" unofana kutya Mwari wanzwa hana yangu yanga yatorova ndikati ndawana babe zvino mvana haa handibati zvangu." Handina kumudaira ndakaramba ndiri zii akati.. "Ndiyaniko anotambisa ma baby akanaka kudai isu tichimashaya ,, unonzani,." "Omega." "Waaal nice name ndiwe urikuda kuitiswa ma lesson." "Yes ." "Ndichakudzidzisa kusvika wakuziva , Jack arikupi ?" "Ku room kwake ." "Ndichanomuwona ndambopa chembere iyo number dzangu,, saka une mukomana here ?" "Ehe." "l see ,, asi wakanaka hako togona kungoita plan ." "Plan yei manje iwe wagara wati hauite zve mvana nhai" Nguva yaiva akuda kundidaira ndipo pakabva padzoka mhama vakasvika vachidedzerwa number dzacho na Richard achibva asimuka kuenda ku room kwa Jack. Asi mukomana akandiratidza kuti anoda vasikana snike nechiso chake ndofunga muno muHarare ayinetsa ndaifanirwa kutongwara ndiyo type inongotambisa yokusiya iyi. Jack akazobuda anaye Richard akuenda akati aizotanga kuuya kuzondidzidzisa mangwana. Haana kure kwaakaenda Jack akabva adzoka. "Omega ndine zvandafunga". "Taura henyu ndakateerera", pandakadaro vakabva vambokwenya musoro kwakuzoti,"ndinoda kuti uite birth certificate ne chitupa asi unochinja zita. Ndinoda kuti zvizotiitira nyore paunonyora form 4 yako ne kuzoendawo kunoita detective kwauri kuda". " Horaiti is that possible ". " With money everything is possible in Zimbabwe surname unotora yangu ndini ndichatomira sa baba vako". " Okay ndiri kungoda kudzidza ini zvakawanda handina basa nazvo". " Good girl zvinoita chete hapana chinoramba wena so unoda zita rekunzi ani". " Imi moda kuti ndinzi ani". " Angel I think rinoita ini", vakadaro kwakubva vasekerera. End of this chapter 16 Stay stuned

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 1.5k
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
6/18/2025, 7:50:38 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaHptqd7Noa7d4X46k0F FOLLOW MY CHANNEL FOR MORE CHAPTERS... DESTINY ⚘️ STORY BY CATHY CHAPTER 1 Ndichisvika pagedhi repaMatoranhembe High School pachikoro pandaidzidza,yakangova congratulations Kundi kumunhu wese wandaisangana naye.Ndakabva ndangoziva kuti zvangu zvainge zvaita asi ndaingosekerera hangu mumoyo ndongogumira mukuvamhoresa chete vanhu vacho pasina zvandaivabvunza.Pandaive ndoda kusvika pa-Administration block ndipo pandakabva ndaona my formal class teacher Mrs Nyamadzawo ende ivo vachingoona chete vakabva vatomira,ndokubva vandisheedzera zvikanzi"my daughter." Ndakawedzera hangu kusekerera ndokusvika pavainge vamira pacho ndikavapa ka-side hug ndikati"makadii henyu ma'am"zvikanzi"l'm good dear,urisei hako iwewe?."ndakabva ndati"ndiri right hangu ma'am,riri sei basa renyu nepano"zvikanzi"basa ririnani haro ende kana muchitifadza kudai zvionyatsoendeka manje nekuti tinenge tichiziva kuti tinenge tisingashandire mahara."Ndakabva ndanyepera kuzungaira ndikati"saka zvakamira sei mukati umu,ndiri kungonzwa kaa munhu wese wandiri kusangana arikungonditi congratulations." Vakabva vatoshamisika zvikanzi"asi hauna kusearcher wo kani sezvakaita vamwe?" Ndakazunguza musoro wangu ndokubva ndanyepa hangu ndikati"kwandaive kwainetsa network zvisingaite ma'am saka handina kukwanisa kumasecha." Ndakanyepa hangu ndichidaro asi chokwadi chaiva chekuti ndaisatombova nephone yacho yaita izvozvo.Ivo vakabva vangonzwisisa zvikanzi"horait, its okay haisi hayo nyaya,uchangomaona nhasi wacho but inini handikwanise kukuudza manje nekuti hazvisi pamutemo saka enda unongozvionera wega ku-office kwaDeputy Head uko ndiko kwaari." Semunhu wandainzwanana naye zvakanyanya ndakatombozama kuvanyengerera kuti vangondiudzawo nekuti hana yangu yaive isisina kumbogadzikana ende ndaitonzwa kunonokerwa nekuda kuziva but vakarambisisa chaiko kunduidza.Ndokubva ndazongosiyanawo nazvo,ndatoona kuti vaisada kumbondiudza zveshuwa ndikati"horait ma'am,regai ndinopedzesa hangu kubhadhara mari yaive yakasara ndinoona kuti zvakamira sei." Vakabva vati"horait mwanangu asi kana uchinge wapedzerwa uzopfuura neku-office kwangu uku uchindiona,pane zvandoda kutaura newe usati waenda." Handina kumboita dambudziko nazvo hangu,ndakabva ndangovati"horait ma'am ndinouya" Ndiko kuzopesana kwandaita navo ipapo ndave kuenda hangu pa-reception pandaida kutanga ndasvika.Ndichisvika ndakawana patorina Bursar munyowani,ndikatoshaiwa kuti ayinge achinjwa rini? Ndakamupa mari yangu ndichibva ndamutaurira nyaya yangu. Achibva anditi"hoo,ndiwe Kundai wacho nhai adai kunetsa pachikoro panapa" Ndakabva ndangosekerera futi zvenhema ndichimutambidza receipt randaive ndapedzesera kupihwa pandaive ndapedzesera kubhadhara, achibva atanga kunyora muchi-book chaive pamberi pake ndokubva azonditambidza receipt nyowani.Ndakabva ndamubvunza ipapo Deputy head vacho vaiveko here ku-office kwavo zvikanzi"ehee ndavaona vachipinda manje manje and handisati ndaona kubuda kwavo."Ndakabva ndangomuti"thanks." Ndokutosimuka ndakananga ku-office kwaDeputy head kwacho asi hana yangu yainge yarovera mumukanwa chaimo zviya zvekutya.Ndichisvika ndakarova kasoft knock kangu ndichibva ndadairwa kunzi"come in"ndokubva ndapinda ndakatsikitsira musoro asi ndakazousimudza pandakatanga kuvamhoresa ndikati"makadii henyu Sir."Ndakaona vachisekerera ndokubva vati"aah it's you Kundai" Ndakabva ndangogutsirira musoro wangu zvikanzi"gara hako pachair apa mwanangu"vaidaro vachireva pachair yaive yakananga ne-offfice desk ravo.Ndakabva ndagara hangu zvikanzi"Saka how are you my daughter"ndikati"l'm good and you sir"zvikanzi"l'm good hangu,wauya kaa kuzo-collector zvinhu zvako."Ndakabva ndagutsirira musoro kubvumira zvikanzi"okay,candidate number yako ichii zviya?"ndakabva ndavaudza.Ndokubva vatora chimwe chi-envelope paive nezvima files zvaive zvakangowanda wanda, ndokubva vangozvomora kwamwe kaslip kavakazonditambidza kakapetwa asi ini ndaive ndobvunda chaiko ndichikatambidzwa kudaro.Ndichikavhura ndakangoona mutserendende wema A's ndichibva ndangotarisa Deputy Head vaya zvekushamisika vakanditi"congratulation my daughter,wakatidadisa wena pano and you are our top student" Ndakango-smiler ndichibva ndati"thank you Sir"asi ndaitonzwa kuda kujamba jamba nemufaro mu-office mavo imomo but ndakazongozvidzora hangu plus nekunyara chaiko ivo vakabva vanditi"so,what are your plans?" Ndakabva ndati"parizvino handisati ndaziva kuti ndiri kuita sei?"vakabva vati"horait,its okay my daughter asi kana uchinge wangofunga kudzoka futi pano wakasunuguka hako"nl Ndakabva ndangoti"horait Sir,thank you"zvikanzi"l wish you the best kwese kwauchaenda mwanangu ende urambe uchidadisa futi" Ndakavatenda futi ende ndiko kuzoonekana kwandaitawo navo ndichibva ndabuda mu-office mavo.Mupfungwa dzangu ndaingoda kungonanga kumba kwedu straight nekuti ndaitononokerwa kunoratidz mhama asi pandakazorangarira kuti Mrs Nyamadzawo vaive vati ndizopfuura ndichivaona ndakabva ndangonanga ku-office kwavo kwacho. Ndakasvika variko zveshuwa, vachibva vangondibvunzawo same mubvunzo wavainge wabvunzawo naDeputy Head.Ndokubva ndangovabudira pachena futi kuti ndainge ndisati nemaplans ende ivo semunhu ayiziva situation yekumba kwedu, vakabva vangokasika kunzwisisa vachibva vangoti"ndine imwe cousin sister yangu inokwanisa kukupinzisa kuZPCS,hameno kana uchikuda hako.unongouya uchindiona kana kundifonera hant number dzangu uchiri nadzo?" Ndakabva ndagutsirira musoro ndikangoti"horait."Ende ndiko kwazova kuonekana kwangu navo futi kekupedzesera.Ndini uyu kufambisa ndakananga kumba kwedu. Ndaive ndatononokerwa nekuti ndisvike zvekuti ndichingosvika ndakabva ndatanga kusheedzera mhama vangu ndichiri kuroad chaiko,vachibva vabuda mukitchen yedu yehuswa vachitoratidza kunetsekana kuti chii chaitika zvikanzi"kwakanaka here iwe kwaunosvika uchikwamatata seunopenga kudaro nhai Kundai?."Ndakabva ndati"huyai mutambire mwana wenyu kani mhama"vakabva vatoseka havo zvikanzi"ende unotopenga iwewe chete Kundai."Ndakabva ndafamba hangu ndikasvika ndichivambundira zvemufaro chaizvo zvikanzi"ko chiiko nhai? Wafariseiko kudaro."Ndakabva ndangoburitsa karesult slip kangu ndokubva ndavatambidza. Vakaita kanguva vakakatarisa ndokubva vazongobata muromo wavo vachinditarisa ndikati"l have made it mhama"vakanyemwerera zvemufaro chaizvo zvikanzi"ndeako here aya mwanangu?"ndakabva ndati"ehe mhama asi hamusi kunona here pakanyorwa zita rangu?" Vakabva vatanga kuridza mhururu uku vachitambirira, zvekuti vamwe mai vataingowirirana navo vaigara panextdoor pedu vainzi mai Rugare vakabva vauya vachida kuona zvavaifarira mhama.Ndokubva varatidzwa karesult slip kangu ndokubva vandisimudza mudenga chaiko vakatanga kubatsirana namhama kufara ende vainyatsoraitidza kuti vainyatsofara zvemachokwadi chaizvo nekuti vakabva vatondipa ka$10 zvikanzi"watidadisa mwanangu,wozotenga zvaunoda nekamari aka ndiyowo present yako".Ndakafara zvisingaite ndikavatenda. Chataifarira apa ayiva maresults angu e-o'level yandaive ndanyora gore rakapera ndokubuda hangu ndine 12 straight A's gore iroro.That was another record yandainge ndavasetera paMatoranhembe High School ende ini wacho nema circumstances acho andainge ndanyora aripo ndaisambofungira kuti ndichipasa zvakadaro,yes kugona ndaigona hangu asi ndaisambofunga kuti ndichabuda nema A ega ega.Mhama vakazonditi"chitoenda unofonera hanzvadzi yako izvozvi umuudzewo kutidadisa kwawaita mwanangu."Hanzvadzi yangu yavaitaurwa apa ndiyo yaiva first born mumba medu.Mumba medu macho taive takangoberekwa tiri three chete.Kwaitanga ivo mukoma Tonde,kuchitevera sis Patience kuchizopedzesera hangu inini Kundai ende ndini ndaitova gotwe asi pamusha pedu patagaira kwaMurombedzi taive tazongosara tiri two hedu namhama nekuti mukoma Tonde vainge vakugara kuChinhoyi kwavainge voshandira nemhuri yavo then sisi wo Patie vaigara kuHarare nemurume akanga avaroora ende ivo mukoma Tonde vandainzi ndifonere ndivo vainge vatondi-regestera form four yacho.In fact ndongoti kubva zvavaiva vatanga kushanda ndivo vaive vondibhadharira school fees yangu.Vangu Baba vaifanirwa kunge vane responsibility yacho ndakangokura ndichingonzwa kuti vakangoenda kuBotswana ndichitori netwo years chaidzo vachiti vari kuenda kunotsvaga basa ndiye kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda tsuro ende hapana ayitomboziva kuti vaiva nechapi chaipo kana kuti vaiva vapenyu here?.Mhama ndivo vainge vazongotikudza sa-single mother and havana kumbobvira vaitawo pfungwa dzekuzoroorwa futi saka Zvadaro ndakazoenda hangu kubedroom kwaive nephone yavo mhama,ndiyo yandaitoshandisa panguva yacho, ini ndaisava hangu nephone yandaiti yangu. Ndichisvika ndakavafonera mukoma Tonde asi call yacho yakabva yadairwa nemukadzi wavo ndokubva ndatomumhoresa zvakanaka naka samaiguru vangu but madairirwo acho andakaitwa,ayita sekunge munhu ayimanikidza kutaura neni asi hazvina hazvo kunyanya kundishamisa nekuti ndiwo waitova mutiiro wavo kwatiri ende hameno kuti why vasanyatsotifarira namhama saka handina kunyanya kubatikana hangu nazvo. Ndakabva ndavati"varipo here mukoma Tonde padhuze ndoda kutaura navo?"zvikanzi"kana dziri nyaya hadzo dzemari dzamafonera Tete,hatitomborina kana cent isu kuno tichitori takarohwa naJanuary diseases."Ndofunga ndizvo zvaitongova mumusoro mavo maiguru vangu kuti pese pataifonera mukoma Tonde taingoda kutaura navo nyaya dzemari chete.Ndakangoti zvakaoma nechemumoyo ndokubva ndazovati"handizvo zvandafonera mai Micky" Ndakabva ndatopindurwa rough zvikanzi"saka murikuda chii nhai Tete?"vaisambova havo nerespect yekuti ndaivawo hanzvadzi yemurume wavo nyangwe ndaive mudiki zvangu kwavari.Ndakabva ndavati"ndiri kuda kuvaudza nezve maresults angu,ndiri kubva kutonomatora izvozvi akabuda"zvikanzi"hoo zviya maresults ema form 4 akabuda,aaah kana kutombozvinzwa nhai,saka mabuda nema-cup manganiko manje tiuye hedu kuzotora mamwe ekunwira tea kuno" Ende kwaisatombova hako kutamba neni,vaitova serious,ndakabva ndangovati"ndabuda ne12As"vakabva vati"12 maA munonyatsomaziva here imi Tete"vakabva vamboseka havo zviya zvine kakushora mukati zvikanzi"tambai nezvimwe Tete"ndakabva ndati"chokwadi maiguru,ko ndinotadza nei,dai ndanga ndine phone inopinda pawhatsapp ndingadai ndakusenderai photo maona"munhu akabva atochinja matauriro ipapo zvikanzi"hoo inga"ndikati"ehe saka mukoma Tonde varipo here padhuze ndokumbirawo kutaura navo" Ndakabva ndachenamirwa futi zvikanzi"muchiri kuda kutaura navo chii? imi matoudza ini,hant kana matoudza ini zvakangofanana nekuti maudza ivo saka ndichavataurira" Ini zvekutaura kana kuita rough ndaisanyatsozvigona hangu ndakabva ndangoti"horait maiguru"call ndokubva yatokatwa sekunge ndivo vainge vafona. Ndakazodzokera hangu kwaiva nana mhama ndatosuwa suwa nekuti besides zvekuvaudza naresults angu izvozvo ndaida kunzwa kuti vaizozadzikisa here promise yavainge vandipromiser kuti ndikangopasa chete A'level vandiendesa kuboarding school zvino zvainge zvatotanga kudhakwisa namai Micky ende ndaizviziva hangu vaitonetsana nenyaya iyoyo nekuti pakabuda mari yeku-register futi pakatoitika hondo chaiyo zvekuti mukoma vakatozondi-rejestera zvenharo chaizvo.Pandakasvika paiva nana mhama vakatozviona kuti ndaive ndisisina mufaro zvikanzi namai Rugare"ko zvaunenge usisiri kufara wani,ko chii nhai Kundi?"mhamha vakabva vatiwo"asi yaramba kupinda kani phone yaTonde"ndakabva ndati"yaita hayo phone yavo but yadairwa nemukadzi wacho" Mhama vaisanyatsovafarira futu but vaisagona havo zvekutaurawo seniwo asi ipapo vakatoridza katsamwa kekusvotwa zvikanzi"ati chii?" Ndakanyara hangu kuvataurira zvaayinge andiita pamberi pamai Rugare nekuti ndakangoona zvisingazopa chimiro chakanaka. Ndichibva ndangoti"hapana,angoti ndichavaudza kana vadzoka mukoma Tonde vacho,apa hanzi vambobuda" Vakazviona havo mhams kuti ndainyepa mhama but vakabva vangoti"hoo"ndikangotiwo"ehe". Zvadaro takazobva hedu patainge takamira takuenda mukitchen mavaive vabuda mhama asi mai Rugare vakabva vangotioneka vakabva vadzokera havo kumba kwavo.Ndichingogara pasi mhama vakabva vati"anyatsokuti chiiko mukadzi waTonde?"ndakabva ndanyatsovaudza zvaayinge andiita zvikanzi"kanopenga fani kamukadzi kaya,kanoita sekunge ndiko kakazvara Tonde wacho kasingatozive kuti amuwane zvaari ipopaya Tonde ndini ndakamusafira ndichishanda mumapurazi umu kuti ayende kuchikoro agopedza nxaa" Ndakanyatsoona kuti vainge vabhoikana mhama vangu, ndakabva ndangotiwo"zvakaoma mhama,hameno kuti ndinoendera here mberi ipapa"vakabva vati"unotadza nei?,as long as Tonde uya ndirini ndakamuzvara ndikamuchengeta uchatoenderera mberi chete"kwaingova hako kundisimbisa vachidaro but ivo mukoma Tonde vacho vaita sekunge vaimbotongwa nemukadzi wavo.Tiri pakati pekutaura kudaro vamwewo Tete vangu vaigara nechepa mhiri pedu mbichana vakabva vasvika ende ndakabva ndatowedzera kubhoikana hangu nekuti vaitondibhowa havo Tete vangu ivavo vaitaurisa. "hodhii pano"vakasvika nekudaro zvikanzi namhama"pindai henyu Tete"ini handina chandakambotaura,ndakatotarisa zvangu kuside zvikanzi"ko iwe uri kungoramba wakanyarara ipapo asi hausikundiona kani" Vainge vatotanga zvavo zvekuda kunditsiura-tsiura ndakabva ndangoti"maswera sei Tete"zvikanzi"saka wanga uchimirira kuti ndikutaudze manje, kuti uzondimhores?"ndakabva ndati"ndanga ndichimirira kaa kuti mutange magara kaa pasi Tete".Vakabva vatotanga kundipopotera vachiti ndaisava nehunhu,mhama havana zvavakadaira nekuti vaitoziva hunhu wavo ihwohwo.Vakazogara havo pasi pavainge vapedza shungu zvikanzi"ko maswera seiko nhai maiguru?"mhama vakabva vati"taswera hedu,ko kwaswerawo sei kumba kwenyu"zvikanzi"taswera,ndauyawo kaa kuhupfu,handisati ndawana $1 rekuti vakomana vari kumba uku vaenda kuchigayo" Ndaizviziva hangu kuti ndizvo zvainge zvafambirwa ende vaisatombonyara zvavo Tete vangu ivavo kuti svondo rainge ratopera vachitikumbira hupfu zvino mhama vangu nekusagona kunyima kwavo vaingovapa.Seipapo vakabva vatonditi"tora basin iro uvaisire mwanangu" Ndakangosimukawo kuti painge pasina zvekuita.Ivo mhama vakabva vatanga kuvataurira zvema results angu zvikanzi"atidadisa kaa mwana wehanzvadzi yenyu uyu,abuda nema A ega ega pamasubject ake ese ahakanyora gore rakapera" Ndaifunga kuti zvimwe vachatondikorokotedzawo sezvaita vamwe but vakabva vangoti"hoo"zvikanzi namhama"zvino manje hameno kuti apa anobudirira here kuenda mberi nemukadzi wehanzvadzi yake uya nekuti atatonga kuita misarinya yake iya yaakaita paaka-register paya" Nyaya yacho yese vayiiziva nekuti ndivo vainge vatomboigadzirisa but ndakashaiwa hangu kuti mhama vaiswero kuzvinetserei vachivaudza nyaya dzese idzodzo nekuti type yacho zvechikoro yaisatombova nebasa nazvo ende ipapo vakabva vatoti"ko madireiko kuramba muchinetsa vanhu nhaimi maiguru?,ipapo paatosvika patokwanawo munoti mwana musikana anodzidziswa kusvika kupiko?.Ngaatotsvaga hake basa kana kutoroorwa hake nekuti makore ake kaa uyu afamba ende akatodarika 25 ipapa achashaya anomuroora akunzi ichembere apa akati neicho chimuviri chake chihombe ichi."Ndakangoti zvakaoma hazvo nechemumoyo nekuti makore angu ayinzi afamba ayingova 20 chete ipapo.Ndakabva ndavasvitsa chibasin chavo chehupfu ndichibva ndagara hangu pasi zvikanzi namhama"zvamuri kutaura izvozvo ndezvakare Tete,zvenguva yedu isusu yatakakura.Inga wani mwana musikana uya wekwaKuchena ndiye ari kutochengeta vabereki vake izvozvi kudarika vana vavo vkomana ende musiuno futi apa akatobva kuvaisira borehole nema solar pamba pavo ipapaye saka munoti iyeyu Kundai anozotadza neiwo kuzotichengeta kana akadzidzawo zvekusvika kuUniversity kwakasvikawo" Vakabva vaseka havo Tete zvikanzi"izvo zvechihure zviya ndizvo zvamungaswera kuchiva nhaimi maiguru.Asi hamuna kani kunzwa mbiri yake musikana uya mazuva aye ayiva achiri paMatoranhembe pavo apa achinzi ayidanana nekaHeadmaster kaya kekuzobviswapo kachiendeswa kuKaroi?."mhama vakabva vati"idzo nyaya dzekunyepa dziya ndidzo dzamungaswera kuteedza nhai Tete, ende dzinototaurwa nevanhu vane godo naye mwana uya nekuti asizvingaziva kuti ndiDoctor iko kuHarare kwaari,ende hanzi atori nemasurgery ake maviri."Ende chaiva chokwadi hacho but Tete vangu vakangopikisa,zvikanzi"izvo zvehuDoctor zvacho ndakatonzwa kuti akazvipinda nechihure futi iko kuUniversity kwaanga ari,Hanzi ayidanana nemadhara ayimubhadhirira chikoro" Mhama vakatoona kuti nyaya yacho vaisamboihwina ndokubva vati"kana Tonde wacho akakonewa kumuendesa mberi ndichaita zvandichaita inini kuti akwanise kuenda"zvikanzi"haiwa, munenge makutoda kutambisa henyu mari yenyu maiguru,makangwana zvamakaitwa gore riya naiye sis vake uyu mapedza henyu kumu-rejistira form 4 yacho nemari yecotton yamakafondokera gore rese ndokubva angotizira hake asina nekutonyora kwacho kwese"chaive chokwadi hacho but mhama vakabva vati"vanhu vanosiyana Tete ende paari Kundai uyu ndinotoona zvihombe chaizvo nekuti mwana ane shungu ende paari ipapa haasati atombondinetsa nenyaya dzetukomana sezvinoitwa nevamwe vana mumaraini umu"vakabva vaseka futi Tete zvikanzi"muchangofarira zvimwe zvinhu zvinogona kuzokunetsai kumberi uku maiguru,munoti zviri normal here kuti nezera rake irori plus neiyo body yake yechihure hure hure iyi anganzi anoshaya mukomana waanofambidzana naye Kundai.Dai atori mumwe hake,akangwara,ataura neni zvakanaka nekuti ndinotogona kumurongera mamwe dhiri masvinu kune mwana mukomana mukuru uya wekwaNdoro.Ndakangonzwa Tete vake vachiti akavati vamutsvagire musikana wekuno kumusha akadzikama uye wechidiki ane hungu ende Kundai wenyu uyu anonyatso-qualify ipapo manje saka akataura neni zvakanaka utu ndinotogona kumurongera madhiri anogona kuchinja hupenyu wake wese kana nemi vacho" Mhama vakabva vati"yuhwi ndisiire zvangu mwana wangu Tete,iye mukwegura uya ndiye wamungada kunorasirira mwana wangu plus ichowo chinomutadzisa kuroora kusvika zera rake iro riya munochiziva here? And munoti iko kuChinhoyi kwaanogara hakuna vasikana here?"zvikanzi naTete"haana kumbonyanya kukura wani mukomana uya maiguru kana asitori kuma 34years ari kuzvima 35,36 years ikoko plus haana kumbonyanya kusiyana nana Tonde ava"vakazviramba mai vangu zvikanzi"zve-marriage imbomumirirai henyu mwana wangu,parizvino achiri kumboda kudzidza,tozotanga kutaura zvemarriage kumberi."Ivo Tete vakabva vati" hameno henyu saka but chandoziva hangu mukana unouya kamwe ende ukatourasa haumbofe wakauwana futi,dai nditorine hangu mwana musikana asati aroorwa ndatomuitira hangu madhiri acho"mhama vakabva vati"mukana wei apa manje?"zvikanzi"hant akaroorwa nemukomana iyeye anotogona kuzonopedzesera chikoro chake chacho chaaringonetsera vanhu varimudzimba dzavo nekuti ane mari dzake kaa mukomana uya saka haandifunge angatomborwadziwe nekumuendesa kuchikoro saka panyatsopafunge ipapo maiguru kana iwewe Kundai wacho,wamunhu mukuru iwewe haikona kungoramba uchiitirwa madecision nevamwe"mhama vakabva vati"haiwa ngazvigare hazvo"ivo Tete vakabva vasimuka zvikanzi"saka hameno henyu,muchangoramba muchinetsana nemuroora nenyaya yamunogona kusolver mega" Mhama havana kumbovadaira ivo vakabva vangoti"ndakuenda ini"ndokubva vatobuda.Mhama vakasara vachiridza katsamwa zvikanzi"ende vanopenga zveshuwa Tete vako,havana kana zvimwe zvinhu zvavanombofunga mulife mavo kunze kwevarume chete ndokusaka vakazomitiswa kahobho hobho nenyaya yavo yekuda zvinhu iyoyo"ndakangotiwo zvakavaomera nekuti zvekuroorwa zvacho zvavaitaura zvaisatombovamo mupfungwa dzangu.Shungu dzangu dzaingova pakuti ndikadzidzawo ndikakwanisa kuita Doctor zvandaida.Ndochengatawo mai vangu ende kutitamburira kwavainge vaita kubva tichikura ndiko kwaindipa shungu idzodzo plus mwana uya wekwaKuchena ayitaurwa naTete ndiye ayitova role model yangu.Ndaitoshuwirawo kuzoitawo zvaitira vabereki vake kuna mhama vangu.Ndakazoswera hangu ndiripo pamba pedu ndakangomirira call yamukoma Tonde kuti ndinzwe kuti vairongei neni but zuva rakatosvika pakudoka vasina kumbofona.Mhama vakazonditi mufonere kwave kumanheru but phone yavo yainge isisaite.Takambozama kufonera mukadzi wacho but haana kutidaira mhama ndokubva vangoti"ngatirarei hedu tozoyiedza mangwana kwachena"..... End of chapter Follow my channel for more chapters..⚘️⚘️⚘️⚘️⚘️⚘️

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 124
Link copied to clipboard!