
LORRAINE STORIES🤍🤍🤍🤍
February 1, 2025 at 04:41 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
MY CHOICE
STORY BY LORRAINE
CHAPTER 11
☂ ☂ ☂ ☂ ☂ ☂
Leah.
"Ndiripakati pekuchema ndakanzwa knock pa door pangu ndichibva ndangoramba ndakagara , ndaitoziva kuti ndi Michael auya kuzo knocker akabva anditi....
"Leah !" urimo here umo ?"
Ndakatoramba ndiri zii?"
ndokunzwa akutaura na mai vake achivati...
"Anenge asimo mu room make ,handei tinomutarisa panze?"
"Anofana arimo hasiriye akiya door racho here..?"
"Anofana arikiya achiyenda panze saka handei tinomutarisa tikamushayawo ndizvozvo."
"Okay?"
Vakabva vatobva pamusiwo paye vakuyenda kunonditarisa panze ini ndopandikasara ndichivhura door ndokubva ndavatevera panze pacho, vakatozoshamisika vachiwona ndakamira kumashure kwavo uyu Michael achibva amhanyira kunditi .
"Iwe Patambouya ku room kwako,wanga urikupi heee?"
Akadaro achindibvunza nezvekutoda kundivhundutsira ndichibva ndamuti....
"Ndanga ndiri mu room mangu maybe time yawanga uchi knocker ndanga ndiri mu toilet?"
"Problem yako leah unekahu rude kaunako so kesatoda kuudzirwa zvekuita asi anyway sara uchitaura na mom vangu,ini ndakumboyenda kunogeza?"
"Horyt."
Ndakamudaro ndichitonzwa kusvotwa naye,ndaiti ndikawona face yake ndaitonzwa kuda kumutuka chaiko..
Akabva atoyenda ndokusara ndichiyenda kunogara na mai vake ku garden, vakambotanga vandiwongorora vachibva vazotanga kunditi "Zvawane nhumbu heal wochimira zvekushanda."uchange uchingodya wakagara coz mwana ari mudumbu mako atori very important kwatiri, saka wotowona wazvibata zvakanaka tirikunzwisisana here...
I nodded my head, Ndichitobvumirana nezvavanga vataura ndopavakanditi "Zvako zvekurara wega mu room mako wotozvitsveta, wakufana kurara na Michael anenge achikuwona husiku wega wega?"
Nemuvengero wandaiva ndakaita mwana Michael handifunge ndaimbokwanisa kupinda mu gumbezi rimwe chete naye, ndaitosarudza kurara hangu pasofa..
"Wadya here Leah ."
She asked."
"Handisati."
Ndakadaro ndichitonzwa ku bhoikana akati...
"Izvezvi enda unoti mai munya vakugadzirire zvekudya."
"Okay."i said ndichitosimuka ."
ndopandikabva ndayenda ku kitchen ndikasvika ndichitora mvura mu fridge, ndichibva ndatanga kunwa,asi ma munya vaiva vasimo mu kitchen,ndakatozvigadzirira chingwa changu ndokuchiisa dovi ndorandaifarira kudya, Ndakabva ndagara pama kitchen chairs ndokutanga kudya chingwa ne drink, ndichitofunga zvehupenyu hwangu kuti handina kana wekuchemera nhamo dzangu kunze kwamwari ndivo vachatoziva zvekuita neni,after ndapedza kudya,ndakanosuka ndiro dzandanga ndadyira ndakamira pa sink,ndichibva ndazoyenda kunogeza shower, ndakatombotanga ndafunga kuti ndogeza ne warm water or ne hot water,ndichibva Ndatonzwa kuda kugeza ne mvura yakapisa, ndopandikavhura shower ndokutanga kugeza ndisingazvitose musoro wangu kusvika pandikapedza ndichibva ndatora teethbrush yangu ndokutanga kukwesha Mazino ndichizvitarisa pa glass,ndaitowona kuti skin yangu iri glower kutoita katsvukirirawo ndakabva ndayenda kunochinja ndichitopfeka dress rangu re black raingotedza muviri wangu,ndakabva ndanzwa door rangu kuvhurwa ndokuwona ari Michael, ndakatobva ndachinja face yangu ndokubva ndayenda kunogara pasofa wondering kuti avingei muno. akambotanga apuruzira musoro wake achibva anditi....
"Ndauya kuzokuudza kuti nhasi uye uzorara mu room mangu."
"Ko muno mandiri maitasei."
"Ndirikuda urare pandinenge ndichikuwona."
"Handikwanise kurara ku room kwako coz uri chi monster une hutsinye,you made my life miserable.."
Akabva anditarisa neka naught smile kake achibva anditi..
"I hate munhu anondi disrespecter,kana uchitaura neni unofana kuziva kuti urikutaura ne munhu akura,handisi mwana wako ka ini?"
"Ku room kwako handiuye Michael."
"Leah remember kuti you're carrying my child saka uchatoita zvandinenge ndichida inini,ukasangouya kuzorara ku room kwangu unenge uyine zvaurikutsvaga ."
Akabva atobuda mu room mangu achisiya arovera door zvehasha !
Ndaitoziva ndakasatokuyenda ku room kwacho manheru ndogona kutoitwa zvimwe zvinhu, ndakabva ndayenda kunogara pamubhedha.Ndipo pandikanzwa mvura yakutonaya ndichibva nditosimuka ndichinodongorera nepa window kuti irikuwanza here, ndikawona kuchiita kunaya mazimvura ane chimvura mabwe.ndakatobva ndabva pa window ndokuyenda kunogara ku dining ndichiwona tv, ndopakauya bridget ndiye munhu ayitomboita kakundinzwisisa asi akangoda kutaura neni zviri nice ayibva atukwa na mai vake,akatonditi..
"Ko nemakorokoto atanzwa kuti wane nhumbu ya Michael?"
"Ndedu tese."i said ndichitonyepera kupa fake smile."
"Ndatononokerwa nekuti mwana wacho abude,l love babies?"
"Koiwe unoshanda kupi?"I asked, ndakatomutarisa."
"Ndoshanda ku closet ya mom vangu,apa ivo havadi kukushanda vanongoda kuswera pano vachikushusha,l hope zvawane nhumbu vanokunata zvakanaka."
"Even vakandibata rough ndatojaira ?"
"Zvawane nhumbu kudai havafane kukupa stress,iye Michael anotofana kuvatsuura mom kana zvanetsa ndovatsiura inini?"
"Usazvinetse bridget, unotozvitukisa na mai vako,ukada kuvaudza zvekuita,siya vaite zvavanoda neni coz ndakavinga pano kuzoita zvese-zvese
Takamboti taurei hedu na bridget, achinditi next weekend achambokumbira Michael kuyenda neni ku closet yavo, ndakangomuti okay, Ndaitotemba kubva ndatizawo ipapo handidzoke kuno ndobva ndayenda kumusha,ana natasha vakazouya ndokusvika vachigara kune rimwe sofa,vachibva vatanga kutaura na bridget vachimuti..
"Sisi mangwana kune birthday redu tatokoka ma friends ekuchikoro kwedu."said tashia?"..
"Manga mazviudzwa nani izvozvo kuti mukoke ma friends enyu?"
She asked bridget ?"
"Zvagara kuti pese patinotoita birthday tinokoka ma friends ekuchikoro kwedu (natasha replied) "Hehede makanganwa kuti last time takazoshaya zvinhu zvedu ne nyaya ye vanhu venyu ivavo."
"Saka murikuda ti celebrater birthday redu tega plus mom varikutitengera zvinhu zvepa birthday racho havana kana dambudziko nazvo asi imi musina chamurikutenga ndimi murikuda kutiudzira zvekuita,kana musingade kubirwa zvinhu zvenyu munogara mu room menyu !"
Aiva natasha ayitaura achiita kupopotera bridget asingamedze mate,iye bridget wacho akangobva ati...
"Since ndisina chandirikubvisa pa birthday renyu,lemme keep my mouth shut?"
.Akabva atanga kutaura neni dzimwe nyaya, Kusvika patikazodedzwa na mai munya ku table vachiti sadza raibva, ndokuyenda kunogara ku table kwacho, ndopakazouya Michael akasvika achigara pa side pangu,mai vacho vachibva vanogara ku chair yaiva yakananga neya Bridget,asi ini ndanga ndisisiri comfortable na Michael anga akagara pa side pangu,ndanga ndisingade kuti andigume ndakatoswededza chair mbichana kuti tisagumane ndichibva ndatanga kudya sadza ne fish yaka rostwa..
"Pano tikudyiswa sadza mbodza ."
I don't think kuti sadza iri rambokwata?".aiva Michael ayidaro achitofinyamisa kumeso kwake,achibva apindurwa na mai vake vachimuti..
"Raita mbodza papi Michael,inga wani raibva?"
"Mom sadza iri imbodza apa koti chi fish chacho hachina salt fuck !"
Akadaro achitogeza maoko ake mu dish,ndokubva atosimuka nekutoyenda ku room kwake,ndipo pakasara mai vacho vachitora sadza ranga asiya vachitoti..
"Rega tidye zvedu isu,sanike ini sadza ndorida zvisingaite handimbonzwe kushata kwaro,pane arikuda ma veg here ndisati ndaisa mundiro mangu ese,apa muriwo wacho urikunaka?"
Vanhu vese vakapera kuramba muriwo wacho."vachibva vanditi koiwewe leah hausikumada here ma veg,Ndakabva ndavati eh,vanga vakuda kundiitira zvakanaka nekuti vaiva vakuziva kuti ndine nhumbu, Ndakatodya sadza rangu ndiri silence vamwe vachitaura zvema birthday ayida kuitwa mangwana manheru,asi bridget akatozviramba zve vanhu vekuchikoro kwana natasha."
achibva atukwa na mai vake kunzi enda unotonga pamusha pako ndizvo zvinokupa kusaroorwa.'bridget haana kumbodaira akangobva asimuka asati apedza kudya ndokuyenda ku room kwake akatotsamwa."
mai vacho vakasara vachimunyeya netuvana twavo tuvasikana twavaidisisa,vachimuti..
"Munhu angatode kuchemberera pano pamba sezvinonzi hatidiwo kudta mari dzeroora."
"Mhama sisi bridget ndovasingade kuroorwa muchirikuziva pastor vaye vaitoda kuvaroora vakaramba?" Akadaro natasha achibva anwa cup yemvura,ndokubva apindurwa na mai vake vachimuti....
"Bridget atorine shavi rekusada kuroorwa." zvino rwendo rwuno ndoda kuramba ndichimutukira izvozvo kusvika atsvaga munhu anomuroora ."
"Mhama zva bridget musazvitedzere,mari yamuchatodya ndeyedu isusu na natasha."
"Imimi handimbokutyirei ndozviziva kuti muchatoroorwa nevakomana vane mari."
ndichipedza kudya ndakatosimuka ndokutanga kurongedza ma plate mu dish andaiwona kuti hachashandiswe ne vanhu ndokubva ndayenda nawo mu kitchen mandikasvika muna mai munya vachitopukuta stove...
Ndichibva ndavati...
"Mai munya maitabasa taguta?"
"Uchitendeiko leah?" ko pawaudza Michael nezve nhumbu yako atikudii?"
"Hapana zvambotaura angoti handichashande?"
"Thats good?"
"Apa anditi ndiuye ndirare ku room kwake manji ini handisikuda?"
"Kana ati uye ku room kwake enda,coz Michael haadi kuitiswa nharo ndopanozopedzisira akutokurova?"
"Munhu uya chitori chi monster chaicho ndakamuvenga handitode kumuwona?"
"Leah zvekutaura-taura chimbozvimira, ingodzidzira kuita zvaunenge waudzwa coz ukazoyenda kunorara iwe wanga wambonzi uye na Michael urare ku room kwake,poita chinokuwana inogona kuita nyaya kwauri, Chimbotarisa kuti pese apa wanga uchishandiswa zvisirizvo wanga wakuto complainer nemusana urikuda zvitangidze futi?"
"Ini chinobhowa ndechekuti ndakaenda ku room kwa Michael anenge akuda kundishandisa of which ini ndinenge ndisingazvide."
"Unombozviziva here kuti ukamudzikamira Michael anogona kutokuda?"
"Achindida kupi iye anemukadzi wake ?
Munoti panobuda asingadzoke anenge achiyenda kupi?"
"Akakuudza kuti anemukadzi ndiyani?"
"Ndozviwona ini kuti Michael anenge anemukadzi wake.
ndowarikuda kupa mwana wangu."
"Umm handifunge kuti ane mukadzi Michael ?"
Chiyenda unorara leah ini ndakutoda kuyendawo kunozorodza nyama dzangu totaura mangwana."
"Horyt mai munya."
Ndakabva ndaisa mvura mu cup ndokuyenda nayo ku room kwa Michael, ndikasvika ndichi knocker pa door pake achibva anditi ndian zvehasha ! ?"handina kutombomudaira ndakangovhura door rake chinyararire kwakupinda mukati..
Achibva anditi....
"Ko haudaire kuti ndiwe?"
Ndakabva ndaramba ndakanyarara achibva anditi.....
"Chii chiri mu cup imomo?"
"i mvura?"
"Watogona wauya nayo? huya kuno undipe?"
"Nhaiwe i mvura yangu ka iyi,enda unochera yako?"
"Zvekunzi iwe !"
ndozvandisingade manji,why usingagone kutaura neni zvine respect ?"
"Saka unoda kuti ndikuti imi?"
"Mazita ekundidaidza akawandisa unogona kumditi hubby, sweetheart,hun saka unokwanisa ku chooser kuti unondidedza ne ripi ?"
"Pama words ese awataura hapana randomboda kukudedza naro,i think kutokuti Michael kutori better?"
"Anyway chindipa mvura yandataura?"
Ndakabva ndatotarisa cup yangu,ndikati nechemumoyo ndingangopa munhu mvura yangu yandazvibvira nayo ku kitchen,akabva aramba achinditi."
iwe hauna kunzwa zvandataura here."matauriro a Michael anga ayinekakuvhundutsira mukati, ndakatomupa mvura yacho achibva ayidira pasi akanditi....
"Enda unondicherera mvura uye nayo?"
"Ko yandakupa wayirasirei?"
"Ndati enda unondicherera mvura ?"
Akadaro achinditambidza cup,ndokuyitambiraasi ndaitonzwa kuyisema, ndopandikayenda kunomucherera mvura yacho ndokudzoka ndichimupa achibva ayirasa pasi futi?"
"Ko urikurasirei mvura yandakupa."
I said ndakatogumbuka achibva anditi..
"Enda unondicherera mvura uye nayo?"
"Handiti mvura yacho ndoyandakupa here ukayirasa pasi?"
Waurikuda kushandisa kuti apote achinokucherera mvura yekuti urase pasi ndian?"
Ndakataura ne voice rekutochenama chaiko achibva anditi...
"You're wasting your time,ndati enda unochera mvura?"
Ndakanzwa kubhoikana kwakapetwa chaiko ndichitambira cup yacho zve rough ndokuyenda kunomucherera mvura yacho, kwakudzoka ndichimupa ndichitotyora muzura,ndaitoda kuwona kuti problem yake iri papi chaipo,asi ndakazowona akunwa mvura iya, Akanditi....
"Next kana wakundipa mvura unofana kutyora muzura."kote kundipa wakamirizika kunge chimuti?" chiyenda tone mu bathroom unotora chikorobho udzoke uchipukuta mvura iri pasi apa?"
Handina kutombomudaira ndakangoyenda mu bathroom macho kwakutora bucket nechikorobho, ndokudzoka ndichikorobha mvura yacho ndiri serious, "Apo hauna kunyatsokorobha mushe?"
Ndakatoita sendisirikuzvinzwa ndokuramba ndichikorobha....
"Iwe hausikundinzwa here,ndati korobha kumashure kwako uko."
"Ndichakukorobha kana ndapedza panapa?"
Ndakadaro zvehasha achibva anditi...
"Ukapedza kukorobha wobva wayenda kunogeza maoko ako coz ini netsvina hatiwonane."
Ndakatopedza kukorobha pa floor paya,ndokuyenda kunoisa bucket mu toilet kwakubva ndageza maoko angu,ndichibva ndazokera kwaiva na Michael ndokusvika anditi..
"Mutemo wangu kana munhu wapedza kudya unofana kuyenda kunokwesha mazino,ndokuti mukanwa musabude bad smell,so ndine extra toothbrush yangu ye blue unogona kunoshandisa iyoyo wodzoka uchipinda muma gumbezi."
"Ndirikuda kurara pasofa?"
"Iwo mubhedha uripo?"
"Ko zvine basa rei?"
"Iwe usade kundiitira dzungu rako mu room mangu?"enda unokwesha mazino uko?"
Akabva andiridzira mukanwa, ndopandikayenda kunokwesha mazino ne toothbrush yanga ataura,ndichibva ndadzokera ndichinomuti andipe blanket ndirare pasofa, ndopakanditi hakuna gumbezi rinoyenda kunofugwa pasofa ngatirare tese pasofa,ini ndaingonzwa kuti varume vanonetsa pana Michael ndopandikawona zvese,ndakatobvisa zvima morning shoes zvangu ndokumuti aswere ku side kumwe kwacho,achibva anditi."koiwe urikutadza nei kunorara ku side kwacho,urikutoda kunditonga pamubhedha pangu,kamwana kasina hunhu?" Handina kumbomupindura Ndakangoyenda kunorara ku side kwacho chinyararire, kwakutozvifugidza gumbezi mushe, ndichibva ndarara ndokunzwa Michael akundizungusa futi achinditi...
"Pillow yaukatsamira iyoyo ndeyangu ndipo kuno?"
Ndakatomuka paye ndokubvisa pillow yacho ndichibva ndamutambidza, kwakutora yimwe pillow ndokutsamira iyoyo Ndinzwe akunditi...
"Mashura api awurikundiitira aya?asi ndozvaukadzidziswa na mai vako kuti munhu ane murume anorara ne hembe izvezvi muka ubvise hembe idzodzo uyite ma duties ako semukadzi,handidi zvekungoramba ndakaku reminder zvekuita,grown up leah?"
Ndakabva ndafuga musoro wangu ndichitonzwa kusemburwa chaiko munzeve, Asi Michael wacho akabva andifugunura musoro wangu ndokutanga kundimanikidza kubvisa hembe dzangu, ndakatoramba coz nhumbu yaida kuti ndiite ndanga ndanayo saka panga pasisina need yekuti ndirambe ndichirara naye, takatorwisana pamubhedha paye kusvika pakazondisiya atowona kuti handisikuda kurara naye."
Following day ndakafumirwa kumutswa makuseni chaiwo apa ndanga ndichiri ne hope.ndakatomuka paye ndichitoshama n'ai ndokubva ndanzi na Michael ndiyende kunogeza arikuda kuyenda neni ku town. Zvakatondishamis a kuti kwakanaka here kwaarikuda kufamba neni nhasi,apa ndanga ndatosuwa kuwona kunze kwegedhi ndakatobva ndaburuka pamubhedha ndokuyenda kunogeza ku room kwangu sezvo ndiko kwaiva ne hembe dzangu dzekuchinja asi Handina kutora nguva refu ndichigeza ndakangozvidira-dira mvura kwakutobuda mu bathroom ndokuyenda kunochinja,ipapo ndopandikawona kuti hakuna mumwe mukana unopfuura nhasi wekuti nditize pano pamba, ndakatopfeka chi dress changu chiri nice,kwakudzokera kwaiva na Michael ndokusvika ndichimuti ndapedza,achibva ayenda neni ku kitchen kunondigadzirira breakfast,asi ndakaramba kudya chikafu chake, changa abata nemaziwoko achibva anditi..
"Idya breakfast iyi leah ?"
"Handisikuda kudya."
ndakatoguta handei ku town."
"Handina kwandinoyenda newe kana usina kudya."
"Hunza kuno ndidye?"
Ndakadaro ndichitora chingwa chacho, ndokutanga kudya Michael akanditarisa asi ndaitonyara kumuudza kuti usanditarise ne chi face ndava chaitondibhowa kuwona.
Ndakatopedza kudya, kwakutobuda mumba takuyenda kwaiva nemota yake,ndichitonzwa kufara kuti handichadzoke pano,ndakabva ndagara kumberi na Michael,mota ichibva yasimuka takuyenda ku town kwacho..
Hatina kumbobvira tataura tese, ndaingova ndakanyarara mota ichitofamba." patikazosvika ku town kwacho, takatoburuka mumota,uyu Michael achibva a locker mota yake. ndaiva ndakutofunga zano rekumutiza."asi akabva andibata ruoko rwangu achinditi.unovarairwa nezvinhu ndosaka ndirikuda kukubata coz last time ndakazopinda busy yekukutsvaga warasika muno mu town .
"Ndisiyei ndofamba ndega?"
Ndakadaro ndichitoda kubvisa maoko ake kuti asandibate asi iye akatoramba akandibata achinditi..
"Heyi tirimuno mu town usade kundinyadzisa hakusi kuno kumba kwaunongopengereka."
"Dakufamba ndega mike."
"Uchazotanga kufamba wega kana tamu shop."
"Horyt."
Takabva tatanga kufamba tese akandibata ruoko rwangu kusvika patikanopinda mu shop yaitengeswa hembe dzakanaka, Ndokunditi ndisarudze dress randichazopfeka pa birthday rana natasha,apa ma dress acho ese anga arimo aiva akareba, ndakatonga kufamba ndichinyepedzera kutsvaga dress racho,ndichitoziva kuti zve party yavo handinei nazvo ndirikutoda kutiza Ndakatopedza kuwona ma dress ese ndichibva ndati kuna Michael hapana randamboda apa.ndopakati okay handei tinotarisa kune yimwe shop."Okay takabva tabuda mu shop macho,takatanga kufamba tese akandibata maoko, ndopakanditi urikuda foni here?"
I nodded my head...
Akanditi...
"Haugone kupindura nemuromo here."
"Ndogona."
"Handei tinokutengera foni yacho,ndozopedzisira nekukutengera hembe dzako.....
"Okay."
Takatoyenda kwacho kwaitengeswa ma foni,achibva andibvubza kuti urikuda type yipi ye foni."ndikamuti chero."achibva ati akunditengera iPhone."
ndaimboziva kuti iPhone yacho ndoyipi." akatobhadhara mari ye foni, achibva ayipihwa ndokunditambidza achinditi achanditengera line,ndakafara zvisingaite zvekushandisa foni ndaizvida plus ndaitoda kutaura na mbuya vangu...
Hatina kuzomboramba tiri mu shop muya takabva tabuda, Ndokuyenda ku shop yimwe yaitengeswa ma drees,ndakatosarudza andirikuda aripo ten ndichibva ndatengerwa nema heels,handina kuzombofunga zvekutiza ne nyaya ye zvinhu zvandanga ndawona, tichipedza nezvekutenga hembe ndakayendeswa muzi hotel rihombe raitengeswa zvekudya,Michael achibva ayenda kuno order chikafu, Ndokubva chatouya ma plate two,aiva nezvinhu zvakafanana koita juice ranga rakaiswa ma strawberries pamusoro apa chikafu chacho changa chakangoiswa mu plate mune zvinhu zvakasiyana-siyana Ndaitoda kutanga kudya nyama asi kuti ndiyisimudze nemaoko zvainyadzisa coz panga paine folk ne knife,ndakatotarisa Michael ndikawona achitodya chikafu chake zviri smart achinyatsocheka nyama nekapanga kanga ayinako, ndikatoramba ndamutarisa ndichitoda kuwona zvazvinoitwa,ndichibva ndatanga kutecedzera asi nyama yacho yanga isingachekeke..
Ndakawona Michael wacho anditarisa achibva anditi...
"Why usirikudya?"
Ndakabva ndabata folk achibva anditi..
"Asi Haugone kushandisa folk and knife."
"Eh?"
Akabva asimuka ndokuuya kunomira kumashure kwangu kwakundibata maoko angu ese achibva akatanga kundidzidzisa kushandisa folk and knife,apa aiva akagumisa musoro wake newangu.....
End of this chapter 11
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
3.0K