Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
February 2, 2025 at 10:31 AM
🔥❤️WILL I MARRY HIM?❤‍🔥* Written By Nicegirl Guta *Tadzoka zvekare ne channel ya Nicegirl Guta mwana anonyora ma novels anonakidza erudo nemamwe akasiyana siyana. Kune new book iro WILL I MARRY HIM? Rine musikana arikufungidzirwa kuti ari kudanana nechipoko asingazive. Baya link upinde uite follow unoriona rese tatova ku chapter 23💃🏻* https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X Free book 💃🏻💃🏻💃🏻💃🏻💃🏻 All Rights Reserved ☄️Chapter 3 KEILA "What!" "Yes, unodudzira sei mhando dzehope dzaunorota idzo especially hope dzako dzawakarota manheru idzo hmmm dziri serious hadzisi dzekutamba nadzo. Kurota uchichata, ozonzi munhu akafa atori muCoffin ndiye murume wako? Hmmm something is wrong somewhere Kikie. You need to seek spiritual help" " Saka uri kurevesa here kuti zvichida ndiri kudanana neChipoko? " " Zvinogona kudaro. " " Oh no, Jesus Christ is my saviour. There is no way yavangandisiya ndichidanana neChipoko after all handiti Tanaka wacho ndikamubata skin yake ndinotoifilla here? How come a ghost can have flesh?" "Dear unoona zvandava kufunga now, wakambonzwa here ngano kana nyaya dzevanhu vaya vanofa then vozonomukira kune imwe nzvimbo vototanga kugara zvakanaka ikoko semunhu atori normal? Vanhu vanorarama kaviri panyika-- " " What? How? Wati sekuti inini ndofa motonondiviga kuGreen forest uko then ndozomuka ndava kunogara kuEpworth, ndizvo zvauri kuedza kutaura here? " " Exactly but mostly nyaya dzerudzi irworwu munhu wacho anogona kutonogara kana kuBeitbridge kana kwaMuzarabani uko, kure chaiko. " " Chii chinenge chaita amuke zvekudzoka panyika isu tichiziva kuti munhu anongorarama kamwechete uyezve sei wati anofanira kunogara kure? " " Hmmm izvozvo handizive ndingazokuudze zvisizvo but unofanira kuziva kuti zvinhu izvozvo zviri kutoitika munyika muno kutotaura kudai. Vanoti paanozomuka akagara padhuze, kana akazosangana nemunhu waanoziva ingava hama kana shamwari anobva afa uye kana zvatodaro haachazokwanise kumuka zvakare ndosaka achibva anogara kure kure chaiko." Ndakatsikitsira pasi ndichidzeya nekuteerera zvaitaurwa naSharon. So does my partner fall under that category yevanhu vaitaurwa naSharon? But how? Tanaka ndainge ndava negore ndichidanana naye kaa ini, ndinoreva serious relationship chaiyo so angagoita chipoko sei? "Ndeipi hama yake imwechete yawava kuziva now zvichida togona kuzomboendako tononyatsobvunzisisa pamusoro paTanaka wacho" " Hapana yandinoziva ini Sharon. " " Aaa Keila, till now Hapana kana yaunoziva? Are you serious? So mukuda kuzoroorana chirudzii? " " Don't blame me okay? Ndava nenguva ndichingotaura nyaya iyoyo I'm sure ndakakuudza kuti anenge achingopa maExcuses everytime. " " Something fishy is going on, munhu wako handichamutruster zvaMwari chaizvo. Kutoramba kukuendesa kuhama dzake zvatova pachena manje kuti ari kuvanza zvakawanda. Chinogona kunge chiri chokwadi, it might be true that akambofa akatonovigwa bvaazomuka so obvious hapana paanganokuratidza hama dzake, hazviite, chenjera iwe" Zvose zvaitaurwa naSharon ndaiteerera zvangu. Ndainge ndisisazive wekuvimba naye. Ndakazomupekeredza mutown ndimo mandakazomusiira. Ndaida kukasika kudzoka pamba Tanaka wacho asati adzoka nekuti kungosvikirwa ndisipo pamba yaizoita mhosva hombe chaiyo. Pamba ndaitoitwa semusungwa chaiye, aisada ndibude bude kana vanhu vanondishanyira yaitoita hondo. Ndakadzoka pamba zvangu bvandanogeza kwakuzodya. Nguva dzaTanaka dzakakwana dzaaisiwanzosvika pamba and for sure bell remota ndakarinzwa panze. Kupinda kwaakaita muYard fear yakabva yazara mandiri. Mashoko akanga ataurwa naSharon kuti he might be a ghost aingoramba achinditenderedza. Ndakamhanyira kuBedroom bvandanopinda mugumbeze kwakunyepera kurara. Nerudo, akasvika achindikisa paForehead. Ndakanzwa kuti zhraaa bvandamuka. Akabva anditi "Ndapreswa---" achitomhanyira kutoilet. Ndakasara ndichineketsana kwazvo, chipoko chinoenda kutoilet here? Nguva dzaakadzoka Tanaka ndakanga ndatoburitsa maMonarch maviri ndava pakati pekurongedza hembe. Iye akazviona asi zvichida akashaya kuziva kuti saka ovhunza achiti chii ? Ndakatoti ndava kupedza ndipo paakazoti "Kurongedza mafungepiko?" "Unokasira kukangamwa handiti? Mangwana it's Saturday" " So? " " What do you mean by so? Hatina kubvumirama here kuti mangwana tiri kuenda kumusha kwako ndinoona hama dzako? " Tanaka akabva afreeza akanditarisa. Iniwo ndichimutarisa mumaziso ndangariro dzemashoko andakaudzwa naSharon kuti he might be a dead person akazomukawo hana yangu yakarova bvandawedzera kutya. " Oh, yah you are right, ndanga ndatozvikangamwa unongozivawo basa rinopa stress zvekukangamwa zvinhu zvakakosha soo but hmmm unfortunately I don't think that journey richiri kubudirira ini Kikie" " What! " " Yes I'm very sorry, ndine appointment yandiri kufanira kuita neMasimba Construction so kuti ndirovhe hmm I will miss the opportunity yekutoita mari. Remember kana ndichiti mari handisi kutaura mari yemaFreezits no." " Tanaka uri kumbonzwawo zvauri kutaura here? I can't believe it. Saka uri kukoshesa mari kundidarika here? Mari uchiri kuida yei with all your properties auinawo? Chii chausina? " " I'm doing it for us okay, babe I need to built more mansions, hotels, schools etc. Don't you want to be a millionaire's wife? " " I'm already a millionaire's wife Tanaka" " What about billionaire's wife, hauzvide? For your information, kuita imba, motokari, mabhizimusi hazvireve I need to relax babe. Ndichiri kutoda zvimwe, success is not final. I must work till the birds gather and compose a melodious song for me. " " Ramba uchitaura manyepo ako wanzwa, as for me I'm tired Tanaka. First thing tomorrow morning, I'm vacating" " Uchiendepi manje? " " Kumba kwedu since usingade kutindinoone family yako. Shuwa gore ratopera handina kana kumboona mama vako nyangwe mufananidzo waAmai vako handiuzive. Wakambobva kupi? Don't you have a family? Are you a ghost? " Ndakanga ndava kungotaura ndichingorudunura. Nguva dzandakataura zvehughost ndakaona Tanaka achivhunduka zviya sekunge ainge asingambozvitarisire kuti ndichadaro. Akaramba akanditarisa dzimara ndazototarisa side bvandanopusha monarch yaiva pamberi pangu zvehasha ichidonhera pasi. Tanaka akabva angobuda muRoom macho. Kamubudiro kaakaita ndezviya zvemunhu ainge adonhedzerwa mudhamu remufungo. So was it true that he was a ghost? End Of Chapter 3 *Handei kuchannel ya Nicegirl Guta Stories channel ndokune book irori rese uye i free book baya view channel wopinda and follow* Stay Tuned 🍓🍃
❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 80

Comments