Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
February 4, 2025 at 04:31 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Vans20GHltY5Y9C6rr3w FOLLOW MY CHANNEL FOR MORE BOOKS MY WHATSAPP GROUP https://chat.whatsapp.com/LPX1UO98fKC09tZQPJc8nX BEYOND FORGIVENESS STORY BY MAMA BELTHER BOOK 5 READ AND SHARE CHAPTER 1 Dilan Ndakatura befu ndichishaya pekutangira washen basket kuzara newashen paive pasina kana hembe yangu yakachena ndakafamba ndichienda paaive Ari kunobvunza . Mnhu anoswera arere pano kutadzawo kuwachira murume ndaimboganza kune vamwe vangu but now ndakuona kut zvavaitaura ndezvechokwadi. Ndaive mnhu munyoro asina hasha asi Martha day iri akandinzwisa hasha ndakasvika ndichibvunza. "Martha babe Saka uchasvika rini usingandiwachirewo tarisa washen basket harichafemi ndopfekei manje apa ndine meeting " "Zvinei neni nhai zvemeeting yacho ndakakuudza Dee kut wacha wega wakaramba iwe kutsvaka maid ukuda mwna wani aite boy rako" Moziva unopererwa so ndaiti ndikarangarira mazuva mukadzi wangu ndichangomuroora ndaitirwa ZVESE ndichimuka ndichiwana everything zvava muorder.Ndaitoti kana vamwe kubasa votaura kut ini wangu mukadzi haadai ndaivaseka ndichiti boys hamugone kubata Vakadzi wangu she is very hardworking woman ano ita everything even maid akati haaamude. "Wangu mukadzi wako achiri kukudzidza uchazoona pamberi apo kana ada hake uchazondiudza" "No that one hachinje zvake look zvinhu zvangu ZVESE zvenge zvingori clean. "Ndizvo zvaingoita vedu sanike wangu mukadzi ndaisambofungira kut angadaro apa anga anakidxwa hake nechihure. Handina kuda zvangu kuteerera zvinyaya zvavo tagara pachirume vashoma vano simbisa vamwe vanenge vachingoti zvichazodai . Oooh sorry kungopinda munyaya let me introduce myself I'm Dilan 30years of age .Tiri vakomana vaviri mumhuri medu mukoma wangu neni wacho .Ndaive ndichishandawo basa rangu rakanaka raindiwanisa Mari yaindikwanira nemhuri yangu. Ndine mukadzi wangu wandakaroorawo .Ndaimuda Martha zvisina kana mubvunzo masanganiro andakaita naye ndeawa. Ndaitobva hangu pabasa pangu ndichibva ndaona musikana ainaiwq nemvura apa ini ndipo pandaive ndichangotenga MOTA yangu ndakabvaa ndatomira. "Hey sister mukuenda kupi" "Town mukoma" Apa taigara kuharare hedu ndakamutakura ndichibva ndabatidza heater sezvo aive apindwa nechando zuva iroro mvura yaita mashura. "So what's your name beautiful" Anga akanaka zvekut Martha waiti ukamutarisa waimedzerera mate apa anga Ane cave rekuti unozorora. "Martha" Aitaura achinoza apa mazinzwara zvanga zvakamufita ndovasikaan vandaida ava vanoslayer ndaisada musikana wekumusha. "Wakanaka zvako Martha wakaamboudzwa hre" "Yes ndozviziva " Ungati aisada kutaura neni ndakabva ndatokumbira number hadzina kunetsa kubuda .Ndakamboshingirira ndichiedza ndichirambwa.Zuva randakazodiwa nderandakati huya ndimbokuendesa out ndipo pandakanodiwa .Ndakafara zvekut kana naiye akashamisika. Rudo taipisa asi mnhu wangu pakundidya Mari aive number one iniwo hangu semnhu anga anyura ndaive ndakungozvitambira kut end of month wega wega ndotofanirwa kubuda Mari.Pqzvinhu ZVESE Martha aibhowera kut aisada ndiende kumba kwake ndaimboedza kutombomuforcer asi aitoti ngazvipere hazvo. "But babe why usingade ndiuye kumba kwako" "Handifarire zvekujaidza vakomana kungoti wandadanana naye wese ndotounza pambaa hazvina hunhu" Ndakamunzwisisa hangu ndichibva ndafara zvee ko ndainge ndawana mnhu akadzikama nowadays vasikana vakadai vakunetsa UNOWANA anongoti nekudiwa nekutoendeswa kumba wotonodya poto. Mazuva aifamba ndichidanana nemusikana wangu vabereki vangu ndainge ndakavaudza nezvake vachibva vati todawo kuzomuona. Handina kuvapikisa neniwo ndainge ndoda kut achiziikanwa neniwo ndiziikanwe tiwane kuenderera mberi nerudo rwedu ndainge ndoda kuisa Rudo rwedu paanother level ndainge ndafunga kumuroora hangu sevanhu vainge vatora time vachidanana. "Babe ndakuziva newe wanduziva ndakuda hangu kuroora ini babe" "Hausi wamhanya hre Dee ini zvemarriage handide inorwadza iyi inoda vakashinga" "Asi wakambopinda hre mumarriage macho zvaukuti morwadza? Ndainge ndakubhoekana nekahunhu kake haadi kuti ndisvike kumba kwake kuroorwa haade Saka arikuda hake kundiitisa zvee. Akaita kakuvhunduka pandakabvunza izvo ndoona mubvunzo uyu wakauya akarivara chaiko. "No no why wadaro it's not like kut ndakapinda mumarriage macho but ndotya ini Dee" "Kutyei babe inga todanana wani " "Ok I will think about it " Ndakabva ndatomuti kana wava meanswer unondiudza ndofanirwa kuona ana tete vako. Akati bhoo .Ndainge ndakangomirira kunzwa mhinduro vabereki vangu kumba vanga vonetserawo kuona mnhu wacho. Mom.. .nhaiwe Dee mnhu wako wacho aripi asi haade kuzoona mainlaws ake "Anouya mom pane zvaari kugadzirisa" "Ehe Toda kuvheta kaisu kuona kut mnhu akaita sei tarisa uone mukoma wako akawana mukadzi kwaye wakamboona ndine dambudziko hre nemukadzi wamukoma wako" "Haaa Maiguru mnhu bhoo zvee even wangu mama atori mwana wechidiki she is 25 years mama" "Ok tichazomuona auya" Ndakavaudza kut soon anouya .Week rakapera Martha asinaa kundipa mhinduro. Aisatobatika fut apa kumba kwake handikuzive.Akazotanga kubatikiraa ndatoora moyo apa hapana kana friend yake imwe yandaiziva. "Hey Dee" "Amana mnhu iwe unondida hre " "Why babe Inga ndokuda wani Dee " "Haundide Martha coz dai waindidaa waitofanirwa kundifonerawo " "Network babe ndaive ndakaenda kumusha ndichinotaura nana tete Saka vakati bhoo Mangwana unouya woonekwa hako" Ndakafara at least auya Ane something chinobatika. Ndakarara ndichifunga zvekuzonoudza tete vacho .Ndakanosangana naiye mutown tichibva taenda kumba kwatete vacho .Vaive vari tete vamanga manga nezvaive Martha nezvavari kaa totally different.Handina kuda kutsvaka zvakawanda Takaita zvatafambira valandifarira ndichibva ndavaudza kut ndakuda kuroora vakati hapana achakaipa ndosvitsa shoko kune vabereki. ZVESE zvakafamba zvakanaka Martha achibva auya kuzoonekwa nevabereki vangu.Mama vangu Havana kuratidza kumufarira zvachose ndakashaya vapesana papi asi vakazondiudza aenda kuti. "Dee mukadzi wako anoita setsotsi maonero angu hameno maybe ndini hangu ndamhanya" Ini ndakati handizviteereri vagara vana vamwene vamwe havatambiri varoora .Ndakazonobvisira zvakadadisa vabereki vake vacho vakauya kuharare ndikabvisira kuno ZVESE zvikafamba zvakanaka ndichibva ndatora mukadzi wangu tainge takugara tese nemukadzi wangu paamba pevabereki vangu asi macomplaints aive hobho. "Pano hapasi kundiitira Dee ndakuda pangu ndega" Panguva yacho ndaive ndisati ndapedza kuvaka asi semnhu wandaida ndakamuteerera tainge takugara pamba pedu rega mama vangu vakada kumboti hee muroora akasira kusada kubatana nevamwe asi ndakaona zvakanaka kubva vanhu vachiri kuwiririrana. Tainge takugara pamba pedu patailodger full house hedu ko Mari ndaive nayo kaa apa taigara tiri twoo.Mafirst days zvinhu ZVESE zvaiendeka .Mhepo dzakazosimuka mushure mekunge ndabvunza kuti. "Babe asi pane pandiri kushaisa why nhumbu isiri kubata" "Imhosva yangu hre Dee ko kana vari Mai vako vari kundiroya" "Mai vangu havaroye shamwari dai Maiguru vasina mwna kana vairoya" "Usavatambire zvako" Akandibhowa aive anguri akabvirira kunditsoropodzera Mai vangu. Ndakamudira mbama for the first time. "You slap me " "Yes ndakurova ndogona kutokurovazve ramba uchitaura zvakaipa pamusoro Pavo" "Unenge unovata namai vako chete" Moziva unonzwa hasha ende Vakadzi sometimes ndimi motituma kukurovai monditaurira nemashoko akataurwa apa arimumwe hanty dai mnhu ava kuchipatara kutaura kudai.Handina hangu kuda kumutaudza ndakabva ndabuda.Gore mimba ichiramba kut tifambe aingoti ngatimirire nguva .ndainge ndakuona kut zvakunyanya ukuwo mama vainge vindinetsa nanhasi mukadzi wako asati azvisenga asi pane dambudziko hre tifambe newe . Martha wacho airamba. "Maporofita anonyepa handimafarire kuchipatara tichaenda babe " Mazuva Aya anga akungogara akafundumwara neniwo ndaishaya kut Saka mumba muno handichifanirwe kubvunza hre zvondinetsa. "Saka kana usingade kundiwachira nekundibikira ukuda ndiitirwe nani" "Tsvakai maid bambo ini zvekushandiswa no" "Ukushandiswa hre Martha kana kuti unenge uchiitira murume wako" "Murume wangu wacho anondirova handisina chandichaita pano shamwari" "Chimbondipawo foni yako tone ndoda kuona haudi nefoni yako why?" "Haaa foni handikupe hangu kana imba ichiparara ngaiparare hayo foni yangu no" Ndakapererwa ndakabva ndatora hangu hembe dzangu dzakaunyana dzisina kana kutomboayinwa ndokuenda ndakati ndichisvika pabasa ndakaona vanhu vese vachinditarisa .Imwe friend yangu ndiyo yakanditora ndokuenda neni kuoffice kwangu coz apa taive tapinda mumeeting. "Ko ndeyipi iyi nhaiwe Dee kupfeka rudzii uku mnhu waboos" "Haaa shamwari siyanaa neni ngatiitei zvemeeting zvipere " "Ndiri kutokubatsira hazvisi kuita wangu you're my best friend chii chikuitika kumba" "Wangu it's a long story for now handisi kutomboziva kut ndotii" "Ok take your time,hande kuoffice kwangu unotora t shirt yangu upfeke" Ndiye akandibatsira ndichibva ndaenda kune vamwe .Vanhu vese vainditarisa zvekunzwa tsitsi.Ndungati ndaive hangu mumeeting asi pfungwa dzangu dzaive kure ndaitofunga kut Saka Martha tosvika kupi nehunhu hwake.Yakangodismiswa ndisina kana chimwe chandanzwa.Ndaitove nestress Ndakamboti regai ndimufonere. "Babe" "Eee" "Uchiri wakatsamwa hre mukadzi wangu" "Panyaya yei" "Yandakaita sorry mukadzi wangu" "Sorry yako handinei nayo hangu gara wakadaro wakandidzikisira" "Usadaro Martha inga ndokuda wani ndakangokurirwa nehasha that day babe" "Unoziva chonzi kuda hre " Aingoomesa hake Martha but ndakamuwana atori mvana ndoshaya chaairambira kuti ndiuye kumba kwake mazuva Aya. Akabva akata hake musikana ndichada kutaura naye.Ndakatanga kugaya mhosva apa ndaishaya ini .Nenyaya yekut ndabvunza kut seimimba ichinonoka. Kubasa hakushandike kana kumba zvinhu zvisina kumira mushe. "Dee kana musiri kuwiririrana nemukadzi kumba try kuzvivinga bhururu zviri kutoonekwa kut hazvina kumira mushe" "Kana mnhu uchimuda okubata seizvi hauzvitsvake wangu nditori panguva yakaoma kutaura kudai" Akandisimbisa hake nguva yekuchayisa ndichibva ndapinda nemutown ndainge ndafunga kuita hangu sorry iri romantic maybe angandiregerera. I bought maruva neexpensive watch yaaida ndichibva ndatenga food ndokuenda kumba ndakasvika kumba agere hake patv uku achiridza chikuwee hake kana kumboona kut ndasvika mumba tsvina kuita senge musingagare vanhu but iye anga akatogeza kare. "I'm home babe" Handina kudairwa.Ndakabva ndaenda paari ndokubva ndapfugama mberi kwake. "Babe I'm really sorry nezvandakaita ndakutengera watch nemaruva for sorry I will never repeat it babe ndokuda but mashoko aunombotaura haaite" ,"Ok " Ndozvega zvaakataurw ndokutora ndokuisa patable akaenderera mberi nekubaya BAYA foni yake.Ndakasimuka ndega ndichibva ndaenda kuroom kwedu ndokunochinja ini semnhu akakura achiita basa ndakabva ndatocleaner mumba iye kana kushaya Ganda akabva atotanga hake kuitsika chicken inn yandaive ndauya nayo. End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 260

Comments