
LORRAINE STORIES🤍🤍🤍🤍
February 4, 2025 at 02:04 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
My choice ☂ ☂ ☂ ☂ ☂
By Lorraine
Chapter 13
Leah.
Ndakatoshaya kuti chii chandaivharirwa muromo wangu na Mike,, uku munhu ayi knocker pa door re bathroom aiva akuda kurivhura kuti apinde mukati uyu Michael achibva mhanya kunovhara door riya zvekutori locker ,,kwakuwona akubata hana yake achitotura mafemo, chibva azofamba kuuya kwandaive ndakamira,,asi munhu wacho ayi knocker pa door haana kumira ku knocker aiva akuchinyatsonokesa achidedzera zita ra Michael, ndikapedzisira ndamuti...
"Nhaiwe ndiayaniko ariku knocker pa door apo?"
Ndakavhubvunza neizwi raiva pasi-pasi iye achibva andipindurawo asingadedzerese achiti ...
"Ndine chikwereti cha Diana, ndinoshanda naye kubasa kwangu saka apa kuuya kuzotora mari yake,apa ini handina."
"Kana ari munhu wekubasa ndipo paungabve wamutya kudaro, chingobuda ka unomuudza kuti hazvisati zvaita kana zvaita unomupa mari yake."
Ipapo ndakangonzwa andibata muromo wangu ndokunditi.......
"Please Leaah !' taurira pasi-pasi unondipisisa ne munhu uyo."
Ndakabva ndamutsika gumbo rake kuti andisiye murowo wangu, ndakawona akubata gumbo rake achiti awushi !" awushi !"ndinzwe kamukadzi kaiva pa door kakuti...
"Michael are you okay !" Please open this door,ndi Diana ndabvira kare ku knocker hausikundinzwa nei ?"
Akadaro achitorova futi door racho,iye Michael achibva angoramba ari zii,ndakamboda kumuseka, ndikapedzisira ndakumunzwira tsitsi kuti dai ndanga ndinayo mari yacho ndaimupa abhadhara munhu wacho ndakabva ndamuti...
"Asi zvichirikurwadza zvandakuita?
Ndakavhunza nei voice racho raida kuti nditaure naro akandipindura achinditi...
"Zvinotadza nei kurwadza iwe wanditsika ne simba rako rese."
"Ndanga ndichida kuti undisiye muromo wangu."
"Anyway dakuti pandobuda muno wobva wa locker door,handisikuda kuti uwonekwe nemunhu ariku knocker pa door."
"Saka urikuti ndichagara muno kusvika mapedza nyaya dzenyu"
"Ndakabuda muno ndirikubva ndayenda naye ku dining."
"Uchinyanyawo kukwereta mari dzevanhu."
"Chipfeka hembe dzako tozo continuer zvatanga tichida kuita."
"Ndokunge ndichirikutozvida futi."
"Usadaro kani beb."
"Chimboita zvekunowona munhu wechikwereti."
"Okay."
Akabva atanga kupfeka hembe dzake, iniwo ndokupfeka dress rangu,nguva yaiva akuda kubuda ndakatotevera mumashure make achibva abuda achisiya avhara door,ini ndokubva ndari locker nemukati mandaive ndiri.
Ndichibva ndaisa nzeve dzangu pa door ndichitoda kuterera zvese zvavaitaura, ndokunzwa musikana uya akuti......
"Michael hunhu hwako hwakutondibhowa,changa chichimbokutadzisa kuvhura door re bathroom chii?"
"Diana handei tinotaurira mu dining."
"Okay asi ibva waziva kuti ndatouya kuzogara pano,hakuna kwandichayenda coz ndatowona kuti ndakaita zvekutamba ndogona kuto looser zvachose."
Ndichinzwa mashoko aya ndakambobva pa door ndokutanga kuzvibvunza ndakamira ndichiti saka mari yakakwereteswa Michael ne munhu uyu ndiyo yaida kuzogaririra pano here ,ne nhau yekuti ayitya kuti anogona ku looser Mike wacho otadza kumuwona zvachose iye ane mari yake,ndaiva ndakuda kuisa futi nzeve dzangu pa door kuti nditerere zvimwe,ndokunzwa manyararwa zvichireva vaiva vabuda vachiyenda ku dining kwanga kuchitaurwa na Miike wacho, ndakabva ndamboti mirei zvishoma ndichibva ndazobuda ndichiita zvekudongorera kuti hamuna vanhu her ndokuwona musina but ndakabva ndawona mune monaki re pink, ndikati kamukadzi aka kanotopenga sure chikwereti ndicho chaive akutoda kuwuyira kuzogarira pano sezvinonzi ayisapihwa mari yake nxaa !ndakatobva ndatora plate yangu ye sadza ndokuyenda kunopedzisa kudya ndakagara pamubhedha ndichitotambisa foni yangu kusvika pandakazobatwa ne pfungwa yekuyenda kunowona munhu ayi knocker pa door,ndaitoda kubva ndamuwonesa kuti zvaitoda r kuita zvekugarira chikwereti chake pano hazvaishanda, zvaitove nani kuti asimudze tv oyenda nayo panekuti agare pano achitipedzera chikafu...
Ndakatoti kambu-kambu sadza racho, ndokubva ndasimuka ne ndiro dzangu ndokuyenda ku dining ndichitonzwa kugutisa,pakudya ndaisave nezororo kana na 12pm ndaimukira chikafu, ndichitosvika mu dining ndakawona Michael akagara nemukadzi aiva ne bvudzi rakareba asi chiso chake handina kuchiwona ,,ndakabva ndanyepera kukosora ndikawona Diana wacho anditarisa aitova mukaradhi akasvika-zvika zvekuti aive asina kumbofitwa nekunzi afambira chikwereti,ndakatonzwa akuti kuna Michael....
"Ndiye Leah wacho here uyu?"
Ndikatoshamisika kuti munhu uyu anotoziva zita rangu,pamwe aiva awudzwa nezvangu na Michael mukugara kwavanga vakaita vese.."' Akabva amupindura achimuti ...
"Eh ndiye Leah wacho." Akati..
"Saka ka munhu aka ndokari kukutadzisa kuuya kuzondiwona kumba uku."akanzi...
"Ndakutichii Diana."
"Usade kundinyararidza wazvinzwa, unofana kumuudza Leah kuti une mukadzi kwete kuswero kumunyepera kuti hauna."
Ipapo hazvina h kundishamisa kuti Michael ane mukadzi coz kubva mazuva andikatanga kushungurudzwa pano pamba ndipo pandikatanga kuto suspecter kuti Michael anemukadzi coz ayimboita kana two three days asingauye kumba.ndakatoramba ndakamira ndakabata ndiro dzangu mumaoko, ndikawona Mike wacho asimuka achiratidza kuti aiva abatwa ne hasha !"Achibva atanga kupopotera mukadzi wake achimuti....
"Wavingei pano, handina kukuudza kuti usauye kuno,unofunga Leah wacho achazobvuma kukupa mwana wake, pamwe pacho unofana kushandisa brain Diana,hausi mwana mudiki iwewe unoda kumirira kufungirwa."
Nguva iyoyo Diana wacho akabva asimuka, ndokumisidzana na Michael achimuti......
"Anotadza nei kundipa mwana wacho, uri ani wangu iwewe unoda kundiudzira zvekutaura asi wakanganwa kuti chi company chenyu chibudirire ndi baba vangu vakatokubatsira,nhasi uno ndipo powoda kundiudza shit!"manji Ndatouya kuzogara pano ndichiwona every movement yako na Leah."
Achipedza kutaura mashoko iwayo
akangobva azorwa zimbama akanowira pasofa asi haana kumbochema,akabva asimuka ndokuyenda ku room kwa Michael achitofamba achizunga bvudzi rake raiva rakawanda mumusoro. Uyu Michael aiva akuda kutaura neni Ndichibva ndatofamba kuyenda ku kitchen ndichimusiya akamira ega.
Ndokusvikamo nekutoyenda kunovhurira mvura mu sink,kwakuisa ma plate ese ndakatanga kusuka asi aive asina kuwanda zvawo,ndiri mukusuka kudaro ndakanzwa Mike onditi..
"Leah !"
Ndikatomira kusuka ,ndichibva ndamucheukirandichimuti...
"Chii?"akati..
"Usatedzere zvanga zvichitaura Diana,she is my wife,, but l no longer love her. ."
"Michael siyana neni wanzwa,unofunga kuti ndaisazviziva kuti une mukadzi wako,plus dai waisada Diana wacho ungadai usina kumuroora ."
"Pekutanga ndaimuda Diana asi hunhu hwake,maitiro ake ndo andakatadza kuwirirana nawo,dats why I'm choosing you over her, so ndipo three months chete dzekuti ndigadzirise zvinhu, ndirikuda kumu divorcer Diana,anoti hutsvina uye anozvi shower body yake pa social midea saka munhu akadaro hatokodzere kuita mukadzi wangu."
"Michael wakandiudza pano uchiti urikuda kuitirwa mwana neni,nhumbu yacho ndanayo apa wakutaura futi zveku devorcer mukadzi wako,indava uchida kundivengesa ?"
"So urikuti ukazvara urikuda kupa Diana mwana wako here ?"
Ipapo handina kupadaira.
Ndakabva ndaramba ndiri zii achibva anditi ......
"Hanty urikuwona kuti watoramba wakanyarara kuratidza kuti hausikuda kupa Diana mwana wacho"
"Eh handisikuda kumupa."
"Ndosaka ndirikuda kumu divorcer ndotora iwewe unozvara."
"Koiye Diana wacho anobva ayenda kupi?"
"Anodzokera ku America."
"Handiwone zvichiita Michael,ida mukadzi wako waukatanga ,Inga anga achitoti wakasimudzirwa company yako na baba vako."
"Anonyepa."
Ndakatosukurudza ndiro dzangu kusvika pakupedza ndichingoitisanana nharo nezvemukadzi wa Michael ndava iye ayiti akuda inini,saka inini wacho ndaitomuti ko mukadzi wako anozoitasei kana uchinge wamuramba zvinorwadza kudaro, Ipapo akabva aramba akanyarara,ndikamuti handikwanise kuti ndokuda iwe une mukadzi wako. Ndakabva ndatora ma ice blocks ndokuyenda nawo ku room kwa Michael kwandisvika diana achitochema akagara pamubhedha asi handina kumbotaura naye. ndakatotora foni yangu chinyararire,ndokubuda mu room macho ndichiyenda ku room kwandairara pese apa.Asi zvaingoita kakundirwadza kuti nhasi Michael anenge akatorara neumwe mukadzi mu room make,ndakabva ndanzwa moyo wangu pisa."asi chekuita ndopanga pasina.ndakatoti ndichipinda mu room mangu ndakabva ndayenda kunogara pamubhedha ndokutanga kudya ma ice blocks andaigarwa ndakatsurirwa na mai munya kuti ndisadye vachiti musi weku labour ndinowona moto nawo aya, Ndikavati topedzerana musi wacho weku labour.Nlndichipedza kudya ma ice aye,ndakabva ndapinda muma gumbezi ndokutanga kufunga kuti Michael na diana varikuitei izvezvi ku room kwavo.Hlhadzina ku bata hope ndichingofunga zvakawanda-wanda nguva imwechete asi ndakazorara hangu."following day ndakati nonokei kumuka,ndaitonzwa kutapirirwa negumbezi plus kunze kwaitonairira tumvura, Ndakazomuka hope dzangu dzepese dzapera, ndokugadzirisa mu room mangu,ndichibva ndayenda kunogeza maziso nekukwesha mazino.
Ndopandikayenda ku kitchen kunozvigadzirira ma cornflakes, ndichibva ndayenda kunodyira mu dining,asi ndaisatonzwa kufara nekuuya kwakaita mukadzi wake,ndaiva ndakufunga kutomuita rough kuti asiyane na Michael.nditori pakati pekudya ndopakauya diana akasvika achinditi....
"Kune kitchen ndekupi dakuyenda kunobikira ma Michael tea arikutoda kubuda izvezvi kuyenda ku basa?"
Ndakatoramba ndiri zii hangu ndichiti asiya murume wake ku bedroom uko, kuda kuuya kuzobvunza ini nxaa!"
"Leah I'm talking to you ndati kune kitchen ndekupi ."
"Handikuzive."
"Ko porridge raurikudya waritora kupi."..
"Ku room kwangu."
"Asi urikurwadziwa nekuti ndiri mukadzi wa Michael "
"Zvotadza nei kundirwadza manji Michael ndewangu."
Ndakazoyerekana ndabata muromo wangu ndatatotaura, Ndokutanga kuzvirova-rova musoro wangu nemaoko ndichizviti I'm so stupet...
Ndozvitora kupi zvandanga ndichitaura....ndakanzwa iye diana wacho avekunditi..
"Michael murume wangu takatochata tese ku America nditori nema paper acho e wedding yedu,saka iwewe kana wakuda kupinda pakati pedu unenge uchizama kuda kuitasei?"imhosva here kuti ndakati mother in law vangu vatsvage munhu anotiitira mwana?" Please leah !" Siyana nemurume wangu, woita zvaukavinga pano Kana zvapera woyenda kumba kwenyu?"
"Apa handisati ndakukwanisa kuita nharo newe diana nekuti mwana wacho haasati apo,asi kana avepo apa ndopatichatangirawo ipapo."
"Kana ukarambira ne mwana wako,unenge wakutidzosera mari yedu yakakwana pasina zve payment plan?"
"Munhu wamukapa mari yenyu ndowamunofana kuyenda kunonetsa coz pamukapanana mari dzenyu muchitaurirana zvekuitirana mwana ndaisavepo saka don't involve me panyaya dzenyu."
"Mwana ari mudumbu mako ndewa Michael,zvichireva kuti ndewangu futi saka takura nhumbu iyoyo uchiziva kuti mwana ari mudumbu mako akabuda ndirikuda kubva ndayenda naye ku America."
Akabva asiya andiridzira tsamwa achitodzokera ku room kwavo,ndikasara ndichiridzawo yangu tsamwa plus zvaitotaura zvaisambofa zvakaitika.ndakatopedzisa kudya.
Ndokuyendesa plate yangu mu kitchen,ndaitomboda kubuda panze asi ndainzwa kuti kunze kuri naya.Time yandikati ndibude mu kitchen ndipo pandikasanga na Michael na diana vachitoda kupinda mu kitchen macho.
Ipapo ndakabva ndanzwa chigodo pauro pangu,kuto feeler jealousy,kana Michael pakandimhoresa handina kutomudaira,ndakatovapfurira ndichitobuda mu kitchen macho ndokuyenda kunorara ku room kwangu
Ndakatozomuka kumasikati-sikati pandikanzwa mai munya vachindimutsa vanga vachangobva ku weekend kumba kwavo,vakatondiigira mango,vakanditi idya mango idzi mwanangu,asi ini wacho ndanga ndisiri mu good mood,ndakatovati....
"Zvakuitika pano zvakutondisemesa chaiko."
"Ko chii?"
"Handiti paye ndakambokuudzai kuti Michael ane mukadzi akatouya nezuro?"..
"Urikutichii nhaiwe,."
Vakadaro vachirovanisa maoko avo ndokuvati...
"Atoripo pano pamba mukadzi wacho anga achitonditaurira nyobvo vanhu vamunowona vakatsvuka ava vatori ne problem,nairo bvudzi rakareba riri musoro make ndoraarikuda kuvhaira naro.,"
"Asi murungu."
"Anofana ari murungu manji Michael ndowangu iye akatadza kuitira mike wacho mwana ini ndini ndakutomuitira saka anofana kuda inini?"
"Leah asi mazwano wakuda Michael ?"
Ndakatonzwa kunyara nemubvunzowavanga vandibvunza,vachibva vanditi ....
"Leah usanyare nekundiudza zviripamoyo pako ndati unomuda here Michael...
Ndakabva ndagutsurira musoro wangu.....vakanditi...
"Kana uchimuda Michael unofana kumuitira zvakanaka kuti anyatsowone love yako?"
"Ndomuitira sei zvakanaka iye diana avepo ende handifunge kuti achambobva pano?"
"Saka pakatoipa asi iwe ita kuti uyite closer na Michael ndawona madanana chete uyu diana pfutseq wake ."
"Saka masiya vamwe varisei ku weekend kwamanga mayenda?"
"Varinani havo,makasara seiwo pano?"
"Ndanga ndingori ndega pano pamba ava mhama ava havasati vauya?"
"Avo here avo vanotouya manheru chaiwo?"
Rega ndimbonowona kuti ndingabikei mu kitchen nzara chaiyo."
"Kana iniwo ndane nzara?"
Mageza here mango idzi nditodzidya hangu..
"Hadzina kugezwa ndatopfuura ndichidzitenga ku market.?"
"Iiii saka dzinoda kugezwa ndava kuma market kwenyu uku mango dzinenge dzichingobatwa ne vanhu vakasiyana-siyana?"
"Pakadaro Unogona kutoita cholera ukangodya isina kugezwa?"
"Saka handei ku kitchen?"
"Handei hedu?"
Ndakatosimuka ndakabata ka plastic kangu ke mango ndokuyenda hedu ku kitchen ndikasvika ndichigeza mango dzangu,ndokutanga kudya,mai munya vachibika sadza nemufushwa, ratikazodya tese ndokubva tabatsira kusuka tichinyeya vanhu vese ve pano pamba.Taingoti takabata uyu tosiya tobata mumwe futi, Pandikazowona time dzati fambei,Ndakabva ndayenda kunomirira Michael panze ndichiitira kutanga kumuwona asati apinda mumba,plus kunze kwanga kwamboti mirire kunaya ndakatoyenda kunotsvaga panaka pekugara.
Ndichimirira kuuya kwa Michael.......
Zvekuti pandikazowona mota yake yakupinda mu gedhi,ndakabva ndasimuka ndichiyenda kunomira panowanzo parker mota yake,achibva akuburuka mumota achinditi......
"Ko urikuitei pano panze beb?"
"Ndakamirira iwewe I Said ndichitonyara achibva anditi ...
"Nezuro ndaitoda kuuya kuzotaura newe manheru asi ndakawona warara?"
Saka watii..
"Urikufungei nemukadzi wako ambonditunga makuseni ?"
"Parizvino handitorina plan naye,nezuro takara husiku hwese kungori kunetsana ipa ndirikutozesa kuyenda mumba macho,akatanga kutaura hanyarare?"
"Inga ndambokuwonai mese muchitopinda mu kitchen?"
"Kutongomanikidzira leah asi ndoda iwewe ndozvaunofana kuziva Nditori ne stress yekuti urikundiramba?"
"Ko Diana."
"Haana basa uyu Leah ndirikuda kutomu divorcer soon."
"Horyt."
"Saka unondidawo here?"
Akandibvunza akanyatsonditarisa ndikamuti..
"Ehe ndokuda asi ndirikutya Diana."
"Uyo usataure naye chingoita wekutarisa ...."
"Nezuro hauna kurara naye here?"
"Handina."
"Nhasi uye kuzorara mu room mangu,coz nezuro ndakatadza kurara ndega mu room mangu nekuda kwekuti ndajaira kurara newe."
"Handei timbonotsvaga kwekugara timbotaura hedu?"
"Okay."
Akabva avhara door remota achibva auya kunondibata maoko,ndokutanga kufamba tese,tichibva tayenda kunogara kwaiva kwakawanda kusina ayitiwona,Ipapo Ndakabva ndagara ndakazembera Michael,achibva anditi..
"Asi wanga wandisuwa kani?"
End of this chapter 13
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
3.2K