Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
February 6, 2025 at 05:48 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19 My choice Read and share Chapter 16. Leah. Mota yakazosimuka ndakuperekedzwa kumba kwedu,asi ini ndaiva ndisisagone ne necklace yaive muhuro mangu, ndaitoti ndakati gare-gare ndotanga kuyibata-bata ndichiti kana ndamufunga Michael ndaizomuwonera ipapo.apa iye Mike aiva asina mufarò ndakabva ndamuti.... "Saka Michael uchazouya uchindiwona rinhi?"akati.. "Kana ukati mangwana huya ndinouya ndichikuwona." "I'm going to miss you Mike,ndanga ndajaira kugara newe." "Dont worry ndezve one months chete, ndakangogadzisira zvinhu zvangu ndinouya ndichikutora." "Horyt sweetheart." "Uti kuna mom vako vakuperekedze kunotenga line ndozopota ndichikufonera." "Asi ukawona ndisina kufona,unofona pafoni pa mom vangu totaura." "Asi iwe unofana kuita rako line." "Ndichanotenga." "Ok". Ndokupera kwakazoita nyaya yacho . handina kuzombobvira ndataura,ndaiva ndakutofunga kuti kumusha kwacho ndaikuyenda sei, avawo mom vangu nemadiro avaita mari handifunge kuti vaimbondibvumira kuyenda kumusha. anyway mota yakafamba takazosvika kumba kwa mom vangu kuma 11am, tichibva taburuka mumota nekutotananga pa gedhi Mike achinditi arikuda kuwona mom vangu, zvino pagedhi pacho paiva pasina munhu. takatoneta neku knocker,uku Mike akabva afonerwa nevanhu vekubasa kwake vachimuti auye kwaita emergency saka haana kuzokwanisa kupinda mukati aiva akuita zvekumhanya- mhanya akabva anditi.. "Beb ndokuwona mangwana, ndakumhanyira kubasa" "Usati wayenda ndipo hug pamwe ndiko kekupedzisira kuonana." "Unotadza nei kundiwona Leah, chingondipa one months chete to make things right,plus ndichapota ndichiuya ndichikuwona." "Okay." Akabva andipa yimwe tight hug yekuti ndaive ndakutosada kumusiya apa tumusodzi twangu twakabva twatanga ku donha-donha achibva atanga kunditaurira tumashoko twerudo zvinova zvakandipa kunyarara ,achibva andipa kiss pamhanza pangu. Kwakuzondisiya achiyenda kunopinda mumota make, nekutombumura kwakusara ndichitora bag rangu. Ndaive ndakuti ndi knocker pa gedhi futi ,ndikabva ndabatwa nepfungwa yekuti better ndiye kumusha zvangu ndava ndakatogaya kuti takapinda mu gedhi umu handifunge kuti mom vangu vaizondibvumidza kubuda. ndakatobata bag rangu ndokutanga kufanba ndichiripusha ndichibvunza vanhu kwaikwirirwa makombi anoyenda kumbare, vamwe vainditi anowanikwa makuseni, masikati ano anenge akunetsa ndakabva ndapererwa asi ndine vamwe mai vakazondipa idea yekutsvaga kamota keku higher kainditakura kunondisiya kumbare ndikawona zvirinani.ndichibva ndatsvaga pekumira nekutotanga kumisa tumushika -shika, ndofunga ndakaita dzinenge 15minutes ndichingozama kumisa mota asi hapana yaimboda kumira ndaiva ndakutoda kuyenda kunogara pa bustop,ndipo pandakazowona kombi ichiuya ndokunzwa kufara ndichitoyimisa, ikamira, kwakuenda kunotaura na conducter ndichimuti ndirikuda kuyenda kunosiwa kumbare. akanditi pindai tete."kwakuchibva ndatosimudza bag rangu kwakupinda mukati ndichinogara ku back sit ,mota ichibva yasimuka,,pakazonzi ndibhadhare kombi,ndakabuditsa ka ten us kangu, ndokukapa conducter wacho achibva andidzosera change yangu yakakwana,,asi moyo wangu waive wakuchirwadza kuti zvandaive ndakuyenda kumusha kudai ndaizowonana na Michael here or ndiko kwaiva kutopera kwe relationsehip yedu asi ndichisvika kumusha ndaida kubva ndaudza mbuya na sekuru vangu kuti mom vangu vakafona vachibvunza nezvangu vaitofana kuvati handiko coz ndanga ndisingade zvekuteverwa na mai Michael.zvineiwo kombi yakafamba.Tichisvika mu town vanhu vese vakatanga kuburuka,ini ndikanzi na conducter ndisaburuke,ndaiva ndakutotya kuti nei vamwe vatenderwa kuburuka ini ndangonzi ndisare,ndaiva ndakutoda kuburuka ne bag rangu, ndopandikanzi na conducter."tete musaburuke hanty mati murikuda kuyenda kumbare."ndakabva ndabvumira nemusoro"Vakanditi." ndokwatakutoyenda izvezvi? Ndikati hoo."Ndakadaro ndichitodzokera kunogara pa sit rangu"kombi ichibva yasimuka, kwakuyenda kunosiwa kumbare, ndopandikabva ndaburuka mukombi kwakutanga kufamba ndichibvunza vanhu ma bhazi anoyenda kwedu, kusvika pandikazoriwana richitonzi rakuda kusimuka,ndichibva ndatobhadhara mari nekunyororerwa ticket, kwakutoyenda kunogara pa sit ndakaisa bag rangu pamberi pangu ndichitotya kubirwa mari yandaiva ndangoisa yese mu bag,ndikasarwa neka 5 us kandaiti ndozotenga zvekudya?ndopandikabva ndawona vamwe mai vaitengesa ma biscuits nema drinks, ndikatovatengera vachibva vandidzosera change yangu endewo hatina kuzomboita nguva tiri pambare bhazi rakabva rasimuka,asi ini moyo waiva wakuchirwadza ndakufunga kuti mangwana ndinenge ndatokumusha kusina Michael, ndakanzwa kubatikana asi chekuita chaicho ndopanga pasina coz ini ndaitozama kutiza ne hupenyu hwangu ne life yemwana wangu"kana mwari vakati ndichawonana naye mike futi, tichatosangana mukufamba kwemazuva,ndakabva ndatanga kudya chikafu changu ende Ndaitoziva kuti kumusha ndosvika husiku chaiwo, ndakatotarisa nguva pa foni pangu,ndakawona dzichiti dzajuma 1pm, zvichireva kuti kumusha ndaigona kusvika kuma 6pm or 7pm kana kurikunzi bhazi ranyatsofamba. Ndichitopedza kudya ndaiva ndakuti ndirare, ndopandikazonguzwa nevamwe baba vakanditi."hesi?" Ndikatovapindura ndichiti ndiriboe." Asi ndakazonzwa vakunditi neka voice kari pasi-pasi.. "Ndipoo ka number dzako,ndirikuda kuzotaura newe." '"Zvii zvamunoda kutaura neni nekukura kwenyu kwamukaita." Ipapo ndaitotaura ndichidedzeresa zvekuti vanhu vese vaiva mu bhazi vakatonzwa zvandikataura,baba vaye vachibva vanditi... "Hona manji wakundinyadzisa mu bhazi mese, chingondipa number dzako." "Handisikuda,endai munonyenga vanhu vezera renyu,ini siyanai neni nditori nemurume wangu,iyoyi foni yamangowona ndakabata ndiyo yatokushaisa pekuisa moyo wenyu, ndipo number dzako kudii kwacho,aya mazindebvu enyu achena hamusikumawona,sure sure Ndotonzwikwa kuti ndikudanana nekamudhara kekuti mangwana ndinofuma ndakanzi nematambudziko ndoti ndaitei"Vanhu vese vakabva vatanga kuseka mu bhazi,uyu conducter achibva atanga kutsiura iko baba kanga kari paside pangu kuti kayende kunonyenga vanhu vezera rako, sandikunyara kwa kakabva kaita ende hakana kuzomboda kutaura neni,ndakabva ndatorara ndokutanga kufunga nhamo dzangu,ndaingoti vakafa havo vakazorora.bhazi rakafamba ndakangorara chete zvekuti ndakatozomuka ndakunzwa nyota, Ndikanwa drink rangu.asi taiva takutodongorera nekusvika kumusha. Bhazi racho raita kufamba richiita ku overtaker dzimwe mota asi mvura yairatidza kuti irikupura ndaingowona nepa window mvura yakaita kujenga mumaminda zvineiwo pakazosara pokwana seven ndaiva ndatoburuka mubhazi,asi hondo yaive yasarira pakufamba kuyenda kumba kwedu kwaitova nezisango raityisa ndaitoti ndikawona zvandiremera ndaiyenda kunokumbira pekurara pamasibanda ndovandaiwirirana navo panhau yekuvatengesera huku ne cheap price, ndakabva ndaita zvekutsiga bag rangu pamusoro." kwakubatidza touch ye foni,ndokutanga kufamba ndakazvivheneka kumberi kwangu, Ndakatozowona kuti mu road hamusi kutyisa,plus ndakabva ndaita luck rekusangana na thomas wandaidzidza naye kuno kumusha, ndikatomuti andiperekedze kumba, hana kutomboramba takabva tatanga kufamba tese akanditakurira bag rangu achitondibvunza kuti.. " wakayenda ku harare rinhi Leah?"ndikamuti.... "Handisi ndanga ndatone ne three months ndisiko kuno kumusha." "Ndakatoshaya kuti zii-zii iyi boe here n ndakapedzisira kukuwona musiuya waukarwa na Taps." "Umuudze kuti ndadzoka manji ". "Zvekurwa hazvichina kumbokufita Leah ende wachinja kubva watoita kunge munhu mukuru kudaro asi wakaroorwa here?" "Eh." "Ko chikoro." "Ndakasiya ini." "Ukati rega ndiite zve marriage hangu,ko murume wako asara kupi?" "Asara ku harare ." "Horyt saka apa kuuya kuzowona ana muchembere." "Eh shaa,ndanga ndavasuwa zvisingaite." "Wagona wauya kuzovawona vamwe Apa vanhu vaigara vachikutaura sei mu class." "hanziko?" "Idzo nyaya dzako dzawaita dzekurovana nevakomana." "Paye ndaipenga ." "Ndofunga ezvino wakura." "Mbichana wo." Ndakaperekedzwa na Thomas uya akanondisiya pa door pedu chaipo asi ndakambonzwirira nyaya dzakasara dzakaita muraini muno dze vanhu vakamitisana nevaida kutemana nematemo nenyaya dze huroyi sanike Patience ayinzi akatizira Taps ane kumba kwaizikanwa nekufuga ma gumbezi anonhuwa weti ndakatoseka hangu, uyu Thomas akazodzokera kumba kwavo achimhanya ini ndokusara ndichinokera mbuya vangu pa door re kitchen,,,vachibva vati" Ndiyani ko, anofamba husiku hwakadai ndikavati.. "Imi ambuya budai mumba umo ." Ndakanzwa vakubvunzana na sekuru mumba imomo vachiti haasi Leah here uyu ?"sekuru vakati"Leah angauye zvikoro zvisati zvavharwa anenge acgitsvagei kuno, kabanga ndi mbuya Siri varikuda kutivhundutsira ne voice ra Leah, rega ndivabudire ndivaudze matatu avo, ndava vanoda kushaina ne huroyi hwavo." Ndakatoseka ndakamira pamusiwo." ndichibva ndazosimudza bag rangu kwakupinda mumba, ndokuwona mbuya na sekuru vachiratidza kushamisika vachindiwona, ndikavati.. "Ko Nhai gogo na sekuru murikushamisikei !: ndadzoka kuzogara kuno " Vakamboramba vari zii vese,gogo vachibva vazonditi.... "Kwakanaka here Leah kwawadzoka kuno." "Kwakanaka chaizvo gogo asi manga musingade kuti ndiuye kuno." "ayiwa masvikiro acho awaita ndo andityisa ." "Ndauya kuzokuwonai." Ndakadaro ndichiyenda kunogara pabhenji,sekuru vachibva vanditi... "Ko vakadii amai vako?" "Handitozive kuti varisei ndava ndakapedzisira kuvawona musi wandikabva kuno kumusha." Gogo vangu vakatoshama vachinditi.. "Asi maigara kwakasiyana kani?" "Mwana wenyu uya Revai madiro anoita mari,akandikandisa mapfumo pasi." "Taura nyaya yako Leah,chii chakaitika ku harare ikoko,ndava pandikambofona ndichida kutaura newe ndakanzwa kuti wakayendeswa ku bhodhing sikurul." "Gogo hanty paye mhama vakafona vachiti ndiuye kunodzidza ku harare." "Eh eh." Vakadaro gogo vachitobura hari yavo ndokuvati... "Ndichisvika ku harare ikoko ndakatambirana nemashoko ekunzi ndakaroorwa, nemurume aiva ku America asi ezvino akuno,munoziva gogo ndakarwadziwa apa mwana wenyu akangotambira mari asingamboziva Mike wacho wandainzi ndiitire mwana coz anga ayine mukadzi wake wakaroora asingaite mwana,saka ini ndini ndainzi ndimuitire mwana wacho ndosaka mom vaindipa pressure yekuyenda harare vachiziva havo kuti vakadya 5 million ye vanhu,yimwe mari vakatenga zimba ravo rihombe,apa vakato kutsvuka zvavo,voti vanominura sei?" "Ende Revai anodarirei kudaro sure, Isu taitoti urikuda kuyendeswa chikoro che mu town izvo kwani ayiziva purani yake yakaita zvino wakazodii muzukuru wangu." "Ndakayendeswa kumba kwacho ndokwandaigara pese apa." "Saka iye mukomana wacho akati kudii ?" "Ayitoda kuitirwa mwana sezvo anga akapa mwana wenyu mari." Ipapo Sekuru vangu vakabva vasimuka vakadumbirwa ne hasha vakati vanoda kuvafonera mhama ndikavati... "Musatombofone henyu sekuru ndatoita zvekutiza ku harare ikoko,zvinhu hazvina kundimirira mushe, handisikuda kuti vanhu veku harare vazive kuti ndirikuno,please !" Chitozviitai secret kana mhama vakafona musambovaudze kuti ndirikuno." "Ndoda kumubvunza iye Revai kuti anga apindwei nei kusvika pakutengesa mwana ku harare ikoko nxaa!" Kambwa ke munhu kachauya kuno zvako." Vakadaro sekuru vangu vachitadza kutaura ne hasha vakanzi na gogo.... "Chigarai pasi apa,tinotenda kuti iye Leah wacho adzoka ari mupenyu haana kukanganiswa." "Dhemeti dai ndakazviziva kuti ndozvakaronga ndingadai ndisina kumutendera kutora muzukuru wangu... Murimi munazvo maimanikidza mwana kuyenda iye achiramba." "Koini ndakanga ndichiziva kuti ndozvakarongwa na Revai here." "Handidi kumuwona mwana wako kuno kumusha,ngagare ku town ikoko Ezvino akasiyisa muzukuru wangu chikoro achinomuyendesa muzvikomba zvake.Sekuru vakapopota zvekuti gogo vakasvika pakuti zii,vakati havachadi kunzwa munhu achataura zva mom vangu.takazodya sadza remanheru ndichibva ndayenda kunorara sezvo nyama dzangu dzanga dzakaneta... Days passed on,ndiri paruzevha,asi handina kumbobvira ndakaudza gogo kuti ndine nhumbu,asi ivo vaingoita kakundifungira kuti ndinayo,asi ndaibva ndavanyepera kuti handina nhumbu uye handitozive chinhu chinonzi murume pandiri ndichitori mhandara,vaibva vanditi Hoo"but zuva ne zuva ndaingogara ndichifunga Michael ende necklaces yake yakandipfekedza handina kumbobvira ndakayibvisa, ndaiti ndakangomufunga ndaitoyibata ndotanga kufunga ma moments ezvese zvataita tirikumba kwavo, dzimwe tichimbonetsana mu room make topedzisira takuwirirana,pakadaro ndaibva ndachema ndakagara mu room mang,chido chekuti ndimufonera ndaiva nacho,asi ndaitya kuti mai vake vakangoziva kuti ndirikuno vanogona kunditevera na diana wavo,vosvika vachinditora zve force,saka ndanga ndaisada izvozvo, ndakabva ndachengeta kamari kandikapihwa na mike ndichiti ndozoyishandisa kutenga hembe dzemwana,ndaisada kuremhedza mbuya vangu na sekuru but yimwe ndakamboyishandisa kutenga grocery re mumba sezvo pamba pacho panga pasina chekubata,avawo mom vangu vakambofonera gogo mazuva apera vachindibvunza, vakanzi handiko kuno vachibva vatokata foni Ndaitoda vambofidza nekunditsvaga copa apa yanga yatova one months ndabva ku harare.Semusi uyu mvura yakararira ichinaya zvekuti sekuru havana kutodzoka kubhawa kwavaiva vayenda ndofunga vakatovharirwa nemvura coz marwizi ayitonzwika kushona ne mvura, ndakatotoswera ndakazvambarara muka room mangu ndichingounzirwa zvekudya na gogo apa vaindida zvisingaite, Plus chandaitenda pandiri ndechekuti nhumbu yangu yaisasarudza yaingodya zvese zvese, asi panoti kugeza apa ndainzwa husimbe ndaiti ndikageza nhasi, mangwana handigeze,asi ganda rangu raitoita kunge ndinoova bhavhu everyday,ndanga ndakatotsvukira- tsvukira ndoti kusimba.ndaibva ndanzi na mbuya vangu ndine nhumbu,vonditi vhura dumbu iro asi ndaitovarambira ndichitoziva hangu kuti ndinayo...... Anyways,ndaiva ndakutobhoikana nekurara plus mvura yanga yambotu mireu kunaya,ndakabva Ndabuda mukamba kangu uku ndaiva ndakapfeka ka dress kanobata,hameno kuti mbuya vangu vakazviwona sei kuti ndabuda panze, vakabva vauya vachindibata dumbu rangu zvekuti ndakatovhunduka vachibva vanditi... "Wairamba kuti hauna nhumbu,asi guvhu rako rakabuda nei kunze leah?" Ndakatopererwa nemashoko,vachibva vanditi... "Nhumbu ndeyani iyi Leah,taura chokwadii." "Gogo i nhumbu ya Michael wandaigara naye ku harare" "Michael wekupi iyeye." vakabvunza zvehasha !" ndokuvati.......... "Mukomana wandikatsvagirwa na mhama,ayida kuitirwa mwana neni,ndiye akanditengera foni yandinoshandisa ayiti achauya kuzonditora kuno." "Saka pese pandaikuti une nhumbu wairambirei." "Ndaisada kukupai stress gogo plus nhumbu iyoyo ndiyo yakatoita kuti ndiuye kuno,coz mwana ari mudumbu mangu ndanga ndakarongerwa kumutorerwa achingobuda chete." Ipapo havana kundidaira,vakabva vatofamba vakuyenda kwaiva ne bhenji ravanga vabuditsa panze ndokuvatevera mumashure mavo ndikasvika ndichivati.. "Gogo musafunge zvakawanda ndichadzokera kuna Michael kana ambotanga agadzirisa zvinhu zvake."' "Kana vanhu vakazviziva muno muraini kuti une nhumbu tonyarirepi nhai Leah,dai ndakaziva paya ndisina kumbokumanikidza kuyenda ku harare." Vakadaro vachitogara pabhenji, ndokubva ndagarawo pa side pavo ndichivati... "Gogo kana ndichitokuwonai kudai mutori mai vangu, sekuru ndo baba vangu, Kana ndiri panguva yakaoma kudai,please miraiwo neni,coz vangu mai vakandizvara havana shungu neni,dai vaindida vangadai vasina kumbondiyendesa kumba kwana mike,but iye mike wacho arikutozviziva kuti ndine nhumbu yake, ndini ndakatomupa pressure yekuti ndakuda kumbosuduruka pamba pavo,coz mai vake vanga vakutoronga kundiyendesa kunhu kwekuti ndaisazowonana nemi futi ndosaka makawona ndichitizira kuuya kuno,but soon ndichati Michael auye anditore kana ndangoita zvakanaka.ndakavadaro ndichitochema, vachibva vatanga kunyararidza gogo vachinditi.... "Usacheme muzukuru wangu,ndini honzero yezvese zvaukasangana nazvo mu muhupenyu hwako. sure paya wakaramba kuyenda ku harare ndikakumanikidza." "Zvinowanikwa gogo, Plus na Michael wacho taiva takutodanana akundiwona semukadzi wake,zvekuti akangoziva kwandiri munomuwona achiuya achinditora." "Chirega kuchema Leah." Takatogara kudaro, pane vanhu vakabva vati hodhi hodhi pano, ndichibva ndatosimudza musoro wangu, ndokuwona sekuru vakatobatiranwa,takatosimuka na gogo ndokumhanya kunovabata tichitobvunza kuti chii chaitika kwavari, zvikanzi vangowonekwa wakadonha kuseri kwebhawa rashumba vanga vachitonzi varara husiku hwese vachinaiwa,vatozoita luck rekuti vakasira kuwonekwa ne vanhu ndokubviswa hembe dzavanga vakapfeka, Vachibva vapfekedzwa.... "Maitabasa mufunge." Vaiva gogo vakadaro vachitoyedza kubata sekuru mushe coz vaita kubvunda nechando, Ndakabva ndatonzi ndiyende kunovabatidzira moto wekuti vadziye.chando chavapinda chibude, Ndipo pandikamhanya kuseri kwemba ndikanotyora-tyora tuhuni,ndokuyenda natwo mu kitchen, ndikasvika ndichivesa moto wangu apa ndaiva Ndakutobvunda nenhau ye situation yandaiva ndawona ina sekuru vangu,vaisagona kumira vega.. End of this chapter 16 Mangwana tirikutanga na Michael ? Asi book richange rakutengeswa. Haridhure haro... End of this chapter16
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 2.3K

Comments