Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
February 7, 2025 at 05:39 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19 My choice ☂ ☂ ☂ ☂ ☂ ☂ ☂ ☂ Read and share Story by Lorraine Chapter 17. Michael. Ndichibva kunosiya Leah kumba kwavo.Ndakabva ndangonanga kubasa sezvo ndaidiwa zviri emergency but pfungwa dzangu dzaingova kuna Leah ndaive ndajaira kugara naye,,zvekuti kugara ndisina naye kwaigona kundinetsa. Asi ndakatozviti mwedzi uno waifana kuzopera ndaudza Diana chokwadi cgekui handichamude kana achidzokera ku America kune ma parents ake odzokera hake coz ndaiva ndisisamude chaiko kutonzwa kubhowekena naye plus hunhu hwake ndihwo waindibhowa kuti pese pese patanetsana ayitanga kupinza zvekubatsirwa kwandakaitwa na baba vake, plus hutsvina nekusageza ndozvimwe zvaindibhowa paari. Ndichisvika ku basa kwedu,ndakayenda kuno parker mota yangu pemazuva ose,then l locked up my car, ndichibva ndafamba kuyenda ku office kwangu kwandakasvika ndakamirirwa nema clients angu ndichibva ndatopinda navo mu office mangu, vaitoda kutenga ma rings vachiti next weekend vane wedding yavo, ndivo vanhu vacho vandaiva ndafonerwa ndichinzi varikundida zviri emegecy, zvino pane ese ma rings avaive varatidzwa hapana avakambofarira, vaive vakuda kuona acho avanga vaudzwa kunzi ari mu office mangu . ndakabva ndavaburitsira tuma box twacho twese, ndokutanga kumavhura ese ndichida kuti vanyatsowe type yema rings avainyatsoda acho ,vakatopedza kuona ese asi mukadzi wacho akabva afarira ma rings e diamond, akatoti vakutora iwaya, vachibva vabhadhara 1000 us sekuudzwa kwavanga vaitwa price yacho, ndakabva ndatotsvaga plastic rekuisira ma box acho,ndokuvapa, vachibva vatoyenda,,ndokusara ndichiisa mari yangu mu briefcase rinova randaive ndskaisa password zvekuti hapana ayikwanisa kurivhura kunze kwangu,ndichitopedza zvandaita, ndakabva ndayenda kunogara pa chair, ndokuchitanga kuwona ma pictures andaira Leah akavarairwa, ndaitoti ndinofana kuyenda kunomuwona mangwana kumba kwavo,ndobva nda meeter mom vake sezvo ndisingavazive. zvineiwo nguva dzakafamba ndakuto calculator mari dzangu dzema rings akatengwa these week,ndikawona mari yacho yakati wandei, ndaiva ndakutoronga kutengesa imba yaigarwa na Diana ndotenga yimwe yaizogarwa na Leah nemwana wake,nekuti kumba kwedu chaiko kwaive kwane ma problems hobho hobho uye ndaiva ndakutomboda kuti tifambire nyaya dzekuti baba vangu vadzokere kuita normal coz nguva yacho yaiva yereba vachingopenga,rimwe gore vaitomboda kutorwa ne hama dzavo asi mom vangu vakarambiranavo sezvo vaiziva kuti vane chekuita nekupenga kwavo, neniwo ndaitoziva nyaya yakakonzeresa kuti vapenge kudaro. pandikazowon dzakuma 5pm, ndakatobuda mu office mangu ndakabata briefcase remari ndokusiya nda locker door, ndichibva ndananga panze paiva nemota yangu, Asi kumba kwacho ndaingoyendawo hangu but kwaitondibhowa nenhau yekuti kwanga kusisina Leah,ndaive ndajaira kuti ndakabva kubasa ndaizowonana naye kuma late, zvino apa yaive yatova hondo yekunetsana na Diana anga asinganzwisise munhu wacho, ndisati ndayenda kumba ndakambopfuura neku bar ndichitenga doro rangu, ndokuchizoyenda kumba, kwandikasvika ndichiyenda kunogara ku garden ndokutanga kunwa doro rangu,ndiro raitombondibvisa stress, ndichitopedza Kurinwa,ndakabva ndaimuka k ne briefcase rangu ndokuyenda mumba ndichitonzwa kuti pano ndadhakwa, ndichipinda mu dining, mom vangu vakabva vamhanyira kundibvunza zva Leah ndikava ignore ndichitofamba kuyenda kunorara.ndakazomuka following day mushure mekunge ndanzwa ku kunokwa kwe door rangu ndichibva ndati Diana ayende kuno checker kuti ndian achibva andirambira achitopfinyirira gumbezi zvekuti ndakazogumisira ndabuda muma gumbezi macho ndichino checker kuti ndian,ndokuwona vari mom vangu, vachibva vanditi... "Leah arikupi ?"ndikavati... "Hapana kana good morning, makutomhanyira kundibvunza zva Leah,hanty ndakamuyendesa kumba kwavo nezuro here?" "Michael pindura mubvunzo wangu." Vakandidaro vari serious,ndichibva ndavati... "Leah arikumba kwavo munoti angayendekupiko." "Enda unomutora uye naye izvezvi." "Iye munhu akabva kuno nezuro, ndowanikwa ndichiyenda kunomutora kumba kwavo,munoti anga awonana na mai vake nguvai ?" "Usade kundiita kuzangairwa wazvinzwa, wakayendesa kupi Leah?" "Inga ndirikuti ndakamuyendesa kumba kwavo wani nezuro." ndakadaro zve hasha,vachibva vanditi.. "Zvako zvekuzvitii wava murume mukuru, wakugona kukwira mukadzi handizviverenge, taura chokwadii kuti wayendesa kupi Keah ndisati ndakurova." "Kana muchiti ndirikunyepa fonerai mai vake muvabvunze kuti Leah haako here?" "Mai vake vakandifonera makuseni ano vachibvunza kuti nei Leah asina kuzouya, ndikavati kuno hakuna Leah akauya ikoko wani ,vakati haako ikoko,ndosaka ndirikubvunza kuti wakaisa kupi Leah wacho !" Vakadato vakutondiitira zvehasha, ndokuvati... "Nezuro pqndakaperekedza Leah kumba kwavo, ndakanomusiya pa gedhi pavo chaipo ,asi handina kuzopinda naye mu gedhi mavo ndakabva ndafonerwa kunzi ndirikudiwa kubasa zviri emergency ndichibva ndayenda." "Hanty unowona kuti ndipo pawakapusira Ipapo, wakatadza nei kusiya wamupinza mu gedhi mavo, akatotiza ne nhumbu yako hauchambofa wakamuwana, kumba kwavo arikutonzi haana kumbosvika." "Hakuna zvakadaro mom,Leah ariko kumba kwavo,muchamuwona achizodzoka pano." Ndakatotaura ndichiziva kuti Leah anenge aiva ataura na mom vake kuti vambomuviga mbichana,asazoteverwe na mom vangu sezvo vanga vamupa three days dzekudzoka kuno kumba, mom vangu vakabva vanditi..... "Kana urikuziva kuti une kwawakayendesa Leah uchiitira kuti asatorerwe mwana na Diana,ibva waziva kuti pano pamba haupagare ndokudzinga,wosiya property yemurume wangu,wobva wanotanga zvako zvitsva coz kunzwa chaiko kunotokunetsa Michael." "Mom better muyende ku room kwenyu zvamakutinditaurira makutoda kuti ndizokuudzai zvimwe zvinhu zvisingaite,ndi respecteiwo seku respecter kwandokuitai." "Ngadzipere three days idzi Leh asina kudzoka pano pamba, uchanyatsondiwona ma true coluors angu,ndiri chihera ka ini, haundizive mushe." Vakabva vatofamba kuyenda ku dining ndokusara ndichidzokera mu room mangu,ndichitofunga kuyenda kuno checker Leah wacho kumba kwavo,asi mumoyo mangu ndaitoziva kuti ariko kumba kwavo,haana kumwe kwamboyenda, ndakabva ndayenda kunopinda mu shower.Ndikawona Diana anditevera ndokusvika achibvisa hembe dzake ndakatoita sendaive ndisina kumuwona ndichitokwesha muhuro mangu ndakamira pa shower ndaitozvigeza neka soft towel. ndakawona Diana uya auya kunomira pamberi pangu ndokundibata ma shoulders angu ese takaita close achibva aramba akanditarisa achinditi.... "Nei Michael wachinja mazwano,tiri ku America uku wanyatsondipa love yandaigutsikana nayo,uchiti ukabva kwawabva waitowona kuti wandivigira something,asi ezvino hauchambondicheuke, Chii chirikuitika pauri beb , ndaifunga kuti takatsvaga munhu anokuitira mwana zvaita kuti relationship yedu ichengetedzeke asi ndakuwona kuti ndaitozvinyepera zvinhu izvi zvakatoita kuti undiburitse mu life mako,hauchambofunge nezvangu,wakuda Leah waukuwona zuro uno asi wakanganwa kwatikabva tese ." Time yacho ndakatomubvisa maoko ake pama shoulders angu ndichimuti.... "Nguva yandaikuda Diana yakapfuura, now ndirikuda kuku divorcer coz handikwanise kugara ne munhu ane hutsvina,anoburitsa nyama dzake pa social midea plus unoti handizvizive here kuti ndiwe wakapushidzira Leah mu swimming pool nezuro..... "I love you Michael usarwadzisewo moyo wangu please !" please !" , "Handichakude Diana,ndochokwadii chaicho." "Saka urikuda kundiramba nhau ya Leah?" "Leah apinda papi apa?" "Saka urikundirambirei heeee ,, "" "Usandibvunze zvisina basa " Ndakadaro ndichito continuer nekugeza akati.. "Michael taura neni ndati urikundirambirei, Kana zvakadaro ndakufonera ma parents angu kuti auye kuno." "Vafonere ndobva ndavaudza problem yako yandiri kukurambira." "Hanty unovaziva baba vangu." "Vane basarei baba vako,asi unoti ndinovatya,ngavauye vanditaurire zvisina basa vawone ." Ndakatodaro ndichitopedzisa kugeza,ndichibva ndamonera drying tauro rangu, kwakutobuda mu bathroom ndichisiya Diana achitochema handina kumboita hanya naye, ndakatosvika ndichichinja hembe fast, kwakutobuda kuyenda kumba kwana Leah,moyo wangu waive usina kugatsikana kusvika ndawona Leah, ndakabva ndatowedzera speed yemota zvekuti within hour ndaiva ndatosvika kumba kwavo, ndokuburuka mumota nekutoyenda kuno knocker pa gedhi pavo,asi hapana akambobuda nguva iyoyo, Nlndaiva ndakutofunga kufonera mom vangu kuti vandipe number dza mhama va Leah, ndipo pandikazonzwa kuvhurwa kwe gedhi ,pachibva pabuda vamwe mai vaive vakada kufanana na Leah,ndakabva ndatoziva kuti ndi mai vake but vaita sekuti vaiva vakazvimba kumeso vachiratidza sekuti vakarohwa. ndakatovamhoresa ndokundidaira ne voice riri lol lol,..ndokuvati.... "Ndimi mom va leah here?" Vakambotanga varamba vakanditarisa vachibva vanditi.. "Ndiwe Michael here?" "Eh ndini,ndatouya kuzo checker Leah,aripo here?" "Leah hana kumbobvira auya kuno, izvezvi ndirikutoyedza kufonera mom vako kuti ndivqbvunze zva Leah wacho but havasi kudaira call yangu." "Asi Leah akakuudzai kuti musaite kuti vanhu vekumba kwedu vazive kwaari?" "No my son,handina kutombobvira ndamuwona Leah, ndato worried ne mwana wangu." "Kana asina kupinda mu gedhi ko akayenda kupi?" "Ndozvitorikundinetsawo coz Leah haana chanoziva chekuno." Ipapo Pfungwa dzangu dzakambomhanyira kufunga kuti zvimwe Leah akafonerana na sir vake vakauya kuzomutora but still Leah wacho ayisave ne line,mai vacho vakabva vanditi... "Saka todii ne nyaya ya Leah,apa ndiye ega mwanawangu." "Saka toyenda herr kuno reporter kumapurisa kuti atsvagwe as soon as possible,pamwe anogona akatorwa nematsotsi." "Dai mwari vandiwonerawo mwanangu,akaurayiwa ndosara nechiiko pano panyika." "Kuti haana kuyenda kumusha here?" "Dai mbuya vake vakandifonera vachindiudza kuti Leah akuno akumusha.: Ndakatopererwa ndakamira ndakungoti Leah wacho akayenda kupi,apa Mai vake vaiva vakuchema vakamira ndokuvati..... "Musacheme mom, Tomutsvaga Leah tikamuwana ." "Apa baba vacho varikundinetsera kuwona mwana wavo zvino kana zvadai ndimotangira papi kuvaudza kuti Leah wacho akaita missing ." "Imi musavaudze kuti hamusi kumuwona.chitoyendai kunochinja tiyende kumapurisa " "Horyt, zvakaoma zvatinoitirwa na Leah, Problem yake ndeyekuti ane nharo,hanzwisise." Vakadaro vachitodzokera mu gedhi mavo,ndokusara ndichiyenda kunogara pamusoro pemota yangu,ndakatanga kunyatsofunga kuti akayenda kupi Leah,asi ndaito remember tiriku ku hospital uku achiti haasikuda kuyenda kwa mom vake, whichh means kuti kune kwakayenda nemari yandikamupa.. Time yakazouya mai vacho,takapinda l tese mumota, kwakutoyenda ku police station.tikasvika tichi reporter nyaya yedu.ndikavapa picture rake, ndokuvasira number dzangu ndichiti kana vamuwana or kuziva paari vonondifonera, mazuva akafamba ndisina kumbonzwa nezva Leah,apa mom vangu vaitofunga kuti ndirikuziva kwaari, apa iniwo ndaitofunga kuti mai va Leah vaitoziva kune mwana wavo coz kubva zvandikabva kumba kwavo, havana kuzombobvira vafona kana kuuya kumba kuti vabvunze nezve mwana wavo,ndaiva ndakutoshungurudza kuti akayendepi kupi, Kana kudya chaiko kwanga kwakundinetsa ukuwo Fiana ayinetsa neku side,achizama kufoseredza kuti ndimude asi ini ndaiva ndakatomuburitsa mumoyo mangu ndaitomirira kuti a signer ma divorce papers manji iye ayisada,anga akugara achichema-chema na mom vangu, zvinova zvakazoita ndidzingwe pamba pa baba vangu ndikanzi ndisiye zvese zvakatengwa ne mari ya baba vangu, kana kumba kwaigara Diana ndakabva ndanzi handisikuda kuwonekwako even kubasa, ndipo pandikawona kuti mu life ukangozviitira zvinhu zve ziya rako ,zvinhu zvakanaka chaizvo hauitwe muranda,ndakatobva pamba ndingori ini nema documents angu, luck racho ndaiva nekamari mbichana mu card mangu ndiko kandakazoyenda kuno withdrawer 500 us,yandikatengesa ka foni kemari shoma, ndikavhurisa line rangu randaingoshandisa kare, ndakatoita zvekunyepa ku econet kuti rakarasika vakandinzwisisa ,ndichibva ndatsvaga ka one room kangu keku lodger ku belvedere ndokukawana, kwakutenga ma gumbezi angu two neka gas stove,netuchikafu nehembe netuma plate nemapoto.ndaiva ndakurarama life inorwadza asi ndaitowona kuti suffer ndichitoita zvinhu zvangu kurirani than kurarama life yekunyengerera property dzevanhu, Ndakatotsvaga basa kwa pick n pay ndokuriwana repa till.Luck ndaigona ku operater ma computer, ndaiva ndakutoyenda kubasa everyday ndichidzoka kumba manheru,asi Leah haana kumbobvira akabuda mupfungwa mangu, ndaitozvivimbisa kuti one day ndichamuwana chete to continuer patikasira.musi uyu ndakayenda kubasa,ndikaswera ndichishanda pa till, kusvika pakazokwqna nguva dzangu dzekuyenda kumba, ndokuwonekana nema friends angu,ndichibva ndatoyenda kunokukwira kamushika- shika kakazonditakura kakanondisvitsa kumaraini kwandaigara,,mazuva ekutanga zvaimbondibhowa kukwira mota dzevamwe asi ndakazopedzisira ndazvijaira ndakuziva kuti ndamurombo ndakutoita zvese-zvese kuti ndirarame...ndakabva ndatoburuka mumota,ndokufamba ka short distance ndichibva ndatosvika pamba pandaigara,ndokuzviyendera mumba mangu, maitova mu ground, ndakatosvika ndichizvambarara pamusoro pemagumbezi apa ndaitonzwa husimbe hwekubika ndakabva ndqnzwa knock pa door pangu, ndokumuka ndichinotarisa kuti ndiyani,ndikawona vari landlord vangu... Ndokuvasweresa vachibva vanditi rent yakakwira,kutanga next months tinenge takubhadhara ma 150 us,apa kamari kacho kandaitambira kubada kwacho kaisandikwanira chinhu,asi handina hangu ku complainer, ndakangovati horyt, ndichibva ndadzokera mumba mangu, ndokuzvibikira sadza nema veg ndokudya,zviye zvekuti handidye chakati unenge unazvo... Ndaiva ndakutoda kuyenda kunogeza ku toilet yaiva panze, ndipo paka ringer foni yangu ne number dzandisingazive ndakuti ndidaire munhu wacho achibva akata foni,apa iniwo ndanga ndisina ka mari mufoni, ndakatoti ndichanotsvaga mangwana ndofonera munhu wacho ndinzwe kuti ndiyani.... End of this chapter 17 Uchipedza kuverenga Isa like or comme
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 3.9K

Comments