
LORRAINE STORIES🤍🤍🤍🤍
February 8, 2025 at 09:17 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
My choice ☂ ☂ ☂ ☂
read and share
Story by Lorraine C
Chapter 18.
Michael.
Nguva yandaitoda kusimudza bucket kuti ndiyende kunogeza ndipo pandakatanga kufunga kuti ndakanganwa kutenga sipo mu town mayaiva yakatochipa ndakanzwa kubhoikana kumwe kusingaite uku kuti ndirare ndisina kugeza ,,hope dzacho hadzaimbouya, ndakabva ndafunga kuyenda kuma shops kwacho kunotenga sipo ne airtime ndichiti ndakapedza kugeza ndobva ndafonera munhu uya anga achindibhipa ndonzwa kuti ndiani,,ndisati ndabuda mumba ndakambotanga ndatarisa nguva pafoni pangu ndokuwona dzichiripo ndichibva ndatora kamari muchikwama mangu,,kwakutobuda kuyenda kuma shops ndichifamba mbichana- mbichana sezvo mu road macho maiva muchirikufamba uye ma lights aiva akabaka location yese.pasina nguva ndakasvika kuma shops kwacho ndokutenga zvinhu zvandaiva ndafambira kwakutopinda munzira kudzokera kumba kwandakasvika ndichitopfurira kuyenda kunogeza zvenguva diki ,ndokupedza nekutoyenda mu room mangu kunozora mafuta, ndichibva ndapfeka ka short kangu kekurarisa kwakuyenda kunorara pamusoro pemagumbezi panova pandakatanga kujusa airtime iya nditori nechidokwa-dokwa chekuda kuziva kuti ndiyani anga achindibhipa zvekuti airtime yacho ichitongoitq ndakabva ndafona number dziya, foni yacho ikatanga ku ringer,asi munhu wacho ayisadaira, ndakatoneta nekufona,ndakapedzisira ndati better kurara zvangu ndingatozononoke kumuka mangwana kuyenda kubasa.
Ndakabva ndasimuka ndichinobayirira foni yangu pa charge, ndokudzoka ndichipinda mumagumbezi mandakatanga kufunga nezve life yangu ndichitoti ndakaita kusiwa pamhene nekuda kwa Diana but dai ndaikwanisa kutsvaga munhu wekutuma kuyenda kumba kwedu kunonditorera briefcase rangu remari handaimbotambura kudai zvino vekutuma vacho ndipo panga pasina. Asi kune vanhu vaiva kumba uku hapana ayimbokwanisa kuvhura briefcase racho kunze kwangu, ndichipedza kufunga nhamo dzangu ndaiva ndakutofunga Leah apa ndanga ndisina kana foto rimwe haro randaikwanisa kumurangarira naro. ndakabva ndaisa munamato wekuti dai Mwari vaita kuti tiwonane futi .
ndava situation yandaive ndanayo yakatokonzereswa na Leah .
ndakatosarudza kusiya mota dzangu ne mari because of love, ndaivimba kuti musi wataiwonana ayikwanisa kundinzwisisa situation yangu kuti I'm no longer Michael waiziva ayifamba nema expensive cars, ayipfeka hembe dze label achi sprayer ma perfume anodhura, apa ndaiva ndakungoita chero kuti ndiwane kurarama, zvineiwo hope dzakazotanga kundibata mbichana- mbichana kudzimara ndarara hangu, following day ndakatokasira kumuka,ndokuisa kapoto kangu kema spaghetti pa gas.ndaitoda kuti ndakapedza kudya ndobva ndayenda kunogeza,ndipo pandikanzwa foni yangu ichitoita sound yekuti yaiva yapinda message ndokuenda kunotarisa kuti ndiyani, ndikawona dziri number dzandaizama kufona nezuro, ndakabva ndatanga kuverenga message yaiva yaiswa ipapo yakanzi.....
"Hi Michael, ndi Leah, sorry hako
nekusakukuudza kuti ndakazoyenda kumusha musi uya waukandisiya pagedhi pedu,ndakatona kuti ndakaramba ndiriku harare ikoko ndaigona kukanganiswa na Diana,kana mom vangu havatozive kuti ndirikuno kumusha, usambovaudze nezvangu,but ndakusuwa Michael kubva ndibve ikoko you always in my mind l love you so much, kufamba kwenguva tichawonanana hedu".
Ndichipedza kuverenga message iyi, ndakaidzokorora kuyiverenga futi musodzi yangu ichitobuda,ndaifunga kuti Leah akatonditiza, hachatombofunge nezvangu ndakachema zviye zvekuchema ndakangotarisa foni yangu.
Ndokunzwa yaku ringer vaiva manager vekubasa kwandoshanda vaifona. ndakatoshaya kuti varikudei ndichibva ndapukuta musodzi yangu ndokuvadaira ndichitogadzirisa pahuro pangu ndichivati...
"Morning Mr jacob ."
"I'm good Michael, hameno kuti zvandichakuudza uchazvitambira sei, ndangoti ndikuzivise kuti usasauye kubasa."
"Wa...wa what ?"
"Yes,panzvimbo pako taisa mumwe munhu coz vanhu vakawanda variku complainer kuti urikuita slow paku saver ma customer pa till,zvekuti unotora nguva ne munhu one, vanhu vozopedzisira vayenda kunomira kune mamwe ma till saka hatichakwanise kushanda newe"
"Ko mangodii mandimisa hangu mwedzi wapera."
"No Michael, wakatoratidza kuti basa repa till haurigone,saka kuma 1 uye uchi collecter mari yako yema days aukashanda."
"okay Mr jacob."
"Iriboe."
Vachikata foni yavo ndakabva ndayenda kunodzima gas sezvo ma spaghetti aiva ayibva. ndichibva ndayenda kunogara pamusoro pemagumbezi ndokutanga kunyorera
Leah message ndichimuti.....
" I'm good Leah,asi pese apa waitadza
nei kundiudza kuti wakumusha, unomboziva kuti ndanga nditori worried kuti wakayenda kupi?"
Ndichitomusendera message yacho, ndakabva ndaisa foni yangubpaside ndakachitanga kufunga kuti zvandapererwa ne basa kudai ndaizoriwana kupi ,apa landlord mwedzi uchipera vanenge vakatarisira mari yavo ye rent uye magetsi anenge achida kujuswa, ndakawona kuti nhamo haibve pane yimwe sure ,ndichinzwa foni yangu yapindamessage ndakatoyitora ndokutanga kuverenga yimwr message yaiva yasendwa na Leah achinditi
"Ndakanganisa ipapo but ndaiti ndichakuudza kuti ndakuno ?
kumusha, ko Diana akazodii,ndakuda kuuya kuzogara newe Michael, chimbonditumira mari,ndanzwa ne nhamo yekuno kumusha,everyday kuchingoyedza sadza nema veg kana nemufushwa, ndasuwa kudya nyama nditori plan mumwe wangu.....
Ipapo ndakabva ndanzwa moyo wangu kurwadza ndichipedza kuverenga message yacho apa ndaiva ndisina kana mari yekuti ndaikwanisa kumutumira otenga zvaida.
Uye mari yandainzi ndiuye nditore na manager wedu ndaitofunga kuyibhadhara ku rent,ndochitanga kutsvaga rimwe basa, ndakabva ndamuisira message ndichimuti..
"Ndakugara ndega mazwano, ndakasobva kumba kwedu kudhara, urikuda kuuya rinhi kuno?"
Ipapo ndichimusendera message yacho,haana kuzombondipindura, ndakabva ndadya breakfast yangu. ndokutanga kugadzirisa mumba mangu, kwakuchizokorobha ma tiles. ndichibva ndayenda kunowacha panze, ndakutoronga kutsvaga munhu ayikwanisa kundikweretesa mari yekutumira Leah kuti auye kuno tongowona nhamo tese.
nguva hadzina kumira kufamba Pakazokwana one dzemasikati ndakayenda kubasa kuno collecter mari yangu,ndichibva ndapihwa 150us, Ndikasiya ndaudza ma friends angu kuti vakangondinzwira kwaita rimwe basa vanondifonera." vakati "horyt".
Kwakutobuda mushop muya, ndokutanga kutenderera mu town mandaito compare ma price emubhedha ndakawona kuti yaka cheaper zvekuti ndikangoshanda ndaikwanisa kuwutenga.
*Leah*
"Moto uchibvira,ndipo pakabva paunzwa sekuru mu kitchen vakasvika vachirariswa pasaga"ndikanzi" Na gogo ndiyende kunovatorera pillow yavo ne gumbezi ne pillow, ndikaita sekudaro ndokuuya ndizvichipa gogo vakavafugidza.avawo varume vekubatsira sekuru vakazowoneka zvavo vachibva vanzi na gogo vanozodzoke mangwana vachitora huku.asi mumwe wacho murume ndiye akabva aramba" achiti "kubatsira kwakataita sekuru hazvirevi kuti tirikuda kubhadharwa, tatoita ma duties edu seva zukuru "vakanzi" na gogo" murambe mune moyo yenyu vazukuru, maitabasa nechido chenyu chamaita chekuunza sekuru kuno kumba vakati...
"Muchitendeiko gogo, Kana vamuka sekuru muvape cup ye tea"
Aiva mumwe wacho murume ayidaro,achibva anzi na gogo...
"Horyt muzukuru wangu vakamuka tichavapa tea yacho "
"Zvakanakai gogo."
Varume vaye vachitoyenda ndakatosara ndichinzi na gogo ndiise line ravo mu foni mangu "ndokuvati."asi foni yenyu haina moto kani?"vakati."eh haina akawo solar kandinosijachisa nako. I kwakadai hakaunze moto mufoni ndikavati..
"Iyo mvura yacho yazonyanya kunaya kwacho ,asi imi gogo potai muchirambidza sekuru kuyenda kumabhawa, honai zvavakazoita nezuro vakarara pungwe yese kubhawa."
"Vanombonzwa here sekuru vako ava, kana ukavatsiura zverudzi hupi. Vachingopora mangwana unovawona vachidzokerako kubhawa,chitoyenda unotora foni yako tifonere sekuru vekukariba."
"Regai ndinotora foni yacho."
Ndakadaro ndichitosimuka, ndokuyenda kunotora foni yangu.
kwakudzokera ku kitchen kunoisa line ra gogo ndakatogara pabhenji. Vakanditi ndifone # dzasekuru Matthew, ndokumbotanga kudzitsvaga ndichibva ndadziwana, kwakudzifona, isu kwedu kumusha kwaisanetsa network yaingobata chero.
sekuru Matthew vacho vakabva vadaira foni yavo,vachibva vatanga kutaura na gogo vachivsbvunzana hutano pamwe ne mhuri,nekuti mvura irikunaya here, chibage chakaita here, vakachibva vazopinza nyaya ya sekuru kuti varara pungwe yese kubhawa vachinayiwa izvezvi varikubvunda havasi kana kugona kufamba vega, sekuru matt vacho vakabva vati" varikuuya mangwana nemota yavo kuzovawona.pamari zvapo vaiva nani zvavo, vaiva vakavakisa zimba ravo rakanaka kukariba,taimbokuyenda na gogo tichinoita one day chete. Todzoka kuno zvedu ndava zvekumaraini taisazvida pakuti taidyisa zvino kuma town uku kwaipakurwa sadza rekuti raigumira pahuro but kuno kumusha taibika poto hombe yakazara yekuti taidya tichisiya rimwe, mangwana tofumira kudya chimunya..
Zvadaro Gogo vachipedza kutaura pafoni vakabva vandidzisera foni yangu vakachitanga kupepa sekuru asi vainzwa nekutukwa na gogo, ndakatovabikira tea,ndokuvapa vakanwa yakadaro,vachibva vapihwa sadza ne derere ndokudya, asi, zvekubvunda zvaiva zvapera, ndakatovasiya mu kitchen imomo. ndokuyenda hangu kunogara mukamba kangu, ndakatanga kufunga Michael, ndipo pandakawona kuti life inonakidza une mudiwa wako anokuda plus ndaiva ndatsuwa kubatwa mazamu angu even lula lula yacho,sanike Michael pa Romance ayindigonera hake ndakato unlocker foni yangu kwakuita chivindi chekufonera Michael ne line ra gogo,asi pandikanzwa akuda kunodaira ndakabva ndamhanya kukata foni yacho ndichitonzwa kunyara nekutu ndakaita zvemusoro wangu kuuya kuno kumhsha.Asi ndaiva ndakuda kudzokera kuna Mike pamwe aiva akazo divorcer Diana but kumba kwavo ndaisatsika, ayitofana kutsvaga kumwe kwekuti tigare tiri two.
Ndichinzwa kuchema kwe zizi ndakabva ndangomuka ndichinosunga door rangu nechijira ndokudzokera kunorara ndakafuga musoro wangu, ndichitobvunda, zizi racho rakaita tuma minute richichema ndakangoterera , ndinzwe foni yangu yaku ringer, ndakatadza kuyidaira nekutya ndakapedzisira ndaisa zvigunwe munzeve,kuti ndisanzwe sound zaitoitika zvekuti handina kuzombowona kuti ndakarara sei, ndakazomuka ndichi checker kuti ndian ayifona pa line ra gogo ndikawona ari Mike zvakandipa kunyemwerera ndakatarisa zita rake ndikanzwa ka hana kangu kunyatsoroverera.ndichibva zvekumunyorera message,..... akandipindura nguva iyiyo kwakutanga kutaura tese paye,asi handina kuzokwanisa kumupindura last message yake yakanditi urikuda kuuya rinhi kuno,tuma cents twagogo twakabva twapera,ndakatoshaya kuti ndomuudza sei kuti ndirikuda kuuya,apa mufoni ma gogo maiva mutori nechikwereti ndakambozama kuda kukwereta zvikaramba ndikazofunga kubvisa ka dollar pakamari kandaiva nako, ndichibva ndayenda kunotenga airtime kumba kwasabhuku, ndakatosvika kuine mukadzi wacho wandikambotengesera huku ya gogo,but ndaisada kuti vazviwone kuti ndine nhumbu, Ndakatozvivhara-vhara nechijuzi chandaiva ndakapfeka ndava mai vacho vaiva munhu wekuti vakangowona chinhu chaiswera chazara neraini rose...
Vakabva vanditi..
"Nechaukadzokera hako kuno Leah,hausi wauraiwa na mbuya vako nebadza."
"Ndinozourayiwa ne badza nhasi uno,ko pese apa radii kundiuraya."
"Mazwano wamu salad hausikuwona kuti kana ganda rako ratosiyana nezvaranga rakaita paya."
"Imi ndipei airtime yangu ndiyende, zvenyu handingazvigone."
"Haisi yapo here apo?"
"Chii?"
"Nhumbu coz masimbiro awukaita aya haasi ega,munenge maita chinhu mukati umo."
"Munopenga chete ,chindipai airtime yacho ndine munhu wandirikuda kunofonera izvezvi ."
"Tanga wandiudza kuti wanayo here?"
"Handina nhumbu ini nditori kutsvaga munhu anondiroora ."
"Manji nhumbu ndoyisingambovanzike,tichazoriwona dumbu iro rakura tozokubvunzai kuti chii icho."
"Murume wenyu anomboziva kuti munotaurisa kudaro."
"Vanotadza nei kuzviziva,ini hadigone kugara ndakanyarara asi iwe Leah ndiwe mumwe futi waimbotaurisa kudhara,pamwe iyezvino wadzikamiswa ne nhumbu yako."
"Nhumbu yipiko imi huh?"
"Yakapinda apo usade kundivhara?"
"Chii"
"Iyoyo inodiwa nemunhu wese,muridzi we nhumbu iyoyo arikupi, umuudze kuti hanzi namai sabhuku ngauye akutore anoti mbuya vako vanozvikwanisa here zvekuchengeta munhu ane nhumbu, plus mimba zhinji dzinoda kugara padhuze na baba vayo, achimboita achisimbiswa..
"Musade kunditapa mukanwa mangu."
"Asi murume iyeye akakupa nhumbu ndoda kumuwona ndomupa sando dzake,coz Leah iwewe waizikanwa nekushaudha varume but hameno kuti munhu akakubvisa sei bhurugwa."
Ndakatowona kuti mai ava vaitoda kunditapa mukanwa mangu kuti vawone zvekundisweresa nazvo mumaraini zvino ndakabva ndaramba ndakavanyararira vachibva vanditi" urikuda kufonera aniko makuseni ano ?"Ndokuramba ndiri zii futi,vachibva vanditi"Leah unongotsamwa zvisina basa ndanga ndichitotamba newe ndikavati..
" handidi kutambwa nenzira iyoyo."
"Sorry kani sahwira wangu,ko how far huku."
"Handichaite zvekutengesa huku.".
"Mavasikana ve harare,rega ndikupe airtime yako."
Vakabva vasimuka vachiyenda kunonditorera airtime yacho,ndokuuya vachindipa,kwakubva ndavapa mari yavo, Kwakunditi."unodya mazai here?" Ndikavati."handidye"vakanditi."Horyt ndanga ndichitoda kukupa mazai e hanga irikukandira."ndikavati manga maitabasa henyu kungoti mazwano mazai handimafarire tinowonana."
Ndakabva ndafamba kudzokera kumba kwedu ndichitojusa airtime iya, ndichibva ndafonera Michael ndichitofamba, ndokunzwa foni yake ichito ringer, ndaiva ndakutomirira kunzwa sweet voice rake,zvekuti Pakangoti hello ndakanzwa hana yangu kurova ndokumuti...
"Michael !akati..
"Leah !"
"Miss you sweetheart."
"Hanty wakanditiza."
"Handina kumbokutiza ."
"Saka wakaitei?"
"Ndaitotiza ne hupenyu hwangu asi ndakuda kuuya kwauri,ndaneta nekugara kuno kumusha plus ndakusuwa Michael."
"Ndakawana mari ndokutumira wouya baby,for now zvinhu zvacho hazvina kundimirira mushe asi ndafara zvisingaite kuti ndataura newe."
"Mari yangu yekuuya ikoko ndinayo."
"Wakaiwana kupi?"
"Ndo iya yawakandipa musiya ndanga ndakaichengeta pese apa ndasarwa ne 140 us."
"Saka huya mangwana kana uchida ndokutambira mu town."
"Hoo ndinouya mangwana acho, coz kuno kumusha kuribhowa ndakuda kugara newe hangu."
"Okay baby unouya asi kana wakusimuka wondiudza."
"Horyt,urikupi kwandirikunzwa kurikuitwa noise?"
"Ndiri mu town."
"Urikuitei?"
"Pane zvandanga ndafambira asi ndakutoda kudzokera kumba."
"Horyt sweetheart, mangwana tinenge tiri tese "
"Chimbouya undipe zvinhu zvangu ndatosuwa."
"Serious ".
"Ndakusuwa zvisingaite baby."
"Ndokuwona mangwana,
Mari yakupera mu foni mangu tozotaura."..
"Kata ndikufonere back."
"Unozofona manheru."
"Horyt uswere boe."
I love you baby ."
"Kana newe uswere boe I love you too" Ndakabva ndakata foni yacho, ndichitonyemwerera, ndaiva ndatononokerwa nekuyenda ku harare mangwana, ndakazofambisa kuyenda kumba ndokusvika gogo vachitoburitsa ma plate ndikavati siyai ndisuke vakanditi...
"Zvauri izvi hazvitombode kushanda, pakawana chinoitika pa nhumbu yako mhosva inopihwa ini."
"Ndosuka ndakagara,ko sekuru vamukasei?"
"Nhasi face yavo yakachangamuka kana kufamba vakugona."
"Better,.moyo wanga usisina kusununguka."
"Koiwe wanga wamukira kuyenda kupi?"
"Ndanga ndayenda kunotenga airtime kwasabhuku "
"Uchida kufonera ani?"
"Ndanga ndichida kutaura na Michael."
"Michael wekupi iyeye?"
"Muridzi we nhumbu yandinayo."
"Hoo,hanzi chii naiye?"
"Arikuti ndiuye kuharare mangwana."
"Ngatange auya kuno timuwone."
"Arikuti haana mari, Ini ndirikutoshandisa mari yangu ye bhazi kuyenda ikoko.asi akazowana mari todzoka kuno."
"Asi hashande kani?".
"Anoshanda gogo apa anoto driver dzemuma tv."
"Saka iwe ndodzaukada mota idzodzo."
"Ayewa."
"Saka Wakadei paari?"
"Zvese zvingori paari ndakangozvida."
"Isu tanga tichitoda kumuwona iye Michael wacho."
"Akaita mari todzoka gogo."
"Asi enda sure kune murume wako munogara mese coz zvekuramba uchitenderera kuno kumusha ne nhumbu yako iyi unopedzisira wakutaurwa muno muraini."
"Yah."
"Ukasvika wotifonera totaura naye Michael wacho."
"Horyt ndokufonerai."
"Chiita unorongedza hembe dzako,ugowona kufamba na sekuru vako Matthew sezvo vane mota."
"Matondifungidzisa ndanga ndatokanganwa kuti varikuuya kuno."
"Ivo havana kufona mufoni mako here umu "
"Havana asi gogo sekuru Matthew havazotaure kuna mhama kuti ndirikuno here?"
"Unoti vane number dzavo here?"
"Vanogona vainadzo."
"Kana vakave nadzo hazvina basa izvo plus wagara mangwana urikuyenda kune murume wako."
"Horyt chisiyai ndisuke,muyende kunotibikira sadza."
"Iro sadza unorida Leah."
"Ndo staple food yedu ka."
" yah asi mapoto ngachene aya handidi munhu ane maoko akarembuka Iye muzukuru wangu achanonzwa nekudyiswa mambodza,, maoko aya anofana kugona kubika sadza."
"Sadza ndogona kubika gogo".:
"Kubika chaiko haugone Leah,ndini ndakatokujaidza zvisizvo dai ndaipota ndichikuti ubike."
"Hanty paye ndaiti ndikangoda kubika monditi siya muzukuru wangu chimbozorora."
"Ndakatokujaidza zvisizvo,."
"Don't worry gogo Michael anobika."
"Usandinakidze hangu Leah,sure ungatode kubikirwa nemurume iwe uripo."
"Kana zvanetsa anondidzidzisa kubika kwacho."
"Ukatoti anokudzidzisa kubika zvinenge zvirinani,rega ndinovesa moto ndiwone kuti ndingabikei."
"Horyt."
Vakabva vatoyenda mu kitchen ndokusara ndichisuka ndiro dzavo Ndichinyatsodzichenesa apa ndaitononokerwa nezuva remangwana kuti ndinowonane na Michael,ndakatoti ndichipedza kusuka ndokuyenda kunogara mu kitchen,ndakatanga kutaura na sekuru ndichitovaudza kuti ndirikuyenda ku harare mangwana, ndikawona vachinja chiso chavo vachinditi.....
"Hakuna ku harare kwauchayenda , tarisa kuti paye wakayenda ukadzoka uchichema-chema kuti waiva wakugariswa nemurume wausingade.
saka ukagara kuno kurinani haumitiswe."
Ndakabva ndatarisa gogo sezvo vaiva vakuziva kuti ndine nhumbu, vachibva vandipa ma sign ekuti ndinyarare.asi
Sekuru vakabva vazviwona, vakatanga kupopotera gogo vachivati...
"Ezvino ndajuwona kuti ndiwe unodzidzisa mwana kuita zvisizvo,chii chaurikumuti anyarare ipapa !"urikuda kuti ayende ku harare kunoita chipfambi sezvinoita mai vake ozodzoka akutirwarira pano,iwe Leah hauna kwaurikuyenda ndatomirira kuti sekuru Matthew vakauya nhasi, Mangwana ndobva ndayenda navo kuti vanotaura na headmaster vako vakudzosere kuchikoro kwete kuda kunoita zvechipfambi mu harare bastard, budai munomu !" Imbwa dzevanhu !"
murikuda kundijairira panapa kuda kundiwona sefuza nxaa."
Gogo vakaseka ipapo vakavati..
"Imi tibvirei uko,makuzoda kusimudza musoro nekuti Leah ati akuda kudzokera kuhare, pese apa chaimbokutadzisai kutaura zvekumuyendesa kuchikoro chii."
"Iwe leah ?"
Ndakatoita kakuvhundukira nekunzi iwe leah kwacho,ndikavati..
"Matii sekuru?"vakati
"Haikona kuterera zvambuya vako zvisina maturo, mangwana tichayenda newe kuchikoro kwenyu kunotaura na head kuti udzoserwe pachikoro penyu, woyenderera mberi nefundo dzako."
"Horyt."
Ndakangobvumira zvekuti ndizvibve ndava sekuru vangu ndaivaziva kuti pakupopota vaiva shasha,vaigona kutotanga kutuka zvinyadzi chaizvo, gogo ndivo vanditi...
"Chaurikuti horyt chii?" Uchitadza kuudza sekuru vako kuti mangwana urikuyenda kune murume wako...
End of this chapter 18...
BOOK REDU MY CHOICE RAVAKUTENGESWA FROM CHAPTER 19 KUSVIKA KUFINAL...VACHADA KUENDERERA MBERI MA-PRICE EDU ACHANGE AKAMIRA AKADAI.......
ECOCASH ZIG 90..MUNOISA PA 0️⃣7️⃣7️⃣2️⃣4️⃣6️⃣0️⃣8️⃣0️⃣2️⃣R.MABHEKA
ECOCASH USD $1.50 PA0️⃣7️⃣7️⃣2️⃣4️⃣6️⃣0️⃣8️⃣0️⃣2️⃣R.MABHEKA
INBUCKS 1.50 PA0️⃣7️⃣8️⃣6️⃣5️⃣0️⃣2️⃣5️⃣6️⃣2️⃣A.MASHONGA
VARI KUNANA AMERICA NEDZIMWE NYIKA MUNOSENDA NEWORLD REMIT pa0️⃣7️⃣7️⃣2️⃣4️⃣6️⃣0️⃣8️⃣0️⃣2️⃣
VARIKU-SA MUNOTENGA MAVOUCHER AYA....
30RAND OTT VOUCHER
BLUE VOUCHER
ONE VOUCHER
KAZANG VOUCHER
MA-PAYMENT PROOF ESE MUNOISA
PA0️⃣7️⃣7️⃣6️⃣7️⃣9️⃣7️⃣3️⃣5️⃣5️⃣
MUSAFONA PLEASE PANE NUMBER DZESE IDZODZO...MUNONGOISA MA-MESSAGE ENYU PA-WHASTAPP MUNOPINDURWA MESE...
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
920