MT TINO NOVELS🥳
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                January 22, 2025 at 08:12 PM
                               
                            
                        
                            Mt Tino 
Follow the MT TINO NOVELS channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z
*MT TINO's Channel please kubva pa1 follow that Channel 👆 and other books available there*
*Hot Collaboration*
*💓 UNLIMITED LOVE💓*
Written by
*MT TINO*
To778592426
To775665363
&
*Liliosa Chiwara aka Lillie's of the valley*
*Please Read and share* 
Chapter 9
Vanhu tapota endayi munopinda muma Channel. Endayi munozadza Channel ya MT TINO  tifanbire mberi nebook tizive kuti ririkunakidza. Mukasadaro togumira pano.
Takapinda muya naMai Mumu ndakasvika kwakugara zvangu pabed. Ndakatarisa room iya yese haaa imika kune vanhu vane tunhu twavo. Bed yacho chete yakanga yakarongeka zvayo kunyangwe ma sheets acho machena akanga awaridzwapo ayiwa ndakapa kutenda zvangu. Ndakabva ndafunga zvayiwa kumba kwedu uko mubeda wayirarira anamama wemawaya iwoyo wekuti dzimweni dzenguva kana wari panguva yavo tayizvinzwa ndiri kuroom kwangu kuya unongonzwa nekuti shoko shoko ah imi wotoziva kuti vanhu waya watanga. Isu tayirara pasi zvedu so takanga tisinganyaudze vanhu. Plus ndayinyaudza ani zvangu ini ndayiwa ndega zvangu. 
"Makanaka"
Ndakatoita zvekuvhunduka ndichidayidzwa naMai Mumu wachitondibvisa mundangarirodzekuongorora kwandayiita mumba umu.
"Matii Mai Mumu?"
"Urikumbofungeyiko?"
"Ah hapana ndirikutarisa zvangu zviri mumba muno"
"Ah urikutozviyemurawo nhayi?"
"Not kudaro amai Mumu. Hongu kunaka zvakanaka asi muyo wangu hausi pano"
"Saka uripi manje?"
"Kuna Kudzi"
"Karombe ikako here nhayi Makanaka kanokupeyi?"
"Rudo chayirwo rwakandikwanira. Rudo harutengwi nemari, rudo harutengwi nemota  as long achindida togadzira zvinhu zvedu tega.
"Ende Makanaka hauna kutombokwana"
"Ndakatokwana ndirikuda kutonoona Kudzi ko akafa ndisina kumuona neniwo ndozviuraya handidi kunyepa hangu ndoraramira chii?"
"Makanaka zvaunotoshura nhayi iwe"
"Mai Mumu I'm not enjoying this marriage for good tarisayi vakadzi waripano fungayi kuti wangani. Baba wangu hawana kuzvitarisa zvese izvozvo chawakada kupfumiswa naJekanyika. Haandide uyu Mai Mumu akamanikidzwa nadaddy inga wataura wani waJekanyika.
"Iwewe ndiye munhu achatozokuda manje and ndozviziva kuti wakazvibata Maka. Akadzimara adambura tsinga yako yehumhandara unochengetwa iye mari inoita kukudiridzira zvekuti tokutadza iwe."
"Moyo wangu hautomboripo pano amai Mumu ndirikuda kuyenda kumukomana wangu zvepano kwete."
Ipapo hana yayirova heya vanhu wayifunga kuti ndichiri mandara. Zvino ndodii ndotiza here ndoitaseyiko. Mayiwe zvangu ini ndidii? Handifi ndakabvuma kurara naye Jekanyika handiiti handirari naye harahwa iyoyo hazviiti.
Ndayizvifunga ndakabata shaya yangu misodzi yakuyerera.
"Makanaka"
Wakadaro wachindirova rova pabendekete.
"Eh mhaaa"
"Urikufungeyiko"
"Handibvumi kurara nawaJekanyika ini handibvumi handidi?"
"Hezvo urikutiiko iwe?"
"Mhaaa ah eh ndirikuda kudzokera kumba kuna mama wangu"
"Hezvo unopengahere iwe tsvee zvekuti ufare kuti amai wako wagarika iwe uribusy kuita kunge benzi ipapo.
"Vanhu hamungandinzwisisi kwete ndomuda ini Kudzi ndomuda nehurombe hwake ndati ndomuda kani inini"
"Makanaka mari yasiiwa kumba kwenyu wamboyiina here?"
"Handineyi nayo"
"Makanaka kwana iwewe ko idzo mombe zvadzo, zvekutoti akakuona uri mhandara atoti anounza dzimwe mbiri nemari pamusoro haaa iweka"
"Handisikutoda zvekutorara naye Jekanyika handidi zvachose"
"Ewo achauya zvake muno Jekanyika ndichamuudza kuti urikuramba then zvinhu zvakayendeswa kumba kwenyu zvounzwa hazvo kumba kwedu oroora Mufaro. Vabereki wako ndanga ndichimbowashoora asi pandasvika pano ndatoona kuti ayiwa wakafunga nekuti zviripano eyi haa itaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana chayiko. Pamba pano pakarongeka zvekuti ndatombofunga kutovati waJekanyika roorayi zvenyu ini ndigare pano anyway ndichangowativwaroore zvavo mwana wangu nekuti eyi haaa pamba pano pakarongeka zvapo"
Ndakambopukuta misodzi kuvatarisa amai awa. Ndayida kunyatsoona kuti wayirevesa zvechokwadi here? Imika munhu anedzakakwana saamai Mumu wangati wanotodanana navaJekanyika voda kuti mwana wavo apinde ipapo here kana ndimi. Ndakavashora kusvika kwekupedzisira chayiko ini. 
"Eh Rutendo wotonogezaka haungarari panhu pakadayi usinawo kugeza shamwari ndanzwa kuti waane mazuva usina kugeza apa uri uku"
Wakadaro wachinongedzera mudenga ndakabva ndaziva kuti warikureva kumwedzi ini heya kumwedzi nhayi. Ndoita kunge ndichatsvaga pekucheka ndoisa ropa pachidhende ndopfeka zviite sekuti ndichiriko zvedi. Ndakasimuka zvangu chinyararire kwakuona mutorine mvura nakare apa mayiwa nezvinhu zvayinhuwirira ipapo yowe zvangu. Mvura yacho yayitopfumbika hutsi ndakanyika ruoko rwangu kwakunzwa ichidziirora. Ndakabva ndatonzwa kuda kugeza kunyangwe ndanga ndisikuda. Panguva yandanga ndakuda kupinda muzidish ravo iro hameno kuti ndiro ratinongonza nevanenge wayenda Harare here kuti tub kudini diniwe hameno ikoko. Ndakanzwa vanhu kutaura muroom mandanga ndabva. Ndakanzwa vari Mai Mufaro navaJekanyika. Ndakateerera asi vayitaurira pasi. Mweya wemakuhwa wakandibata kwakunodonhorera nepanokiiwa napo door paya luck panga pasina key yacho. 
Ndakadongorera kwakuona vanhu wakagara pabed wakatarisana heya. Wakabva watambidza phone Mai Mumu waya wakati wapembera kusimuka kujamba jamba. Ini zvirimumaziso yakabva yatoiswa pasi pepillow kwakujambira vaJekanyika wese wachiwira pabed. Yowe zvangu mutambo kwakutotsva vanhu kwakutotanga kukisana paya uku Mai Mumu wachibatwabatwa zamu racho mabatirwo arayiitwa manje kkkk kana wangu murombo haasviki pakudaro. Masound ekiss aya akati osvika zvavo munzeve dzangu apa wakati amai Mumu wacho wanegadziko zvekurevesa chayiko rakati rokanyaniswa zvaro gadziko iroro imiwoye mukadzi mukuru ayiita kudayirira zvayinzwika nekwandiri kuti ummmm . Ndakapa kutenda hangu hembe hadzina kubviswa asi vanhu panguva yacho wakatonzwika kuti apa wakuita nekuda kwema sound avayiita ipapo. Mweya wekuhakira zvayiitwa nevamwe wakatomboda kundibata asi ndakazviudza kuti moyo wangu dzikama nekuti zvaunoda handina. Ko ndayiwa naye here Kudzi kana kuti anga akarara ku hospital uko. Ndakabva padoor ndanyatsogutsikana neangu maziso kuti zvesure amai awa wanodanana navaJekanyika. Ndakachinotanga zvangu kugeza ayiwa kunyatsogeza chayiko kuzvinyudza mumvura iya kwakunyatsobvisa tsvina yese imi woye. Sipo dzacho dzayiita kunhuwirira zvayitora moyo chayizvo. Ndakageza ndirimo kusvikira ndisingachadi zvekugara mumvura umu ndanyatsonzwa kuti ndageza pano. Ndakabuda zvangu kwakupfeka ndichibva nduda zvangu kuita sendisirikuziva zvarikuitika. Ndakawana wakagara zvavo vatopedza asi amai Mumu wayinyara nyara. 
"Eh ka fresh meat kangu"
"Eh ka fresh meat sure imi, watogona wapedza kugeza rega ndigezewo"
Sure wakatogona wakati wayida kugeza kunyangwe ndisiwechirungu zvangu asi kasmell kezvavanga wayita kayinyatsonzwika.
"Rutendo"
Wakadaro waJekanyika wakanditarisa. Ndega ndakanyatsoti ziharahwa iri ririkutambisa nguva yaro iri rinoda kundiurayisa nechirwere here?
"VaJekanyika?"
"Matii?"
"Eh ndanga ndafungaka kuti mutorewo mwana wangu. Ah hamungambobatsiri BaRutendo wega ah imi ndimi musingadi kuti mwana wangu agarike here"
"I think amai Mumu  nyaya iyi takamboyitaura tiri two tikatoyipedza. Iwe wakanganwa here kuti ini handikwanisi kuroora Mumu nekuti mwa.... Oh ok tozotaura tozotaura"
"Ah kk ende futi imimi so nekuti mwana wangu zvine basa reyi izvozvo kkkk imika baba imi seyi muchida kundisekesa imi kkkkk ewoyi kwacho ewo ah kana kuzombopinda mupfungwa dzangu nhayi asika chiitayiwo kuti auye agare pano anzwa nekutambura mwana uyu seyi musina tsitsi kunyangwe hanzvadzi yake Tanaka hamunzwiwo tsitsi here uyu mudiki uyu tomboti ayiwa hamupindirani ko ava two ava ko kumbowati wauye wambogarewo pano handiti ndiri shamwari yenyu here plus munotamba nababa Mumuka imi."
"Tozotaura nyaya idzi chiyenda unogeza munenge maneta nemapoto ekwasahwira wenyu asina kurongeka uyo."
"Mungabva madaro here weduwe?"
Wakadaro wachipinda mubathroom muya ini kwakusara ndakatarisana nezihure iri ndichiyedza kubatanidza nyaya dzawanga wachitaura ipapa.
"Hesi kani babe wangu"
Rakadaro richida kuuya kuzondibata ini kwakuyenda kunerimwe divi.
"Hapana zvandirikumboda kukuita ini ndirikungoda chete kuti undipe hug chete nekiss ndobuda hangu"
Ndingapa munhu kiss muromo wabva kukisana naMai mufaro Iwo makiss acho anenge achiita kunyaudza vanhu vachiita kunge warikukangora maputi mumuromo evo ndisiyeyi zvangu handingaiti munyama here kana ndimi iyo mvura inganaya here pakadaro.
"Huya kani babe"
"Nhasi chimbomisiyayi vaJekanyika ndototi week rino rese chimbomusiyayi haana kumira mushe ndinenge ndiinaye zvangu kusvika apedza haaa ndinenge ndiripo musatya"
"Ah ende amai awaka kkkk heya kutochengera here uku kkkk kana anaMumu nekutaura kwavanga wachiita amai awa wanogona kunge wari vana waJekanyika chete.
Stay tuned......
In God Hatiperi
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                        
                                            🔥
                                        
                                    
                                        
                                            😌
                                        
                                    
                                    
                                        174