MT TINO NOVELS🥳 WhatsApp Channel

MT TINO NOVELS🥳

12.0K subscribers

About MT TINO NOVELS🥳

*Advertising Advertising* Contact MT TINO 0775665363 *RAMBA WARAYIRA* 1. Urikuda kubva stress here? 2. Urikuda kuwarayidzwa here? :::Happy reading and enjoy your selfs usatyira kure huya titandare Muwarayidzi nemudzidzisi wenyu *MT TINO* Nyanduri! Munyori wemandorokwati I need your support. Mubateyi apa 0778592426 only call 0775665363 Whatsapp number https://wa.me/c/263775665363

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/27/2025, 5:42:15 PM

*Tanga waLiker wozowerenga* More likes guys❤️🔥🌹💃🙏❣️ I need your serious support apa guys

❤️ 👍 😂 🙏 🇿🇼 😢 😮 54
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/27/2025, 5:16:24 PM

*MT TINO* https://whatsapp.com/channel/0029VakolKb0AgW5bvZLu21g *👆👆👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1. 👇👇👇👇 WhatsApp Grp https://chat.whatsapp.com/HCHDA7W5Mae3qAlBPaR1NB Please follow my Facebook page group and like my books. https://www.facebook.com/groups/939921260772355/?ref=share *💓MUDZI WERUDO❣️* *🌧️ROMANTIC💓 NOVEL* Written by: *MT TINO* Call only To778592426 WhatsApp To775665363 *Please READ and SHARE* *Love Story💓* Chapter 1 "Anabelle urikubva kupi?" "Mama siyanayi neni kani ndakuudzayi wani kuti ndirikuyenda ku party" "Kwekurarako here Ana ndakakuti kudii?" "Ndandadhakwa kani mama so ndayisakwanisa ku driver" "Ndakamboti kudii nenyaya yekunwa doro iwewe munhu wemusikana wese wese unesure here iwe?" "Mama kani munondikuwadza ah chamurikundirovera chii ipapa?" "Stupid mhani iwe waurikubvunza izvozvo ndiyani saka urikuti zvaurikuita zvirikundinakidza here iwe? you need to disappoint your father right. You forget your career right?" "Mom" "Yes you forget your career Anabel. Career yako hayitombodi zvese zvaunoita izvi. Unozvidzikisira mwanangu and basa rako haridi zvisina basa semunhu arikuzoda kutenderera all over social medias. Unozvidzikisira and kwaurikuda kushanda havazombozvifariri nekuti unodzikisira basa" "Mom ndozviziva kani ah" "Ndirikutokubatsira Ana dzikama zvako uyite munhu kwaye wanzwa" "Mama mama chiyendayi I'm tired nedrama renyu iri" "Drama heeee drama ndochikuvadza chimwana ichi " "Daddy daddy daddy...." "Shut up urikuda kutikanganisira isu tirikutoti uyitewo munhu pavanhu iwe unotoda deliverance iwewe" "But mom inga daddy vane a lot of companies wani. Wane Mari yakasviba wani saka why murikuda kuti ndiyende kunoita CEO mu that group nhayi? Manje ini handisikuda ini ah ndirikuda kufara nehupenyu wangu hangu ini ah isayi Mike uyo why me" "Ndochirova ichi" Wakadaro mai wake wachitora push ravo kwakutanga kurova mwanasikana wavo. "Daddy daddy kani imi daddy mama wanondikuwadza awa ah....." Akadaro zvake mwanasikana achidayidzira baba wake asi hapana akamunzwa sezvo baba wayiwa kubasa kwavo. Anabelle mwana ayifarira zvekudhakwa zvakanyanya tongoti mwana ayida zvemafaro zvakanyanya zvekuti musi uyu akanga akatodhakwa zvake. Chayisawa chishuwiro chababa wake naamai wake kuti ayite zvaarikuita izvi. Vayishuwirawo ramangwana rakanaka pamwana wavo asi mwana wavo wacho hayi. Apa mwari wakanga wakamuropafadza nenjere dzakanaka zvekuti pagroup ravo revana wayida kuitwa ma CEO iye akanga asarudzwawo. Rayiva group rema company awakanga wakaita mashares zvino ma company aya akanga akawanda nekuti rayiwa group of 20 ma company ayiwa over 50s chakadaro. Pama company aya wakasarudza vana 5 chete wayifanirwa kunoita ma CEO asi wachishandira pa same Office wosiyaniswa zvavo pama office rooms. Group iri rayiwa group rema richest. Payisimudzwa vanhu wane zvinhu zvavo ndiwo vanhu wayisimudzwa wacho wayiwa mugroup iri. Zvino Mai nababa Anah wayingowa nevana vaviri chete mukomana nemusikana. Mukomana ndiye ayiwa mukuru paakanzi nababa wake atorewo mukana uyu akarambisisa akati ini kwete isayi zvenyu Anah. Musikana ndiye anova Ana uyu ayitoona zvinhu muhupenyu hwake zvese zviri correct akanga asina basa nezvakawanda kana kalife still kake akanga asina basa nako chaayida mafaro kunyanya. Pakutevedza maparty ayiwa mwana ayiwa nechipo zvake iyeye apa mwari wakanga wakamuda pazvese zvavo. Parunako wasikana wese wakamiswa apa iye ndiye angatotanga kunhongwa nekuti ayiwa nerunako rwayidana anonzwa chero ukayisa make up yakaita seyi pana Anah wayisasvika. Mwana anga akazvarwa mhani uyu and anga akaumbwa zvayinwisa mvura structure yake ndiyo iya yekuti chero usina basa nemukadzi iyeye akapfuura pamberi pako unoshaker wega. Ayiti kana achifamba kunyangwe mushenen'ene uyu wayingotamba wega so. Pachipfuwa apa zvapo ayiwa anga ayinechipo napo zvekuti ukapatarisa unomedzera wega mate. Mwana anga akaumbwa zvekuti chero uchizviti unokwikwidza ukamuona wega unodududza chayiko. Zvopa nenjere dzake ayiwa mwari ipapo wakatora nguva zhinji chayizvo. Ayiti akakupa zano so ayiwa wega wayigutsirira musoro even zvaanotaura so wayitoona kuti zvino maker sense. Baba wake chayiwo wayitoyenda kwaari kunotsvaga mazano ekubasa kwavo ndokusaka wakazomuvhoterawo kuti apinde payidiwa ma CEO kunyangwe wakambotya asi wakazongozvishingisa zvavo. Zvino mhepo yakazongobataka ipapa pekuti munhu wacho akanga asina basa nelife yake ayida mafaro kudarika zvimwe zvinhu zvese. Ayiti akadhakwa wayinzwa tsitsi pamba chayipo ayipinda husiku amai wake wayitomboyedzawo kudzoredzera chayiko. Kunyangwe pakukura kwake kuchikoro chayiko akatomboyedza kuiswa muma boarding schools asi akadzoswa wakamutenderedza muzvikoro zvakasiyana siyana muma boarding schools wachiti zvinoshanda asi zvakashaya basa chayiko. Inyaya yekuti vanhu tinobarwa nezvipo zvakasiyana nekuti nehunhu hwake uhu kuchikoro ayisatombopasa asi uyu mwari wanga wakamuropafadza zvake panjere ayikwapura chikoro zvakadaro. Ayiti akapihwa question paper ayidzirera rakadaro. Wakagara naye pamba. Kunyangwe pamaoko apa ayiita kunge munhu uya akagarwa ayitomisidzana nevarume chayiwo hameno kuti ayimbotemba neyi paayiwa. Mwana ayidenha iyeye oti kurova kwacho rayiwa basa basa chayiro. Zvino wabereki wakayedza kumbodzoredzerawo wakamboyedza kurovesa nemapurisa asi mapurisa acho akayita zvekutamba ndiwo ayipedzisira arohwa ndiwo..... Musikana watirikutaura nezvake uyu anonzi Anabelle Mlambo anogara mu Glen Lorne nevabereki wake. Anogara naMai wake nababa pamwechete nebrother yake anova ndiye Mike. Family yavo ayiwa yakanga yakarongeka zvakaizvonaka chose. Hapana chawayishaya pamba pavo. Kana vari washandi pamba pavo ayiwa hatichatauri yayiwa fararira wakanga wakatowandisa kutodarika vanhu wepamba pavo. Anah paakaona kuti amai wake warikuramba wachimurova akasimuka pabed pake achimhanya akadhakwa kudaro kwakutomborovera pavari ivo Mai wake wakadzadzarika wachinomirira uko. Akamhanya zvakadaro kwakunozvivharira mubathroom make kwakutovhura mvura mutub kwakuzvinyika zvake muwarm water yayidziirira zvayiizvonakidza. Akatozobuda umu anzwa kuti amai wake wayenda sezvo wakanga wasara wachipopota wari wega imomo. Akabuda kwakuzvipukuta pukuta kwakunozviwisira mumachira kwakurara zvake kana kunodya musi uyu haana akaswera nenzara seyipapa vanhu wakanga wakutodya zvakare super asi hapana akamutevera mamaid ese akarambidzwa naamai wake kumutevera. Baba wake wakamutevera wanzwa moyo kurwadza wanzwa kuti mwana wavo aswera nenzara uye mwana wavo wayisada naye iyeye because she's so brilliant and clever. Wayisatoda kuti mwana wavo arohwe rohwe ndokusaka masikati paya ayidayidza daddy nekuti daddy wake wayimununurawo zvedi. Wakatora chikafu chake zvechisimba kwakufamba zvavo wachiyenda kwaayiwa asi wakatosvika nekumbomudhonza nzeve. Hakusi kuti wayikuza mwana wavo kuti ayite kahunhu aka no wayitoyedzawo kumutsiura wachitomubatsira zvakatonyanyisa kwazvo ayitowewo mwana wacho ayiwa asinganzwi zvake asi baba wake wayitogarawo naye pasi wachitomuonesa chinonzi hupenyu asi ih wanga wakabara benzi ravo. Akangoti baba wake wachibuda muroom make akabva anzwa phone yake ichirira akatarisa kwakuona call from her friend Nicole. "Best" "Anabelle where are you ndaswera ndichikutsvaga but wanga usikudayira foni?" "Best ndanga ndakadhakwa shamwari saka ndaswera ndakarara ini apa ndatomborohwa namhamha" "Best chitombosiya yekurohwa iyi ndine zikunyaya iwe wasaririra check mu girls group" "Kwayiteyi best?" "Just check iwewe well I can't wait best 8 o'clock yatononoka kuchaya" "Chiiko nhayi Nicole just tell me do you need to kill me with curiosity here iwe" "Best kwayita best part ku The Bronte Hotel kurikuuya the richest charming boys wepa five stars best eysh I can't wait best be fast today I'm the one who's going to drive iwe kurumidza kugadzirira iwe uko todanwa tikanzwa uko best kurumidza eysh and don't forget our best dance hanty uko tichanotamba zvekuti ivo wega wachamira kudayi" "Well can't wait too but eysh" Akadaro musikana achikwenya musoro wake achifunga kuti anopabuda seyi ipapo plan yekujamba dural yakamubata zvinesimba kwakusekerera achikwenya musoro kudaro. "Ok best I can't wait too kurumidza kuuya best" Akabva atokandira mablanket kure naye kwakutomhanya kushower akambogeza zvisvinu here ayitoona anonokesa kani kwayingowa kumira pashower kwakutobuda. Akatarisa hembe yekuchinja. Ipapo pakamutemesa musoro akayita dzekuwaridza pabed kwakuzongoona kadress keblue kayi greater, kayinyatsomunhonga kani mwanasikana zvekuti runako rwese rwakanyatsoti pachena bhaaa. Kwakupfeka nema hills ake e gold, ndizvo neka watch kake ke gold again nema eye rings acho ne neckchain. Vhudzi rake akabva anyatsorisunga ko anga akamborukwa here vhudzi rake ndiro ayigara naro apa rakanga rakakura zvayiyemurwa nevazhinji rayisvika kumagadziko uku ungati murungu zvoda nehutsvuku hwake uhu ah. Akabva amira pa Mirror kwakunyatsozvitarisa akagutsurira mwanasikana. Phone yakapinda ayiwa Nicole akabva atoziva kuti Nicole asvika kwakubuda achiita kuhwandira kwakunobuda neback door akamboda kujamba dural but akatya kuzvikanganisa kwakuyenda neku gate uko akano flasher mari pana gate man nekuwanda kwayo akangovhura gate kwakusekerera zvake. Akanopinda mumota mayiwa neshamwari yake haaa mwana ayida mafaro zvake uyu...... *Please like, comment and share* End of chapter

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 👏 🔥 🎂 🤣 283
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/26/2025, 7:27:19 PM

*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 30 Final chapter. (Narration) Kubva pakarota Makanaka hope dzaambuya wake akanzwa kufara kwazvo akazvipira zvake kurarama mugomo umu. Kugara kwaakaita mugomo iri haana kunge aziva mwanasikana kuti azvisenga. Mwana akanga ava nevana vaviri mudumbu make asi midzimu yayitomuchengeta manje. Ayiti kana akarara ayitorota zvekuita maererana nemishonga yayienderana nezvaari. Kunyangwe akati arikurwara ayitorota manheru anzi chera mushonga uyu. Ayiti iye zvimwe ambuya wake wachakuarumidza kuita revenge kumuwengi wavo asi hazvina kuita sekudaro nekuti iye ayida kudzoka pamba paambuya wake kuti anogara ipapo. Midzimu yakanga isina kumutendera izvozvo ayitowe nebasa rekuchengeta muzuwo webako nekuti nzara nenyota zvakanga zvatanga kutsviriridza. Iye ayiyenda kudziva riya rinoyera achinoteka mvura ipapo asi vamwe wese wayisapasvika. Zvino apa nzara yakanga ichirika kumawambo zvayo. Akamugara mugomo mwanasikana asi ayitodya achiguta. Akasvika pakupinda mumwedzi misere iye ayosada kuonana nevanhu kana kisangana nevanhu ayizera kana achinoteka mvura ayiyenda nekuseri nekuti hapana ayikwanisa kukwira gomo iri uye hakuna anokwanisa kuteka mvura mudziva iri iye ndiko ayiyenda nako oteka mvura yake achidzoka. Ayitofunga kuti pachasvika dumbu rake mupfumbamwe haazokwanisi kuchera ayitotutira muzvirongo zvidiki asi kwete akanga akatosimba asingatonzwi panorwadza. Musi waakanga akuda kubereka bako reninga rakavhurika roga iwe akatoshama apa musi uyu akaswera achibayiwa payiwa mudumbu make. Paakanga akuda kupinda mubako kunzwe kwakapenya zvakamuvhundunza apa nguva yezhinja yakanga yadarika vanhu wakanga watowe munguva yechirimo apa nzara ko vanhu wayidyareyi. Akanzwa mabhanan'ana akutanga kurira pamwechete nekupenya kwayitavisa. Mvura kwakuturuka iye kwakumhanya kunopinda mubako. Haana kunge aziva zvayireva kuturuka kwemvura iyi. Asi kwayiwa kuyenda kwevadzimu kuti varidzi wenzvimbo wawe munzira kuuya. Iye achipinda umu akayenda payiwa nedehwe huru kwazvo kwakuwarira achibva arara ipapo. Kuruma ruma kuya kwayiitika kwakatanga kuyedzera arimo. Akambotanga achazvinyarara asi kwakatowedzera. Akatongobiwa nehope mwanasikana kwakutoona achipusha mwana. Paakamupusha akabva atotanga kudzidziswa zvekuita pamwana nemunhukadzi akanga akaita wechikuru. Achiudzwa zvekudimbura guvhu nekunzi havafanirwi kupindwa nechando tora machira pane arikuseri uko umonerw vana wasatonhorwe ndizvo wapindira muno. Panguva yaakapepuka akapepuka pain yatowedzera apa mabhanan'ana aya akanga akumanzwa ari mukati muya. Nguva iyoyo akamupusha mwana pasinanguva anzwezve kwakuuya umwe. Paakada kuti azorore tuya twatanga kuchema akabva ayeuka zvaanga arota kwakutoita zvaanga audzwa kwakutsvaga machira ayinzi arikuseri kuhadyana diki kwakumaona zvesure ariko kwakutoputira vana. Vana ava vayiwa wanakomana apa wese wakanga wayine mark yakafanana yayiwa pahuro apa. Nehuduku hwawo ihwohwo wayitoona kuti uyu ndiNgoni pachezvake. Akararamo musi uyu kwakutorota achipihwa mazita evana. Tatenda na Tinotenda. Ndiwo mazita ayo akarota muhope dzake. Apa akabva ayeuka kuti Tatenda rayiwa zita rababa waNgoni. Ayisagona mwanasikana nekuda kwevana wake ayinzwa manyuku nyuku chayiwo. Kunerimwe divi Ngoni akatombofunga zvekubva mutsvimbo iyi asi baba wake naamai wake wakazvipira kumurambidza nekuti wayida kumuteverera wachiona mafambiro ake nekuti wayidya kuti anogona kunozviuraya. Zvino nekuda kwechiitiko chekuti mvura hayina kunaya zvakakachamadza wazvinji. Mambo sezvo wakanga wakamirira Gaurani wakatuma nhume kunodayidza Gaurani sezvo nguva yawakanga wawirirana yakanga yadarika. Akadayidzwa Gaurani asi nhume yakadzoka neshoko rekuti ivo mambo nemakurukota avo vayende kwariri nekuti mudunhu mavo mayisapindika makanga masviba nemisodzi yayiyerera mariri. Zvakashamisa mambo wakati zvakakodzera kuti wayindeko kunyangwe mwanakomana wamambo paakanzwa izvi akabva ati neniwo handisari ndirikuda kuyendawo ndinozvinzwira. Wakamuka runyanhiriri kwakuyenda kuya wakasvika asi wakasvika Gaurani achichema. Wakatambirwa zvavo wakaunzwa zvakawakachamadza. "Mambo dunhu renyu rasviba mambo. Zvakutoda kuti muwane munhu anopinda mubako mubike doro. Mukabika doro mvura inoturuka. Wedzinza renyu mambo warikuchema warikuti makateura misodzi isina mhaka. Panemwanasikana anofanirwa kunge ariye arikuyambutsa vanhu mudunhu renyu panzara iyi asi makamurasira kure nemi zvekuti kumuwana kwenyu kuchanetsa. Nzara yagara yakanga ichazouya mudunhu menyu asi nekuda kwemwanasikana uyu yakabva yakurumidza kuuya. Makauraya Gaurani wemudunhu menyu asina mhosva. Mamuuraya ndiye akabva asunga zvese asi wedzinza rake newedzinza remusikana uyu newedzinza rekwenyu zvakanowirirana wakati Mwanasikana uyu ayitonzi awe Gaurani asi wedzinza rake wakaramba wakati hazvingayiti ngaangowe muyambudzi wevanhu Gaurani ozouya hake. Zvinotonzi musi iwoyo wamuchabika doro ndipo muchawana Gaurani wemudunhu rekwenyu asi zvichiburikidza nemusikana uyu. Mwanasikana uyu ndiye anotokwanisa kukuyambutsayi chayizvo. Ndiye achatoita kuti vedunhu renyu nzara iyi itaramuke. Zvino kuti mumuone zvichakutorerayi nguva nekuti achawanzwa muzviso zvevanhu kuburikidza nekuzvitakura kwaakaita. Anevana wemwanakomana wenyu uyu. Mwanasikana uyu mambo haatomborina mhosva. Pamakurukota enyu aya ndipo pane honzeri yezvose izvi. Ndapedza nemi , mukaona pachaturuka mvura mumashure memvura iyoyo kunze asi zvichabuda pachena zvega. Zvichatora nguva asi zvirikubuda pachena kuchachama kuoma pasina mazuva maviri chayiyo kunyangwe kwanaya mvura zhinji. Kumashure kwemvura iyoyo zvipfuyo navanhu zvichatanga kungofa. Pamuchabika doro munofanirwa kuwana rekunokumbirira muripadziva rekufira Gaurani kuti rirege kuramba richichekeresa uye kukumbira ruregerero kwaari kuti akuregerereyi. Mvura ichatora makore maviri isikunaya ipapo kubva pamakashaya mwanasikana uyu muchamuwana mumashure memwedzi mishanu kubva pachaturuka mvura ndipo muchamuratidzwa kwaari. Ndapedza nemi" Akadaro Gaurani achifuratora haana kutombomirira mibvunzo kana kudii akangotendeuka kwakuyenda. Ava wakasara wachitarisana uku sekuru Tobias wakanga waripo wakunyepera kupopota kuti "akakonzeresa kuti mwanasikana wangu atadze kugara muyimba yehumambo ndirikupedzerana naye" zvayiwepiko wayitokwenya mhino nekasiyanwa kuti zvirege kubuda pachena zvachose. Mwanakomana wamambo anova iye Ngoni paakanzwa kuti mudiwa wake akanga asina mhosva akanzwa kurwadziwa kwakanyanya ayinzwa kunge akatotakura dombo. Akanga akungogara akatarisa mudeka kuti pakangoita hore yemvura ochitanga kuwerenga mwedzi mishanu yakataurwa. Zvakatora mwedzi yakati kuti kuti aone hore yemvura ayiti akangoona makore mudenga otogara panze achiti aone kunaya kwehore yemvura. Zvayimunetsa mwanakomana zvekuti pakaturuka hore akanga atotanga kuwerenga kuti one. Hore payakaturuka akatanga kuwerenga kuti one payakangosvika pashanhu mwanakomana akanga asingachagari pasi. Ayiita kunge munhu uya awakupenga chayiko. Mudunhu mavo zvipfuyo nevanhu zvakanga zvatanga kufa nenzara. Zvino vanhu wakanga wangosarirwa nemadziva maviri anemvira mudunhu rekwavo. Rimwe ndimo makafira vanhu hapana ayida kusvipapo wachotya kufa nekuti makanga matonyura vaviri kubva mumashure maambuya waMakanaka wachiyedza kuda kuchera mvura imomo. Zvino vanhu vakanga watarisana nedziva rayirera iro rayiva mujinga megomo. Mayityisa kusvika payitosvikwa newakashinga moyo. Pavanhu wakafa nenzara payiwerengwawo nemhuri yasekuru Tobias kusanganisira nemudzimai wawo ivo wakanga wasara wega pamba. Zvino midzimo yekwambuya waMakanaka yakatanga kuwapandukira zvekuti wakanga wakufamba wachorotimoka zvese zvawakaiita wega. Wayiti wakasangana nemunhu womumisa wotanga kumukurukurira zvese zvawayiita kunyangwe pana Gaurani vayitowewo neruoko ipapo nekuti vayidawo kuita Gaurani. Kwamambo chayiko wakayenda wega wakanokurukura zvese zvawayiita zvekuti mambo wakashamisika kunyangwe nevanhu wakawanyarira. Mambo wakangotarisa kusvika munhu atotanga kupenga zvekutotayika njere chayiko kwakunozviwisira mudziva ndiye akawa wechitati kubva mumashure mambuya waMakanaka . Vanhu wakanga wakugara wakakomba rukova urwu. Makanaka akaona pasina mvura yekuti abikire vana wake zvokudya sezvo vayidawo kudya kwazvo akawasiya akati rega ndimhanye kurukova ndinochera mvura. Akashamisika kuona vanhu wakamira kure nerukova wakabata zvekucheresa mvura yake. Vanhu nekuda kwehunyerekupe hwahwakanzwa wekuti ndiye achayambudza vanhu panzara wakavhunduka wachimuona. Iye zvakamushamisawo kuti vanhu wakakomba dziva iri zvadii. Ko zvenzara nenyota ayizviziva here iye ayidya achiguta. Vanhu wakatanga kumudana wachiti awachererewo mvura mushure mekunge akanga achera yake. Akati vanhu vauye awacherere kwakuuya nehuwandu hwawo. Paakangopedza akabva amhanyira kuvana wake. Zvino shoko haritani kufamba nguva yese iyi hapana ayiziva kwayigara Makanaka asi apa vanhu wakamhanya neshoko kwamambo kuti tamuona Makanaka atocherera vanhu mvura adzokera kugomo. Mangwana acho anamambo nemakurukota pamwechete naNgoni wakayendawo kudziva asi Makanaka haana kubudikira vakaita mazuva matatu wachiyenda asi havana kumuona. Pawasina kuyenda vanhu wakanga wakakomba dziva Makanaka ndokubudirira. Sekunzwa kwavo kuti ndiye achawayambudza wakatanga kuchema nzara kwaari. Akanowayi ndimirireyi ndinouya. Akateka mvura kwakudzokera. Akanotora hadyana huru kwakuisa hupfu kwakudzika gomo kuyenda padziva paya. Vanhu wayiti zvaauya nehushona tokwana here asi iye ayiti mbiya nhatu dzehupfu pamhunhu vanhu wese wayiwapo wakatokwana hukasara akatodzokera nahwo. Vanamambo wakanoudzwazve kwakuuya asi Makanaka Havana kumuona. Wakazototi patowe paya ndipo wakazongomuonawo achitopa vanhu hupfu makurukota akatomhanyawo kunoisirwa hupfu. Mambo nemwanakomana wavo hapana pawayimbofa zvavo nenzara nekuti mari wakanga wayinayo zvavo. Zvino Ngoni misodzi yakatanga kiyerera akanozviwisira mumabvi amakanaka. Makanaka akapererwa vanhu wese wachibva wanzi ngavabve panzvimbo iyi kwakusara mambo nemakurukota avo Makanaka naNgoni. Wakagara pasi wakatanga kukumbira ruregerero. Akamboda kuramba Makanaka asi paakarangarira vana wake akazongosunungura moyo wake akawaregerera. Musi uyu ndipo wakamukumbira kuti atenderewo makurukota pamwechete namambo kuti wakwire homo watore hupfu hwekunobika doro. Wakakwira zvedi asi vamwe ndiwo wayitombodonha wamwe wachifenda nekuda kwezvawayiona imomo. Wakasvika Ngoni akashamisika kuona vana wake kunyangwe baba wacho. Akanzwa kufara Ngoni ava wakaita zvawanga wafambira kwakuti kuna Makanaka wayende wese kumba. Amai waNgoni pawakaona muroora wavo newazukuru wakaunzwa kufara kwazvo kunzwa kupembera. Chivanhu chese chakaitwa uyu Makanaka haana kumira kupa vanhu hupfu nekucherera vanhu mvura. Makanaka naNgoni wakatozoroorana nekutoita traditional wedding yavo vanhu wakapembera nekunzwa musi iwoyo End of chapter 30 _THE_ _END_ Thanks ne support yamunondipa

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 🥰 💃 🍏 👏 338
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/17/2025, 5:19:20 PM

*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 19 Endayi mose ku Channel ndine mamwe mabooks manyama andirikuda kukanda ikoko. Magrp angu awandisa mufoni umu zvimwe rauri ndiro ndirikuda kubuda enda kuChannel. Banned yanetsa mumafoni ewanyori gara wakarira kuChannel usasare pane mamwe mabooks. "Asi daddy murikuona zvichiita here?" "Zveyi?" "Kuti ini ndinodzidziswa kuvhima naMakanaka munoona zvichibuda here?" "Kana mazoregedza kunetsana pano ndiko kuti nditi musafambe mese asi kana muchirikurwa nhasi muchanodzidzisana kuvhima." "Daddy" "Ndapedza so ndirikuda nyama pano nhasi chero yetsuro zvayo" "Zvino ini handina kana chimwe chekushandisa zvinhu zvangu zvese zvakasarira kugomo uko" "Munonotora" Wakatodayira wachiita kunge munhu uya asina han'a nazvo. Tayiti wachati kutamba zvangu asi wayitoratidza kurevesa. Amai waNgoni wacho wakatanga kuseka wachitobvawo patable kana ndimi. Ndakayedzavo kuti mama asi havana kudayira wakatondisimudzira ruoko zviya zvekutonditi bye. Ndakashaya kuti ndoita zvekuita seyiko ini zvekunovhima naNgoni ndayisada. "Urikugarireyi ipapo handeyi uko" Akadaro Ngoni zvichitoratidza kutomubhohwa. "Shaa haundiitiri hasha sezvinonzi ndini ndakutuma kunovhimaka ayi" "Unoyenda wega ukada kundifarisirira" "Anorohwa nababa wake ndiwe uye gara watoramba nekuti handisikudawo zvekutoyenda ndinenge ndatoitawo rombo rakanaka ipapo" "Heya saka ndini waurikuda kutukisa handiti?" "Hayiwawo" Ndakadaro ndichisimuka kubva patable ndakuda kubuda mama wakabva wandidayidza wachindipa boots dzekupfeka dzakanaka uye dzakavhara. Takatanga kufamba ini zvakatondinetsa kuti kunovhima rudzii kusina kana ndandi zvadzo. Dayi wanga watipawo kunyangwe uta nemusewe zvayiwa nani chose. Pandakangobuda gate kuti nditi kufurwa nemhepo yepanze here hameno. Simba randakatanga kunzwa ipapoka ndakanga ndakutononokerwa nekunovhima. Ndakatanga kufambisa apa ndayifambira musango. Ngoni ayitevera apa ayiyedza kutaura neni asi ndayisamudayira. Ndakatanga kukwidza gomo riya rinoyera racho iroro ndayida zvombo zvangu uye Ngoni ayisava nevhekushandisa saka ndayitoda kupinda mukati musi uyu ndimutorere uta nemisewe sezvo ndakaona zvirimo zvakaizvonaka futi. Iye paakaena ndakukwidza gomo akabva angomira. "I remember gomo iri richinzi harisi kukworika uye rinokwirwa newakuru chete" Ndakacheuka kwakumutarisa ndichibva ndafuratira kwakutanga kufamba. Ndakacheuka mdamberi kwakuona munhu arikungodzungayira ari muzasi maro achitadza kukwira. Ndakadzokera kwaanga ari ndichibva ndamubata ruoko ndichibva ndamuti. "Ngoni gomo rino rinoyera kunyanya iwe usati wakamborikwira. Ndakumbirisa zvangu chawaona nechauchaona usatombotaure zvako nyarara. Kunyangwe zvinakidze seyi kunyangwe zvityise seyi ndati nyarara Ngoni. Akaita zvekugutsurira musoro achicheuka cheuka. Ayiratidza kutya kwakanyanya munhu iyeye ini ndakange ndatowane humwe hushingi hwandayisatomboziva kuti hwabvepi. Ndakamubata zvakasimba kwakutanga kukwira gomo iri. Hameno kuti akaoneyi chaakaona chakamutyisa sezvo ini pasina chandayiona asi ndakamubata zvakasimba kuratidza kuti shinga handeyi. Akatomboda kundisiya ruoko rwangu akuda kutiza hameno kuti anga aoneyi yoo ndakaita kunge ndichawisirwa pasi asi nekuda kwesimba randanga ndiinaro takamudhonza kusvika tasvika pamusoro pegomo. Zvakamushamisa kwazvo kuti akanga asvika pamusoro paro asi ayitya kutaura ayitooneka nemufaro waanga ayinawo. Ndakangoti ndasvika padenga paya ndakafamba kupinda mubako ndakangonanga payiwa mendandi dzangu neuta nemusewe ndakayedza kuda kumutambidza kwakuona Ngoni ya achivhunduka. Paakavhunduka kudaro hameno kuti akatsika payi munhu kwakutokuvara gumbo kuda kunodayi gumbo rakutotanga kuzvimba. Ndakashaya kuziva kuti chingawa chii chayita kuti adaro. Ndakakurumidza kinomugarisa pasi kwakutobuda umu ndichimhanya. Ko ndayida kudii akuvara. Ndakabuda umu kwakutanga kutenderera negomo ndichitsvaga mushonga wekuti ndiise pagumbo rake. Ndakadzoka ndichimhanya kwakusvika murume mukuru achiita kuchema. Zvakandinetsa ini kuti nzvimbo inoyera inokuvarira munhu here. Ndakazoyeuka kuti gara zviya hakungozvikwi zvemanha manga. Kureva here kuti pane zvaaresva Ngoni. Chitarisa mazvimbiro ayiwa ayita gumbo riya haaa ndakakanda zvese zvandayiwa nazvo pasi ini. Ko tayigozomanga kupi pakadayi. "Ndakufunga kudzokera kumba ndonodayidza vakuru" "Kwete Makanaka usandisiye muno ndega ndapota hangu. Kana uchitoda kubva pano ibva neni" "Zvino gumbo rako haringafambika iri" "Saka ngatimbomire ummm ndirikurwadziwa Makanaka" "Waresva kutsika seyi iwewe" "Handitozivi ndavhunduka paya ndichifunga kuti urikuda kundibaya" "Kukubaya, kunyangwe kunzi ndakakuwenga pane pandakambotamba neyekuda kukuuraya here ini?" "Ayiwa asi maonero andazviita nguva yacho ndatoona kunge urikuda kundibaya zvesure" Ndakaita kutura mafemo zvekupererwa chayizvo. "Asi ndambokuudza kuti dzikama unofanirwa kuwa munhu akashinga izvezvi hona ndiwe murume pano asi tarisa zvauri parizvino. Ndozviziva kuti une maonero awazviita asi mumeso ako wayingofanirwa kushinga wozviignore" "Akaramba akanyarara achiyedza kusimudza gumbo rake asi rakanga risingachasimuki. Ipapo ndakabvuma kuti munhu uyu ayirwadziwa. Kureva kuti mushonga wandamuisa hauna kudayirika panyama yake urikutoita kunge watoyedzera kuzvimbisa. "Ngoni Chitoshinga ndirikutoyedza kufunga kuti ndeupi umwe mushonga unopedza kuzvimba kwese uko" "Makanaka please ndibatsirewo ndirikurwadziwa kani" "Chishinga Ngoni ah ndiyite seyiko chitoshinga semurume" Ndakanga ndakutotambudzika mufunge. Ndakasimuka pandayiwa ndichiyedza kufunga kuti ndodii. Ndakaona paya pandakambopinda pakasarira hanza. Ndakatanga kunyemwerera ndakatarisa ikoko zvekuti kana Ngoni wacho akatoshamisika akandibvunza kuti kuneyi. Ndakada kufamba kuti ndiyendeko Ngoni akatanga kuchema achiti ndisamusiye. Uye ndakabva ndayeuka kuti handina chiyedza. "Ngoni ndirikuda kupinda muninga umo ndimirire pano zvimwe ndingawana chekuti ubatsirike nach" " Muninga?" Akabvunza zviya zvekushamisika ini kwakumuti. "Ndimirire Ngoni rega ndipinde umo ndinodzoka" "Hautyi here?" "Kutyeyiko nhayi iwe?" "Ndoda kupinda newe" "Ngoni unofamba seyi?" "Unondibaya ndirikutoda kuonawo zvirimo" Akadzadzarika kusimuka paya kwakumira akabatira kudombo. Ndakanomutsvagira muti ndichibva ndamubata rimwe divi tichibva tafamba kuyendako. Ndakakungututsa dombo rayiwapo tichibva tatanga kufamba kudzikamo. Zvakatitorera nguva yakakura apa ndayiwa ndakabata mwenje kunerimwe divi saka kufamba kwayinetsa. Takasvika mukati muya ndanzwa zvekuti ndakambosvika nekugara pasi chayiko. Iye kayiwa kekutanga kupindamo saka zvakatomunetsa mwanakomana wevanhu ayida kuzvifambira ega asi ayikundikana kunyangwe anga ayine muti ayitadza zvakadaro. "Ko wadii wambogara pasi Ngoni unokuvara" "Makanaka muno ndayingonzwa muchitaura nezvamo ndakanga ndisati ndakambomuona ini" "Nyarara Ngoni chako tarisa namaziso wosiyana nazvo" Akabva ayita zvekugutsurira musoro kuratidza kubvumirana nezvandanga ndichitaura asi nyemwerero yakanga isere muneake matama. Ndokumbirawo munofollower ku Channel please please please please please please please please please End of chapter 19

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 👏 💃 💐 142
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/17/2025, 5:19:21 PM

*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 18 Please vanoda book kubva pa 1 teverayi Channel. Newese wasati wapinda muChannel kune mamwe mabooks andirikuda kukanda ikoko zvekuti muchanakirwa mhanyayi ku Channel. "So makanaka ndotanga kukugadzirira chii tea here" Ndayida kuseka but ndakangozvidzora kwakuramba zvangu ndakanyarara. Itsitsi dzeyi dzaarikundiitira mwana uyu kana ndimi. Ndakangoramba ndakamutarisa ini ah. "Makanaka ndirikutaura newe ndirikuda kunoona bhora rangu remember handisini ndakati uyite dofo ini" Ndakabva ndapusa paya kwakungomuti "Eh ndipe" Ndayitoongorora hangu zvaayiita zvacho pasina nguva mvura yanga yatopisa nhayi. Akandiisira mucup asi kutaura chokwadi munhu uyu ndayimuziva saka ndayitotya ipapa. Akanditsvagira chikafu apa ini ndayitotarisisa kuti hapana chaarikuisa here. Apa tea yayinaka seyi. Akandipa sadza raanga adziisa ndichibva ndatanga kudya iye akabuda hapana zvaakambotaura ini kana thanks ndakazomboita here ndakaramba ndakanyarara ini. Ndakapedza kudya kwakungosiya maplate aripo patable ipapo ko ndayimboziva kuti arikuda kuitwa seyi here. Ndakabva ndabuda zvangu ko handiti ndanga ndaguta here. Ndakafamba zvangu ndichiteedza kwandanga ndabva nako. Zvesure ndakatomuona Ngoni akagara kumasofa achotoona bhoonavanhu wayitamba bhora nhayi. Iye akangobditarisa ndofunga ayifunga kuti ndichamuti wayita hako asi handina ndakabva ndatofambisa kuyenda kuroom kwaku apa ndakasvika nekupinda mumagumbezi ndakakanganwa kukiya door nhayi. Hapanakutombotora time rakabva ravhurwa door zvehasha zviya munhu achipinda. Anga ari Ngoni zvake akasvika kwakumira kunerimwe divi remubhedha ini kwakuburuka ndichimirawi divi rimweracho. "Urikudeyi muno ndirikuda kurara" "Chokwadi ungatodye kupedza wotadzawo kana kuti thanks" "Ah iwe ndangodya zvangu ko ndikamuka ndakafa" "Watii" "Ko kana wandiisira mushonga wekuti ndife handiti ndinokubhohwa pano here iwe" "Manje ndoda kukatswinya kamuromo kako ikako kazive zvekutaura benzi remunhu dayi ndachisiya chakadaro" Akadaro achida kuuya kwandanga ndiri ini kwakujambira pamubhedha ndichinodzikira rimwe side. Yowe yakawe batayi batayi mumba imomo takuteman nemapillo nekumhanyisana. Hameno kuti ndakagumburwa neyi kwakunodonhera pamubhedha nemusana iye achiuya zvake pamusoro pangu. "Wanga uchiti wakangwara manje nhasi ndoda kukurikita mwanaiwe" Ndakatoona kuti ndingarohwa pano apa Ngoni anga asina kamuwiri kekutamba nakoka uyu. Ndini anga akasimba uye akayamwa akaguta. Anga ayine manyama manyama achiratidza kuti ayiwa irume pachezvaro. Zvekuti kunditsikurira kwaanga akaita kwakanga kwakutondirwadza mufunge. "Ngoni urikundikuwadza kani" "Tanga wandinamata ndokutii ndibve pano wakanganwa musi uya kuti wakandigarira ukandirova, zvino ndizvo ndirikuda kusiya ndakuita muno ndirikuda kunyatsokugarira ndiko kuti uyite hunhu. Ungati ndatokunzwira tsitsi woti ndirikuda kukuuraya inini. "Please usandirove Ngoni unondiuraya hona mazikuoko ako anenge tsoka yegudo iwayo ungati unondiraramisa here sorry?" "Ita kuti sorry mukoma" "Ok sorry mukoma kwacho" "Kwacho ndeweyi ipapo taura mushe" "Sorry mukoma" Akabva abva pandanga ndiri ndikanyatsonzwa kuti ayiwa ndabvisirwa mutoro chayiwo ummm. "Haaa futseki wako mhani ungatoda kundiuraya iwe" Ipapo anga akusvika kudoor akabva ada kudzoka yowe ndakamhanyira kutoilet ndayitika kana mawa mutoilet haapindi asi kunyepa akatopinda. "Hiii Ngoni haunyare ndinodayidzira anamama izvezvi" "Kavoice kako karikutogumira padoor apa hapana kwakarikuyenda wanzwa here. Imba ino yakarongeka hayisi imba yemapangoka seyamayigara uko" "Ayigara imba yemapango ndiyani futseki Buda ndirikuda kuita weti uko" Ipapo yanga yatondipuresawo sure. "Ita weti yako ko ndineyi nayo ini muno handisi kubuda zvekudaro ini" Ndakaseka zvangu . "Ngoni haunyare" "Ndati ita weti ukasaita handibudi muno. Muno ndimo ndirikuzobuda kana kana wayita weti yako iyoyo" "Ngoni kani nhayi nyara iwe" Akabva auya pandanga ndiri kwakundidhonza kwakubuda neni ndayiti achandirovera muroom mangu asi kana akabuda neni achindidhonza kudaro kwakuyenda neni kumasofa kwaanga ari kuya. "Ndoda kuti unditarise ndichiona bhora kusvika rapera wozoyenda korara" "Ngoni kani" "Ita zvandakuudza haungamboiti problem" Ndakagariswa pasi munhu kwakutanga kuona bhora ini kutaura chokwadi hapana kana chimwe chete chandayimbonzwisisa ipapo. Ndayiti ndikada kusimuka munhu ondidhonza ndakasvika pakungogara ini. Bhora racho kana kutombopfeka zvaro ndakasvika pakubatirwa nehope ndakagara pasofa ipapo. Handidi kunyepa ndakatozopepuka ndiri mumagumbezi muroom mangu. Ndakashaya kuti ndauya seyi imomo ini ndanga ndakarinda benzi rayiona bhora. Ndakamuka ndakumhanya kunoita weti iya yandamborambidza nekuti yanga yakundipisa chayiko. Kuchichena ndakashamisika ndatovhurirwa ma window makupinda kamhepo mumba muya. Ndakamhanyisa maziso kwakuona vari mama. "Ko idzi boots dzapinda nani?" "Mamukaseyi amai" "Tototi makadii ko handiti manga musingachadi kubuda muroom muno. Haaa unozotsamwa mwana wangu" "Ah mungati ndingasekerere kunzi muroyi kana ndimi" "Asi wakamutambudza mwana wangu. Anga akutorambawo kudya kwacho Ngoni zvekuti ndakatoshamisika kuti ndiNgoni here akuramba kudya nepamusaka peumwe munhu" "Zvinoita mwana wenyu zvinobhohwa dayi makaona zvaayindiiya nezuro mayosambodaro mama" "Ndakakuita seyi? iwe undinyare iwe" Akadaro achipinda muroom mangu akaita kuisa maoko muhomwe kwakupfeka mapush ake achibva amutsa amai wake achibva abuda. Isu tanga takangomutarisa zvedu. Paakamutsa amai wacho havana kumudayira akabuda achibva adzoka achiita zvekudongorera. "Mama ndati mamukaseyi?" "Dzoka muno kurumidza" "Ah mama kuneyi ndirikuda kumboyenda kuzuva zvangu ini" "Ndati dzoka muno Ngoni" "Ok kwacho matii mama?" "Zvimapush zvako zvirikuysageyi muno" "Ndakazvisiya pandayiwa kurohwa naMakanaka mama" "Nyeperwayi mama ndiye ayindirova" "Chikudo chenyu chisingaperi chikudo chakaita seyi" "Mwana wenyu ndiye anodenha mama" "Ngoni" "Mama handingati ndabikira munhu tea ndomudziisira chikafu otadza kana kuti thanks zvake saka moti ndingatadze kutsamwa haaa imi ndotogona kuchirova futi izvezvi so" "Akadaro achitora pillow kwakunditema nayo" "Mama murikumuonaka mwana wenyu murikumuonaka" Ndakadaro ndichimupotserawo nepillow yake iyoyo. "Dzikamayi mhani" Ngoni urikudiwa nababa wako uko" "Kuneyi mama?" "Hamenoka kwawarikuda kuti uyende naMakanaka" "Ah Mama ini handifambi naNgoni hazviitwe" "But why daddy wachiti ndifambe nemuwengi wangu mama ini ndayitoti zvaperaka ini uye waziva seyi kuti Makanaka avhura door?" "Urikuti hauna kuonekwa here wakatakura Makanaka uchimuudza muno akakotsira iwe" "Inzwayi zvamakutaura manje ok bye" Akadaro achitobuda ndakasara ndakunzi namama ndinogeze ndiwane kududunurwa musoro wangu. Pandakapedza kugeza ndivo wakabva watotanga kundidudunura hameno zvinhu zbawakanotora kuroom kwavo hanzi rega ndigadzire vhudzi rako. Pawakapedza wakabva watora hameno chimwe chinhu chayiita kufuridza musoro wangu chiine kakupisa so. "Maka vhudzi rako rakura yowe" Rakura" "Eh iri rakusvika kumusana iri" Iro ranga rarebawozve, wakabva warirunga kwakundipa hembe dzekuchinja yowe zvangu hanzi chiyenda pa mirror mwanangu. Ndakayenda paya kwakumira imi woye ndayisabvuma kuti ndini ndanga ndayita kunonzi kuchinja chayiko. Takazobuda namama wakuti vamwe wakutable handeyi tinodya. Takayenda kuya kwakuwana zvesure anaNgoni wakudya paakatarisa kwatanga tiri akabva akachidzwa Ngoni uya. "Are you Ok son?" Wakadaro baba wacho wakatarisa kwaayiwa. "Yaaa I'm fine daddy" Ko iko kuzodayira akatarisa kwandiri manje. Ndakanogara pasi kwakumhoresa baba wake awo wakabva watopinza yekuti ndimbotenderere nzvimbo naNgoni haayizive ndimudzodzisewo kuvhima apa tayinzi tirikuyenda tiri two chete kana ndimi. Ndakaramba ndakawatarisa ndichizvibvudza kuti baba awa dzakanyatsokwana here mudehenya mavo umo. Ndokumbirisawo nemweya wamwari chayiwo kuti vanhu mumhanye ku Channel monofollower please please please please please please please please please please please please please please End of chapter 18

❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 👏 🔥 🌟 💃 260
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/19/2025, 8:33:38 PM

*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 22 Munhu wese ndakamumirira kuChannel pane zvandirikukugadzirirayi ikoko. Magrp angu awandisa pinda Channel zvimwe rauri ndiro ndichabuda handizivi. "Haya rega ndinyarare zvangu asi mwari wakanaka zvandanga ndichishuwira chayizvo ndizvo zvayitika." Wakadaro amai waNgoni wachisimuka pawanga wagere kwakutanga kufamba zvavo. "Ko zvamanga muchida zvayitika ndezveyi?" "Mwari ndiye anozviziva mwanangu" Ndakatodzungudza zvangu musoro wangu ndichiyenda pamu apple pane ranga richitaridza kunyatsoibva kwazvo. Ndakabva ndafunga zvangu mabatirwo andanga ndakaitwa naNgoni paya haaa ndakasekerera ndega ndichiruma apple rangu. Ndakanga ndakutoti dayi achidzoka Ngoni sezvo ndatomujayira. Ndakabva kuseri uku kwakunanga kwayiva nevamwe. Ndayiita kusvotwa zvangu worse kungofunga kuti Ngoni haapo. Ndakapinda mumba kwakuti mumwe musikana andibatidzire tv ko ini ndayizviziva here. Ndakabva ndati andiisire kunonakidza kwacho ini eh zvayitosvota hazvo hapana kana chandayimbonzwisisa zvangu. Ndakazvisiya zvakadaro kwakuyenda kuroom kwangu. Ko ndagoziveyi kuti ndayinobatwa nehope ikoko. Ndakatonyatsorara zvangu kunge kacheche ko handiti tanga tiri musango here pese apa. Ndakatozopepuka kwasviba ndakumutsirwa kudya kwemanheru. Apa munhu wacho ndakamutsamwira seyi. Kundikanganisa hope dzangu dzayinaka zvakadaro kana ndimi. Kutorota zvangu tichitamba mumvura naNgoni tichiita kumwayana mvura. Ndakabuda kwakuyenda kwayiva nevamwe kutable kwandakasvika vamwe wakutodya. "Ko iwe wanga wayenda nguvai kunorara pane munhu anga achikutsvaga paphone apa?" "Paphone?" Zvakatondishamisawo nekuti handisati ndakambotaura nemunhu pafoni zvamunoziva imi. "Eh wanga uchitsvagwa naNgoni" "Hoo ah aripi" "Haachadzoki nhasi anogona kudzoka kuswera mangwana" "Hoo ah saka tomutsana mangwana" Ndakatodaro ndichisimuka ndanga ndatoguta chokwadi. "Nhayiwe Makanaka?" "Tomutsana mangwana amai" "Wazviona ndokusaka ndisina kuudza Ngoni kuti haasikudzoma payisabvika pano izvezvi inzwa zvaarikuiyawo kwaari ikoko apa uyuwo ah kkk" wakadaro mambo ini ndatofamba kuyenda. "Makanaka dzoka udye iwe" "Ah mama ndagutaini ndizvo mandidayidzira here zvekuti mundiudze kuti Ngoni haasikudzoka" "Huya udye ndozomufonera wotaura naye" "Tangayi maita kuti nditaure naye" "Ewo chiuya kwacho" Ndakatanga kufamba ndichidzokera kwawanga wari. Ndakasvika kwakunogara pakati pavo wese ndayida kuti wafoneka nditaure naye. "Chitanga wadya" "Ah ndakuyenda hangu kunorara" "Ewo mira ndikupe zvimwe iye wacho angatorerukirwawo" Wakatora foni yavo kwakutanga kufona. Akadayira Ngoni uya zvekuti hana yangu yakati tibvu tibvu apa kuzodayira zvake achipopota manje. "Mama murikundinetsereyi" "Ah iwe ndakunetsa papi ndini ndati uyende ikoko here ini umwe wako arikuramba kudya kuno" "Mhaaaaa umwe wangu upi?" "Usayite kunge usirikuziva munhu wandirikutaura wanzwa" "Ummm mama chiiko imimi arikupi Makanaka wacho?" "Arikutokunzwa ipapa" "Asi makaisa foni paloud?" "Eh " "Kana makupa Makanaka foni ngaabve ipapo mungateerere nyaya dzedu" "Ih ewo" Ndakabva ndapihwa kwakutanga kubva ndega apa ndisikumbotaura chinhu ndini uyo kubedroom kwangu ndichimhanyisa chayiko. Pandakapinda ndakabva ndagara pasi iye kana kumbotaura chinhu zvake zvekuti ndakamborambawo ndakanyarara ndipo ndakazoti "ha haroo." "Hesi Makanaka Dafi" "Ndiribhoe" "Urikurambireyi kudya sadza" "Hapana" "Hapana? Hakuna munhu anongorambakudya zvisina reason" "Handiti haupo here?" "Saka ini ndini ndinokutadzisa kudya sadza" "Ngangosvotwa nekuti hausati wadzoka chete" "Kana ndadzoka ndipo wayidii manje" "Ndayidyaka" "Zvino zvandirikutora week ndirikuno" Ndakabva ndaramba ndakanyarara zvangu handina kupadayira. "Iwe Makanaka" "Eh" "Enda unodya sadza" "Iwe wadya here?" "Eh ndatodya ini" "Hooo" "Maka" "Heee" "Panenyaya yandirikuda kukuudza ndiri kuno pano pafoni" "Nyaya? Nyaya todzidaka isu ndeyekuti chii" "Makanaka unozviziva here kuti wakanaka" Ipapo hana yangu yakati tibvu zvechisimba chayizvo. Ndakangandisina kufungira kuti anondiudza izvozvo ini. "Makanaka ndirikutaura newe?" "Eh ndirikukunzwa" "Ndokumbirawoka uyite amai wevana wangu" "Ndiite amai wevana wako warikupi?" "Iwewe ndiwe unondibarira " "Ah Ngoni" "Please Makanaka" "Ndobara nani?" "Nenika nhayi Makanaka" "Handizvigoni ini?" "Ndini ndinokudzidzisa" "Sure here?" "Eh ndokudzidzisa unoda here kuita mukadzi wangu" "Hoo saka ndikakubarira mwana ndinenge ndatowe mukadzi wako" "Iwewe ukangobvima chete kuti unoda kuzondibarirawo vana unenge watowe mukadzi wangu" "Ah Ngoni" "Makanaka ndokuda kani please " "Kundida? Unondiita?" "Kuti ndigare newe ndichikuchengeta uri mukadzi wangu ndichikuitira zvese zvaunoda uchindiitirawo vana" "Ah " "Maka kani" "Ewo kwacho" "Saka watowe musikana wangu here Maka" "Eh handiti ndizvo urikuda asika wayiti ndakashaya paya apa ndakunzwa uchiti ndakanaka futi" "Zvekudhara siya zviriko kumashure ndatitangireyi patiri tichiyenda mberi" "Hooo" "I love you Makanaka" "Saka ndoti kudii?" "Ita l love you too daddy" "Hooo I love you too daddy" "Chidzokera unopa mama foni yavo udye sadza please" "Ewo ndodya" Ndakadzokera nayo foni ndichongoseka seka ndega zvangu. Pasina nguva ndabva kugara ndakutoisirwa chikafu nemusikana ayiwapo patable foni iya yakabva yatanga kurira. "Uyu arikufona oh" Wakadaro wachinditambidza phone iya. "Heroo" "Kunonzi hello babe kwete heroo" "Hoo" "Ipa mama phone ndiwo ndirikuda kutaura navo" Ndakawapa phone kwakutanga kuzvidyira zvangu nyaya dzavo handina kudziteerera zvangu. Ndapedza kudya ndakanwa mvura ndichibva ndanyatsonzwa kuti ndagutamanje. "Ah mama hanzi naNgoni I love you, ini ndikati ah saka ndoti kudii zvikanzi itakiti I love you daddy ah nhasi zvangu ini" Murume nemukadzi hawana zvawakataura wakangoramba wakanyarara wakatarisana ndakasimuka kwakutanga kufamba ndichiyenda zvangu kunorara ndichingozhinya ndega. Ndakangoti ndichipinda padoor kuda kurivhara kudayi rakabva rapushwawo. Ndakacheuka kwakuona vari amai waNgoni. "Ah mama mandivhundutsa" "Makanaka ndirikuda kutaura newe" "Taurayi mama" "Wati hanzi naNgoni chii?" "Inga ndakuudzayi wani mama?" "Makanaka nyaya dzako dzaunenge wataura naNgoni hadziudzwi vanhu wanzwa here" "Hooo " "Eh ndezvenyu muri two imimi chiuya apa ndikuudze chimwe chinhu" Wakadaro wachindibata tichibvatanogara pasi. Wakambotanga watura mafemo. Ndayitoshaya kuti wayida kunyatsoti kudii chayizvo nekuti wakabva waramba wakanditarisa. Please kana urikuwerenga book rino usi ku Channel hatiworirani endayi muChannel please. End of chapter 22

❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 🔥 🤣 👏 💐 360
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/21/2025, 7:50:49 PM

*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 25 Vanhu mukasanopinda muChannel book ndakusiira hangu pano. Mukasa liker neku commenter ndakusiira pano book. Ndayiita kunzwa kupera simba chayiko mufunge. Hongu ndanga ndakuita ndisingachadayiri macalls ake Ngoni but kungomuona kwandakaita kwakaita kuti moyo wangu uyite kunge watsemuka nepakati. Kureva kuti pese apa ndayizvinyepera asipo. Now ndipo ndakuzoona kuti ayiwa Ngoni ndinomuda zvekumuda zviya. Ndakashaya kuti ndoridza mhere here. Ndakanyatsofunga the way yaakashandisa kutarisa kwandanga ndiri achibva atarisa divi imika ndakanyatsonzwa kurwadziwa kunyatsonzwa heart yangu iyi ichipomba zviri very strong. Ndakamboda kuchema apa food yangabyangogadzikwa patable nema plate acho mumba muri ziii hapana ayitaura neumwe ipapo. Vanhu wanga wachiita kunge wakaiswa pa silent. Simba chayiro rekupakura ndanga ndisisina mufunge. Ndakasvika paya kwakutura mafemo ndichibva ndabata maspoon kuti ndiwane kupakura. Musikana uya akauya kwandanga ndiri again achibva atanga kupopota kuti ndirikunonoka. "Nhayi iwe useless urimunhu akaita seyi iwe husimbe here hunyope here. Mom mom mom why maka employer munhu asingazive zvaanoita like tsvina idzi village girl why mom. Look now I'm starving but tarisayi arikutoita kunge uyu inonzi chii iya sadza rinenge risina kuibva inonzi chii mbodza ehe tarisayi zvenyu. Iwe ini ndoda munhu ari active wanzwa kurumidza tione benzi remunhu" Akadaro achindijunga junga musoro. Misodzi yangu ndiyo yakakwanisa kuyerera ini handina zvandakakwanisavkuita panguva yacho ndakaramba ndakanyarara. Ayingoropora ega kutaura and hapana akamudayira. Yayiwa hard time kwandiri handidi kunyepa. Uku heartbreak uku abusy nguva imwechete here. Ndakademba hangu kuti paya pandanga ndabuda dayi ndayenda zvangu kugomo haaa mangwana chayiye ndinonogara zvangu kugomo. Hongu basa pamba apa ndayiva ndaakuita asi mama nadaddy havana kubvira wandidayi. Sometimes wayitondirambidza asi ini zvakanga zvakutondinakidzawo uye kutoziva kuti mangwana ndichazova muroora wavo. Pane umwe mukadzi akaita wechikuru so anoshanda pamba apa uye ndiye futi mukuru wema maid ose. Ndiye ayitonyanya kundidzidzisa kubva kuwacha kubika kuayina kusuka kucleaner zvese ndiye ayotondidzidzisa. And ndiye akandidzidzisa zvekare kuti ndinofanirwa kukudza vakuru uye kukudza vanhu wepamba apa sezvo ndichazova muroora wepo. Ndiye akandiudza magariro tsika nehunhu mukadzi iyeye uye akandidzidzisa kunyarara kwandayisagona. Even mama wayindidzidzisawo nekudivi asi ayiwa pamberi ndi auntie Monica. Zvino abusy yandirikuona iyi handisati ndakamboyiitwa pamba apa mamaid chayiwo ayitondipa respect. Sometimes kana mdichitoita basa vanotomhanya kuti siyayi tiite but ndini ndinozovarambira zvangu kunyangwe vari wakuru kwandiri. Pese apa ndayibatwa semwana wepo asi zuva iri ranga randipandukira. Pandayenda kudziva ndanga ndichitoyemura hupenyu uhwu ndisikuziva kuti huchandipandukira iyeni. Ko ivo anamama wacho nhasi wacho kuzoramba wakanyarara ndichibatwa senhapwa kana chimwe chavarikumbitaura havo. Ndakanzwa kurwadziwa handidi kunyepa hangu. Ndakatanga zvangu kupakura nekuchimbidza musikana uya achiteverera mumashure. Zvapora ndichinodziisa ndega ndichidzoka mamaid chayiwo anga akagariswa pasi hanzi ini ndiite. Luck ndanga ndakadzidzoswa zvangu kuronga food mundiro ndakatonyara vanhu wanga wakazaramo ndayida kuzvikanyanisa kanyanisa asi sezvo mayiwa nevanhu wakuru ndakangoita hangu zvinhu zviri perfect. Ndakaronga mandiro angu zvakanaka payisvika pachigara vanhu ndakatora chekugezesa vanhu maoko wakuseta zvangu zvekuti munhu anongozvigeza maoko ake achigara pasi. Ndayinzwa kudumbirwa asi panguva ini ndakasarudza kunyarara zvangu kunyangwe ndayiwa nebundu mumoyo. Vayipopota kani masisi pandangoitira ka any silly mistake. Vanhu wakasimuka wakauya kuzodya kunyangwe naNgoni ayisatogona kunditarisa ayingotarisa divi. Ndakatoshamisika kutoona umwe musikana ayiwa ari pachikwata chayinogara patable ini eh. Pakaitwa prayer nasekuru wangu ndikati finish vanhu warikuda kunopinzwa mudondo. Musikana waNgoni uyakuzonditi ndipakurire nema maid kani imika. Ndakangopakura zvangu ndikawapa ini kwakunzi tirikudya wakamira ndiyo punishment yako yekuti wamwe wanoshanda iwe wakarara. Ndakaramba ndiri ziii kwakumira zvangu. Mvura dzekuti vamwe ndanga ndawaisira hanzi uchadya kana vamwe wese wapedza kudya imagine. Ndakati vanhu pawakapedza kudya kwakutangakutora zvangu maplate apa ndayitoti zvangu andatora ndichitonosuka andatora ndichitonosuka kusvikira ndapedza kwakugadzira mudinning mawanga wadyira mufunge. Ndapedza ndakanogadzira kukitchen ndichibvandabuditsa zvangu ma fruits e desert ndizvo vayiwanzoita zvavo. Ndakabuditsaa apple ndichibva ndawayendesera kwakunzwa makubatidzwa ka soft music haa izvo. Ndakafamba zvangu kwakuyenda kukitchen kwakusvika kuyine musikana uya achidira food yanga yasara mubin haaa imika ndakaita kupera power. "Wanga wafunga kundiita seyi?" Akadaro mushure mekunge ndaramba ndakamutarisa zvangu . "Enda unorara uko uchadya kurara kwawanga wakaita imbwa yemunhu?" Ndakatoona zvangu kuti kutodenha kwekuda kunditsvaga uku ndakangotenderuka achibva andidhonza kwakundisikiza mbama chandakakwanisa kuita kubata matama angu nekuvhara maziso asi mbama yake hayina kusvika pandiri. Ndakavhura maziso kwakusimudza musoro kwakuona akabatwa ruoko naNgoni. "Hamusi makuzvinyanya here akomana ayiwa zvakwana kana mama ndirikuda kuwashura nhasi ayiwa" Akadaro Ngoni kwakusvika kunondimbundira zviri very tight zviya zvemunhu anenge asuwa umwe wake apa musikana uya kwakutanga kuseka ini misodzi ndiyo yanga yakungoyerera. Akandisiya Ngoni kwakundipukita misodzi achibva andikisa zvekuti ropa rangu rakamhanyarega. Musikana uya kwakutanga kugadzirisa pahuro pake. Ngoni akamira kwakumurova kambama. "Murikunditambudzira mukadzi wangu apa murikufunga kuti ndirikuzvifarira here? Kutaura chokwadi ndatomboda kuchema chayiko nezvamanga muchiita ayiwa kana mama ndirikupedzerana navo" "Kuti wayita seyi mama?" "Shamwari munhu wandirikuona apa haasi Makanaka wandinoziva. Makanaka wandinoziva haayitirwe yese yawanga uchiita nhasi iya haaa kana mama ngawataure kuti wakaiteyi mukadzi wangu." "Vangokuudza kuti mukadzi wako achinja haasisiri uya waunoziva ndikatika let me verify saka ndatadza papi nekuti ndiri ku verifyer ah" Ini handina kukwanisa kutaura chinhu heya vanhu awa wanga wachinditamba nhayi. Even ndayinzwa zvawayitaura ini handina kana chimwe chandakataura ndakarambandakanyarara ndayitoona kunge warikunyepa futi ah ini hangu ini. "Manje mama ndirikunovaona wachandiudza kuti wakamuiteyi ayiwa I like Makanaka agara aripo kubva kare kwete uyu anyarara kunge munhu akabatirwa pfuti haaa kana" Akadaro achindidhonza kubuda neni umu mupfungwa dzangu ndayitowe confused handidi kunyepa zvangu. Panguva yatakati tipinde musitting room mayiva nevanhu makaerekana mangoitwa noise kaone vanhu wachidayidzira kuti "surprise" ndakavhunduka ndichimwagiwa zvinhu zvakasiyana siyana maruva chii chii zvakawanda wanda. Panguva iyoyo pakabva paridzwa song ya Harmonizeyekuti happy birthday to you. Ndakatombovhiringika kwakuzoyeuka kuti gara zviya ndiro zuva randakabarwa ko tayizvoziva here. Hoyo ndochitanga kudirwa madrinks kudirwa hupfu apa ndayitorwa maphotos ndichinzwaro haa imika vamwe wachitora riri video. Noise yakaita kuvharira imba yese manzwa volume yayita kuzadzwa what a surprise yooo. Ndayigomaoneraka patv zvino apa zvayita kuuya reality wena. Misodzi yangu ndiyo yakatanga kungoyerera vasikana waya two wandanga ndichamboreva kuti wekundituka neumwe wacho wekugara nevamwe patable kwakuuya wachinditora. Wakayenda neni kuroom kwangu kwakusvika wachinditi ndibvise hembe. Uku wayitotaura nyaya wachoseka. Zvavo ndakaisirwa mvura mutub wachibva wanditi pinda ugeze. Ndakatanga kugeza zvangu varipo padivi. "Makanaka kurumidza shaa ini ndatononokerwa nekuyendakubrai hangu. Ini Maka unonditi auntie Cath sorry zvako nezvandanga ndichikuita ndanga ndichida kuona kuti wachinja zvesure here hauzorovi bhudhi wangu zvibakera here" Takabva tatanga kuseka tese ndafunga hangu pandayirovana naNgoni. "Ini call me auntie Mello haa ini zvangu ndiri free spirit zvangu chandisingadi kukanganiswa or kudenhwa chete" Wakabva watanga kuseka wasikana wacho. "Ini ndini wekutanga musikana mukuru kotevera Ngoni kouya uyu so iwe uri makoti wedu please hatidi kutambudzirwa hanzvadzi yedu please drama rako rese taswera tichirinzwa nhasi I think tasvika pano iwe uchitonzi wabva kubuda." "Wayitofara zvavo wachitoseka vasikana waya wakatondibatsira kugadzira musoro wangu. Ndakapihwa hembe dzekuchinja ndichibva ndapihwa high hill baba kwakunyatsonzwa tuma perfume pfaaa pfaaa kwakusara ndonhuworira zvomene hangu. Ndakaitwa kalight make up kangu kwakuchifamba zvedu tichibuda. "Ayiwa makoti wangu ndabvuma uripo haaa urisimbi inorodza dzimwe simbi iwe yowe zvangu" Ndakangozhinyawo ndichifamba tichiyenda. "Makoti mangwanatomboyenda out handitika" "Yaaa toyenda" "Good makoti good totoita zvekutiza Ngoni" "Hunge wamugona Ngoni ndambonzwa achiti warikuda kuyenda ku Victoria falls mangwana ne ndege woita three days wariko" Ah saka vanoyenda kuswera mangwana mangwana ndewedu Maka ayiwa kana. Ayiitisana nharo tichibva tapinda mayiwa nevamwe yowe zvangu Ngoni akauya kuzonditora kwandanga ndamira kwakunyatsondibata ruoko achibva anyatsondimbundira pamberi pevanhu. Akanditi..... "Happy birthday babe wangu" "Thanks" "Nguva iyoyo akabva apfugama pamberi pangu kwakubuditsa ring nekuonawo ma movie naauntie Monika zvakaita Ngoni ndakatoziva zvazvayireva. Misodzi yangu kwakutanga kuyerera imiyowe. Vaitirwavo surprise naNgoni nevabereki wake nezvawanga wakuita Makanaka simudzayi maoko. End of chapter 25

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 👏 💐 🔥 192
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/19/2025, 8:33:37 PM

*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 21 kuChannel kune zviriko endayi munoona musakanganwe ku follower hurry. Paakaramba akanditarisa ipapo ndakatonyatsoita zvemaune zvangu. Ah munhu angaramba akanditarisa here? Ndakamudzimbira ronda iroro munhu wepi kana ndimi. "Makanaka kani wandikuwadza" "Wanakirwa urikumbonditarisireyi" "Hayiwawo dayi kumeso kwako kuvhiwarayidza better " "Kana newe ibvapa dayi kwayisawarayidza wayikutarisa here iwe" Akabva anditema nepillow mumakumbo. Pandakada kuti ndiyinhonge ndiyidzose pabed hameno kuti anga asvika nguvai pandayiwa. "Yaaa ndakubata unoti wakangwara here izvezvi dzoka undipfekedze hembe yekumusoro" "Ah nhayi iwe inini kukupfekedza hembe kuti ndirimai wako?" "Ikoko kushayisha kutaura ikoko ndiko uchandipfekedzera hembe iyoyo." Akabva apusha door negumbo kwakundidhonza. Pakuda kumuitisa nharo ipapo munhu kwakuita zvekundisimudza yowe zvangu ndakati ndidzikise zvako ndikupfekedze kwacho. "Kana usikuda kundipfekedza nditoite zvekukubereka izvezvi so ndotokusunhira kumusana kukuita kamwana" "Ayiwa ndokupfekedza zvangu" Akabva andidzikisa ndayitika achandisiya ndofamba ndega ndiwane kutiza asi kana akatondibata ruoko kwakunonyatsondimisa pamberi pake akandiisa pakati pemakumbo. Akatora hembe yayiwa pabed kwakunditambidza achibva andibata muchiuno mangu nemaoko ake ese. Kutaura chokwadi musi uyu hazvina kundiitira zvakanaka mabatoro ayo anga akandiita nekuti ndakanzwa kupera simba mandiri umu kunzwa kurukutika chayiko. Ndakamupfekedza zvekushingirira chayiko asi hameno zvandakanga ndakutonzwa. Pandakapedza ndakada kubva mumaoko ake asi ndakanga ndakabatwa apa anga akaita kunditarisa chayiko Ngoni uya. Ndakayedza kumurwisa kuti andisiye asi tese yakapedzisira tadonhera pabed pake. Luck mdakanodonhera zvangu paside pake but yanga takatarisana manje. Nezvayiitika handifungi kuti ndayizvinzwa ndega nekuti ndakaona iye akubwayira kasingaperi. Ini simba rekusimukawo pandayiwa ndakarishaya kwakungorambawo ndakamutarisa. Dayi ndakaziva kuti pane zvichatevera kudayi ndisina kumirapo. Ndakati ndakawarayirwa kudaro kwakunyatsonzwa miromo yangu kutonorera. Ndakavhunduka ndichiona Ngoni achidya muromo wangu yowe zvangu. Ndakasimuka nekukurumodza ipapo iye kwakutenderuka kutarisa kwandayiyenda nako asina chaataura zvake. Ndakabuda kwakumira padoor pake kunze kwakutanga kupukuta muromo wangu. Ndakamirapo kwenguva ndichiyedza kufunga kuti chii chayicho chirikumboitika. Ini pachezvangu handisati ndakambozviita since. Ndakazovhunduka munhu munhu andibata ruoko kwakutanga kindidhonza. Kutaura chokwadi simba rekumurwisa ndakanga ndisingacharinzwi ini. Takayenda kutable iye kwakuti ndipakurirewo. Eka chikafu chayisaiswa muma plate munhu wayizozvipakurira wega. "Ngoni pakura wega unemaoko ako ah" "Ndinokusimudza ndikadzokera newe kubedroom kwangu izvezvi" "Ok kwacho rega ndipakure hangu" Ndakamupakurira paya achibva atanga kudya ndakatarisa. Paayidya pacho ndanga ndakanyatsomutarisa zviya zvekuda kunyatsoonakuyi munhu akamboita seyi Ngoni uyu. Ayiwa munhu akanga akanaka hapana chayishoreka paari. Pese pandayimboti akazodayi akazodayi hameno kuti ndayizviwanepi. Ndakaerekana ndatemwa nebonzo renyama. "Urikunditemereyiko?" "Urikunditarisireyiko? Shaa ndozviziva kuti ndakanaka chingoti Ngoni wakanaka kwete kuita kunge uchandidya kudaro" "Ko iwe paunoramba wakanditarisa wakambondiudza kuti Makanaka wakanaka here?" "Wakambondibvunza here kuti ndirikukutarisireyi?" "Kakatowandisa ndichikubvunza" "Ndinosimuka newe izvezvi ndikadzokera kubedroom kwangu" "Unopenga iwe ndizvo zvingori mupfungwa dzako" "Vanhu muchirikungoneysana nanhasi here?" Said mambokadzi "Ava vana wako wanotoswerera ava kana usikuzvoziva" said mambo. "Ndatotiza kuroom kwaNgoni uko wachinetsana vanhu ivava chiona nazvino warikungonetsana apa hazvidi kusiyana futi" "Mama inzwayi zvamakutaura akuudzayi kuti hatidi kusiyana ndiyani? "Kubva pamasvika mambosiyana here?" "Ah mama inzwayi saka murikuti ndatonogeza naMakanaka inini" "Ngoni pane kwandirikuda kukutuma ndoda kuti uyende naNyati mukurumidze kudzoka." "Madii kuti ndiyende naMakanaka" "Pandakakuyii endayi mese kutown handiti makaramba here"? "Ndakaramba here ini daddy still ikokuku kwacho ndongoyenda naye?" "No ndezvebasa hazvidi majocks enyu aya, Iko wakazotanga rini kuda kufamba naMakanaka imi mayiwa gonzo nekiti" "Kubva ewo Makanaka aripano unodzoka uchimuonera pano enda kubasa kurumidza" "Ah daddy Nyati anobhohwa kufamba naye uyu" "Kutanga rini achibhohwa? Kutanga nhasi nekuti pana Makanaka" "Daddy" Ipapo mama wakabva wandibata ruoko tichibva tabva payinetsana baba nemwana wawo. Moyo wangu wakatorwadza kusiya Ngoni achitambudzika sezvaayiita zvekuti ndayitofamba ndichicheuka iye akabva arambawo akanditarisa. Takabuda kuyenda panze kwakuyenda kuseri namama kwayiwa nemichero. Kutaura chokwadi pfungwa dzangu dzanga dzasara mukati umo mayiwa naNgoni. "Wakambokuuya here kuno ku orchard nhayi Makanaka" "Mati kunonzi kuchii?" "Orchard ndiko kunemichero yeseka kuno" "Hoo eh ndakambokusvika zvangu ndikatombodya ma apple " "Wanga waudzwa nani kuti kune orchard kuno Makanaka " "Ah mama pane pandayikutizayi musi wandakasvika uya ndipo ndakabudira kuno nedoor iro" "Ende iweweka ok so tell me Makanaka" "Matii?" "Ndiudze kuti iwewe naNgoni asi makudanana here"? "Kudanana? Kudanana kuita seyi?" "Ah Makanaka usaite kunge usirikiziva zvandirikutaura iwe" "Handisikuziva zvamurikutaura ini?" "Saka ndokutsanangurira seyi manje or rega ndidayi ko uchirikuda kuroorwa na Ngoni here?" "Ah mama" "Ndirikungobvunza ko handiti wayida kuroorwa naye here paya?" "Paya ndayitamba hangu ini mama" "Asi kuona kwangu mwana wangu akukuda Makanaka" "Kundida? Ah anondidii?" "Eh asi sekuona hangu kwangu kana iwe unomuda inyaya chete yekuti zvandirikutaura newe hausikuzvinzwisisa asi uchazvinzwisisa zvako" "Ah kuzvinzwisisa chirudzii mama handisikutokunzwisisayi ini rega nditonotarise zvangu kuti anaNgoni wacho wayenda here" Ndakadaro ndichida kusimuka asi mama wakandirambidza wakati ndiregedze kunomutarisa nekuti atoyenda. Ndakanzwa kusvotwa ndanga ndatojayira kuswera naNgoni tichidenhanha isu. Ndakabva ndanomira zvangu pamu apple ndichiita kusvotwa chayiko kwakutanga hangu kudya ma apples. Ndiripakudya aplle ndakangonzwa kuti Makanaka ndikandirewo one apple. Rayiwa voice raNgoni ndakacheuka ndichiita kusekerera chayiko zvekutotadza kuzvidzora pandakada kuti ndimhanye kwaari mama wakabva wati "Ngoni famba uyende kubasa." "Ah mama ndirikuyenda ndirikungoda apple chete ini" ndakabva ndatsvaga apple ranga rakanyatsoibva kwakumuyendesera. Achibva abata zvake neruoko rwangu kwakuramba akanditarisa akatozoita zvekupotserwa naamai wake kwakubva achimhanya End of chapter 21

❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 👏 💐 🔥 133
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/18/2025, 5:27:19 PM

*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 20 Vanhu Mhanyayi ku Channel munoona zviriko please musakanganwe kuita Follow. Akatanga kufamba nachiita zvekukamhina ndayitotya kuti achadinha ini nekuti zvaayiita zvacho ipapoka. Ini ndakazosimuka pandakanga ndigere pamuromo manje ndakabva ndaona crown yayiwa pa chair ndichibvandatora kwakumupfekedza munoziva mwana wevanhu kutokamganwa zvangu kuti haana kusimba. Akatanga kuhuta pandakamupfekedza crown iyoyo zvekuti akasvika pakudonha pasi. Ndakamhanya paanga ari ndichiti ndimusimudze asi ndakakundikana nekuti ayihuta zvisingayiti. Ndakatanga kutya munoziva ndikati mwana wevaridzi achafa ndiinaye muno. Ndakayedza kuti ndimubvise crown iyoyo asi ndakatadza mugoona ndini ndanga ndayiisa ko apa yakundirambira seyi. Ndakasimuka kwakunomira kwakadaro nekutya ipapo izwi rakandizevezera munzeve dzangu richiti. "Usatya zvako midzimu ndiyo irikuita basa rayo anoita zvakanaka tokutenda nekuti midzimu yekwako yakutendera kuti usvike naye pano" Izwi iri parakapedza kutaura izvozvi ndakaona kufefenuka kwaNgoni kunyangwe gumbo rake rakanga raserera asi chironda chayiwapo. Paakasimuka akanga akazara nokutya kwakumhanyira kwandiri kunge achandiwisira pasi. "Makanaka ngatibude muno" "Mira ndirikuda kutsvaga mushonga wekuti tiise pachironda Pako" "Urikupi mushonga wacho, tsvaga tiyende" "Dzikama kani Ngoni hona tsvimbo iyo kupenya kwayirikuita" "Yayipenya zvakasiyana nedzimwe tsvimbo iyoyo yanga iyine kamwe kamupenyero kayo yega zvekuti ndakanoyitora kwakunotambidza Ngoni ndichiti hona. Iyo yangu yekubata bata iyi ndamboziva kuti ndirikuita zvimwe here. Makawa nemaungira matayiwa iye ayiratidza kuti ane zvaayinzwa zvirikutaurwa munzeve dzake zvandayisanzwa nekuti ayiyedza kuvhara nzeve uku ayitakupfugama akabata tsvimbo iyi. Ini chandayingonzwa maungira chete zvayitaurwa hapana chandakanzwa. Ndakamusiya akadaro kwakutanga kutsvaga mushonga uya ndakawana payayiwa kwakutsvaga wanga wakanyorerwa zvironga. Ndakangotora tupowder tushoma pandakasimuka ndakatowana munhu adzosera tsvimbo necrown iya amira akatarisa kwandanga ndiri. Kamutarisiro kacho ndakatombovhunduka. "Ko chii?" "Hapana" "Ipapo ayitooneka kuti amurume ipapo anga agwinya pachiso chake wayitonyatsoona kuti munhu uyu ane humwe hushingi husingaysananguriki. Ndakayenda paanga akamira kwakunomuzorera mushonga uya pachironda pake. Ndakabvarura hembe yandanga ndakapfeka kachira kadiki kwakuisa powder shoma ndichibva ndamutambidza. Chakandinetsa meso ake haana kubva pandiri. "Ko chiiko nhayi Ngoni?" "Hapana Makanaka kana wapedza zvaurikuita handeyi" "Ok ndapedza handeyi" Takatanga kufamba kuti tiwane kubuda ndipo ndakayeuka kuti umu ndakanga ndawinga uta nemisewe. Ndakacheuka kwakudzoka kuya pandakada kuti ndibate uta nemisewe ndakakundikana. Ipapo Ngoni akasvikawo pandayiwa kwakutanga atora Uta achibva atora miseve. Ipapo muwiri wake wese wakaita kakuvhundukira zvekuti ndakatombotya. Paakapedza kudaro akabva anditi handeyi. Ini ndakanga ndakumutya ini takabuda muya iye akabata uta hwake nemisewe yake akaita kuyibereka kumusana. Takashamisika tichibuda panze kwakuona kwasviba. "Todii?" Akabvunza Ngoni akanditarisa. "Ngatirare pano tozoyenda kunovhima mangwana" "Zvichiita here munhukadzi haafanirwe kurara panze" "Pano ndayitomboparara ndirindega Ngoni uye tarira kwasviba uku kunababa wako tosvikatichiti kudii?" "Saka pano pacho tinodyeyi" "Hazvinetsi izvi tarira pane chimukuyu chandakasiya ndaturika apo icho tinongogocha koti hupfu hwezviyo uyo tinobika sadza" Akaramba akanyarara akanditarisa kwakunditi. "Asi haunzwe kutya here?" "Kutya? Ndichityeyi?" "Kuve musango nemunhurume" Ndakaramba ndakamutarisa zvangu ndakanyarara handina kumbomudayira. Ndakatanga kubika kwakutora chimukuya kwakuisa padivi pemoto. Ndakapedza kubika sadza ndikamuisira mundiro yemuti ini kwakuisawo rangu. Takatanga kudya payine runyararo. Zvakandinetsa kuti kurwa kwese kwatayiita kuya kwayendepi. Ipapa dayi tanzwa nekurwa asi kana wena pamwe inyaya yekuti tirimusango. Ndakagadzira zvangu pangu pekurara iye kwakuyendawo pake pachikona. Machongwe ayinzwikakuchema nepamusoro pegomo iri saka ndakatopeputswa navo. Ndakamuka kwakumutsa Ngoni. Kwakanga kuchirine rima ipapo but ndakaona iringuva yakanaka kunovhima. Takadzoka naro gomo ndini ndayiwa pamberi. Ndakanyatsoti nhawa yangu muhuro pamwechete neuta nemusewe wangu koti ndandi dzangu. Ngoni akanga akapikata yake uta nemisewe. Takadzika gomo kwakunanga kugomo guru rekwaMaringa. Takasvikako kuchirine karima asi takakwira zvakadaro. Wandayitotyira ndiNgoni nekuda kwegumbo rake asi akanga ava nehushingi hwakanyanyisa. Hatina kure kwatakayenda takanga tatodziwana mhembe dzakanga dzakaungana. Ndakatarisa Ngoni iye kwakunditarisawo. Takakokerana misewe yedu tayifanirwa kuyiregedzera pamwechete. Ndakatanga kuwerenga one, two, three go kwakuyiregedzera. Panguvayatakaregedzera umwe neumwe akanobaya yake mhembwe asi ini semunhu akadyayira kuvhima ndakaukoka futi panguva iyoyo kwakunanga nekwadzayiyenda nako kwakunobaya imwe. Izvi zvakashamisa Ngoni kwakuramba akashama wake muromo. Mhembwe nhatu dzayiwa pasi apa takangatochifungakuti totakura seyi. Ndakanotyora muti wakanga wakasimba uye wakareba kwakubayirira ganda repauro apa kwakupayikirisa mhembwe dziya dzese ipapo kwakuti Ngoni ngatibate tiyende kumba. Apa kubva kwatayiwa kwayiwa nemufambo seyi asi ndakati ndatifambe zuvarisati rabuda. Payifambwa munongonzwa imi zvekuti umwemunhu anechoronda dzayitowa ngano idzodzo. Takati takusvika pedyo nekumba kwakuona vanhu varikumberereka mberereka. Wayitoona wayitoshamisika nesu. Takazosangana nevakomana wekumuzinda ndiwo wakazotambira zvatayiwa nazvo. Ndiwo wakazotiudza zvekare kuti vanhu wayitsvaka isu. Takati tichisvika pamuzinda so ah vanhu wakataridza kufara apa chinzwa unzwe yakanga yakufamba manje. Takasvika tichitambira nerokuti mambo makagara zvenyu asi mwanakomana wenyu aurayiwa naMakanaka. Zvino mambo wakanga wasina kuzvitambira mushe saka munhu ayitsvagiwa nevanhu kudayi ndini. Shoko rayinzi rakangarauya nasekuru Tobias ndiwo wayiti wakandiona ndichipushira Ngoni mumvura imika ndakaseka zvangu ini. Ko tanga tirikumboziva here kuti muninga muya takayita mazuva tirimo. Isu tayitoti tayita nguva duku tirimo asi kuno kumuzinda tirikunzi takanga takutokwanisa vhiki tisipo pamba. Zvisineyi hazvo mambo pawakationa wakaratidza kufara kwazvo kunyangwe naamai waNgoni wakafara. Ngoni ndiye akazowatsanangurira mafambiro ayo takaita ose pamwechete nekupinda kwatakaita muninga mambo wakashamiswa kwazvo. "Yaaa ndazviona ini kuti pane chachonja pauri" Wakadaro mambo wachiratidza mufaro mavari. Takazobva zvedu uku takunogeza tichisanogadzirirwa zvokudya. Ndakawa nomufaro kuti muwengi wangu anyadziswa chete yowe. Zvakabva zvava pachena kuti sekuru Tobias warikuyedza kurwa neni. Ndichipedza kugeza ndakananga kunodya yowe ndakanga ndanzwa nenzara ini. Kureva here kuti kubvakwatakaita pano takangodya kamwechete chete ndiko ndichiriwo kuziva. Ndakabva ndatoita confusion ini. Ndakasvika kutable uku Ngoni akanga asiko zvake. Handina kuda kumumirira ndakatotanga kudya ini. Ndakasvika pakupedza kudya asati auya chete. Ndakati kana rega ndimutevere kuroom kwake ikoko. Ndakasvika kwakuona munhu akagara pabed akabata gumbo rake nekadyira kaya. "Ah Makanaka wagona wauya huya undiisewo mushonga uyu ini ndirikutya ini" "Hayiwawo ndikuise mushonga kuti igumbo rangu here?" "Amana musadaro ini ndirikuzeza ini unovava mushonga wako uyu" "Hoo watowe mushonga wangu manje" "Asi waani, handiti ndiwe wakautsvaga here?" Ndakayenda zvangu kwaayiwa kwakutora mushongawacho. Pandakada kuisa munhu kwakutonditizisira gumbo kana ndimi. Ndakandonza gumbo racho ndichibva ndayisa munhu ngaatange kubowa hake. Ipapo mamawakabva wapinda. "Ko chiiko?" "NdiMakanaka wenyu uyu?" "Ibvapa ndayita seyi kukubatsira imhosva here dayi ndaziva ndisina kumbouya muno" "Ewo sorry kwacho" "Hayiwawo" "Ndayiti pamuchadzokawo zvinenge zvaperaka ini?" "Zveyi mama?" "Kunetsana" "Hayiwa mwana wenyu anopenga uyo handiti ndatouya kuzomutarisa ndatoona kuti ndapedza kudya asati auya" "Mama handiti mazvionaka kuti mwana wenyu ane hutsinye. Chokwadi angatodya ini ndisipo" "Hezvo saka wanga uchida kuti ndikumbire ini ndane nzara" "Hoo manje ndichanodya wakandimirira mira zvako uone" "Evo handingakugoneyi ini rega ndiyende kunemurume wangu" Wakadaro wachibida mama ini pandakada kuti nditeverewo munhu akabva andidayidza. "Makanaka" "Chii Ngoni" "Shaa ndirimambo wako ini unofanirwa kunditi mambo" "Handipengi ini urikudeyi" "Huya undipfekedzewo socks pangumbo iri" "Wadii kusiya pafurwa nemhepo" "Ayiwa kani huya undipfekedze chete iwewe" "Ih makuzonyanya kuyema kwacho bamboo" "Ndipfekedze socks chete iwewe" Ndakayenda paya kwakugara padivi kuti ndiwane kumupfekedza socks racho. Munhu kuzoramba akanditarisa kunge achandidya kani. Please mhanyayi kuChannel usasare hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry hurry End of chapter 20

❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 🔥 👏 💃 1️⃣ 316
MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
2/22/2025, 7:04:50 PM

*BOOK* 1️⃣4️⃣ https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *👆👆Handipi munhu book ku inbox munhu tevera Channel* wese arikuda kubva pa1 *MAKANAKA* 🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼💤 https://chat.whatsapp.com/F5Kh5ccVAhr26xO5SK7I6w *🧜 DRAMATIC & ROMANTIC💓* Written by: *MT TINO* Call only 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣5️⃣9️⃣2️⃣4️⃣2️⃣6️⃣ *FREE BOOK📙* Whatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣6️⃣5️⃣3️⃣6️⃣3️⃣ *Please READ and SHARE* Tino anokudayi mese. Chapter 26 Vanhu pindayi mu Channel weduwe ndinganzwe kufara kwazvo mukapinda neku follower. Chokwadi saka vanga wachitorevesa vanhu awa kuti musikana uyu ihanzvadzi yaNgoni kwete mukadzika. Ndakanzwa kufara kumwe kwakadarikidza handidi kunyepa zvangu. Ndakanzwa manyukunyuka kuti fashu fashu mumoyo mangu. Ndakangoerekana ndati yes ndichimutambidza ruoko rwangu apa rumwe ruchivhara kumeso. Ndayinzwa kufara iye wacho akanga ongoti yes yes kasingaperi. Akandipfekedza kwakusimuka nekundisimudza kwakutenderera neni. Ndakanzwa manyuku nyuku kani handidi kunyepa. Mukunditenderedza muya ndakaona sekuru Tobias wakaita kufinyama. Pandakaramba ndakawatarisa wakabva watofamba kubuda wayiratidza kuti wagumbuka kwazvo. Ini panguva yacho handina kutomboita hanya nazvo hangu ndayingoti hameno ikoko. Ndakazononyatsopihwa pangu pekugara kwakunyatsoigirwafood yangu ko ndanga ndichimboziva here kuti yangayanyatsorongedzwa yayiswa kwayo yega. Ipapo ndanga ndakagara padivi naNgoni so ndayinzwa kuve so excited panguva yacho zvekuti kudya chayiko ndakatadza. "Idya kani babe" "Dayi manditi ndidye nguva iya zvimwe ndayidya izvezvi handichatogoni I'm so excited" "It's not my plan babe but ndokumbirawo udye" "Handichatogoni" "Ndanga ndakusuwa mudiwa wangu" Ndakanga ndoita kunyara ndakungoruma ruma nzara kasingaperi. Ndayiita kunge ndichanyunguduka pandanga ndakagara. "Maka" "Huuu" ndakadayira zvigumwe zvirimumukanwa ko zvayida here kubvamo nenyadzi "Ndokuda" Ndakangomutarisa kwakutarisa pasi. "Makanaka " "Huuu" "Ndati I love you" "I love you too" "Handina kukunzwa ini bvisa zvigunwe mumukanwa" Akadaro achibata maoko angu kwakunditarisa. "Nyatsonditarisawo babe undiudze mhinduro yako" "Ah" "Saka haundidi handiti?" "No ndokuda " "Chinditarisa undiudze" "Munevanhu ah" "Vanhu wese wayenda panze kunotandara panze wachigocha nekutamba radio muno tasara tiri two" Akabva andisimudza musoro wangu kwakunditaridzisa kwaanga ari. "I love you Makanaka" "I love you too Ngonidzashe" Akabva aswededza musoro wake pedyo neni kwakutanga kundikisa. Ndayisamboziva zvangu kuti zvirikubva nekupi zvichiyenda nekupi ndanga ndakamirira kudzidza kubva kwaari kuti ndoita seyi. Panguva yandanga ndakuda kutangawo ku responder ndipo takanzwa kugadziriswa kwepahuro. Ndakavhunduka handidi kunyepa. Ndayitoona kunge ndirikuita zvinhu zvisingayiti. Ndakaita kunyara kushaya pekupinda chayipo the worse part of it wanga wari amai wake Ngoni. "Murikuiteyi ipapo?" Ndakada kuti sorry mama asi Ngoni akandimisa kutaura nekuti kutya kwangu akatokuona. "Mama makaiteyi mukadzi wangu?" "Hezvo ko ndayitaseyi munhu ini" "Mama haasiye Makanaka wandoziva uyu ipapa maona here kudedera kwaayita?" "Hezvo so you put the blame on me" "Ehe mama ndimi wandayiti tarisayi Makanaka" "So kumudzidzisa hunhu netsika yatowe mhosva" "Mama Makanaka ayiwapo kudhara ini ndakanga ndakamuda akadaro not uyu wamandiisira apa uyu akuita kutya kudayi akuita kunyarara achiitwa yese yese no mama zvamakaita handina hangu kuzvifarira chokwadi" "Makanaka she's the next queen of this kingdom Ngoni. Anofanirwa kutsiga kudzikama chayiko" "Mama sandizvo zvatakawirirana ndakati wani musiyeyi akadaro?" "Asi zvaari zvacho akaipeyi kutongodzikama zvake asi kana zvakakwidza majokes acho anotomaita wani?" "Mama mandirwadzisa mufunge ndakakuudzayi kuti kunyangwe chikawe chikoro siyayi ndoitisa ndega but now oh" Makanaka muroora ndakambokuudza iwe siyana naye uyu. Wakadaro mama kwakutanga kufamba kwakuzomira wawakumberi. "Oh be ready Maka urikuda kunocheka cake panze apo vanhu wakakumirira ini rega nditore banga racho" "Ok mama" Ngoni akaramba akanditarisa akanyarara zvake kwakuzoti. "Hausisiri Maka wandinoziva chokwadi?" Ndakaramba ndakanyarara ndichitarisa zvangu pasi. "Maka" "Huuu" "Chii?" "Hapana ndiri right ini" "Ayiwa wandichochira babe ayiwa please handisikuzvida hangu zvaurikuita. Kana wakatoudzwa kunzi daro chitosiyana hako nazvo"" "Ngoni usafurire mwana ndokurova iwe Maka handeyi" Wakadaro wachindibata ruoko mama kwakubuda neni ndipo pakatanga kuimba vanhu happy birthday to you. Ndakazocheka cake ndichibatsorwa nanatete wangu vanhu kwakutanga kutamba radio vachigocha uku wachifara zvakaipa. Ngoni akazobuda panze ayitoratidza kuti zvesure haana mufaro nekuchinja kwandanga ndayita. Akambotenderera tenderera achotaura nyaya nevamwe asi akapedzisira asvika kwandayiwa. Ndayisatamba zvangu ndanga ndakagara ndichiona zvekuti dayi kari kare kangu ndayidayi ndakutomakamba ma speaker avo aya. Akazongonditi handeyi mumba kwakusimuka zvangu kwakufamba ndichiyenda mumba. Ndakanangwa neni kuroom kwake hanzi hande ndinokuratidza zvandakuigira. .........

❤️ 😂 🙏 👍 😢 💐 😉 😮 114
Link copied to clipboard!