MT TINO NOVELS🥳
January 24, 2025 at 06:44 PM
MT TINO
Follow the MT TINO NOVELS channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z
*MT TINO's Channel please kubva pa1 follow that Channel 👆 and other books available there*
*Hot Collaboration*
*💓 UNLIMITED LOVE💓*
Written by
*MT TINO*
To778592426
To775665363
&
*Liliosa Chiwara aka Lillie's of the valley*
*Please Read and share*
Chapter 10
Mai Mufaro vakandishamisa ini kutogara 1 week yese pamba paJekanyika and kuside kwangu ndaitova covered vaindi kavhira pese paiuya Jekanyika kuroom kwangu achida kundizembera zembera Mai Mufaro vaibva vati
" Ah vaJekanyika mwana achiri kunguva yake uyu musiyei kani enda zvako kune vamwe Ruru "
Ndaiva ndava kuziva hangu kuti vaviri ava vanotsotsana zviweti saka ndainyatsa kubuda ndakafara ndonogara hangu panze .
Ndaiva ndisina mukadzi wepamba apa wandaiva ndichiwirirana naye munongoziva zvepabarika kana uri mutsva vanenge vachitoda kukutsvinyira kunyanya kumabasa epamba manje ini ndainyepera kurwara saka ndaingoswera ndichitevera mushana zvangu uku chikafu ndichipiwa ndakagara .
Mama vangu ndaiva ndisina kana kumbovaona kubva pandaiva ndakabva kumba kwedu asi Baba vangu ndivo vaisapedza zuva vasina kusvika pamba pemukwasha wavo ko Iko kuzondinyadzisa vamwe vakadzi vese hapana hama dzavo dzaimbouya asi Ivo vega ndivo vaingouya hanzi ndauya kuona kuti mukwasha wakagara zvakanaka here nemwana wangu , votobva vadya sadza nenyama vomwa mvura vodzvova vozopinda mumota naJekanyika kuenda pamashops kunotengerwa doro , zvekumba kwedu zvaitonyadzisa chero Robby aitoti achidzoka kuchikoro ouya nepo hanzi ndauya kuzoona sisi vangu kuita kunge taimbowirirana tiri kumba .
" Ko nhai Mai Mufaro ndimi mambosvika kumashops nhasi mambonzwawo here nyaya yaKudzi hanzi ava sei "
Ndakabvunza Mai Mufaro umwe musi wavaiva vambobuda kuenda kuShop kwaJekanyika nemukadzi uya wechi 3 ainzi vaMadhube kunotora chingwa chekuti vanhu vamwise tea .
Ndaitoda kuendawo kumashops kwacho asi ndaisabvumidzwa kufamba Jekanyika aiva akapa mutemo wekuti ndisabuda gedhe chero kunotsvaga huni nevamwe ndaisaenda vaityira kuti pamwe ndonozotiza saka ndaingogariswa pamba ndichichengetwa kunge broiler .
" Haa Ruru kaa uchiri kufunga zvekamukomana kaye kanonzi Kudzi, ndatoona Mai vacho kumashops uko hanzi akabuda muchipatara nezuro asi kwanzi waiti anoda kuuya kukutora pano by force zvino vanga vachiti vakarwisana naye kuti asauya vanga vachitotaura zvekuti ava kuda kuenda kuHarare chaiko nekuti shungu dzaanadzo anogona kuedza kuzviuraya futi saka vati vambomubvisa panzvimbo anokangamwa nezvako "
Ndakaridza tsamwa ndikavati
" Saka akuudzai kuti anondikangamwa ndiani , dai akangonoshanda akaita Mari akadzoka akandiba vanhu mukaure "
Ndakaerekana ndapindura kudaro Ivo vakati
" Haambodzoki anotodzoka aroora , kuHarare uko kune vasikana vakanaka vanogeza vatsvuku vane zvinhu zvavo mahipisi aya saka kangamwa hako nezvake uite zvemba yako "
" Imba ipi ipapa "
" Uri kutotaurisa ko ukanzikwa nhaiwe "
" Handina basa nazvo ini chandinongoda ndiKudzi wangu chete "
Ndaitotaura ndichideedzeresa kwabva maiguru Madhube vaerekana vasvika vakamira vakanditarisa vakati
" Tii yaita "
Ndikangosimukawo ndichivatevera kuenda kunodya ko ndaisvika riini ndichiramba chikafu ndakatonyatsa kuchitsika tea nechingwa chine mazai chandaisamboziva kumba kwedu .
Kuzoti Kumanheru kwemusi iwoyo vanhu vese vaitova mudining vachitandara kuona TV neniwo ndainge ndava kutopindawo ndakagara pasofa paside naMai Mufaro tichingoonawo zvivarungu ndaimbonzwisisa here kuti zvaienda nepi yainzi Zee World iyoyo yaionekwa .
Takanzwa noise kugedhe , kune munhu aideedzera asi zvaisanzikwa zvaaideedzera nekuda kwenoise yeTV plus imbwa dzaihukura , paiva nevakomana 2 vemombe plus umwe mwana mukomana wavaJekanyika mukomana mukuru chaiye aitova akanyora form 6 aivapo ndizvo zvakandiratidza kuti Baba vakura zvavo ava vaitova nemwana muhombe kwandiri negore.
TV yakadzimwa vakomana vakaenda kugedhe kunonzwa kuti munhu aipopota ndiani tese tikabuda panze ,tichinzwa ivoice raBaba Mufaro riri padenga vachiita kupaumba .
" Ndati vhura apa iwe Jekanyika , unoreva kuti wototora mukadzi wangu kuita wako here hee , une shuwa here iwe kugara vhiki rose nemukadzi wangu ndakazviona kubva kare kuti waichiva mukadzi wangu uchinyepera kuda kutamba neni uchiuya kumba kwangu nechimota chako demet mhani vhura gedhe iri ndoda mukadzi wangu "
Munhu wese akaisa maziso pana Mai Mufaro, mukadzi waJekanyika muhombe ainzi Mai Trevor akati
" Ndakambozvitaura kuti Tete ava vagarisa imi vaJekanyika mukati regai vagare chionai manje tava kuitirwa noise nezvinhu zvisina nebasa rose "
Umwe mukadzi wacho wechinumber 4 aitaurisa akabva ati
" Makambozvionepi vatete vanoperekedza munhu voita vhiki rose varipo vanga vaizvinyanya ndaitonyara kuvaudza kuti chidzokerai anyway zvavateverwa kudai zvanaka "
Mukomana wemombe akavhurira Baba Mufaro gedhe vakapinda vakacharger uku vakabata demo vachifambisa vakananga vaJekanyika , ini nechemumoyo ndaingoti dai ratemwa zimudhara irori rife .
Jekanyika akatizira mumba make ava vakomana vachirwisana nekubata Baba Mufaro kuti vadzikame .
" Imwe yandinoda kutema inzenza inonzi Mai Mufaro , munhu asina nyadzi anosiya vana vega mugore renzara rino uchiuya kuzotizira pano nhasi ndinokutema makumbo iwayo anodisa varume aripi Mai Mufaro "
Vaiva vatotizira mumba kare vakanobuda nekabag kavo vakaenda vachiita zvekuchairwa kunge mombe uku vachirikitwa kurohwa .
Yah vaiva vachienda manje Mai Mufaro vaindimiririra ndakabva ndachiona kuti ndasara ndega manje ndotodzidza kumira ndega kwakarehwa naMama vangu .
Vanhu vese vakadzokera mumba zvikanzi navaJekanyika
" Nhasi ndiri kunorara kwako iwe Ruru "
Mukadzi wechinumber 4 akasimuka akati
" Mati chii , mukwane Baba imi nhasi I duty rangu and handisi kutomboda mastory munozoenda zvenyu mangwana ndinoda kukuonai kubedroom kwangu nhasi chaiye ndatopedza "
Aiva chihera chaiye akakwana and aitonyatsa kutaura akamira pamberi paJekanyika zvake zvekunzi anotyiwa nevakadzi vake aityisidzira vamwe kwete Mai Munya ava vaitozvitonga .
Ndakafara zvisingaite pakarambidzwa vaJekanyika kuuya kuroom kwangu asi ndaitya futi kurara ndega muziroom iroro .
" Ko maiguru vadiki hamudiwo kurara neni here "
Ndakaerekana ndabvunza mukadzi mudiki wacho aiitawo kunge wezera neni asi anenge aitozvungurwawo nekanhunbu kake kaaiva nako akatondiridzira tsamwa akasimuka kuenda kunorara .
Ini ndokungosimukawo ndichienda kuroom yangu ndikatanga ndakiya ndikada kurara kudai zvikandirambira ndikamuka ndikatanga ndanamata kamunamato kadiki diki mamwe manzwi akaramba kubuda ndakanamatira mumoyo kwabva ndazoenda pamubhedha kunorara , zviye zvandaiitiswa naMai Mufaro zvekurara ndageza ndakabva ndatosiya vaitongondinetsa zvavo ah ini ndaiva ndisina kumbozvijaira zvekugeza ka2 pazuva .
Ndakatozvirarira hangu ndava kufunga magood memories angu naKudzi , ndikafunga chezuva riya raakandibvisa umhandara paseri pegwenzi ndikatanga kunzwa misodzi kuvavira kuda kuchema .
Go go go go
Ndakanzwa nock padoor pangu ini ndikaramba ndiri zii ndichishaya kuti ndiani , ndaiva ndisina kana pekutarisa time kuti ndione kuti inguvai kumadziro kwaiva newatch muroom umu asi yaitoratidza kuti yakamira kushanda kare zvayo .
" Ndiani"
Ndakadaro hana yangu ichirova mupfungwa mangu maiva mauya zvinhu zvakawanda vamwe vaiti Jekanyika akaromba saka ndaiva ndatora light riri on ndichitya zvikwambo manje apa ndakatoti pamwe zvauya zvikwambo zviye kuzondiita mukadzi imwe pfungwa ikati pamwe ndiJekanyika atiza kwamai Munya kuti auye kuzorara neni ndaiva ndava nowhere ndisingachazive kana chekuita.
Nock yakadzokorodza ini ndikati
" Ndianiko ndakuzoridza mhere manje mukaramba muchinoka musiri kutaura "
" ndini Travor vhura "
Hezvoo zvaaiva mashura Travor mwana wemukadzi mukuru aidei padoor pangu zvaaiva mashura chaiwo ndaiva ndakamuona kubvira Musi wandakasvika aingonditarisa manje ndaisambomuvhurira .
" Uri kudei ibva padoor pangu handisi kuzovhura apa ndodeedzera vanhu vamuke"
" Vhura kani tinongoita madhiri handimboudze vanhu please "
Nxaa ndakaridza tsamwa ndikazvidzokerera pamubhedha pangu ndikamusiya achinoka zvake padoor ipapo kusvika paakazonetawo akaenda .
Nhai Mwari zvandaitova pamuyedzo ndaizopagara seiko pamba apa ko iye Travor uyu apindwa nei mwana rudzii anoda kutsotsa mukadzi waBaba .....
*Stay tuned*
*In God Hatiperi*
❤️
😂
🙏
👍
😮
😢
🔥
🌚
💃
🖕
181