
MT TINO NOVELS🥳
January 26, 2025 at 08:29 PM
Mt Tino
Follow the MT TINO NOVELS channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z
*MT TINO's Channel please kubva pa1 follow that Channel 👆 and other books available there*
*Hot Collaboration*
*💓 UNLIMITED LOVE💓*
Written by
*MT TINO*
To778592426
To775665363
&
*Liliosa Chiwara aka Lillie's of the valley*
*Please Read and share*
Chapter 11
Vanhu endayi mumopinda muma Channels please mugarireko. Kana uri muwerengi we book iri enda uno follower MT TINO now.
Ah kana pfungwa dzekuzofunga kuti kuna Kudzi anga achindichemedza apa zvakazombofungiwa naniko ndakuseka benzi iri ririkutayimira babe ramudhara. Zvaanenge akatodzidzawo wani ko zvekuzoyendera wakadzi wevanhu zvazobva nekupi kana ndimi. Haaaa ndakaita kupererwa chayiko nemwanakomana uyu. Ndakaita kuseka ndikaneta. Pese apa ndayisambozvifungira kuti achazosvika pakundinokera asi anga andinokera wena. Ndayitoona zvangu nematarisiro ake kuti mukomana uyu izvo ndizvo anotoita nhayi. Ndakatozobatirwa nehope patowe paya asi ndayitorara ndichivhunduka kurikutya zvangu ndanga ndoti dayi kwayedza zvako. Kuchiyedza ndakanga ndamuka kwakunzwa nock kudoor zviya zvekuti amai mufaro wayimuka wachiita basa nevamwe wachindikavhira zvanga zvavharanaka ndanga ndasara ini. Wakanoka amaiguru wakuru padoor ndakanovhura kwakumira zvavo wakabata chiuno.
"Eh saka imimi munoda kusvikepi muchimuka makarara pano. Isu tisu tatowe washandi wenyu?"
"Ayiwa mamukaseyi maiguru"
"Pwayiguru pwayiguru kuitaseyi kwacho heeee enda unobika break fast uko. Nhasi zvava Jekanyika zvekuti hauyendi kuhuni ndoda kuzviona ini pano nhasi ndipo urikuyenda kuhuni nhasi nevamwe"
Ndakanzwa manyuku nyuku kuyenda kuhuni wanga watondinonokera nekuyenda kuhuni kwacho kubva ndine dzandanga ndatofunga ipapo.
Ndakatanga zvangu kudhonza makunbo ndichiyenda kukitchen kunobika ha imi ndayizvigona here ndega ndega kubikira mazikuvanhu ayiwa pamba apa. Ndakatombomira zvangu ndichifunga kuti saka kana ari mazai wanopwanya mangani ko ndayimbozviziva here. Wakauya maiguru waya ngawatange kuvava kuti ndichakamirireyi kugomwa musoro nekugomwa ndakarwadziwa ini. Ndakawabvunza ndobika mangani zvikanzi crate rese imika. Ndofunga inyaya yekuti wanawo mazai acho nekuti ah kkkkk inyaya yekuti wane huku dzemazai handiti. Ko isu tayimazivirepi mazai pamba pedu payisatowa nehuku yacho yemazayi zvino ndayisagonaka kumabika. Ndanga ndangomira ndatarisana nemazai aya. Maiguru waya ngawatange futi kuvava.
"Kutaura chokwadi maiguru handisati ndakambobika mazai ini handizvigoni?"
"Saka iwewe kufunga kwako urikuda kudzidziswa nani waurikuona akaita sateacher wako pano ndiyani kurumidza kubika mazai izvezvi"
"Mama murikuda kutidyisa mbodza here? Murikuda kuti ayite seyi kana achikuudzayi kuti haagoni?"
"Iwewe Trevor wapindira papi uye mukitchen urikudeyi iwewe?"
"Mama chiiko imimi asi handichatotenderwi kupinda muno mukitchen kani?"
"Futseki buda muno"
"Haaa kana mama handisikuda imi muchida kuti tibikirwe zvinhu zvisingadyike here. Akuudzayi wani Rue kuti haangoni kubika mazai asi mati hamusi teacher wake chiregayi ndimudzidzise zvangu inini"
Mai wacho wakangoshama muromo wakatarisa mwana wavo ayitouya kwandanga ndiri kwakusvika nekuisa ruoko rwake pabendekete pangu sezvinhu kwazvo. Ndakabva ndaruvhizura akatoseka zvake akatora plate yegomba kwakupwanyira mazai ten imomo akaisa mafuta mupan kwakubatidza gas. Zvese zvaayiita zvayiwa mumaziso hazvo kunyangwe ndayiziva kuti nhasi chayiye chinogona kutongondichayira pakuyenda kuhuni ipapo. Ayinditsanangurira kuti unodayi nekudayi nekudayi haaa ayiwa zvake nemoyochena wacho akamabvisa kwakuisa muimwe poto kwakuchinditi ndiite angu ipapo amai wacho wanga wabuda nekushatirwa nezvanga zvayitwa nemwana wavo. Akanodongorera kudoor akaona kusina munhu kwakudzoka
"Saka nezuro wakaramba kundivhurira door"
Ndakaramba ndakamunyararira ini ko ndodireyi kupindurana nemapenzi. Apa ugoona munhu anga ari bhoe zvake akanaka kwete zvekutamba asi arikuda kumora huchi hwamudhara kana ndimi.
"Ndirikutaura newe Rue, tinongoita zvinhu zvedu secret hapana anotombozviziva ufunge"
"Undikwanire mwana iwe wanzwa. Ndoti ndiripachipare chababa wako chandisikutomboda kana nepaduku pese iwewe woda kunditemesa musoro futi iweka undikwanire iwe handitombodi kuzvinzwa kana ka1 ndovaudza baba wako"
"Uchivaudza kuti wayite seyi ndinokurambira zviripachena kkkkk ndiwe unosara nenyaya nekuti wakadzi wakuru wese awa wanobva watouya kuside kwangu zvakaitwa kadiki ako kaurikuona kakada kudaro asi ndiko kakasara nenyaya kakunzi ndiko kayindikwezva ndizvo urikuda here?" Dayi wangobvuma hako tatozviita muchinyararire. Hausiwe wega unotondifidha pano wanzwa wese awa ndinotonhingirikina"
Ndakamira zvandayiita kwakumutarisa ndichidzungudza musoro.
"Shaa hapana chaurikudzungudzira musoro ini handitoregi kukuudza nekuti ndoziva kuti ndokurambira uye ma support ndinenge ndiinawo. Chero naamai wangu chayiwo ndinotonhingirikina shaaa."
"Watii?"
Ndakadaro ndichinonhona munzeve mangu nechigunwe kuti muchene ndinyatsekunzwa.
"Wazvinzwa saka iwewe nhasi ndinewe"
Mwana zvaayitopenga nhayi uyu, asi zvaiva zvemushonga kani ndakafunga kuti pamwe aitoti kungwara iye achishandiswa nemushonga waBaba vake .
"Hazvina kutombokufita ufunge"
"Chandirikuda kukuudza Rutendo ndechekuti usayite zvekuti ndikuwenge pano. Nekuti ndikakuwenga unorarama miserable life iwe sezvirikuita waurikutevera uyo"
Akadaro achibva atobuda ah ndakambobvisa pan pamoto kutombomutarisa kuti ayirevesa here mwanakomana uyu haaa imika. Ndakapedzisa kubika mazai kwakuisa mvura yetea pamoto. Ko ndayimboziva kuti kune ma jug ekuboilisira ari fast here. Ndakatozomaziva maiguru waya wadzoka wakuita kundishura shura zvavo. Haaa pamba apa hapagariki please ah imi. Mai Mufaro chawayendera zvavo ummm.
Tea yakazoita vanhu wakanwa tea apa mazai aya anga akazara salt seyi ndanga ndichiita kutukwa nemunhu wese zvekuti ndakapedzisira ndakuyeredza misodzi. Aka kemimba aka ndiko kakaramba kakanyarara zvino vamwe wese awa nevana wawo anga ari ma1 chayiwo. Ndakatukirirwa zvekuti ndakati amai huyayi munditore. Vanhu wachipedza kunwa tea ndini ndakanzi ndisuke maziku plates ese iwayo. Haaaa ndofunga inyaya yekuti Jekanyika anga abuda nekuti ndichipedza kusuka takabva tanzi kubva panumber five kusvika kuneni wechi eight kuhuni. Haaa mukadzi mukuru uyu ayitonga nedemo sure. Ko adii kuti kutangira panumber four anoziva kuti number four yacho hayijayirirwi nhayi. Haaa uyo kkkk vanoudzana makobvu nematete ipapo. Takabuda kwakunanga kugomo ini ndayiita sekunge ndisingagoni hangu kufamba ndayifamba zvishoma nezvishoma hangu tichiyenda kuya. Ava mbuya tumbwa wayingopfira pfira kasingaperi zvekuti mangu mumukanwa makapedzisira mazarawo mate ndakungosvipawo. Ndakazongoti vanhu wawarayirwaini kwakusara ndakamira zvangu. Ipapo tanga tatowe pakati pesango saka ndakangoti tsveee kwakupota pota nematombo. Ndakamhanya kwakuyambuka pakagomo kayiwa kumhiri kwakufambira imomo ndichiita kufambisa maskirt ndakakwinya aya. Chandayisada kuonekwa ini saka ndayitofambisa kukanda nhanho chayiko. Ndayisada kufambira muroad nekuti ndayikurumidza kubatwa saka ndayifambira musango. Ndakasvika pedyo nekwayiwa nedzimba apa ndayitya kuonekwa. Ndakayenda kumusoro kwedzimba dzana Kudzi ndayiongorora pamba pavo ndichiti ndichawana vanhu asi payisawa nevanhu. Ndakaramba ndakahwanda kusvika zuva rakuda kunopinda muna amai waro ndipo ndakazobudikira kuyenda pamba pana Kudzi panga pava nevanhu manje.
Ndakasvika kwakunoka padoor repa kitchen mayinzwika vanhu kutaura asi pandakanoka makabva mayita runyararo. Akabuda Kudzi zvekuti paakandiona akavhunduka.
"Ndiyani?" Wakabvunza amai wake wari mumba asi haana kukwanisa kushamisa wake muromo apa ini misodzi ndiyo yanga yakungoyerera ndisingachagoni kana nekutaura worse nekuonda kwaanga ayita Kudzi.
"Ndiyaniko zvaanenge pane munhu arikuchema?"
Wakadaro amai wake wachiuya kudoor pawakangonditi baa chete ngawati watanga kuvava. Wakanotora shamhu wakatanga kundidzinga sembwa pamba pavo. Kudzi akamboda kuyedza kuti amai musadaro asi akatinhirwawo mumba neshamhu. Ndakadzingwa sembwa uku ndichitinhirwa kuroad zvino. Ndakangoti ndichibuda gate repamba pavo kwakuita mahwekwe nababa wangu wachibva kumasitoro haaa imika . Wakamisa bike ravo nekuchimbidza apa amai wa Kudzi vayivava semhiripiri ipapo. Ndakashurwa zvekuti kana baba wangu wakadzungudza musoro kwakunobvuta zijamhu rayiwa naami wakudzi kwakunditi shapu. Rakanochekerera kubva pafudzi apa richichekerera nemusana richidzika kutsoka haaa ndakazhamba imi ndichiita kutinhwa sembwa kudzi dzokera kumba kwemurume wako. Vakanga wakaita kubata bike neruoko rumwe kwakutanga kunditinha zvino. Ndayiti ndikada kutiza wayindimhanyisa wonondirikita zvekuti ndakapedzisira ndakuita zvekunzunzutira ndega kudzokera kumba kwaJekanyika ini. Takasvika pamba pacho iri batayi batayi vakadzi wachirohwa na Jekanyika wachinzi hapana anorara mumba nhasi endayi munomutsvaga muuye naye pano.
Pawakandiona ndichisvika nababa uku ndakabatirwa shamhu wakavhunduka uku Jekanyika achiuyawo. Mbama yaakasvika achindipa ndakanowira kwakadaro uko akanditevera kwakusvikondipa imwe bhutsu mudumbu umu yekuti ndakaita kunge munhu apererwa nemweya wekufema kwakuti ziii ndakadaro.
End of chapter
In God Hatiperi
❤️
😢
👍
😂
🙏
😮
🔥
73