MT TINO NOVELS🥳
MT TINO NOVELS🥳
January 27, 2025 at 06:50 AM
https://chat.whatsapp.com/GXUexo4OlTS7eiBdOn1mva Follow the MT TINO NOVELS channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z *MT TINO's Channel please kubva pa1 follow that Channel 👆 and other books available there* *Hot Collaboration* *💓 UNLIMITED LOVE💓* Written by *MT TINO* To778592426 To775665363 & *Liliosa Chiwara aka Lillie's of the valley* *Please Read and share* Chapter 13 Vanhu pindayi muma Channels ayo please. Ndakasara ndichiseka kwakufuga musoro zvangu umm musi uyu zvanga zvandijamba. Trevor ndakatoseka kuti haana kubudikira apa anga ati arikuuya anenge anga atonoyinyudza kwamai Munya chete haaa zvepamba apa madrama chayiwo. Ndakatanga zvangu kufunga madzingorwo andanga ndayitwa naamai wakudzi kuita kundiita imbwa chayiyo haaa ndakanzwa moyo wangu kurwadza. Ndikafunga maondero anga aita Kudzi wacho mayiwe zvangu ndakapinduka kasingaperi kuita kuita tumabonzo chayitwo. Ndakabatirwa nehope hameno nguvayi ndakamuka kuseni kwakunoita basa nevamwe eh zvekunokerwa ndayisada. Patakapedza kunwa tea ndakanga ndakusuka sezvo ndayisawa ini ndabikawo. Mukusuka muya hameno kuti ndakaita zvekuita seyi kwakudira amai Munya mvura mayiwe zvangu ndakaita kupondwa munongonzwa imi. Vamwe vakadzi kana kutombobata wayitodayidzira kuti rova chayizvo rova. Ndakashamisika kuti vanhu awa vanhu werudzii. Trevor ndiye akatozouya achimhanya kwakusvika nekubvisa amai Munya wanga wakandigarira akatanga kuvatuka zvekuti ndakawanyarira kutopotsa kuda kurohwa chayiko wakatukirwa chihure chavo chese. Yakaita batayi batayi kani musi iwoyo. Ndakazobvapo ndoyenda kuroom kwangu kana kusuka kwacho ndanga ndatokuramwa ini. Ndakasvika nekuzvikiira kuroom kwangu kwakuzobuda manheru ndadayidzwa hanzi kwayita meeting. Ndakashaya kuti yayiwa meeting yeyi kuti ndeyekuroorana kwatanga tayita here hameno rega tinonzwa. Ndakatosvika ndichikamhinira kwakusvika kuya kwakuona vaJekanyika watoripo pasofa ravo rinongogara richinzi ndera baba iroro ranga rakasiyana nemamwe ese rayiratidza kuti nderemutupo chayiwo. Ndakanogarawo payiwa nevamwe uyu Trevor ayingondicheka neziso wega wayitoona kuti ziso iri ririkutaura. "Eh madzimai angu ndini ndakudayidzayi pano. Eh ndanzwa kuti pano paita noise masikati. Ini handidi hangu izvozvo munozviziva. Mayita luck kuti ndirikuda kumbobida rwedo rwangu harusikuda tsvina dzenyu idzi asi next time kungonzwa kuti pano ndizvo payita oh ndinokuudzayi. Ndinokurikitayi kubva kumukadzi wekutanga kusvika kune wekupedzisira. Handineyi kuti unozviziva zvavarwira kana kuti hauzvizivi ini ndinokupondayi kwete zvekutamba. Chimwe chinhu kudzanayi pano, iwe Mai Munya uyu Rutendo uyu haana kuvinga iwe pano akawinga ini saka zvekuda kuratidza masimba ako pamukadzi wangu ngazvigume nhasi. Newe Mai Trevor hapana mukadzi wako apa vese awa wakadzi wangu inini zvekuti ndakupa mutemo iwewe wochinja mutemo wangu chenjera kudzokera kumba kwenyu nenzara ino wanzwa. Kudzanayi vanhu waripano mukada kurebesa muswe ini ndougura kuugura chayiko." "Asika baba wakadzi wenyu a...... " "Shut up I said shut up hapana arikutaura nhasi ndini baba muno ndini ndinotaura shut up nonsense. Zvinhu zvangu hazvichanyatsondifambira zvakanaka saka mangwana ndirikubuda ndirikumboyenda ku Mozambique ndodzoka zvangu ndofunga zvikandifambira zvakanaka ndinonoita week ndodzoka asi zvikanetsa ndogona kutora two weeks murikuonawo kuoma kwakaita zvinhu saka ndirikuda kumbonohodha ikokoko eh iwe Trevor usare uchengete pamusha handitika? Ndiwe baba pano kana ndisipo saka wotoziva zvaunoita." "Ndazvinzwa baba" Akadaro achiita kuzunza mapendekete kani zviya zvemunhu arikuzviratidza pavanhu kuti eh zvesure ndini. Ndakaseka zvangu ayotozvinetsa zvake Trevor wacho. Ndakazobva paya kwakunobatsoran nevana wayipakura yoyo musi uyu panga pabikwa nenyama yenguruve ndayiita kurwira marute kunzwa kuyida chayiko ndiko ndayiita. Pakasara kupedza kupakurwa ini ndakanga ndatotungamira kudya kare zvekuti vanhu wakashamisika apa kwayinzi kanababa waripo munhu anofanirwa kutanga kudya ndibaba. Ini ndakatotangira baba wacho kudya. Rayiwa muplate handina kutoguta musi uyu ndakati kukumbira kunonetsa kwakusimuka ndega. Vakati watanga kutaura wakadzi waya kunyanya maiguru wakuru zvino murume wacho akawagona. "Murikuona kakadzi kenyuka kushaya hunhu mozoti tinotaurisa ipapa karikudzokorora kanoti ndiko kega kane dumbu here" "Matauriro erudzii iwawo? kureva kuti kana asina kuguta imhosva here? Asi pano pane nzara? Pane arikurambidzwa kudya sezvaarikuita here apa" "Imi baba Trevor musasapote zvisina kukwana izvi manzwa munoti Kano...." "Usandijayirire iwe Mai Munya ndinokuvharira muroom umo izvezvi ndikakurikita kutaura kuno musiyeyi adye" "Apa hakadi kushanda " Mai Trevor wakadaro wachitarisa kuside. "Imi murikuita basa reyi uyu ndakakuudzayi kuti chimbomusiyayi akadaro. Ndokusaka arikuzotiza ndazviona murikumunyima chikafu nekumuitisa mazikuvasa pano zvino zvidzokorodzwe futi munopatama mese imi." Mai Trevor wakabva waridza tsamwa kwakubuda. Hanya nani ndakanyatsoriridza sadza ndaguta musi uyu ndakati zvekusuka kwete ndini hutu kuroom kwangu kwakuzvivharira door. Rakauya dhara riya kwakutanga zvaro kunoka richidayidzira "ka virgin kangu vhura door" handina kutomboridayira ndakaramba ndiri ziii richibva rati "hapana zvandirikuda kutombokuita ini babe ndokuona ndadzoka ndanga ndichida kukuoneka chete" still handina kudayira ndakaramba ndakanyarara kusvika rabva padoor kwakuyenda ah kana ndimi zidhara rakadaro nditonzi ndinemurume ini. Ayendepi zvake Kudzi wangu yowe uyo come rain come thunder ndichagara naye chete. Ndakasara kwakutonyatsozvirarira zvangu hope dzehumambo chayidzo. Mangwana acho ndakamuka zuva rabuda baba wanenge wanga wayenda apa maface evanhu ayiwa kwindi kwindi. Akauya Trevor panze pandanga ndakagara. "Saka wakazofunga kuti kudii?" "Nenyaya yeyi?" "Inga takambotaura wani ok nhasi ndinenge ndiri muroom mako" "Wakakwana here Trevor?" "Ndakatonyatsokwana chayiko and ndirikutokuda zvekurevesa chayizvo izvezvi ndawe serious ndinotiza hangu newe." Ndakatanga kuseka zvangu ndakamutarisa. "Ndokuda Rue zvekutokuda chayizvo chayizvo kukuda zvekurevesa chayiko" "Nhayi iwe unopengahere ndirimukadzi wababa wakoka ini?" "Ko wese awa wandirikurara navo iwe wazoshamisira chii worse hausati watorara namudhara wangu?" "Unopenga iwewe anoda hure rinenge iwewe ndiyani?" "Shaa iwewe ukandida ndinochinja mayitiro shamwari ndokuudza handisihure ini?" "Evo ndisiye zvangu ini huhure hunokutambudza kurara newakadzi wababa wako haaa unosemesa shamwari" Akabva aramba akanditarisa ari ziii kwakuzoti. "Ko handiti ndivo wanondivinga wega here"? "Iwe zvekusvikapakurara naamai wako futi here haaa ipapo wakazonyanya evo?" Akabva atarisa pasi kwakuti... Handichatogoni kuzvirega ufunge zvako. Ndinotomboyedza kuda kuzvisiya asi ndinokundikana." "Asi haunyari here?" "Kunyareyi zvangu ndatozvikayiraka" Ipapo amai waTrevor wacho wakabva wasvika patayiwa ndakabva ndanyarara zvangu kwakutarisa kudivi. Wakangodayidzana nemwana wavo wachibva wabva pandayiwa hameno zvawayitaura ikoko. N Ndakazosimuka kwakudyihwa break fast yowe maziso ayibudamoka ndakatya navo ini. Hapana ayida kutaura neni asi ziso ndiro rayitaura. Ndakangoti pandakapedza kudya kwakunosuka angu maplate. Mai Trevor wakanga wangowe take take nemwana wavo ukaona wasina kuti take take ivo ndimai Munya wanenge wakamutsoma kana kuti madhube haaa vanhu watatu iwawo anga ari ma1 chayiwo. Pamba apa payindisvota zvekuti ndakatombofunga kutiza asi ndakaga ndakarindwa wena payisabudika zvekudaro. Ndayiyedza kunogara kwangu ndega asi wayiona kana vana wacho chayiwo wabudikira apa pamba pacho hapana ayida kutaura neni. Trevor akasabiridzira kutaura neni hapana ayitombotaura neni. Vana chayiwo wayiita kufinyama kunge warikuona chinhu chakaora hameno kuti wakaudzweyi nana amai wavo. Ndakanga ndiri muranda pamba apa ndayisatenderwa kana kuyendawo kuchitoro chayiko apa vamwe wayibuda pawadira wachiita zvese zvawanonzwa kuda nenguva yawada. Zvino ini ndayitowe mujoki rangu ndega chayiro. Panga patopera week Jekanyika asati adzoka musi wakatonyanya Trevor kuswera achiteerana neni apa ndiwo musi waayitoti kunyangwe zvidii ndirikuuya kuzorara kuroom kwako ndiwo musi wakabva wasvika baba wacho tiritori pakati pekudya. Vanhu wakawamhoresa asi murume mukuru haana kudayira kana ani zvake akangopinda akafambisa kuyenda kumaroon ekumberi. Hapana akaziva kuti wakanopinda muroom yaani seni ndayitonzwa kusvotwa zvangu ndayisatomboda mashura akadero. Ndakazoti heyo ndapedza zvandayiita kwakuyenda kuroom kwangu. Ndakashamisika kuona door rangu rakavhurika. Ndakangoti ndichipinda chete door richibvaravharwa kwakutokiiwa makey kwakukandwa pawindow panze haaa imika kkkk akanga andirongera Jekanyika chokwadi. Stay tuned...... In God Hatiperi
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 ❤‍🔥 🔥 🤣 179

Comments