MT TINO NOVELS🥳
January 29, 2025 at 04:46 PM
Mt Tino
https://chat.whatsapp.com/GXUexo4OlTS7eiBdOn1mva
Follow the MT TINO NOVELS channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z
*MT TINO's Channel please kubva pa1 follow that Channel 👆 and other books available there*
*Hot Collaboration*
*💓 UNLIMITED LOVE💓*
Written by
*MT TINO*
To778592426
To775665363
&
*Liliosa Chiwara aka Lillie's of the valley*
*Please Read and share*
Chapter 15
"Wati ndiyani?"
Wakamira baba wangu wakabata muchiuno ipapo Jekanyika anga achisvika nevanhu wayitoda kutinha mombe.
"Iwe Jekanyika saka urikuda kundiitisa here iwewe?"
"Iwewe baba Rutendo ndatouya kumombe dzangu handisikutomboda kutaura newe ndipe zvinhu zvangu"
"Haaa Jekanyika ndokuisa demo iwewe urikutoda kundiita benzi rako inini urikuti mwana uyu haana kundiudza kuti iwewe pawanga usipo akabatwa nemwana wako here uyu"
"Mwana wangu? Mwana wangu upi?"
"Iwe mwana wako haumuzive here iwewe Trevor ndiye akabvisa mwanauyu humhandara ibvayi pano handidi kuitiswa nemi inini hameno kuti mwana wangu wakamuroorera kwauri here kana kuti kumwana wako mese newe Rutendo ibvayi pamba pangu right now dzokerayi kumba kwenyu handidi kunzwa matakanana futi ini. Iwe Jekanyika ibva pano ndisati ndakuriga demo wayita kundikwekweretsa iwewe kundiita kamwana kadiki chayiko inini hauna kutomboona kuti ndiri atezvara wako manje nhasi mukasabva pano ndirikuda kukugadzayi demo mese"
Ndayitoti warikutambaka baba wangu kuona wapinda mumba kwakubuda nedemo wakatanga kumhanyisa ana Jekanyika nedemo wachiudzwa kunzi "handichadi kukuonayi pano nyaya dzenyu pedzayi mega"
Vakadzoka baba wangu wachimhanya.
"Iwewe wakagarireyi kurumidza kuyenda kumurume wako ibva pano handitodi kukuonawo pano kuda kundidzosa pahurombe hwandanga ndabva iwe kurumidza kubva pano kahure kutodza mai."
Wakadaro wachiita kukanda nhanho kuuya kwandanga ndiri apa vanhu mazariro awanga wayita kutarisa ko wayigotadza kuungana seyi iwo wanga wadayidzirwa namama paya pawanga wachida kundinunura.
Ndakamhanya ndichibuda pamba haaa ndakamhanya nekuti daddy wayiita kutevera wachiita kufemera mugotsi mangu. Ndakasiiwa ndakuda kusvika kuchibhorani chayiko ndiko ndakazozororera ikoko. Ndakatanga kufamba ndanga ndachiita kuya kunonzi kuneta zvano apa mumakumbo umu makanga musina kana neboots marwadzire anga akuita tsoka dzangu mayinzwa tsitsi imi. Ndakatanga kukamhina ndichiyenda pachibhorani ndayinzwa kutsva kumwe kusingayite nekuda kwekumhanya kwandanga ndayita. Ndakasvika pachibhorani apa panga pakazara seyi chiona ziso randayipihwa nevanhu ipapo ndakatomboda kuyiramwa mvura yacho.
"Ah Rutendo hesi"
Vayiwa Mai Tanaka wepanext pana Mai Kudzi.
"Makadii Mai Tanaka"
"Ndiribhoe zvangu zvaunenge urikufemereka huya umwe mvura iyi"
Ndakayenda pawayiwa kwakunonwa mvura paya ndapedza ndakabva ndatanga kufamba kuti ndibve Mai Tanaka waya wakati watanga ndayizviziva zvangu kuti handingoyendi zvekudaro.
"Ko nhayiwe Rutendo chokwadi unganozviwisira pachembere nekuda Mari here?"
Handina kuwadayira ndakaramba ndakanyarara zvangu ndakamira kutarisa kwawanga wari.
"Apa wakachiwa Mari yake Jekanyika waona kuti kumba kwenyu kwane mombe dzanga dzisiko wakutiza futi Rutendo chiiko iwe izvezvi watotiza futi so"
Handina kumbodayira ndakaramba ndiri ziii.
"Ndakakuona wakumhanyira pana Kudzi apo wawanga wakuda kuurayisa zvako. Haaaa musi iwoyo ndakaseka ndichiona uchidzingwa kunge imbwa naMai Kudzi haa ndikaona ndayita mwana anenge iwewe ndinorasa nekuti inenge iri loss chayiyo. Asi iye anga achikuchengeta zvake Jekanyika hona kutsvindirirawo kani apa wakusimbirira haaaa mwana iwewe soo."
Wakatanga kuseka nevamwe pachibhorani ipapo ini misodzi ndiyo yaga yajenga kwakutarisa zvangu pasi ndichikwara negumbo.
"Saka apa urikumhanyiswa nababa wako kuti wadii? kuti dzokera kumurume here uku zvawakakuita musi uya pawayikutinha kunge mombe kkkk"
Wakarovana maoko nanamai Kiki pachibhorani paya apa vanhu wese wanga wakangoteerera ivo apa mazariro apanga pakaita. Ndakangofuratira kwakutanga kufamba zvangu ndichidzokera nekwandanga ndabva nako. Ndakatoti better kuyenda zvangu kwana Kudzi ndinomuudzawo haaa kwaJekanyika ndiko ndisikuzodzokera manje haaa uko handisikudzokera kunyangwe zvidii. Ndakatanga zvangu kungoyeredza misodzi ndichifamba kuya. Zvayitaurwa nana Mai Tanaka zvakandirwadza kutaura chokwadi. Ndakasvika pamba pana Kudzi pakanga payina Mai wacho hameno zvawayidzvura muduri. Ndakasvika ivo pawakandiona wakaramba wakanditarisa apa ndayitopukuta misodzi pamatama angu. Ndakasvika kwakuwamhoresa ndichibva ndagara zvangu pasi iwo kwakuyenderera mberi nekudzvura. Ndakawabvunza mufaro asi wayitooneka zvavo kuti nezvangu hawasikuyomboda nekuti wakangodayira zviya zvekuti zviwabve wayitosemeswa neni. Ndakabvunza Kudzi wachibva wamira kudzvura kwakunditarisa.
"Kudzi urikumudii?"
"Ndanga ndauya?"
"Wanga wauya? kuuya kupi handisikunzwisisa?"
"Amai ndauya ndadzingwa Kumba uye ndadzingwa kwa Jekanyika"
"Saka kana wadzingwa kumba kwenyu nekumurume wako zvineyi neni ini?"
Ndakaramba ndakanyarara ndakawatarisa zvangu.
"Iko wadzingirweyi?"
"Jekanyika akandiwana ndisiri mhandara nezuro"
"Ah kkkk saka zvineyi neni inini?"
"Ndokusaka ndauya pano amai nekuti Kudzi ndiye akandibvisa humhandara"
"Usade kundishura mwana iwe urikundinzwa kurumidza kubva pamba pangu ndikakuonazve uchisvika netutsoka twako pano ndirikukudzika demo. Wakuda kunakurira mwana wangu tunhumbu twako manje urikuti hazvisakuoneka here iwewe kuti unenhumbu kana kusimba kwaurikuita uku urikuti hayisi nhumbu ndiyo yawakuda kunakurira mwana wangu manje please ndisiireyiwo mwana wangu izvezvi Kudzi haatoripo mwana wangu akatoyenda kuHarare kubasa musade kupa mwana wangu munyama ibva pano"
Wakadaro wachindisikiza numudzvuro wawanga wachidzvurisa haaa imi zvekuti tsokadzakurwadza unozvitaura usati wakuda kupondwa. Ini ndakamhanya kwakuyenda kunomira kunze kwegate ravo. Ipapo hana yangu yayirova ndichinyatsofunga kuti zvesure wataura zvenhumbu here amai awa. Ndakananayira kwakuyenda kumba kwakusvika baba wachiita kupaumba kwete zvekutamba. Pawakangonditi baa chete wakate watanga kundipotsera nematombo waona kuti zvanetsa kwakupinda mumba kwakubuda nedemo haaa imi kumira hunge zvakanaka ndakamhanya ini kubuda panze pagate ndichiti wachandisiira kunze kwegate zvayita Mai Kudzi asi kunyepa wakatobuda gate kwakuti neni kana vanhu wayiona wayitosara wakamira wakashama miromo yavo. Ndakadzinganiswa kani apa amai wangu wayiwawo mumashure apa kumhanya kwacho hawagoni warikungochema wachidayidzira vanhu kuti "batsirayiwo mwana wangu kani" ndakachema ini wakandisiya baba ndatowe chinhambwe kubva pamba ipapo ndipo ndakaona kuti pamba patoberekera mbada hapachasvikike zvekudaro pamba ipapo. Ndakabva munzira kwakuyenda munerimwe gomo pandanga ndaona dombo rakanga rakanaka kwazvo rayiita kuti ndigare pariri ndizorore ndanga ndaneta chayizvo nekumhanya. Ndakasvika padombo iri kwakuita zvekurara chayiko asi kwayisawa kurara hope asi kuzorodza nyama yangu nekuti ndakanga ndakurwadziwa kwete zvekutamba. Hapana pandayiti apa shungu dzakandikurira ndikatanga kuchema ndakarara padombo apa kuyita kuridza mhere chayiko ndayinzwa kurwadziwa life yayida kuti ndiite zvekuita seyi chayizvo. Ndakachema ndiripo padombo kana nguva handina kutomboona kuti yafamba seyi ndakangopedzisira ndakotsira ini kwakurara ndiripo. Ndakazopeputswa nekachando kakanga kanyanya kwakupepuka paya ndichibva ndamuka kuona rakanga rava rima rega rega haaa ipapo hana yakarova handidi kunyepa ndakanzwa kutya since ndibarwe ndakanga ndisati ndakamborara musango ini kunenge kuri kutotanga uku. Ndakaita kuzviunganidza padombo paya kana kurara ndanga ndakutya zvisingayite. Ndakazviunganidza misodzi ikati yatanga zvayo kuyerera haaa imika kunze kwakayedza misodzi iripo pamatama ndayitoshaya wekuudzawo kuti ndizvo zviri life yangu right now.
Kunze kwakayedza ndiripo padombo apa ndakanga ndonzwa nzara apa mazuva aya ndakanga ndava nechinzara nzara haaa imika. Ndakangoburuka mugomo muya kwakutangakudzengerera ndakushaya kuti ndirikuda kumbonanga kupi chayiko. Kumba haaa uko kwakanga kusingachayite kuti nditi kwana Kudzi kwatoramba kana kuri sekwa Jekanyika haaa uko ngakugare zvako mayiwe evo ndingatosva zvangu ndayita street kid. Ndakatanga kufamba nzara ndiyo yanga yakundikunda handidi kunyepa. Ndakafamba ndayiita kufamba ndichipinda nemusango ndichitsvaga tumichero. Ipapo ndakafunga mahappy days angu andayipinda naKudzi musango tichitsvaga tese huni achinditsvagira michero tombomhanyisana haaa ndakagara pasi kwakutangakumbochema. Ndakabva ndafunga amai wakunzi wachiti utorine nhumbu yawakuda kurasira kumwana wangu. Ndakatarisa dumbu rangu kwakuripuruzira ndichinyatsofunga kuti hapana umwe munhu wandakarara naye kunze kwakudzi kureva kuti ndeya Kudzi. Ndayitozviziva zvangu kuti amai Kudzi hawanyepi kana watoreva wanenge watoona nekuti kuchurch ndiwo wayitonyanya kutarisa wanasikana wachiongorora saka vayitozviziva. Misodzi yangu yakatanga kurerera worse pandakafunga kuti Kudzi akatoyenda Harare. Ini Harare ndakanga ndisati ndakamboyiyenda asi ipapo ndakanzwa simba ndikati ikoko Harare kwacho kwaakayenda ndirikuzotomutevera ndonomutsvaga haaa ndinonomutsvaga chete kana kuri kufamba netsoka ndichafamba netsoka kunomutsvaga Kudzi ndiyo yatowe last option yangu.
Stay tuned
In God Hatiperi.....
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
👏
🔥
😜
270