
TaAe Novels
January 29, 2025 at 10:19 AM
*VATETE VHAIDHA*
*STORY BY TATENDA MACHIRIDZA*
+263 71 393 2626
Follow channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaNC1pj1yT25nIy6Lw06
Join group
https://chat.whatsapp.com/HhPzjCNU5zL8IhEsCx6n6b
*free book🔥💃*
Kana usina kuona machapters ekumashure follow channel ufambirane nevamwe.
Chapter 10.
*MANKOMO*
Ndakatura mafemo ndichiona Victor achibuda.Haaa Brian ainge andisaver.Victor ndainge ndisisamude ever since pandakasangana naBrian.Victor akabuda ari bara wamhanya kunotora dilution.Ndakasara ndokubuda panze ndonogara nevamwe.Vhaidha waingoona nekubhidhaira kuti aewa ava ndivo vatete vemusha.Ndakaenda kunogarawo nevamwe semuroora.Pandakasvika tete Vanesa vakabva vasimuka.Ndakasara naVivian uyo akabva aswedera pedyo neni ndokuti"makazotii ko amaiguru.Brian is my dream man please help me..You are so close to him" .Ndakaita kupererwa chaiko ndokubva ndati"umm ndichaedza kutaura navo boss, Ko wadii wamboudza mukoma wako vataura man to man pamwe zvinoita easy".Ndakaona kakunyevenuka paface ndokubva ati"okay maiguru"ndichataura navo Bhudhi.Paakadaro ndakanzwa kurerukirwa.Takazotaura nyaya dzakawanda achindiudza how he met Brian nezvimwe zvakawanda.She was a bubbly person unlike tete vemusha.Zitete rinotyiwa nemunhu wese, That ungrateful person asingade kutenda zvakanaka zvinoitwa nevamwe, That person who is always right...
Zuva rakadoka tikarara tichifuma uri musi wemanyaradzo amhamha.Takamuka nevamwe ndokuita basa.Ndakaona Victor ouya ari chahwiriri kwandaiva ndokubva ati"Mankomo huya pano".Ndakaenda paaiva ndokusvikogara padivi pake."Unoona varungu vanenge Brian ka! Havawanike zvekudaro vanhu vaya!" Akadaro ndokubva ndamutarisa ndokuti"Mhaaa!"..
Akazhinya ndokuti"ati amai vake vati uuye utore huku dzekuzobika manheru pamwe nenyama yemubudzi".Ndakamutarisa ndokuti"Ko madii maenda?".."Aiwa ka! Unoona plan iripo, Iwe ukaenda unobva wati"Ko Victor hamumutengerewo doro?" ..Ndakaseka zvekunge ndichatyoka mbavhu, Akazviona kuti ndaimuseka ndokubva ati"Hazviseke izvi, Kana tawana vanoda kutiitira totorega nekutya kusekwa..Izvezvi enda ugeze uende, Usaonekwa nevanhu kunozonzi watiza basa, Enda mankomo wangu"
Ndakangobva paaiva ndokunogeza ndokuchinja nekuverera.Ndakasvika pamusha apa pasina kana munhu.Ndakazoona door redining rakavhurwa ndokubva ndanoka.Ndakadairwa naBrian uyo aitopedza kuisa huku mumaplastic.Hazvina kundishamisa kana.Takatarisana ndokubva tafungirana kunokiya musiwo.Takatanga kutsvodana kusvika tapinda muspare maairara.Maiva muri smart, Ndakabviswa hembe zvandisati ndamboitwa ndikatanga kushandirwa.My body surrended itself to Brian and after a while we were both smilling looking at each other.
"I love you Mavie"
Ndakaboira tuziso ndokuti "neniwo Brian, Anzi Victor anoda masuper" ndakadaro ndokubva tabvaruka nekuseka.Takapamha zve ndokubva ndazozvipukuta pukuta ndokubuda topinda mumota.Vabereki vaBrian vakasvika ndokubva vati totoendawo tose.Takashandisa mota imwe chete kuenda kuNyaradzo.Takasvikoburutsa zvinhu uyu Victor achiburutsa masuper achitoviga mamwe...
Vhaidha akauya paiburutswa zvinhu ndokubva ati "Baba na Mai Goho" akadaro achityora muzura uku achinyemwerera.Aimuona aiti aiwa paita zvamai apa.
VaGoho vakadaira pamwe chete nemudzimai wavo vachifara.Vanhu vakazotanga kuimba uku Victor ainge aita kuti rapata nedoro.Vivian aingondinetsa kuti nditaure naBrian ndaingomuti ndikawana mukana ndotaura naye.
"Ndiri mumota babe, Ukawana mukana unongoti tsvedzenu ndimbokuona" yaiva message yaVictor..
Ndakaitarisa ndichinyemwerera ndokubva ndati kuna Vivian"Tete rega ndinoita weti ndobva ndanorara"
Haana zvaakataura ndakabva ndasimuka ndokuenda kutoilet ..Ndakabuda ndakananga kwaiva neainge aba moyo wemukadzi akaroorwa.Ndakasvikopinda mumota ndokuona Brian achiona hake movie palaptop.
"Brian uchatibatisa iwe" ndakadaro ndichibata gold watch yaiva muruoko rwake.
"You like it?" Akadaro ndokubva ndati
"Of course who on earth doesnt like gold watch? Ndoida asi i married a broke ass chidhakwa" ndakadaro ndokubva aseka.
Akabata kuseri kweseat radriver ndokubva aburitsa a female gold watch ndokundipfekedza.The watch was nice, it looks exacltly like his asi kuti yangu was a female version.Ndakamutarisa nemaziso azere rudo ndokuti" Thank you Daddy B.
Akangonditarisa ndokuseka hake.
"Ndiri patight naVivian" ndakaerekana ndadaro.
Akandibata ruoko ndokuti"Anzii? Arikukuti utaure neni ndidzokerane naye?"
"Wazviziva sei?"
"Ko chimwe chaangakunetsere chii? Akadaro ndokubva ndati
" Ma1, Musi wazvichabatwa naTete Vhaidha! " ndakadaro
"That day wont come..As long as Victor is drunk..Tikatenga doro even musi wachinotsva he will stand for us" akadaro.
"Yeah..Men with beer ka! Rega ndiende ndinorara"
We kissed and i left .Ndakasvika Vivian akagara neumwe muface wemuraini.Vivian airatidza kuti aisvotwa nekuti aidaira ma one word answer.
"Aaa Ambhuya makadii "akadaro mukomana uya ainzi Mike.
" mhoro Mikela" ndakadaro.
"Ndinofara..Haa Vivian akatora moyo wangu kubva kare asi anongiramba hake"
Vivian akaridza tsamwa ndokuti" iwe Maiki unoda kuudzwa nemunhu asina kupfeka here kuti handikude? Handikude handikude mhani..You are not my type, Am finishing my degree, Iwe unei tsuro...Unoti unondiraramisa nekurima madomasi?"
"Ndokuchengeta ini...Ndikarima chibage iwe wogocha nekubika uchitengesa" akadaro Mike.
Vivian akatsamwa zvekusvipira Mike mate kumeso .Mike haana kutsamwa akaseka ndokuti"Brian haakude Vivian, Usatambise nguva nemukana".
"Anondida, When he broke mu virginity akandiudza kuti anoroora inini because he took my digninty"
"Ohh" ndakadaro ndokubva Vivian ati" Maiguru muudzei kuti Brian anondida..
Ndakaboira ndokuti" ehe anokudai"
Mike akaseka ndokuti" musi wauchaziva kuti anodiwa naBrian ndiani uchandifunga" akabva aenda.
"Whuuu- regai tinorara..Husiku hwacho hwune njodzi" ndakadaro ndichinorara.
Takangoti rare rare ndokubva tamuka topedzisa basa.Matare akaitwa ndokubva Vhaidha azotidana padivi ini naBrian.
*VATETE VHAIDHA*
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
402