
TaAe Novels
7.6K subscribers
About TaAe Novels
For daily adverts https://wa.me/+263713932626?text=hie+tatenda Also vanoda kutaura nemunyori use the same link again
Similar Channels
Swipe to see more
Posts

*HOUSE GERO* $1 / 50 zig to 0784626491 T Machiridza....... Buddie/ netone airtime ye$1 zvekare.. Vari kuSA Blue voucher Ott 1 voucher re20 r . Proof dzese munounza apa https://wa.me/+263713932626?text=hie+tatenda Ukatenga book ukaita 24 hrs usina kuiswa kusub unofona.Book rinoverengwa neboom reader kana ne pdf reader. Thank you for supporting

*HOUSE GERO* *STORY BY TATENDA MACHIRIDZA* +263 71 393 2626 Follow channel for more. https://whatsapp.com/channel/0029VaNC1pj1yT25nIy6Lw06 Join our group. https://chat.whatsapp.com/HhPzjCNU5zL8IhEsCx6n6b 11. .. *PESHY* "Aaaa baba Kuda" vakadaro miss Masawi vachigara pasi. "Murisei ninez" he said .. "Bho ko murikuno? Mandivigireiko nhai bamkuru? Magona maperekedza Peshy uyu...She is a hard worker mazvionawo ka! Uyu isimbi pabasa mubatisise" vakadaro ndokubva ba Kuda vati "Chokwadi..She is a rare germ...Anoshanda zvekuti". Vaviri ava vakaseka ndokubva Miss Masawi vapihwa munyemba nemunyevhe wavainge vavinga ndokubva vaenda zvavo.Baba Kuda vakangoti garei ndokuzooneka asi mhai vakati hazvaiita kuti vaende vasina kudya.Mhamha vainge vabika road runner nemupunga une dovi ndokugadzira ka salad paside.Baba Kuda Vakadya kusvika musisina chiro ba.Vakazooneka ndokubva ndavabuditsa kuenda kumota.. " Ufambe zvakanaka...Thank you for everything" i said ndokubva ati "Thank you too babe...I enjoyed the ride with you...I enjoyed mama's meal, I enjoyed being around your sweet family..Usare bho my love" he said achindikisa pahuma ndokupinda mumota onanga kwake. Ndichingodzokera mukitchen ndakaona vanhu vachiedza hembe dzavo vose except for my mom..Mukadzi uyu aive akangwara zvekuti ndakatoona kuti vaive vatobata zvose.Ndichipinda she dismissed everyone ndokubva tasara tiri 2. Nguva yandaitya yakabva yangosvika zvayo. "Wakaenda kubasa? Kuchihure? Kunotora varume vevanhu?" Ndakaramba ndiri ziii ndokubva vanditema nemugoti vachipopota.. "Uri benzi chairo! Wakatodza ani kupusa? Ini handina kupusa kudaro mhani, Unongoenda kubasa, Kudanana nemurume wemunhu, Uchakazara iwe!?".... Ndakaramba ndakaudyura meso.Maziso acho aive madiki diki chaiwo zvekuti aisatovhurika zvawo, Asi ndakatoedza nepandinogona kunyatsomavhura. " pindura ka nhaiwe, Hautaure" Ndakashaya mhinduro, Vakabva vauchira maoko avo ndokuti" kunyarara imwe mhinduro izere zvekare..Wandigura unoti varume vevanhu vanoroora? Mukomana chaiye akutonetsa kuti aroore kwozoti ane mhuri kare?...Asi aita chake ndihombarume, rega tiyemure" Ndakaramba ndiri zii ndokubva tazogadzira kurara.Musi uyu kana kutaura naKenny ndakatadza nekuneta pamwe nekutopererwa chaiko..Kuchiedza ndakafumoita basa, Ndaida kuzonoona Gwaivhi pamwe nekumupa zvandainge ndamutengerawo.Ndichingobuda gedhe ndakadhumhana naJonso Hana yangu yakarova uku ndichifambisa. "Mira ka sviti" akadaro ndikaramba ndichifamba.. Ndakakutengera matommy ndikakusiira tint babe, Inokufita iyi yakasara pandakaisa mumusoro mangu..." Handina kumira iyewo haana kumira.Akaramba achifamba ndokubva atanga kumhanyirira ndokuti " ndipoo kani tsvodi sviti wangu, Imotsvodawo muromo wangu nemalips ako ayo ndimbonzwawo fresh air mukanwa mangu, Handis ndakutosvitsa gore ndisingaone tooth brush yangu" ...aidaro achida kundibata ruoko. "Aewa ka nhai mukwasha, Tsvodi yeiko ? Inochenesa mazino enyu...Kweshai enyu anochena mukaitawo fresh air yacho" ndakadaro nehasha. "Ummmm Mama Jonso ka! Izwi renyu rakatetepa se ringtone yeNokia iye yaiisa maoko, Iwo maoko aibatana panobatira Nokia nderangu newe, Uyezve izwi rako rakakurama sebattery reItel rinobata moto..Iwe rako izwi rinobata zvese mandiri..." Akadaro zvekare achifamba achibhamba. "Ndakatenga Betasol yako neyangu kana tatsvuka toita white wedding handiti sviti" "Iwe usandinyaudze, Pawaiita tumari twako wairamba kunditengera pad zvaro uchinditi ndinhonge cotton mumunda ndipfeke" ndakadaro ndorangarira zvandaiitwa naJonso... "Aihwa ka paye waive chibage ka now wava rice kana newe hauone kuti ikozvino wakibeater Miss Masawi by far" he said ndokubva ndati "Ingoenda ka ikoko kurice, " ndakadaro. "Haaaa maya ndakuda iwewe...Uri rice, Mahatma chaiye " "Manje kwandri wavewo chibage, Chekenya futi...Jonso chisiyana neni ndaifunga kuti unondida asi handiti waidanana na Madam Masawi waisandida" "Handisi kuramba..Sviti ndikungoti ikozvino watype yangu manje...Huya Kiss kiss babe" "Nxm " ndakafambisa ndikamusiya ndonanga kwaGwaivhi.Ndakasvika aripo ndikamupa zvandainge ndamuvigira.Akatenda akandiperekedza kuenda kumba.Jonso handina kuda kuzombomuona nyangwe hazvo aitaimira ndaihwanda dakara ndidzokere. "Monoita zvebasa asikana mosiyana nemereji dzevanhu" vakadaro mhamha ndokubva ndasekerera ndichiti "I will always make you proud mami..Dont wory musatye momz" Vakaseka ndokubva ndakwira ndonanga KwaMai Kuda.Ndakasvika mumba makatarira divi muine tsvina.Mbuya Kuda vaiti havanzwi mushe asi Mai Kuda vainge vakandimirira kuti ndidzoke... *MAI KUDA* Kubva zvakaenda House Gero kuoff vanhu vaingodya matake away.Nguva yekubika ndaisaiwana.Musi wadzoka Peshy ndakabva ndatoti "Eh musikana webasa wobatsirana naChikopokopo kutsvaira mumba mangu handiti" "Hongu" ndakadaira ndokubva vati "Good" Akasimuka ndokuenda kuroom kwaMbuya Kuda.Vaive vavete zvavo akavamutsa ndokuvakwazisa.Pavakamuona vakanyevenuka ndokubva vati "Ruponiso rwangu..Wakadiiko mwanangu, Vamwe vakadii kumusha?" She said ndokubva ati "Kwakanaka..Huyai kudining ndikuitirei tea gogo"... Vakamuka ndokuuya kudining.Akavabikira a cup of coffee ndokuvapa....Zvose zvaive mumaziso angu.... " Icho chikopokopo chonwa dhiziri?" Ndakadaro Ambuya Kenny vakaramba vakanyarara vachipedzisa tea. "Thank you mwanangu" she said ndokubva vasimuka voenda panze.Peshy akabva atanga thorough cleaning Achichipedza ndakamuendera ndokuti "For goodness sake let chikopokopo save herself, That woman doesnt deserve anything good" "Ko nei?" Peshy asked ndikati "My house my rules...Vane help yei in you life or muhupenyu hwedu..Ukaona munhu asingazive baba vemwana wake anotori muroyi, A real witch...What diffrent does those two have? Muroyi nehure!?" Ndakadaro ndichiboira boira tsiye dzainge dzakareba. "Ummm madam, Hamusi mukuzvinyanya here?" "Peshy! Do whatever the boss says" Peshy akaramba ari zii ndokubva ndati "Kana vati vakuda tea ngavabike vega, Vanoda kusevhewa nani wavanobhadhara?" "But she is nice wani? Ko munokonana papi?" "Pakuti ndinoda kuziva mutupo wekudeedza Kuda..Mwana wangu aite zungairwa panodanwa vamwe nemitupo? Oita ka benzi...Mind your own miserable life mhani Peshenzi...Enda ubike zvemanheru.Asi wakaberekeswa kwawakabva kunzi usvike uchibuda basa? Udzikame"ndakadaro ndichimupushira kure Ndakaenda mubedroom ndokusvikofonera vaMoyo.Nguva idzi Kenny ndodzaaibva kubasa.Ndakangozunza zunza mubhedha

*HOUSE GERO* *STORY BY TATENDA MACHIRIDZA* +263 71 393 2626 Follow channel for more. https://whatsapp.com/channel/0029VaNC1pj1yT25nIy6Lw06 Join our group. https://chat.whatsapp.com/HhPzjCNU5zL8IhEsCx6n6b Chapter 13. *PESHY* Ndakaona Gloria achinditarisa ndikabva ndatarira divi zvangu.Ndakasekera ndakatarira divi ndokubva mai Pinkie vati "Uyu anenge anonyeba uyu" "Peshy haanyebe, Gloria ndiye mumero, i have been watching her lately zvangu Anochiva hupenyu hwangu, She is jealous..Anokanganwa kuti ndakamupinzisa basa asina kana chikoro, I made her who she is but akutondiita sebenzi" vakadaro mai Kuda .Ndakabva ndanzwa kunyevenuka ndokubva ndati "Ndoshaya kuti anondivengerei?" "Handina kumbokuvenga Peshy but zviito zvako chaizvo" akadaro Gloria. "Zviito? " Pawaitumwa kuno namai Kuda ndaikunzwa uchichemera mu office mavo iwe," "Ini?" Ndakadaro ndichitoshamisika zvangu mai Kuda ndivo vakabva vati "Iwe usade kundidzikisira mhani...Unoti type yangu ingatorerwa murume na maid..Type yaba Kuda inganyenge Peshy?"... " Nhai zvenyu imi, Akuda kundijairira"... Dare rakatopera pasina chapasiswa.Ini ndakangokumbira kuramba ndichishabda sezvo nhumbu ndainge ndanyeba kuti ndeyekumusha.Ukuwo kumusha ndakanzwa kuti Jonso ainge apengesana naMiss Masawi.Ndakafara apo Miss Masawi vakafona vachiti kana ndaisada kufumurwa kuti ndodanana naKenny ndaifana kubva ndasiyana naJonso.Izvi zvakandifadza nekuti zvakandipa mukana wekushanda zvisina noise.Mai Kuda yavo yaikura uku yangu ichikurawo.Dzimwe nguva ndaimbofunga kuti ndakatadza asi ndaizoti ndikafunga kudiwa kwandaiitwa naKenny ndaibva ndaona kuti ndakaita good move.Kenny naMai Kuda vainetsana nekuda kwenhumbu.Kenny aiva nefungidziro kuti pamuviri hapasi pake asi vaimirira DNA test...Mazuva akaendedzana ndichingotumira mari.Kumusha vainge vaziva kuti ndakazvitakura asi hapana zvavaitaura. Mazuva akazoendedzana kusvika ndasiya basa.Uku mai Kuda vaisazviziva vaingorwisanawo nekuziva kuti vodii kuti Imba yavo imire nekuti vaitoona kuti yaparara...Kenny aingogara ari kwindi.Vaiedza kuita zvose asi airatidza kuti haachade.Ndaingoona mai Kuda vachipopota paphone kuratidza kuti vainetsana naMoyo.Ndakatenda Mwari kuti yangu nhumbu yaida kushanda.Ndakasiya basa ndave mu 8 months chaimo apo dumbu rainge rakati uko sezvo ndainge ndanzi ndine matwins chaiwo... Ndakaenda kumabhazi kuti ndiende kumusha asi ndakaona Kenny ariparank.Ndakanomumbundira zvenzara chaizvo ndokubva anditi"Ambhuya ambhuya vana venyu vandikika apa"...Ndakaseka ndichimisa mukadzi aitengesa ma doughnuts..."Ane yakawanda here? " ndakadaro ndokubva aseka akati" Yakawanda zvokuti"...Ndakasekerera ndichitora zvibhanzi zviya ndokukanda mumota...."Ehhh machips apo" ndakadeedzera aibika machips ndokubva auya ndikati" Ndinoda 2 macarelights ema$1 ...muwanze chilli mune one then mumwe muise spice yakati ohhh"...Mukadzi uya akauya nazvo ndikatenda ndokubva ndagara mumota.Takuda kusimuka ndakabva ndati" mirai daddy nditenge madora nemaguru umo" .Keny akangonditarisa ndokubva aseka zvake.... Takamutsa mota tonanga KwaZvimba.Ndirimunzira ndaifunga zvirimberi kuti ndainotarisana sei namai vaye.Chikafu chose chandainge ndatenga ndakachipedzera muroad.Kudya ndaidya zvisina kana mivhunzo.Preparation ndaive ndakatengerwa zvose naBa Kuda.Maternity ndaivewo nawo emhando dzekwamberi.Takazosvika kumusha zuva ratovira.Kenny aingotya asi ini ndaimusimbisa kuti hapana nyaya. "Titambire" vakadaro mhamha vachibuda kukitchen.Hana yangu yakarova kurikuvhunduka kudzikira kwavainge vakaita.Vaive vakazvuvira zvekuti ndakanzwa misodzi kuyerera chaiko.Apa ndini ndaiva honzeri yekulooser weight uku.Amai vangu hapana pairwadza asi vakadzikira nekuda kwezvandainge ndaita.Vaiva neshuwiro netarisiro hombe pamusoro pehupenyu hwangu.Vaitarisira kuti vachazopfekawo chi hat chemumusoro chiya musi wemuchato wangu.Vaitarisira kuti pachazonziwo mai vemunhu simukai mutaure pamuchato wangu asi zvose izvi zvakavharisika musi wandakakwira bhazi ndoenda kunoita House Gero..... Takapinda mumba tikavakwazisa nemufaro.Vaive vafara kundiona nekuti chiso chainge chobwinya.Kenny aingodaira panotaurwa dziri general asi nguva zhinji yaive yekunyarara.Musi uyu Kenny akanorara nehanzvadzi yangu ini ndikarara naPrincess namhamha... Musi uyu ndikati ndakarara ndinganyebe.Handina kurara ndichibvunzwa nekubvunzurudzwa kunzi ndaida kudii nehupenyu.Kuchiedza ndainge ndatoudzwa kunzi ndaifana kuenda naKenny kwaGwaivhi ndozonoona tete kwaMabvure.Ndakamuka kuita mabasa epamba ndokubva tagariswa pasi namhamha. "Muchindiona kudai ndirimunhu mukuru, Kubva musi wamakauya ndakazviona kuti Peshy warema.Samai handina kuda kutaura ndikati ndingazonzi mai ava vakafumuka, Ndakazvinyararira. Miss Masawi vakazouya ndivo vakandiudza kuti watokurirwa.Handina kuda kuramba ndichivhunza asi chandaingoita kutenga zvinodiwa pavana nekuti mangwana unonyara mwana asina kana chekupfeka.Saka imi apa monanga uko "uyu ndakatomuudza uyu" ..... Ndinoda muite zvinhu zvenyu negwara chero hazvo mukwasha akapinda mumusha asi ka vanhu vose vakutozviziva kuti pane aripo nekuda kwezimota iro.. Tainge takangonyarara tichipihwa malectures kusvika tazosimuka kuenda KwaGwaivhi.Tichisvika akashamisika nekukura kwedumbu rangu."zvino wainwa masuwo iwe?, Uchatipa basa chokwadi...Ko a bamunini makadiiko? Ndimi maigara nemunhu kusvikira akurirwa kudai? "Vaingotaura zvakawanda.Takazopasisa kuti Kenny aifanira kuroora ndozopona atobvisa mari...Zvose izvi zvaifambiswa naGwaivhi natete vangu.Kenny akadzokera kuKwekwe ndikasara ndiripo.Mazuva aifamba kusvika zuva remarooro rasvika.Tainge tagadzira gadzira pamusha sezvo paizouya vaenzi.Zvechokwadi zvangu zvaive nedenga mukati, Tainge tatsanya tichizvinyima kuitira zuva iri.Zvechokwadi vakwasha vakauya vakabvisa kana Chikopokopo aivepewo zuva iri.Hapana chakasara zvose madamages zvakabviswa.Pfungwa yekuti murume wemunhu ndainge ndaiisa kure nekuti ndaida kufadza mai vangu, Uye hapana murume wembwa.Mai Kuda zvose izvi vaingove murima .. " ikozvino ndakubata chero pandada even ambhuya varipo handiti ndabvisa pwanya zhowa?" Aidaro achindipurizira musana Ndakaseka ndokubva ndanyarara.Marooro paakapera vanhu vakadzokera kudzimba dzavo kukasara vashoma.Mhamha vaifara uku vachirongedzera madzisahwira avo grocery.Ini ndaingosunda dumbu ndiripo zvangu ndichiona vanhu vachinakirwa nemari yemurume wangu.Takazoperekedzana naKenny oenda kwavo nemadzisahwira ake.Ndakatokwira mota ndichinosara kumashops.Ndakatombomira ndichitenga zvekudya semunhu aive nechinzara nzara. Pandainge ndodzoka ndipo pandakasangana neshura rainzi Jonso. "Waiti hatisangane ka!" Akadaro achimira pamberi pangu.Akatora zvimachips zvandainge ndatenga ndokutanga kumwaya mwaya pasi.Akavhura ma mega angu ndokundidira dira kumeso.Akatanga kundirova achiti aida mari yake.Ndakatanga ndichachema asi izwi rakaenda.Ndainzwa mabhutsu mudumbu, Ndakanzwa kutota makumbo asi akaramba achindirova.Handina kure kwandakazoenda ndakatanga kuona rima ndokubva ndati ziiiiii..... End of chapter. Book rikunonoka nekuti handina bundle so rakuenda kusale kuti vanoda vaenderere mberi.... *HUYA UNZWE KUTI PESHY AKAZODII? KO MAI KUDA VACHAZVIZIVA HERE KO MIMBA YAMAI KUDA. KO JONSO ACHANZWII Kuti upedzise kuverenga pave kuda $1. KUSVIKA RAPERA 30-35 CHAPTERS $1 / 50 zig to 0784626491 T Machiridza....... Buddie/ netone airtime ye$1 zvekare.. Vari kuSA Blue voucher Ott 1 voucher re20 r . Proof dzese munounza apa https://wa.me/+263713932626?text=hie+tatenda Ukatenga book ukaita 24 hrs usina kuiswa kusub unofona.Book rinoverengwa neboom reader kana ne pdf reader. Thank you for supporting

*HOUSE GERO* *STORY BY TATENDA MACHIRIDZA* +263 71 393 2626 Follow channel for more. https://whatsapp.com/channel/0029VaNC1pj1yT25nIy6Lw06 Join our group. https://chat.whatsapp.com/HhPzjCNU5zL8IhEsCx6n6b 12. *PESHY* Takagara na Mai Kenny kwenguva shoma ndokubva vazooneka.Takanovakwidza kutown ndokubva tadzoka.Mumwe nemumwe aingoita zvaaida zvaimuitira .Vari samai Kuda yaitova mhuka.Takagara uku ndichidanana naFather Boss, Mwedzi wakapera ndikatumira mari kumusha. "Unoda ndikuudze ndakadii kuti wane nhumbu nhaiwe munhu?" Akadaro Kenny achipuruzira tufree hand twandaiva natwo. "Kujamba period kuriko sha! Ndogona kutogeza ka ipapa ukashamisika" ndakadaro ndichitarisana naye. "Vana Peshy?! Tichakubatai maoko apa, ..." Ndakaseka ndokubva Kenny ati"So moda kudyei mai Mwana"... Kungondidaro ndakanyemwerera ndokuti" Sadza nemaguru"...Kenny akabva aseka zvekutyoka mbabvu chaidzo ndikashaya chaaiseka.Akazomira kuseka ndokuti"Iko Mai Kuda have been complaining anzi Tanzwa nemaguru nematumbu...Ndikati"ko kubika imimi hamugone?". Ndakabva ndaseka ndokunyarara. Takaorder sadza nemaguru zvikauya.Ini ndaitodyira kuenda chaiko.Ndaitodyira kuti zvisagwambe ini ndichizvida.Kenny aingodya zvishoma.Ndichitopedza ndakabva ndatodya nezvake futi.Ndakatanga kutsumwaira zvangu ndakazovhundutswa necall yamai kuda.Hana yangu yakarova pandakarangarira kuti Ndainge ndatumwa kunotenga pizza ini ndokuenda hangu kunoona baba kuda..Ndakamhanya kudaira phone ndokubva ndati"hello madam swipe yaramba so ndaona kuti ndidzoke ndisina zvinhu zvacho maitsamwa saka ndabva ndati ndimhanye kuna baba Kuda vandipe cash saka ndokwandiri"...Vakangoti "Horaiti take your time".....Ndakabva ndatura mafemo ndokumborara zvangu mu office umu.Ndakatozora pizza yainge yatopora zvayo ndokunanga kunokwira mota.Handina kuda kuperekedzwa naKenny. Ndakasvika kumba Mai Kuda varere zvavo uku tv iri onn.Ndakavamutsa ndikavapa pizza ini ndokuita basa rangu.Vakati rume rume pizza iye ndokuipotsera uko!...." This pizza tastes like shit" She threw it away .Ndakanoitora ndokuidziisa ndokuitsika zvangu.Ko kutyei?.Ndakanyatsokuitsika zvangu ndikanzwa mai Kuda vakuti"Guess what baby? Am pregnant" vaitaura paphone.Hana yangu yakarova ndikaburitsa musodzi.Saka kana vaine nhumbu ndeya Baba Kuda? Saka baba Kuda vanonyepa, Chokwadi munhu kunditi handisi kurara naye wozonzwa kuti ndine nhumbu...Ndakaita hasha ndokutora phone ndofonera Kenny.Akatora nguva ndokuzodaira.Paakangodaira ndakabva ndati" Unonyebereiko nhai Kenny, ? Manje ndakunzwa uchifonerwa kunzi ndine nhumbu".."Nani?" Akadaro ndokubva ndaridza tsamwa"Ndirikutobata phone izvezvi kubva ubve, Hapana kana missed call..." Hana yangu yakarova Hana yangu yakarova ndichifunga kuti saka anga achifonerwa ndiani kana asiri Kenny.Ndakakata phone ndokunyarara.Ndakaenda kunobika zvangu sadza nemaguru.Haa musi uyu ndowavakazopopota manje.Vakapopota kusvika vashoshoma.Ndakabva ndaudzwa kunzi kana ndichida zvemaguru ndinofana kuita yangu imba..Vakakanda maguru musink ndokuisa chicken pastove.Ini chicken ndakanyatsonzwa kuti yaisimudza moyo wangu.Ndakabika zvekushinga asi zvichingoibva ndakatora maguru aye musink ndokubika futi.Ivo vakadya chiken ini maguru.Kenny akaramba akazongonwa cup of tea.Days passed and ndainge ndave nechokwadi chekuti ndine pamuviri.Ndainyatsoziva kuti aya mabasa aKenny nekuti ndiye oga wandaisangana naye.Kenny aifara asi aiti Mai kuda vaive vasati vamuudza nezvepamuviri pavo.Ini ndainge ndisisatogone kudya chimwe chinhu kunze kwemaguru nematumbu chete.Zvimwe zvese zvaindimisa moyo., Kusarura kwangu chikafu kwakakonzeresa kusagara zvakanaka kwangu pamba apa.Vakadzi vaviri vakazvitakura, Muridzi wemba achida chicken ini maguru.Mai kuda vaindivenga zuva nezuva kusvika vazondivhunza pamberi pamai vavo munin'ina wavo pamwe naGloria wekubasa kwana Kenny uyo aiva shmwari yavo. "Usarambe wakanyarara ka! Tirikutaura kuti une nhumbu hatisi kukuvhunza ba....Tiudze ndeyaani?" Aive munin'ina wamai Kuda..... Ndakaramba ndiri zii ndokubva Gloria ati. "Muri kunetsa munhu regai ndikuudzei muridzi wenhumbu" Ndakaramba ndakanyarara.Nhumbu iyi yaiindiitisa rude ne hustubbon..Ndaitoboira boira zvangu ndokubva ndazoti "Taurai ka nhai " ndakadaro ndokubva ati "Nhumbu ndeyaba kuda" Everyone was shocked kunze kwangu naTete Dudzai avo vaivemowo.Vanhu vose vakati tuzu ndokubva ndati "Mamunzwa ka! Nhema dzega dzega.Shamwari yenyu ine makuhwa, Ndiyo yakandiudza kuti imi mune nhumbu asi haisi yaba Kuda" Gloria akandidzvokora ndichibva ndasandurudza maziso uku Mai Kuda vaive vavhurira Gloria ziso. "Gloria ka!" Mai kuda vakadaro ndokubva Gloria ati"Handina zvandakamuudza ini"... "Makandiudza imi kuti Mai Kuda vanonhuwa kuzasi, Mukati havageze vachichena...Makandiudza imi mukati dai ndaigona nda actira ba kuda nekuti ndini type yavo"...... Ndakadaro

Lets continue liking...Travelling today ndogona kusanyora

*HOUSE GERO* *STORY BY TATENDA MACHIRIDZA* +263 71 393 2626 Follow channel for more. https://whatsapp.com/channel/0029VaNC1pj1yT25nIy6Lw06 Join our group. https://chat.whatsapp.com/HhPzjCNU5zL8IhEsCx6n6b Like before reading. 10. *PESHY* Ndakanyatsokuona kuti Mai Kuda vane hutsinye.Kugereswa musoro chasara kunzi hunza phone.Patainge todzokera kwababa Kuda ndaida kuvaudza asi ndakashayiwa mukana.Takasvika mai Kenny varipo asi ndipo pandakaona kuti mai Kuda ibenzi.Kuudza vamwene vavo zvekuhura.Ndainge ndoshaya pekubata worse pakazofenda mbuya Kuda.We tried every thing kusvika vamuka... "Whuuu thank God" i said ndichitura mafemo.Mai Kuda vaive vatovata kuratidza kuti havana zvinonetsa.I made sure kuti vadya ndokuvapa pekurara.She was grateful zvandaitoonawo ndega.Ndakararisa Kuda ndokubva ndaenda kukitchen kunosuka ndiro .Baba Kuda vakabva vapindawo ndokusvikondimbundira from behind... "Had missed you darling.. Ko urisei?" He said ndokubva ndatendeuka ndokuvatarisa ndichiti " already??..Ndomuraramiro wamaiita namai Kuda wekuti She insults your mother kusvika palevel rakadaro?" "Ndozvaari, She is always like that..My mother vanotomuziva and thats one of the reason ndichidanana newe..I have seen how caring and respectful you are...Thank you Peshy" he said.. "Anytime my love" i said ndichiisa dish washer pachisukiso.Ndaisuka iye achidzumburudza.Patakapedza He kissed me ndokubva ati" Good night my angel"...I looked at him ndokubva ndati"Saka mukutonopanana zvatinombopanana?" Akaramba akanditarisa ndokubva ati"No i dont cheat..I love you and ndinopa iwe woga handiti ka babe?"..Ndakakwiridzira madziwa ndokuti"hoo"..Haana kupedza kutaura tanzwa kudeedzwa "Kenero! Uripiko mwana wachikopokopo?" Vaiva mai Kuda.Takatarisana ndokubva vahwanda kupantry.. "Uchiri muno?" She said ndokubva ndati"ehe ndirikusuka".. "Hooo, Ko mwana wachikopokopo wambomuona?" "Ummm handina ini" Vakabva vabuda ndikasara ndopedzisa.Ba Kuda havana kuzomboitawo time vakateerana nemuroora waChikopokopo... Ndakazopedza ndokunorara.Ndairara ndichimuka ndichirwadziwa kuti mudiwa wemoyo wangu akusandurana nemumwe munhu.Ndakabidirika ndikazvirega kusvika ndazomuka ndokunogogodza "Ba kuda" ndakadaro ndobva vati "Yes" "I think shower yaruza ikungobuditsa mvura" ndakadaro ndobva vati . "Ummmm, Will check tomorrow ndine hope" "Imi ba kuda muri murume hwai? Endai mugadzire uko! Unokoshesa kuvata enda uko" vakadaro mai Kuda. Ndakanzwa door kuvhurwa ndokubva vabuda vkapfeka short.. Ndakafuratira ndichienda kushower ndokusvikovhura shower...Izvi ndaiizviitira noise kuti pasawane chinonzwika.Ndakakotama ndokubva ndatanga kuita sendinoda kuinhonga something.Ndakakochekerwa muchiuno ndokubva ndabatwa mukaka ndakakotama kudaro.Ndakashwetedzerwa nayo yemusoro mutsvuku.Ndakanyatsonzwa kuti Aiwa its nice to be here zvokwadi.Ndakawaina kusvika chiuno chakupisa.Munguva yatakapedzerana.Kenny akanditarisa ndokubva ati "Shower yaita ka iyi"... I smilled ndokubva ndati" yaita" Vakabva vandikisa pamhanza ndokubva vaenda zvavo.Ndakangobva apa nekunorara.Kunze kuchiedza ndakamuka kugadzirira Kuda.He always favoured fried egg nechingwa.Ndakati ndichipedza kubika ndakamhanya kunorutsa.Nekuda kwandaiita mazai ndakashamisika nezvaiitika apa.Ndakarutsa ndokubva ndamhanya kudzokera kukitchen.Kuda paakapedza akabva abuda...Sezvo mwedzi wainge wapera ndakapihwa pay yangu ndokupihwa 2 days off.Ba Kuda vakaenda kubasa ndikasara ndogadzira ndokupinda mutown.Ndakanotenga mabhamha amhamha nematommy negumbeze.Pride ndakamutengera jean nemashorts nehembe dzacho.Princess ndiye akawana dzakawanda nekuti dzaive cheap.Ndakatenga grocery ndokubva ndafonerwa naKenny. "Uripi ndoda kunokusiya kumusha kwenyu" "Mutown, Ko mainini venyu vakakuonai havazotaure here, Vaya madam vaya" "Havandione". Ndakavaudza pandaive ndokubva vauya kuzonditora.Ndakavhurirwa door ndokupinda iye achiisa grocery mumota.Apedza paakauya akabva ati " i have seen kuti you bought zvakakosha..Une musoro..Manje ini ndatenga zvinonaka ma junk foods for amainini vangu natsano" "Une mari ka" i said ndokubva aseka. Tave kusvika kumusha hana yakatanga kurova ndichifunga kuti saka ndikaona Jonso ndichamutii?. Sezvinoita mhepo tadarika kuChegutu tapaGadzema mota yakamiswa nevakomana vekukorokoza ndobva Kenny ati "Lets pick them tiwane yekupa mainini vatambise kumahumbwe" Ndakaramba ndakanyarara sezvo vainge vakupinda.Ndakavhunduka ndichiona Jonso neshamwari yake vachipinda.. "Madii vakuru?" "Bhooo here madhara?" Akadaro Kenny ndobva vati "bhoo" Takafamba asina kundiziva.Tave kuda kunosvika ndipo paakazoti "Peshy? Ndiwe here svitii wangu?" Ndakanyara nekunzi sviti .Ko aive asina mamwe mazino ka!. Ndakabva ndati "Ehe ndini khule...murisei? " Ndaimutarisa nepamirror ndokubva ati "Kurisei kubatha...Wathintha thokwadi" ( wachinja chokwadi) Ndakanyara zvekunzwa kuti ndanyara.Vakazongonyarara asi ndaiona achimisa manganda .Akazongoti" tiburutsei pamashops apo" Takavaburutsa ndokubva tapfuurira.Kenny akabva ati"ko sviti unoita sei vamwe?" "Anopenga" ndakadaro ndokubva zvanzi "Vanohwisa tsitsi blaz ava" akadaro ndokubva ndati "Shuwa".... " konai ne apa" ndakadaro ndokubva vakona.Nenguva isipi tainge tasvika ndokubva ndaburuka mumota..Ndichingobuda Princess akabuda achindimhanyira.Ndakamumbundira ndichifara.. "Sisi Peshy vhudzi renyu rakura wena..mhamha vanokurukai mabhanzi..mauya nedress here?" Ndakaseka ndokuti"Makura sisi" Mai vangu vakabva vabudikirawo vachindimbundira ndokubva vazokwazisana naKenny. Takapinda mumba ndikapa ma introductions kuti Kenny aiva shamwari yangu .Takazoburutsa grocery rose rangu neraKenny.Mumba kuita senge mukuda kuvhurwa shop chaiyo.Vakatenda nemoyo wose .Ndakazoseka Princess azvizora face yese neyoghurt...She was happy.. "Tisvikewo" ... "Eho" vakadaro mhamha vachidongorera ndokubva vati "aaa ndimi madam Masawi? Pinda muone Peshy auya aperekedzwa neshamwari yake" Ndakavhunduka kuona Miss Masawi vachipinda .Ndakatarisa Kenny uyo ainge auna kunge aniwa.. End... Like comment and share❤️