
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
February 5, 2025 at 07:50 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b
*Haghhh team ban iri kurova so gara wafollower channel usasarira, usajambwa nemamwe machapters.*
ZVIKASASHAMISA HAASI MWARI
✍️By Nommar aka maiYollar
📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸
📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³
Chapter 30
Muchanyara
*Ini* "Ehe ilabour iyi mhama, hayayaya ma1 ndinomaziva, vanotambirwa here paclinic?Rakanzi chii card renyu tionei."
*Mhama* "Ehe vakanzi vauye ipapo ava,hameno chimboona."
*Ini* "Saka zviri boe,regai nditarise kuti, zvakamira sei, rarai nemusana maiguru."
Ndakavatarisa zvangu ndikaona kuti mwana aiva boe,Ndakangoita kashort prayer zvangu, ndakavabatsira kupfeka, ivo mhama vachito gadzirisa bag remwana. Takapedza ndokukiya madoor , ndakademba mota veduwe, paclinic paive zvapo padhuze.
Takasvika paclinic , maiguru vakuita kutadza kufamba, kupinda kwavakaita mulabour, isu takasara namhama panze. Mhama vakanditi......
"Hapana ambofona here?"
*Ini* "Hooo kutorivara regai ndi...... Agh mhama ndasiya foni kumba ini."
*Mhama* "Nhaiwe Mucha, sei usingazive zvinhu zvakakosha?"
*Ini* "Iiii mhama siyanai neni, dai muchimboziva kuti ndatovhiringika ipapa hamaitaura muchidaro."
Ndakazonyara apa ndatodaira mai vangu chokwadi, ndakavasiya ndokumhanya kunotora foni yangu. Ndakasvika ine mamissed calls aTete kugoti emunyai wedu aElliot aiva hobho kkkkkkk Mufundisi nedivi. Aiwa kani ndati ndakatsvagwa. Tete ndivo vakabva vatofona ndiri munzira kubva kunotora foni. Ndaiva ndatofunga kunotora mhama tomhanya kwataidiwa zvemuroora tozoona. Ndakadaira zvangu foni iya, ndichitofambisa.....
📞📞
Ini:: *"Tete mamuka sei?"*
Tete:: *"Munoti nyadzisireiko mai nemwana? Hunhu rudzii hwamunoita uhu? Kana maida kuti zviitirwe ikoko zvii zvamunotiitira izvozvo?"*
Ini:: *"Tete takutosvika"*
Tete:: *"Handina here kutaura kuti muuye murarire kuno,kuda kuti nevayenzi vabva vaona kuti hamudi zvepano ndiko kudii?"*
Ini:: *"Inga ndati takuuya"*
Ndakacutter foni ndokufonera Mufundisi,ichokwadi vainge vatosvika mhiri,ndakavaudza zvaiva zvatinonotsa uye kuti tainge takutosvika zvedu.Ndakasvika paclinic,mhama vaiva vasipo pandakanga ndavasiya, ndakabvunza zvikanzi vapinda mukati,ummm hana yakamborova shem.
Ndakazvishingisa ndokugara, ndakaedza foni yamhama ikaramba,ndakaona door remandainge ndasiya muna maiguru rakuvhurwa, makabuda nurse wechikadzi achibva avhara door apa aitofambisa. Iri basa ndairinzwisisaka hapana zvinobhowa sekuti wasiya murwere ari kuda kukasirirwa wobva wamiswa nemumwe munhu. Ndakamusiya achienda kwaakaenda, akadzoka ndokupinda futi muya akabata cotton,hana yangu yakambonditi pamwe muroora ari kubleeder,nurse uya akabuda futi apa nguva dzainge dzava half 12 ,ndakaenda kwaari ndikati....
"Sorry sister ndokumbirawo kubvunza kuti Selma ava sei?"
*Sister* "Iwe ndiwe wanga uchinzi una Selma,Selma aenda kugeneral hospital ,haghhh pakaipa mudikani, hameno imboteverai" Ndakapera simba munoziva apa nurse vaya vakabva vatofamba. Ndakakasira kudzosa pfungwa dzangu panzvimbo..... _"ndiwe wanga uchinzi una Selma"_ ummmmm kwaigonzi ndini ndina Selma mhama vanenge vaenda kupi.Musoro wangu wakatanga kutenderera pane mukadzi aiva akagara pabench ndiye akaona kunetsekana kwangu achibva anditi......
"Asi ndiwe une mukadzi aendeswa kuhosipitari nhai mwanangu?"
*Ini* "Ndizvo zvavari kutaura nurse wacho."
*Ivo* "Ummmmm anga achirwadziwa uya,iwe uri chii chekwa Mahumba?"
Kuti nditi Mahumba ndiyo yaiva surname yamaiguru kkkkk ndakazvishaya. Ndakamboda kuti ndiri mwana kwakuzongoti.....
"Handikuzivi amai,maita basa regai ndii..."
Handina kupedzisa kutaura mhama vakabva vabuda mudoor repadivi peraibuda nurse uya.
*Ini* "Mhama ko maiguru varipi?"
*Mhama* "Kkkkk arimo ava nedzikana rino hombe,ndiri kuseka ndikati godo nekuroorwa kwatete, chipinda uvaone timanye tozodzoka manheru"
*Ini* "Mhama ko hanzi vaenda kuhospital wani?"
*Mhama* "Nani iyeye? Pawangobva paya vabva vasununguka ava......ohhhh munhu akuudza haisi mhosva yake,pane uyu ....nxii uyu mhani ehe anonziwo Selma ,mwana wamudhumeni Mahumba,ummm iyeye ndezvaMwari" Ndakapinda ndikaona mwana tikabva tabuda ndokuenda zvedu.Nguva diki diki tainge tatosvika pamba. Hapana kuzombova nenguva yekutambisa vanhu vakabva vanzi vapinde.
Baba vangu vakada kuombera pachivanhu asi ndakavakumbira kuti paitwe zvemunamato sezvo ndaiva ini muridzi wemba. Tete kundizevezera hanzi "Musada kurasa chivanhu chedu asikana, handiti waizongonamatira imba yako asi chivanhu chaitwa here?"
Ndakangovatarisa zvangu ndokudzungudza musoro.
Zvakafamba zvakanaka, pakakumbirwa muchato, ndakafarira kuti baba vangu vairemekedza mai vangu. Vari vamwe vana baba vanototi yangu yehubaba ndeyangu,asi vangu baba vakatoita kubvisa imwe mari yakatowanda kupa mai hanzi ndivo vakarera.
Moyo wangu wakambonzwira Elliot tsitsi aikumbira muchato nhaimi mari yacho yaibvepi,zvisinei ndakaona kuti anogona kungonditi inoziikanwa nedenga kkkkkkk ko ndizvo zvaaiitaka kuteedzerawo mhinduro dzangu dzandaimbomupa. Iniwo ndaitofanira kutorwa nemuchato kuzadzikisa zviroto zvangu.
Mai Steven
"Todii?"
Imika kkkk unodzungaira mukadzi mukuru,ko kubvunza mwana kuti todii,akaita hake zvaakaitawo semunhu aiziva zvekusunungutsa, apedza akati tiende kuclinic.
Mudumbu mangu makavhunduka zvekuti munzira ndaingobuditsa mweya ndaiva ndakutotya kuti ndichazviitira ini. Kusiiwa kwandakaitwa naMucha omhanya kunotora foni yake,ndakasara ndakagara pachibench uku ndaiva ndodemba kuti dai mukadzi waSteven akaramba ariko zvake kwatezvara vake.
Ndakabviswa mundangariro nanurse vachinditi .....
"Pindai nedoor iro muone muzukuru,makorokoto amai"
*Ini* "Munoreva ini here? Wangu uri umumu"
*Nurse* "Abuda tine door mukati imomo amai asi imi shandisai iri."
Ndakapinda ndokuwana chokwadi makanga mava nemwana musikana, ndakaita kupembera nomufaro...
*Ini* "Makorokoto mwanangu,huuu warwadziwa mwana mukuru uyu"
*Muroora* "Amai ndarwadziwa kwete zvekufungira ini,ndatoiswa mastitch"
*Ini* "Mastitch ari nani pane kuvhiiwa mwanangu totenda Mwari"
*Muroora* "Chokwadi,ko tete Mucha vaendepi?"
*Ini* "Waenda kunotora fon kkkk wavhiringidzika kani"
Ndakagara ndakabata mwana zvangu, ndakamupfekedza, patova paya ndipo pandakazofunga kuti Mucha angangodaro auya kunodai wanike aitovapo panze.Ndakatomuti angodongorera mwana tiende.
................................
Ndichisvika pamba paBaba vaSteve kkkk ndaingoona zvangu meso evanhu kuti ari kunditarisa,ndaingoti mati madii,ndiyeka musope uya wamakadai kumhanyisa mumusha menyu adai kukuunganidzai.
Ndakapiwa yeumai hama dzangu, vakadzinyina vangu ipapo pamusha vaiva navo vana sikana vava mudzimba asi vasati vadya yeumai yacho.
Ini ndakaipiwa, mapfukudza dumbu kekekeke ndiregei ndiseke dzimwe nguva Mwari vanorwadzisa vasikana, kuita zvishamiso zvavo pamunhu aiva arambwa nedzinza rose. Imi musatamba nekunzi baba vatoramba nyangwe nesurname yavo, asi makandinzwa nani akagona kushama muromo wake kutaura.Ini ndakazviudza kuti handidi zvinozonetsa mwana wangu ramangwana pfuma ngaiiende kwainofanira. Vamwe vainditi kupusa, asika kumwe kungwara hakuna betsero.
Yavakandipa handina kuiramba ini aghhhhh ndaiirambirei nenhamo yandakaona. Ndakaseka ndikati pamwe kuri kunzi ndikadaro ndinohwina mukadzi hameno.
Vakuwasha vaenda ndipo pandakasara ndopiwa mari dzangu kkkkk nababa, uku grocery ndakati Mucha ataure nemurume wake zviendeswe kumba , ndakatakura twese twangu ini ndiregei zvangu. Ndakazodzosa mwana wehanzvadzi yangu mai Ashley wandaiva naye kkkkkkklk ko kusimudza zvake crate yemadrinks kuda kuisa mumota.
*Ini* "Iwe kkkkk madrinks anomwiwa pano, dzosera uko"
*Mai Ashly* "Vakarwadza vanhu ava tete, vanomwa kuti vaita sei?"
*Ini* "Aiwa bvisa umadzosere utore maloaf matatu echingwa nezvandaisa pasi zviya, woudza avo vane dhuku chena kuti vagoshare nevamwe vavo."
*Mai Arshly* "Ko imi chiitaika tiende, muri kuda kuvata pano kani?"
*Ini* "Ndichivata pano kuti zvadii nhai mainini?
Totoda kenda nekuchipatara kumuroora."
*Mai Arshly* "Kwadoka asikana zvatavinga pano ndizvo zvadai kupera , handei, iye Mucha kana achisara siyai asare" Takaoneka ndokubuda, uyu Steve akanga hake asanotungamira nemunin'ina wake kuclinic.
Takananga nekuya kuclinic tikawana zvakarongeka, takanzi tomutora zvedu kuseni.
End of chapter 30
Zvikasashamisa haasi Mwari musope wedu adadisa.
Munharaunda matigere tinawo maAlbino, tiri kumatora sei tiri kuzviziva here kuti munhuwo akafanana nesu?
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
482