MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼 WhatsApp Channel

MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼

14.5K subscribers

About MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼

This channel is for NOMMAR aka MAI YOLLAR NOVELS , musha wekutandarira garai makadekara hamuna zvenyu kurasika tinokugamuchirai nemufaro🤝. _Pane mabooks akawanda anodzidzisa,anovaka zvese nekukurudzira kunamata mamwe acho ndiwo aya👇_ *NDAKAITEI* *HAD I KNOWN* *NDIYE WANDADA* *MUDIWA WANGU ZVIDZAI* *PAIVEPO MY ADDICTION STORY* *VAMWENE VANGU IJERI REBINDURA* *BETRAYED BY MY OWN* *TALES OF HOUSE MAIDS* *ZVIKASASHAMISA HAASI MWARI* *UPENYU MUTORO* *FONI YANGU YAKANDIPARIRA* *MY STEP MOTHER* *RUFARO SZN 1&2* *SHUMIRAI* *NDINI NDAKATADZA HERE* *KUFIRWA IMHOSVA HERE* Advertising at low prices contact 👇 https://wa.me/+263773669548?text=HieINeedNovelsByNommarakaMaiYolar Group 5 https://chat.whatsapp.com/GotfhIhg2cAGo83pIdsJkn Main group https://chat.whatsapp.com/BU8ksb42y2cD3P2bSaCUZa

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/5/2025, 5:49:05 AM

5 vari serious ndisiye ndavaisa kusub pandiri kubva online izvezvi vari kuda kupedzisa Gona rapedza hama. $1 or 40zig Ecocash number 0773669548N Mushamiri. 5 chete vakanonokerwa nekuda kuziva zviriko nyangwe scratch card kanda.

❤️ 2
MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/4/2025, 4:32:49 PM

♨️♨️♨️♨️♨️♨️♨️♨️♨️ GONA RAPEDZA HAMA NOW ONSALE *KO HANZI HUPFU HURI KUNGOPERA MUMBA VANHU VATADZA KUZIVA CHIRI KUTORA NZVIMBO* *KO IWO MAPETE NEMAKONZO ARI MUMBA MENYU HAASI TYPE YATADANGANA NAYO KUSUB UKO HERE HUYAI MUNZWE ZVIRI KUNO* Mubvunzo unoti muroyi mumusha umu ndiyani?" Ko uyo waita mark padama yakafanana neyakaonekwa kuhope ndiyani? *Mhinduro dzese dziriko kusub chiri kudiwa kuuya kwako chete ende book harisi kumira ndabva ndati ndikuudze kuti wauri kufunga kuti ndiye arumwa dama haasiye futi😛* *KUNE VACHAPINDA NHASI HUYAI MUPINDE KUSUB NEPRICE IRI PASI IYI⤵️* *$1 ecocash* *40zig ecocash* *$1 airtime* *$1 scratch card rebuddie or net1 musandipawo yamajusa nhaika* ```Ecocash number 0773669548N Mushamiri.``` ```ari kuSA tengai voucher re20rand``` ```Ott voucher Blue voucher 1 voucher``` *Mavoucher,proof of payment munounza pawatsap number+2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣3️⃣6️⃣6️⃣9️⃣5️⃣4️⃣8️⃣* https://chat.whatsapp.com/IbJQdpVn5XSDgURa450Cba

MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/5/2025, 5:38:53 PM

Vouya here MaiChido?

❤️ 👍 🙏 😢 30
MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/5/2025, 4:10:31 PM

Manheru akanaka pano?

❤️ 🙏 👍 😂 12
MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/4/2025, 7:10:06 PM

Kusub wasarira iwe, uripiko?

Post image
❤️ 👍 2
Image
MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/5/2025, 4:31:12 PM

MAFANS AMAI YOLLAR ARI KUDA KUVERENGA NEVAMWE MANHERU ANO HUYAI NEMADOLLAR OR 40ZIG. MASCRATCH CARDS ARI KUTENGA BOOK MAVOUCHER ARI KUTENGA BOOK. ECOCASH NUMBER 0773669548N Mushamiri.

MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/5/2025, 6:40:04 PM

Like yako ndiko kuratidzawo kuti kwauri book rasvika. Ukabaya book iro panobuda zvidhori iwe wosarudza 1 chawada wochibaya munyori osekererawo.

❤️ 🙏 😂 6
MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/5/2025, 6:38:25 PM

♨️♨️♨️USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI. *MARRIAGE SORROWS* https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b MACHAPTERS ESE EKUMASHURE ANOWANIKWA PACHANNEL GARA WAFOLLOWER. https://www.facebook.com/share/18DvLUMNps/ KUFACEBOOK BOOK REDU RIRIKO ZVEKARE HANDEI TINOFOLLOWER ZVESE NEKULIKER https://chat.whatsapp.com/G582F3GVPoXHqpBFUH8l3e *Mafans amai Yollar handei mugroup umo* *✍️ By Nommar aka maiYollar* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ Chapter 6 Baba vaChido. Nxaaa munoona zvinoita munhu kana wamubvisa munhamoka hameno manyemwe aanenge ava kuita mhani. Nyangwe vanhu vakataura zvavo zvavanoda ndezvekwavo handinei nazvo ini. Ini ndini Baba vaChido vacho yes ndini rangu repachitupa ndiKudakwashe Chiringe. Kumusha ndiko kuChivhu, uyu wamunoti Memo uyu nxaaaa ndakamunyengawo zvitori zvekutamba imi ndakambodanana naye zvinoenda kure here? Zvehunzenza chaizvo takangodanana 2weeks gumbo rakanga ratovhurwa ndotonzwa munhu akutoti ndajamba . Zvemunhu anga anzwa nekudriver chikorobho zvake akati better kupinda mumba. Nyaya yekuroora iwe usati waenjoyer hujaya yakaoma varume, ini ndakazvimirira ndakatozviudza kuti ndotoda mamwe matatu kana mana makore ekufara ndozoita zvemhuri. Zvakadaro munhu ndipo paakatanga kutozvara seari kuda kuisa vana kushow wainzwa achiti "Ndiri kuzvara hama dzangu ini, ndivo vachandichengeta." Ndikati nechemumoyo ewooo amai zvarai hama dzenyu dzichakuchengetai zvenyu asi motangawo madzichengeta. Chimwe chandakaona zvangu ndechekuti mukadzi haadi kusiiwa achisununguka zvakanyanya. Mazuva andairambidza mai Chido kuseka nevanhu, aisandidheerera, kubva paakatanga kuwirirana nemadzimai mamwe akatanga kungwara. Ihwo hurwere hwangu hwacho ndotoona sekuti ane zvaanoziva nekuti ndiwo mazuva aatanga kuenda kumapositori. Kumuda ndaitomuda mukadzi wangu, asi ini zvemukadzi anoda kuzviita muzivi kwete. Kuzopera kwebasawo hangu ndiko kwakaita kuti ndichimubvumidza kushanda, ndamubvumidza kushanda kwacho nxaaa munhu akutoda kumera zenze, munhu akutoda kundipindura pindura, munhu kutokanganwa kwaainge abva, zvino ini mukadzi ndaisazeza kurova izvi ndakakura ndichingoona baba vangu vachizviita saka zvaisava zvitsva. Kana iri yekutora vakadzi vekunze handisi kuti mai Chido vaisandigonera asika ndikanakirwa nemukaka hazvirevi kuti ndakutodya nemukaka zuva nezuva, zvinongodawo kumbochinja chinja uchinzwawo zvine munyu . Jerina ndakarara naye mumwe musi ndakadhakwa zvangu, achibva atoita chiname pandiri saka akatenge ava girlfriend yangu aingondirwadza pakuti aiwanza apa airamba kurambwa nxaaa. Ndobva mumwe muimbi aimba akati _mukadzi weshamwariiiii_ _chiii chako iwe?_ _Murume weshamwari chii chako iweee?,_ _Rimwe zuva uchafa_ _uchasiya nyika ino_ _rimwe zuva uchafa_ _uchasiya nyika ino_ _iwaya mashamwari _ _achasara naye_ _iwaya mashamwari_ _achasara naye_ _zvingarwadza kuzviziva_ _asi ndizvo zvazviri_ _zvingarwadza kuzviziva_ _asi ndizvo zvazviri_ Tava kutaura zvemukadzi waTatso regai nditi.... Mai Chido Kudzoka kwaakaita akadzoka akarova serious ini handina kuda kuzvitarisa zvangu. Chandakangoona ndechekuti pane zvaivapo pakati pevatatu ava. Zvichida munin'ina wacho ndiye aida kana kuti aidanana nababa vaChipo hameno. Kubva zvandatanga kutengesa zviri pamutemo kkkkkkk ,ndototika zviri pamutemo handiti ndaiva ndisichahwandi here? Baba vekwangu havana kana kuzombofunga kutsvaga basa, aitoti akariwana otsvinya zvikati muChivhu macho mabasa acho aitonetsa. Chaainge ogona kuti ndipe mari yedoro ,nyangwe mari isina kumira mushe ndaitomupa ini yedoro. Ndakatengesa ndikasvika pakutenge ndotogonawo kuzvitengera futa, vakadzi vese vandaitaura navo vainditi ukazviitira zvinhu zvako hauna nhamo yaunoona. Ichokwadi nhamo pakuwana zvandinoda yainge yapera asi dzimwe nguva ndairara ndakasvinura. Baba vaChido vaiti vakatanga kutukirira vanenge vatotanga, Ndaigoudzwa hujembere ndorangarira rimwe zuva ndakabatikana mufunge ainge arara achitukirira kudaro zvake. Chaivapo ndechekuti zvinhu zvaiva zvisina kundifambira zvakanaka musi iwoyo, iye aida mari ndikati handina maiwee ndakaudziswa kani.Nguva dzaakabuda ndakanzwa Chido ava kuti .... "Mhama" Me:: "Yes Chido ,watii?" Chido:: "Ndiyani mukuru imi naDaddy?" Me:: "NdiDaddy, hindava mwanangu?" Chido:: "Ko inga vanoti muri zichembere wani?" Me:: "Vanenge vakadhakwa ava mwanangu." Chido:: "Vanobhowa Dadyy aghhh." Ndakashaya kana chekudaira mwana, Baba vaChido vakambowana pamwe pavakanga voshanda pakaendwa mazuva mashoma shoma munhu ndokutoti kunorwadza hakuenderani nekurwara kwangu. Sisi Cathe ndiyo hama imwe chete yandaitaurira nhamo dzangu vachindishingisa. Vaindikurudzira kutora passport asi ndaingoverengera zvangu. Rimwe zuva ndakanzwa namaiTari kuti kwaita purazi raiwanikwa beans neprice yakanaka chose. Takaronga kuti tiendeko amwe vakadzi vaingoita mari takati vavava. Ndakaitanga kune wangu murume paainge auya, ndakamira kuti apedze kudya ndichibva ndati.... "Baba vaChido, ko hanzi kupurazi raGaga kwaita beans dzakanaka zvisingaiti." Baba vaChido:: "Gore negore kunenge kune beans wani,watanga kuzvinzwa nhasi here?" Me:: "Ndanga ndisingazivi kuti ari kuhodhesa ini." Baba vaChido:: "Dzinobuda masaga nemasaga wani?" Me:: " Ndafunga kumboendako kunotora nditengese zvangu, ndomukirako mangwana." Baba vaChido:: "Uri kumboona kuti manje manje unogona kuto graduater pachihure here iwe?" Me:: "Hezvo nhai baba vaChido, izvezvi Chido ari kuda tracksuit yechikoro handiti ndikatengesa ndiko kuti zvitoita here?" Baba vaChido:: "Saka yebeans ndiyo inotenga tracksuit here?usada kundinetsa iwe" Ndakaona hangu kuti haasi kuda asi ndakazviudza kuti ndinotoenda chete, naMai Tari taiva tawirirana kuti tomukira apa kumukira kwaisatobuda, ndakavaisira zvangu message kuti tibude kwachena, apa ndaitemba kuti baba vekwangu vanobuda. Mazuva iwayo vaibuda vachidzoka manheru saka paisava nenyaya.Ndakamuka ndokuitawoka zvekukasira kubikira munhu zviya zvekuti munhu abva abuda. Shasha yakapedza kudya ndikanzi mari ndikamupa achibva abuda zvake. Ndakaenda kuna mai Tari ndikati..... "Handei vasikana ,ko mamuka?" Mai Tari:: "Nhai vasikana tichanowanei?" Me:: "Saka todiiko? Tozviita rimwe zuva here, ko ndakaita mistake kuudzaka baba vekwangu." Mai Tari:: "Handei tonoona taveko, kana tashaya beans totsvaga chimwe." Takabuda ndokuenda,munzira ziso rangu raingopfurira pasi, ko iyo hana kurova. Takasvika tikawana kune richo sericho tikati shavi rabata. Takatanga kutocheka mhunga nevamwe zvedu uku beans dzedu taiva tabhadhara zvedu. Kuma past 2 tichibuda mumunda takapiwa chibage chedu ndokutakura beans dzedu zvedu. Tichangobuda paye zvikanzi namai Tarii ...... "Amai mwana zvakadzora ndosaka vamwe vakadzi vasingabvi mumapurazi kkkkkkk, nguva diki diki iyoyo tatova nechibage chedu." Me:: "Asi zvinorwadza ummmmm ndaneta ini.......yuwiii mai Tari hona baba iya iri kufona." Mai Tari:: "Hiiii vakasadaro vava kumba,daira " Ndakadaira ndichitohuta zvangu ini... 📞📞 Me.... *"Hello"* Baba vaChido..... *"Uri kupiko mbwa iwe?"* Me... *"Ndi.....nda..... Ma.....ma"* Baba vaChido..... *"Nxaaaa iwe joki iwe nda......nda kudiiko?"* Ndakacutter fon ndarohwa nehana, mai Tari vakabva vati..... "Hanzii? Iwe mai Chido chiiko?" Me:: "Vava kumba mhai, ma1 angu." Mai Tari:: "Usavhunduka kani iwe une dambudziko rekupanika. Waona zvakadai chitotanga iwe kupfeka face yebasa hande." Takasvika pamba ndichibva ndaisa zvinhu kwamai Tari ivo ndokuti..... "Mai Chido usaita sebenzi iwe, sei uchifunga uchigumira panzira? Saka unovatii wanga waindepi iwe usina chawakabata?" Me:: "Mai Tari unoziva munhu ari pama1 here? Ndini shamwari, okey ndipe chibage chete, beans anonditi ndakurambidza." Chido akabva apinda mumba mamaiTari ndokuti..... "Mhama Daddy vauya kare, manonoka nei?" Mai Tari:: "Vauya vakatii" Chido:: "Hapana vangobvunza kuti maendepi, ndikavati handizivi ini. Vabva vangorara" Ndakabuda mumba muya ndokufamba ,ndava kusvika kudoor kwangu hana yangu yakarova ndichibva ndadzoka shure.Ndakapinda mamai Tari ndikati...... "Mai Tari rega ndifonere sisi vangu kuitira kana ndarohwa vasikana, ndiri kuona ndakuvadzwa ini." Mai Tari:: "Manje nguva iri kuwedzera kureba, chifona uende kumba iwe." Ndakangoisa message kuna sisi cathe ndichibva ndabuda ndokunanga kumba kwangu. Ndakasvika mukomana akarara akatarisa mudenga achibaya baya kafoni kake.Kupinda kwangu akabva amuka ndokuti..... "Madzoko" Me:: "Maswera sei?" Baba vaChido:: "Ndaswera" Akabva abuda panze ini ndokutanga kunyepera nyepera kubata bata hangu apa ndichiita ndichidongorera panze. Haana kukasira kudzoka, apa mai Tari vakanga vatotanga kutengesa beans dzavo ,ini ndaitya iiii. Ndakatanga kugezesa vana vangu ndichipengera Chido..... "Nhaiwe Chido watadza nei kugezesa vana, unoziva here kuti ndaneta ende ndiri kuitira imi futi." Chido:: "Mhama iyo mvura iyo, asi ndarambidzwa naDaddy hanzi vachauya vogezeswa namai vavo." Handina kuzoitaura futi, ndakabikawo ,kwaiva kwatodoka uku, ndakupakura ndipo pakapinda baba vaChido ,havana kana kuknocker vakangopinda ndikaziva kuti hazvina kumira zvakanaka. Ndakavhunduka tese nevana, ndikanzwa ava kuti..... "Mai Chido wanga waindepi?ndoda mhinduro inondigutsa ndisati ndakupwanya." Me:: "Ndanga ndanotora chibage changu ichi chechikwereti." Baba vaChido:: "Chikwereti chekukwirwa handiti?" Me:: "Aiwa baba va...." Handina kupedzisa kutaura akabva andirova mbama svinu, pandakati nditize ndakabva ndapingwa nechistool chaiva mumba ndokudonha akati opedza shungu mwana wevanhu. Ndakatsikwa tsikwa kani . Ndakarwisa kusimuka ndokukwanisa kubuda apa fon yakasara mumba.Vana vangu vatatu vakabudawo vachichema kutevera uyu mudiki ndiye zvake akasara. Ndakunzwa iye Baba vaChido ava kuti,,,,, "Iwe Chido dzokai mumba" asi vana vakaramba kudzoka Kwaiva kubuda hangu ndainangepiko husiku ihwohwo?Ndakaedza kuti ndione mai Tari asi ndaitya kuramba ndiri mugate....ndakabuda nevana vangu apa kwaitopfunha pfunha zvako.Ndakaedza kuti vana Chido vapinde mugate asi vaingochema vana vakaramba. Ndakadzungaira kusvika ndafunga kuenda paiva neimwe shade yaigocherwa chibage nevamwe baba. Moto wakanga wadzima zvagara vaitotakura huni dzavo.Ndakagarapo nevana vangu, apa hapana kana aiva nejuzi. Musi uyu ndakachema ndikambofunga kuzviuraya asi ndaibva ndafunga vana vangu. Ndakanamata kamunamato kuita sendakanga ndagara ndichinamata veduwe,ndakangoti....... _" Mwari dai machiita zvamakatara muhupenyu hwangu nekuti pari zvino ndazoneta"_ Ndisati ndati Amen ndakabva ndavhunduka ndichiona varume vaviri vaibva nechezasi kwepataiva ,apa vaitotaura nyaya dzavo asi vaiva vakabatidza touch, hana yangu yakarova pavakaratidza touch kwatiri. Hameno zvavakataurirana vachibva vaseka ndakunzwa umwe wacho ava kuti...... "Hande mapenzi haaperi muno muChivhu iwe,iri rine vana tinotemwa nematombo plus muno manyanya kuita mudzimba. Vakafamba vachienda ndikabva ndatura mafemo.apa ziso raingova kugate kwedu kuti hapana abuda here, Ndichangoti femei aghhhhh ndakavhunduka, ndichiona mumvuri we munhu mberi kwangu, ndakasimuka kuti ndione munhu wacho kuti aivepi uye ari ani. Kusimuka kwandakaaita handina chandakaona, ndaiva ndotofunga kumhanya kumba, ndaiva ndotyira hupenyu hwevana vangu ini. Ndichiri kufunga kuti ndodii mushade makabva mapinda mumwe murume aiva akapfeka zvitema zvega zvega, ndakada kutiza iye ndokuti.. *Usabva usina kuisa like yako kani* End of chapter 6

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 154
MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/5/2025, 5:29:59 AM

*♨️♨️♨️USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI* MARRIAGE SORROWS *✍️By Nommar aka maiYollar* https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Kana uchida book iri kubva pekutanga uyezve usingadi kuzojambwa nemachapter emberi baya link irori ubva wati follow* *Fan yebook iri yese handei mugroup umo⤵️* https://chat.whatsapp.com/JFI1MBaHegf8sVLIuLNFtu https://whatsapp.com/channel/0029ValII4B4tRrqIiRXu82n *Maprevious books amai Yollar munomawana paçhannel iyo ingobva wati follow* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ Chapter 5 *READ, REACT COMMENT AND SHARE* Mai Chido Ndakapinda mujira hana ichiita kurova nehasha zvese nekutya. Ndaifunga kuti ndichaona munhu opinda asi haana kuuya. Ndakatanga kuzvituka chokwadi kutya kwangu kwaiva kwakanyanya. Ndakatanga kufunga zvangu kuti dai ndakamira kwacho ndaigona kumurwisa here. Jerina aiva munhu wenoise kumeso kwake aiva mavanga ega ega, kuri kubaiwa nemapanga. Zvino ini ndaizozvigona here hangu. Zvakandikurira ndikatanga kuchema zvangu. Ndakachema ndikapedza shungu kusina auya, ndakazoti dzatova kumapast 2 ndakatanga kunzwa nestep chaiyo kuti chakachaya. Akasvika ndokuita zvekurova door, imwe pfungwa yakanditi buda umhanye ubude, imwe pfungwa ikati mira ushinge. Akapinda ndokuti ..... "Hure repano riripi?" Handina kudaira zvangu ndakaramba ndakanyarara. Sadza rake raiva patable akangosvika nekuwira patable paya zvese zvichibva zvarasika, water glass remvura raivapo rakabva ramucheka padama, ndakaita sepasina zvandaiona zvangu. Akagotanga kutukirira, ndainzwa kuda kumupindura asi ndakaona kuti handingatukani nehwahwa plus kwaiva kuvhara nyaya yake.Aona kuti ndaramba zvangu ndiri zii, akakambaira ndokukwira pamubhedha ndokurara, apa dama raiyerera ropa. Ndakati regai zvivate ndifurwe nemhepo haghhhh hamawee hazvi kurukurwi kani. Ndakangonzwa kuti hooo pandakati ndimutse musoro marutsi akanga azara mumusoro mangu chaimo. Pahupenyu hwangu rutsi negararwa ndakazvimaka kungozviona, ndiri munhu uya aiti kana kuona munhu achirutsa neniwo ndairutsa asika apa ndiri kutaura zvekuti marutsi akanga azara mumusoro mangu achiyerera nekumeso apa akanga achiita kunhuwa. Zvagara ane kadoro kaaiti akanwa ndaikanzwa ari padoor chaipo. Moyo kumira zvinenge zvichakanaka kani kani imi. Ndakamuka ndokugara, iye akarutsa zvekuita seachafa, hana yangu yakatomborova chiona blanket zvaro zvarainge raita. Imi kunze hakuyedzi kani mumba mainge monhuwa kuti kutu, iye ainge arara zvake pamusoro pemarutsi ake akutoridza ngonono.Zvekutya zviye ndezvimwe ndakabuda ndikanogeza ini, musoro wangu waiita kutedza nemarutsi ,ndakageza nekukasira nekutya ndokudzoka zvangu mumba.Ndakayerera misodzi ndakatarisa baba vaChido vakarara, ndakatanga kuona mumeso angu zviye zvandainge ndaona panze, misodzi yakabva yatowedzera kubuda. Mubvunzo wangu waiti ndizvo here zvine vamwe mudzimba kana kuti ndini ndega ndaiva mujeri iri.Handina kuzowana hope kubva ipapo.Unoronga ugorongonora vasikana, asi zvigogumira mukufunga kudaro. Kuchiyedza ndakamukira zvangu kuita duty.Ndakapedza ndokupinda mumba wanike vasvinura, handina zvangu kuda kutaura iye ndiye akabva ati.... "Ndipoo chikafu." Me:: "Sadza makarirasa manheru pamakadonha." Baba vaChido:: "Watanga kuda kundinyepera,ndakambodhakwa zvekudonha here ini." Vakabva vasimuka ndokunogeza, ndakaona munhu akutoridza kamuridzo achipfeka pfeka kuratidza kuda kubuda. Ndakavati..... "Ndokumbirawo mari yesurf honai marutsi ayo haawachiki pasina surf." Baba vaChido:: "Nxaa iwe kana usingadi kuwacha rega." Me:: "Haghhh pasina surf handiwachi handidi kunyepa." Baba vaChido:: "Ndiri kuuya nayo." Kubuda kwaakaita kana kudzoka, ndakaisa mablankets mumvura ndichiti surf inouya asi kana, Mai Tari vakazosvika pakunditi...... "Nhaiwe mai Chido, bolato here mablankets ayo, kusoka kubva kuseni shuwa." Me:: "Ndanga ndakamirira surf amai mwana, ko kuuya vakaguta zvavo kwakusvika vachirutsa." Mai Taru:: "Yuwi saka marutsi here ayo pthuuuu ini anowacha zvake ega, nesemero yandinoita here mudikani." Me:: "Pane anozvida here vasikana asi kuti ndochidiiko, ndochengetera pai?" Mai Tari:: "Chete hazvo...... Hona , hona mhani iwe tarisa uko." Ndakatarisa ndokuona atori Jerina nemumwe mudhara vairezvana vachitobuda mumba maJerina. Ndakatoseka zvangu ndikati .... "Uyu akaoma vasikana ummmmm." Mai Tari:: "Akaoma ichokwadi asi varume havanzwi kani, vari kupinda ipapa haiwawo kufa chaiko." Ndakaita sendichavaudza yangu nyaya asi ndakazvidzora, dzimwe nyaya hadzisika dzekungotaura, unoswera wakusekwa zvako. Takataura dzimwe nyaya zvedu, ndichitsika tsika machira angu. Kutaura chokwadi haana kumbonyatsochema. Ndaiwacha nesipo yekuboiler iwo aitoda surf chaiyo. Kudya ndakatadza, maoko angu aiita seaitotedza zvavo. Ndakazoona iye akuuya neshamwari yake waaidaidza kuti Tatso. Tatso ndaimuziva hangu, kubva pavakawirirana iye airatidza kuti kwake kumba zvakarongeka kusaziva kkkkk ko hazvishamisika kunzwa kuti pane aitoona sekuti zvangu zvakarongeka kkkkkkklk kuyemura nekuyemurana.Zvisinei vakasvika vaine TV nedvd zvaTatso aiti ari kuzvitengesa ainge afunga kuenda Joni.Vakatsvaga anotenga vakamuwana, nguva yavakadzoka ndipo pakanzi naTatso.... "Ko imi hanzii kuwacha magumbeze chando chino?" Me:: "Kudzinga vayenzi zvangu." Tatso;: "Yaghh uku kuvadzinga zvakangwara zveshuwa, neni tichawonana musare nemukomana uyu boe kkkkkl" Aitaura achirova baba vaChido kumusana ndakabva ndatodaira zvangu ndichinyeperawo kuseka kwava kuti..... "Hahaha wamunenge mava naye manheru here uyu." Tatso:: "Ndafunga kumboedza hupenyu hwepajoni ini." Paaitaura kudaro baba vaChido vainge votosvotwa ko ndainzi handifaniri kutaura neshamwari dzavo, zvino ndaishayaka kuti ndodii munhu achinditaudza. Tatso akazobva zvake ndokusara ndakutogezesa vana vangu, ivo baba vaChido vakabva vapinda kurara. Baba vaChido vairatidza kunetsekana kuti vazive akavadira masadza, vanenge vaifunga kuti handisini, ndakaona zvangu maitiro avo, kuti vabvunze zvaisabvunzika. Nyaya yekuva kwake rovha yakaita kuti aite kushusha kushoma, kana kurohwa ndaiva ndorohwawo zviri nani kwete everyday yandainge ndajaira. Ini kupindura panoda kupindurika ndaiva ndopindura, ndakazenge ndatoona kuti kwese kufa. Kubva zvawirirana Tatso nababa vaChido handina kumbobvira ndaona mukadzi wake. Ndakashamisika rimwe zuva Tatso aiva ne2 days aenda ,taiva takatorara kuseni seni, padoor pakaita knock ini ndokubuda. Ndakasvika paine vakadzi 2 ndikati.... "Makadini zvenyu?" Aiiva mutete wacho ndiye akadaira.. "Hec Mai Chido, hatisi kugara ndakuigirai mavege aya mandiziva here?" Me:: Ummmmm ndatadza ini." Her:: "Munovhairaka kkkkk, kuseka zvangu hatinawo kumboonana, ndini mukadzi waTatso uyu munin'ina wangu." Me:: "Ndafara kukuzivai" Ndakatambira muriwo uya ndokupinda mumba, ndakatanga kufunga zvangu, chokwadi mukadzi uyu aidei, ko aitadza nei kuuya murume wake achipo? kureva here kuti ainge ava kuda ushamwari neni, kana kuti aiva ava kuda kutora chinzvimbo chemurume wake otamba nababa vaChido kkkkk. Ndakapinda ndakabata muriwo uya mavegetables,imagine kuita kutomukira kumba kwemunhu nevege kkkkkkk, baba vaChido vakabva vati..... "Wauwanepi muriwo?" Me:: "Wauya nemukadzi weshamwari yenyu Tatso." Baba vaChido vakavhunduka ndokuti..... "Saka aripi?" Me:: "Aenda ko mavhundukei?" Baba vaChido:: "Hagh iwe, get away kuvhunduka chii? siya ndirare." Ndakanyarara zvangu, zvisinei pakabva paitawo mumwe wavakamboshanda naye aiva akushanda paiitwa zvechibage saka ndiye airara akachengetapo, aitaura kuti akanga awana mukoto wekubudisa chibage ipapo. Aisada kuchiisa kumba kwake handiti kuita kwembavha mongokuzivawo kkkkkk. vakawirirana kuti chichaiswa pamba. Zuva rekutanga vakabuda kuma3 pakafona uya ariko kubasa kwake,vakaenda ndokudzoka nechibage chiya chaiva chakatowanda. Takatengesa chibage chiya hachina kumbomira,zvagara gore racho iroro kwakanga kusina kugutwa, saka vanhu vaitoda chibage.kungoshare mari kwavakaita, nhamo yangu ikati yatanga, nekwakararwa handikuzivi. Handina kubvunza pavakadzoka kuseni handina kuziva kutoti itori futi mhosva......akasvika ndokutora tooth brush yake ndokukwesha mazino kwakuuya mumba hanzi.... "Ko haundibvunzi kuti ndiri kubvepi ko kana ndanga ndasungwa?" Me:: "Muri kubvepi?" Baba vaChido:: "Ndiwo mavhunziro acho here iwayo? makuonererwa nekuda kwezvimari zvemafreezit izvozvo nxaaaa." Me:: "Nhai baba vaChido apa ndatadzei apa? Ndiudzeiwo." Baba vaChido:: "Iwe pfutseki mhani, kana uchiti munhu arara asipo pamba worega kana kubvunza ndicho chiguy here ichocho? Kutsvaga kunzi hamunyengereri handiti?" Me:: "Ummmmm ibva ndiri mutadzi pese zvangu ini, ndangoti pamwe mararaka kubhawa muchimwa zvenyu doro ini." Baba vaChido:: "Ndiko kwandatorara asika munhu unobvunzawo." Me:: "Paposheka" (_guys mbavha dzemabhuku dzawanda aonawo book iri rabiwa bata mai Yolla pazero seven seven three six six nine five four eight ndini muridzi webook_) Ndakatodaira ndichitosimuka zvangu, madhiri echibage akaenderera mberi. Havana kumira ,chitatu chega chega vaibudisa chibage votengesa. Mumwe wavo akatenga mombe kumusha handidi kunyepa, akatonzi abvisira mukadzi wake roora ini vekwangu vaingoti pavangoibatira pese havarari pamba vaidzoka yapera. Kutomboedza kumuonesa aibva ati haaudzwi nemunhu asina kuenda kuchikoro, ndaibva ndatosiyawo. Ichokwadi zvinonzi ukaba mari yacho haishandi chinhu, asi kumwe kwacho kushaya musoro kweaibata. Wangu murume mukana wakasvika pakuvharika pasina chaabura zvake.Rimwe zuva akangouya akaita kupfeka serious ndokuti.... "Iwe ndiwe waida zvekunotora vana ,hanzi chiuyai muvatore." Me::: "Ndoenda mangwana hapana chakaipa, asika muri kudiwa kutengwa chikafu, hamuna chinhu muno mumba." Baba vaChido:: "Chinotengwa neiko iwe? kana unayo mari tengaka." Me:: "Ummm baba vaChido muri kutikuvadza izvozvi mwana aswerera maputi enyu amakabva nawo mazuva ekuchibage aya." Baba vaChido:: "Atombomawana zvake, shandawo sevamwe vakadzi kwete kuda kunetsa munhu get away mhani." Me:: "Ko handiti munondirambidza here?" Baba vaChido:: "Iwe shanda mhani usiyane nekundinetsa, unenge uchinyepera kuda kushanda apo tibvire." Mumoyo mangu ndakasekerera,baba ava ndaida kuvaratidza kuti kusvika form 4 hakushamisiri, ndaida kuvaratidza kuti kune matofo akarongeka. Handina zvangu kuda kuvaratidza kuti, ndazvifarira zvekushanda asi mumoyo mangu ndainzwa kufara zvangu. Mari yangu ndaiva ndichiri neimwe, shungu dzangu ndaitoda kuguma ndoitawo zvekubuda kunze kwenyika zvinoita mamwe madzimai asi kakutya kaivapo zvangu. Ko taingonzwa kuti Joni kunotyisa, Hanzi kune vanofamba vakabata mapanga mumaoko chino chino. Mufaro wandakaita, pandakanzi shanda ndakabva ndatoti baba vaChido vachibuda ini ndichibuda kuenda kunoudza mai Tari,ndakapinda achizunza,zunza,masofa ake ndikatanga zvangu kuimba.... _Heuno mufaro wandinawo ,ndewaJeso heuno mufaro wandinayo,ndaupiwa nababa_ Mai Tari:: "Kkkkkkkj yuwii mafarireiko kudaro? musandisetsa apa uchiporonga nziyo dzevanhu kwaaaaa." Me:: "Mai mwana ndanzi tengesa nababa vaya." Mai Tari:: "Kutengesa chii?" Me:: "Ndiri kuti hanzi shanda kkkkkkk" Mai Tari:: "Inga takazvireva wani, rugare rusina basa urwo. Ukanzwa murume achiti mukadzi usashanda zvinenge zvichakanaka mhai." Me::: "Ummm ndafara veduwe ,pamwe zvingaita nani." Mai Tari:: "Kwete nani asi zvinotoita iwe, saka wafunga kudii?" Me:: "Rega ndigoona zvangu totaura." Ndakabva ndabuda zvangu ndokutanga kuwacha wacha washeni yangu, hapana chinorwadza sekuti murume wako anohura nemunhu wepedyo veduwe. Pese pandaiona Jerina ndaibatikana nekuti ndaitoziva kuti ndiye ari kudanana nemurume wangu. Rimwe zuva Chipo akati anoda kuenda kutoilet apa husiku, ndakatora fon yaBaba vaChido ndokubuda kuitira touch. Fon yakabva yapinda message kubva kunhamba dzaiva dzakanzi Gidza...ndakaramba ndakatarisa foni umwe moyo uchiti vhura, asi kutya futi kwaindibata. Ndakarovera moyo kudombo ndokuvhura yaiva yakanzi..... *📥Shaa landload vakuda mari yavo,itaka plan,plus mukadzi wako matarisiro aari kundiita anenge ava kunyumwa. Dai wambomuendesa kumusha* Ndakaseka moziva ndakaedza kuita sendakusenda mari kunhamba dziya wanike ndiJerina zvake. Jerina aitondishura chete, handina kuipindura asi ndakangoita delete message ndichibva ndadeleter futi nhamba dzake ndiye zii zvangu. Kuchiyedza baba vaChido vakabuda nguva yavakadzoka vakangosvika nekundipushira mumba ndokuti..... "Unobatirei foni yangu?" Me:: "Kubata foni yenyu? Riini? Handina kumbo...." Handina kupedzisa kutaura mbama yakabva yarira nepanzeve,ndakanzwa kunge nzeve yavhara, pakaita kusara pachirira. Chandakagona kungoti ..... "Sorry baba vaChido" Baba vaChido:: "Ukatsvaga makudo mugomo unomawana wazvinzwa,chawaidzimira nhamba dzangu chii? Ndoda kukuratidza kuti foni isiri yako haivhurwi wanzwa." Ndakarohwa kani,kuti nditi ifoni here yakanga yakonzeresa zvese izvi ndakazvishaya.Ndiri munhu aisachema kana achirohwa asi musi uyu ndakairidza mhere, ndakaona vana baba vaTarie vamhanya kuuya kuzonunudza, iye achiona vanhu akabva atoita manyemwe akasvika achibatwa nevamwe baba ini ndikati chitsoka ndibatsire. Ndakamhanya kunopinda mumba mamai Tarie ndokuvhara door.Mai Tarii namai Sipho vakatevera mumba muya akatanga kutaura ndimai Tari.... "Ko hanziiko nhai mai Chido,tora juzi iro upfeke hona hembe yadambuka." Me:: "Mai Tari zvakaoma ....hwangu hupenyu hwazondirwadza. Inyaya yaJerina,ndakabvisa nhamba dzake mufoni kwakudeleter message yake." Mai Sipho:: "Yaiva yakanzi chii?" Me:: "Aikumbira rent" Mai Tari:: "Ummm baba ava ngavasadaro vasikana,ko nhai mai Chido ukamboita zvekupolice,shuwa kuenda wakazvimba kudai vamborarako zvavo." Mai Sipho:: "Ummm kupolice kunoda kuendwa wazvipira kusiya imba mhai mutemo waoma kunyanya panyaya dzemhirizhonga idzi vanonokugara zveshuwa.ini ndiri kutoona sekuti iye mai Chido ngaadzidze kudzorera,varume vanojairira ava. Chimbodhegemura huma kumupa mbonje chaiko kana kuruma unonyepa iwe anoguma adzikama." Me:: "Mai Sipho ndinourawa yuwii kutomboedza kudzorera kana, ndakutofunga kumboenda kumusha zvangu." Mai Sipho:: "Kkkkk ita mushe iwe kusiira Jerina murume, ukadzidza kuti pese pamarwa iyewo unomupa mark anoguma asichadi, yagh iwe ko kusunga wakambozama here?" Me:: "Kusungei?" Mai Tari:: "Ummm usazviedza hako, izvo ndizvo zvinourayisa manje. " Ndakatadza kuziva kuti ndoita zvipi zvangu. Ndakakumbira foni kuna mai Tari ndafunga kufonera Sisi Cathe asi mai Tari vakandirambidza. Ndakagara mumba muya kusvika ndanzwa kuti abuda, ndipo pandakaenda kumba.Mutemo wake aiiti akakurova akabuda paanodzoka zvinenge zvatopera zvake. Kutaura chokwadi Jerina ndaimutya zvangu, anonzi mbuya vake vaiva n'anga mai vake kunge vaitonzi vaitamba zvigure. Kudzoka kwababa vaChido vakasvika kumeso kwangu kwaita kuzvimba haana kana kuzvitarisa zvake. Ndakaita mazuva matatu musoro uchitema, ndakazoti ndaona kuti ndava bho hangu ndokumuudza kuti ndakunotora vana. Ndakatora vana vangu, zvainzi tete vaiva netumari mazuva acho vanova ndivo vaitengera mai chikafu, vakanga vopopota kuti mhuri yawanda kkkkk saka zvakanzi munhu nevana vake. Ndakadzoka nevana vangu zvangu neniwo moyo waibva wagadzikana. Zvaiva nani kurara nenzara tese pane kudya ndisingazivi kuti vana vangu vadyei. Kutora vana kwandakaita ndakabva ndanzi "Handiti ndiwe wainetsera kuti vauye , saka wona yekutamba." Mumba munongoda mufaro kuti zvinhu zvifambe veduwee, pese pataiita noise baba vaChido vaigona kutosungwa nenyaya isina kana basa. Aigona kungonzi wamwira doro pasipo ende otobatwa, serimwe zuva kubatwa achiwetera pachena hake, ini wacho pamusika ndaigoswera ndichiita kunge ndiri kutengesa nyoka zvangu. Sisi Cathe ndakazenge ndotaura navo pawatsapp pafon yamaiTari. Hupenyu hunoita zvahunoda vasikana, iko kukumbira fon kwakaoma, ko handiti munhu iyeye wawakumbira foni anogara akaziva zvauri kuronga here. Kuti udelete uuuuu zvakangooma asikana woita seuri kureva iye. Sisi ndakavaudza kuti murume haasi kuchinja rimwe zuva vakaita kufona, ndakatodaidzwa namai Tari ndokudaira... 📞📞 *Helloo Sisi"* Cathe.... *"Hec , Ummmm ndarota hope dzakashata shaa , namata zvakasimba"* Me..... *"Agh Sisi marotei futi"* Cathe.... *"Ndarota uchichema uchiti bamunini vatizirwa, asi mukadzi wacho anga ari murungu."* Me..... *"Yuwi kkklkll muvheti chaiye."* Cathe... *"Yes saka maziviro angu, murungu haasi bhoe zvinonzi muroyi."* Ummmm zvakandipa kuvaudza zvaJerina vakandisimbisa zvavo.Ndakavaudza zvandaitya pana Jerina, asi ivo vaiti mushonga haubati pasina ronda. Ndakatangana nekutevedza mapani, pamwe ndaitoti ndikaenda ndaiudzwa zvekuti pandinodzoka handidyi sadza bp yakwira. Pamwe pacho ndaitomboti zvaita kkkkkkk ndakutoona munhu ava kuita seachinja. Ndaizoseka zvangu tava kusimbisana nehama dzangu kkkkk patinenge taona seachinja rimwe zuva hanzi namai Tari..... "Mai mwana kana mozogara madzibaba Joshua kuseri, aiwa uya munhu akatumwa naMwari zvake." Mai Sipho::: "Inga ndaikuudza uchiramba, handiti ndivo vakandiitira here yekwangu yaSarafina." Mai Tari:: "Ummmmm wakamboionawo gore riya kkkk kkkkk, chisingaperi chinoshura." Mai Sipho:: "Asika ini ndaisarohwa ndini ndaitorova zvangu." Takaseka zvedu, vamwe vainditi zvekushandirwa izvi zvinodawo uchinamata wegawo. Ini kunamata kwaitondinetsa zvangu.Iye baba vaChido vacho vaiti kurwara kukavabata voita munhu kwaye kana vapora vaibva vaonekwa kuti vapora zvesure. NaJerina havana kurambana, ndaitoona mamessage mufoni zvangu amwe asingaiti kani, asi ndaisabvunza . Zvakandikurira rimwe zuva zvangu ndakatanga kufunga chimwe chavakambo pengesana nacho chaiita sechiri kuenda icho chichiuya kuri kushata. Kugoita mumwe aiva nemateya aisetsa nevana vadiki chaivo apa vanga vava naJerina. Imi Jerina aiva akanyangara naiwo mapanga akazenge amucheka cheka zvaibva zvanyanya.Chaidiwa nevarume pana Jerina chiuno chake.Takangoita sekakukonana ndichibva ndamuti.... "Haiwawo naizvo zvitikidhima zvaunonyenga izvozvo, unoshayawo vakanaka here?" Baba vaChido:: "Asi iwewe pane akakunyepera kuti wakanaka here? Ini ndotoda vanhu vakashata sewe kudai." Ndakaseka zvangu munhu asingapererwi nemashoko.Rimwe zuva takamutswa neknock padoor ,ndakamuka ndokuona vari vakadzi vaya vari 2. Mukadzi waTatso nemunin'ina wake. Ndakavamhoresa asi vaitoda zvekupinda saka ndakavasiya zvangu. Vakagara mumba ndione iya ko zvadzatova nyaya nababa vemwana. Ndakabuda ndokusangana namai Tari panze, vakutonditi...... "Nhasi wamutswa nevayenzika?" Me:: "Kupiko imi,moti haisi miyedzo here?" Mai Tari:: "Yeiko? Ndivanani ivava?" Ndakava rondedzera vakashamisika kuti vaidei,ndakafurirwa namai Tari ummmmm ndakambotya asi ndakazvishingisa.Ndakapinda mumba ndokuti..... "Sorry asikana ndoda kumbotsvaira mumba, motogarira nechepanze apo." Baba vachido vakandidzvokora handina kuita basa nazvo ndakatanga kutopukuta pukuta zvinhu zvangu.Vakasimuka vakagara panze, ini kwakutoita zvangu mbichana mbichana kutsvaira kwacho.Ndakazoona mukadzi waTatso amira padoor ndokuti.... "Mai Chido isu takuenda isu." Me:: "Zvakanakai vasikana,motoperekedzwa nababa vaChido ini ndava busy." Vakabuda vese ,ndakatevera ndokumira pagate zvangu ndakatarisa kwavaienda,ende vakatocheuka vese vakandiona. Macomments enyu nemareactions enyu anondipawo manyemwe guys End of chapter 5

❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 105
MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
6/4/2025, 6:41:01 PM

*MARRIAGE SORROWS* ♨️♨️♨️USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Kwamai Yollar kune zviwanikwa gara wafollower channel iyi usasara* https://chat.whatsapp.com/G582F3GVPoXHqpBFUH8l3e *Handei mugroup tisajambwa nebook mafans* *✍️ By Nommar aka maiYollar* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ Chapter 4 Mai Chido Mhinduro yababa vaChido yakandityora, ndakavatarisa ndikati....... "Baba vaChido, kana muchida henyu kuzondirwadzisa itai rimwe zuva, asi kana tava kutaura zvemari yevanhuka ndipeiwo ndapota." Baba vaChido:: "Mari iyoyo ndanga ndichida kukupa asi handichatodi manje." Ndakaona kuti kuramba ndichinetsana nemunhu kunonetsa. Ndakatanga zvangu kusaver yemuriwo paanenge asiyawo ipapo. Ndakatanga kupa mai Tari mari yavo zvishoma nezvishoma asi zvainyadzisa, nekuti hazvisizvo zvatanga tawirirana. Ndaiva ndakagara zvangu asi moyo wainge uri kuvana. Kuitanga kuna baba vaChido ndaibva ndanzi vasiye vari kumusha kwavo. Achiona ndine ava vana 2 vasingadi kunyanya kudya aibva aita kuita seane shavi rehutsinye chokwadi mukadzi mukuru akaita seni wobvunzwa kuti 1kg yerice waibika kangani kkkkkkklk. Zvakaramba zvichindidya moyo zveshuwa hupenyu hwekushungurudzwa hwakanga hwandibaya. Ndaigara misodzi iri pamatama, dzimwe nguva ndaiita kurara ndakasvinura zvangu. Kutukirirwa, ndaigoudzwa huchapa huchembere sezvinonzi aiva mudiki kwandiri.Zvisinei rimwe zuva akauya akaisa muromo mumhino, hanzi ndamiswa basa.Chaiva chokwadi basa rakanga rapera, chakaitika kubasa kwaaishanda kwaiwanzo simudzwa zvinorema, saka iye nedambudziko rake remoyo zvainge zvisichapindirani. Mukomana akarara achishanyarika usiku hwese, ini kutoita zvangu sendisina zvandanzwa, kweteka kuti ndaisarwadziwa asi kuti veduwe hunhu hwababa vaChido hwairwadza handidi kunyepa. Ipapo ainzi ane mari yaachapiwa kubasa kwacho ndaingoti dai achiti tiite zvine musoro asi ndaitoziva kuti anoirongera ega. Kugara pamba ndiko kwaanga akuita baba vaChido, yedoro aisaishaya zvake ko vamwe vedu ndivoka vane rombo rakanaka vanongotengerwa zuva nezuva kkkkkkklk. Ko ndingatii aingoti ndinotengerwa.Ini hangu ndakanga ndatanga futi zvemafreezits nemaputi , Zvandakanga ndasiya ndichienda kumusha ndizvo zvakabhadhara mari yamai Sipho saka kwaiva kutotangidza. Nyemwe ndinoriziva ini, baba vaChido pavaiienda kubasa vaisada kuona chinhu chavasina kutenga mumba , ndaitorohwa, kukumbira panext door kwairovesa asi panguva iyi akanga asisina basa nazvo. Iro freezit raitengwa zvekupenga kani, mai Sipho vakangaka vane musika pagate rechikoro pakanangana nepamba saka ndipo pandaingoisawo zvangu. Rimwe zuva akauya iye baba vaChido kubva kubhawa, ndakatoshamisika kuti vakasira kudaro kwakanaka here. Akasvika ndichiwacha zvangu zvibhurugwa zvaChipo zveweti, ndakatambira cabbage raaiva akabata ndichibva ndati ..... "Maswera sei?" Baba vaChido:: "Ndaswera, ko foni yako haisati yagadzirwa here iwe?" Me:: "Yakapera, chakudiwa mari yacho." Baba vaChido:: "Ita unoitora, handidi zvekunetswa ini nehama dzako pafoni pangu, ivo vanenge vapiwa naniko nhamba dzangu?" Me:: "Asi pane afona kani?" Baba vaChido:: "Ehe, hameno hanzi mbuya vako vafa kumusha, ooo ufone unzwisise." Ndakatora foni ndikafona kuna mainini vaiva vafona vacho. Ndakaudzwa zveshuwa kuti munin'ina wambuya vangu mai vamai vangu ainge ashaika. Kubva tichikura ndivo vandaiziva kuti mbuya sezvo mbuya vangu vainge vakashaika. Kutaura chokwadi ndakarwadziwa, ndakatarisa baba vaChido uku musodzi wakutoyerera, hongu ndaichema mbuya vangu asi chakanga chanyanya kundirwadza ndicho chekuti ndinotenderwa here kuenda kunhamo. Ndakanzwa moyo wangu kusununguka pakanzi naBaba vaChido.... "Kuri kuita marii kuenda?" Ko ndaimboiziva here ini, ndakamudaira ndikati.... "Mazuvano handizivi ini." Baba vaChido:: "Unokwanisa kuwana anokupa here uende asi vachingovigwa modzoka nevana vangu." Me:: "Ko ndingamuwanepi nhai baba vaChido?" Baba vaChido:: "Unomushaya neiko? Handiti tomudzosera here?" Me:: "Ummm ndinenge ndava kutombotsvaga tsvaga." Sezvinei pakabva pasvika mumwe murume hameno madhiri avainge vakaita naye, aiva atouya nemari yavo. Ndaingokwenya mhuno nekasiyanwa kuti dai vakandipa kani. Ndakaipiwa yebhazi chete, pasina kana yekutengawo chekusvika ndabata. Ndakangoti chero ndatoenda. Ndakagadzirira manheru iwayo, ndakazorara ndatopedza kugadzira bag rangu nevana vangu. Mbuya vainge vafira kwaMurehwa kunova ndiko kwaiva kumba kwavo. Kuseni ndakamukira, ndakaoneka vamwe vangu ndokuenda kumabhazi. Hatina kunetsekana zvedu takabva tatongowana comb yaiti Harare. Ndakasvika muHarare nguva dziripo zvangu, ndakangobva ndananga kunokwra chicomb chaienda kwaMurehwa kwacho. Ndakasvika pamba ndichiridza mhere ,ndikatambirwa kabag kangu zvese nevana.Ndakakwazisa vanhu vese,,ndokuzoguma hangu ndava kumoto kwaiva nevamwe vandinoziva. "Vasikanaka ndiri kuona semuri kunonoka ini, miriwo yenyu yapapi handiti munoziva kuti vanhu vanofanira kubva kumakuva chikafu chatoita here?" Ndakaziva inzwi iri aiva mukoma wamhama, ndakacheuka ndokuona varivo. Pandakanga ndakwazisa vamwe ivo handina kunge ndavaona, ndakasimuka ndokuenda pavaiva, vakaramba vakanditarisa ndikati.... "Hevoi mhama" Mhama:: "Yuwii ndiMemo ko wasvika nguvai nhai mwanangu?" Me:: "Manje manje zvangu, makadii mhamha?nematambudziko ambuya." Mhama:: "Ndiri nani mwanangu, haghhh mbuya ndivo vadai kukutizai, Wauya nemurume wako here? Wane vanganiko vana? Hec muzukuru, iwe ndicho chekutanga here ichi?" Me:: "Aiwa haasiye mhama, kune 2 wekutanga newepiri" Mhama:: "Yuhwi mukuwasha ngaachiunza mombe yangu,vana 4 vese . Mai Stella divi iro harina moto asikana mobikira vanhu mbodza tikakunyarirai zvedu." Mhama vaitaura kani asiwo varoora vaivada kwete zvishoma. Munhu aingova nechokwadi asi rudo ndipo paiva pamusha.Pakazonzi service pakaparidzwa tikaona mbuya vachibva vanovigwa zvavo. Vanhu vakadzoka kumakuva vakadya ndokutanga kuparara zvavo kuchisara vehukama. Pamunosangana paye panhamo ndipo panotaura hupenyu huri kurarama munhu vasikana, ndaiita kunyara mapfekero angu ini wacho, musoro zvawo ko ivo vana apa kwakabva kwatonhora tujuzi twevana twainge twasviba zvino kuti ndichiwacha ndaishaya kuti vozopfekei, kuti ndirege kuwacha hapana anorezva mwana ane tsvina kana mozogara. Ndakawacha hangu iweee chinzwa vanhu vainge vongoti "Nhaimi mwana uyu ashairwa chitirauzii here?" umwewo aibva ati "Imi flue iriko munoiziva here vana avo ngavapfeke zvinodziya veduwe" Ndaizongohwanda nekuti "Takabva kuchipisa" Ko iwo mafon ihehede ndakaonerera ini mhando nemhando kungobva kurwizi vanhu vaibva vatanga kutorana mapics ende kana usingaonekeri pane vamwe kashoma kuwanaka anotiwo huyawo titorwe pic kkkkkkklk ndini ndaiguma ndotonzi titorewo. Takati tapedza kubika manheru, ndiro dzikasukwa ndokutandara zvedu pamoto, Vanhu vaitaura nyaya zvavo ndipo pakatonzi namainini Alice vachireva kune vamwe sisi vangu Catherine.... "Iwe uri kuda kupadura hembe here kusimba kudaro, aiwa mazuvano ugere mwanangu ndazviona." Catherine:: "Agere ndiyani kkkkk mhamaka musandiwanzira, kujaira nhamo uku." Vakabva vadairwa nemukoma wavo achiti..... "Uyu akadhiniwa kare uyu, ini hangu handizvigoni iii" Mainini:: "Anoshusha here murume wake, iye achisimba kudai here?" Cathrine:: "Mhama ini dai pasina depo ndingadai ndichisemesa nekuonda, rinoshusha zimunhu ramunoona iro riya." Mainini:: "Ibva tichatobaiwawo madepo kkkkkkklk, zvakadai zvinovhara nhamo, saka nemiwo vasikana muri kusimba nemadepo here kkkkkkklk asi Memory wakapera chiiwo hauna yekubaiwa depo here kkklkll." Ndakaseka zvangu ndichibva ndati..... "Kutadza kujaira nhamo zvarehwa nasisi Cath" Mainini:: "Nhamo imi vaviri muchiwirirana zvenyu, vasikana hakuna chinouya nyore. Kuti nhamo ipere motoshinga." Catherine:: "Mhama hapana zvinobhowa sekuti iwe wagara uri kusafa munhu oshusha futi." Mainini:: "Ummmm iwe wakutinyepera iwe, wako anoshusha here?" Catherine: "Aiwa kkkkk ini ndigere ini, ndikashora ndinenge ndatadza." Mainini:: "Aiwa iwe ndinozviziva hangu, Memo chii chiri kunetsa iwe?" Me:: "Ummmm mhama ini hangu kushungurudzwa handidi ndinotoonda ini." Mainini:: " Ko painzi vakomana vambomuvinga vakazodii? Ndakangonzwa natete vako." Jesca:: "Iiii ini handidi kkkkk zvekutumirwa mamonya kumba kwangu, vari votosiya vawedzera moto? Mainini:: "Aiwa vasikana rimwe rikamborohwa rinodzikama asi kuti , pamwe munenge muchiziva zvenyu kuti ndimi mune dambudziko." Ndakabvunzwa ndikataura hunhu hwababa baChido, munhu wese akandinzwira tsitsi,umwe neumwe akatanga kutaura zvaanoda, uye umwe neumwe aitaura zvake maonero ake. Ndakasara ndorara ndava nemiono yakasiyana pamusoro pemarriage yangu, handirambi kuti dzimba dzinombonetsa asika munhu wana paunofarawo, nyangwe ikava nguva diki zvayo.Takanorara zvedu sezvinei mumba makapinda vanhu makabva maramba kukwana ini nasisi Cath takabva tapinda mune imwe room ndokurara tiri vaviri. Takakurukura ndakavaudza zvese zvaindinetsa hangu, zvisinei nekuti hama dzakanga dzamboita sedzisina basa neni pakafa vabereki vangu. sisi Cath vaindipa mazano ekuti zviitewo nyore. Vakandipa foni nhamba dzavo ndikavapa dzangu, vachiti tigopota tichitaura, vakabvunza zvebasa raBaba vaChido ndikati..... "Parizvino basa rakapera nenyaya yemoyo wavo iwoyo." Cath: "Imwe ishamhu yekutambudza mhuri yaanenge otopiwa zvake murume wako, iko kuChivhu kunototsvagika mari here? Ngaauye Harare uko." Me:: "Aitomboda kuti tiuyeko asi hameno zvikazodii." Cath: "Ndichataura nababa VaProsper mangwana , mogona kusanogara kustand kwedu, ko kumusha kwako uri kumboenda here?" Me:: "Menge makundiudza pafon handiti?kumusha ndava nenguva, asi hanzi kuriboe, ndakamboona hangu tete" Catherine:: "Okey,Ndokuudza mangwana vari kuuya kuno manheru kuzotitora." Me:: "Ini ndoenda mangwana sisi, ndakanzi ndikasire kudzoka." Cathe: "Yagh wako ari serious kkkkkkklk aiwa ngaatisiye iwe, tonorara kumba iwe wozomuka wodarika kwako, ndizvo ubva waziva kumba" Ummmmm zvavaitaura zvaiva zvakanaka asi hondo yangu ndini ndaiiziva zvangu. Takazorara late zvedu, kuseni ndakamuka ndikatanga yekuda kuenda asi ndakatadza kubudirira vana mhama vakandirambidza. Zvimwe zvacho kuzoramba woratidza kunge rema hazvidi saka ndakamira ndikazongobuda nana Sisi Cath. Takanorara kumba kwavo zvedu ummmm vaiva nemurume wavo ane rudo kani asi kuita kunge vanhu vemutv. Kutaura chokwadi zvimwe ndaingoti ndezve mutv ini. Takasvika munhu wese akaneta ndokusvika nekurara zvedu, zuva rakatevera ndakamuka ndokubatsirana basa nemusikana wavo zvangu ivo vakazomuka pava paya "Nhaiwe ko kuzorora asi vamwe vedu hamuneti kani?" Me:: "kkk mamuka sei sisi, haghhh tazvijaira izvi." "Catherine:: "Zvakakupmera, ndati ndataura nabamukuru vako so ingogara uri ready. Munhu ari kugarako akangobuda chete motoends." Me:: "Maita basa Sisi." Catherine:: "Ehe ngaauye atsvage zvekuita, dzimwe hasha kuvarume inyaya yekushaya mari." Ndakazotanga kugezesa vana vangu ndikugezawo. Ndakapiwa kamari nasisi negrocery ndokunokwira kuenda kumba apa hana ichingorova. Ndakasvika shasha yabuda dakatsvaira tsvaira semunhu aiva asimo mumba. Ndapedza ndikabikira vana vangu zvangu , ndakaisira vana vangu chikafu ndokusiya vachidya ndichinoona zvangu Mai Tari......ndakapinda vachiona zvavo horror , mumba maingonzwikwa zvimasound kuratidza kuti riri kutyisa, ndakasvika ndokuti..... "Nhaiwe hauzorari uchivhumuka here?" Mai Tari::: "Nxiii nhaiwe aghhh wandivhundutsa maiweeee." Me:: "Wavhunduka ini here kana kuti zvauri kuona ndisiye uko" Mai Tari:: "Kkkkk ko wasvika nguvai? Ndatoona shewe vachibuda apo ndiri kutoti hakuna munhu ini." Me:: "Aghhh pandasvika door renyu ranga rakavharwa." Mai Tari:: "Pamwe ndandaenda kunotenga chingwa zvangu." Me:: "Icho chikati chiri kuramba chichikwira nhaiwe chava mariiko?" MaiTari:: "Zvenyika ino ukazvitarisa vana havadyi vasikana" Me:: "Taura hako hama yangu, ndinosvikirwa ndiri muno vasikana, oyi mari iyi mundibatire kwangu mhepo dzingasimuka kana ikaonekwa" Mai Tari:: "Kkkkk usandisetsa, ndeyei?" Me:: "Ndoda kutsvaga zvekuita wena, totaura kwangu ndine nyayaka yekunonoka kudzoka hameno toona pavanodzoka" Ndakabva ndatobuda zvangu.......baba vaChido vakadzoka vasina kudhakwa zvavo. Hondo yandaitotya haina kuitwa. Chikafu chandakabva nacho ndaitotya kuti vacharamba asi kana vaitodyawo. Ndakatanga kuona zvangu kuti baba vaChido usiku vairwadziwa nenyama dzavo, uye aiva ava munhu uya aiti akataurisa moyo wavo unenge waivarwadza.Ndakamboda kutora mari yangu kuvaendesa kuchipatara asi moyo wangu wakaramba. Ndakabva ndatoti zvangu zvaita ndiwo mukana wanguwo wekumubudira pachena. Ndakaita mazuva ndichiedza kumuonesa kuti aone mararamiro ataiita kuti aitoda kubatsirana ehe iye zvake nyangwe basa rakanga rapera asi aiti akabuda airatidza kuti tumari aituwana nyangwe zvake aizoiwanzira kudoro.Sisi Cathe vakafona rimwe zuva vachitaura kuti kumba kwavaida kuti tigare kwakange kwabuda aivako. Ini nekuzeza handina kunge ndaitanga nyaya yacho kuna baba vaChido. Ndakamirira kuti vamuke pavaiva vakarara zvangu . vakamuka ndikavapa mvura yekugeza, imi kana munhu asina mari anodzikama zvenyu, semunhu hake agara aingoshusha hazvaizoperesesa asi waitoona kuti zvirinani. Achipedza kugeza ndakamupa chikafu ndipo pandakachigarawo pasi ndokuti...... "Baba vaChido sisi Cathe vanga vati timbozama kugara Harare muchitsvaga tsvaga rimwe basa, vane imba yavo isina ari kushandisa" Baba vaChido:: Baba vaChido:: "Kkk ivo sisi Cathe vako ivavo , vanozondiudza kuti nditsvage basa Harare ndagova chikomba chavo here? Asi wakavati murume wangu ari kutambura?" Me: "Aiwa baba vaChido nyaya yaiva ye......" Handina kupedza kutaura ainge ava kutopopota ini kwakutoona zvangu kuti handibudiriri. Ndakasiyana nenyaya yeHarare zvangu, ndokutanga kuhodha zvaifarirwa nevana vechikoro ndoisa pamusika pamai Sipho. Ndaingotsvagawo zvavanenge vasina asi zvaitofamba handidi kushora zvangu. Ivo mai Sipho vaingonohodhawo pavanotora zvavo, kamari chaiko ndakatanga kugara ndinako muchikwama. Wangu murume akatanga kuzviona kuti pane zviri kuitika ndakanzwa rimwe zuva ava kuti...... "Saka unofunga kuti ndiri dofo here ini nhaiwe?Uri kuhuraka iwe?" Me:: "Ko chii nhai baba vaChido? Ndahurepi ini?" Baba vaChido:: "Mari uri kuiwanepi, nezuro ndakaona pano makadya chingwa ndikanyarara, iyo nyama unoitenga nei?" Me:: "Baba vaChido zvimari zvandakapiwa nasisi izvi zvandanga ndichishandisa." Baba vaChido:: "Asi pano ndinotaura kuti ndipoo yesuper imwe chete zvayo, unoramba uchiita seusina mari." Me:: "Yuwi ndotenga super vana vasina kudya here?izvezvi ndinotoda kunotora vana vangu, handiti ndiri kushaiwa mari." Baba vaChido:: "Chii chinoshamisira pakupa murume wako mari yedoro? Vana vaunotaura vadii?wanzi nani uvatore? ukada kutondiitira dzungu ndokurova zvesure." Me:: "Baba vemwana iyi ingatobuda panews, unenge uchinzi wandiroverei chokwadi." Baba vaChido:: "Unomboziva kuti wakuda kungwarisa here iwe? Uri kutemba nei chaizvo heee?Wauri kumisira zenze uchipindura ndiyani?" Me:: "Hapana chandinotemba nacho ini asi kutoti ndaneta nekuitwa fuza nemumwe munhu, anofema same mweya wandinofema.." Baba vaChido:: "Saka wafunga kudii?" Me: "Ndingagodii zvangu?" Kafoni kakabva karira mavhundukiro aakaita nekubva atobuda panze kunodaira foni akandiudza kuti pane zviripo. Ndakamira pawindow ndichiti pamwe ndichanzwa zvaitaurwa asi hapana chainzwikwa, ndakazongoona munhu asisipo panze ndikaziva kuti zvandaifunga ndizvo.Ndakazviti handimupinduri futi iiiii tsvukiro yakanga yaita ziso rake zveshuwa dai pasina foni yake yakarira handaipona ini. Ini hangu zvekupindurana nemurume ndaisazvida asi wangu akanga anyanya veduwe, ndaiva ndakutoda kutozidzidzira. Ipapo kubuda kwaakaita akagoti zii ariko, ndakabika zvemanheru tikadya,ndakanga ndine movie yangu yandaida zvangu kupedzisa saka ndakambopedzisa kuiona kwatova kumapast 10 vanhu vainge vatoti zii mudzimba. Ndakamboda kuita nungo dzekusuka maplates angu zvangu,asi kana usina kutongozvijaira zvakaoma. Ndakashinga ndokusuka maplates angu kwakumapukuta ndokurongedza, ndakadira mvura yandainge ndasukisa mubucket pandakapota kuseri kwatairasira mvura dzatinenge tasukisa kune chimukoto chaivako chaingorasirwa marara. Ndakapota seri kuye, ndisati ndarasa mvura ndakarohwa nehana ndichiona vanhu. Paiva nekamhindo asi ndakaziva jacket rababa vaChido murima. Unopererwa veduwee, vaiva baba vaChido nemusikana aigara panext pedu taingomudana kuti rematako ehe aiva akasenga zvake, iwoka ekuzorera aya raiva hure rekubhawa riya chairo. Hapana akandiona musikana aiva akaita kukotama imo mutsvina imomo then baba vaChido vaiva busy kutokwi..* zvavo. Ndakazvivhunza kuti pakadzivirirwa here ipapa, ko iko kusemesa kwaiita zidzikana racho nhai. Ndakaita hasha dzandisina kumbobvira ndaitira baba ava kubva tichigara tose.Ndakangokaruka ndati bucket riya remasadza kupe pavaiva, ndichibva ndatomhanya mumba mangu. Ndakapinda ndokudzima light kwakutopinda muma blankets zvangu. Mai Tari Nxaaa kuswera kunetswa nemapenzi, ndakatozovanzwira tsitsi wani. Zvaiti ivo baba vaChido vacho vairatidza kushamisika kuti ko sei ndakanga ndafunga kuvadaro. Hukama hwavo hwakapera kani, ende hapana akazviziva kuti hwapera sei.Aiziva tisu tiri vatatu. Rimwe zuva ndakaseka zvangu nechemumoyo baba vaChido vakadarika nepawindow ,zvagara ndiyo yaiva road yavo kuenda kugate. Ndakanzwa Baba vaTari voridza tsamwa, ini ndokuita sendisina zvangu kuona adarika kwakuti..... "Ko hindava?" .Baba vaTari::: "Iyo imbwa iyo, asi iwe asi waimbovadembera dembera kani?" Me:: "Ndichidembei zvangu, imika ndimi maida kuona kuti ndinodii." Baba vaTari:: "Mai Tari ungandifungira hakoka, kutaura chokwadi handina kumutuma ini. Iye akufanira kubva pano." Me:: "Eheka akabva pano monyatsoita madhiri enyu kwaanenge ava kugara handiti" Baba vaTari:: "Kudaro hako mukadzi wangu, asi haasi right munhu uyu,anogona kutondiuraya zvesure." Me:: "Achaziva ndiyani? Imi manga mava bhande nebhurukwa. Chokwadi murume mukuru kushinga kusimudza ndiro kunodyira mumba memumwe murume." Yekuti vadzingwe manje, ndaionaka sendaizenge ndaitira mai Chido utsinye, saka ndakato tsika tsika kuti vasadzingwa. Kurwara kwababa vaChido tese taitoti vakuzoshanduka asi yuwiii hazvikurukurwi veduwee, Ini ndakaona sevakanga vapinda mubhazi ini, chete kungoti munhu haazotauri zvake, kwakangonzi moyo chino chino pane paungati munhu tipei card tione here lkkkkk. Ivowo mai Chido vacho vaitoita sevakagarira pfungwa zvavo.Ko kutozoribata sezai kkkkkkklk ndakabhowa baba vaTari mumwe musi zvangu. Ndakaona mai Chido vachipinda vakabata mafruits zvainzika baba vaChido vaifanira kudya mafruits. Ndakavaona mai Chido nepawindow ndichibva ndati..... "Avaai vakashinga zvavo ava, ini handiiti shura irori ini." Baba vaTari:: "Mai vapi ivavo?" Me:: "Mai Chido" Baba vaTari:: "Kkkkk ko vaita sei?" Me:; "Baba vaTari nezvinoita murume wavo izvo, Hazvienderani nerudo rwavari kumupa achirwara. Ini ndirini ndiyo nguva yekutotsiva zvangu" Baba vaTari:: "Iwe wakakwana here iwe?" Me:: "Kurevesa kudai..... Dai vambomusiya, baba ava vanobhowa shaaa." Baba vaTari:: "Unoroyaka ivo havaroyi, tinyararire apo nxaaaa woita seuri kutaura zvisvinu." Ndakachinja nyaya ndaona kuti shasha yakanga yatsamwa kkkkk ndakangoti nechemumoyo chero ndataura aghhhh kuitiswa nemunhu anopiwa mweya wekufema naMwari seniwo, Manje mai Chido iiiii bodo ndaitoona sekuzungaira ini. Mazuva avabva kumusha kunhamo yambuya vavo, ndakaona kakuvhurika pfungwa pavari zvangu Like yako handisi kuiona dear isaka tione kuti tiri tese. End of chapter 4 Macomments enyu ndiwo anoita kuti ndigone kuenderera mberi mufunge. Kana uri mugrp rakavharwa ukangoisawo chidhori chimwe ndinobva ndaziva kuti uyu tiri tese.

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 161
Link copied to clipboard!