MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
February 6, 2025 at 07:39 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Kana wanga usati wasangana nedzidziso dzakasiyana siyana huya kumabooks amai Yollar wozondiudza waverenga. Ingobaya link iyoyi woti follow zvako* https://chat.whatsapp.com/HZv2j1mFSgu1mMEsGvfAnd *Comment group* ZVIKASASHAMISA HAASI MWARI ✍️By Nommar aka maiYollar 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ Chapter 31 Muchanyara Chakava chishamiso mudunhu rekwedu,kunzi musope akumbirwa patomirirwa muchato. Kubvunza chashamisa chii,hapana aimbowana mhinduro. Vamwe vakatanga kuti mai vangu vane zvavakabata, chikonzero hanzi zuro ndizuro kwakaitwa mhemberero achivhura home zvikashamisa, nhasi onzi hoyo amirira muchato. Mashoko aya aisandityisa ko zvagaraka *Zvikasashamisa haasi Mwari* Zvese zvapera, tete vangu vakandidana padivi zvikanzi..... "Mainini ndashamiswa kwazvo, ko asi mainyepa kuti mari yakatsvira mumba nhaimi?" *Ini* "Nemhaka yei tete?" *Tete* "Ndatoitaka sendainyepa kuti mari yakambotsva, ko iye aiwanepi zhinji kudaro, imi mukati varume venyu havana kutodzokera nechange ivo vaya?" *Ini* "Kkkkkkk tete, ko kana vakadzokera havo nayo handiti ndeyavo here?" Vaitaurisa tete ndakazobvapo ndaona mhama namainini vakubuda, ndakavati vamire ndioneke mhama vakanga voti ndimbosara asi kana ndakaramba ini.Ndakatooneka vana baba ko ndakahwanda neyekuda kunoona mwana mucheheka zvangu. Mwana waSteve akauyiswa kumba ,aiva boe zvake,preparation vakanga vakatenga zvavo , iye kufanana nababa kkkkkkklk . Mai vangu vaisagona kani hanzi "Mucha mwanangu wanyadzisa vavengi vangu havana kuziva kuti pandaiti Muchanyara ndairevei" ndakaseka zvangu ndikati mai vangu vasikana vanoti kupa zita ndiko kungaita kuti zviite here? anoita zvinhu ndiMwari. Ini ndakarara usiku huviri ndokuoneka ndakaenda ndichinoona mbuya vangu zvangu ko vainge vongoswera vachigwesha nemadziro masiriri achingobuda. Ndakasvika ndokugara kumushana kwavaiva pavakandiona kuita sevachasimuka kkkkk...... *Mbuya* "Muzukuru wangu auya kani Mucha ndiwe wega muzukuru wangu,vanhu vepano vanondibata zvisizvo." "Imi mbuya mukwane, sei musingadi kuona maziso evanhu imi nxaaaa muende naye kwaari kuenda." Akadaira mwana wemwana wavo achibhidhaira zvake asina kana hanya.Zvamunoona kana waita murwere pamba chenai moyo,dzimwe hama dzedu dzinozofa nguva isati yakwana nekushaya care kana kuti nekuda kwestress. Murwere ngaaite stress yekurwara kwake,kwete kuti oita stress yemachengetero amunenge momuita. Ndakasiririswa nekudemba kwagogo zvangu,ndakavati..... "Gogo makadiiko nemuviri?" *Mbuya* "Ndava nani ini ndaidawo kuona murume wako mwanangu zvino ndakatadza. Moyo wangu wakarwadza ndaidawo kuuya ikoko baba vako chokwadi kungoziva kureva pfuma,isu takaona nhamo pano tichikuchengeta" *Ini* "Ndizvo zvazvinoita mbuya,heyo mari iyo mogotengerwa mabanana." *Mbuya* "Amaiwe havatengi ava,ko wadii kuuya nawo uriwe,ko chipatara chako chemasope chandakanzwa chakura here?" *Ini* "Aghhhh kkkkkkk mbuya chipatara chemasope chipi,handisi kugara mbuya regai ndinamate ndifambe." Kkkkkkk aiwaiwa murwere anongodawo kudzikama,ndakanamata ndokuoneka zvangu.Hanzi "Kumuchato ndoda kuuya" zvakaoma chokwadi,ko iko kuzoti takakuchengeta pano kukanganwa zvavo kuti vaisada kundiona,vachisema kubata chandabata Mwari uyu zvakaoma. Ndakadaidzira mhama kuti tibude, uyu Elliot aingofona achibvunza kuti wavepi? Uri kufamba sei? Zvakanga zvakutondisvota ndakango erekana ndaridza tsamwa mhama vakatovhunduka ndokuti..... "Aghhh Mufundisi ko hanzii?" *Ini* "Nhai mhama, iye mukuwasha wenyu chinguri abvira kundishungurudza aghhh ndotadza kuona hama dzangu here ini" *Mhama* "Zvakaipei kana achida kunzwa kuti mumwe wake ari sei" Takasvika paDisability Home, pakafariwa kani,vanhu vaivapo vaiziva zvavo zvavanoita,ini wacho kutonzwa kuda kuuya kuzogara navo kkkkkkk. Ndakazvipa kanguva kekumbotamba nevana mhama ndivo vaitonditi ndiite ndifambe kwakachena zvavo. Ndakaona kuti ndambovafadza ndikati tinamate,ndisati ndatanga kunamata ndakaona mhama vava kupinda ndokuti..... "Munhu waMwari dzidzai kungotaura zvinenge zviripo imi, toita stress tisu manje? Apa imi muchiziva henyu zvamuri." *Ini* "Zvei mhama? Ndakutonamata ndibude" *Mhama* "Ko tatichiti itai mufambe kwakachena,izvo mamuchiziva kuti muchatorwa zvenyu." *Ini* "Nani?" Ndaitotaura ndichidongorera panze kwakuona ari Elliot aiva asvika nemota kkkkk ndakashama muromo, ndichitarisa mhama ivo ndokuti..... "Ehe taura tinzwe, uri kuda kutonyepa ipapa." *Ini* "Kkkkkkk hapana ndadii zvangu,regai tinamate" *Mhama* "Chitanga wanoona mumweka" *Ini* "Aghhhh mhama kkkkk ngatinamatei tibude ka1" Takanamata ndokubuda mataiva, ndichibva ndananga kumota. Ndakasekerera ndokuti..... "Brother Elliot, asi pane kabhebhi kamaona kuno kani ?makuramba mongodzoka dzoka." *Elliot* "Ndizvo zvauri kuramba kudairira foni here nhai?" *Ini* "Busy kutamba nevana, handina kutoinzwa zvangu." *Elliot* "Ndazviziva zvangu wagona hako pawangodaira kuti uchaswera pano,zvirisei? Takutoenda handiti?" *Ini* "Yaghhhh ndapedza, but ndoda kudzoka kuno mangwana pane zviri kudiwa pano" *Elliot* "Okey,toona togona kudzoka tese, ndikasaita busy" Ndakapinda mumota ndokuenda zvedu, ko Elliot wacho zvaiva ari kuda kutorova bhora mberi. Ndakatonzwa akutotaura zvemeeting yemuchato,nhai nhai asinawo kumbofema shuwa. Hanzi "ndofema ndanewe mumba" zvisinei ini ndaigotii ivo vabereki vainge vabvuma kunditengesa. Akandisiya kumba, zuva rakatevera ndakamukira kunotenga zvaidiwa kwaRusape,Elliot akakundikana kundiperekedza nekuda kwebasa,ndakairova mota ndakaenda zvangu naRuva nemamwe masisters 2 e kuchurch aiti ane shungu yekuona paDissability home. Handina kumirako,takasvika kungosiya zvinhu ndokudzoka zvedu. Sunday takasimudzwa kuchurch zvichiziviswa kuti ndakanobvisirwa naElliot kkkkkk, kuchibva kwatotaurwa zvemuchato. Munhu wese akafara haikona. Elder vaironga nezvemuchato wedu vachibatsirana nemukoma waElliot,vaida nzvimbo dzinodhura,hanzi dzakanaka,asi ndakaudza Elliot kuti ini ndaitoda pachurch. Nhau yevenue yakaitirwa meeting kasingaperi asi ndaisatoda zvese izvozvo. Vakaguma vanhu vawirirana kuti muchato pachurch. Date remuchato rainge raziviswa,ini mupfungwa dzangu ndaiva ndongoti chikuru kubatanidzwa,zviya zvemuchato wembiri iiii ndaiva ndatoona zvaramba nekuda kwemari.Ndaingotika semunhu akambopindana netsaona, ndakatanga kuona kujeka kwezvinhu pakatanga kuita mapledges muchurch iiiiii kune vanhu vane rudo hama.Chikafu chese takatochibvisa pabudget,cake racho apa takavimbiswa remhando,Zvinhu zvacho waiita seuri kurota izvo zvichitoitika. Ini Muchanyara kutotiwo ndiri kumhanyira kumasteps kkkkkkk, masteps aniko? Emuchato wangu, woda Mwari akadiiko. Zvinhu zvedu zvakatora nguva diki diki zvainge zvava panzvimbo. Vabereki vaElliot ndivo vakamboda futi kunetsa nenyaya yevenue zvekuti ndakapotsa ndatobvuma hangu kubva pachurch pacho asi vakazoti pangoitirwa ipapo. Boka remadzimai raiita kufara kuti ndakuva joiner kkkkk kusanyara kwavo ivo vaiva vagara vachindiitisa zvisina zera neni kkkk kkkk. Ipi imwe nyaya yaitaurwa kumaAssemblies edu ose kwaingova nenyaya yegadziriro yemuchato wangu. Ndakatoona kutoti kune vaitoshaya hope nekuda kwemuchato wangu mufunge chiri chiratidzo cherudo. Muchato wakaoma kugadzirira veduwe, ini pamwe inyaya yekuti ndiri munhu akanga agara ari busy hameno. Ummm busy yacho yakamboda kundirwadza, mameeting asingaperi, uku kumasteps zvisinei Mwari vaingotikundisa zvavo. Rimwe zuva ndakamuka zvangu ndiri busy pamba, ndakaguma ndava kugadzira gadzira payard ,not kuti paiva netsvina asi kutongo gadzirisa gadzirisa zvangu. Ndaiva busy kuimba apa pfungwa dziri kure chaiko. ....Ndaiimba rumwe rumbo rwandakakura ndichifarira zvangu zvichienderana nekusemwa kwandakakura ndichiitwa rwekuti....... _Ungandisema uchindishora....... Ndiri🎤 mwana waMwari ..kutsungirira nga,,,,nga,, nga ndiri mwana waMwari. Vangakunyomba vangakuseka ,uri mwana waMwari iwewe uri mwana waMwari_ Ndakachiimba kwenguva refu handina kuziva kuti Mufundisi vaiva vabuda, ndakavhunduka vakuti..... "Zvakwana mwanangu" *Ini* "Aghhhh Kkkkkk maswera sei Dady?" *Mufundisi* "Ndaswera zvangu, rumbo rwako haruna kundiitira is there anything wrong ?" *Ini* "Kana Daddy kutongofunga zvangu zvakapfuura, aizve ko ndakakuudzai here kuti mbuya vangu vandakakura navo vachiti ndikapinda mumba mavo vaisara vachishainisa mumba vainditi kana uchiuya huya nejira rako necup kkkkkkk vakunditi ndini muzukuru chaiye." *Mufundisi* "Ndizvo zvazvinoita mwanangu, ndipo paya patinoti my past is past and my future is certain in God,iwe chitoona rudo pavari chirega kuona zveshure" *Ini* "Ichokwadi Daddy" *Mufundisi* "Ngatitende Mwari akatipa mukadzi akasimba amai vako,ko dai vakakundikanawo vakakurasa zvaizovei? ndaiteerera paradio ndichinzwa umwe anonzi Wisten Foster akasvika pakuzvitumidza zita rekuti Yellow man. Mai vake vakatoita wekurasa chaiko kuti ndazvarirei mwana ane albinisim, akazoitwa kunhongwa nevakamuchengeta. Kutaura kwake nemaimbiro ake anoratidza kubatikana kukuru..... Zvino iwe waisemwa nenyika zvayo ivo mai vako vachikuda, mukusekwa vakatsungirira hona nhasi tiri pano." Ndakazopedzisa kutaura naMufundisi ndakutoyerera musodzi ndakufunga zvangu vamwe vana vaiva kuDisability home vaivawo vachinzi vakarasirwa kunzi vazvarirwei vaine albinism. Waiva munamato wangu kuti vana ivavo vagova vanhu vakuru. Ndakapedzadzisa zvandaiita zvangu ndokugeza ndokumborara,ndakamutswa necall yaElliot , ndakadaira zvangu..... 📞📞📞 Ini:: *"Hello"* Elliot:: *"Urisei?"* Ini:: *"Ndiri munyasha ini"* Elliot:: *"Basa riri kurwadza shaa nhasi, kuri busy ndangoti ndikuudze kuti ndinokuda"* Ini:: *"Ndinokudawo Elliot, waita hako"* Elliot:: *"Sharp, rega ndishande pakaipa nhasi"* Akabva atocutter fon, ndakasara ndakangotarisa fon, ndichisekerera zvangu. Ndakabva ndatomuka ndokunobika kukitchen. Ndakafonerwa namai Elder rimwe zuva, vachiti ndivabatsirewo kugadzira hameno zvinhu zvavaiti zvebirthday. Ndakaoneka mhama pamba ndokuenda kuSt Mary's ndiko kwavaigara, kana chandakanga ndadanirwa ndakachishaya nekuti basa vaindirambidza kuita, vaingondibvunza zvavo zvimwe zvaida marecipe. Zvinhu zvakatanga kutakurwa zvichiiswa kwaiva neparty kwacho, ini kwakunzi ndakunosiiwa kumba. *Ini* "Kkkkk ko ndafunga kuti party yacho iri kumba kwenyu ini" *Mai Elder* "Aiwa mufundisi, iri kumba kwemunin'ina wangu" Tichisvika pagate ndakaona pamba pane vanhu, handina kana chandakafunga ko kwagara kumba kwaigara kune vanhuka kunyangwe zvavo apa vaiva vakawanda. Pandakazosvika padhuze ndakambosvotwa shuwa vanhu kundishandisa zvavo, party yaiva yangu, aiva madzimai akanga andiitira kitchen party zvavo. Hanzi "Mufundisi nhasi tisu tiri kukudzidzisai" chiona zvaidzidziswa zvacho kkkkkk ndakaita mabayo nekuseka ini, zvese nekunyara. Ma'am vainge vadaidzwa, vaivapo ndaiva ndotonyara zvangu. Ngapaite vamwe mai vakaita zvematongorwo enyika vakasimuka ndokuti "Ndanga ndauyawo neprayer yemubedroom zvino ndazonzwa kuti mufundisi uye takakomberedzwa nemafundisi saka regai ndiite hunhu.Ndava kungoti mwanangu wadadisa Mwari ngaachengetedze imba yako." Pakabva pasimuka mufundisi umwe aiva akokwa ipapo achibva ati... "Sorry mhama hamuna anokurambidzai nekuti mafundisi amuri kuona ese aya kana kwadoka vanopinda mumagumbeze nevarume vavo. Saka iye ngaaende achitozvizivaunotenderwa zvenyu mhamha sunungukai tese tavinga kuzodzidzisa mwana sikana." Mai vaya vakasimuka ndokuti. . "Aghhh mazvita henyu saka tose ngati tambanudze maoko edu kuna Muchanyara titevere kumashure kwangu" Vakambokosora ndokuita kakuseka kwakuzoti... "Mwari tinokutendai nechiitiko chiri pano. Tinaye Muchanyara wamasarudzira mudiwa wake. Takunamata nguva dzino kuti pachasangana mbo** nemhe*** zvavo zvinakirane. Ipaiwo Muchanyara simba rekupa murume wake be*** makuseni masikati nehusiku. Munhu ngaasvi*** nyangwe mutoilet munhu ngaasvi*** nyangwe mukitchen.Ipaiwo mwana uyu Simba rekusimudza chiuno kuti chikapa chibude. Murume waMucha ngaazive kubatawo mukadzi zamo nedin** kuti akasire kudaira bonde. Mupei simba neruzivo aizive kuti murume anopiwa chimutsa nedako mubvisei humhandara Maria musande kana apinda mubedroom. Be** raMuchanyara ngaritapire kunge raiswa sugar, naiyowo mbo** yemurume wake ngaigwinye kunge time richangobva kujima.Taramba mbo** inodhefa kana kutepuka tepuka nguva yekusvi**. Vaviri va ngavazive kuti kutukana kwavo nemuromo hakutsamwisi mbo** nebe***. Ngamubvire rudo mumba umu in Jesus name tese titi Amen. Nhaimi handisati ndamboona mai vechikuru vasina kukwana kudaro. Ndakayerera misodzi kuchema nekuseka ini ko madzimai kutsinhira kwavaiita asi pavakapedza ndakaseka zvangu vanhu vese vainge vabata zvitauro vachichema nekuseka. Ndakadzidziswa kugarisana nehama dzemurume uye kuziva zvinoda murume wangu aiwa Iiii chokwadi ndechekuti ndakadzidza. Zvipo zvakabuda asi kutoita sendava pamuchato pacho. Ende hazvina kuita zviya zvekuti unowa 30 madinner plates Aiwa vanhu vakanga vaine group rawainzi sarudza chauri kukwanisa kutenga. Ndakatodzidzawo zveshuwa makitchen party mazhinji unozoona munhu asara nemawaterglass chete zvino apa zvaiva zvakasiyana. Ndakaona rudo, ndikaona kudiwa uye kutambirwa kukuru kumadzimai ndoda kukuudzai chimwe chinhu hama dzinodiwa chinhu chinonzi church chinokosha. Ndaiva ndisina kana hama, tete vangu vakadaidzwa zvavo asi madzimai ndiwo aiva azere nevekumwe kwandaimbono paridza kusiri kuchurch kwangu vakauya kani. Mazuva haambomiri kufamba, zuva remuchato rainge rava kutosvika. Mai vangu vakauya ndokunanga kumba kwaMa'am zvavo ndakatofara kuti hukama hwangu naMa'am hwadzoka, vakaramba kuuya kwaMufundisi uyezve vaiti vanoda kumbotenderera mutown, saka vaida panhu pakasununguka.Hama dzekwababa dzaingonangawo kumba kwatete vamwe ndivo vaingoindawo mune dzimwe hama kuri kumirira kuti kuyedze. Manheru ndakaudzwa naElliot kuti vabereki vake vakanga vasvika apa ndakanga ndisati ndambovaona, ndakada kuti ndibude sezvo nguva yakanga ichipo asi ndakarambidzwa, ivowo vakatonditi zvaisaita kuti ndifambe usiku. Manheru acho takamborara here kkkkkkk ndakarara ndichifara zvangu nevasikana hanzi "sisi handiti ndiro zuva redu rekupedzisira nemi here" Kuseni takamuka zvedu ini kumuka nekunzi ndipinde ndigeze, ndakazvipa nguva yangu kani, kunzwa ndega kuti ndageza kwete zvekunyepa iro ganda rangu rikati rakanga risisina kana chivara chitsvuku zvaro. Zvekunzi kudya ndakatadza ini, ndakapinda kupfekedzwa uku mumoyo mangu maiuya rwiyo _Ndichava nhoroondo_ kkkkk ndaifunga zvangu kuti ko ndikachipati zvangu _Honaiwo dzava nhoroondo_ kuita kwaMwari. Tariro ndiye aiva best girl wangu, Ndaivandambotika Ruva kkkkkkk ko handiti ndiye akarwara kuti ndisangane naDoctor aikaka zvimwe zvatinotsamwra kuti zvauyirei muupenyu hwedu,totozvitora kuzviita dambudziko. Imi zvimwe zvacho haasi matambudziko asi kuti zvinenge zvitori ladder rekuenda kwawakananga, ini rangu ladder hwakava hurwere hwaRuva.Ruva akaita dambudziko remabayo ndosaka asina kuzokwanisa . Ndakazoona zviri boe kutora muniin'ina wangu, weganda ranguka kkkkk. Vana mhama vakanotorwa vakauya kumba kwaMufundisi kuti tibve pamwe,yaghh mai vangu vaiva vakachena veduwee,zvaisabvunzwa kuti muridzi wemwana ari kuchata ndeupi.Vana Helen vakauyawo uhuuu kutotsikitsira kunyara chaiko, Vangu tete kkkkk vaisagarisika kani,Mufundisi naMother vaiva vakapora zvavo asi ndaizvinzwa mandiri kuti ndivo vanhu vainzwa kufara kudarika vamwe vose. Tete vaida kungotaura taura tunyaya pasina, haiwawo ndakazviignore ini. Takasimuka kunanga kuchurch kkkkk Ruva manje hanzi..... "Sisi ndiri kuita sendiri kurota kkkkkkk" *Ini* "Hausi kuzvibvuma here Ruva?" *Ruva* "Kkkkk Mwari vakanaka sisi,ndoshuvawo kuzoita izvi veduwe, ndapota mundisiirewo idzodzi nyasha." *Ini* "Chinoda Mwari ishoko rinobva mumuromo mako Ruva, zvawatotaura kudai chizvibata wova nekutenda kuti unochata. Mwari vanosvinurira shoko ravo,...... Iiii honai pachurch pazara wena." *Tariro* "Hiiii sisi ko mota kuwanda kudaro nhai Mwari,imi honai mota dzatoparker kunze kwegate, iiiiii honai mota idzo,imi mota mbiri idzo ndedzemuno muZimbabwe here idzo?" *Ini* "Ma1 dai ndakasiya vanhu vakaita zvavanoita pavenue apa,space yaita diki. Ko ivo vabva nepikowo vanhu vacho?" Paiva pakazara zveshuwa ndakambogara mumota kkkkkkk tete kundipukuta pukuta kani ndakazonzi ndipinde, ndakapinda ndakabatwa naSteven.Vanhu vachipururudza kani..... Marriage officer vakatanga basa ravo,Steven akandisiya mumaoko aElliot, iye manje kuita kunyemwerera zvake. Baba vangu vaiva vakagara namai vangu ,moyo wangu wakambobatikana ndakavatarisa, ndichifunga zvangu kuti chokwadi kuzvarwa kwangu ndiko kwaiva kwaita kuti vaviri ava vaparadzane. Dai baba vangu vainge vasina kuzosara vachiita vamwe vakadzi ndaivabatanidza zvekare, vaiswera vava chijaya nechimhandara, asi iiii ndakati regai mai vangu vazvigarire zvavo. Nguva inoda vakawanda kkkkkkk ,vamwe ndiyo yavaida apa ini ndaiita kunyara mhaiweee,dai zvaigona kuti ijambwe ndaida zvangu zvino pakaitwa muchato, poshaikwa kiss necake zvadhakwa. Ndakakasira kubvisa muromo wangu nenyadzi, aghhhhhh vanhu kutanga kunetsa kuti tidzokorore, ndakafara marriage officer akutoenderera mberi. Ndakaipfekedzwa ring,ndikari signer bepa chokwadi,ndakaruona ruoko rwaMwari. Masteps iiii vakomana nevasikana vaitamba zvavo ivavo,kwete zvishoma. Yakasvika nguva yezvipo,vanhu vaisimuka vachitaura vakabata zvipo zvavo vanhu voombera. Zvipo zvakabuda, madzimai ekuchurch akaisa akazvimirira, church yakazvimirira kugoti mafundisi akaisa ari pawo ma youth ndizvozvo. Ini zvangu kuhama ummm vashomanene vakabvisa uye zvaibviswa zvacho zvisina musoro. Mai vangu ndivo vakaisa 4 plate stove nedish raiva nendiro nezvimwe kubva kumutsvairo. Akasimuka ndiMa'am asi vakakundikana kutaura ndakazvinzwisisa zvangu zvaiva pamoyo pavo vakaisa nemakitchen chairs ayo andakabva ndaziva kuti ndiwo aiva avo ivo, Baba vangu vakasimuka vakatipa fridge mombe hanzi iri kumusha kkkkkkk uye vakabva vati...... "Ndinokutenda Muchanyara mwanangu, wadadisa,ini baba vako ndine kunyara kukuru,ndine kuzvishoora, kuzvituka kukuru. Kusaziva kufa, ndinoti kuhama neshamwari,ukaona mwana wako auya ari musope usavhunduka, tambira zvawapiwa nashe mwana akangofanana nevamwe.kubudikidza nemwana agere apo ndakuzivawo kuti kunzi munhu musope hazvirevi kuti aremara. Kuvana vangu vandichiri navo pamba vanova vanarowo ganda iri, kutanga nhasi ndichakupai rudo rukuru, imba yako ngaive yakaropafadzwa mwanangu izvi ndiri kutaura zvichibva pasi pemoyo wangu. Mukuwasha ndinokutenda nekuda mwana wangu zvakatadzikwa neni baba vake. Mudzimai wangu denga ndiro richakutenda rega, ndaiti kuzvara masope kwangu kuroiwa ndisingazivi kuti kuropafadzwa, Mazvita henyu vandipa nguva." Nguva yaitaura baba vangu, ndakayerera misodzi Elliot akazviona akatanga hake kundipuruzvira kumusana, chokwadi ndaiva ndakutochinja surname kushandisa yemurume, ndichibva mune yamai ndisina kana kushandisa yangu chaiyo,vanhu vaikanda zvavo zvipo tezvara vangu navamwene ummm vairatidza kuva nerudo zvavo kani,takatengerwa imba ini ndikapiwa motor yakatonzi ndeye muroora . Zvakandishamisa kuti ko vanhu vane rudo kudai vaivepiko pandaikanga mhodzi dzemanhanga ndichidyisa sadza, ndokuzoona kuti chimwe nechimwe chine nguva yacho. Kuhama dzaElliot kwakabuda zvinonzi zvipo ndaiva ndotonyara asi kungoti ndakazo vharidzirwa nevechurch nevamwewo vaingondiziva.Kune vamwe vakuru vakuru chaivo vakauya vachiti vavinga kuzondi korokotedza. Takazonzi tiende kunotorwa maphotos ,takaenda ndokudzoka, chikafu chinombodyika here,vanhu kuda kuonekwa kuti ndanga ndiripo pamuchato kkkkkkk zvakaoma. Ndaingoona vanhu vachiuya kukorokotedza zvavo.Elliot aiita kungosekerera zvikanzi.... "Magadzirira here woman of God?" *Ini* "Kugadzirirei nhai Elliot?" *Elliot* "Agh ndodana marriage officer izvezvi, wauri kuti Elliot ndiyani?" *Ini* "Haghhh kkkkkkk kwana, okey kugadzirirei nhai Shewe?" *Elliot* "Kupaka goridhe kune vamanga makachengetera." *Ini* "Igaroziva ndingagorega kugadzirira ini ndichiziva kuti nguva yacho yakwana here?" Takaseka zvedu,takasiya vanhu vachiripo ndokuenda.Ndakangoti ndichisvika kumba kuchibva kwatosvikawo mota yaiva yatotumirwa kuti itakure zvinhu zvandainge ndawana pakitchen party, ndakaoneka hama neshamwari dzaivapo ndokutopinda mumota. Ndaitika ndoenda kuchiroora asi zvaisava izvo,taiva tatogadzirirwa kuti tibude kuenda kuhoney moon. Takasimuka kuenda kuMatobo hills , zvaindiitira funny, kuti saka vanhu vanenge vachiti takaendako kunoitei kkkkkkkk . Nyadzi ndaiva nadzo asi sezvinhu zvandaigaro dzidzisa raisava dambudziko zvangu.Muroad Elliot aisagona kani, takasvika paya, Elliot wacho akangoenda pareceiption ndokutaura neaivapo, handina mari yandakaona yaakabhadhara asi ndakaona ava kutopiwa makeys tichibva tatoenda zvedu kune imwe room. Tichivhura room iya eish maiva makashongedzwa, makatonyorwa kuti makorokoto. Takambozorora zvedu, apa kwaipisa. Ndakati kuna Elliot... "Ndatsva ini rega ndigeze" *Elliot* "Itii kwapisa ngatigeze" Hana yangu yakabva yandiudza kuti ma1 atotanga. *Simba rangu rinobva mumareactions enyu mufunge. Ndiyani nani vandiri kugonera? React ndimuone* End of chapter 31
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 587

Comments